Friday 31 March 2017

Tongai vanotonga mupe munhu mazano.

Tongaiwo nyaya iyi vane njere pazvinhu. Nyaya yange yakareba uye ine zvinyogwa zvakadzika pakusvodesa saka ndaidimbura dimbura kuti vechidiki vakwanise kuverenga zvisingatyisi.

_____________________________________________________________

"Ndibatsireiwo. Murume akashaika 2014. Ane muningina ari kuUSA ane mukadzi ikoko nevana. Ndinochengeta fuma yake yaari kutumira ari ku USA saka anogarouya kuzoona kuti zvinhu zvakamira sei. Kana ari kuno anogara pano pamusha wemukoma wake. Ndisu takamupinza chikoro achigara pano. Vabereki vakashaika kare.

Akauya muna February akagara 3 weeks neni. Vana vakura havachipo pamusha.

Ndakamunetsa kusvika arara neni. Aimbosiuya pamusha pane vanhu. This time pange pasina vakuru paingova nezvana zviviri. Ndakamutsanangurira kuti handina kumborara nomurume  29 months dzese kubva pakashaika mukoma wake neAccident. Iye aiti maiguru ndimai, havararwi navo. Kuti ndimai ichokwadi asi kana mukoma ashaika vachiri mai here. Ndakakumbira vhiki yese achiramba, asi ndakamupindira mubedroom usiku ndikakumbira kusvika abvuma.Two weeks dzese tiri tese mumubhedha umwe chete.

Asi ane mukadzi nevana uye ini handisi kutsvaka zvimwe asi kungoti kana aripo ndosarara ndega.  Iye achiri mwanana kwandiri. 33 ini makore 48.  Nyaya yangu ndotya kuti zvikabuda anorambana namainini. Ndoitawo sei nokuti akazouyazve tinorara tese futi. Dzimwe hama dzikazviziva zvinozofamba sei. ?"

________________________________________________________



Wednesday 29 March 2017

Varume imbotijekeseraiwo

Varume imbotitauriraiwo kuti nyaya dzenyu dzinofamba sei?

Kana wawana nguva imbotidavirirawo mivunzi iyi

1 Paya paunopa mukadzi wako urume unohwa sei pakuitika kwazvo?

2.Kunakigwa nomukadzi kunofamba sei, anenga aitei? ndechipi chiitiko chinokunakira chose?

3 Zvakasiyanei kupfeka nokusapfeka Kondhomu?

4 Ko nyaya yokufunga kuti kukura kwechombo ndiko kunonakira vakadzi makaiwanepi?

5 Seiko mahure munyika dzese zvadzo vachifambigwa nevarume vane vakadzi mudzimba kwete nemajaya? Kusiya mukadzi mumba wemahara uchindotsvaka hure rekuhadhara zvinoitiswa nei?


Tichazomunza imwe mivunzo asi dai mambotiatsirawo pamafungire enyu pamivunzo iyi tihwisisane.

Tikawana varume vanopfuuura 20 vangadawo kutiudza mafungire avo tenge tagona. Kana usingadi kutaurira pano nyorera kukero inoti Maichibwe@yahoo.co.uk


Tatenda.


Thursday 16 March 2017

Chihure Chinoitiswa ne Mushonga Wen'anga

N'ana vanhu vakachenjera chose uye vanoziva PSYCHOLOGY yevanhu. Havana kunyanyosiyana nevaporofita vavako mazuvano. Vese vanhu vanokwanisa kukonzera iwe nemurume wako kuita chihure muchifunga kuti muri gadzirisa nyaya dzinoda kurapwa.

Pano toda kutanga nyaya nokutaura chokwadi chekuti chihure chakaipa kuitwa newe kana kuti nemurume wako mese.

Chikure chinouraya vakawanda chose nengari yezvigwere,

Kana munhu akatanga kuhura, hazviiti kuti arege kuhura.

Mahure haashandisi mishonga kuwana varume kana vakadzi. Wega unongosimuka wonotsvaka hurekadzi kana hurerume usina akupa mushonga.

Saka pane n'anga dzinoti ukaendako dzinokuudza kuti kana uchida mimba enda undovata namurume akati. Uchamuwana akasendeka bhasikoro rake pamagirosa ekwanhingi. Ziva zvokuita naye kuti uite mimba nokukasira.

Koitazve n'anga inoudza murume wako kuti kana uchida kukwanisa kuzvarisa mukadzi wako enda undovata nomusikana asina kumbovata nomurume, Asi vata naye musango pedo negwizi gunoeredza.

Kana uchida kuita bhizimisi, tanga wanovata nechikomana chidiki. Kana kuti tora mushonga uyu undouvhenganisa neropa rokumwedzi kwekutanga kwemusikana.

Kwedu kwaimbova nemukadzi wasabhuku aibika doro chose asi asingamwi doro iye. Akaudzwa nen'anga kuti doro rokutengesa rinoda kuti pakubika paya aise NAPUKENI yemwana ine tsvina nokuti hakuna munhu asingafariri vanana. Saka doro rake raiziotengwa nevakawanda oita mari.


Nyaya dzakadai dzakawandisa, zvikuru kunyika yedu nedzakaitenderedza.

Toda kumboona kuti zvinobatsira chinhu here kwamuri, uye zvinozofamba sei mberi.

Monday 13 March 2017

Kugumbatirana (Cuddling)

Kugumbatirana kwakakosha kuvanhukadzi kupfuura kuvatana, iri ngari yokuti kunoratidza rudo uye vanhukadzi mhomho yese, vanovata nomurume fungwa dzavo dzichivaudza kuti zvinotaridza rudo. Saka kuti avate nomurume wake anodawo kutaridzwa rudo. Kugumbatirana nguva dzakasiyana siyana kunoratidza rudo. Asi pane nguva dzandichatsanangura pano dzinodiwa uti murume ane achihwisisa kuti kugumbatira mukadzi wake nguva idzi chinhu chakanaka chose uye mukadzi ane murume akadai munhu akareruka hana anomufaro mumba make.

Vanhukadzi tine nyaya yokuda kuriritira mhuri yese. Maitire ekuriritira akasiyana kuvana nokumurume asi dzimwe nguva zviitwa zvacho zvakangoda kufanana zvokuti kana murume akazvihwisisa kuriritigwa kwake kunowedzera, kusiri kuti mukadzi ari kufunga kuti dai awedzera kuriritira murume asi kungoti maitire emurume anoita mukadzi awedzere.

Kune vakadzi mudzimba umu vanoti kana murume akati ita ichi kana icho, haambofungi kuramba. Anongoita chete nokuti anoziva kuti murume wake anozvifarira. Iyeweo anofarira kufadza murume wake. Asizve unohwa vamwe varume vachikomburena kuti mukadzi hadi kugaroiswa. Izvo bodo mukadzi handiye ane dambudziko, murume ndiye asina rudo zvokuti mukadzi haachatooni sokuti murume wake munhu akakodzera kuriritigwa kusvika pakuvhurigwa makumbo.

Kana murume ane mukadzi mumba, ngaaite tsika yokugarogumbatira mukadzi wake, uye kujaidza maoko ake kunanga kumuviri wemukadzi nokugarokwevera mukadzi wako kwauri kuti muve pamwe chete.  Mukadzi ngaagare achihwisisa kuti murume wake anomuda chose zvokuti pamunoparadzana murume anotaridza kushushikana nazvo. Kana muri mese, usagara kure nemukadzi wako moti uyu kusofa rake uyu rake kunge muri padare rekutonga mhosva kwasabhuku. Garai pedo napedo murume oitawo maoko anodzungaira akananga kumukadzi.

Mukadzi haanonoki kuzviona kuti murume uyu ane rudo, unoona ega oti akaiswa ruoko pafudzi nemurume, orerekera musoro kutsvaka kutsamhira murume wake kureva kuti ari kugamuchira rudo gwemurume uye anozvifarira.

Kana ukabva kure ukawana mukadzi wako achiita zvaari kuita, pakumhoresana mbundikirawo mukadzi wako wombomubata Makati zii wozomuregedza hako motanga kutaudzana.
Munhukadzi anodawo kuudzwa nezviri pamuviri wake. Kana murume akaita tsika yokugaro purudzira magaro emukadzi wake, mukadzi haanonoki kuti napo napo omisa magaro kuti murume amaone zvakanake. 

Kana mukadzi akaziva kuti murume anofarira mazamu ake, maitire ake anosiyana. Anotanga kuita zvinoratidza mazamu ake kuti aonekera zvakawedzera kumurume wake.
Mukadzi ajaira kumbundikigwa nomurume, unoona ega ozvipa kumurume kuti ambundikigwe pese pese paanoona zvichiita. Mukadzi ane murume akadai anoshuva murume wake kana asipo.

Pakunovata paya Murume jaira kuti kana monovata moenda mese kunovata kwete kuti umwe omboenda, iota nguva aenda umwe ozotevera. Bodo. Endai mese muwane mokana wekumboita tunyaya tusina mature tweushamwari hwenyu, hazvinei kuti makuhwa here kana kuti kutaurirana zvinosetsa. Chikuru kuita nyaya dzenyu pasina umwe munhu akakutererai.

Ipapo panyaya apa murume usaita nyaya nomukadzi ari uko iwe uri uku. Bata mukadzi wako umugumbatire, mozevezerana zheve nemuromo zviri pedo napedo, uchihwa hwema hwemumuromo make uchihwisisa kuti TOOTHPASTE yaashandisa ndeipi. 

Terera kutinhira kwemoyo wake newako kuti zviri kuenderana here. Isa ruoko kuseri kwemusana wake umukwevera pamuviri wako. Pota uchipurudzira magaro ake muchiita nyaya dzenyu muchidaro. Hwisisazve kuti mukadzi wese wese anoda kuziva kuti murume wake anomuda chero pasina nyaya yokuisana. Saka kana ari kumwedzi uchiziva kuti kuisana hakuiti, gumbatira mukadzi wako uite nyaya naye achiziva kuti unoziva kuti nhasi zvokuisana hapana. Uchazoona kuti maitire ake anosiyana. Kana asiri kumwedzi anozvipira kwauri kuti ufadzwe nomuviri nezviito zvake.

Kana mamboita nyaya mukazosvika pakuisana, uchaona kuti kana mukadzi achiziva kuti unoshamwaridzana naye murudo, hapana chaasingakuitiri kana wamuti ita. Anohwa akasununguka pamurume wake. Varume pakuisana munopota muchikoniwa dzimwe nguva. Taudza mukadzi wako muchiisana, kwete kungoti zii zvinokweshana zvichikweshana zvega iwe uchiita seusipo.  Ramba uchikurudzira mukadzi wako kuita ichi neicho uchimuudza kuti ari kukunakira. Zvinopa manyawi ekuwedzera. Uchazoona kuti mangwana kana umwe musi achakuitira izvozvo zvinonaka zvacho usina kumuudza.

Pamunonyanya kukoniwa ndepekuti paya murume adididzira mukadzi urume, chombo hachichina simba.  Zvisinei kuti mukadzi atundawo here kana kwete nyaya yese ndipo poyotombomirira nokuti chombo hapachina. Murume simba rokutaura nyaya haachina. Kana mukadzi achine zemo anofanira kubatsigwa kuripedza. Maoko enyu mese aripo. Hwisisa kuti mukadzi anoda kukwizirigwa papi kuti abve zemo. Kana ange abva zemo sezvawaita, gumbatira mukadzi wako ave pedo newe mobatwa nehope makadaro.  

Kana uchida kuvbunza kuti anakigwa here, bvunza  ugomutenda kuti akunakirawo.
Kune vakadzi verudzi gwedu vanoti akapedza basa nemurume anopukuta murume. Rega akupukute agozvipukuta asi kana angodzoka pakuvata mugumbatire muve pedo napedo. Hope dzozouya hadzo makadaro. Kana akakufuratira unokwanisa kuisa ruoko pazamu asi usarisvinyanga nokuti kana achangobva zemo rinenge riri SENSITIVE.  Kana makatarisana, isa ruoko pamagaro kukwevere mukadzi wako kwauri mudziisane muviri makadaro. Haanonoki kubatwa nehope.

Kune vakadzi vanofarira kuisa musoro wemurume pakati pemazamu maoko pamagaro emurume murumewo ane maoko pamagaro emukadzi. Hazvinei kuti munogumbatirana sei. Asi chikuru kugumbatirana. Mukuva vanhu vakaroorana, kugumbatirana ndicho chinhu chikurusa pakugadzikanisa hana dzenyu kuti musagarofunganya. 

Kana mukatukana ukaona kuti umwe wako agumbuka pazviri, usarega achibatwa nehope akagumbuka. Kana akaenda kunovata, tevera ugozviswededza paari ugomugumbatira. Mukamboti zii makadaro, chero iye asina kukugumatirawo, ukaona asina kukutuka kuti ubve paari, ndipo paunomukumbira regerero, chero ariye ange ane mhosva, zvitsvakire mhosva umuudze mhosva yako pakutukana kwenyu. Unohwa ega ozviswededza kuti uwedzere kumugumbatira, iri ngari yokuti anoziva kuti une rudo.

Ikoko kugumbatirana kunotonga nyaya dzakawandisa dzamange muchazopokana padziri. Zvinongobva pakuhwisisana kuti munodanana. Zvikuru varume, ratidzai rudo kuvakadzi venyu. Murume ane rudo zvishoma zvaanoshaya kubva kumukadzi wake.  Kuriritigwa nomoyo wese nguva dzese.  Vanhukadzi vanoita mabasa akawanda chose pamusha asi muripo wavo wavangoda vese muripo werudo kubva kumurume. Kuudzwa kuti wagona ichi neicho uye uri munhu ane moyo wakanaka, zvinofadza chose.

Vakadzi vakawanda vane fungwa dzokuti kuvhurira murume makumbo kupa murume muviri kuti anakigwe nawo. Apa tiri kuti mukadzi ndiye anopa murume zvinonaka sokupa kwaanoita zvokudya kumurume. Hakuna mukadzi anoti ari pa LEAVE yezvekuika, nokuriritira mhuri. Ndizvo zvimwezvo pakunovata, mukadzi LEAVE yake inobva pakuenda kumwedzi chete.

Kana murume ane tsika yokugumbatira mukadzi wake, mukadzi anotevedzera tsika iyoyo. Zvoonekwa kuti  zemo remurume rinogara riri pedo pedo, mukadziwo otevedzera tsika iyoyo.  Kana uri kumamisha ukaenda kutsime nevamwe vakadzi, kana kuhuni, uchahwa nyaya dzavo dzinorerekera kune zvokuisana nevarume vavo kuti dziri papi. Varume vane rudo havatsoropodzwi nevakadzi vavo kune vamwe vavo. Unotohwa mukadzi mukuru achitaura kuti mazuvano hope ishoma, oridza chikwee vamwe vosekawo kuri kuziva kuti ari kuiswa zvinofadza.

Mukadzi anogarogumbatigwa nomurume wake haana nyaya dzakaipa nomurume wake. Anohwisisa murume wake. Murumewo anohwisisa zvokugumbatirana anopiwa zvese zvaanoda. PSYCHOLOGY yekugumbatigwa yakakosha chose. Munoonazve kuti munoudzana nyaya dzakadzika pakati penyu. 

Ngatiwedzere kugumbatirana mudzima dzedu veduwee. Kana zvisingakufambiri zvakanaka imbowedzera kugumbatira, zvikuru pakunovata paya mapedza mamwe mabasa, iwe woda kuturirawo umwe munhu nhamo dzako. Ukamugumbatira anoterera nyaya dzako zvizere.

Zvokuita kwemukadzi werudzi gwedu kuti uriritire murume nemhuri zvinoti :
1 Kubika zvokudya nokugadzira DIET yemurume nemhuri
2 Kuita utsanana mumba kuwacha nokusuka, kutsvaira, kuaina
3 Kurera vana, kuvagezesa,
4 Kuisira murume mvura yokugeza
5 Kuronga BUDGET repamusha
6 Kuzvipa kumurume nokuona kuti anogara akasununguka pamoyo

Zvokuita kwemurume werudzi gwedu kuti ave saimba
1 Kuterera zvinodiwa nomukadzi wake
2 Kuronga kuvaka musha pamwe nomukadzi wake
3 Kugamuchira zvawapiwa nomukadzi, zvokudya, zvokupfeka
4 Kuda mukadzi nevana
5 Kukwezva mukadzi wako kuti ave pedo newe asaita fungwa dzevamwe varume
6 Kugamuchira muviri wemukadzi nokumuyemura nokunakigwa nawo kumubata, kumudziisa muviri, kuvata naye, kumukwenya panovava, kumuongorora asina kupfeka.

Hwisisai kuti vakadzi vasingafariri kugumbatirana nevarume vavo vashomashoma mupasi rese, uye kazhinji zvinoitiswa nokuti murume haana kugeza mazino, kana kuti iye mukadzi haana kuisira murume mvura yokugeza musati manovata. Asizve kune nyaya inoti kune vakadzi vanowedzera zemo kana vanhuwidza murume ane ziya/dikita. Kunhuwa kwemurume asina kugeza kunoitisa vamwe vakadzi zemo. Vamwe vanoshushikana nazvo.

Murume anogarogumbatira mukadzi wake anogarovhurigwawo muviri wese achiita zvaanoda nawo. Kana mukatadza kutaudzana muchiita nyaya, asi murume akajaira kugumbatira mukadzi wake kakawanda uye muvete hope kana kuti makasvinura asi muri mumubhedha wenyu pasina nyaya, mukadzi anohwisisa mutauro wekugumbatigwa.

Udzai vamwe!!!!!!!!

Monday 6 March 2017

Mukadzi anotya Chombo, Murume anotya chitubu

Kune vanhukadzi vanotya chose chose kupinzwa chombo zvokuti anokwanisa kutoita mukadzi mukuru asina kumboita mukomana, kusiri kuti haadi vakomana asi kuti anotya kupinzwa chombo. PaWeekend apa ndange ndine umwe wechi INDIA ava nemakore 34 achiri mhandara. Anoti iye akazama kuiswa kaviri paupenyu hwake hwese asi zvakamugwadza zvokuti ari kutya kuzamazve. Asi haadi kushaya experience yokuiswa. Saka odii.

Kune chigwere chinohi VAGINISMUS chinokonzegwa nokutya kupinzwa chombo zvokuti pese paunopinzwa chombo unohwa kugwadziwa kukuru chose zvinova zvinokonzera kuti chitubu chisakwanisa kugamuchira chombo. Kugwadziwa kwacho kunokwanisa kuva kwakawanda zvokuti chitubu chinozvisunga kusambovhurika, murume akada kuramba achizama kupinza zvotowedzera kugwadza. Mukadzi anokwanisa kutoridza mhere kunge ari kubatwa chibharo asi iye achitoda kuiswa asi fungwa ichitya kugwadziwa zvikutokonzera kugwadziwa chaiko. 

Nyaya iyi inowanikwa munyika dzese hadzo dzepasi rino saka vaya vanokasira kuti ndezvekuroiwa kuti usakwigwa nevarume, dai mambosiya fungwa iyoyo nokuti hazvisi zveuroi. Dai zviri zveuroi, dai zvichingori kwedu chete kuZimbabwe nokuti ndiko kwega kune varoyi. 

Chinonetsa nyaya iyi ndechokuti mukadzi anayo anenge achitoitawo zemo zvakangofanana nevamwe. Kuiswa anotoswera achitofunga nazvo uye kutotorisirawo kuti paanosangana nomurume achafarirawo kuiswa, asi kungoti PSYCHOLOGY yake inomuudza kuti kupinzwa zinhu rakakura kudaro kunotofanira kugwadza saka muviri wake wotogadzirira kugwadziwa obva atohwa kugwadza. Kunyorova kuya kwanga kwamboitika nezemo kobva kwapera. 

Mukadzi anazvo hapana chaanokwanisa kupinza mukati make. Zvese zvinoita vamwe vakadzi iye haakwanisi kuita:

Kupinzwa chombo
Kupinzwa zvigumwe muchitamba nomurume
Kuzvipinza TAMBONI yekumwedzi
Kuvhugwa nomurapi kuti atariswe mukati kana achigwara

Zvese izvi haakwanisi kuzviita. 

Kuvarume:
Kana uri murume, unokwanisa kudanana nomukadzi akadai, iri nyaya yokuti iye ane rudo sezvinongoitawo vamwe. Zvinokwanisika kuti muroorane mugozosangana nedambudziko iri maroorana. Zvinokwanisikazve kuti murume anokwanisa kuziva kuti mukadzi wake zvokupinzwa chombo haakwanisi asi nengari yorudo murume oda hake kuroora mukadzi. Mukadziwo anokwanisa kufunga kuti akadanana nomukomana anozopedzisira arambwa nengari yokusakwanisa kuiswa, obva arega zvachose kuita vakomana.

Tinoona vanhu vava vakadzi vakuru asi usina kumbohwa kuti akamboitawo mukomana waaidanana naye. Mapenzi emuraini otoseka vachifunga kuti akatemegwa nyora yokusanyengwa kana kuti ane munyama unoda godobori kuti mbudzi ife. Izvo bodo musikana anongoda kugadziriswa nyaya yake kuti akwanise kuvhurira murume chete chete.

Zvikonzero:
Zvokonzero zvakawanda uye zvimwe zvacho hazvizikamwi. Zvinofungigwa kuti zvinobva pazviitiko zvawakasangana nazvo uri mwanana. Pamwe mai vaikutuka kana vakakuona wakabata pamberi. Pamwe wakamboenda kwamurapi akakutora Temperatura zvokupinza THERMOMETA muchitubu. Pamwe wakambopinzwa zvinhu nevanhu vakuru zvikakutyisa. Pamwe unosemeswa nokuona pameri pako. Pamwe fungwa yako inoti hauna buri rinokwana chombo.

Zvisineyi kuti chii chakakuitisa utye kuiswa, uchaona kuti kazhinji unoda chose kuiswa asi unotya kusvika pakusakwanisa zvachose. Chigwere ichi chinonetsa kugadzirisa. Vakadzi vanacho vanoita ma SPASM mukati kana fungwa ikangofunga kuti pane chinoda kupinda mukati make.


Zvinogadzirika here?
Mazuvano madhokotera ava kuzvihwisisa kuti inyaya yei saka vanokwanisa kukubatsirai. Kana ukaenda kwavari ukatsanangura nyaya yako kuti unohwa sei murume paanozama kukupinza chombo, uchaona kuti madhokotera echikuru anokwanisa kukutsanangurira kuti inyaya yei uye kuti chii chingaitwa pazviri.

Unoda kuenda kuCOUNSELLING. Kana uri kunyika dzakaita se EUROPE kana America, Canada, Australia, ukaudza varapi kuti une dambudziko iri, vanokuendesa kundorapwa. Kana uri muZimbabwe handinatsoziva kuti zvinofambiswa sei. Unokwanisa kuudzwa kuti enda kun'anga kana kuti kuvaporofita asi chokwadi ndechokuti unokwanisa kusvikako ugobatwa chibharo ugogwadziwa zvisingaiti.

Vamwe vanoti kana uchikwanisa kushandisa ma TAMBONI uri wega zvinoreva kuti dambudziko rako unaro hako asi idoko pane evamwe. Unokwanisa kuzvidzidzisa fungwa kuiswa nokujairira kuona vamwe vachiiswa uye chombo chichikwana muchitubu cheari kuiswa achiratidza kuti haasi kugwadziwa. Hino ukaenda kushamwari yako ukamukumbira kuti aiswe uchiona hazvifi zvakaitika. Saka unokwanisa kuzvionera pamafirimu anohi pono.

Kune vakadzi vane dambudziko iri vasingatombokwanisi kuona pono nokuda kwekuti kuona umwe achipinzwa chombo zvinomukanganisa chose fungwa. Zvakaita sokuona munhu achiuraya umwe. Saka zvinohi tanga nokutarisa miniti imwe chete nhasi. Mangwana miniti. Uchingodaro kusvika wokwanisa kutarisa maminiti matatu kana mana. Wochiramba uchidaro kusvika zvisisakunetsi.

Kubata chombo chomurume wako pasina zvokuisana. Kungochibata bata, nokuchijairira. Kuzvipinza Tamboni. Kuzvipinza chigumwe. Kukapera nguva ukajaira unokwanisa kuzoti murume azame kupinza. Asi zvinokwanisa kuita nguva zvichiramba. Murume anofanira kukuterera. Ukati mira omira. Ukati pinza opinza. Zviri nani kusatarisa chombo chichipinda asi kunatsovhura murumewo opinza zvinyoro nyoro mukadzi ambowana nguva yokunyorova kana kuti muchishandisa LUBE

Kana musi waanokwanisa kupinza opinza orega zvokukwesha. Mongoita nyaya iwe uchijairira kuva nechombo mukati.  Mosvika pakujaira kungodaro. Kana mozokweshana zvobva kwauri iwe kuti unohwa sei

Vakadzi vakawanda vane chigwere ichi havakwanisi kuchigadzirisa vega.

Hakuna mushonga chaiwo unozikamwa nokuda kwekuti zvikonzero zvakawanda asi kungoti varapi kana vaziva kuti chikonzero chako iwe chii, vanokwanisa kukubatsira asi zvinotora nguva.

Varume vanotya kupinza chombo?
Koitawo varume vanotya chitubu. Variko vakawandisa. Murume anomira chombo uye anoda chose kupinza mumukadzi asi kana akangovhurigwa chitubu anoita buka otadza kupinza.

Zvikonzero zvakawanda asi zvinohi chikuru chazvo kushaya CONFIDENCE zvokuti murume anofunga kuti haakwanisi kugutsa mukadzi.  kufunga kwakadai kunokwanisa kukonzera chombo kuramba kumira kana kuti kushaya simba rokunatsomira.

Murume kana ari ega anomira zvakanaka otozvirhoja maoko achinonakigwa nazvo. Kana ava nomukadzi zvomunetsa kukwanisa kupinza chombo. Kana akazoita mukadzi asina njere anotsoropodza murume, nyaya yotowedzera kuipa.

Varume vane chigwere ichi vanotadza zvachose kupinza variko havo asi vashoma. kana uriwe murume ane chigwere ichi tarisa upenyu hwako kubva uri mwanana kuti

1 Wakambobatwa chibharo here noumwe murume
2 Wakambokuvara pachombo here?
3 Une chokwadi here kuti kana uri wega uchifunga nezvokuvatana unozviona mufungwa zvichiitika nomunhukadzi here kana murume?
4 Kana une mukadzi anoda kukubatabata chombo nemawoko chombo chinoramba chimire zvakanaka here?
5 Ko mukadzi akati siya kupinza muchitubu upinze kumashure zvingakuitira nani here?
6 Unotya kuitisa mukadzi mimba here?
7 Unotyiswa nokubika mapoto naye here kwamuri kuita?


Kugadzirisa
Kugadzirisa nyaya yako kunonetsa kuti unoda mukadzi wausingafungiri kuita zviri kuzhe kwemuchato wenyu. Mukadzi anohwisisa uye ane tsika dzakanaka. Kana ukamutsanangurira kuti unohwa sei kana moda kuisana anokwanisa kukubatsira kugadzirisa nyaya nokuti iyewo nyaya ndeyake.

Nyaya dzemishonga panyaya idzi hadzishandi nokuti kana watsvaka mushonga uku fungwa isina kuzvigamuchira, unokwanisa kutozotadza kuisana nomukadzi wako pasina mushonga. Zvoreva kuti wave nhapwa yomushonga wekuti chombo chirambe chimire.

Zvinonzi nevarairidzi. Kana uchikwanisa kupinza chombo chisina kunatsoomarara nokumira, pinza hako nokuti kana chatopinda kazhinji chinowedzera kumira chavamo. Mukadziwo kana une murume akadai, zama kumuwedzera CONFIDENCE yake nokumutaridza kuti kuisana kunonaka uye kuti anogona basa.

Asizve kune varume vasingatombokwanisi kupinza nokuda kwekutya zviri mukati memukadzi.  Enda undoona varapi kana uri kunyika inohwisisa nezve PSYCHOLOGY.
____________________________________________________



Tiudzeiwo kana mune EXPERIENCE yokutya Rudo, Kutya chombo/chituu, Kutya kudanana noumwe munhu. Apa tiri kutaura pamusoro pevanhu vasina zvinoonekera zvakasiyana pavari asi kungoti anotya chete,


Udzai Vamwe!!!!!!!!