Saturday 5 May 2018

Mukadzi asingatereri murume.

Paita mubvunzo unoti iwo, Kana mukadzi asingatereri murume zvingaitwa sei? " Mubvunzo uyu wasiiwa kumibvunzo nemhinduri 16. Mhinduro yacho yakakurisa saka ndati ndiite iri nyaya yacho yega.

Iyi Inyaya huru nokuti misha yakawanda yapara nokuti vakaroorana havazivi maitire emumba
_____________________________________

Kana mukadzi asingatereri murume zvoreva kuti pane nyaya dzakawanda chose dzinoda kufgadziriswa pakati penyu. Chokutanga ndechokuhwisisa kuti mukadzi haana OBLIGATION yokuterera murume. Murumewo haana OBLIGATION yokuterera mukadzi.  Kutererana uma menyu chinhu chamunofanira kuita pakuda kwenyu (VOLUNTARY) kuti musha wenyu ufambire mberi . Asi hazvikwanisiki kuti mukadzi kana kuti murume angomuka mangwanani ava kutoti anoda kuterera umwe wake. Bodo, zvinoda kana une chaunowana pazviri chakakodzera kuti urambe uchiwana kana ukaramba uchiterera umwe wako.

Kune varume vakawandisa vanongofunga kuti kuva nechombo zvoreva kuti munhu asina anofanira kukuterera. Handizvo. Mafungire awa inoitwa nomunhu iingahwisi kuti ari kuitei uye asingafaniri kunge ane mukadzi. Kuvaka musha kunoda sungano pauviri hwenyu uye kuti mese muhwisisane nokutaurirana zvamunofunga.

Pachivanhu chedu murume ndiye mukuru wemusha, zvisinei kuti pamakore ake okuberekwa mukuru here kana kuti mudiki pamukadzi wake.  Asi kuti ahi mukuru mumba mukadzi ndiye anomupa STATUS iyoyo. Hakuna umwe munhu anomupa STATUS iyiyo zvisinei kuti ndewemhuri yake here kana kuti ndewemuraini. Kuti musha uenderere mberi murume anofanira kuhi ndiye mukuru nomukadzi wake. Kana mukadzi akasadaro murume haakwanisi kuva mukuru mumba nokuti anenge asina wekuva mukuru paari.

Saka mubvunzo unofanira kuti  “ Chii chingaitwa kuti mukadzi aone murume wake somukuru mumba mavo”. Ndiyo nyaya huru yandati inoda kugadziriswa zvakawanda pairi kuti zviitike uye zvinotanga nokuti murume ahwisise kuti mukadzi haana OBLIGATION. Kukudza murume inohi VOLUNTARY action, uye anozviita kana ane chaanowana pazviri. Kana pasina BENEFIT hazvimubatsiri kukudza murume saka chero murume akasweropopota kuti heee ndoda RESPECT, heee ndoda unditerere, hapana chinobudapo. Mukadzi anongogara asina rukudzo pane zvaunotaura kana kuita.

Saka todii?
Kana uri murume mumba uchihwisisa kuti unofanira kutungamira mhuri yako zvese nomukadzi wako, chigara pasi uterere zvandichakuudza pano.

Chokutanga ida mukadzi wako norudo gunoonekwa nemukadzi wako. Iye mukadzi wako ndiye anofanira kuhwisisa kuti unomuda nomoyo wese. Vamwe vanozviona havanei nenyaya yako. Mukadzi wako ngaazvionere ega azvihwisise kuti murume wake anomuda.

Chechipiri rongai musha wenyu pamwe chete. Kana une chainoda kuita mumusha, usachiita musina kubvumirna nomukadzi wako.  Unotanga nokugara pasi nomukadzi wako womutsanangurira mafungire ako womuudza kuti unoona zvichikwanisa kufamba asi unoda kuti iye achimbofunga nazvo. Womuudza kuti ndiye achati zvoitwa here kana kwete.  Kana ati kwete, mubvunze kuti sei ati kwete. Kana ati ngazviitwe, mubvunze kuti sei ati zviitwe. Motsanangurirana maonere enyu panyaya iyi. Rega mukadzi ataure maonere ake. Hwisisa nokumubvunza mibvunzo. Kana mune nyaya inokosha, musataurirana muri mumubhedha. Tauriranai makagara uye mune mukana wenyonyara zvamunofunga kuti musazozvikangamwa. Kana mukadzi akati kwete panyaya ,akakutsanangurira mafungire ake,  iwe chirega kupengereka nenyaya. Chimboisiya kusvika adzoka ega kuzoti afunga zvakasiyana.

Kana uri mukuru mumba, taridza kuti uri mukuru. Kana mukapopotedzana, pane zvausingafaniri kuita panyaya yamapopotedzana. Chokutanga ukapopotawo sezvinoita vanhukadzi, zvotaridza kuti hauna kusiyana navo saka hausiwe mukuru.

Usarega kutsamwa kwenyu kuchiita kana maawa maviri. Wana mukana wekupedza nyaya zvakanaka. Kunozosviba mava kutaurirana zvakanaka. Kana ukaona akatsamwa ndiwe mukuru saka taridza EXAMPLE kuti nyaya dzinopedzwa sei. Ndiwe unodaidza mukadzi wako womuti gara pasi. Kana agara womuudza kuti:

“Mai chimwana, tatukana masikati ano pane zvataitirana zvisingafadzi. Hazvirevi kuti tave mhandu pakati bedu. Zvinongoreva kuti pane patisingawirirani kufunga. Saka tatukana zvapera, tahwisisa tese kuti zviito zvedu panyaya iyoyo zvinoda kuongorogwa. Sakai we ukabika sadza ini handingaramwi ndichiti nokuti tambotukana, iwewo chirega kunditsamwira. Ngatipedze nyaya. ” 

Iwe chinyarara kusvika iye ataurawo zvaanoda kutaura. Kana ati yapera chirega ipere. Kana atangazve kupopota, rega apopote kusvika aguta. Iwe womuudza kuti wazvihwa. Pane chaanoda uite here?  Zvadaro bata mukadzi wako womumbundikira womuudza kuti munhu anohwisisa uye ane rudo. Uchaona asisina hasha zvaange ari. Iwe noukuru hwako wapedza hasha.

Kana uchitaura pamusoro pemukadzi wako kune vamwe vanhu, usataura zvisina rukudzo. Taura zvinoratidza kuti iwe murume wakagona kusarudza munhu ane kodzero yokuva mukadzi wako. Mukadzi wako ngaahwisise kuti hapana chakaipa chaunotaura pamusoro pake kushamwari dzako kana hama dzako.

Panyaya dzemari, garai pasi munyore BUDGET yemwedzi wese. Hakuna mari  inoti uyu anongotora oshandisa umwe asingazivi. Mukadzi anoziva kuti mari iri pazvinhu zvemumba imarii. Murumewo nohwisisa kuti kana mwedzi wondopera mari inoshota zvakadii. Kana muchironga ma PROJECT okuti muwedzere mari inouya mumba, rongai mese.  Chero chinhu chidikidiki rongai mese.  Mukadzi akati anoda munda wenzimbe chaiwo, kana mune panokwana kuti muite, tanga waterera mafungire ake, chisimuka undotsvaka kunowanikwa nzimbe dzokusima, wosima . Gore rinouya rega mukadzi ateme nzimbe achinotengesa nokuti iProject yake.

Kana mune vana, rega mukadzi ave murairidzi wevana. Kana ukaona mukadzi achirova mwana rega arove chero usingazvifariri. Kana mazova mega, chitaura nezvekurobwa kwemwana uye kuti mamwe maitire okuraira ndeapi. Uyawo mwana akauya kuzogara pamakumbo ababa, taurira mwana kuti ngaasakonzera mai kumurova. Ngaaitire mai vake zvakanake. Mwana ngaakure achihwisisa kuti mai nababa vari pamwe chete panyaya yekutsiura mwana.

Pakunovata, usavata wakafuratira mukadzi wako chero zvodii. Kana wafunga kufuratira, tanga wakumbira kuti ufuratire. Iye okupa mvumo iwe wofuratira. Ita tsika yokuenda kunovata nguva imwe chete nomukadzi wako. Endai nguva imwe chete. Kwete kuti uyu wotanga, umwe wozotevera, bodo. Handizvo. Endai munovata nguva imwe chete. 

Mava mumubhedha dzidza kugumbatira mukadzi wako azive kuti murume wake aripo uye anomuda. Usamukonzera kufungira kuti pamwe haumudi. Gumbatira mukadzi wako womuswededza pedo newe ahwe SECURITY yapamusha pake. Moita nyaya makadaro muchinhuhwirana mumuromo kana musina kugeza mazino. Wakagumbatira mukadzi wako kudaro, mazamu ake ari pachifuva pako, terera kurira kwemoyo wake kuti kuti papi, ane EXCITEMENT here pakuva pedo nomurume wake? Taura nezvokudziya kwemuviri wake uye kufarira kwaunoita pakuva naye. Purudzira musana wake nemagaro muchiita nyaya uchiita sokuti zviri kungoitika zvega. Mukadzi ngaazive kuti chaunofarira pamuviri wake chii, chiso, mazamu, zvidya, magaro, vhidzi, maziso, muromo, matinji, etc. Ndzvipi zvinokufadza. Uchaone okupa kuti ufadzwe nazvo.

Vanhukadzi INSTINCT yedu kuriritira. Mukadzi akawana SECURITY pamusha anowedzera kuriritira mhuri yake. Kuriritira murume zvinhu zvakawanda asi kana zvimwe zvese zvaitwa chasara kuzvipa kumurume. Hapana chimwe chandinacho kuzhe kwemuviri wangu kuzvipa kumurume.  Murumewo ngaachindigamuchira murudo. Kana pasina ugwere pakati penyu, itai tsika yokugaroisana pese pamunowana mukana.  Zvinotaridza kuti murume anogamuchira muviri wemukadzi wake. Zvinofadza mukadzi.

Vakadzi vanogaroiswa nevarume vavo Havana hasha mumuviri  kana mufungwa, havaiti nharo. Haumuoni achibuda achinopopota ari pazhe achionekwa nokuhwikwa nevanhu vemuraini. Kana akagumbuka anozvipfigira mumba ochema arimo ari ega. Kana ukamuteveramo unotokwanisa kumunyaradza, pamwe motoisana misodzi ichiri minyoro pamatama ake. Munhu ane rudo kumurume wake.
Kuisana kwakawanda kunodzivirira zvigwere zvakati wandei saka utano hwenyu mese hunowedzera. Uchaonawo kuti iwe murume unoita munhu akadzikama. Kufunga zvinovaka kunowedzera. BP pamuri mese inoita shoma. 

Pakuisana kwenyu, usakasirira mukadzi wako. Hakuna chinhu chinobhowa sokunyemudzwa chombo. Kungohi koi koi (two minutes ) wotodiridzigwa usati wahwa  pane moyo pakuiswa, zvinosvota zvisingaite.  Kana uchiziva kuti unokwanisa kumukasirira, wedzera nguva yokutamba kwenyu muchigadzirira kuisana. Hwisisa muviri wemukadzi wako uye kuti chinomunakira chii panyaya yokuisana. Mapedza yeuka kusafuratira mukadzi wako. Usabatwa nehope iye achakasvinura. Ndiwe mukuru mumba ndiwe unotanga wapa mukadzi hope ari mumaoko ako, iwe wozobatwawo nehope. Kana akakufuratira iye iwe swedera pedo naye woisa ruoko seri kwake womuswededza pauri. Wochimurega abatwe nehope.  Ndiwe mukuru.

Kana mukadzi akabika zvausingafariri, idya chete uye tenda zvawadya. Wana mukna wekumuudza kuti haufariri zvokudya zvakadaro asi wozomuudza mangwana. Zvanhasi chimbodya wakakanyarara. Kana akazokuyeuchidza kuti wakadya sokuti waizvida, muudze kuti zvabikwa na Kwini wako zvese zvakakunakira. Uchaona iye ega asisazvibiki futi.

Gara uchikudza mukadzi wako pane zvaanoita zvakanaka mumba. Ngaahwisise kuti unoona zvaanoita uye unozvirumbidza.

Shamwaridzana nomukadzi wako Kana une foni yemuhombodo, ita tsika yokutumira mukadzi wako mashoko erudo uye nyaya dzinofadza. Kana ukaona chinhu chinoitisa nyaya, tora pikicha utumire mukadzi wako, kuti paunosvika kumba muite nyaya pazviri.  Garounza zvinhu kumba zvokuzopa mukadzi wako. Hazvisi zvinhu zvinodhura asi zvinhu zvinongoratidza kuti kana ukaona chinhu chakanaka, unofungawo kuti dai Mai chimwana vari pano vaonawo zvandaona izvi.  Ukaona ruva rakanaka mudondo, tora pikicha utumire mukadzi wako umuudze kuti waona ruva rakumufungisa. Kana ukatonhogwa muudze kuti dai aripo usina kutonhogwa seizvi.  Kana mukamboparadzana, pamunozosangana taridza kuti wange uchimushuva chose. Kana akaita ugwere, taridza kushungurudzika nazvo. Kana ane chiri kumudya moyo sokuti chimwe chiri kuitika kumhuri yake, iwe iva pedo naye avimbe newe ahwisise kuti hakuna chinhu chinokwanisa kuitika chaanoita ari ega iwe usingamusapoti.

Kana une kwawaenda, tumira mukadzi wako MESSAGE ummudze kuti uchanonoka kudzika nengari yokuti, iye kuti chii chiri kuitika.

Usahurira mukadzi wako. Pane varume vane tsika yokuti mukadzi akaramba kuiswa, murume oudza mukadzi kuti  kune vakawanda vanoda kuiswa. Tese toziva kuti mahure akawanda uye havarambi kuiswa asi hachisi chinhu chokuudza mukadzi wako nokuti anozofunga kuti wazviziva sei? Chero usingahuri anokwanisa kukufungira kuti pamwe unohura.  Kana mune tsika yokugaroisana mumba uye murume achitaridza rudo, kashoma chose kuti mukadzi amurambire. Vanhukadzi tinoona sokuti mukuisana mune rudo saka kana murume achitaridza kundida ini ndoisana naye chose murudo.

Usaramba kuisa mukadzi uchiti nokuti wagumbuka. Kugumbuka ndezvefungwa. Kuisana ndezvefungwa zvese nomuviri kunakigwa. Pedzera shungu pakuisana kwete pakutsamwirana. Mumba menyu mukangotanga kushotesana chete, hakuna kwamunoenda. nyaya yenyu yatotanga kuipa. 

Musangoisana zvimwe chetezvo zuva nezuva kuita semusina IMAGINATIOn. Siyanisai maitire, nguva yokuita, uye kwamunoitira. Kana mari iripo, pota uchitora mukadzi wako, zvikuru ari pakati pomwedzi (PERIOD) woendawo naye kuLODGE moita weekend muriko muchishandana.  Vanhukadzi vakawandisa vanowedzera zemo panguva inoita vhiki mbiri vabva kumwedzi.
Kana ukatevera zvese izvi, haumbozovi mhunhu anoshamisika kuti Seiko mukadzi wangu asinganditereri. Uchava munhu anohwa ari munhu mukuru chose mumba make.

Zama kuti mukadzi wako akudewo sezvamaiva musati machata. Maishaisana hope nokuda kwerudo. Kwezva mukadzi wako afunge kuti munhu akapiwa chipo chomurume.
Hazvirevi kuti wako achatevera zvandataura izvi asi vanhukadzi vakawnda ndiwo maonere avo kana pasina zvimwe zvisinei norudo zviri kukonejkwa nomurume zvinoshungurudza mukadzi zvinoti:
  1. Kudhakwa
  2. Kubhema mbanje kana fodya inonhuwa
  3. Kusafarira kugeza muviri kana mazino
  4. Kugaromhura mukadzi kuhama dzako iwe murume
  5. Kuva nyope isingadi kushanda basa. Kungoswera uchingondeya neraini pasina zvauri kuita
  6. Kushamwaridzana nevarume vasina kodzero
  7. Kusada kuenda kuCHURCH mukadzi achida kuti uende naye kuti awaneewo chimiro pane vamwe vake.
  8. Kushaya zvokutaura nomukadzi wako kuita sokuti haumuzivi. 
  9. Nezvimwewo. 
Zvikonzero zvinoita kuti mukadzi asaterera murume zvakawanda hazvo asi zvizhinji zvacho zvinoitiswa nokuti iye murume wacho haahwisisi mukadzi wake. Zvikuru haana rudo kumukadzi. Chake kungotsvaka nhapwa yokugara nayo achigaropa ma COMMANDS ake aanoda kuti atevegwe.  Bodo. Ida mukadzi wako uite avimbe newe.


Hwisisazve kuti kune vakadzi/varume, vasingagadziriki pakusagona kugarisana navo. Asizve iwe unenge wakatoroorana nomunhu akadai uchiziva kuti ndiwe watadza kusarudza nokuti ange akangoremara fungwa nechekare asi iwe wakazvikakavadza ukabvuma kuroorana naye. uchifunga kuti achachinja. Koitazve mukadzi akakura asina baba akangoona mai vake varuvo mukuru wemhuri. kana wakaroora mukadzi akadai, rega muite vakuru mese nokuti hapana zvaanoziva pakuona murume ari mukuru. Zvoreva kuti munofanira kuwedzera chose kutaudzana panyaya dzenyu.

Zvese zvapera kutaugwa, murume ngaahwisise kuti hakuna munhu anokuterera kana pasina BENEFIT kwaari. Kuti mukadzi abvumire murume kuva mukuru mumba, pane zvaanowana pazviri mukadzi iyeye. Kana pasina, anokasira kuhwisisa kuti ari kutambisa nguva yake achikudza munhu asina kodzero. Ndipo nyaya dzinotanga kuwanda mumba. Dambudziko kazhinji riri pamurume asingazivi kuti kuva mukuru zvinoitwa sei.

Murume ndiye mukuru mumba uye isuwo tinoda varume vedu vave vakuru mumba. Varume ivai vakuru vemhuri dzenyu. Dai zvaikwanisika maikurudzirana kuchengeta mhuri dzenyu zvakanaka. Asi sokuona kwangu varume ukaterera vachitaurirana, kazhinji vanokurudzirana kuhurira vakadzi vavo uye kudzvanyirira vakadzi vemumba. Hakuchina varume vakuru vane unhu vanoraira vechidiki sezvaivako kare. Tongohwa varume vanoda kufoseredza vakadzi kuti vaterere zvavanoda. Bodo, bodo, bodo, Kuti uve mukuru mumba, mukadzi ndiye anokuita mukuru wake nokuda kwekuti pane chakanaka chinowanikwa nomukadzi kana akuita mukuru wake. Saka iwe chiunza chacho chakanakira mukadzi agokuita mukuru wake.


Udzai vamwe!!!!!!

No comments: