Friday 29 June 2012

Kurhojewa une mimba


Chokutanga ndechokuti kana wabata mimba zvinoreva kuti mwana ava kukura muchibereko chako. Mimba inotanga kana waiswa urume muchitubu. Urume hwacho hunofamba kunosvika hwapinda nepamuromo wechibereko uri mukati mechitubu. Kana mimba yabata, muromo wechibereko unobva wavhara zvokuti hakuna chichapindako futi. Izvi zvinoreva kuti chero ukazoiswa urume muchitubu hunongogara muchitubu kusvika hwafa kwapera mazuva matatu. Hahusviki kumwana nokuti mwana avharigwa muchibereko.

Usatya kurhojewa. Hazvinei nemimba yako uye murume haakwanisi kundogumha mwana. Chombo chake hachina kwekupinda nako muchibereko. Funga kuti mimba inoita mwedzi mipfumbamwe mwana asina kuzvagwa. Kana mwana azvagwa munoita mwedzi nehafu makamirira kutanga rhoji. Saka ukada kurega rhoji, zvoreva kuti muchaita gose rese makamirira kutanga futi. Panguva iyi unoda kuti murume wako ange achiitei? Anokuona mumba zuva nezuva achiita zemo akuona usina hembhe asi iwe uchiti une mimba saka haudi zverhoji. Gore rogonoti dhuu muchingodaro. Unenge uchiti wapanichirei murume wako. Aita sei munhu angokupa mimba yakanaka kuti ugozvara mwana wenyu mese? Hwisisai apa.

Vakawanda vakadzi vanowedzera zemo kana vabata mimba. Kwahi zvinoitiswa nokuti unenge usisafungi nezvokubata mimba. Unenge usisina hanya nazvo saka kana murume ari mukati unopfavisa muviri wowedzera kunakigwa zvichireva kuti uchakasira kudazve kurhojana. Asizve kune vamwe vanoti vakaita mimba, votohwa kusamboda kurhojewa. Ivava vanokwanisa kusada kwenguva, vozodazve imwe nguva.

Kana une mimba yakura, kuzvimba kwechitubu kana une zemo kunowedzera uye kunyorova kunowedzerazve. Kana mapedza panotora nguva yakati rebei kudzoka pazvimbo yapo asi unongosara wakazvimbirira. Unokwanisazve kungosiririka kamwe kaoiri kakatsetseka asi kasina ruvara kachiita semvura pakuonekwa. Zvese izvi kugadzirira kuti mwana agotsvedza achibuda muchibereko. Usava nebasa nazvo. Asi zvikatanga kunhuwa kasira kuenda kwa doctor nokuti unenge wava nechigwere (Infection)

Vamwe vanoti akaita mimba oiri inobudapo inoita ahwe kuvaviwa zvokuti anokwenya pamberi. Wasvika kumba bvisa bhurugwa ugare usina nokuti pamwe zvinhu zvakaita sekotoni kana siruki zvinokwanisa kutanga kungokuvava wava nemimba zvange zvisingavavi kare usina mimba. Kana ukaona kuti kuvava kwacho kwanyanya, enda unoona murapi upiwe mushonga wekuzora.

Mazamu:

Kana une murume anofarira kumwa mazamu pamunenge muchitamba paya, uchaona kuti kana mimba yakura unotanga kubuda mukaka paanomwa zamu. Iwo mazamu anenge akurawo kumirira kuzofidha mwana. Ganda rawo rinenge rawedzera kutsetseka. Kana pasina mukaka unobuda ingorega murume achimwa zamu akadaro ndizvo zvinomunakidza. Kana mukaka wobuda, iye ndiye anotokuudza kuti uri kubuda mukaka. Uchaona iye ega orega kumwa kana kuti oramba achimwa. Rega aite decision yacho iye ega usamuudza zvokuita.

Iwe hwisisa kuti zvinonzi kana mwana anonoka kusvika, toti pava ne 41 weeks, ukagaromwiwa mazamu zvinoita kuti chibereo chitange activity yokuzvara zvokuti unokwanisa kutanga labour. 

Maitire kana une mimba

Zvichibva nokuti dumbu rako rakura sei, pana maitire aunokwanisa kutadza kuita. Sokuti murume ave pamusoro, zvinokwanisa kunetsa kana dumbu rakura. Kuvata nedumbu kunokwanisazve kunetsa. Munokwanisa kuita wakafuratira murume, woita sewakakotama, mese makavata nedivi rimwe. Unosimudza gumbo kuvhurira murume. Murume akapinza iwe woderedza gumbo maita makadaro. 

Unokwanisazve kufongorera murume wako. Izvi ndizvo zviri nyorenyore. Unongozvisapota pamabvi ako nemagokora, musoro uri papiro, wopatsanisa makumbo, wodhefura musana, chitubu chova pachena. Murume haanetseki kupinza. Unotohwa oti sveverere opinda, napo napo otokoira.

Kana ukahwa kugwadza pamunoitana, kasira kuudza murume abvise chombo mochinja maitire kana kutorega musi iwoyo, mozozama mangwana. Iwe wega unohwa kuti kugwadza kuri papi woziva kuti ndekwekukanganisa rhoji here kana kuti ndekwezvimwe.


Munokwanisazve kuti mukadzi owanza kuva pamusoro pemurume akatanyanga murume. Izvi zvinobatsira kuti iye nyamimba anokwanisa kurerekera mberi kana shure zvichibva nokuti anoda kupindwa nechombo zvakadii ipapo. 

Kana mukadzi ane mimba, chitubu chinogara chakangonyorova nguva dzese saka kuisana hakunyanyi kunetsa. Usatya kuti chombo chinosvika kumwana. Mwana ari kure uye kwaari hakusvikiki, kwakavhagwa . Ingonakigwai henyu semazuva ese asi kungoti musatsimbirira mwana. 

Kuenda kumwedzi Une mimba:
Haukwanisi kuenda kumwedzi une mimba. Saka kana wabata mimba, zvokumwedzi wombozorora kusvika wazvara mwana. Kana ukafunga kuti wabata mimba, ukazoona watanga kuenda kumwedzi, chiziva kuti mimba yabva kana kuti wange usina. Kana mimba yange yakura ukaona ropa mubhurugwa, kasira kuenda kuchipatara nokuti dzimwe nguva vanokwanisa kudzivirira kusvodza. Dzimwezve nguva unozvara mwana nguva isina kukwana, unenge uchifanira kuva muchipatara kuti mwana abatsigwe nemichini kusvika ati kurei. Mwana apfuura 30 weeks anofanira kurarama zvakanaka asi vari pasi pe 30 weeks vanoda chipatara.


Kuzvara

Kana ukagaronakigwa nokurhojana nomurume uchiita ORGASM dzakawanda une mimba, unoita zviri nyore pakuzvara kupfuura munhu asina kurhojewa ane mimba. Zvikuru kana ange achiita ma Orgasm akawanda. Chaunofanigwa kuchenjera ndechokuti kana mimba yakura paya, ukaita imwe orgasm hombe, unokwanisa kutangisa kuzvara nokuti kana uchiita orgasm paya unoita maContraction anosvika nokuchibereko akangofanana neanoitika pakutanga kwekuzvara. Saka pamazuva okupedzisira rhojanai henyu asi moita muchiziva kuti kuzvara kukatanga mune chokufambisa here kusvika kuzvipatara.

Zvinonzi izvo urume whemurume muchitubu hunoita kuti chibereko chinyorovere zvokuti pakukura paya kuti mwana abude chinokasira kukura. Zvinonzi urume hune CHEMICAL inohi prostaglandin. Inobatsira pakuzvara. Zvinonzi kuwanda kwe Chemical iyi mumuviri wemunhu chero asina mimba kunobatsira pakuti ukakuvara kana kugwara inowanikwa mumasuru dzinenge dzine chigwere kana pedo nepakuvara ichibatsira kuvaka muviri kuti ukasire kupora.

Kana waita mimba, prostaglandin iyi inowanikwa mumasuru yechibereko ichikurudzira kunyorovera kuti pakutatamuka paya kuti mwana awane nzvimbo yokukurira uye kuti musuwo uvhurike mwana abude, iwe mai usakuvara nazvo. Zvino kana urume huripo pedo nguva huru, sokuti unogaropiwa urume nomurumme, zvinoita kuti Chemical iyi iwedzere. (APA ndiri kuti CHEMICAL asi akatowanda uye anohi ma LIPIDS) Urume hwakagadzigwa pachitozikamwa kuti zvinofanira kubatsira mese. Uku murume ari kufadzwa nokukurhoja, uku iwe uri kufara nokurhojewa ukuwo miviri yenyu iri kuita zvainofanira kuita kuti utano huwande. 

Zvinohizve vakadzi vasingagaroiswa urume vanenge vasina kugadzikana hana. Zvinonzi kana ukaita mimba ukafunganya une mimba kufunganya kwako kunosvika pamwana zvokuti haanyatsi kukura mudumbu uye unokwanisa kuzvara mwana ane zvimwe zvinhu zvausingadi, sokuti mwana anokura asina mufaro. 

Kozotizve vamwe vanofunga kuti hazvifanigwi kuti muchitubu munge makazara urume paunotanga kuzvara. Ini sokuona kwangu ndichitaurawo nemaNesi vajaira kugamuchira vana vachizvagwa, hazvina nebasa rese kuti une urume. Pamwe hazvitomboonekwi. Kana mwana obuda anongobuda chete uye anobuda ane zvakawanda pamuviri wake zvokuti vanotomugezesa. Kare vanambuya vaigamuchira vana, vairipisa murume huku kana vakaona urume pakuzvagwa kwemwana. Izvi zvaingoitwa wo kuti varume vape rukudzo kunaana mbuya. Mazuva iwawo vanhu vaifunga kuti rhoji inongoitwa kana murume ada rhoji. Vakadzi vange vasingafungigwi kuti vangadawo rhoji. Vakadzi vakawandisa vanenge vasina kugadzikana pamazuva ekupedzisira kwemimba saka kazhinji unoona kuti mukadzi ange achimboda rhoji chose anopedzisira akundwa nemimba.

Muviri wako unochinja zvakawanda kana une mimba. Chinhu chakanaka kuti usabata zvigwere zvakaita sedzibwa, mudumbu, musoro, nezvimwe. Chinhu chinotozikamwa kuti vanhu vanogarorhojana vanoita zvigwere zvishoma pane vasina. Zivazve kuti ukagwara ukamwa mushonga, unenge uchitopawo mwana mushonga wacho chinova chinhu chisina kunaka.

Kurhojana une mimba hapana chakaipa. Zvinotokupa chikomborero chokukasira kuzvara musi wekuzvara. Hauzoiti zvaro inoita zuva rese. Zvigwere zvinoita zvishoma, kupopotedzana kunoita kushoma kana murume achigarotapudzwa urume. Varume vanoita hasha kana vasingawani rhoji mumba. 

Pachivanhu:

Mukadzi kana aita mimba yokutanga anonosiiwa kuvabereki vake kuti vawane gurosari mwedzi yaanenge ari kwavo akamirira kuzvara. Iyi ndiyo nguva yaanoda kuti iye nomurume wake vaone zviri kuitika muupenyu hwavo. Mazuvano vakawanda vanoramba kuenda, vogara nomurume. Kana uri munhu wezvezviKaranga enda kumusha kwako asi ziva kuti hakuna anonokurhoja ikoko uye uri kusiya murume asina wekurhoja. Mazuvano haasi ekugara makasiyana. Unowanika murume aiswa pamuedzo. Munhu chengeta murume wako pachako. Zvechivanhu izvo ndezvakare. Kana mada kutumira gurosari tumirai henyu asi garai mese mutaridzane zvinoitika pamimba yomwana wenyu.

Kune vamwe kare munyika yedu vaiti urume hunorapa munhu ane labour yakarebesa. Ndakambotaura navamwe mbuya vaigamuchira vana vakawandisa kumusha vachiti ivo kana mukadzi akawanza nguva pakuzvara, mwana anoneta nazvo ozobuda asina simba. Vaiti ivo urume ndiwo mushonga wekuti mukadzi akasire. Kwahi ukamedza urume hwemurume unokasira pakuzvara. 


Summary yeZvinhu zvinobatsira pakuzvara
1 Kugaroiswa urume zvikuru pamurumo wechibereko. Zvinonzi ne Research dzakawanda dzakaitwa, urume hwemurume hukawanzopiwa mukadzi ane mimba, kuzvara kunomuitira nyore, mwana anozvagwa ane RESISTANCE yezvigwere yakawanda upfuura vana vevakadzi vasina varume. Izvi hazvirevi kuti utsvake murume wekungovata newe une mimba asiri baba vemwana. Bodo. Vata nababa vemwana. Kana wava pedo nokuzvara zama kupiwa urume nguva nenguva mukati mechitubu.

2 Kumedza urume, kunozikamwa kwese kuEurope ne America, ne Zimbabwe, nedzimwe nyika, kuti zvinobatsira chose kana wata Labour yakareba kana kuti mwana anonoka kuzvagwa. Ukaita zvinhu zviviri zvinoti Kuiswa urume muchitubu, uye kuti murume akubudisire urume umwe umedze, zvinoshandira vakawanda. Vakadzi vanofarira kusveta zvombo zvevarume vavo uye vachimbomedza urume, havaiti mimba dzinobva dzega sezvinoita vasingasveti, uyezve havaiti CONDITION inohi  pre-eclampsia seavo vasingasveti chombo.

3 Kudya ma PINEAPPLE. Kwahi zvinobatsira kuti utange labour. Asi ukamawanzisa unoita mudumbu. Ukaita mudumbu unokwanisa kutanga labour futi nazvo .


CONCLUSION
Nyaya dzese idzi dzinotaridza zvechokwadi kuti maitire edu vatema okuti munhu anonozvarira mwana kumusha kwake haandiwo. Unofanira kugara nomurume wako uchiwana SUPPLY yourume yakawanda kuti zvinhu zvikunakire. 

Udzai Vamwe!!!!
kuita bonde une mimba
kunonoka kuita nhumbu
bonde unemimba
Kuiswa une mimba
kuiswa une nhumbu
Bonde une nhumbu
Kuenda kumwedzi une mimba. 


3 comments:

Anonymous said...

ndatenda
zvikuru nedzidziso iyi ini ndine maweeks 38 ndakazvitakura iko zvino,
ndichiri kumurume huye inhumbu yekutanga ndakawanikwa / ndakaroora
zvakanaka vabereki vakabvuma kuti ndimbogara nemurume kusvika
ndabatsirwa then kusungira tozoita hedu coz vaiiti zvakanaka kuti tiite
muonera pamwe. mubvunzo wangu uri pakuti mwana wangu i breech zvino
rhoji haizokanganisi here nemamirire akaita mwana huye kuri kunzi
ndaitwa c-section ndinozotanga rhoji kwapera nguva yakadii?

Mai E Chibwe said...

Hapana chinokanganisa mwana asi kuti mwana zvaari breech, zvinoreva kuti ukatanga LABOUR unofanira kunge uri pedo nekuchaitwa C SECTION yako. Kuvata nomurume kunokwanisa kutangisa LABOUR kana mimba yave pedo sezvaita yako izvi.

Kana munhu akazvara mwana pasina C-SECTION, anofanira kuita mwedzi nehafu asati atanga nezvokuvata nomurume. Vamwe vane musikahwa vanokasira asi handizvo.

Kana waita C-SECTION unokwanisa kusvika kuma 8 weeks zvichibva noutano asi kuhosipitari vanokuudza kuti 6 weeks minimum sezvinongoitawo vazvara nokuzasi.

Hwisisazve kuti unokwanisa kuita mimba kwapera mwedzi wazvara saka munofanira kuronga yokudzivirira mimba.

Kana waita mwana inguva inonetsa chose nokuti pamwe unohwa uchida kuvata nomurume asi uchiziva kuti hazviiti, zvikuru kana makaregera kuvata mese pachine nguva kusvika pakuzvara. Asi mirirai mozoita zvakanaka nguva yakwana.

Unknown said...

Chokwadi