Thursday 15 June 2017

Nyaya dzemadhimoni

Kuvanhu vakawanda verudzi gwedu mazuvanio unongohwa vanhu vachitaura nezvamadhimoni kubva pazviito zvevanhu vavanoona vasingaiti zvinovafadza kana kuti zvinoenderana nemagariro emuraini mavo kana munhuri yavo. Mazuvano kwava nemaPastor, Maporofita, etc, vanogaroudzwa zvinhu zviri pamoyo yevanovaudza, ivo voona sokuti pane madambudziko anofanira kugadziriswa, vobva vazama kuagadzirisa.

Ngatitange nokutarisa zviitiko zvinohi ndezvamadhimoni. Ukaongorora uchaona kuti kare kwaiva nemadhimoni aihwisiswa nevanhu kuti madhimoni aipedzisira ahi atumugwa nevaroyi kana kuti nemadzitateguru akare ari kuda kubikigwa doro. Kwaizoti kwaitwa chimwe chinhu mumusha womboti zii kwenguva pasina dhimoni raonekwa kubuda pamunhu wemhuri.

Zvino mazuvano kwakazouya vaparidzi vachitiudza kuti zvekuroya nokushumira madzitateguru ndezvevahedheni. Tava muchinhanho chokuti tishumire vaporofita saka chiteverai zvavaporofita musiye zvekuroyana. Asizve kuroyana hakuna kuzopera. Chakangosiyana dechekuti muroyi ava kuatwa nemuporofita kwete ne n'anga dzaisimbobata varoyi. Uyavo munhu aichimbonzi endai naye kun'anga andotemegwa nyora, ava kuhi endai naye kumuporofita and derivhigwa. Saka chasiyana chaicho hapana. Kwakangoitwa n'anga REDUNDANT ndokupinza vaporofita basa.

Chinohi dhimoni kazhinji kuratidza mamwe maitire asingahwisiswi nevamwe.

Ukada varume zvakanyaya une dhimoni
Ukada vakadzi zvakanyanya, une dhimoni
Ukagarofamba usiku zvisinei kuti unoburuka bhazi usiku, une dhimoni
Ukachovha bhasikoro kwese kwese kwaunoenda une dhimoni
Ukafarira kumwa mvura vamwe vachimwa tii, une dhimoni
Ukagarofenda kana kuchipisa, une dhimoni
Ukashaya anokunyenga une dhimoni
Ukasada kuroogwa, une dhimoni
Ukarima mbeu kupfuura vamwe gore negore une dhimoni
Ukapota uchimbopenga une dhimoni
Ukagarotaura nevekurota hope, une dhimoni
Ukajaira kundoraura hove uchikwanisa kudziata, une dhimoni
Chese zvacho chaunoita chinoratidza kupfuura vamwe chinoitiswa nedhimoni.

Saka zvinotyisa kuhi une dhimoni, asi vakawandisa mazuvano vanotosimika vega kunanga kumufundhisi kundomuudza kuti mufundisi ndauyawo kuti mundibatsire nokuti ndine dhimoni. Mufundhisi akabvunza kuti waziva sei kuti une dhimoni, kwahi ndohwa chichinakigwa chose chose pakuiswa nomurume zvokuti zvava kutondinetsa kuregera. Pane kuti mufundhisi achikuudza kuti wedzera ubikira murume kuti asaneta pakuisana kwenyu uye hapana chakaipa pakunakigwa kwenyu nokuti muri murue nomukadzi, mufundhisi anobva atofunga zvokukubvisa dhimoni rako kuti vemuCHURCH yake vapururudze kuti hama yedu yabva dhimoni rokuda kuiswa nomurue wake.

Hakusi kupengawo here ikoko. Ko kumurume wakangouya hako here usinawo kumbofunga zvokuzoiswa uchinakigwa. Chazokusimudza kundoda kuudza sangano rese kuti kuiswa kuri kukunakira chii?

Madhimoni emazuvano angoita sechingwa chomusupermarket. Chero ani zvake angofunganya akatadza kuvata zvakanaka anomuka atova nedhimoni. Ukangofunga kundovhakachira imwe CHURCH yausingasiindi, unonobatwa dhimoni ikoko.








Saturday 3 June 2017

Nyaya yokusvinira mwana mukaka

Pano toda kumbokurukura nenyaya yokusvinira mwanasikana mukaka kuti tihwisisane kuti zvinofamba sei uye zvinoitigwei naanamai vevana. Kana usina kumbohwa nezvenyaya iyi uchaihwisisa uye uchafungawo nezvayo uchizvionera wega kuti zvinobatsira ani. Kana iwe wakazvarigwa muZimbabwe namai verudzi gwedu, pamwe wakasvinigwa mukaka. Zvifungire wega kuti zvakakubatsira here muupenyu hwako pane zvavaida kuti ubatsirike pazviri.

Zvinoitwa sei?
Kusvinira mwanasikana mukaka kunoitwa mwana achiri rusvava. Hamakadzi dzinounganidzwa, kobikwa zvokudya vanhu vodya havo vachifara. Pedzezvo mukadzi mukuru mumhuri yenyu wochidana vanhu kuti vaungane mumba vachiita ma WITNESS okuti chiito ichi chaitwa pamwana wavo. Kana vaungana kudaro mwana unotogwa obatwa nambuya vaya vakuru mumuhuri, vamwe vakuruwo zvichitevera vopatsanura makumbo emwana, kuvhura muromo wechitubu chake. Zvadaro mai vemwana vanozvikama mukaka vakanangisa munyatso pachitubu chemwana wavo.

Mbuya vaya vane mwana mumaoko vodembademba kumwana zvichemo zvavo zvavanoda kuti mwana akure ane tsika dzakanaka dzakakodzerana nemhuri yake. Vanhu varipo obvumirana kuti zvaitwa vofukudza mwana nyaya yapera.

Zvinoitwa nani?
Zvinoitwa nevanhukadzi vese vemhuri vava vakadzi vevanhu kana kuti vanamai vevana. Vasikana nevana vasina varume havasvikipo panyaya iyi. Zvinoitwa nevakurukadzi vemhuri. Vamwe vanononodaidzira kuita semutambo. Vamwevo vanongoti chero auya asi mukurukadzi wemhuri anenge aripo.


Zvinoitigwei?
Nyaya iyi inoitigwa kuti mwana paanozokura ava mhandara asada varume zvokusvika pakuita nhunzvatunzva yemuraini achisvodesa mhuri yake nenyaya dzechihure kana kumitiswa nevakomana.

Vanozviita vanotozviita nomoyo wese vachipanana ruzivo gwekuti mwana akasvinigwa mukaka wamai muchitubu anoita munhu asingahuri, zvichibva nokuti varume vanoona mukaka uya chiri chinhu chinoera nokuti zvoita sokuti mai vake varipo. Asi zvinofungigwa kuti murume wake achamuroora haazvioni kuti mai varipo nokuti munhu akabvisa mombe youmai akapiwa mvu,o yokuvata nomwana wamai vake vakamusvinira mukaka.

Chihure ndiyo nyaya huru pakusvinira mukaka pachitubu chomwana. Zvinohi zvinodzivirira chihure uye varume vanoremekedza mwana uyu kana akura


Zvinoshanda here? 
Kushanda kwazvo kunonetsa akuti hapana munhu akamboita RESEARCH yacho kuti zvionekwe kuti vasikana vakasvinigwa mukaka vari rusvava vakazokura vakahura here kana kwete. Asi tichitarisa munyika yedu yeZImbabwe nokusaremekedzwa kunoita vanhukadzi nevarume mumaraini nomumabasa, tinoona kuti zvinonetsa kuti titi zvinoshanda.

Totarisazve panyaya yacho tozvibvunza kuti mukaka wemunhu unei nokuzohura kwemwana azvagwa? Hazviiti kuti mukaka wemunhu une simba rokutadzisa munhu akaupiwa makore makumi maviri akapera kuhura. Kuhura kunokonzegwa nedzidziso yevabereki mumba. Dzidziso iyi inpiwa mwana ava kuhwisisa kuti chii chaari kudzidziswa kozoti kana ati kurei anoona zviito zvevabereki vake otevedzerawo izvozvo.

Mwna anozvarigwa mumhuri ine vabereki vanohurirana zvinonetsa kuti iyewo akazowana wekudanana naye agotadza kuhura. Chihure hachibviswi nomukaka asi kuti chinobviswa nemaitire evanhu vemhuri yakurira mwana.

Asi awa maonere evanhu vanoverenga mabhuku. Hakuna bhuku rinotaura nezvemukaka wamai kuti unokwanisa here kubvisa chihure pamwana saka inyaya yekuZimbabwe chete iyi.  Mubvunzo wasara ndewekuti "Vasikana vemuZimbabwe vanohura zvakasiyana neve kune dzimwe nyika here? " Kana vakasiyana tingawana mukana wekuongorora kuti chikonzero chacho chii? Mukaka wamai here kana kuti pae chimwe? Ko kana vachitohura kupfuura vekune dzimwe nyika, zvoreva here kuti mukaka hausi kushanda ?

Pane chakaipa here pachiito ichi?
Kuipa kwechiito kunokwanisa kubva panyaya yokuti mukaka ukasvinigwa panhu pemwana panova panodziya, pedzezvo mofukidzazve mwana kuwedzera kudziya, zvoreva kuti maBACTERIA ari muukaka uya achaenda muchitubu chomwana zvisinei kuti chakavarika. Kuvakari kwacho kuri nechemberi toti kubva pa hafu ye centimetre kusvika pa centimetre asi muvharo wachi une maburi hauna kuvhara kuti kwindi zvoreva kuti mukaka unokwanisa kupinda mukati

Ndipo pane dambudziko randinoda kuti tibate kuti mwana akaita INFECTION ari rusvava inguva isina kunaka nokuti haana RESISTANCE panguva iyi. Hatifaniri kuwedzera zvingaitika kwaari.

Mukaka hautani kuita maBacteria kana wangobuda muzamu. Zvorevava kuti unokwanisa kukuvadza mwana wauri kufunga kuti uri kubatsira kuti asazoita chihure.

Pane zvimwe here zvatingaita?
Zvatingaita kana mhuri dzedu dzisingahwisisi kuti mukaka haudziviriri chihure ndezvokuti mapedza kusvinira mwana mukaka. kasira kundogezesa mwana. Zvimwe zvese unokwanisa hako kutevedzera nokuti kana uri muroora, zvikuru usina sapoti kumurume wako, unokwanisa kufosiwa kuita zvinhu zvisina maturo vevanhu vemhuri yake. 

UDZAI VAMWE!!!!!

 Asi kana iwe wakasvinigwa mukaka, kana kuti wakaudzwa kuti svinira mwana mukaka, chii chawakahwisisa pazviri ?

Kana uri murume, ukaudzwa kuti mukadzi wako wasvinira mukaka muchitubu chemwanasikana wako unofungei nazvo?

Kana ukasangana nemusikana akakuudza kuti akasvinigwa mukaka, zvinokutadzisa kuda kuvata naye here?

Thursday 1 June 2017

Kuzvirotera kwevakadzi nevarume

Pane nyaya yokuti vanhu vakawanda chose vanozvirotera (kurota uchiisana noumwe munhu kusvika pakubudisa urume uri kuhope kana kuita Orgasm uri kuhope) Nyaya inoshamisa, zvikuru kuvanhukadzi ndeyokuti kurota uchiiswa nomurume kunokwanisa kunaka chose kupfuura kuiswa chaiko nomurume. Kutiwo varume kurota uchiisana nomukadzi kunokwanisa kunakawo chose.

Kurota kwevanhukadzi hakuwanzi kutaugwa nezvako asi zvinoonekwa sokuti chikonzero ndechokuti varume vanobudisa urume pakuzvirotera asi vakadzi hapana chavanobudisa saka zvoita sokuti havana kuzvirotera asi kurota kwavo kwakangofanana nekwavarume. Kungosiyana pakuti hapana chinobuda chinoonekwa.

Vashoma vanhu vanosvika makore gumi nemashanu asina kumbozvirotera, zvisinei kuti mukomana here kana kuti musikana. Kana wazoti kurei, ukangoita nguva usina kumbozvibatsira nemaoko kana kuvata noumwe munhu, unotangazve kuzvirotera nokuti muviri wako unenge uchishanda panyaya dzokugadzira vana saka unoda kuti zvinhu zvifambe.

Ngationgorore maitikire azvo.

Murume:
Mukomana anotanga kumira chombo achiri mudumbu ramai vake. Munozoona zve ka rusvava kakada kuita weti anokwanisa kumira chombo futi. Zvinomisa chombo zvinonetsa kutsanangura asi vese vakomana nevarume vanomira chombo kusvika chero makore akawanda muupenyu hwavo.


Murume kuti akwanise kupinza chombo mumukadzi chombo chinofanira kumira zvakasimba. Apinza anokwizirana nomukati memukadzi kusvika urume hwabuda, chombo chobva chadzokera pakuvata. Hino kana akarota achiisana nomukadzi. Chombo chinomira zvakangofanana, obva anatsorota achipinza mumukadzi nokushandisa chiuno kusvika urume hwatobuda ari kuhope kudaro. Pakubuda hunongobudira mumachira umomo ozozviona mangwana. Ndiko kuzvirotera ikoko. Kurota uchiisana nomukadzi zviri VIVID zvokusvika pakutobudisa urume usina kupepuka.

Mukadzi 
Mukadzi anofungigwa kuti anomirawo bhinzi kubva achiri mudumbu ramai. Mukadzi kana ari kuhope, anokwanisa kurota achiiswa nomurume. Asi kazhinji anorota maitikire azvo achiita zvaanoda iye kuti zviitike. Sokuti anoda kurezviwa sei pakutamba musina zvipfeko, kuti anoda kukiswa sei, kuti anoda kupurudzigwa sei. Anonakigwa chose chose nemaitikire azvo. Bhinzi inomira kuzasi kwese kunozvimbirira kusvika atovhurira murume wekuhope iyeye opinzwa chombo otochemerera ari kuhope kusvika atunda zvokuti akapepuka anopepuka muviri wakati rukutu sokuti anatsoiswa akasvinura.

Pamwe haatombopepuki asi mangwana paanomuka anoziva kuti akaiswa kuhope. Kana akapepuka anokwanisa kuwana gusvi rekunyorova. Kana ari mhandara anoziva zvaitika. Zvikuru kana achidhonza matinji. Kana ari mukadzi mukuru anohwisisa nokuda kwe EXPERIENCE.

Vanhukadzi verudzi gwedu havadi kurota vachiiswa. Zvinoonekwa sokuti pane chakaipa pazviri. Saka mazuvano vakawanda vava kuda kundotaurira mufundhisi kuti pane dhimoni riri kumunetsa usiku. Izvo bodo ari kungozvirotera ari kuhope. Ari kutoshuswa nokunaka kwazvo. Vafundhisiwo kufarira kureva nhema. Vashoma vafundhisi vanokuudza kuti dzokera kumba uvate zvakanaka hapana chakaipa uri kungorota uchiiswa chete chete. Hapana dhimoni. Ukaita nguva usina kumbovata nomurume, muviri unoziva kuti hauchina purakitizi saka unodzokera pakurota. Koitawo vamwe vanowanza kuzvirotera kupfuura vamwe. Hazvirevi kuti une dhimoni. Fungwa kuda kuvata nomurume hazvibvi pamadhimoni. Zvinongoreva kuti muviri wako unoda murume zuva nezuva.


Chii chaunoona:
Pakuzvirotera apa unokwanisa kuti kana pane mukomana/musikana waunoda pamoyo pako unokwanisa kumurota iye asi kazhinji unoona munhu asina kumeso zvokuti unongoona pamberi pake chete sokuti unobatabata chombo chake womuvhurira okupinza monakigwa asi usingaoni kuti ndiyani. Ingari yokuti fungwa yako iri pakuiswa chete kwete pakuda kuziva kuti ndiyani.

Zvimwezvo kuvarume, unokwanisa kurota munhu wauri kuda pamoyo kana kuti kungorota uchiona chitubu chomukadzi nokupinza chombo asi usingaoni kuti muridzi ndiani.

Zvinobatsirei kuzvirotera? 
Kuzvirotera kunowanzotangira pazera rinotanga muviri kuenda kumwedzi kana kukura mabhora evakomana. Zvinoitwa nomuviri kupurakitiza panyaya yokuzogadzira vana. Kuvakomana muviri unotanga kugadzira urume nokutesita kuti urume hunozofamba sei hwava kuenda kumukadzi saka SYSTEM yese inotesitwa kuti iri kushanda zvakanaka here. Mukomana womira chombo wozvirotera urume hwobuda asi ari kuhope.

 Pamazuva amwe chetewo mukomana anotanga kuita zemo otangazve kushandisa maoko kuzvibudisa urume. Zvichadaro kwemakore akawanda kusvika achembera. Kune varume vakawandisa vanozvinakira zvisinei kuti ane mukadzi mumba here. Koitazve vamwe vanofarira kuti mukadzi ashandise maoko ake pakutamba nechombo chomurume kusvika abuda urume. Hapana chakaipa. Ukadzidziswa nomurume kudaro unokwanisa kumubatsira kana uri kumwedzi.

Vasikanawo pavanotanga kuzvirotera muviri unodzidza kugadzirira kupinzwa chombo zvokuti zasi kunonyorova chose kana ane zemo. Zemo rinokwanisa kungoerekana rauya usingazivi kuti rabvepi. Unokwanisa kungonyorova zasi. Pamwe panguva dzimwe dzemwedzi kana dzezuva unowanza zemo.

Bhinzi inomira kuzasi kozvimba wotorota murume achikuisa zvinotonakidza chose.  Hapana chakaipa pazviri. Zvinobatsira kugadzirira muviri kuzoiswa wava nomurume. Saka kufanotesta kuti zvinhu zvese zviri kushanda here? Kana pane chisingashandi kuwedzera ma HORMONE kuti chishande.

Bhinzi inotanga kumira nokuwedzera kukura
Magaro nechiuno zvinowedzera kukura
Mazamu anowedzera kukura
Chitubu chinotanga kunyorova zvokuti pamwe unonyorovesa bhurugwa
Unotanga kuenda kumwedzi nokukandira zai mwedzi umwe noumwe.
Pamwe unoita zemo zvokuti unozvibatabata zasi kusvika wazvipedza zemo nokutunda.


Kana wazoita murume unenge wava kuziva kuti chii chinokunakira wodzidzisa murume kuita maitire iwawo.

Nyaya yokutyiswa nokuzvirotera yakatanga kare. Ukatarisa kunyika dzakaita se Europe zvaionekwa sokuti munhukadzi anoti ari kuhope oita sokuti ari kuiswa zvainzi pane chaanacho chisina kunaka. pamwe aitonorapiswa. Saka kweduwo mazuvano, nokuda kwekusahwisisa maitikire emuviri wemunhu, zvinoonekwa sokuti pane chakaipa pazviri vava kuti idhimoni. Vafundhisi venhemawo vavako mazuvano ava vanoda zvokubhadhagwa mari nenyaya dzisina nebasa rese vobva vakasirawo kuwedzera kuti madhimoni kuti vapiwe mari.

Hapana chakaipa pazviri. Zvinongoreva kuti muviri wako uri kushanda zvakanaka uye uri mupenyu.

Asi hwisisa kuti kuvarume nevakadzi, ukagarovata nomurume/mukadzi wako zvakakodzera, kuzvirotera kunoita kushoma nokuti uri kuwana mukana wekubvisa zemo. Saka iwe chiona kuti mese mumba muri kuvatana zvakakodzerana nokuda kwenyu.

Udzai vamwe!!!!!!