Tuesday 5 December 2017

Kuuchikwa

Mazuvano tinoona kuwanda kwaita vanhu vanoudza vamwe kuti vanogona kuuchika. Kuuchika tingati i PROCEDURE inoitwa kana wagara nguva refu usina mimba asi uri pamurume zvinoreva kuti unogariisana nomurume iye achikupa urume zvaunotoziva kuti ndizvo zviri kuitika asi ipapo mimba usingaibati.

Kuti uzohi wauchikwa zvinoreva kuti waenda kumuuchiki wacho ukandoterera zvaanotaura kuti uite, zvadaro wodzoka kumurume woisana naye wobata mimba mwana wozozvagwa nguva yakwana. Pano ndoda kukubudirai pachena kuti kana uri murume ukahwisisa kuti mukadzi wako aenda kundouchikwa nomunhurume, chirega kuvata naye kusvika kwapera mwedzi mipfumbamwe nokuti mazuvano zvinonetsa kuti adzokeko asina kuhura nemurapi. Unokwanisa kupiwa chigwere futi nokuda kwazvo.

Kare vauchiki vaingosvikonyeba nyeba voita zvimasaramusi zvenhema kuti usiye huku kana mbudzi yawauya nayo. Vamwe vaiti uya nehuku tema isina mavara zvachose, voiuraya voibika pamwe nemidzi yakasungwa fundo mobika sadza modya mese iwe wopiwa kana musoro. Zvadaro umwe muto wohi chienda undopota uchigeza nawo mazuva maviri.

Vamwevo vaitora midzi yavo vonyika mumvura wohi chigeza pamberi nemvura iya kwemwedzi miviri. Pamwe waipiwa chitanda chambonyikwa mumvura iya wohi chienda nacho kumba kwako ugondovata nacho zuva nezuva kuita sokuti chimwana chako, kusvika musi waunozvara mwana. Saka tinoona kuti zvaiitwa zvakawanda uye zvakasiyana siyana asi zvese zvaiitwa kuti fungwa dzako dzigadzikane panyaya yokuti unokwanisa kubata mimba. Chinhu chakanaka kugadzikana hana panyaya yemimba nokuti zvinobatsira kuti ubate mimba kana zvinoitisa mimba zvacho zviripo.

Mimba inoitiswa nezvinhu zvitatu zvinoti
  1. Murume anokwanisa kubudisa urume hune utano pakuisana kwenyu
  2. Mukadzi anokandira zai
  3. Mukadzi nomurume vanoisana kuti urume hupinde mumukadzi panguva yaanenge ane zai 
Kana chimwe cheizvi chikashaikwa hapana mimba inoitika. Hakuna mushonga unozogwa kuzhe kwemuviri kana kuti unogezwa nawo unokwanisa kukonzera mimba pamukadzi. Mimba inobva pakuisana zvakanaka mukadzi ane zai nguva iyoyo. Hapana chimwe chinokwanisa kuitisa mimba. 

Saka apa tiri kuti Kuenda kunouchikwa usingahwisisi chikonzero chiri kukushaisa mimba kutambisa nguva yako. Zvino varapi vakawanda vava kuzviziva izvi kuti kana akashanyigwa navanhu vanosvika vatatu vachitsvaka kuuchikwa, pakazoita nguva vasina mimba kunokwanisa kubuda shoko rokuti iye muuchiki wacho haagoni basa, obva ashaya maCUSTOMER zvoreva kuti mari haachatambiri. 

Saka nyaya yavapo mazuvano inoitwa nevarapi vakawanda ndeyokutanga nokukuti upinde muimba yaanewe uri wega. Zvadaro anokwanisa kukufukidza jira musoro ukuti bvisa bhurugwa akugezese kana kuti akupe mushonga wemimba. Anokugezesa nemvura yake yemidzi, obva akuita MASSAGE pamatinji achitaura zvisina maturo ari ega. Zvadaro anokufugura okuti chipfeka bhurugwa rako uende asi usacheuka kusvika waona muchakata mukuru uri pedo ne BUS STOP.  Unofanira kudzoka kwapera mazuva mana asi usadzoka kana uri kumwedzi. 

Apa ndiri kutaura zvakaitwa Sandhira kuZaka. Kwakapera mazuva mana Sandhira akadzokera akabvunzwa kuti akaisana here nomurume wake akati kwete murume akadzokera Harare kubasa, zvikahi pinda muimba yokurapira ubvise bhurugwa. Sandhira akapinda ndokubvisa bhurugwa ndokufukidzwa musoro, ndokugezeswa nemvura une mushonga, ndokusvinyangwa svinyangwa matinji nebhinzi neguvu muuchiki achipota achinyika maoko mumvura ine mushonga.

Zvadaro Sandhira akapukutwa netawero dikidiki. Zvadaro akahi nyika maoko ako mumvura ine mushonga utsinzine maziso ugobata chawapiwa. Akabatiswa chombo chomurapi kwekanguva chakati twii kumira. Akabviswa jira rakafukidza musoro ndokuhi chitora chidhishi chine mvura ine mushonga ugezese chombo chomurapi. Ipapo murapi ari kungoimba (HUMMING) achigezeswa chombo. Makumbo aSandhira akavhurika zvese zviri pabani akagara pacheya muimba isina chimwe chinhu kana umwe munhu. Vaingori vaviri.  

Jira rakaiswa pasi iye ndokuhi vatapo ndokumbosvinyangwazve matinji  pedzezvo ndokuvhugwa makumbo ndokupinzwa chombo chiya chaange akambobata nomushonga. Akaudzwa kuti ndiyo zhira yokupinza mushonga uyu uri mumvura muchibereko kuti chibereko chikwanise kugamuchira mimba. Akahi usafakanyika  kana kusvinura. Murapi ndokutambisatambisa chiuno chombo ndokurutsira urume mukati maSandhira, Murapi ndokubudisa chombo chake ndokuchipukuta nechitawero chakanyorova nemvura ine mushonga, ndokuisa tawero pakati pemakumbo emuuchikwi.

 Zvikahi chibata chombo murapi ndokuisa ruoko pahuma ya Sandhira achiimba kambo kake zvinyoronyoro. Kwakapera kanguva Sandhira akabata chombo murapi akabata huma yaSandhira, zvikazohi tora mvura ine mushonga ubike sadza tigodya tese nenyama yehuku yauya na Sandhira yabikwa mumvura ine midzi. 

Vakadya vese Murapi akabvunza nyaya dzakawanda pamusoro paSandhira. Vachinopedza kudya vakadzokerazve mumba Sandhira ndokupiwazve mushonga muchibereko akatsinzina maziso uye asingafakanyiki. 

Kwapera kanguva Sandhira akahi chienda hako asi udzoke kwapera mwedzi nehafu.  Kana wasvika kumba unofanira kuvata nomurume wako  zuva nezuva saka svikotevera kuHarare. Mwedzi wakazopera Sandhira ava nemimba. Paakadzokera kumurapi akasvikobvunzwa nyaya ndokurondedzera kuti ava nevhiki asingahwi zvakanaka uye ari kungorutsa rutsa zvisina mwero. 

Murapi akageza Sandhira nemvura ine mushonga ndokumupa mushonga mukati kuchiereko  kaviri makuseni nemasikati bhazi rokudzokera roda kuuya. ndokumupukuta nechitawero chinyoro nemvura ine mushonga. 

Sandhira ane mwana wake musikana ane makore maviri nehafu. Iye nomurume wake vari kufara nazvo chose. Murapi akavaudza kuti muripo wake imombe inotsika. Kana vasingadi kuti mwana agozoitawo damudziko rakaita seramai vake vanofanira kuzobhadhara mombe iyoyo.

Sandhira akaendeswa kumurapi uyu nevabereki vake vanova ndivo vakabhadhara huku dzese dzaaienda nadzo. Ndivozve vakabhadhara mombe.

MAZUVANO:
Mazuvano kune varapi vemarudzi akasiyana siyana panyaya yokuuchikwa. Kurapa kwavo kwakasiyana siyanazve asi pane chinhu chakafanana chose chose pavari. Mushonga wemimba unofanira kusvitswa mukuti memukadzi. Tinoona vakawanda vachienda kumapositori, vamwe vachienda kun'anga, vamwe vachienda kuvaporofita, vamwewo vanongoenda kumunhu wemuraini anozikamwa kuti anouchika.

Kuuchikwa hazvina kusiyana nokuti ungosangana noumwe murume mubhazi womubvisira bhurugwa moisana woenda hako kumba kwako wava nemimba. Kazhinji zvinoreva kuti iwe wagara hauna dambudziko panyaya yako yokushaya mimba. Murume wako ndiye ane dambudziko.


Usati waendako hwisisa kuti pakuuchikwa kwako pachatosvika imwe nguva inofanira kuti mushonga uiswe mukati mako kuti kana murume wako ava kuvata newe mimba ikwanise kubata. Ndizvo zvaunoudzwa. Apa handidi kukurondedzera kuti chii chiri kuitika nokuti iwe uri munhu akachenjera. Asi ndoda kukudza kuti vanhu vanouchika mhomho yavo yese vanhurume. Vanhu vanouchikwa, mhomho yavo yese vanhukadzi. Kana fungwa yako yava pakuda mwana unoita zvakawanda zvawange usingafungiri kuita nokuda kwe Puresha yokuti ubate mimba.

Ini munyori, ndakatadza kubata mimba kwemakore akada kusvika mana. Ndakazongoti taenda kumusha kuZimbabwe mwedzi wa February, ndokuti manheru ngatibude tinorohwa nemhepo. Takafamba famba ndokuenda kumunda kwakasviba netochi. Hameno kuti zvakafamba sei asi ndakapedzisira ndarhojewa mumunda mechibage tikatorumwa noutunga tiri pabasa iri. Zvainaka zvokuti mangwana acho manheru takadzokerako futi. Patakazodzoka kuUK ndange ndava nemimba asi ndisingazivi. Ndakazozivira ku UK. Saka puresha inopiwa nehama neshamwari kuti ubate mimba yakawandisa uye ndinohwisisa. As nyaya Sandhira iyi uye dzimwe nyaya dzinobuda mumaraini dzinotidzidzisa zvakawanda. Ndinoziva vamwe vakaita nyaya idzi .

Tanga waenda kuchipatara undoonekwa kuti dambudziko riri papi. Moenda mese nomurume ondoverengwa mhodzi kuti dzakakwana here. Zvipatara ndizvo zvinogona chose kuuchika nokuti munodzoka mahwisisa musoro wenyaya yenyu.

Udzai vamwe!!!




8 comments:

Anonymous said...

Ndakaroorwa ndine makore 21 ndikagara kumurume 17 months ndisina nhumbu. Ndakaendeswa kumuporofita natete nasisi vakuru 34 years old. They were telling me kuti terera zvaunoudzwa nomuporofita. Haana kundikwira but akandi batabata kuzasi, akandivhura akatarisa. Akandiudza kuti ndine blockage yakaiswa nehama yedu kuti ndisabata nhumbu nokuti vange vasingafariri kuti ndirorwe. Ndava ne 21 months ndisina nhumbu. Ndoita sei?

Mai E Chibwe said...

Chokutanga enda kuHospital undoonekwa ikoko. Pamwe nyaya yenyu ndeyokuti murume haana mhodzi saka usiri kubata mimba. Endai mese munoonekwa. Kana waudzwa zvokuita wombotevedzera pasina zvokunobatwabatwa noumwe murume.

Hakuna hama inokwanisa kukutadzisa kuita mimba. Hakuna SCIENCE yakadaro mu Zimbabwe kana dzimwe nyika. Enda uudzwe zvokuita

Unknown said...

Ini ndaive nejadell but zvikuramba Hama dzaiti enda ouchikwa but not yet nw 7 month

Unknown said...

I didn't know butnmubvunzo wangu unoti madoctors they are saying you don't have any problems then you go kumuporofita wonzi chibereko chakatarisa side tsvaga vanogona kuchigadzira ? Zvinoita here kuti chibereko chitarise divi

Anonymous said...

Ini ndakauchikwa namadzibaba may 2019 asi mimba yakazobata October 2019. Vakangondipa zvekumwa chete Havana kana pavakandibata. After 9 years of trying... Or it was a coincidence...

Unknown said...

Mazuvano unotoshaya kuti wodii uyende kwadoctor unonzi uri ryt kuma profita kwacho unoudzwa nhoroondo pasina kundiso uti kuchivanhu vanoda makutukutu emarii

Unknown said...

Zvinoitika

Unknown said...

Shingirira kunamata