Thursday 28 June 2012

Kana wada mimba

Kuti mada kutanga mhuri

Nyaya yemimba inyaya huru chose kuvanhu veChiShona. Kune vanotofunga kuti kana pakashaika mimba zvakangofanana nokuti dai musina kuroorana. Kazhinji mukadzi ndiye anotanga kupiwa mhosva. Muvanhu vedu zvinonetsa kuti munhurume ahi haazvari.  Vanhu vanofunga kuti kana uchivata nomukadzi wako zvoreva kuti unozvarisa saka mukadzi ndiye asingagoni kubata mimba.

Izvi zvinoitisa kuti muroora achangosvika pamusha penyu akaita nguva asina mimba vabereki vake vanouya kuzomutora voenda naye kumusha kunomugadzirisa. Kusaziva kuti mava kutomutora kubva pamurume wake anova ndiye munhu wega anokwanisa kuitisa mimba yamuri kuda kuti aite.  Anosvika kumusha kwake obikigwa doro vanhu voimba nziyo dzedoro nokudzana nokubika sadza rezviyo nokudii nokudii pasina kana chimwe chinoitisa mimba chaitwa. Murume ndiye anoitisa mimba. Saka kana mada kutora mwana wenyu, toraiwo murume wake auye naye. Kana mapedza kuimba movapfigira mumba mokiya mukova nokuzhe moti itisanai mimba. 

Kwakazoti Sekai awanikwa ndokubva arega kuudza mhuri yake kuti ari kumwa mapiritsi kuti asaita mimba kusvika iye nomurume vapedza kosi dzavaiita. Umwe musi vakarivara kwapera gore nehafu pasina ati kwaita mimba kuno, vakaona tete na mainini vaburuka bhazi vasvika pachikoro pavaidzidzisa.  Kwahi tauya kuzotora mwana wedu. Kuzobvunzana kuti zvaita sei, ndipo pavakazoudzwa kuti mapiritsi ari kumwiwa vakadzokera kumusha vagumbuka chose kuti mwana anoita zvisina maturo zvokumwa mapiritsi ekukonesa mimba.

Kana uri muroora mutsva taurira vakuru kuti uri pamapiritsi varege kufunganya nezvako zvokusaita mimba.

Toti wamira kumwa mapiritsi mimba woida, vakawanda vanomboita kanguva mapiritsi aya achibva mumuviri , mimba yozoita hayo pava paya.  Asi dzimwe nguva unoita gore kana kupfuura usina kuita mimba. Ukatanga kufunganya nezvazvo, wotowedzera kunonoka. Mimba inongoti paYADIRA. Haina shasha inoti ndiyo inogona kubata mimba.

Usati wamira kumwa mapiritsi, wirirana nomurume kuti nguva yakwana yokugadzirira kuita mwana.  Mabvumirana, iwe chiona kuti zvaunoita zvinowirirana nokuda mimba.

·         Usamwa mapiritsi  kana api zvawo zvisina basa
·         Idya chikafu chiri fresh ujaire kubika.
·         Pota uchifamba famba muviri usangoita mazifuta mamwe asingaiti.
·         Usashusha murume, rega ave akasununguka achidya zvakanaka achigadzira urume hwake.
·         Kana uchifunga kuti murume anofanigwa kuita urume hwakawanda kuti uite mimba chimugadzirira zvinoitisa urume  aite.
·         Rega murume arhoje paadira iye kwete kumuteverera pese pese kuti arhoje pawadira iwe.  Urume hunokora kwapera mazuva matatu huchigadzigwa saka ukahutapudza zvinodarika kaviri pazuva unokwanisa kunetseka mhodzi dzahwo dzava shoma.


Hwisisa kuti kana wange uri pa PROGRAM yokudzivirira mimba yakaita semapiritsi kana DEPO Provera, unokwanisa kutora nguva yakareba usingaiti mimba muviri uchizama kudzokera pawange uri kare. DEPO inoita nguva inosvika 15 Months kubuda mumuviri wako kuti zvokuita mwana zvitange. Hazvirevi kuti mese munoita 15 months. Vamwe vanokasira vamwe vachinonoka, Asi kwahi  pa 10 months nenge uchinayo DEPO. 

Maitire
Toti muri kuwirirana panyaya dzese.  Maitire enyu haana mhosva asi kuti pamwe mukaita nguva yakareba usina mimba mombozama kubatsira zvinhu. Mochitaura maitire ekuti uite mimba kana mese muchizvara.  Munoda maitire anoti kana murume odiridzira anobva asiya urume kumberi pedo nemuromo wechibereko unohi CERVIX.  Kuti zvidai   imbozamai izvi

Pinzwa wakavata nomusana. Kana murume apedza imboti garei wakadaro usangosimuka . Kana ukaisa piro pasi pemagaro muromo wechitubu wosimukira kuvhinza urume koita kushoma. Tese tinovhinza urume pakupedza kuvatana nomurume asi hwakawanda hunosara mukati. Chinoita huvhinze ndechokutimativi echitubu anouchirana paya pange pane chombo povharika urume hwazara mukati hwosundwa hwobuda.Usatya nazvo mukati hwakazara. 

Kana wadazve vata nedumbu wakasimudzira chiuno zvishoma murume akapedza ramba wakadaro. Haunyanyi kuvhinza. Zvikuru kana muchifungira kuti murume haana mhodzi dzakakwana. 

Kana wadazve isa makumbo pamafudzi amurume. Unotohwa kupindwa chaizvo. Isa mabvi pachifuva chako murume adiridzire mukatikati. Apedza isa piro pasi pemagaro womboti zii wakadaro.

Pamwe wadazve fongorera murume. Unofongora, wopatsanisa makumbo zvishoma, woti musana dhefu kuti chiuno chinyatsokwirira, chitubu chonyatsoonekwa nokumashure, Murume opinda pakati pemakumbo ogwadama namabvi ake aripo. Kana asinganyatsi kuona chitubu anokwanisa kukuwedzera kupatsanisa makumbo. Inohwa achito tsvanzvadzira nechombo iwe wofambisawo chiuno kuti ururamisa pauri kuhwa achibaya baya kuti ururamise musangane. Unohwa chombo kuti tyoooo chatopinda. Usajaira kungoti murume akapinza wototanga kujaivhisa chiuno. Imbomirai makadaro. Chitanga kushandisa masuru yako yechitubu kumunyungira chombo uchishinya uchiregedza woudza murume apinze kusvika paanoperera.

Womutsanangurira kuti kana odiridza apinze chombo chese adiridzire kumberi uye arege kukoira panguva iyoyo yokudiridzira. Ngaangoti Tyooo, okubata chiuno okudiridzira akadaro chombo chese chiri mukati. Iwewo chero zvichinaka sei rerusa muviri upiwe urume zvakanaka. Haisi nyaya yokunakirana iyi, ndeyokugadzira mwana. Kana ukakwanisa kuita ORGASM murume ava kunotanga kudiridzira, chibereko chinoita ma CONTRACTION anobatsira kukweva urume huya huri kubuda kuti huswedere mberi kune muromo wechibereko. Zvinoreva kuti ppakuda mimba, kuiswa zvinonaka kwakanakawo. Wokurudzira murume anonoke kudiridzira zvinoreva kuti unonakigwa uye iye paanozotanga anobudisa hwakawandawo.

Akangopedza, akangobudisa chombo chake akabva kumashure kwako, iwe chingofambisa mabvi ako aenda shure kusvika wavata nedumbu. wombomirapo wakadaro kwenguva. Kana wada kumboita awa uvete vata zvako wozoti pava paya womuka hako.

Mamwezve maitire anoita chombo chipinde kusvika kumberi ndeekuti mukadzi anovata nedivi. toti avata nedivi rorudyi, anopatsanura makumbo kuita seari kufamba, rimwe mberi rimwe sure repasi (rorudyi) riri sure. Murume anotanyanga gumbo repasi oswedera pachiuno chomukadzi. Mukadzi anosimudza gumbo roruboshwe oisa pafudzi roruboshwe romurume, chitubu chovhurika murume opinda. Murume anoshandisa ruoko gwerudyi kubata magaro emukadzi. Iye akazvisapota pamabvi ake. Ruoko gwerudyi anokwanisa kukwenyerera bhinzi yemukadzi inenge iri pedo.

Mapindire acho unohwa wega kuti yaaa murume apinda, zvinova ndizvo zvaunoda kuti ange achiita panguva iyi. Chikapa chinonetsa pakadai. Rega murume aite basa ega, iwe hapana chaunoona nokuti musoro uri uko zvokuti haukwanisi kutarisa murume. Unongohwa zvauri kuitwa kuti zvasiyana nezvemazuva ese. Iye murume ndiye anotokubatsira noruoko gwake gwerudyi zvokuti akanyatsogona, unohwa kuda kutadza kufema nokunaka kwazvo. Kana uri munhu anogaroita orgasm unokwanisa kukasira nokuti paanenge achibayabaya nechombo hapana kujaira kubaiwa. Nokudaro unofanira kutanga waudza murume kuti pakunodiridzira ngaapinze kusvika paanogumira. Asi izvozvi anenge akatopindawo zvakadzika nokuti maitire awa anoitisa kudaro. Iwe unotozvihwa kuti arimukatikati. Akaita nesipidhi iri pasi akaruramisa zvakanaka, haunonoki.

Iwe wega funga maitire ekuti urume hupfapfaidzigwe mukatikati mechitubu, zvichibva nomuviri wako kuti uri munhu mutete here kana mukobvu.

Maitire enyu anokwanisawo kupiwa nekuti miviri yenyu yakaita sei. Kana uri munhu mukobvu ane chidumbuzenene, unotoona kuti zvakakufanirawo ndezvipi kuti murume apinze zvakadzika. Kana uri mutetewo zvakangodarowo nemurume wako. Iyewo murume kana akakora munongoona maADJUSTMENT okuita. Asi vashomashoma vanhu vakakora zvokukoniwa kurhojana. Chakangoipa pakukora ndechokuti unokwanisa kukanganisa maendero ekumwedzi. Pane kuita kamwe pamwedzi unokwanisa kudarikira. Kuondesa kunoitisazve kudarikira mwedzi. Ipapo muviri unenge usina simba rokukandira zai. Kana usina zai, chero murume akakurhoja zvakadii, mimba hauiti. Tarisa pa Body mass Index (BMI) yako kuti yakakwanirana newe here. Kana wakaondesa imbozama kudya zvinokodza kwemwedzi yakati kuti ipapo ramba uchingorhojana nomurume wako hako. Kana wakakora tanga program yokufamba neshoka kana uchienda kunofambika.

Chimborega zvokukwira murume paanodiridzira urume. Kana wada kumukwira kwira hako momboitana kusvika oda kubudisa urume mobva machinjana iwe woinda pasi mopedzisa.

Usava nehanya nourume hunobuda paanobvisa chombo muchitubu. Hunobudiswa nokuti mativi echitubu anosangana osunda urume huri kuno kumukova hwobuda. Imhuka hadzi zhoma dzisingaeredzi urume pakurhojewa. Uzhinji hunosaramo hwakakwana pakuita mwana nokuti makaunyana unyana zvokuti urume pakuti pfaaa pfaaa pfaaa paya hunozara mukuunyana umomo hwotadza kubuda panobatana mativi achitubu murume achibudisa chombo. Kana ari mberi mberi paanobudisa, anobva azadza pedo nemukova wechibereko. Pane kaburi kadikidiki kokuti kana uchida kukabata unotonona, wopinza mumwe mukati wotsvanzvadzira nechekumberi kuri kumusoro futi. Unokabata kachiita sebhatani rehembhe. Kadikidiki kaburi kacho asi mhodzi dzemurume dzinoziva kuti kari papi.

Chimwe chikuru ndechokuti kana uchida mimba unofanigwa kuita ORGASM. Pakuiita paya unoita ma CONTRACTION anobatsira kukweva urume hwakananga kukaburi kaye. Hukangopindapo chete, hukawana zai rako unozovirigwa mangwana watove nemimba.

Urume hunoita mazuva matatu huri upenyu muchitubu saka unokwanisa kuita mimba panguva yese iyoyo. Funga kuti kana murume wako achishanda kuBulawayo asi imi kumusha kuti kwamutare, Unokwanisa kupiwa urume kuBulawayo wozonobata mimba wava kwaMutare. Ukafunga kuti zvinhu zvinofamba sei kubva pakupinzwa chombo, kukoigwa, kudiridzigwa kufamba kwemhodzi dzichienda kumuromo wechibereko, kutsvaka zai, kuriwana, kutanga kugadzira mwana, unobva watoona kuti nyaya ihuru iyi.

Chikuru pakurhojana nomurume zama kupfavisa muviri. Kana pane zvange zvichikunetsa musi iwoyo, chimbotora nguva uri mubhavhu kana shawa uchizorora kusvika muviri warerukigwa. Kupfavisa muviri kunobatsira kuti unokasira kuita ORGASM uye mukati mechitubu munenge mune ENVIRONMENT yakakwanirana nekuti urume hurarame nguva refu zvinova ndizvo zvinokasirisa kuita mimba.

Mukomana kana musikana.
 Iyi inyaya yakakura asi tinokwanisa kubatsira kusarudza mwana watinoda. Hazvirevi kuti tinomuwana asi tinowedzera chanzi yokuita watinoda. Pana ndichazorondedzera kuti zvinoitwa sei, asi chokutanga ndechokuti baba vemwana ndivo vanoitisa kuti mwanai.

Kana wada mimba tanga nyaya yokuhwisisa kuti unokandira zai zuva rupi pamwedzi wako. Ngatiti unoenda kumwedzi usingadarikiri nguva uye uchiita mazuva akafanana toti 28. Unokwanisa kubata mimba pamazuva  13 -19 tichverenga kubva pazuva rokupedzisira kuva kumwedzi. Saka pamazuva matanhatu awa unogamuchira urume wakachenjera.  Zvoreva kuti mapedza rhoji imboramba wakavata urume humhanyemhanye muchitubu huchitsvaka mukova wekunezai kuchibereko.

Pamazuva awa ndipo panoda kuti ufunge kuti unoda mwanakomana here kana mwanasikana. Zvinoitika ndezvokuti murume achipedza kukupa urume, muchitubu mako munosara mune urume hwemwanakomana nourume hwemwanasikana. Hwemwanakomana hunomhaya kupfuura hwemwanasikana saka hunokasira kusiya sure hwechisikana. Asizve hunokasira kufa.  Hwechikadzi hunozengaira pakumhanya asi hunononoka kufa.

Haano maitire okuzama kuita mwanasikana. Kana mada kumbozama kuita mwanasikana, motanga kurhojana pamazuva ekutanga ematanhatu atataura aya. Ipapo zai rinenge richiri kure richangobva kwaragadzigwa uko kunohi OVARY. Urume hwechikomana hunomhanya hwoneta husati hwawana zai. Hwechisikana hunozouya hwofuurira hwondotsvaka zai hwava hwega.

Haano maitire okuzama kuita mwanakomana. Kana mada kumbozama kuita mwanakomana, momborega kurhojana pamazuva ekutanga ematanhatu atataura aya. Ipapo zai rinenge richidzira richiuya kuno zasi kuchibereko kubva kwaragadzigwa iko kunohi OVARY imi makarimirira. Rinofamba nomuchubhu inohi FALOPIAN  TUBE. Kana rava pedo ukaiswa urume, hwechikomana hunomhanya mberi hwowana zai hwotoripinda mwanakomana wotogadzigwa.  Hwechikadzi hunozosvika basa rapera kare.

Pamazuva awa rangarira maitire anoita urume husiiwe mberimberi pedo nomukova wechibereko unohi pachirungu CERVIX.  Tauriranai mese mobvumirana zvokuzama. Kuziva mafambire anoita urume hazvirevi kuti shuwa shuwa uchawana mwana waunoda, asi kungoti chanzi yokuita waunoda inokura. Hwisisa apa. Kana usina REGULAR cycle zvinonetsa kuziva pekutangira. 

Ngatiyeukewo kuti mwana wase chipo chaMwari saka ngatisaita zvokusafarira mwana nokuti mukomana kana musikana. Gamuchira wawapiwa iyeye norudo. 

Unokwanisazve kusabata mimba mwedzi iwoyo. Usatanga kufunganya nazvo. Mirira mwedzi unouya mozamazve. Vamwe vanoita makore vasina mwana asi vachingozoita mimba dzakawanda.


28 day cycle 
Firtile days 13-19 counting from last day of period as Day 1
Best Girl days 12, 13, 14, 15 
50: 50 days 15, 16, 17
Best Boy days   17, 18, 19 


30 day cycle : 


Kana uri pa 30 day cycle, rega murume akore urume pakanzi day 1 - 6 apo uri kumwedzi. Kana muchida mwanasikana mopanana urume kusvika pa Day 13 apo.

Kana muchida mukomana motangira pa day 14 kusvika pa 20. Kubva ipapo kusvika paunoenda kumwedzi kunakigwa henyu chete.

hazvirevi kutimunita mwana wamunoda nguva dzese asi munowedzera chanzi yokuita wamunoda.

Vamwe vanoti zvinobvazve nechikafu chamuri kudya.
Usasiyana nomurume pamazuva 10-20 apa ndiwo mazuva ekubata mimba. Pa weekend yemazuva aw, mombozorora moshaya vanovhakasha, vanoda kubikigwa, vanopopotera mukadzi wako kana kumubhowa. Swera muchiita nyaya dzinonakidza nokurerusa hana. Pamunozosvika pakuvatana muviri wenge wakakodzera basa remimba. Kana zvichinetsa pamba, toranai muende kuhotera, dziriko dzakachipa, moswera makadziya zuva manheru mava pabasa. Mukada kuita basa masikati ndimi. 


Murume:
Murume anoda mwana ngaahwisise kuti anofanira kudya zvidyiwa zvine balance kuti factory inogadzira urume igadzire hwakakora hunogona kusvika kumazai.  zvedoro nefodya, nembanje ombosiyana nazvo.

Kana pakupinza mukadzi chombo, ngaahwisise kuti anofanira kuwirirana nomukadzi kuti apinza zvinosvitsa chombo pedo ne buri rokuchibereko saka itaiwo ne position inozvibvumira.

Pakukoira koira uchiziva kuti kana urume hobuda unobatirira mukadzi zvakanaka kuti pasaita hunongokasira kuduruka kubva muchitubu pasina nguva. Batsirawo mukadzi wako kugamuchira urume zvakanaka.

Mapedza usarega achingosimuka pasina chikonzero. Ita Manager wemukadzii azive kuti newewo uri kuda mwana.

Kana mada mimba chiitai zvemimba

Udzai Vamwe!!!

mushonga wekubata pamuviri kupihwa urume hwakakwana, uye kusununguka hana nefungwa. 
Kuita pamuviri
Kuita nhumbu
mushonga wemimba
mushonga wenhumbu




No comments: