Wednesday 10 May 2017

Muvakidzani anoda murume/mukadzi wako

Vavakidzani vanhu vatisingakwanisi kusarudza isu, asi kuti tinongowanawo varipo kana kuti ivo vanowana tiripo. Nyaya dzevavakidzani dzakawandisa dzinoita muvengane nokupokana navo kana kushamwaridzana navo asi pano tongoda kuongorora yemuvakidzani ane ruchiva kumurume/mukadzi wako.

Mumaraini mese unohwa nyaya dzevakadzi/varume vepa NEXT DOOR kana kuti vemuraini vanotozikamwa kuti vanohura nanhingi nanhingi muraini menyu. Zvinoitika sei? Tinoziva chose kuti vakadzi vanonyenga varume kupfuura varume kunyenga vakadzi. Ndiyo nyaya yatinoda kuongorora kuti zvinoitika nengari yei uye zvinoonekwa kuti zvava kuda kuitika sei.

Kana uri kuno kuEurope, vanhu havasvodi kukutaridza kuti pane zvavari kukufungira. Kwedu kumusha zvakati siyane asi unongopedzisira waziva pane fungwa dzake chete.

Unokwanisa kushanda chose wounganidza mari nomurume/mukadzi wako muchifunga kuti mava kuda kuvaka musha wenyu pamwe chete. Ipapo hapana ane fungwa dzezvemudondo. Motenga imba yenyu motora zvimasofa zvamabva nazvo kuFLAT moisa mumba. Napo napo murume anobuda wotanga kutimba gadheni kwahi regai ndisime muruwo. Ukuwo mukadzi anonotenga mutsvairo otanga kusakura bundo paruvazhe achitsvaira achigadziridza musha wake. Mese munoona kuti pano taita chinhu chakanaka.

Pasina kupera nguva munotanga kushanyigwa nevavakidzani. Kazhinji munotsvakiridza ukama kuti mugarisane zvakanaka. Unohwa zvohi "Vaira moyo varamu. Mukadzi wangu muira moyo. Iwe haunonokiti kubvuma kuti ndibabamukuru namaiguru vanogara pedo nemi. mototanga kushanyirana muchipanana zvinhu sehama chaidzo.

Ipapa pakushamwaridzana ndipo panotangira nyaya dzese. Vanhu mudzimba umu havana mufaro saka vanofunga kuti umwe munhu achauya nomufaro. Kana muvakidzani akajairana noumwe muvakidzani, vanotanga nyaya dzese zvadzo, dzimwe dzacho dzorerekera kunyaya dzokunemerana.

Kunemerana kunowanzokonzera kunyengana pamwe musina kutombozvifungira kuti muchanyengana motoerekana manyengana. Varume kazhinji havanyengi mukadzi wemunhu pasina chimwe chavaona chingaitisa kuti vafunge kuti pangangoita rudo. Mukadzi wemunhu ndiye anotanga kuratidza kuti akasununguka nomurume wemuvakidzani. Murume uya ongozoita sokubvumirana nazvo.

Sokuti imi mota hamuna vavakidzani vane mota. Ukaona murume/mukadzi wako opota achizosvitswa pamba nomuvakidzani zvichiwanda maitikire azvo, hwisisa kuti vari kuita nyaya pavanenge vachifamba nemota. Nyaya dzavo dzinokwanisa kunge dzakanaka chose asi pashomashoma dzinorerekera kune zvomudzimba.

Mai Tawanda vaiita tsika yokuudza Baba Mobhi nyaya dzokumba kwavo seshamwari muvakidzani. Kwahi Baba Tawanda havadi kurega doro. Kwahi ndashupika chose kuti dai varega zvedoro tashandisa mari kutenga fenzi yokukomberedza musha asi shuwa babamukuru, mununguna wenyu zvedoro haadi kurega. Hino chitarisai imi namaiguru mugere zvakanaka, zvinhu zvenyu zvakarongeka.

Vaya babamukuru vanoterera kusvika vahwisisa kuti mukadzi haana mufaro mumba make. Zvohi Mainini kana muchida fenzi munokwanisa kuiwana mozotigadzirira zvemari mava nefenzi. Mazuvano kune mbavha saka mukamirira zvekuti Firimoni arege doro munobigwa zvinhu musati mawana mari yefenzi.

Uyawo firimoni paanotimba gadheni usafunga kuti maiguru havazvioni kuti ane makumbo nemaoko zvine simba.
ruchiva gunotangira pakutarisa zviri kuitika iwe usina zvokuita saka wotora nguva kufunga zvauri kuona kuti dai zviri zvangu dai ndine mufaro. Pamwe mufaro wacho unawo asi kukara chete. Kuona murume wemunhu achipinda mukaimba kekugezera iwe uri kuyadhi kwako. Womuona asi turika zvipfeko pamudhuri wemba yokugezera wobva waziva kuti izvozvi haana kupfeka, fungwa yomhanya kufunga kuti kana asina kupfeka akaita sei.

Wako murume aripo asi haatauri newe. iwe autauri naye kumuvunza kuti kana asina kupfeka akaita sei. Une mvumo yokumuvisa zvipfeko nokumuongorora asina kupfeka asi haunei naye. Unoda kupedza nguva uchifunga iye akagwinya wepa NEXT DOOR.  Napo napo babmunini uyai mundivhurire pombi yepazhe iyo mukoma wenyu akanyanya kuivhara ndaitadza. Babamunini mota ime mweya mumavhiri wakakwana here, uyai mutarise ndiende kumusika. Babamunini, pane mago pagedhe pangu, uyai mupise. Babamunini uyai mundisimudzirewo saga rechibagwe mumba muise mumota ndinogaisa. Zvese kuitira kuti aone kugwinya kwemurume wako chete chete. Adaro anopedza zuva rese achifunga kuti haa murume akasimba uyu.

Mukana unozosara wouya matodanana kare kare, Unohwa vamwe vachitozvitaurira vega kuti aah imi murume wangu ndinovata hangu naye asi mufungwa ndenge ndichiona Firimoni. Murume akagwinya iyeye. Musi unohi mukadzi waFirimoni aenda kumusha anopedza vhiki ariko, maiguru vanobikira Firimoni zvokudya powanikwa nguva yenyaya.

Kunyengana kwevanhu hakugozhi zvachose. Munhukadzi wese zvake anonyengwa kwesekwese kwaanoenda asi kungoti varume vanonyenga kana vafunga kuti pane mukana wekudiwa. Iwe mukadzi ndiwe unopa murume manyawi okuramba achida kukunyenga.

Varumewo vanoziva zvinofadza vanhukadzi. Ukaita murume anoterera unowana vakadzi vakawanda. Kuterera chinhu chinodiwa nevakadzi. Kana akakomburena ane zviri kuitika muupenyu hwake iwe ukazviterera ukaratidza kuti zvine basa kuti murume wake agadziridza nyaya kana kuti iwe uatsire, anokuswededza pedo naye mufungwa.

Murume ane mukadzi nemhuri anodiwa nevamwe vakadzi kupfuura murume jaya. Mukadzi asina murume chero ari mvana chero ari mhandara varume vanomuda. Akamira pamugwagwa varume vanomisa mota dzavo kumukwidza.

Saka apa tiri kuti chenjererai magarire amunoita nevavakidzani kuti murege kuvatirana vamakaroorana navo.








Kana une nyaya yakadai fana kutiudzawo tihwe. Zvako zvakatanga sei.

2 comments:

Anonymous said...

Munorevei kana muchiti "vakadzi vanonyenga varume kupfuura varume kunyenga vakadzi"?

Mai E Chibwe said...

Kana muchizivana sokuti makavakidzana, ukaona murume onyenga mukadzi wemunhu, zvabva pakuti mukadzi iyeye aratidza murume iyeye nechekare kuti ari kuda kunyengwa. Kunyenga munhu hazvirevi kubudisa shoko rokunyenga mumuromo. Munhukadzi wese zvake anohwisisa zvokuita kana achida kunyengwa saka ipapo tichiti ndiye anyenga murume.

Chihure chakazara asi chibharo chishoma. Usafunga kuti varume ndivo vanochiva vakadzi vevanhu chete. Vakadzi vane ruchiva vakawanda chose pavarume vevanhu.