Monday 20 August 2012

Kudanana nomunhu ane hasha

Ndoda kumbotanga nyaya iyi nokuti vakawanda vakadzi/varume vanorobwa mudzimba umu, vamwe vanotomboenda kunorapiwa asi vanodzoka kumba kuzorobwa zve mwedzi unouya. Zvinofamba sei izvi? Ndichada kuitaura.

Chatinoti DOMESTIC Violence Chii?

  1. Kutuka
  2. Kurova
  3. Kunyararira
  4. Kungoshora pese pese
  5. Kukonzera umwe kufunganya


Chii chinoitisa hasha?
Zvinhu zvikuru zvinoitisa hasha zvinoti
kusagona kutsanangura zvinhu zvaunoda kuti vamwe vahwisise. Kune varume vakawanda vasina inohi COMMUNICATION SKILL. Vazhinji vavo vane hasha. vanofunga kuti kurova munhu kunowedzera kuhwisisa kwake pane zvavanoda kuti zvihwisiswe. Munyika dzese mune vanhu vane hasha asi COMMON FACTOR yavo kusagona kutaurirana navamwe.

Kuona vabereki vako vachiita hasha. Mwana anokura achiona baba vachirova mai, kana ari mwanakomana, kazhinji achazorovawo mukadzi wake kana aroora. Vana vanodzidza nokuterera nokuona nokutevedzera. Kungoudza mwana kuti zvakaipa kurova mukadzi asi iye achiona baba vachirova mai hazvishandi. Baba munhu anoonekwa somunhu anopa EXAMPLE kuvana.

Musikana anokura achiona mai vachirobwa nababa anokura achifunga kuti kuva mukadzi wemunhu zvinoreva kuti unogarorobwa. Hino iwe murume wake ukasazimurova anokwanisa kufunga kuti haumudi.


Zvinogadzirika here?
Kazvhinji munhu anorova umwe kana kutuka kana kuita zvimwe, haachatogadziriki. Ukaone mukomana wako akuitira hasha, kasira kusiyana naye nokuti watoratidza kuti upenyu hwako huchafamba sei kana mukaroorana. Hazvigadziriki. Hasha zhinji dziri muropa. Chero akadii, umwe musi dzinobuda chete.

Kana waona hasha pamudiwa wako chii chaungaita?
Kana ari mukomana wako siyana naye nokukasira. Kana ari murume wako, akakuitira hasha mumba kasira kudana mapurisa asungwe. Usambofunga zvokuti unomuda chii chii. Kana uchimuda musungise nokuti pamwe achakasira kuziva kuti aita zvakaipa uye iwe zvakaipa hauzvidi mumusha. Ukasamusungisa nhasi, chitogara pedo neHosipitari nokuti uchaita customer yavo yepamoyo. Muno muUK Domestic Violence idambudziko guru asi ukaenda kuzvipatara, mwedzi umwe noumwe unongoona vakadzi vamwe chetevo vachizorapiwa. Vapora vodzokera kundorakashwa futi.

Vakadzi /varume vane hasha.
Hasha dziri kwese, vakadzi kana varume. Kune varume vakawanda vanorobwa navakadzi vavo asi vanosvoda kutaurira mapurisa. Zvakafanira kuti kana waitigwa hasha, kasira kuudza mapurisa nyaya imboenda kukoti mutongeswa. Kana zvikaitika kaviri siyana naye.


Hasha nokubatwa Chibharo mumba zvinoenderana.
Ukatarisa vakadzi vakawanda vanorobwa nevarume vavo uchawanazve kuti ndivo vakadzi vanowanzobatwa chibharo nevarume vavo. Pamwe unotoona kuti chakazoita kuti murume arove mukadzi ingari yokuti mukadzi airambira murume. Paakazorobwa ndipo paakazovhurawo makumbo ndokukwigwa achitochema nokugwadziwa. Asi vapedza hapana chakaitika kumurume uyu, kureva kuti paachadazve kuvata nomukadzi vaviri ava vanototanga vapopotedzanazve kuti murume awane matangire achibharo chake kumukadzi. Zvadaro mukadzi haachakwanisi kuzova nomutauro panyaya dzake.

Akaramba anorobwa. Akabvuma anoona sokuti ari kuda murume asina hanya naye. Saka pese apa paasingaudzi mapurisa achabatwa chibharo uye haanakigwi nokuvatana nomurume wake.


Zvinowanzoitika kana wasiya murume ane hasha.
Vakadzi vakawanda vanobva pamurume ane hasha vambogarapo makore akati wandei vanongozoda varume vane hasha futi. Zvinonetsa kudzokera kuCONFIDENCE yako kana wamboiruza nokuda kwemurume akadai. Zvakafanira kuti musi wekutanga kurobwa nomurume ziva chokuita nokukasira nyaya ichagadzirika. Hausi mwana wake kana imbwa yake yaanofunga kuranga. Uri munhu mukuru anotobvumigwa nomutemo kuvata nomurume. Hakuna mwanana anobvumidzwa izvi.

Udzai Vamwe!!!

No comments: