Sunday 24 June 2012

Kuziva kuti musikana/mukomana imhandara/jaya

Tisati tataura nyaya iyi ngatingotanga nokubvumirana kuti hakuna chinhu chingaita kuti uzive kuti munhu wawadanana naye haana kumborhojana noumwe munhu. Hazvina kuti wakachenjera sei, Hakuna zvaungaita kuzhe kwekubvunza munhu wako chete. Regai ndigotsanangura tihwisisane tese.

Mwanasikana achizvagwa anozvagwa ane chigonhi chakavhara chitubu. Chigonhi ichi chinongovhara kuzasi kunozoti akura kopinzwa chombo pakurhojana. Chigonhi ichi chine maburi zvokuti chakaita sesefa kuti paya paanoita chimhandara (kutanga kumakore 8-15, anotanga kuenda kumwedzi Ropa rokumwedzi rinobuda zvakanaka asi chombo kuti chipinde chinofanigwa kubvarura gonhi riya.

Saka varume vakawanda vanofunga kuti kana musikana akatobvaruka gonhi rake zvoreva kuti akarhojewa nomumwe murume kare. Ukabvunza murume anofunga saizvi kuti anoziva sei kuti mukadzi akatobvaruka gonhi rechitubu kare, unohwa oti

"Ndakangopinza handina kumbohwa achichema uye hapana chakambomisa kupinda kwangu. Ndakangopinda zviri nyore. saka ange akaboogwa kare. "

Chimubvunza kuti mukadzi wako ange ane makore mangani ipapo. Unoona okutarisa sewataura zviri off topic. Ugobvunzazve kuti ange achishandisei kana ari kumwedzi. Woona fungwa yomurume yodzungaira nokushaya zvawabvunzira.

Isu vakadzi veZimbabwe tinodhonza matinji kubva pamusikana kusvika pavakadzi vakuru vane vana. Hakuna mukadzi wekuzimbabwe asina kumbobatabata pamberi pake. Chigonhi chechitubu chaunozvagwa nacho chitetetete zvokuti chinokwanisa kubvaruka zvisingambonetsi uye pamwe hachibudisi ropa rinoonekwa pakubvaruka kwacho. Kare vasikana vairoogwa vane makore 15, 16. 17,vachangotanga kuenda kumwedzi. Ipapo ukapinzwa chombo ropa rinoduda pakubvaruka kwechigonhi chako.

Kana ukazotanga kuvata nomurume wakura, unokwanisa kunge gonhi rako rakatobvaruka kudivi kana pakati kwete zvokuti murume kuti apinde kungotatamura chete otopinda zvisina ganyabvu. Mukadzi unongohwa kudambuka kwepaya pange pasara pakabatira oita seabaiwa netsono (quick and intantanious pain) obva atotanga kunakigwa.

Kana ange achishandisa zviya zvinoita zvokupinzwa muchitubu kana ari kumwedzi zvinohi tamboni zviya. Vasikana vakawanda vanozvishandisa. Chinopinzwa chosvikomira pagonhi asi pakufamba nokuita zvaanoita chinokwanisa kukwizirira gonhi kusvika rave detedete kana kutatamuka nokujaira kutatamugwa. Iye hapana chaanohwa. murume anozouyawo hake pave paya opinza chombo, pane kubvarura gonhi anongotatamurawo riripo, pedzezvo oti hapana resistance yaakawana.  Zvinokwanisika chose kuti mukadzi apinzwe chombo kakawanda asi gonhi risina kubvaruka kana nyakupinza ari umwe chete iyeye vese vasina experience yazvo.  Zvikuru kana vachingoita maitire amwe chetewo okuti mukadzi anovata manhede murume ari pamusoro. Kozoti umwe musiwo vakarivara mukadzi wohwa choti Godyo chigonhi chabvaruka. asi kana ange akatatamugwa saizvozvo haambohwi kugwadza kwakawanda.

Kotizve vasikana vanotamba masipotsi vava zvimhandara zvidiki. Anokwanisa kubvaruka gonhi rechitubu pa Long Jump, High Jump, Stiple chase, nezvimwe. Kana abvaruka murume anopinza zvisina kubvarura.

Kotizve vakadzi vanokwanisa kuwana Sodium Cynide solution/potassium cyanide solution. Akageza kuzasi nayo musi wekutanga, murume ane experience yemakore gumi anoudza nyika yese kuti akavata nemhandara. Mukadzi achagwadziwa ago chemachema agozopinzwa atomboratidza kushungurudzwa nechombo. Murume akapusa agobvapo achiti azviwanira mhandara izvo bodo pakatombopinndwa nezana revarume. Hwisisai kuti kana ane chironda, kana kuti iwe murume une chironda, Sodium Cyanide inokwanisa kupinda muropa ukafa, nokuti iQuick poison, asi kana mukadzi ada kuhi mhandara anoishandisa chete.

Kozotizve vasikana vemazuvano vanoda kuti varoogwe gonhi riripo. Anotamba nevarume asi achingopinzwa kushure. Akangowana mukomana waanoda kuti apinze opinzwa kushure kuchitubu kusina chapinda. Hino iwe ukazomuroora ungaziva sei akamborhojewa nevakawanda uye ane chigwere iwe gonhi rakati kwindi kuvhara? Kana akapinzwa nokumashure imhandara here? Aiwa haasi. Mhandara musikana asanhi aziva chombo, whether kuchipinzwa chero pachinokwanisa kupinzwa or kutamba nacho nemaoko.

Zvese izvi zvakauya nevarume vanoda kurhoja vasikana vakawanda vasingadi kuroora. Zvino vasikanawo vava kuda kurhojewa pasina kuroogwa asi vachizodazve kuva mhandara pamurume anoroora. Saka shuwa murume haangazivi kuti munhu uyu akambotamba nechombo chanhingi nechanhingi, kare.

Kugwadziwa nokunetsa kupinza:
Mukadzi akangoona kuti murume uyu ndiye waari kuda kuti aroorane naye, anokwanisa kuti pakupinzwa paya kokuting ochemachema kuita seari kugwadziwa, opta achiti murume akada kupinza iye ochema kwahi zviri kugwadza. ozoti pavapo oshinya masuru orega murume opinda murumewo achihwa kushinya. Zvadaro mukadzi misodzi mwashamwasha kwahi pagwadza chimborega ndiende kutoireti. odzokako akabata kutoilet roll chine ropa. Kwahi rega ndipukute tizame futi . Adado murume ozohi zama futi asi pari kugwadza. Uya murume nokupusa, opinza oita zvaanoita.

Mwedzi miviri yozopera ndoona mwana wehazvanzi asvika pamba kwahi tete ndauya kuzokuratidzai mukomana wangu. Apa handimboshori vasikna nokuti varume ndivo vakatanga nokuhura uku, kuda kuvata nevasikana vavasingadi vovasiya vasisiri mhandara. Unenge uchiti ozowanikwa nani asingadiwo mhandara.  Varume ndimi munofanira kudzosa DISCIPLINE munyika, muraini raunogara. Kurudzirai vamwe kusahura asi kuwedzera rhoji mumba uye kuudza vese kuti vasiyane nemhandara.

Saka apa tiri kuti
1 Musikana akavhara pachitubu chake anokwanisika kuva mhandara asizve anokwanisika kusava mhandara

2 Musikana asina kuvhara pachitubu anokwanisika kuva mhandara asizve anokwanisika kusava mhandara.

3 Hure rava nemakore richihura rinokwanisa kuenda kune imwe nzvimbo rigonyengwa nomurume  agovata naro agotadza kuziva kuti rakambovata nomurume.

4 Mazuvano varume nevakadzi vangofanana pakuzikamwa kuti imhandara kana jaya. Hapana chaungaziva nacho chinoonekera. Asi kana uchida kuzvinyebera zvinyebere hako.  Hapana chakaipapo. Ndezvomumba menyu.

HAZVIITI KUTI UZIVE KUTI MUSIKANA IMHANDARA USINA KUBVUNZA. Hapana mamwe mazivire aungaita asina QUESTION MARK. 

Varume:
Hakuna mukadzi angamboziva kuti mukomana waanaye akamborhoja vamwe vasikana here kana kwete asina kubvunza. Nyaya ndeyokubvunzana chete nokuvimba kuti zvawaudzwa ndizvo zvechokwadi.

Saka tese kuti tihi mhandara kana jaya kutobvunza kuti Ko nhaiwe ndiudzewo History yako tihwe. Madaro mese moenda kunotesitiwa. Mopiwa zvitupa zvoutano, motaridzana, mopikirana kuti masarudzana mese saka hamuchadi vamwe. Kubvapo mochingoita WORRY yemimba chete asi yezvigwere hamuchina.

Vakawanda vanozvirova dundundu kwahi mukadzi wangu ange ari mhandara izvo bodo. wakatosiigwawo nevamwe. Kozoitawo vamwe vonoudza vakadzi vavo kuti vange vasiri mhandara asi ivo vange vari mhandara dzisina chigonhi chechitubu nokuti change chatobvaruka hacho pasina chombo.

Varume hwisisai kuti ropa haribudi pamhandara dzese. Isuwo vana tete ngatihwisise kuti nyaya yokuti ini tete ndakabuda ropa musi wekutanga hazvirevi kuti mwana wandinoraira achabudawo ropa musi waanoboogwa nechombo. Vanhu takasiyana siyana.

Kubuda Ropa.
Ropa rinobuda harina kuwanda kana raonekwa. Vashomanana vanobuda ropa rinotohi paita ropa apa. Vasikana vakachenjera hazvivanetsi. Anotoziva musi nenguva yaanoda kukubvumira kupinza. Hazvinetsi kuisa ropa pamashitibheta ako. Ukakwenya bundu rinobuda ropa. ukazvibaya nechimwe chinhu unobuda ropa. Chinongodiwa kuti ropa rionekwe pakati pemubhedha chete. Madomhwe mashanu chete  murume wotofumobika doro kupembera kwahi ndazviwanira mhandara yangu ndava kunobvisa mombe youmai.

Kana mukadzi akamboravira chombo anenge achitoziva kuti murume akangobudisa urume anokwanisa kumbobatwa nehope. Kunoita twenty minutes murume asina chaanoziva mukadzi anokwanisa kuronga yeropa iyo obva avatawo.  Ozomutsa murume omuudza kuti panhu pake pari kugwadza, kuri kuda kuti aone kuti paita ropa.

Kusonesa chigonhi cheumhandara. 
Munyika dzechiArab dzinoti ukabatwa uchihura vanokuuraya (very good idea) vakadzi vakawanda veko vanoti akahura akabviswa humhandara kana oda kuroogwa anonosonesa chigonhi chiya chongoita sezvachanga chiri kare. Mazuvano madhokotera haana basa nekuti unodei. Kana une mari yako vanokuitira chete.

China, USA, Europe, etc madokotera anokuitira operation yacho inoita 30 minutes chete. Wadaro woenda kune imwe nyika kwausingazikamwi kuhura kwako wotowana umwe murume fuza anoda zveropa. Nyaya yatofamba. Ipapo wakamirira kuwanikwa nomurume uyu, unenge uchivata nevamwe varume uchivati vapinze kumashure chete.

Varume vedu ndivo vakatanga nokuda kufamba vachiboora mhandara asi vachizoda kuroorazve DIFFERENT mhandara. Mentality yakadai LOGIC yayo inoti hazvisi SUSTAINABLE saka vakadzi vachenjerawo kudai. Unoona murume mukuru akaona chimwana chine vabereki vasina mari yechikoro oda kumubhadharira asizve oda kuvata nechimwana chiya. Chikoro chapera musikana oda kunyengwa nevezera rake zvofamba sei ipapo. Puresha yaiswa pamusikana uyu kuti apedze chikoro, kuti avate nezidhara iri, kuti azovazve mhandara pakuroogwa yakawandisa. Mashortcut aanoita kuti zvifambe akawandawo.

Tikabvumirana kuti chihure chakaipa tikaderedza kuhura tese tikadazve kuti wawatanga kuvata naye ndiye waunoroorana naye, nyaya yehumhandara nohujaya inoita nyaya isina basa. Asi hazvichaiti kuti tidzokereko saka chasara kungoziva kuti pakuroorana unokwanisa kuroorana nomunhu ane katundu kake BAGGAGE.

Udzai vamwe!!!!!

2 comments:

Anonymous said...

Ko unoona sei kuti musikana achangobva kuita bonde

Macka Dee said...

Ko unoona sei kuti musikana achangobva kuita bonde