Saturday 9 September 2017

Kutsividza chihure mumba

Kutsividza chihure mumba zvinoitwa nevanhu vakawanda kana vabata varume/vakadzi vavo vachihura asi vasingadi kuvaramba, vobva vonohurawo kuti vaenzane pagoshaya anomhura umwe. Uyezve kuti uya umwe ahwisise kuti kuhurigwa kunogwadza sei. 

Kutsividza kunowanzoitwa nevakadzi kupfuura varume asi variko chose varume vanozviitira vakadzi vavo. Ndinowana tsamba dzakati wandei panyaya iyi vanhu vachibvunza kuti zvinobatsira here kutsividza kuti murume/mukadzi agwadziwe sezvaita munyori pakuziva kuti ahurigwa. 

Iwe imbofunga kuhura kwako ugozvibvunza kuti kana umwe wako akakuhurirawo zvokutsividza ungazvigamuchira sei? Kana usina kumbohura asi wakahurigwa, funga kuti kuhura kweumwe wako kungakurerukira here kana ukamuhurirawo? Kana mese musingahurirani, hamupo panyaya iyi asi kungodawo henyu kupindira pamusingakwani. 

Kune vanonyora vachibvunza asi munyori azoitisa ndide kuongorora pano neuyu anyora achiita sokuti ari kutsutsumwa kuti mukadzi waari kuhura naye haanei naye iye asi ari kungoda kushungurudza murume wake. Haino nyaya yake.

"Tete, ndakadanana nomukadzi wemunhu anoshanda pa Company iri close nepandinoshanda. Tinokwira bhazi rimwe chete kuenda nokudzoka kubasa as tinogara kure. Iye anokwirira munzira manu. Ndinomubatira seat, uye ndofanobhadhara iye ozogara ondipa mari yangu.  Mukutaudzana ndakaona sokuti anondida ndokumunyenga kusvika tadanana. Ndaiziva kuti ane murume asi mukadzi akabatana zvinofadza kuona. Ini handina mukadzi kana umwe musikana uye mukadzi uyu mukuru kwandiri negore. 

Last week Ndakarara naye ne Monday, first time, ndokupamhidza Tuesday.  Ne Thursday ndakamubvunza kuti ko murume wake ari papi, akati anoda murume wake stereki. Mukutaura zvakabuda kuti ari kuvata neni like some kind of revenge kumurume wake ane two girlfriends one yacho iri former friend yemukadzi. Problem is inini wacho I am hooked kumukadzi uyu.  Handichazivi zvokuita. Ndoudza murume wake here kana kuti ndoita sei?"

Iyi i SUMMARY yenyaya asi ndoona sokuti mahwisisa musoro. Ngatisiye kusahwisisa kwemunyori toine kuti mukadzi uyu mafungire ake ari papi uye kuti tinobvumirana nazvo here?

3 comments:

Anonymous said...

Makasimba here Mai Chibwe. Handisi expect panyaya dze ma advice. Asi murume uyu anenge aakutambira kwakadzika. Dai abuda achakwanisa pasati pamuka zvinozomunetsa mangwana.

Chekutanga mukadzi wemunhu haatambwe naye, chepiri murume uyu anenge arikushandiswa nemukadzi aneyake nyaya. Chechitatu , kana murume uyu ane ma girlfriends 2 hatizozive kana pama girl friends aya asina chirwere or vamwewo varume vavanorhojana navo vasina chirwere. apa risk yechirwere iripo,

Mukadzii uyuwo hapana zvaarikuzvibatsira nazvo kana achizviparadza nekuhura achida kutsividza.Handizvo zvichaita kuti murume wake asiyane nema girl friends. Pane nzira dzakawanda dzinoshandiswa kugadzirisa dambudziko rakada, kuhura harisi rimwe re nzira dzacho.

Anonymous said...

Mukadzi ahura, murume ahura, saka achatsiura umwe ndiani?

Best vaite divorce because hapachina muchato.

Mai E Chibwe said...

Kuhura kuzvidzikisira chimiro uye kuzvidzidzisa tsika yakaipa. Vashoma chose vanhu verudzi gwedu vanodada nechichure. Kuhura uchiti nokuti mukadzi/murume wako waunoda akuhurira hazvina musoro zvachose. Zvongoreva kuti iwewo watova benzi.

Kana iye akazoona wahurawo anokwanisa kuti zvanaka ngatichigara hedu tese nemhuri yedu asi tichihurirana. Variko vanhu vakadaro asi zvinotosemesawo hazvo.