Monday 18 September 2017

Kuhura nomuramu

Muchivanhu vanhu vanovatana nevaramu vavo vakawanda chose iri nyaya yoruchiva nokujairirana. Pano toda kumbotaura nenyaya yomuramu ava munhu mukuru kwete chimwana, nokuti chimwana ukavata nacho uchiti muramu unofanira kusungiswa ugoenda kujeri nokuti uri munhu akaipa chose. Nyaya iri pano ndeyemurume anovata nomuramu pasina ganyabvu kureva kuti muramu azvisarudzirawo kuvata nababamukuru. Koitazve mukadzi anovata nomuramu pasina ganyabvu kureva kuti babamunini vazvisarudzirawo kuvata namaiguru saka vese vari kuda zvivari kuita.

Chokutanga ngatibvumirane kuti kuvata nomuramu chihure chakangofanana nokuhura nerimwewo hure remuraini asi kungoti pakadai mese muri kukanganisira hama yenyu imwe chete zvese nemhuri dzenyu mbiri dzese.

Ngatitange nenyaya yevanhu vaviri vakomana/vasikana vari mukoma nemununguna. Vanhu ava vanhu vanokura vane makwikwi pazvinhu zvakawanda asi mukoma ndiye anowanza ava murairidzi pamununguna wake. Uyawo mununguna achigarotoredzera kumukoma. Zvino nyaya yechiramu iyi inowezeredza nyaya yokutoredzerera kumukoma zvokuti kana usina kunatsozvibata ukahwisisa kuti BOUNDARY iri papi unokwanisa kuerekana wahura namaiguru/babamukuru.

Muchikura unotarisa zvinoita vana mukoma wotevedzera izvozvo. Zvino mukoma akazodanana nomukomana/musikana wake, kazhinji iwe unotumwa kundosvitsa mashoko kumukomana/musikana
uya, pamwe wotoziva ma SECRETS ari pakati pavo kubva pakutanga. Pavanoroorana nokuchata iwe unenge uripo uchitopiwa zvokuita panyaya yese kureva kuti uri pakati penyaya yese. Zvinofungigwa kuti unenge uchihwisisa BOUNDARY yako kuti unogumira papi. Vamwe vanototanga kuvata namaiguru/babamukuru muchato usati watomboitwa. Tinohwa nyaya dzakawanda dzinoti mukomana akarabwa nokuti ange avata nevasikana vaviri vanoberekwa mumba iwe chete. Tohwazvi vanonyora vachibvunza kuti voita sei nokuti mununguna akamutorera mukomana.

Mukoma nomurume wake pavanoita mwana, kana uri musikana unokwanisa kutumwa kuti enda undobatsira sisi kusvika vadzokera pautano. Panguva iyi mukoma haakwanisi kuvata nomurume wake kwenguva refu (mwedzi nehafu) ipapo babamukuru vari kukuona uriwe mukadzi mumba, nokuti ndiwe unobika, ndiwe unowacha, ndiwe unosuka nokukorobha, ndiwe unoisira babamukuru mhura yokugeza. Ndiwe unoaina hembhe dzavo. Zvese zvinohi mabasa emukadzi mumba ndiwe unoita. Mukoma ari pa LEAVE panyaya yokuva mai vemba. Iwe ndiwe mai nokuti ndiwe uri kuita zvese zvemumba.

Kana magara muri vanhu vanotamba CHIRAMU, babamukuru vaya vonotokwanisa kugarokubata magaro kana mazamu sisi varipo. Ipapo iwe unofanira kutukirira babamukuru kuti vasaita musikahwa, pamwe wotoratidzawo kutsamwa nezvavari kuita. Kana uri munhuwo anogarokwira zemo pane nguva yaunombokwirawo zemo uri wega. Pakuzvibatabata nguva yokunovata, unokwanisa kuisa mufungwa pikicha yemurume wauri kuona paunozvibvisa zemo. Pakutevedzera sisi sezvawakakura uchiita, uchatevedzera sisi nokuona babamukuru vari murume akakodzera kuvata naye sezvinoita sisi. Ndipo unotanga kuona babamukuru vari EXAMPLE yemurume akanaka kuvata naye. Ukaita nguva refu uripo panokwanisa kuita nyaya. Unokwanisa kuti paya paunorota uchiiswa, worota babamukuru. Paunovaona mangwanani, hazviiti kuti fungwa iyoyo isapinda mufungwa dzako.

Hino kukazoti mukoma haapo pane kwaaenda, babamukuru vaya kana vane ruchiva, mese mava noruchiva. Pakukubata magaro nemazamu pavambenge vachiita vanokwanisa kuwedzera wotoona umwe musi sisi vasipo ukabatwa makaro hausuduruki, hautiki babamukuru, hautaridzi kutsamwa. unongorega vachikubata. Nyaya yotokura, Babamukuru munhu awajairira saka hauoni somunhu mukuru. Uku ivo havana kuvata nasisi kwenguva. Munokwanisa kuita mukana wekutaudzana nenyaya yokuisana.

Vanhukadzi zvokuudzwa runako zvinhu zvinotiitisa manyawi uye kutibvisa chimiro. Ukaterera babamukuru vaya vane EXPERIENCE yokukumbira pamberi vokutaudza norunako gwako neshure yako yakanaka zvokuti murume wese zvake anokuona anomira chombo, wobva wafunga kuti sisi vakagona kusarudza. Pasina nguva wava kutovata nomurume wemukoma. Vasikana vakawanda vanodaro. Vasikana vakawandisa vanoiswa pamuedzo naana babamukuru chero vasingazosviki pakuisana nababamukuru. Vasikana vakawanda vanobviswa humhandara nababamukuru.

Varume vedu vakawanda vanomukira kumabasa. Kana murunyaya wako achigara nemi, toti ari kutsvakawo basa, kureva kuti ava munhu akura. Anokwanisa kusara pamba mukoma wake aenda kubasa. Kana magara muchiita Chiramu nomurunyana wako, munongoramba muchiita. Kazhinji maiguru vanonzi ndimai kusvika mukoma afa. Saka ivo maiguru ndivo vanopa GREEN LIGHT kumurunyana kuti avambuke kubva pakuti MAI-GURU kusvika pakuti mukadzi. Maiguru ndivo vanowedzera chiramu pakati pavo nomurunyana iye otevedzerawo nyaya.

Murunyana uya akazoti paanozvibvisa zemo opota achifunga maiguru, anobva afunga kuti mukoma akagona kusarudza mukadzi akanaka. Zvoreva kuti atova munyaya. Kukura kwaakaita achikwikwidzana nomukoma zvoreva kuti ava kukwikwidzana naye pana maiguru. Ngatihwisise kuti mhomho yevanhukadzi vanoita zemo mangwanani. Murume akamuka akaenda kubasa mukadzi akasara mumba kana asingashandi, akasara ane zemo. Murunyana anochivika arimo mumba maiguru vanotomuchiva nechekare hazvinetsi kuhwisisa kuti kana vachida kuiswa vanotanga sei nyaya. Unohwa vakadzi vakawanda vachinyora tsamba vachireurura kuti vakaisana nomurunyana saka havachazivi kuti mimba ndeyomurume here kana yomurunyana. Unohwa munhu achiti

"Zvakangoerekana zvaitika. Hatina kuzviPLANA. "  Idzi inhema hadzo. Hakuna munhu anoisana noumwe munhu pasina azviplana. Maiguru vanenge vagara nguva vachichiva murunyana. Chinenge chisipo mukana wekuisana chete. Mukana ukazongovapo murunaya akashaya matyira, vaviri votoisana mukoma ari kubasa.

Hino kana wangotanga kuisana nomuramukadzi/muramurume, hwisisa kuti chihure BREEDS Chihure saka motombowedzera kuisana kwenyu. Pamwe munobatwa pamwe hamubatwi saka matori pagwendo. Hwisisazve kuti pavaviri vari kuisana apa babamukuru/maiguru ndivo vane EXPERIENCE yokuisana kureva kuti chero muramu uyu akazowana mukomana/musikana wake waanoisana naye, hazvinaki sezvaanoita nababamukuru/maiguru.

Pano ndinowana tsamba dzakawanda dzichivhunza kuti seiko mukomana wangu/musikana waku asinganaki sezvinoita maiguru/babamukuru vandakambovata navo makore mana apfuura? Kureva kuti maiguru/babamkuru vakaita IMPRESSION pamuramu uyu iri ngari yeEXPERIENCE panyaya dzokuisana. Kuisana nomunhu wausingafaniri kuisana naye kunowedzera kunaka nokuti zvakafanana nechinhu chinotyisa zvinokupa ADRENALIN inokuwedzera kunaka. Babamukuru vanoisana nomuramu zvinonaka kupfuura maisirane avanoita na Sisi. Maiguruvo kuisana kwavo nomurunyaya zvakawedzera chose kupfuura nomkoma wake. Hwisisa kuti vano vese vanohura vanohwa kuda kudzokera kuhure nokuda kwekuti zvinonaka kuisana nomunhu wausingafaniri. Efoort yokuda kuti zvinake inenge yakawanda.

Vakawanda chose vane zvikomba nemahure vanopupura kuti chikoma chinonaka chose kupfuura baba vemusha. Asi mukadzi wechikomba chiya haatombooni chivhimunakira. Anotozoti vabatwa woshamisika kuti Mai ava vaionei pamurume wangu. Zvinoitiswa nokuti kana une munhu mutsva unoisa EFFORT pakumnakira. Asizve dai taihwisisa kuti tinofanira kuisa EFFORT kumba chihure chaiita chishoma mumaraini.  Chitubu/Chombo ndizvo zvimwezvo zvakangofanana. Uri kupedza nguva nehure iro pane kuti dai wapa murume wako asati aenda kuasa kwacho.


Pakati pevanhu vaunoziva pane vakawanda vakambovata nababamukuru/maiguru. Vakawanda vavo ndiye anenge ari murume/mukadzi anomubvisa umhandara/ujaya. Zvoreva kuti anozvirangarira kwenguva refu.

Pano tiri kutarisa nyaya iyi maitikire ayo uye kuti inozopera sei. Taona kuti magarire edu ndiwo anokonzera kuitika kwenyaya iyi. Tinokonzera kuti vana vemhuri mbiri idzi vajairirane uye vaonane sevanhu vakakodzera kuva nerudo, asi tichiziva kuti havakwanisi kudanana norudo gwehama nokuti vakazoita ukama vakura. Saka zvinokwanisika kuti vatange kuhura.

Kupera kwazvo kunonetsa. Muramu anofanira kuzorega kuvata nababamukuru/maiguru, kana ahwisisa kuti zvakaipa, kana abatwa akanyadziswa, kana aita mimba ikaonekwa pamusha pakaita nyaya. Asi zviri nani kungogara arega kuzviita. Mukutaura kwedu nokupanana mazano okudzikisira chihure, ngatihwisise kuti zemo rinokwanisa chose kuwanda kupfuura fungwa. Pane nguva yaunobatwa nezemo zvokuti kufunga unotadza. Ndizvo tichikurudzira vanhu kuti kana une murume/mukadzi garai mese kwete kuti uyu kwake uyu kwake.

Asi ukaongorora vanamaiguru vakawanda vanovata nababamunini, kazhinji inyaya yokuti murume haasi kugutsa mukadzi, murume haagari pamba. Kashoma kungochiva murunyana asi zvinoitika hazvo kuti maiguru vanongochiva murunyana wavo nokuona ari munhu ane runako. Vanamaiguru kazhinji vanoita zve POLITICS mumusha. Vakangovata nomurunyana kwenguva diki, vanoregera, murunyana uyu ava pedo namaiguru zvokuti pakaita nyaya mumba anosapota maiguru. Maiguru pakadai vanokwanisa kutotsvakira murunyana musikana, pamwe hama yavo chaiyo kuti INFLUENCE yemhuri yavo iwedzere. Zvoreva kuti mrunyana ari kushandiswa zve POLITICS.

Kana zvikazoitika kuti maiguru vanotadza kuita mwana, uchaona kuti vanoitiswa mimba nomurunyana uya wavakagara vakurudzira kuvajairira. Iyewo haakwanisi kuramba nokuti akatombosvikako nechekare.

Kuvarumewo kune vakawandisa vakamitisa varamu vavo. Isu kumhuri yekwedu pane hazvanzi yangu yokwa babamkuru ane vakadzi vatatu, vese vari vana vemunhu umwe chete, kureva kuti aingomitisa varamu. Asi kune varamu munyika yedu vakavatwa navo vakasaita mimba zvikasambozikamwa kuti vavatwa navo, nokuda kwekuti ivo vaitonakigwawo nazvo vongonyarara pazviri. Kukwikwidzana nasisi pamurume. Pamwe muramu uya anotozowanikwawo nomurume wake asi sisi vakagwara akauya kuzovachengeta anongopota achiisana nababamukuru vaya.

Churamu ndicho hacho asi pachiri panokwanisa kubuda nyaya dzakawanda.  Vana saimba vanorera vana vevanunguna mudzimba zhinji chose. Kuhura nemuramu kunoonekwa sokuti chinhu chiri nani pane kuhura nomutogwa. Asi chihure chihure chete hapana siyano. Kana uchikwanisa kuhura nehama zvoreva kuti unokwanisa kuhura nomutogwa saka chihure unacho muupenyu hwako.

Murume anoona musikana anoita mabasa mumba somukadzi akakodzera kuvata naye anokwanisa kuvata nomuramu kana mushandi webasa. Siyano hapana. Mukadziwo akaita tsika yokuvata nomurunyana, haana matyira okuvata nomushandi. Ruchiva chete gwekuti ukaona murume akagwinya muviri wotanga kufunga kuti akavata newe unohwa pane moyo. Ruchiva.


UDZAI VAMWE!!!!!
kus**rwa nabamunini
Kus**ra  mainini
Kuhura nomuramu
kuhura nehama








4 comments:

Anonymous said...

Mugore ra 2014 ndakamitisa muramu but kana tichida kutaura chokwadi iye aitoda kusv**wa zvokuti ndaimuka usuku ndowana ari musame bed neni mukadzi wangu ari kuZambia kundoona hama dzake, muramu auya kuzosara nevana. Ndaona kuti muri kuti murume ndiye ane mhosva. Not always. This girl aitopinda ega mu bedroom kuzoita sex neni. Ini kuti ndirambe hazvichaiti. I tried but I failed. Whose fault was it?

Mai E Chibwe said...

Kana umwe munhu akuti vata neni, hazvirevi kuti unofanira kutovata naye kana asiri mukadzi/murume wako. Kukupindindira mumubhedha hazvirevi chinhu. Unokwanisa kungomuudza kuti haasi mukadzi wako saka ngaabude aende kumubhedha wake. Apa uri kutiudza kuti mukadzi wako akapindigwa nomununguna wako iwe uchazvigamuchira nokuti mukadzi ange asina chimwe chaangaita kuzhe kwekubvuma kuvata nomurunyana wake.

Fault iri pauri iwe nokuti ndiwe mukuru. Waifanira kuti Mainini dzokerai kundovata kumubhedha wenyu uko tozotaurirana imwe nguva usina zemo.

Anonymous said...

Its not always chihure. Inini mukoma wangu akashaika akasiya vana vaviri nomurume wake. Before ashaika akarwara gore rese ne Cancer. Akandikumbira kuti ndisare ndichirera vana ini ndikabvuma. Akataurirana nemurume kuti azotora inini, murume akabvumawo. Sisi pavange vari kuhospital ndini ndaitochengeta vana. Tese tine Stress pakurwara kwasisi. Murume akandibvunza kuti zveshuwa ndinoda kurera vana here ndikati hongu ndinoda. Asi tairara separate rooms. But ndaitoda kuti Bamkuru vauye ivo vasingauyi. One day vana vaenda kuchikoro ndakadzoka kumba akandubvunza futi kuti ndinoda here kuva mukadzi wake nokurera vana, ndikati ndinoda, akati kana uchida chinditevera kuedroom, kana usingadi usatevera. Ndobva ndamutevera, akati bvisa bhurugwa, ndikabvisa, but hapana zvaakaita kusvika sisi vashaika. Ndivo vakandipa murume.

But murume ndaingomuda before but iye haana kumboda kundipindira mubedroom even before sisis varwara. Ini ndini ndaitori nefungwa dzacho. But nothing happened coz he did not ask.

Mai E Chibwe said...

Iyi i SPECIAL CASE. uye hatingati chihure nokuti makazotanga kuvata mese vakoma vashaika. Chihure kuvata nomunhu asiri murume/mukadzi wako uye pachivande. Apa vakoma vakafunga vana vavo vakaronga upenyu hwevana nguva ichipo. Tinotenda kuronga kwavo. Uye zvakabatsirawo kuti iwe wange uchitoda babamukuru.

Chichengetawo vana zvakanaka. Ukazoitawo vako wosasiyanisa rudo pavana vese.