Sunday 18 February 2018

Nyaya yeNgozi mumusha


Kuchirudzi chedu chechiKaranga kune mitemo yakawanda chose isingabvimigwi kusateveregwa. Mitemo yacho yakawanda mitemo yakanaka chose pakugadziridza nokuvaka mhuri dzedu, uye kuhwisisana mumaraini edu mukugara pamwe chete.

Chinhu chikuru chinoita kuti imwe yemitemo iyi isatevegwa nevanhu vakadzidziswa mitemo iyi, inyaya yokuti hapana mapurisa erudzi anofamba achitonga munhu kuti sei arega kuteverera mutemo wekuti newekuti. Pamwe dzimwe nyaya dzinoendeswa kwaSabhuku kana kuti kwaShe, asi zvinji dzacho dzinonetsa kudzitonga nokuti hapana zvakanyogwa zvingahi ndiwo mutemo wacho.  Tinopedzisira tava kungoona munhu akanganisigwa otsvaka maitire aangaita kuti nyaya yake igadziriswe. Kazhinji iwe nyakukanganisa ndiwe unongozoona wega kuti washaisa munhu mufaro wobva wanokumbira regerero wobhadhara huku kana mbudzi, nyaya yohi yapera.

Kana nyaya yako isingagadziriki nehuku kana mbudzi, sokuti inyaya yaitika mumusha, tinoona vakuru vachikushisidzira kuti zvawaita zvinokonzera ngozi saka unofanira kuwana mukana wekuzvigadzirisa. Kune nyaya dzakawanda dzinokwanisa kuhi dzinokonzera ngozi. Dzimwe dzacho ndeidzi:
  1. Mwana kurova mubereki wake
  2. Mwana kubata mai chibharo, Mai kubata mwana chibharo
  3. Baba kubata mwanasikana chibharo
  4. Vana vemunhu umwe kuvatana
  5. Kusecha hombodo dzemunhu akafa nokuba zvirimo
  6. Kurera mwana kumadzisekuru ake vokudzinza rake vasingazivi kuti kune mwana
  7. Kuuraya munhu asiri hama yako
  8. Zvimwe zvakadaro zvinozikamwa kuipa kwazvo
Vanhu vakawanda vanowanikwa vachiita nyaya dzakadai vanhu vanotova nemweya wakaipa kureva kuti vanogwara fungwa nechekare. Kana kukashaya anosungisa munhu akadai, kunofanira kuwanikwa munhu anokwanisa kutaura naye kuti asazoita mhosva yakadai futi. Fungwa dzake hadzina kugadzikana zvakanaka.

Kana kukashaya anokwanisa kumutsiura zvoreva kuti achatopamhwazve zviito zvake.  Pakutsiura munhu akadai kumushisidzira nenyaya dzengozi kunokwanisa kushanda asi kana wadaro chihwisisa kuti iye achafunga kuti anofanira kuripa ngozi kuti asakanganisika upenyu hwake nokuti akatoita mhosva kare. Saka panofanira kuitwa mutambo wekuti ngozi isavinga munhu uyu.

Ngozi Chiiko?
Ngozi kushaya mufaro kwevakuru verudzi gwakanganisigwa. Asi vakuru ava havasi vanhu vapenyu. Vanhu vakafa kare kare. Zvinohi kuChivanhu, munhu akafa ane vana, anoramba achiriritira vana vake murufu. Kana umwe wevana vake, vazukuru vake, vana vevazukuru vake, vakashaiswa mufaro kana kukuvadzwa, mukuru uyu anoshayawo mufaro, obva akonzera ngozi kuna nyakukanganisa.
Zvinoonekwa kuti hazvigoneki kuti munhu akafa kare kare ahwisise kuti vana vake vakanganisigwa. Tese tinoziva kuti kana munhu akafa haachakwanisi kuterera kana kuona zvinoitika panyika. Kune vamwe vanofunga kuti munhu pakufa anobuda mweya uye mweya uyu une njere dzakangofanana nedzemunhu mupenyu saka anongoita zvaanga achigaroita asi kungoti ava kukwanisa kuenda kwese kwaanoda kuenda nokuti haachisina muviri wemunhu. Zvinohi mweya unoenda chero kwawada kuenda. Tese tinoziva kuti mweya haukwanisi kungova wemunhu umwe chete. Mweya ndewedu tese. Tinozivazve kuti munhu akafa haachisina mweya.

Kana tichitaura chokwadi, hakuna chinhu chinohi ngozi. Kana ukauraya munhu hapana chakaipa chinoitika kwauri chingahi chaitiswa noumwe munhu akafa kare tichiti nokuti anoera mutupu umwe chete nomunhu wawauraya kanakuti mwana wemwana wemunhu akafa kare wawashaisa mufaro pazviri. Bodo hakuna zvakadaro. Ichi ndicho chokwadi.

 Asi kana ukauraya munhu, hazviiti kuti ugare wakagadzikana hana uchiziva kuti wakauraya munhu, zvisinei kuti munhu iyeye ihama yako here kana kwete. Kana ukabata munhu chibharo, zvisinei kuti uhama yako here kana kwete, hazviiti kuti ugadzikane hana pazviri. Zvisinei kuti fungwa dzako dzakatokanganisika kare here kana kwete. Kugadzirisa nyaya dzengozi hakunei nevakafa. Inyaya yokuti isu vapenyu tifunge kuti nyaya yapera. Mhuri yese yenyakupara mhosva nouyo nyakukanganisigwa yaudzwa kuipa kwenyaya ikabvuma kuti muripo watariwa nevapenyu wakakwanirana nemhosva.

Kana ukaba chinhu mumusha meumwe munhu, ukabatwa, ukakumbira regerero, ukaripiswa zvese nokudzosera chawange waba, nyaya yapera. Fungwa dzako dzinoti nyaya yapera uye zvokuba handichaiti. Uyawo awange wabira anobvumawo kuti  nyaya yapera.  Hana yako pazviito zvako inotanga kugadzikana. Zvichibva nokuti chii chawakatauri padare rakakuripisa, vamwe vemuraini vanokwanisa kutanga kukuona semunhu ava umwe wavo, zvoreva kuti hauchavafungiri kuti vanokuona somunhu akaipa.

Napo napo vanhu vanombotaura nezvokuipa kwako asi vamwe vane tsitsi vanotaura nokushushikana kwako pakuipa kwezviito zvako, kureva kuti vanokuona uri munhu akanaka dzimwe nguva.

Kune vanhu vakawanda chose mhondi chaidzo kuitazve masoja anouraya vanhu vavasingazivi . Kune masoja anoti akauraya munhu zviri zvebasa chaizvo, anokwanisa kusamboita basa nazvo, koita mamwe masoja akareriwa zvakaemurika, anoshushikana nokuziva kuti auraya munhu waange achikwanisa kusauraya asi kubata somusungwa. Anokwanisa kushushikana pazviri zvokusvika pakuti kuitwe chimwe chinhu kana mutambo wekununura fungwa dzake panyaya iyi.  Kuhwisisa ngozi uye kuti nyaya dzekutyisidzira vamwe nengozi dzakaitigwei, kuhwisisa kuti murudzi gwedu tiri vanhu vanofarira kugdzirisa PSYCHOLOGY yevanhu vatigere navo. 

Tinohwisisa kuti pane dzimwe nguva munhu anokanganisika fungwa iota chinhu chakaipa, pamwe oenda kujeri kwemakore akawanda. Kana adzokako anofanirazve kugamuchigwa mumusha nomuraini. Kuti agamuchigwe panoitwa mutambo unohi ndewekufadza vakuru vemusha vakafa kare kuti vagamuchire kukumbira regerera kwemukanganisi uyu.  Kuyawo kwaakanganisa vanofanira kugadziridza musha wavo kuti vapenyu vemusha vafunge kuti nyaya yapera nokuti yagadziridzwa.

Ndiro basa renyaya dzengozi. Hakuna chinhu chaicho chinohi ngozi nhingatoitika pakukanganisa kwemunhu chinoitiswa nokushaya mufaro kwemunhu akafa kare. Hazvikwanisiki. Asi kuti ndigere pano ndinokwanisa kufunga kuti mbuya vangu dai vari vapenyu vaindiona sei pachiito change ichi. Kana ndikafunga kuti hava fari nazvo, ndinokwanisa kuhwa ndiri munhu akaipa pamberi pemhuri yangu. Kana zvadai ndichahwa ndiri munhu akaipa kusvika mhuri yangu yati ndave munhu akanaka.
Kuti vati ndiri munhu akanaka vanofanira kuudzwa numunhu ari IMPARTIAL, anoziva zvaari kutaura. Munhu wemweya haabvunziki, haafungigwi kuti angakanganisa, haana anomushora, saka kuti  zvabva kumadzitateguru uye kwahi urayai mombe mubike doro mudire rimwe pasi vagokuregererai  zvinobva zvaratidza kuti mhuri yese yava kundiona semunhu anohwisisa  kuipa kwake panyaya uye ava munhu akakodzera kuva mumhuri kana mutambo wapera.

Ngozi muVanhu vane Chitenderi
Nyaya dzengozi idzi inyaya dzakakosha chose nokuti dzinounza inohi REHABILITATION kumunhu akanganisa upenyu hweumwe munhu zvese neupenyu hwake iye, uyezve nokumhuri dzese dziri munyaya iyi. Kuvatendi, vanhu vakawanda nevafundhisi, vanoona sokuti nyaya dzengozi inyaya dzevahedheni dzisina maturo . Bodo. Inyaya yakakosha chose nyaya yengozi. Zvikuru kuvatendi. Kana mutendi akakanganisa sokuti aita chinhu chakaipa, anofanira kuwana mukana wekutaridza kuti anobvuma kuipa kwake uye pane zvaadzidza panyaya yake zvokuti akwanise kusazozviita futi achinyadzisa vamwe vatendi. Anofanirazve kutaridzwa kuti vamwe vatendi vanohwisisa kukumbira kwake regerero zvokuti vanomubatsira kudzokera musangano ravo.

Mazuvano kune vanhu vakawandisa vanoita zvitadzo mumakereke umu nokuda kwekuti vamwe vevafundhisi vedu Havana hunhu. Kana sangano renyu rikashaya maitire e REHABILITATION munokwanisa kukanganisa upenyu hwevatendi venyu vanenge vaita zvakaipa.  Kana mufundisi wenyu, zvikuru avo ve RHOMA vanopota vachibata zvanakomana chibharo, akashaya mukana wekusapotiwa mukusungiswa kwake paanobuda mujeri, zvinoreva kuti hapana inohi CLOSURE panyaya yake zvese nenyaya yechimwana chaakabata chibharo.

Kune avo madhikonikadzi vanowanikwa vachihura nomufundhisi, kudzinga mufundhisi basa hazvirevi kuti mudhikonikadzi haachisiri hure pakuona kwevamwe vatendi. Kunofanira kuti musangano renyu munge mune mukana wekuti nyaya dzakadai dzigadziriswe zvinoonekwa kuti nyaya yagadziriswa. REDEMPTIVE DISCIPLINE. Ndicho chinhu chikuru mudu.

Tese ngatihwisise kuti vanhu vekare vachigara pasi vachigadzirisa chivanhu nemitemo yacho vakaronga nyaya dzese  vachihwisisa kuti munhu umwe noumwe anokwanisa kukanganisa, uye kana akanganisa anokwanisa kuvengwa nevamwe. Panofanira kuiswa mukana wekuti agadzirise nyaya. Panofanirazve kuiswa HIGHER AUTHORITY  inotyiwa nevanhu vese. Ndokubva vati Ngozi inokuvinga kana ukasahwisisa kuipa kwako kwatinenge takuudza.  Avo vanozvibudisa mumagarire awa vachitora chitenderi, hwisisai kuti imwe mitemo yechivanhu uye kuti chii chatingadzidza kubva kwairi.  Tadaro ngatitore zvakanaka kubva kumitemo iyi tounza kuno kuchitenderi chedu kuti vanhu vakwanise kugara zvakanaka.

Kuudza munhu kuti uri kumunamatira chinhu chakanaka chose asi kuudza munhu pazere shamwari dzake kuti zvinofadza kuita chimutambo chokumugamuchira musangano, uye kumupa mukana wekutsanangura maonere aanoita nyaya yake kubva musi waakanganisa, kusapotiwa kwake pakuenda kujeri, kuvhakashigwa mujeri kuziva kuti vamwe vemhuri yake yesangano vanofunga nezvake, chinhu chakanakawo kuti vaya vanozviona sevanhu vasingaiti mhosva vahwisise kuti munhu aita mhosva anohwa sei.  

Ngozi hakuna. Hapana zvazvinoita nokuti vanhu vengozi vanhu vakafa hapana chavanoudzwa vakahwisisa. Havana simba rokugadzirisa nyaya kana kupanicha munhu akanganisa. Ngozi ndeyedu isu vapenyu kuti tigarisane zvakanaka.

Nyaya yengozi Mumba:
Kana uri mumba nomukadzi/murume wako nevana, hwisisa ngozi. Kana ukakanganisa kana kukanganisigwa, wana mukana uye chido chokugazirisa nyaya. Kumbira regerero nokukasika. Kana umwe wako achiramba kukupa regerero zama kuhwisisa kuti chitadzo hako chamugumbura zvakadii. Kana abvuma kukuregerera funga pazviri umutsanangurire kuhwisisa kwako pakuipa kwechiito chako uye kuti uchaita sei kuti zvisazoitikazve. Kana waudza munhu kuti wamuregerera, usazoti matsamwisana wochitanga kupopota uchinovhukunyura nyaya dzawakambomuudza kuti wamuregerera. Nyaya dzomumba ngadzive imwe chete pachayo yega pasina dzimwe.

Udzai Vamwe !!!!!!!


No comments: