Saturday 18 November 2017

Kugagwa nhaka

Varume vemukore uno zvekugara nhaka havachadi asi kugara nhaka chaive chiito chaikurudzira mhuri kukura kwayo uye kugara pamwe chete kana hama dzashaika. Zviva zvakakodzera kuti  hama yenyu ikafa, pasava nomufungo wekuti mhuri yake yoparara uye musha woputsika. Ngatitange nokutarisa mukomana mukuru wepamusha. Toti oroora mukadzi iota vana vaviri kana vatatu nomukadzi wake obva ashaika.  Mukadzi aibvunzwa nevakuru vemhuri kuti ndiyani waanoda kuti amugare nhaka, iye otaura waanoda. Zvadaro vakuru vainobvunza uya adomiwa kuti anodawo here kugara mukadzi nhaka. Kana ati anoda, vakuru vaironga kuti vaviri ava vachigara somukadzi nomurume wake vachirera vana vavo.

Hekuno kusiyana kwenhaka: Totanga nokutarisa kuti varume vaikwanisa kugara nhaka ndevapi? Kwaitanga kutariswa kumhuri yomufi kuti kune mununguna here akura zvokukwanisa kuroorana namaiguru asi iye asina mukadzi pari zvino. Kana awanikwa ndiye oroora maiguru. Kana pasina potariswa kuvanunguna vemufi kumhuri dzekwaana babamunini kana babamukuru.

Kana pasina potsvakwa kuvazukuru vana vavatete vemufi.  Ndidzo mhuri dzaitsvakwa murume anokwanisa kugara nhaka. Kana pasina murume awanikwa, Mukadzi aizobvunzwa kuti anoda here kundogara pana babamukuru mukoma wemufi ane mhuri yakewoana zvabvumiranwa mukadzi oenda ondoita mukadzi wababamukuru. Kana zvaramba zvese vakuru vaibvunza mukadzi kuti anoda kugara here kana kudzokera kumusha kwake nevana vake kuti vandoreriwa nemadzisekuru.  Zvikuru kana achiri mukadzi wechidiki pazera.

Kubvuma kugagwa nhaka change chisiri chinhu chiri nyore asi waingozviita nokuti wafigwa nomurume. Zvaikwanisika kuti uzova noupenyu hwuri nani nokuti une murume mumba asi paiita madambudziko akawanda.

Kana murume ari mwanana maiguru vati kurei, zvainetsa kuti vanoita samai asi ari mukadzi. Pamutemo wechivanhu, maiguru, mukadzi wemukoma ndimai kusvika mukoma ashaika. Maiguru vanokwanisa kunemera murunyana wavo asi iye haanemeri maiguru. Anozama kuti kwati kwati namaiguru vake asi achizvidzikisira pasi.  Ivo maiguru ndivo vaizodoma murunyana wavanoda kuti aite murume wavo kana vava chirikadzi. Kana iwe mukomana ukadomiwa, waikwanisa kuramba asi vakuru vaikunyengerera kusvika wabvuma.  Kusiyana kwemazera kunowanzoda mukadzi ariye mudiki nokuda kwekuti pachivanhu murume ndiye mukuru wemusha. Asi maiguru vaizoti kana vava nomurunyana mumba vozvidzikisira pasi kuti akasire kukura kuva saimba.

Zvizoti kana musangano wekusarudza usati waitwa nemhuri, vakuru vemusha vaisanobvunza mukadzi kuti anoda ani pamusha. Iye akataura vakuru voenda kumurunyana uya arebwa vomutsanangurira kuti maiguru vanoda kugagwa nhaka saka ngaapote achisvika kumba kwavo achiita mabasa okuvaka musha nokurera vana vemukoma wake. Vayavo maiguru vaizoti murunyana auya vomubikira vomunyengerera kumovavaraidza kusvika nguva yokunovata yosvika oenda hake. Pamwe vanonyebera kuti kuvata vega pamusha kunotyisa kuti murunyana avatepo.

Vaizosvika pakuti umwe musi vopindira murunyana mumba yokuvata vozvipa kwaari kava vaona kuti pane rudo. Musi wekusarudza waizosvika murunyana atombosangana namaiguru nechekare.
Mazuvano kwava nenyaya dzakawanda dzinokonesa kugara nhanka yemukoma.  Tikadziongorora tinoona kuti dzimwe dzacho dzinonetsa kugadzirisa.

Chitenderi:
Vanhu vanoverenga Bhaibheri  vamwe vanoona sokuti kugara nhaka chinhu chakaipa. Asi kana munhu afigwa nomurume anobvumidzwa kuwanikwa noumwe murume zvisinei kuti murunyana. Hapana chakaipa asi kungoti vaviri ava vanofanira kunge vese vasina vavakaroorana navo. Pamutemo weBhaibheri munhu umwe chete anoita murume/mukadzi umwe chete. Saka kana murunyana asnge asati aroora anokwanisa kuvumirana namaiguru ogara nhaka yamukoma.

Kuzvisarudzira :
Koitawo vamwe vanoona sokuti zviri nani kuzvisarudzira mkadzi/murume wako pane kutsvaka munhuri. Vakomana vechidiki vanoona sokuti maiguru havaite kuwanana navo nokuti vakasarudzwa noumwe munhu. Zviri nani kuzvisarudzira wangu ndega. Ndizvo hazvo chaizvo asi nhaka haifosewi munhu. Kana usingadi maiguru unongobuda pachena kuti bodo maiguru handikwanisi kuvaita mukadziwobva wapa chikonzero chako kuti zvisanyadzisa maiguru mumhuri. 

Kundogara pane umwe mukadzi:
Koitazve vamwe vakadzi vasingawirirani nokunogara pamusha sokuti pababamukuru pane umwe mukadzi kare.  Zvinoonekwa sokupusa kana kuputsa muri yeuya mukadzi aripo mainini. Asi pamwe unozoona kuti vaya babamunini varambwa panhaka, vanokwanisa kubvumigwa kupota vachizorapa ronda ramaiguru pachivande. Asi icho chave chihure hacho chinoitika kusvika maiguru vazowanikwa. 

Zvigwere:
Mazuvano nokuwanda kwezvigwere zvechihure kana usingazivi kuti mukoma akafa nei zvechokwadi zvinonetsa kuda kugara maiguru nhaka nokuti ungangofawo saizvozvo. Saka kutanga iwe namaiguru maenda kundovhenekwa kuti muri papi ndizvo zvinofanira kuitwa. Zvadaro momirira mwedzi mitatu modzokerazve kundoonekwa. Makamirira kudaro kana mukada kuvaraidzana varaidzanai nemakondomu. 

Kushaikwa kwefuma:
Zvinokwanisika kuti mumusha munoshaikwa mukomana ane fuma inokwanisa kurera vana vasiiwa nomukoma. Mazuvano fuma yonetsa kuwana saka vakawanda vanenge vasina.


Tinoona kuti pavanhu vaviri vanoti maiguru nomurunyana, maiguru ndivo vane dambudziko. Vanoda pokugara uye murume. Kuti vatsvake murume wekudanana naye zvinoda murume anokwanisa kuzochengeta vana vasinei naye. Zvinoreva kuti maiguru ndivo vanofanira kukwezva murunyana kuti ade kugara navo semurume nomukadzi.

Murunyaya anokwanisa kubuda mumba achinotsvaka musikana wekuroora achitouya naye kuzoratidza maiguru. Pakadai tinoona kuti maiguru vanowana mukana wekukwezva murunyana kusvika ajairira kushamwaridzana nokupota achivata namaiguru. Kunozoti zvadaro maiguru vanoenda kumukuru wemhuri vakumbira chikumbiro chavo.

Zvinoitwa kwapera gore murume wavo ashaika. Vanoenda kumukuru wemhuri votaura kuti vanoda kutsvakigwa murume mumusha, zvisinei kuti akura zvakadii. Mukuru wemhuri anobvunza kuti pane wawada here mumusha, iye otaura murunyana uya waanoziva kuti ava mwedzi yakati kuti achipota achivata naye.  Mukuru wemusha anonobvunza murunyana uya kuti anoda here kugara maiguru nhaka. Anomoita sokuti haadi kuti zvisaita sokuti ange achizvifunga. Mukuru wemhuri okurudzira odemademba muti enda unoona maiguru vako uhwe zvavanoda nokuti moyo wavo uri pauri iwe kuti uchiita murume wavo nokuti mukoma wako akatisiya.

Uku maiguru nomurunyana vari kutonakirana vari vaviri. Kunozoti nguva yakwana mhuri youngana mukadzi ohu tiudze kuti unoda here kugara wega pamusha, kana kudzokera kumusha kwako kana kusarudza waunoda kuti akugare nhaka. Iye anotanga nokurondedzera kuti hapana chaanokwanisa kudzokera kumusha kwake nokuti vana pano vanosara nani ini ndisipo.

Saka chasara ndechokuti ndinodawo chose kuti mundibvumire kusarudza murume wenhaka asi kana asingandidi ndinogara hangu ndega ndichirera vana vangu kusvika vakura. Mukuru wemhuri anobva ati pakanaka chisimuka upe murume waunoda chiratidzo. Anosimuka ondopa murunyana uya chiratidza chiri chinhu chemumba chakaita sedhuku, kana kwiriti yake iye mukadzi. Kana murunana akagamuchira zvoreva kuti asarudza kugara maiguru nhaka. Vanhu vopemerera nyaya yapera zvakanaka. Kotumwa munyai kundoudza vabereki vemukadzi kuti mukadzi wedu tinochengeta tega.  Hapana dzimwe ceremoni dzakawanda asi vana tezvara vanokanisa kupiwa imwe mombe kana mari shomanana kuti kana murunyana ondoshanya ko vasavhunduka achindovata muimba imwe chete nomwana wavo. 

Nhaka ichiriko:
Kune vakawanda munyika yedu nevari kuzhe kwenyika vachiri kuita zvenhaka. Zvikonzero zvakawanda zvinoitisa kuti ufigwe nomurume/mukadzi kusvika waroorana nomurunyana kana muramu.  Heinoi nyaya yaitisa ndinyore pano:

Eriza akawanikwa na Firimoni ndokuchata. Firimoni aishanda Eriza ndokusvikogara pamusha wavo wekubhadhara rhendi mutaundhi. Vange vakasiyana makore ekuberekwa nemakore mashanu Eriza ane makore makumi maviri nemaviri. Firimoni ane makore makumi maviri nemanomwe. Firimoni anga ane vanunguna vaviri nomukoma umwe chete nehazvanzi. Umwe wevanunguna ange aenda kuUK kundofundhako iye ane makore makumi maviri nemana pakachata mukoma wake Firimoni.

Kwakapera gore nehafu Eriza na Firimoni ndokuita mwana wavo musikana mhuri ikafadzwa nazvo chose. Sezvineiwo Firimni akawigwa nomuchini wekuasa kwake ndokubva ashaikira po pabasa. Eriza ndokusara ava ega nomwana. Vabereki vomrume vakauya ndokutora mwana wavo nemhuri yake ndokunoviga mwana kumusha ndokuchengeta mukadzi nomwana. Uya murunyana woku UK ange aripo parufu ndokumogara kanguva ndokuzodzokera kwapera vhiki mbiri.

Pakuvaraidzana namaiguru akati maiguru sei musingadzokeri kuchikoro mudzidze mugotsvaka basa mugorera mwana wenyu. Kusvika maiguru vatsvakigwa nzvimbo yekudzidza zve unesi ku UK. Vakamosiya mwana wavo navamwene ndokuenda kuchikoro. Nyaya chaiyo yakatangira pakugamuchigwa nomurunyana ndokumbonogara naye vakamirira chikoro ndokuzogarazve vese pakazotanga chikoro.

Eriza anoti akazviona ega kuti ava nerudo chose nemurunyana wake asi aitya kubuda pachena asi akangoerekana ava kuita mabasa anoitwa nomukadzi mumba kuwacha, kuaina, kusuka, kubika, zvese asi kungozoti vonovata voti uyu kwake uyu kwake. Kwakangozoti umwewo musi vaswera vese pamba ndokubvunza murunyana kuti ko nhai babamunini, ko seiko ndisinawo kumboona mainini pano zvamava munhu mukuru waniko? Uya ndokuseka hake achingopindura zvaajaira kupindura kuti ko ndichatsvakirei umwe mukadzi mukoma vakandisiira imi. Ko zvamunongobika mazuva ese wani. Chii chandinoshaya? Eriza ndokuti zvino zvakuri kutonhora kudai maidai muchitowana wekudziisana nayezve nha babamunini. Kubika ndiko kuva mukadzi here handiti mahouse girl anongobika here asi vachingozodzingwa basa. Kana muchifunga kuti ndiri kukukanganisai kuwana vasikana ndinokwanisa kutsvaka pekunogara mosara henyu mega zvandava kutambira kamari mazuvano.

Kwana murunyana akati bodo maiguru garai henyu hapana chakaipa. Ndokumogara asi ndokutanga kufunga rudo nababamunini nengari yukushuva murume uye kufanana nomukoma wake kwaakaita murunyana wavo. Kwahi chando choku UK ndicho chavakazongoshandisa kukwezva murunyana. Kwahi babamunini mukahwa kuchitonhora uyai kumubhedha kwangu asi mopfeka mapijama. Asi murunyana akataridza kuda asi haana kuuya kwamaiguru.

Eriza ndiye akazoti murunyana aita dzihwa ndokurovha basa ndokumuriritira kusvika pakuzongoti rega ndivate muno ndichikutarisa. Dzihwa rakazopera vanhu vava kuvata vese Eriza notaura kuti babamunini vakazobvuma kuti pese vange vachidawo chose asi vaiona sokusapa mukoma rukudzo. Aitoziva kuti maiguru vakada ndivo vachauya vega asi aisada kubuda pachena. Pamwe aitomomuka usiku ofamba akananga ku Bedroom yamaiguru asi opedzisira angoenda kutoilet odzokera kwake.

Eriza anoti Paakangozowana mukana wekuvata nomurunyana akakasira chose kuswedera pamoyo wake uye kuzvipa kwaari nomoyo wese panyaya dzokuvatana. Nhasi uno vana vana vavo vaviri. wechitatu mukuru akasiiwa nomukoma. Hapana chakaipa chakaitika. Vese vanogarofunga hama yavo yakashaika asi vanoti akavasiira chipo chakanaka. Mwana mukuru ana baba namai. Haatomohwisisi kuti baba vake vakashaika kana kuti zvinorevei.


________________________________________________________________
Kana uri panhaka tiudzewo kuti zviri kukufambira sei. 

No comments: