Tuesday 28 May 2013

Mimba yokutanga

Mimba yokutanga inonakidza kuiita kana waiita wakawanikwa zvakanaka mhuri dzese dzichizvitenda kuti mava murume nomukadzi. Kana waita zvokumitiswa ukatizira, mimba yako haimbokunakidzi zvachose nokuti unenge usina kugadzikana hana, uchitya kusadiwa nomurume nehama dzako, uku usina kwekudzokera kana wadzingwa. Kotizve vamwe vakawanda vanenge vasingatozivi kuti murume akamuisa mimba yacho ndiani ongozopomerawo rimwe fuza ranga richivata naye pasina makondomu. Pakupomera apa nyamimba anenge achiziva mufungwa make kuti zvinokwanisika kuti mimba haisi yeuyu saka zvikazozikamwa panonetsa. Pakadai mimba hainakidzi kuitakura.

Kana zviya maronga yokuita mimba. Hwisisa kuti mimba haibati paunopiwa urume ipapo. Pakuvatana murume anokusiira urume mukati mechitubu. Kumberi kwechitubu chako kune muromo wechibereko chinova ndicho chinobata mimba kana zai riri pedo mukati macho. Urume hunofanira kuwana muromo wechibereko hwopindapo hwotsvaka zai hworiwana, chiburuvuru chimwe chete chourume chikangopinda muzai, wotokwanisa kuita mimba. Kwahi kana iri vhiki yako yokukandira zai, hwisisa kuti kurhojana kwenyu kunofanira kuita zvine musoro. Ziva nguva dzako.

Kubva pakupiwa urume kusvika pakuti zai rawanikwa zvinokwanisa kutora nguva yakareba inosvika kana 30 hours. Urume hunoita mazuva maviri kana matatu huri upenyu huchingodhidza mukati mako kutsvaka zai. Unokwanisa kupiwa urume muHarare, ugozobata mimba wave kuChina kana kuUSA. 

Chimwezve ndechokuti hapana chinoitika chokuti ungaziva kuti waita mimba nguvai kana kuti uzive kuti wava nemimba. Kana wafunga kukasira kuziva kune zvinokwanisika kuti uziva kwapera nguva shoma shoma. Vanopa maTEST vanoti unokwanisa kunotestwa kana watadza kuenda kumwedzi kokutanga zvinoreva 14 days, asi unokwanisa kuziva kwapera 7 days. 

Kana wakasira kuenda kutest, zviri nani uzoitazve imwe Test kwapera 14 days.  Hwisisazve kuti muviri wemunhukadzi unoti ukabata mimba, wotanga kuongorora mimba yacho kuti mwana ari kutanga kugadzigwa zvakanaka here. Ukaona pane mistake unobvisa wega mimba isati yamboenda kure. Izvi zvinoitika kuvakadzi vakawanda chose zvokuti haatombozivi kuti ange abata mimba. Unokwanisa kutora TEST wohi une mimba, wozotorazve test kwapera imwe nguva wowanika usina mimba.
Koitazve zvimwe zvinorambanisana vanhu vanoita mimba vasina kuroorana. 

Toti wavata nomurume nhasi wobata mimba kopera mazuva, iwe woenda kuTest woudzwa kuti une mimba. Napo napo mimba yobva yega iwe usingazivi, Murume kana achifarira mimba yako, acharamba achikurhoja iwe wobatazve mimba mwedzi unotevera asi pese apa wange uchifunga kuti une mimba. Zvinoreva kuti mwana anoita seazvagwa ane mwedzi gumi.  Pahwisisei apa.  Zvinoita sokuti wakanyebera murume kuti une mimba iwe usina.  
Ndizvo ndichigarotaura pano kuti vanhu rongai zvemimba kwete kungoita dzokuerekana waita idzi, zvikuru kana musina kuroorana. Upenyu hwemunhukadzi asina kuroorwa hunonetsa kutsanangura kana ada zvokuita mimba mazuvano. Kuenda kubasa uri wega nemwana zvinonetsa.

Nguva yokuudza mhuri kuti une mimba

Zviri nani kuti kana waita mimba umbomira kuudza mhuri dzenyu nokuti sezvandataura inokwanisa kubva yega. Zvinofungigwa kuti kana kwapera mwedzi nehafu uchinayo zvoreva kuti yagadzikana. Saka unokwanisa kutanga kuudza vaunoda kuudza. Mimba chinhu chinofadza zvokuti inonetsa kunyarara kana waibata, zvikuru kune vaya vamwe vanga vachiziva kuti uri kuzama kuita mimba.

Pozoitazve mitemo yedu isu vatema inotorana nezvokutya kuroiwa kana varoi vaziva kuti une mimba. Pano tinoti varoi hakuna saka zvaunoita zvinobva pakoona SOCIAL VALUE yokuudza hama dzako kuti une mimba.

Mitemo yemimba
Kana wabata mimba yokutanga, pane mitemo yakawanda inotevegwa pachiKaranga. Mizhinji yacho haina zvainoshanda pamimba yako asi kuti yakaitigwa kukurudzira hama dzako kudya mbudzi pakuungana. Mimba hachisi chigwere chinoda kurapiwa. Hakuna mushonga wekuirapa unodiwa kudyiwa kana kutsvakwa. Mushonga wemimba kuzvara mwana chete. Unofanira kungogara magarire awanga uchingoita. Mimba inongokura makurire ayada iwe uchingozvichengeta paunogonera.

Tinoona kuti munhu wechidiki akangoudza hama dzake kuti ane mimba, vaya vakuru vemhuri zvikuru vanhukadzi votanga kumiramira kutsvaka mishonga yokupa nyamimba. Unoona nevanhu vanoenda kuChurch vachitevedzerawo izvozvo asi chavari kurapa chacho hapana anochiziva. Mukadzi haasi kugwara, mwana ari mudumbu haasi kugwara saka mushonga ndewe chii? Hapana anokupindura kwahi imwa chete. Izvo wotokuvadzigwa mwana wako asati atombokura. Mishonga yedu yechibhoyi iya isina DOSE inokwanisa kukukuvadza tsvo iwe igokuvadzazve mwana ari mudumbu. Zvikuru kana ukaudzwa kuti unofanira kutodya mushonga wacho iwewo ukaterera ukazongoswera wongokasva mazimvura akanyikwa zvnhu zvausingazivi.

Kune vamwe vanokuudza kuti kune mishonga yokuvhura masuwo (nzira) kuti mwana agokwana kubuda. Ukahwa munhu anokuudza zvakadai mubvunza kuti ko vakadzi vanoita mimba ku China, Europe, Japan, Korea, Amwrica, Australia, seiko vasingazotengi mushonga uyu kwedu kuZimbabwe tikatoitawo Industry yokugadzira mushonga wekuti vakadzi vagone kuzvara vana. Unoona munhu ongokakamira ashaya chokukupindura nokuti vakawanda vokwedu havadi kubvuma kuti kune dzimwe nyika kune vanhukadzi vakangofanana nesu panyaya idzi.  Vanofunga kuti muviri wemunhumutema wakasiyana neyevanhu vemamwe marudzi. Iri ngari yokusaziva Biology yokuti muviri wemunhu unoziva nguva yokuzvara.

Kana uri kune imwe nyika, hapana anokunetsa nenyaya iyi vanongokurega une mimba yako uchingonovhenekwa kuti mwana ari kukura here. Vadaro vanokuudza kuti udzoke musi wekuti tizovhenekazve. Chikaranga chine nhema dzakawandisa asi unofanira kuziva padziri iwe kuti usiyane nadzo.

Wava nemimba:
Kana wava nemimba muviri wako unotanga kuita zvawange usina kumboita. Kukapera mavhiki matanhatu unotanga kuhwa kuda kurutsa. Pamwe unomborutsa mangwanani. Vamwe vanotorutsa zvakawedzera zvokuti nguva dzese anogaroda kurutsa. Zvinohi kana wakatakura mwanasikana unowedzera kurutsa.  Asi ipapo haungazivi kuti uri kurutsa zvakadii nokuti imimba yokutanga.

Hapana chakaipa kurutsa asi kuti zvinobhowa uye zvinokutorera nguva. Unoti ukanhuwidza chimwe chinhu wototanga kuhwa kuda kurutsa. Vamwe vanotadza kudya zvinhu zvavaisidya nomufaro. Kurutsa kwemimba hakutori nguva yakareba. Kunokwanisa kuita mwedzi nehafu uchingohwa kuda kurutsa.

Kana zvanyanyisa enda kukiriniki undopiwa mshonga wekurutsa kuti uwana mukana wekuzorora nazvo.

Wedzera GINGER muzvokudya zvako. Vamwe vanoti inobatsira kuderedza zvokurutsa. 

Cravings:
Unokwanisazve kuda zvimwe zvhinhu kupfuura mazuva awange usina mimba. Izvi zvinokwanisa kuramba zviripo kusvika mimba yazvagwa. Hakuna anonyatsoziva kuti zvinoitiswa nei asi kuti pamwe unokwanisa kungoda kudya zvinhu zvausingasidyi. Unoona munhu achidya vhu chairo kana madota nemazimbe. Pane shamwari yangu aiti akavesa moto obika, idzima moto nemvura ochengeta mazimbe omadya mangwana.

Ini ndaidya madomasi asina kubikwa, chinova chinhu chandisingamboiti ndisina mimba.

Kuneta nokuita zvisina kukodzera. 
Chimwezve ndechokuti unohwa wakaneta kupfuura mazuva awange usina mimba.

Kune vasikana vakawanda vanoti kana abata mimba fungwa dzinomboita sokuti dzasiyana. Unoona munhu achiita zvaange asingamboita asina mimba. Sokuti anotanga kungovenga murume wake, kutuka murume, kuita hasha, kana kuita zvimwe zvaasingafungigwi. Varume vanombosvika pakunetseka nazvo nokuti havahwisisi kuti imimba iri kuitisa. Inyaya yemaHORMONES anenge asiyana BALANCE mumuviri.

Kana waita mimba ukasakwanisa kugara nomurume wako mazuva aunenge usingahwisisi zviitiko zvomuviri wako, inokwanisa kuva nguva inogozha chose kwauri. Mimba inoda muripo vaviri muchiona zvairi kuita pakati penyu.

unofanirazve kugarofamba kutoenda kure uchizodzoka neshoka kuti muviri wako ugare une utano, zvinova zvinobatsira pakuzvara. Kana mugere zvakanaka wedzera kuvata nomurume uzame kuudza murume anonoke kupedza kuti uitewo orgasm zvinoitisa kuti kuzvara kusanyanyonetsa.

Pamutemo. 
Mutemo wakaita sewemu UK unoti kana mimba yasvika 24 weeks yava kuonekwa semwana. Pase apa pawanga uchiti une mimba mutemo hauna basa nazvo. Unoti uri munhu umwe chete. Kana wangosvika pa 24 weeks zvohi une mwana mudumbu. Munhu akakuuraya anohi auraya vanhu vaviri. Akazama kukuraya anohi azama kuuraya vanhu vaviri.

Haubvumidzwi kubvisa mimba yapfuura 24 weeks. Chero madhokotera ukakumbira havabvumi asi kana uchangotanga kuita mimba havana kana basa nazvo. Ukati unoda kubvisa hazvitori nguva vasina kubvisa. Vanopinza vacuum cleaner muchibereko vosaka mwana kunge marara emumba. Zvatopera wohi chienda. Ukabvunza vakambozviita vanokuudza kuti unoenda kuseni wozovirigwa wava kumba mwana atobvuswa akapiswa.

Asi kana mimba yangosvika 24 weeks wotomirira kuzvara mwana. Ukasvodza unokwanisa kuita Funeral yemwana uye kumupa zita asi havakupi Birth certificate havo asi vanokuratidza mwana.

Kune dzimwe nyika havadi kutombohwa kuti kunobviswa mimba. Unokwanisa kusungwa kana ukabatwa uchizama kubvisa.

Kana une murume kashoma kufunga zvokubvisa saka chiripo kungoziva kuti pa 24 weeks mimba pamutemo ave mwana .

Kwedu kuZimbabwe mutemo haubvumiri kubvisa mimba. Ukazama kubvisa unokwanisa kufa nazvo kana pasina madhokotera. Vakadzi vakawanda vanozama kubvisa vanoitiswa nokuti murume amupa mimba haamudi. Zvabva pakuti iye mukadzi munhu asina njere anoda kushandisa mimba kufosa murume kumuroora.

Varapi
Kana wangohi une mimba unofanira taurira dhokotera wako kuti achikuisa pa REGISTER yevanhu vane mimba. Kana uri kuEurope uchaona kuti kune maOrganisation anoti ukangoita mimba votanga kukutiumira mapepa okutsanangura zvakawanda zvokugadzirira kuva mai vemwana uye madambudziko anokwanisa kuitika. MaOrganisation awa anozviita iri ngari yokuti vane ma CONTRACT ne hurumende.  Unofanira kuverenga mapepa awa nokuti anodzidzisa zvakawanda.

Kana uri kune imwe nyika isiroi Zimbambwe, hwisisa kuti hakuna hama dzinokwanisa kukubatsira panyaya iyi saka zvese zvaunofanira kuita unotoudzwa nevarapi. Asi kana tichitaura chokwadi tinoti vanoziva zvavari kuita saka hapana chokutya. Kana ukafungura kuti pane chakaipa kasira kuvaudza. Vanokutarisa kuona kuti zvakamira sei. Mazuvano kune michini inokwanisa kutarisa mwana ari mudumbu kuona kuti ri kuitei, vachiterera moyo wake kuti uri kuti kudii.

Kana uri mu Zimbabwe, gara uchinoonekwa vachitarisa kuti zvakamira sei.

Kuvhinza chibereko une mimba
Kana wabata mimba chibereko chinozama kudzivirira zvigwere zvinouya kumwana zvichibva kunze zvichipinda nomuchitubu mako. Kudzivirira kwacho kunoitwa nokuwedzera zvinobuda muchibereko zvichipfuura nomuchitubu zvichienda kuzhe. Chibereko chinofunga kuti kana zvinhu zvichierera zvichienda kuzhe zvakaipa zviri kubuda saka hapana chiri kupinda. Saka ukapinzwa chombo nomurume wako akakusiira urume mukati zviya zviri kuvhinza kubva kuchibereko zvinopfuura nomuchitubu zvichisuka nokutora nokunorasa pazhe.

Ndiri kutaura sokuti pane gwizi guri kueredza kubva muchibereko asi handizvo. Unongoona kuti zvinobuda muchibereko zvawedzera kupfuura zvazvinosiita usina mimba. Usatyiswa nazvo. Kana mimba ichikura zvinowedzerawo kusvika pakuti wava pedo nokuzvara uchaona kuti pamwe zvinowanda zvakaita semadzihwa. Kuitira kuti muviri ugadzirire kuzvara. Pamwe unoona pane karuvara keropa. Hapana chakaipa. Ndiwo maitire azvo.

Mazamu
Uchaonazve kuti mazamu ako anowedzera kukura uye minyatso inokurawo. Paganda rakasvibirira rakatenderedza minyatso ronowedzera kukura. Uchaona futi kuti gana rako remuviri wese rinotsetseka zvinova ndizvo zvinowedzera murume zemo kana muri mese.

Dumbu zenene
Mimba ichikura inokurira zaso zvokuti dumbu rinokura iwe muridzi wotadza kufamba mafambire awaichiita usina mimba. Ukasundidzigwa unokwanisa kukasira kuwira pasi.
  
Zemo kana une mimba.
Zvinokwanisika kuwedzera zemo kana une mimba. Zvinofungigwa kuti izvi zvinoitiswa nokuti wava nemimba saka hauchatyi kuita mimba, uye ma HORMONES ako anowandisa mumuviri wako. Zvinokwanisika kuti ude kungoiswa pesepese uye kutoshungurudza murume pazviri achitadza kukuisa zvinokugutsa. Kune vakawandisa vanoona sokuti murume haachagoni basa saka vanowedzera kuzviitisa ORGASM nemaoko. Zvinokwanisika kuti mamwe mazuva unodaro zuva nezvuva kana kaviri pazuva. Zvinobatsira kubvisa STRESS uye kuderedza kufunganya nokuda kwemimba.

Vanhu vari kunyika dzinoti munhu anoita mwana umwe chete kana vaviri vanogarotya kuita mimba. Kana watova nayo kutya kuya kunopera wongoisa fungwa pakunakigwa.

Zvinokwanisikazve kuti unotanga kuvenga murume zvokuti hautodi kumuona. Kune vamwe vanotosvika pakunovata kure nomurume. Pamwezve unokwanisa kusangoita zemo une mimba zvokuti kunopera nguva usinei nokuiswa nomurume.

Hapana chakaipa pakuvata nomurume kana une zemo. Hapana chinokanganiswa nazvo. Kune varume vakawandisa vanoti mukadzi akaita mimba votomuona akawedzera kunaka uye hwema hunobva paari hunovaitisa zemo kuti vade kuvata naye zvakawedzera. Kana uchizvidawo vata zvako naye unakigwe, hapana chakaipa.

Zvinohi vakadzi vanoitiswa ORGASM nevarume vavo kakawanda vane mimba havanetseki pakuzvara uye havabvaruki zvinoita vamwe pakuzvara. Mahormone ekuzvara anowanda zvokuti muviri haunetseki, chero mimba yokutanga. Saka varume ndiro basa renyu kana mukadzi aita mimba wedzerai rhoji uye kuwanza nguva kana moitana. 

Koitazve vamwe varume vanotyiswa nokupinza chombo mumukadzi ane mimba ava vashoma havo asi kana unaye unokwanisa kusvika padambudziko. Koita varume vanotya mikadzi ane mimba, zvinoshungurudza mukadzi awedzera zemo kuva nomurume akadai.

Murume akadai munhu asingahwisisi BIOLOGY anofunga kuti chombo chinokwanisa kugumha mwana. Hazviitiki izvi nokuti mwana ari kure chose nokunosvika chombo muchirhojana, uye kwaari kwakavharika zvokuti hakuna chinokwanisa kusvikako.

Kana mada kurhojana hwisisai kuti mamwe maitire haachaiti kana mimba yakura. Zvotoda kuti mukadzi afongore murume opinza ari shure kana kuti mukadzi ovate nedivi murume akavatawo nedivi ari shure , mukadzi osimudza gumbo murume opinza. Zvokupakicha makumbo pamafudzi emurume momborega. Munokwanisazve kuti mukadzi oita manhede pamubhedha murume ogwadama pasi chaipo okwevera mukadzi kwaari opinza asi zvinonetsa nokuda kwekukwira kwemubhedha.


Murume ngaahwisise kuti chikapa chemakwikwi kana une mimba yakura hachiiti. Mukadziwo hwisisa kuti murume haana mimba saka zemo anongoita saka ukawana kana kazemo kokutsvanzvadzira kwezva murume umutapudzire unga kuti asaona sokuti iwe nemimba yako muri mese asi iye asara ega. Zvikuru kana uri munhu apedzwa zemo nemimba kana kuti avengeswa murume nemimba. 

Murume wako ari kutoshupikawo fungwa nokuda kwemimba yako nokuti haazivi kuti ichafamba sei. Itai mimba yenyu pamwe chete muchidzidza mafambire ayo mese. Ndizvo ndichigaroti nyaya dzokuendeswa kuvabereki une mimba hadzisiridzo. Vanoda kuita TRADITION iyi itai henyu asi inosiya baba vemimba vari vega pasina zvavanodzidzawo nokuona mimba yavo.  Ukakumbira kusaenda kwamai unongobvumidzwawo chero zvirango zvaitwa chete. Vanongoda kudya mbudzi chete pasina imwe nyaya. endesai mbudzi chete imi mosara nemimba yenyu.


Zvokudya une mimba:
Ndichada kumbotaura nyaya yezvokudya une mimba uye kuti sei zvichinzi ungwarire zvaunodya.

Fruit and vegetables
Zama kudya michero yakawanda yakasiyana siyana, iri FRESH kana kuti iri mumatini kana kuti yakaomeswa. Yese yakanaka kuidya.
Idya muriwo wemarudzi akasiyana siyana. Kana ukaita mimba muzhezha unokwanisa kuwana muriwo wemarudzi unenge wakawanda. Kunoti wemugadheni koti wekumera musango. Garodya wese wese. Kana wafunga kuita mimba nguva yechirimo, wana nguva yokufusha muriwa wako wakawanda wogara nawo mumba kuti usazotambura kuuwana nguva yemimba.  Kana uri mune imwe nyika isiri Zimbabwe, wotoona kuti unogaroenda kumusika kundotenga muriwo wemarudzi akawanda. Pazuva rimwe chete unofanira kudya muchero kana muriwo kashanu. Hwisisazve kuti kana uchiri kurutsa unofanira kuwedzera zvaunodya.


Starchy foods (carbohydrates)

Unofanirazve kudya zvinhu zvine STARCH zvakaita se chingwa, mbatata, mupunga, sadza rechibage, sadza rezviyo, sadza remapfunde, porridge Oats, mbambaira, Zveupfu huya hwakacheneruka hwakaita se PALENTA mombosiya nokuti zvese zvakanaka pahuri zvakatobviswa. Ona wega kuti zvauri kudya zvakasiyana siyana kuti mwana akure ane zvese.

Protein
Zvinhu zvine Protein zvinoti, nyama dzakasiyana siyana, hove, nyama yehuku nedzimwe shiri, mazai, bhinzi dzakasiyanasiyana, nzungu, nyemba,

Dairy
Mukaka, cheese, Yoghurt,

Healthy snacks
Kana une mimba unogarohwa zhara zvokuti unoda kumbofanodya zvimwe zvinhu zvidiki. Ndipo paunodya muchero kana chimwe chinhu chidiki. Pane zvinhu zvaunofanira kusawanza mukusarudza zvokudya zvako. Zvikuru zvinhu zvine shuga yakawanda. Imbozama kusiyana nazvo.

Pakudya muchero tanga wasuka muchero wacho zvikuru kana wautenga kumusika nokuti unobatwa navanhu vakawanda vamwe vacho vane utachiona. Kana une mimba haufaniri kubata zvigwere. Saka kusuka muchero kunobatsira pakudzivirira zvigwere.
Unofanirazve kuwedzera utsanana mumba zvokuti utarise zvese zvese kuti hapana chinokwanisa kupinda mumba mako usina kuchiongorora kwachabva uye kuti chingangounza zvigwere sei. Zvese zvinokwanisa kubikwa bika kuti utachiona hufe. Zvinofanira kusukwa suka.

Kana uchikwanisa, imborega kutenga zvinhu zvinouya zvakatobikwa zvakaita se PIZZA, Machips, ma READY MEALS, zvinobikwa mu Microwave.



.Kuzvara kunogwadza zvakadii?
Chinhu chikuru ndechokuti mimba yokutanga usaizvarira kumusha. Enda kuchipatara. Kana mwana azvagwa kasira kubuda uende kumba. Muzvipatara mune zvigwere zvakawandisa saka usapedza nguva urimo.

Kana waita mimba, unotofanira kuzvara mwana chete uye kuzvara mwana anobuda muchibereko chiya chine kamuromo kakaita sebhatani rehembhe kanobudisa ropa rokumwedzi, opinda muchitubu ophuura nemo.obuda kuzhe vagamuchiri vogamuchira.

Kuti mwana akasire kutanga kufema, anotanga kubuda musoro. Zvakadaro musoro uya ndiwo mukuru saka zvese kubva pachibereko kusvika pachitubu zvinotatamuka kuti mwana akwane kubuda. Pakutatamuka paya zvinoitika nenguva dikidiki saka ndipo panobva kugwadza kwacho.

Ukafunga kuti ukapinzwa chombo usina kunyorova zvinogwadza sei, ugozofunga kuti kusiyana kwemusoro wechombo nomusoro wemwana unobva wafunga kuti hazviiti kuzvara. Asi muviri wemunhu kana woda kuzvara unogadzirira kuzvara wogadzira maHORMONE ekuzvara anokudza zvese chibereko nechitubu, nokugadzira mvura nemadzihwa ekuzvarisa kuti kugwadza kusawandisa.

Zvakadaro unongogwadziwa chete. Zvinonzi kana une shoka dzakakura zvinoreva kuti chiuno chako chakarawo saka mwana anonyatsokwana pakati pemabhonzo echiuno kureva kuti haunyanyi kunetsa kutatamuka. Kana une shoka diki chiuno chako chidikiwo saka unonetseka zvakawedzera.

Kozotizve vana vachizvagwa vanozvagwa vane saizi dzakasiyana. Vamwe vari vahomwe vamwe vari vadiki. Zvinoenderanawo nokugwadziwa kwako izvi. Kune vamwe vana vanosvika 5kg kana kupfuura.
Kugwadza kwemimba yoda kuzvara kunokwanisa kutora nguva yakareba pamwe varapi vanotozoona kuti yagarisa vopindira. Mimba yokutanga inoda kuzvarigwa kuchipatara kwete kumusha sezvavaiita kare. Kana musina mari yokuenda kuchipatara, mirirai kusvika yotanga kugwadza mongobvapo mumhanyira kuchipatara. Mukadaro havarambi kukurapai. Mapedza vakati vanoda mari menge musina mari yacho.

Kugwadza kwemimba kwakasiyana nokugwadza kwezvimwe zvinhu. Hazvibatsiri kuti nditsanangure kuti zvinogwadza sei nokuti hapana chaunohwisisapo asi kungoti mwana kana oda kubuda anobuda chete. Zvokuti mai vake vanogwadziwa izvo haana basa nazvo. Iwe chingohwisisa kuti mwana anofanira kubuda saka unoita zvinotaugwa navarapi pakuzvara.

Muupenyu hwemunhukadzi mune nyaya dzakawanda dzaunoudzwa kuti dzinogwadza. Ngatimbodzitarisa.
1 Kana wava nemakore 8 unotanga kuudzwa nezvokuenda kumwedzi. Unohwisisa kuti uchabuda ropa kubva muchitubu. Zvese zvaunoziva kuti zvinobuda ropa zvinogwadza saka fungwa inongoti zvichagwadza. Paunozoenda kumwedzi, unoona kuti zvinogwadza hazvo asi hazvisviki pawanga uchifungira.

2 Paunobvswa humhndara unenge wakaudzwa neshamwari dzako kuti zvinogwadza. Iwewo uchizvifunga uchihwa kuti panobuda ropa, unofunga kuti zvinogwadza saka unenge wakatogadzirira kuchema, asi musi wacho unozoona kuti zvinongoita sewabaiwa netsono mbiri kana nhatu zvobva zvatopera.

3 Pakuita mimba unoudzwa kuti mimba inogwadza kuzvara. Unoudzwazve kuti panobuda ropa pagobvaruka pagosonwa. Fungwa inotanga kuti nyaya iyi ihombe chose yokuudza kuti zvichagwadza. Pamwe ugoudzwa kuti kune vanofa vachizvara. Unoti ukafunga kuzvara wohwa hana kurova. Asi musi waunozozvara unoona kuti inogwadza hayo asi haisviki pawange uchifungira.

Mukadzi munhu akasimba kupfuura murume saka zvokugwadziwa izvi tinazvo hedu asi zvikaitika tinokasira kukangamwa totofunga nezvokuita imwe mimba futi. Zemo riri mberi kwekugwadza kwemimba saka ukangowana mkana wekuvata nomurume unotovata naye chete. Hakuna munhu akaramba kuvata nomurume achiti nkuti mimba inogwadza.

Kana uchizvara fungwa yese iri pakuzvara. Vanokuona vanoona kuti uri paDISTRESS iri nyaya yokuti uku uri kufunga nezvako iwe pachako uku uri kufunga nezvomwana nokuti hapana chaunoziva paari.

Kubvaruka/kuchekwa nokusonwa muromo wechitubu.
Pamwe musoro wemwana uchibuda unokwanisa kuva wakakura zvokubvarura muomo wechitubu chako. Pamwezve varapi vaona kuti ungangobvaruka vanofanocheka kuti pakure. Zvadaro mwana abuda unosonwa. Kana vachicheka vanocheka zasi kwakananga kuburi resvina kana padivi.

Kana vakusona haunonoki kupora. Unokwanisa kuita vhiki wobva wanobviswa maStitch, wombogara wakadaro hako asi panokasira kupora.


Chii chinokwanisa kukanganisika pakuzvara:
Zvakawanda zvinoitika pakuzvara asi usagara uchizvifunga uchity kuti zvinoitika nokuti zvinoitika kuvanhu vashoma. Asi kungoti mimba yokutanga haidi kungoti waiita wongagara kumba usina kuudzwa kuti yakamira sei.

Zvinoitika zvinoti:
1 Labour yasvika nguva isina kukwana: Kana mimba ikagwadza isina kukwana vhiki 37 inonzi yakasirisa. Pakadai zvinoda uri kuchipatara kwavanokwanisa kuisa mwana muINCUBATOR kana ari mudiki zvakanyaya.
2 Mwana kuzvagwa achitanga magaro kana shoka. Zvinonzi BREECH. Mwana anofanira kutanga musoro. Kana zvakadai hazvina kunaka.
3 Mwana kukurisa. Iyi haisi nyaya inotyisa nokuti pakuzvara kana musoro wemwana wangopfuura, muviri wake unopfuurawo chete.
4 Kuwanda ropa rinobuda. Unokwanisa kuti paya uchizvara potanga kubuda ropa rowandisa. Kana usiri kuchipatara zvinokuomera.
5 Unokwanisazve kubudisa tsvina uchizvara. 

Kuzhe kweizvi, kuzvara hakuna zvakanyaya zvinokanganisika saka gara hana yakadzikama.

Kududzira pakuzvara
Kare paiva nomutemo wekuti mukadzi achizvara mwana anogara audzwa kuti akasadudza kuti murume akamuitisa mimba ndiani pakuzvara, mwana anofa. Izvi zvaiitigwa kuti mai vaya vanogamuchira mwana azvarigwa muraini vave munhu akaremekedzwa nevakadzi vese vavagamuchirira mwana nokuti vanoziva kuti nhingi nanhingi anohura.

Ndipo pakabva nyaya iya yokusungira kuti mukadzi andozvarira kumusha kwake kuti zvitange kuzikamwa kwake kuti akahura here kana kwete. Zvadaro vanomudzosera kumurume vongonyarara. Kana dai azvarira kumusha kwemurume akadudza chihure ikoko, anongoti achipedza kuzvara achitorambwa. Nyaya yokunosungira inogadzirisa nyaya dzakawanda pazviri. Zvikuru murume akaroora asingatozivi kuti musikana atova nemimba youmwe murume. Kune vasikana vakawanda vanoita mimba vasingatombozivi kuti baba vemwana ndevapi pavarume vaari kuvata navo vaviri kana vatatu. Anobva atizira umwe wavo otowanikwa, ipapo zvikafamba zvakanaka anonosungigwa ozvarira kwavo, nyaya yatopera.

Mazuvano vana vanozvarigwa muzvipatara saka hapana wekududzira. MaNESI haanei nazvo kuti awairhojana naye kusvika uite mimba ndiyani. Vanongogamuchira mwana wese chero paazvarigwa. Saka nyaya yokusungira yangove nyaya yokuti vemhuri yomukadzi vadye mari yomukuwasha wavo. Zvangori zvekuda kuita Party chete. Kana zvikuwasha zvinoshaya mari ye UNDERWEAR zvinongohi zvitenge mbudzi chete kuti vanhu vadye vachiti nokuti wakaisa mwana wavo mimba, asi zvirizvo zvaange avinga kumba kwemurume wake.  Mazuvano hakuna achambokubvunza kuti akakuisa mimba ndiyani.

Tichiongorora tinoona kuti nyaya yokududza pakuzvara yange iri nyaya isinawo hayo kunaka nokuti Mwana anokwanisa kushaika panguva iyi asi iwe ipapo hauna kana kumbohura. Vaya vanofunga kuti kuhura kusadudza kunouraisa mwana vobva vakufungira kuti wange uchihura. Ipapo ndivo vanhu vaunoda kuti vakusapote pakushaika kwemwana wako uri padambudziko rinodiwa kuchengetwa nehama neshamwari. Uyezve mazuvano tinoziva kuti kuhura kana kureva nhema hazvinei noutano hwemwana. Saka tinokasira kuona kuti SYSTEM yakare yange ine ugino mukati. Chakaitisa kuti ishandiswe kwenguva refu kudai ndechokuti pakuzvara unokwanisa kuita DISTRESS yokuti chero chawaudzwa unofunga kuti ichokwadi.

Mbuya vanogamuchira mwana vaimirira kusvika musoro wemwana wowonekwa kuda kubuda vochikuti DUDZA KUTI BABA VEMWANA NDIANI. UKASADUDZA MWANA ANOFA. Iwe sokusaziva uye kugwadziwa, uye kada mwana wako, wofunga kuti ichokwadi wotanga kuvaudza mazita evarume vaunofungira kuti ndivo vangava vakakupa mimba.  System iyi yange ine utsinye chaihwo. Kana uri umwe wevanhu vaka nge vachirhojana nevarume vakawanda ukazotizira umwe chete, zvarira kuchipatara hako asi uchazobatwa noumwe mutowo. Pane iyi, wapukunyuswa nezera.

Rusvava
Mwana achangozvagwa anohi RUSVAVA. Mwana anozvagwa asina RESISTANCE kuzvigwere zvakawanda chose uye anozotanga kuita RESISTANCE kwapera nguva inoita 6 weeks. Zvinoreva kuti mazuva okutanga kana zvichikwanisika musarega vanhu vese vese vachibata mwana. Kana mwana akabata chigwere, anonetsa kurapa nokuti haakwanisi kutaura kuti panogwadza ndepapi.

Pakubata zvigwere apa ndipo pakaonekwa nevanhu verudzi gwedu ndokuchigadzira mabhizimisi akawanda chose ekurapa vana. Unoodzwa musi wekutanga kuti nyika midzi iyi mumvura ugomwisa mwana mvura yacho nokuti mushonga unorapa ichi neicho neicho. Ukatarisa zvigwere zvacho mumabhuku ezvigwere hauzviwani asi uku watobhadhara huku mbiri kana nhatu kutenga mishonga yokurapa mwana.

Haisi nyika yedu chete ine mabhizimisi awa. Europe, America, Australia, chero, zviriko.

Mushonga mukuru wemwana rusvava, mukaka wamai vake. Mwana anofanira kupiwa mukaka wamai vake kupfuura nguva inoita 6 months. Pa6 weeks paya anobva atora RESISTANCE yezvigwere kubva mumuviri wamai vake.  Zvimwe zvese zvamunomupa izvo ipai henyu asi mushonga mukuru mukaka wamai. Vaya vanoramba kumwisa mwana vachiti nokuti mazamu anozorembera vanhu vasinei noutano hwemwana. Kana une shamwari yakadai, zama kumukurudzira kumwisa mwana.

Mukaka wezamu wakasiyana zvichibva nenguva yacho. Mukaka wekutanga unova wakaita YELLOW unokasira kupera kozoita mukaka muchena. Kuchinja kwemukaka kunokwanisa kutora mazuva anosvika ku 14. Unokwanisa kuti ukazvara mwana unoona kuti makaka unoita seizvi?

1 Musi wekutanga mukaka wakaita Yellow/Orange. Mwana anomwa zamu asi zvinoita sokuti hapana chaanowana. Usatya nazvo. Mwana anowana mukaka uyu asi uri mushomanana. Haadi wakawanda. Mukaka uyu wakasimba uye une kudya kwakawanda kunodiwa nomuviri.

2 Kwapera mazuva maviri mukaka unotanga kuchinja ruvara asi zvinotora nguva. Kune vamwe unoita 7 days uchichinja. Kune vamwe unosvika vhiki mbiri usati wanyatsochena.

3 Mukaka wamunhu hauna kuita sewemomombe, Mutete kuda kutoita semvura. Wemombe une 87% yemvura chete. Wemunhu une 95% yemvura. Saka ukaona uri mutete usatya nazvo.

Mwana anopiwa mukaka panguva inoita 3-4 hours, chero achida chero asingadi. Usarega mwana achingovata asingapiwi zvokudya zvake. Usiku unomuka wofidha mwana. Kunozoti kwapera nguva wopota uchiwedzera nguva usiku asi masikati ramba uchi fidha mwana akure.

Kuchipatara vanofanira kukudzidzsa zvokuita vasati vakurega uchienda kumba. Unokwaniusazve kupiwa zvimabhuku zvokuverenga wega.

Nhova
Mwana anozvagwa pamusoro pemusoro wake panenge pane ganda chete pasina bhonzo. Izvi zvakaitigwa kuti mwana paya achizvagwa atefetere musoro kuti akwane kubuda mudumbu ramai. Kozotizve azvagwa haagoni kutaura saka anokwanisa kufa nenyota. Kuti mai vake vazive kuti ava nenyota, vanoona nhova iya ichitamba tamba. Kutamba kwenhova kuratidza kuti mwana ane nyota. Saka kasira kumwisa mwana kana waona nhova ichitamba.

Kare vanhu nokusaziva vaiti vakaona nhova ichitamba voudzana kuti mwana aroyiwa votsvaka mishonga izvo bodo mwana ari kungoda mukaka kana mvura. Hino kare vanhu vaiti mai vakabereka mwana vakakwira naye mubhazi rinopisa zvokuti, votadza kumwisa mwana, mwana wotanga kutamba nhova, Vakazviona pakuburuka bhazi, votaurira vamwe nhema kuti mubhazi mange mune munhu ane mishonga yaitisa kuti mwana atambe nhova. Vaitoona sokuti chigwere chisingarapiki.

Chinonetsa kuvanhu vedu ndechokuti nhema dzinofamba kupfuura chokwadi. Nhova hachisi chigwere. Inoitiswa ne DEHYDRATION.

Zvigwere zverusvava.
1 Chigwere chikuru chaunofanira kuhwisisa inyota yemukaka kana mwura iyo yandataura kuti inoonekwa nokutamba kwenhova.

2 Pamimba paya enda kuchipatara unoongorogwa kuti iwe une zvigwere zvaunokwanisa kupa mwana pakuzvara here. Kune zvigwere zvinoti HIV, nezvimwe zvechihure zvinoitika muchitubu. Kana unazvo unofanira kuzvara mwa nokuchekwa dumbu. Kana une chigwere haufaniri kuzvara mwana nokuzasi. Pane zvigwere zvechihure zvinoitisa mwana bofu. Ukakasira kuonekwa, unorapiwa kana zvichirapika kana kuudzwa kuti unofanira kuchekwa pakuzvara.

3 Zvokosoro zvevanhu zvinobatwa nomwana nokukasira nokuti mwana haana RESISTANCE pazvigwere zvine vaya vanozomuona. Hwisisa kuti kana une chikosoro, mirira chipere usati wanoona mwana wehama kana shamwari yako.

4 Kudziya muviri kunoitika pavana vakawanda. Mwana anozvagwa akakora kupfuura zvaachaita kana akura. Haafaniri kufukidzwa zvakawanda. Unokwanisa kukwidza BODY TEMPERATURE yomwana kusvika pasina kufanira. Mwana ngaasafukidzwa mazichira akakora. Ukaona mwana apisa muviri, kasira kumutonhodza nemvura. Unonyika tawero mumvura inodziya zvakafanira wopota uchipukuta mwana. Kana ukaona zvaramba zviripo unomupa CALPOL yevana vezera rake. wombobvisa macchira akamufukidza.

5 Mudumbu. Mukaka unohwisa mudumbu zvokutochemedza mwana uye uchaona kuti mwana anoita mhepo nokubudisa mweya nokubudisazve svina yakaita mvura kureva kuti mudumbu hamuna kugadzikana. Udza varapi vakupe mushonga wakakodzera.

6 Mapundu anoitiswa neNAPUKENI uye mamwe anoitiswa nokupiswa Nappy rush, ne Skin rush. pamwe zvinoda kuona kuti mvura yauri kugezesa mwana nayo imvura yakaita sei. Kana uri kumusha imbosiyana nesipo ushandise ruredzo. Ruredzo gunokura guchitanda senyemba asi gunobereka masoso (mafeso) anobaya. Ukagutora uka gushandisa sesipo pamwana ane tumapundu gunobatsira kuvava kwemapundu uye kupfavisa mvura. Gunopopomawo zvinongoita sipo.  Ruredzo gunowanikwa kwese muZimbabwe asi kana uri mutawendhi pamwe wotombobuda kunotsvaka. Asi hagunetsi kuwana. Usazotanha panoitigwa tsvina nevanhu. Endawo kure mumapurazi.
7 Zheve dzamwana dzinopota dzichiita tsvina zvokuti unofanira kudzigeza asi woita wakachenhera. Pane zviya zvinohi BABY BUDS. ukazvitenga wopota uchizvishandisa asi ziva kuti unokwanisa kukuvadza zheve yemwana nokuti haazivi zvauri kuita saka unotoita wakamubata musoro kuti asafakanyika uchiita. 


 Kudzokera parhoji wazvara
6 weeks uye kupurakiiza kusimbisa masuru wakamirira kutanga rhoji nomurume. Hino varume zvokumirira zvinovanetsa saka paya pamunenge mamirira kuzvara mimba yakurisa musingachiiti rhoji yenyu, chiwana mukana wekudzidza kubudisa murume urume nemaoko. Hazvinetsi, ukangozora mafuta mumaoko ako opfavirirawo wokwiza maoko kuti adziye, woti murume aita zemo wotanga nokumupurudzira chombo wopedzisira womukoira nemaoko uku uchimuudza zvinoitisa zemo rikure, unoona napo napo pfuti dzorira hadzo. wadaro chinyararidza murume avate hope dzakanaka. 

Kana ukasazviita izvi iye anozviita ega zvoreva kuti BOND yenyu inoderera. Jaira kuita iwe Manager wemaitire emurume wako panyaya dzekuvatana idzi. Mutaridze kuti unofunga nezvake pazviri. Pakumirira apa tinoudza kuti 6 Weeks asi vamwe vanokasira vamwe vanononoka. Vamwe vanoona kuzvara sechigwere chokuti anoita mwedzi yakati kuti murume ari pamaoko chete. 

Musi wekutanga chenjera. Unokwanisa kuita mimba, zvikuru kana usingamwisi mwana zamu. Unokwanisa kunge watanga kuenda kumwedzi kare. Shandisai kondomu, uye zvokugofiwa neganyabvu ndiwe unoudza murume aite uchihwa muviri wako kuti uri papi.  


Summary yeZvinhu zvinobatsira pakuzvara
1 Kugaroiswa urume zvikuru pamurumo wechibereko. Zvinonzi ne Research dzakawanda dzakaitwa, urume hwemurume hukawanzopiwa mukadzi ane mimba, kuzvara kunomuitira nyore, mwana anozvagwa ane RESISTANCE yezvigwere yakawanda upfuura vana vevakadzi vasina varume. Izvi hazvirevi kuti utsvake murume wekungovata newe une mimba asiri baba vemwana. Bodo. Vata nababa vemwana. Kana wava pedo nokuzvara zama kupiwa urume nguva nenguva.

2 Kumedza urume, kunozikamwa kwese kuEurope ne America, ne Zimbabwe, nedzimwe nyika, kuti zvinobatsira chose kana wata Labour yakareba kana kuti mwana anonoka kuzvagwa. Ukaita zvinhu zviviri zvinoti Kuiswa urume muchitubu, uye kuti murume akubudisire urume umwe umedze, zvinoshandira vakawanda. Vakadzi vanofarira kusveta zvombo zvevarume vavo uye vachimbomedza urume, havaiti mimba dzinobva dzega sezvinoita vasingasveti, uyezve havaiti CONDITION inohi  pre-eclampsia seavo vasingasveti chombo.

3 Kudya ma PINEAPPLE. Kwahi zvinobatsira kuti utange labour. Asi ukamawanzisa unoita mudumbu. Ukaita mudumbu unokwanisa kutanga labour futi nazvo .

Conclusion
Nyaya dzese idzi dzinotaridza zvechokwadi kuti maitire edu vatema okuti munhu anonozvarira mwana kumusha kwake haandiwo. Unofanira kugara nomurume wako uchiwana SUPPLY yourume yakawanda kuti zvinhu zvikunakire. Usabvuma kunozvarira kumusha kwenyu uchisiya murume wako. 

Nhema dzinoudzwa vanaNyamimba

1 Kuvhura masuwo
 Nhema huru ndeyokuudza kuti masuwo anoda kuvhurwa. Ukazviterera ukazviita, unopiwa mishonga yausingazivi chainorapa iwe usina chigwere. Unokwanisa kuisa maBACTERIA akaipa mukati mechitubu chako, kana kumwa mishonga inokuvadza mwana wako. Ukatarisa uchaona kuti MOTALITY RATE (kurarama kwevana) yevana vemuZimbabwe ishoma chose pane yekune dzimwe nyika kureva kuti hatina mushonga unoshanda.

Tanga wafunga kuti vana vanozvagwa mupasi rese vangani pazuva. Vese vanngozvagwa nomwero umwe chete. Ko kunyika kwedu ndiko kune vakadzi vakasiyana nevekune dzimwe nyika pakudii kwacho? Usaterera zvinotaugwa nomunhu asiri murapi. Dzimwe tsika dzedu dzaiva dzokuti ugadzikane hana chete uchifunga kuti wakamwa mushonga saka hapana chakaipa.

2 Mushonga wenhova:
Nhova mushonga wayo imvura. Nhova inotamba kana mwana ane nyota. (Dehydration) chete. Nhova hachisi chigwere uye hazvisi zvokuroiwa. Usarapa nhova pamwana. ipa mwana mvura kana mukaka nguva nenguva kuti asaita DEHYDRATION.

3 Kureurura pakuzvara:
Chero wakahura zveshuwa murume wako asiriye baba vemwana, hazvinei nokuzvara. Zvara chete wakanyarara. Utano hwemwana haunei nokuti akakuitisa mimba ndiani. Asi kana iye munhu wacho ange ane chigwere chechihure ndipo unofanira kurapiwa kana chichirapika. Kuti wadudza kuna ani kuti wakahura hazvirapi chigwere.




________________________________________________________________________
Pano ndoda kumboongorora nenyaya yemimba yokutanga kubva paunoz
iva kuti unayo kusvika pakuzvara mwana.

Vane zvokutaura taurai ndigozvibatanidzirapo.
 Tisati taenda mberi imbonoverengai pakahi

Kana wada Mimba

Kutanga wamitiswa

Kana usingadi mimba

Kurhojewa une mimba

Waverenga izvi kana une zvaunoziva pamusoro pemimba yokutanga ndinyorere Email uchitsanangura.

Toda nyaya dzinoti
Unoona sei kuti une mimba
Kuziva kuti wave nemimba
Kuudza mhuri kuti une mimmba
Kuchengeta mimba
Murume anoona sei mimba yako
Varume vanotya kurhoja mukadzi ane mimba
Zvigwere zvinodii pamimba
Zvokudya kana une mimba
Kuwirirana kwemazuva ekubata mimba nokuzvagwa kwemwana
Kuzvara
Mukaka wemwana
Zvigwere zverusvava
Nhema dzinoudzwa vanhukadzi pamimba

4 comments:

Anonymous said...

Ndinoti kusimba kwamuri mai Chibwe muri gamba kumadzimai ndatenda hangu nerubatsiro renyu. Kubva pandakaziva kuti ndane mimba ndange ndichitevedza zvimwe zvezvamanga muchitaura nezvandaiudzwa kumba. Ndakabatsirwa mwana wangu wekutanga svondo yapfuura asi ndakaitwa ceasear.

Iko zvino ndakukumbirawo kuti mubatsirewo maererano nenyaya yekurera vana like what is expected of the mother in term of dividing attention to both the husband and the baby. Touya nyaya yekurhojana mushure mukuzvara kuti kunoitwa kwapera nguva yakareba sei, huye kuti kana ukanga wakasungirwa unodzokera kumba kwako kwapera nguva yakadii. Ko tomboti baba vaita zemo, vakumbira rhoji nguva yekurhojana isati yasvika ndinovapa here. Mungange mabatsira zvikuru panhaurwa iyi mai Chibwe.

Ndatenda.

Mai E Chibwe said...

Nyaya iyi ndakataura nezvayo kakawanda. Inyaya inonetsa mese murume nomukadzi. Kana wazvara mwana zviri nani murume ave munhu anokubatsira kuvaka muviri pane kukudzosera shure.

Mese munofanira kunga makatoudzwa kuti mwana akazvagwa munomirira mavhiki matanhatu (6 weeks) uye kuti mukadzi anotanga kusimbisa masuru kana angooma uye ave munhu anohwa zvakanaka. Akasadaro anokwanisa kuti pakukosora kana kuhotsira ozviwetera ogara achingochinja bhurugwa kana kushandisa maPAD akawanda. Zviri nyore kungotanga wega kusimbisa kuti ukasire kudzokera pawange uri.

Kunozopera vhiki dzako idzo wakwana kumirira kutanga zvinhu nomurume asi musi wekutanga mombotora nguva muchitamba kuti unyatsonyorova.

Murume anokufosa kuvata naye muviri wako usati wakwana murume asina njere uye asingakudi. Ini nyaya zhinji dzandinohwa ndedzekuti isu ndisu tinoshusha varume kuti vatikasirire. Kuri kutya kuti murume akarebesa nguva asina chaaita anokwanisa kutanga kutarisa mvana dzemuraini. Varume vakawanda imbwa dzisinei nokuti mhuri ndeipi vekuzhe ndevapi, Anongoti chero iye ambopinza chombo pamwe asina basa kuti panani.

Makamirira kudai kana murume achida rubatsiro, kuti agarobudisa urume, mubatsire nemaoko, mazamu, zvidya, kana kumusveta chombo womupedzisa nemaoko. Munhurume kana akangojaira kugarovata nomukadzi wake anofanira kugarobudiswa urume kana mukadzi asingakwanisi kuvata naye nguva iyoyo.

Kune varume vakawandisa vanoitira mwana majerasi kana aona mwana achimwa zamu raasimwa iye muchirhojana. Zvikuru kana mwana ari mwanakomana, fungwa yomurume inoti paita kombetishoni.

Ibasa romukadzi kukurudzira murume kubatsira panyaya yokurera mwana kuti mese mugare mese. Ukasadaro murume anoona sokuti asiiwa ega uye haachina basa. Ndiye baba vemwana saka tangira pano kumupa mabasa okuita pakurera mwana wake. Zvinokubatsirawo kuwana nguva yokuzorora.

Pakuzvagwa kwemwana pane PSYCHOLOGY yakawanda inodiwa kuhwisiswa nevese vakadzi nevarume.

Unknown said...

makadii Mai Chibwe. Ini ndine muvhunzo pane zvinonzi munhu ane mimba yakasungwa kuti chii chinenge chichinyatsoitika uye inosunungurwa sei.

Unknown said...

Tinotenda nedzidzso amai Mwari vakuitirei zvakanak