Sunday 14 September 2014

Basa rebhinzi yemunhukadzi

Bhinzi yemunhukadzi
Bhinzi yomunhukadzi haina rimwe basa rinozikamwa pane zvainoita kuzhe kwekuti inounza kunakigwa kwemukadzi pakurhojana nomurume uye pakuzvibatabata ari ega muridzi kana afunga zvokuzvibvisa zemo.  Pane zvitsinga zvinohi ma NERVES zvinova izvo zvinokonzera kuti unakigwe pakukwiziwa pamberi pese. Bhinzi ine ma NERVES anopfuura 8000 akangoungana ipapo pakanhu kadikidiki. Tichokombeya nechombo chomunhurume tinoona kuti chine ma NERVES anosvika 4000 ari muchimusoro chechombo chinova chikuru chose pabhinzi yemukadzi. Zvinoreva kuti kana mukadzi akabatwa zvakanaka nomurume akachenjera, anonakigwa chose kupfuura kunakigwa kunoita murume wacho.

Tinoonazve kuti bhinzi zveshuwa haina rimwe basa. Chombo chomurume chine mabasa akawanda. Kunoti kana achida kuweta, anoweta nomuchombo chake. Kana achida kupa mukadzi urume anomupa nomuchombo. Hino bhinzi yomukadzi yakangozvimiririra iyo chete pabasa iroro rimwe chete rokunakigwa kwemuridzi wayo chete chete.

 Saka mubvunzo ndewekuti: Zvinobhowa zvakadii kuva nomurume asingatombozivi kuti bhinzi yacho iri papi chaipo uye asina kana kumboiona kana kuva nehanya nayo kana kuikwazisa kana kutamba nayo? " Kana waita murume akadai, wana mukana wekumurondedzera nyaya yebhinzi nokumuratidza zvairi. Muratidze imire uye isina kumira ahwisise kuti maitire ayo akangofanana neechombo chake. Pakuzonakigwa chero ukamurondedzera sei haahwisisi nokuti bhinzi inonaka kumukadzi kupfuura kunaka kunoita chombo kumurume.

Iwe mukadzi jaira kuti murume aone kuti kana maoko oko ari pabhinzi yako uri kunakigwa zvakadii. Zviya kana wakavata manhede murume achikoira ari pamusoro, isa maoko pakati penyu uzvikwizirire bhinzi uhwe pane moyo uku murume achiwedzerawo. Murume ngaahwisise kuti pasina kushamwaridzana nebhinzi yako kunakigwa kwako kushoma. Ukasa dzidzsa murume nezvebhinzi zvoreva kuti iwe muridzi ndiwe hako uchazvionera pakunakigwa nayo pachako wega. 

Mukadzi anozvagwa ane bhinzi nechekare asi paanotanga kumera mazamu, bhinzi inotangawo kukura, uye ichigaromira chero avete hope sezvinoitawo chombo chomurume. Kusiyana kwacho ndekwekuti chombo chinotanga kumiri mwanakomana ari mudumbu asati azvagwa. Bhinzi inohi inozotanga musikana ati kurei. Vamwe vanotanga kumakore manomwe kuziva kuti kubata nokupurudzira bhinzi kunonaka. Vamwevo vanozoziva vati kurei mazamu omera.

Chombo chomurume vhinopedza kukura ava nemakore 18-21. Bhinzi yomukadzi inoramba ichikura kusvika apfuura makore 35. Vakadzi vakawanda vane makore anopfuura 35 vane bhinzi dzakakura mabazi mana (4 times) pane zvadzange dzakaita pamakore 12-14 pavanotanga kuenda kumwedzi.
Ukaona kukura kwebhinzi yomukadzi imire sokuti zviya ane zemo. Hwisisa kuti pasi payo pane mudzi wayo wakakura  ma CENTIMETER mapfumbamwe mukati memuviri wemukadzi kumativi maviri kubva paunoona bhinzi. Ndosaka munhukadzi anhiti kana achiita ORGASM pase apa panohwikwa kunaka kwapo. Kotizve kana chombo chichipinda nokubuda muchitubu zasi kwebhinzi, unonyatsihwa kunaka nokuti chinenge chichigofa nokukwizirira mudzi webhinzi.

Kune vakadzi vasingakwanisi kubatwa bhinzi nokuda kwekuwandisa kwemaNERVES avanawo. Vamwe vevakadzi vakadai vanhu vanokasira kuita ORGASM pakurhojewa vaya vanongoti kungohi chombo mwoo akakoigwa kwenguva yakaita kana maminitsi matatu otoridza mwere iota ORGASM, murume akaramba achimukoira iota futi imwe, zvichienda zvakadaro.

Kune vakadzizve vakawanda vanonakigwa nokukwiziwa bhinzi chero vava chembore dzava kumakore anopfuura 70, sezvinongoitawo varume vanoda chose kurhoja vaava vanhu vakuru. Unoona munhu achiiroora mukadzi ane makore 30 iye ane makore 75, asi mukadzi wake achizozvara vana kureva kuti ari kurhojewa nguva nenguva.  Chinoregesa vanhukadzi vakawanda kuramba vachirhojewa vakura kunonoka kunyorova muchitubu. Asi kana akangokwiziwa bhinzi anongoitawo Orgasm sezvaaita achiri mudiki.

Pamberi pevakadzi vakawanda panovavirira zvokuda kukwenyewa nguva nenguva. Chinhu chakanaka kumbotorawo nguva uchikwenya mukadzi wako pamberi pake pese kubva pa chota kuno kumusoro kudzika nepabhinzi nepamatinji kusvika sasi kuchitiubu kwakavakidzana nokushure.  Ukajaira kukurudzira murume wako kukukwenya zvinyoronyoro pese apa, sokuti muchiona TV kana kuti muchiita nyaya vana vavata, uchaona kuti anopedzesira ava kungoda kupinza ruoko mubhurugwa mako kana muri mega. Murume ngaajaidzwe kufunga kuti zvinonaka. Kana ava kukwenya iwewo chisudurusa makumbo umupe mukana. Muudze kuti bhinzi yamira nokuti mutauro waanohwisisa, iri ngari yokuti anoziva kumira kwechombo kuti kunorevei.  Kana akwenya mupewo maREWARD akaita sekumukisa kune chido chaicho, kana kumuisawo ruoko mubhurugwa make womupurudzira chombo. Chinhu chakanaka kuhwa chombo chichimira muruoko gwako.

Garoratidza murume bhinzi kana yakamira nokuti  kune varume vanotya bhinzi, zvikuri kana iri hombe. Vanofunga kuti inokuvadza chimwe chinhu.  Kana wako achitya, mutaudze pazviri ahwisise kuti bhinzi kanongori kachombo kadiki kasina dambudziko. Kana mambogeza anokwanisa kukisa bhinzi yako chinova chinhu chinonaka kupfuura kupinzwa chombo.
Bhinzi ndiyo HEADQUARTERS yokunakigwa kwemunhukadzi panyaya dzese dzekurhojana mumba menyu.

Bhinzi zvese nenyama dzakaipoteredza inozvimbirira kana zemo rawanda. Bhinzi yomira sezvinongoitawo chombo. Kana zemo rapera kuzvimba kuya kunopera. Asi chinoitika kuvanhkadzi kazhinji ndechokuti kurhojewa nomurume hakupedzi zemo, iri ngari yokuti murume anokasirisa kudiridzira mukadzi. Murume adaro chombo chovata mukadzi achine zemo. Zvadaro vakadzi vakawandisa mudzimba umu vanoita nguva yakareba zemo riya riripo. Hino kana achida kuvata, hope dzonetsa kuuya. Kazhinji anozoti murume abatwa nehope iye ozvibatabata kusvika aguta, zemo rapera ovatawo hope. Ndosaka tichiti varume dzidzai kuita nguva uchikoira mukadzi wako kusvika atanga iye kuguta iwe wozodiridzera hako mese moita hope dzakanaka.

Kana mukadzi avete hope: 
Varume vanohi vanomira chombo vari kupe kakawanda kusvika pa avhareji ye 5-8 times avete hope chaidzo. Vakadzi tinoziva kuti varume vedu vanomuka mangwanani chombo chakati twii chero makarhojana musati mavata.

Vakadziwo bhinzi dzavo dzinomira nokuzvimbirira kana vavete. Kumunhu wese mupenyu, zvikuru vechidiki, ropa rinoenda kunhengo dzapamberi kana vavete hope. Kune vakadzi vakawandisa vanoziva kuti pakupepuka mangwanani unopepuka une zemo uye wakanyorova zasi. Uyezve tinoziva kuti kana uchigara nomurume kazhinji unongosimudzira murume gumbo iye wokupinza chombo, mese muvete wozopepuka motorhojana, ipapo wakatonyorova kureva kuti wange wakanyorova uvete.

Bhinzi nechombo maitire azvo akafanana chose. inomirawo muridzi avete pamberi pese pozvimbirira muridzi asingatombozivi kuti ndizvo zvaitika. Pamwe unozokwanisa kurota uchirhojewa wotohwa kunakigwa chose uri kuhope asi pasina munhu akurhoja. Varumewo vanorota vachirhoja mukadzi zvokuti murume anotosvika pakubudisa urume muhope. Fungwa inenge ichitoona sokuti paita mukadzi wekupinza chombo izvo hapana kurota chete.

Hino ndipo pamuzoona vanhu vaya vakaita sevaporofita venhema vava kukubhadharisai mari vachikuudza kuti une munhu wekuhope wawakaroorana naye (Spiritual wife/husband) izvo bodo uri kungowanza maHORMONES ezvekuvatana saka muviri wako unomisa chombo kana bhinzi kana wavata. Iwe sokusaziva BIOLOGY wototoregwa mari nemakoronyera anoshandisa BHABHERI kuudza vanhu nhema. Iri ibhizimisi ratokura chose muAfrica mune vanhu vasingadi kuverenga mabhuku edzidzo. Zvikuru vekunaana West Africa uko. Kwedu takaita rombo rakanaka pakuti vazhinji vakadzidza. Anayo hake mari yacho yakawandisa regai atambise, ndeyake, 

SAIZI yebhinzi:
Bhinzi dzakasiyana siyana masaizi adzo. Kune vakadzi vane masaizi makuru koita vane zvidikidiki asi kunakigwa kwavo vese hakunei nezaisi yebhinzi. Asi kune vamwe vane saizi hombe dzokuti pakurhojana paya inenge yakatomira ichioneka zvokuti inokwanisa kukwizirana nechombo chichipinda nokubuda muchitubu. Saizi hombe ingangonakidza vamwe varume pakuitarisa iri ngari yokuti varume vanofarira zvokuona. Asizve inokwanisa kutyisa vamwe varume. Kune murume akambondinyorera achibvunza kuti ichokwadi here kuti pakurhojana murume akarega chombo chichikwizirana nebhinzi yomukadzi hachizokwanisi kumira kana ava noumwe mukadzi? Koitazve umwe aida kuziva kuti ndozvo here kuti bhinzi yomukadzi ikagunzva mwana pakuzvara mwana anofa.

Unongoona kuti kune vanhu vanoda kuudza vamwe nhema iri ngari yokuda kuvatengesera mishonga isina zvainorapa.

Saizi yebhinzi inobva pa 5 mm kusvika pa 2 cm kuvakadzi vakawanda asi kozoita vamwe vanosvika kuma 6 cm zvokuti kana mukadzi akadaro ava nezemo bhinzi yake inonyatsoonekwa yakamira zesvinoita chombo. Hapana chinotyisa ipapo murume anongopinza chombo nechepazasi pebhinzi yomukadzi wake vonakirana vakadaro. Saizi yebhinzi hainei pazviri.

Kuchengetedza utano hwebhinzi
Bhinzi yakafukidzwa neganda rakatsetseka kurubata rinova ndiri kanda rakagadzirisa matinji. Rinosinira oiri inoitisa hwema hwemunhukadzi. Oiri iyi inouzva bhinzi kuti igare yakatsetsekawo uye yakanyorova upenyu hwako hwese. Kana ukaita nguva usina kugeza pasi peganda iri unokwansa kuita gweme sezvinongoitawo varume pasi peganda rakafukidza chimusoro chechombo. Gweme rinoitira kuti usakwanisa kukuvara musoro wechombo kana bhinzi. Harina kuipa asi kungoti isu vanhu hatiridi nokuti rine hwema hwakaipa. Saka unofanira kuhwisisa kuti unogeza sei pamberi.

Panhu apa panoda kugezwa zuva nezuva. Kana ukahwa paita hwema, funga kuti kamwe chete pavhiki, zvikuru kana uri munhu anogaroita zemo achisinira oiri iya sezvandareva, unokwanisa kugeza nesipo nemvura, wobhenengura matinji wogeza pasi peganda rakafukidza bhinzi yako. Wopageza ne Vinegar. Unombonyika donje muvinegar wonyatsonyorovesa pese pamberi (usaisa muchitubu) womboira kwekanguva 5minutes , wozogeza nesipo. Vinegar inouraya mabacteria anoitisa hwema hwakaipa. Wadaro chimbomira vhiki yese usinazve kudaro. 

Mishonga
Kune vakadzi vanotaura kuti mushonga yechivanhu yakaita seyemufuhwira inoshandira zvinhu zvinotanga zvakwizigwa pabhinzi yemukadzi muzvinamushonga kuti murume aite fungwa yokungoda iye chete chete.  Uku kungotaurawo hako nokuti kana iwe uchiziva mushonga wakadai wekupa murume, zvoreva kuti mahure ese emraini anouziva saka ese achapa murume wako mushonga wacho. Zvozodii.  Ingodzidzsa murume kufarira bhinzi yako kuti iwe ugofarirawo kutamba naye nokuda kwekunakigwa kwete zvekutaura nhema dzemishonga izvo uchitambisa mari.

Kunyika dziri kumusoro kweAfrica:
Kunyika dzechiArabhu nedzimwe dzemaKristu dziri kumusoro kwe Africa vanoti kana mwanaskana asvika makore 13, vanomubata vomucheka bhinzi kutobvisa chaiko. Izvi zvinoitigwa kuti vakadzi vasahura. Kuri kusahwisisa kuti bhinzi ine mudzi wakakura chose unoita mukadzi anakigwe chero iko kabhinzi kasipo. Uyezve zemo haribvi pabhinzi, rinobva mufungwa saka hazvibatsiri chinhu.  Kana ukazikamwa kuti wakacheka mwana bhinzi, unokwanisa kusungwa.

Chimwezve chinhu ndechokuti mazuvano edu vanhu tichifamba famba kunyika dzakawanda usangoti wasanga nomusikana akanaka kutarisa wotoda zvokumuroora. Tanga wahwisisa kuti akakura sei nokuti anokwanisa kunge asina bhinzi. Hameno kuti unogaropatarisa uchifungei nezvaunoonapo.

Varume:
Kana wada kuhi PRINCE wekugona kurhoja, wirirana nebhinzi yomukadzi wako. Kana une mukadzi asingaiti orgasm nyore, imbozama kumubatsira nokurezva bhinzi yake. Asi hwisisa kuti kune vakadzi vasingagoni kuti bhinzi dzavo dzikwiziwe nokuda kwekuti dzine SENSITIVITY yakakurisa. Kana une mukadzi akadai kwizirira nyama dzakatenderedza bhinzi uye matinji ake. Kana une mukadzi ageza, pota uchimbomusvitsawo rurimi pabhinzi yake. Rurimi gunonaka kupfuura chombo muchitubu nokurekure, zvokuti mukadzi akakwanisa kurerusa muviri murume ari pabhinzi norurimi achikwizirira mukadzi haanonoki kupangura mhere yokunakigwa.  Kana une mukadzi anononka kunyorova muchitubu, unokwanisazve kumudaro mambogeza,

Asi ziva kuti kune vakadzi vanongofunga zvemishonga saka tanga wataura naye kuti akududzire kuti bhinzi yake iri papi inoita basa rei uye kana ari ega anoiita sei. Zvadaro chikumbira kuva shamwari yebhinzi yake yepamoyo. Kana azohwisisa kuti unoda bhinzi yake sezvaanodawo chombo chako, chipota uchisvikako uchiita nguva uriko, wongozotiwo umwe musi uchimukisa guvhu, wodzikira zasi zvishoma nezvishoma kusvika wasvika pabhinzi. womboitambisa norurimi, wokwizirira norurimi, woirezva norurimi.  Kuti arege kukubatirira musoro uripo zvinonetsa. Kana akubatirira chiti hekanhi waro uchipedza ngiuva uripo.

Uchaona kuti mumba kupopota, kufoya, kudii kudii, kunoita kushoma. Asi tinosvoda kukumbira varume vedu kudzira zasi norurimi veduwee. Ingodzirai mega pasina akumbira. Bhinzi inonakigwa norurimi gwemurume zvisingatauriki.

UDZAI VAMWE!!!!

14 comments:

Anonymous said...

ini ndiri murume, bhinzi iyi handiyioni pamukadzi wangu ndoita sei kuti nditambe nayo. Uye iri papi chaipo?

Mai E Chibwe said...

Chikuru ndechokuti iye mukadzi akuratidzi pane bhinzi yake. Haisi SECRET yokuti unotoita yokutsvaka iye asingazivi kuti uri kuitsvaka wongozoerekana yotambwa nayo. Kana makaroorana basa renyu pakuva mukadzi nomurume kudzidzisana zvinokunakirai. Saka iwe murume wemunhu mukadzi wako aidai akakuratidza kuti bhinzi iri papi uye kuti inoshandei ipapo pairi pacho. Hakuna mukadzi asingazivi kuti bhinzi yake inoshandei. Hakuna murume asingazivi kuti chombo chake chinoshandei. Saizvozvo muzvinabhinzi ndiye anofanira kurondedzera murume wake kuti nyaya yese iri papi.

Kune vanhu vanofunga kuti murume/mukadzi anongoerekana atodzidza chimwe chinhu. Uku kusahwisisa. Unohwa mukadzi achitaura kuti murume wake haagoni kumuitisa zemo asi iye asinawo kumborondedzera murume kuti chii chinomuitisa zemo. Murumewo kwahi mukadzi haagoni chikapa. Kana munhu awanikwa asina experience yezvinhi unoda kuti adzidziswe nani?

OK. Ukatarisa pamurume pane chombo ndipo pamwe chete pane bhinzi pamukadzi. Saka paya waitisa mukadzi zemo, ukabhenengira matinji ake uchaona bhinzi iripo nechokumusoro paidai pane chombo dai mukadzi ari murume.

Imwe nyaya veduweeka musajaira kurhojerana muruma. Munozodzima mwenje mapedza.

Anonymous said...

Nhai ndikaisa rurimi rwunokwanisa kusvikira bhinzi here kana kuti zvinoda vane rurimi rwakareba chose

Mai E Chibwe said...

Bhinzi haisi kure kwekuti unoda gwakareba. Bhinzi inongori pachena panoonekwa zvakanaka kana muridzi akavhira makumbo nokubhenengura matinji ake ana kuti murume akabhenengura.

Anonymous said...

ko kunevamwe vane manerves mashoma here zvokuti vanonoka kunzwa kunaka kana vakabatwa bhinzi

Mai E Chibwe said...

Hakuna vamwe vane ma NERVES mashoma. vanhukadzi vese vane akawanda kupfuura evarume nokure. Chinoitika ndechokuti kana iye muridzi aingazivi panoti kana akabatwa owedzera zemo, zvinoreva kuti haakwanisi kutaridza murume zvokuita.

Koitazve vamwe vanoziva havo asi vasingakwanisi kutaridza murume, iri ngari yokuti murume wacho munhu uya wekuti ukamuudza chinhu otanga kufunga kuti unoziva pane bhinzi yako nokuti pane murume akakuudza kuti une bhinzi. Vamwe varumendiwo mafungire avo. Vanoona sokuti murume chete ndiye munhu angaziva mashandire emuviri wemukadzi. Iye mukadzi haangazvizivi.

Mukadzi makurire ake ane zvokuita nokuzonakigwa kwaanoita kana akura. 85% yevanhukadzi vanoziva zvinonaka kana zvaitwa pamiviri yavo. 15% havazivi. Hino kwedu vakawanda vanokura vachiudzwa kuti uchaita murume ugozoita vana, nevazukuru. Saka anokura achihwisisa kuti achawana murume agovata naye.

Hakuna mukadzi ane maNerves mashoma pasina zvimwe zvakaitika kwaari.

Anonymous said...

Nhai mutsauko uripo pakubudisa secretion nekutunda kweOrgasm pakunakirwa pamunhukadzi zvakamira sei? Nokuti ndinofunga kuti mukadzi wangu ndikamubatabata akatota atonakidzwa do I have to go beyond that kumufadza

Mai E Chibwe said...

Mafungire ako awa akangofanana nokufunga kuti mukadzi wako akakubatabata wakamira chombo zvoreva kuti watonakigwa. Zvinoita here? Vese murume nomukadzi vanonyorova kana chombo nebhinzi zvamiswa nezemo. Izvi zvinongoreva kuti vane zemo. Murume anobuda oiri pamuromo wechombo. Oiri iyi haina kuwanda asi inoonekwa kusiririka kwayo. Kana murume akanonoka kupinza chombo mumukadzi chikaita nguva chakamira panobuda oiri inonyorovesa ganda rese rakafukidza chimusoro chechombo.

Ukuwo mukadzi akaita nguva akamira bhinzi nezemo, muhitubu make munonyorova zvokutsvedza. Pavanozopinzana hombo chinopinda zvakanaka pasina kugwadziwa. Kana mukadzi akanyatsa kunyorova murume akapinza akamukoira, pahitubu panokwanisa kubuda oiri iya. Pamwe inobuda iri pahombo yakaita sefuro jena asi pasina hwema.

Vese ipapo vanenge vane zemo. Kuti murume abve zemo anofanira kuramba ahikoira kusvika urume hwabuda muhombo. Kuti mukadzi abve zemo anofanirawo kuramba ahikoira murume kusvika aita orgasm. Apa hapana chinobuda asi kuti pamberi pese kubva pabhinzi nepahitubu nehibereko hiri mukati, nomudzi webhinzi nehiuno chese panoita kushosha nokutinhira nokubvundirira zvokuti muviri nefungwa zvinombosiyana muviri uchiita zvaunoda fungwa ichiita sokuti muridzi ari kubitirigwa nemvura uye ava kuda kutofa. Kufem nenge v kutdz, kuona haaoni, nyika yese inoita seyotenderera, fungwa yoita dzungu. Kutaura haakwanisi. Kufunga haagoni. Ndipo mukadzi anobatirira murume kuti asamira kukoira uye kuti asakwanisa kuvhomora chombo vasati vapedza. Murumewo pamwe anobatirira mukadzi.

Pazvinonoperera mukadzi anomboramba achifemereka asi zemo rinenge rabva mumuviri. Kupera kwazvo kumira kukoira kwemurume iri ngari yokuti iyewo adiridzira urume. Kana akanonoka akaramba achikoira, mukadzi anokwanisa kuitazve imwe orgasm.

Ndiyo siyano yekunyorova nokuitirana orgasm. Vakawanda vanonyorova asi vahasi vese vanoita orgasm.

Anonymous said...

Ini ndiri murume, nhai on average how long does it take kuti mukadzi asvike paOrgasm though I understand kuti vanhu vanosiyasiyana. Nokuti ini handigoni kukwesha for more than 10 minutes but when I am drunk I can go for an hour. Please help me ndine shungu dzekuifadza mudzimai wangu

Anonymous said...

makegel exercisese anoitwasei nhai tete

Mai E Chibwe said...

Verenga apo pakahi "http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/kusimbisa-masuru.html"

Uhwisise maitigwe ema kegel uye kuti zvinobatsirei.

Anonymous said...

ko squirting pamukadzi ndeyechokwadi here, unosvitsa mukadzi sei paku squirta

Mai E Chibwe said...

Iyi inyaya isingahwisiswi neveruzhinji. Vanozviita vashomanana uye zvinofungigwa kuti mvura yacho inobuda ingangova weti nokuti munhukadzi haana pokuchengetera imwe mvura mumuviri wake. Murume anobudisa urume nokuti ane pokuhuchengetera.

Usava nehanya nokuti mukadzi anobuda mvura here kana kwete pakuvata naye. Chikuru kuti iye anonakigwa zvakadii pamunoita. Kazhinji mukadzi anonakigwa kubva pakukweshana kwenyu kwenguva refu inodarika ten minutes murume asati amudiridzira urume. Vakadzi vakawanda vanosvika pakuita orgasm nokurhojana nevarume pa 10-12 minutes asi panguva iyoyi murume anofanira kuita zvimwe zviitwa pamwe chete nokukoira mukadzi iyewo mukadzi achiita chikapa. Zviitwa izvi zvinoti, kukisa mukadzi pamuromo, kunanzva mutsiba nezheve, nokumeso. kusveta minyatso yemazamu, kuudza mukadzi zvauri kuhwa uye kuti ari kunaka zvakadii. Zvese izvi zvinoita kuti mukadzi areruse muviri zvichibva pa CONFIDENCE yokuti ari kugona basa. Zvbva zvamuwedzera kunakigwa.

Unknown said...

Maitabasa tadzidza