Monday 3 July 2017

Kana une murume anokukasirira

Kanaune murume anoti pese pese anokukasirira, zvinokwanisika here kuti azomboitawo zvine mwero zvinogutsa? Kune vakadzi mudzimba umu vanokura kusvika pakuchembera vasina kumbonakigwa nokuiswa nomurume. Asi iye achitonakiigwa chose achizvirova dundundu kuti ndiye shasha yokurhoja mukadzi.

Chaitisa kuti tidzokorore nyaya iyi kuva patakamboitsanangura kare ndechokuti ndakaenda kune umwe musangano wevanamai vemba paitaugwa nyaya dzakasiyanasiyana dzokuvaka misha yedu. Nyaya yokuhurirana payakapinzwa mudariro pana vamwe mai vakataura kuti fungwa dzavo dzinowanzofunga zvokuhura nokuti nokuti murume wavo haana hanya nokunakigwa kwavo. Anongoti kupinza napo napo nokutodiridzira urume. Zvinovashungurudza chose chose. Saka vaiti vanoda mazano okuti murume ambotorawo nguva pakuisana.

Paiva novamwewo mai vaiti vakadzidza zve Psychology vaiti vanohwisisa kuti chimwe chezvikonzero zvokukasirisa ndisu varidzi vevarume. Tinotadza kupa murume nguva yokudzirira kunonoka kudiridzira.

Ngatitange nenguva yokukura kwemwanakomana. Kana muomana ava nemakore gumi nemana, chombo chake chinowedzera chose kukura uye anotanga kumira chombo pese pese nokuzvirotera avete. Ukuzve anotanga kunakigwa nokuzviita chimhandara maoko (masterbation) zvokuti anopota achizvinakira ega. Zvino mukutaurirana kwevakuru nevadiki mukomana anokasira kuhwisisa kuti vakuru havafariri munhu anoita chimhandara maoko. Izvi zvinoreva kuti pese paanoita ega, anoita muchivande uyezve anoita achikasira chose kuti asawanikidzwa achiita.

Pakuita achikasira ipapo ndipo paanodzidza kukasira. Anongoti chero akaenda kuToireti kwekanguva kashomanana otodzoka apedza chimhandara maoko imi vemhuri musina chamambofungira nokuti aita nguva shoma.

Baba vemwana havambogarisiwo mwana pasi vachimurondedzera kuti hapana chakaipa pakuita chimhandara maoko nokuti varume vese uye vakadzi vese vanozviita, saka kana achiita ngaatore nguva adzidze kunakigwa nazvo. Ipapa pamaitire okuda kukasira mukomana achiri mudiki ndipo panotangira dambudziko rinozoonekwa ava nomukadzi.

Kotizve isu vana mai vemba kusahwisisa varume vedu. Murume kana ada zvokuisana muwanire nguva muisane. Kwahi unohwa mukadzi mukuru achiudza murume wake kuti KANA UCHIDA KUISANA CHIKASIRA KUISA UPEDZE NOKUTI MANGWANA NDIRI KUMUKIRA KUMEETING. Chinhu chisingabatsiri murume kana mukadzi, kuudza murume kuti akasire kupedza nokuti fungwa dzako dziri pane imwe nyaya. Uri kutaridza murume kuti hauna hanya nokunakigwa saka anofanira kukasira. Zvino kana ange ari munhu akajaira zvechimhandara maoko kubva kare, anongoona zvafanana nokuvata nomukadzi nokuti mukadzi ari kutomuti akasire, sezvaaichiita nemaoko.

Saka zviri kuhi isu varidzi vevarume, ngatisataridza kuti pane nguva yatinoda kuti murume akasire kupedza. Zviri kutonzi kana murume akakukasirira, usangoti zii pazviri, asizve usamunyomba. Taridza murume wako mamwe maitire aangaita kukubatsira kusvika pa ORGASM nemaoko kana muromo chombo chake chavata nokuda kwekuti adiridzira.

Murume anokwanisa kumwa nokusveta mazamu, kukwizirira bhinzi, kupurudzira zvidya, kukisa mutsiba nezheve nepamuromo, oramba achidaro kusvika watundawo iwe. Ratidza murume zvokuita kuti urambe une zemo. Unokwanisa kuzvikwiza bhinzi iye achikusveta paanoda kusveta sokuti mazamu.

Ngaahwisise kuti akasira kuguta iwe usati waguta saka ngaarambe achienderera meri. Mudzidzisezve kuti kana ari mukati mako, akahwa oda kutunda, ngaamire kukoira asi oramba achikukisa nokusveta mazamu, guvhu, zheve. Kana kuda kutunda kwaderera odzokerazve pakukoira. Iwewo ziva mashandisire echiuno kuti usakasirisa murume.

Kana pari ppi zvapo, usaudza murume kuti akasire nokuti pane chauri kuda kuita. Rega anonoke paadira kuti agare achihwisisa kuti kunonoka ndiko kwaunotofarira.

Psychology yemurume ndeyokuda kukasira. Dzidzisa murume wako kuti kunonoka ndiko kunotonaka zvinofadza.

Nyaya yaMai Miri. 
Pane nyaya yokuti ukaudzwa noumwe munhu unofunga kuti hazviiti asi wozohwa kupika kwaanenge achiita kuti zvinobatsira wofunga kuti pamwe zvinoshanda. Asi zvinokwanisa kusashada futi. 

Kwahi na Mai Miri, murume wavo ainetsa nokukasira, vakaudzwa kuti mushonga wedzihwa unohi VICKS unobatsira asi unokwanisazve kukonzera damudziko re ALERGY.  OK murume anozora VICKS shoma shoma pamuviri wechombo. mombogara zvenyu kwenguva, ozonogeza moda kunovata. 

Zvinoita kuti chomo chitindivare paanopinza saka haakasiri kuzodiridzira. Kumira kunowedzera futi.
Vanoti ivo murue ngaaite tsika yokukwizira sviVICKS svishomanana mangwanani achiuda achienda kubasa. 

Kotiwo vamwe vanoti siyana ne VICKS shandisa TIGER BALM yekuChina. Asi ndatarisa zvese VICKS neTIGER BAlm wanei zvakangofanana. Zvese zvinoshandiswa padzihwa, nokukwizirira panogwadza muviri. 

Yambiro ndeyokuti usapinza chomo chamoenda VICKS kana TIGER BALM mumukadzi wako nokuti ganda romukati rakasiyana nerokuzhe. Unokwanisa kuzoita vhiki musina kuisana futi saka zvabatsirei?  Tana wageza nezipo. Ndezvokutindivadza chombo chete uye shandisa shomashoma kana mabvumirana mese kumbozvizama.  Mai Miri vanoti zvinoshanda chose asi hatina kuudzwa nevarapi kuti zvinoshanda. 




_______________________________________________________________________
Vane dambudziko iri taurai tihwe uye kuti zvinonakidza here kana kubhohwa kukasirigwa nomurume zuva nezuva.

No comments: