Wednesday 27 June 2012

Kufuhwira murume/mukadzi


Mufuhwira
Kupa murume/mukadzi mufuhwira chinhu chakanaka chose nokuti unenge waona kuti pano ndoda kuti ndive inini chete pasina vamwe. Vanhu vese vane njere vanokasira kuhwisisa kuti kuhurirana hakuna upenyu saka murume/mukadzi wangu akahura ini ndinokwanisa kuita zvigwere nezvimwe zvisingarapiki. Kana munhu angohwisisa nyaya iyi anokasira kutsvaka mazano okuti pamusha pake pashaike chihure.Rimwe ramazano awa ratinoudziwa munyaya dzemakuhwa nderokupa umwe wako mufuhwira asingazivi kuti ari kupiwa.Mufuhwira hausi wekutanga waudza munhu kuti nhasi ndoda kukupa mufuhwira.
Mabato emufuhwira:
Kune mabato maviri emufuhwira.Kunoti mufuhwira unotengwa kun’anga, koti mufuhwira unobva pakuhwisisana.
Wekun’anga:
Vanhu vedu vechiShona havafariri zvinhu zvisina MYSTERY mazviri.Chinhu chese chese chinototi chiitwe mushonga pachiri. Unoona munhu akadzidza SCIENCE kusvika pa PhD achitaridza kuti kudzidza kwake hakuna kana kumbochinja mafunire ake. Anoona sokuti kudzidza ndekwezvimwewo zvakasiyana nezvinoitika muupenyu chaihwo hwevanhu.Zvese zvatinoita zvine mushonga mukati.
Mwana akazvagwa pane mishonga asina nebasa rese inoshandiswa. Kwahi mushonga wenhova ngaupiwe mwana, asi nhova yacho hachisi chigwere. Nhova yakaitigwa kuti paya mwana asingatauri, mai vake vazive kuti anoda mvura here kana kwete.Haidi mushonga.
Munhu akaita mimba anopiwa mishonga isingarapi chinhu.Mimba hachisi chigwere.
Munhu akaroogwa anohi enda undopa murume mushonga uyu kuti akude.Ipapo aroogwa nokuti ndiye anodiwa nomurume.Woona mukadzi akadzidza kupfuura Grade 7 ototevedzerawo izvozvo.Obvisiswa huku nhatu nen’anga yomuraini opiwa midzi yemupirikisi, kwahi enda undonyika mumvura ugobikisa mvura yacho sadza rokupa murume.Huku dzatoenda mahara. Kopera makore matatu mukadzi ozohwa zvohi murume wake akamitisa chimwewo chihure. Hakuna mushonga unobva kun’anga unokwanisa kuti murume/mukadzi wako akude zvakawedzera.Unokwanisa kutozviuraira murume wosara wave chirikadzi. Dai zvaishanda dai vanozvitengesa vari ma bhiriyoneya, nokuti pasi rese vanhu vari kurambana vakawandisa zvokuti dai kune mishonga yokuti vadanane, vaitoitenga nemasaga ayo. Unoona iyo n’anga yacho isina murume asi iri kukutengesera mushonga wekuti murume wako akude. Kusahwisisa kuya uye kuwandigwa nemari.
Kana uchifunga kuti mushonga wacho unoshanda saka chidyai mese mudanane tione. Kwete kungopa murume/mukadzi odya ega.
  
Weruzivo
Mufuhwira weruzivo ndewekuitira murume/mukadzi wako zvakanaka pauviri hwenyu, uye upenyu hwenyu hwese.
Usati wapa umwe wako zvimishonga zvisina nebasa rese, tanga wafunga kuti zvadyiwa zvikainda mudumbu zvinozosvika sei mufungwa?Kazhinji tikadya zvinonogumira kutoireti chete.Kudya kwefungwa kutaurirana nokuona zvinoitika.
Mufuhwira weruzivo unoda munhu anofunga anobata umwe wake zvine
  • Rudo
  • Rukudzo
  • Kuremekedza
  • Kuterera
  • Kutaura naye uchimuvaraidza
  • Kutamba naye muri mese uye vana vavata
  • Kuziva zvamakaroorerana (kufadzana nokuvaka mhuri)
  • Kubata mari zvakanaka usingaitambisi nokupa vanhu vasinei nemi
  • Kuziva kuti mese mune vabereki
  • Kuwirirana nehama dzake dzese pasina makuhwa
  • Kuziva kukumbira ruregerero kana paitika nyaya.
  • Kana paita nhamo mumba mavo iwe womiramirawo seimba yako.
  • Kana pane vaenzi woitawo zvakakodzera.

Pakunovata bvunza zvaanoda umupe zvese chero iwe usingazvidi unozviitira murume/mukadzi wako nokuti unomuda. Kana anenge ati anoda rhoji, ngaasanyimwa chero zvodii. Chero tambotikana ndichida kuiswa murume ngaatondiisa chete. Iniwo musi wandichanzi vhura ndakatsamwa ndofanigwa kuvhura. Kana mavatana makatsamwirana zvinonaka zvokuti asi hazvirevi kuti mokangamwa kugadzirisa nyaya yakutsamwisai.

Kubikirana zvamunoda. Varume vanoda kubikigwa zvinhu zvinonaka. Kana akakura achipiwa chimwe chinhu namai vake, enda kwamai vake udzidzswe kuchibika ichocho. Vakadzi tinongoda kuti umwewo musi murume ati gara pasi nhasi ndini ndinobika. Otaridza kuti azama nomoyo wose.

Musi wamusingaendi kubasa usasiya murume avete ega kuseni uchienda kundoshopa. Imboitawo nguva yakanaka nomurume wako mumubhedha wenyu umupe twake ane nguva yacho.Kana wamuka, enda ugeze udzoke kwaari anakigwe newe. Momboitawo Bonding Time.

Shamwaridzana nomurume/mukadzi wako usava nema sikireti ausingamuudzi.

Usashungurudza umwe wako kusvika pakuti andopiwa ADVICE nomunhu wekuzhe kwemusha.

Usada kupopota usati wawhisisa kuti nyaya yese iri papi. Taura nomunhu wako zvakanaka murudo, chero muchigadzirisana mugadzirise zvine rudo mukati. At end of day muri mukadzi nomurume hapana kwaari kuenda. Ndipo pamusha pakewo pano.

Usadawo kutonga umwe. Hausi hurumende iwe. Isu vakadzi tisu tinotobvumidza varume vedu kutitonga, hazvirevi kuti iwe murume chiita saDictator mumba. Uya zvakanaka titaurirane tite zano redu tese. Tsanangura kuti chii chichaitika uye kuti wazvidirei izvi.

Ukazvikwanisa izvi ndiwo mufuhwira chaiwo.Zvimwe zvese kutambisa nguva yako nemari yako kuswerozvinetsa.Mukadzi/murume akangoziva kuti chokuti chinoitisa murume/mukadzi asava ne Security yakakwana, kana akachenjera haaiti chinhu ichocho.Zviya zvokuti ITA NDIITEWO ndozvinoita munhu aguta nokuroorana noumwe, ave kuda kurambana. Kana Murume akauya kumba akadhakwa, iwe hauendi kundomwawo doro wouya wakadhakwa.Unokurudzira murume kuti asamwa doro.

Mufuhwira rudo nokuhwisisana chete.Zvokubikirana nemvura yemidzi izvo hunga watadza kuita basa rako somukadi/murume wemunhu.

Kutaura nevamwe:

Kana paya munhu akauya kwauri achibvunza nezviitwa zvingaitwa kuti murume/mukadzi wake adzoke kwaari, taura nezvorudo chete kwete kumuti aende kwavaya vanokubvisisa huku.

Udzai vamwe!!!!!!!!!


mushonga wemumba
Kudyisa murume
Kudyisa mukadzi
Kusunga mukadzi
Kusunga murume

No comments: