Saturday 4 November 2017

Kutsvaka wekudanana naye

Pane vanhu vakawanda vari kugarobvunza nezvekunyengana uye kuti kana wabva zera usina rudo noumwe munhu chii chaungaita kuti zvigadziriswe. Taimbova nepokuti vanhu vasiye mazita avo nezvimutauro zvavo zvokukwezva. Saka pano toda kusanganisa vari kutsvaka rudo chete.  

Kana uri munhu ari kutsaka wekudanana naye, asi usingahwisisi kuti zvinoitwa sei, Chimbofunga kuti unoda here kuti vanoda zvauri vakunyorere mwadhi mutaurirane. Tanga nokunyora zvauri pano. Ugoisa EMAIL ADDRESS yako as hatiitaridzi. Kana pakawana anoda zvauri izvozvo. anosiyavo Email ADDRESS yake. Kana iwe ukazoti unoda kuona EMAIL ADDRESS Yake tobva takuratidza. Motaurirana. 

Saka pano siya zvindiwa paFORM iri riri pazasi. Kana uchida kutsvaka wekudanana naye, kana uchida kuti utumire mwadhi kumunhu wawaona pano zvese isa INFORMATION pa Form irori chete. 

Zvimwe zvese mozotaurirana mozotaurirana mava vaviri. 

Usatambisa nguva yevanhu. Kana usiri kutsvaka rudo siya vari kutsvaka vatsvakane. 
____________________________________________________________________________
Chiisa ma Detail Ako pa FORM iri ugoposita. Pakuisa pano paBLOG tinobvisa Email  ne SURNAME kuti pasawana anokunyorera pachivande. 



Zita-Rangu:

Taura kuti unoda kunzi ani Pano
Gender: Uri murume here kana kukadzi?
Email Address: Email Yako inotii??
Ndiri Kutsvaka: Uri kutsvaka murume kana mukadzi?
Nyika-Yangu: Unogarepi?
Dhorobha-Rangu: Guta rako nderipi?
Makore-angu: Une makore mangani ekuerekwa?
Wada-Ani: Kana pane wawada kutaura naye reva Zita rake pamazita ari pano?
Mutauro-wangu: Taura zvinokwezva zvaunoda kuudza vari kukutsvaka


Usakangamwa kuisa SUBJECT pakuposita nokuti ukakangamwa Zvinoenda ku RUBBISH BIN/JUNK MAIL BOX saka hapana chinosvika. 


Mahara Chete Chete!!!! 
Tinongokumbira kuti usapedza nguva youmwe munhu. Kana ukaona kuti haumudi kasira kumuudza. 
Kana une mukadzi/murume chirega kutsvaka umwe. Zvechihure bodo veduwee. Pano ndepevanoda kuvaka mhuri dzavo kwete kuputsa dzavo kana kuti dzevamwe. 


Tichatanga kuposita kana vanhu vari kutsvaka vekudanana navo vati wandei. Saka rambai muchitimira ma DETAILS 
________________________________________________________________________

Pakubuda pano zvawanyora zvichabuda zvakadai se EXAMPLE iyi pasina Email ne SURNAME. Chikasirai kuposita titange nyaya uve wakasirawo kuwana rudo. 


Today at 16:12
Zita-Rangu=Lilian 
Gender=mukadzi
Email Address=
Ndiri Kutsvaka=mukomana
Nyika-Yangu=South Africa
Dhorobha-Rangu=Cape Town
Makore-angu=22
Wada-Ani=hapana wanada. ndiri kutsvaka
Mutauro-wangumutauro=ndoda mukomana ane makore 20-28. wekudanana naye kusvika pakuroorana. Ndoda munhu akatsiga, ane tsika, ane rudo. Zviri nani kana uchigara muCape Town. Ndokubirawo munhu asingadi zvokutambisirana nguva, uye anoda kutanga taenda Kuma Test kana tafunga kuti tidanane. Ndiri munhu ava kuda kuronga zvokuroorwa. Ndatenda

____________________________________________________________________________________________________
Kana tikaona vakawanda vachitsvaka tichataura kuti kana muchisangana musi wekutanga munosangana sei, nokuti mazuvano nhubu dzawanda. Toda kugara tiri safe.  

2 comments:

Anonymous said...

Thank you for the insightful and informative content in your blog. please check your email when you next have a chance

Wadzanai said...

Thank you for the insightful and informative blog. Kindly check your email when you have a chance.