Thursday 18 May 2017

Kukura usingazivi kuti baba vako ndiani.

"Ndiri murume ane makore 29. Ndinoshanda kuSouth Africa. Ndakarerwa namai naana mbuya. Handina kumoziva kuti baba vangu ndiani kana kuti varipi. Ndakazoona munhu osvika pandinoLoja ima oti anodawo pekugara achitsvaka basa. Ndiye akandiudza kuti munukuna vababa vangu. Ipapo mai vakashaika handina wekubvunza. Zvinoita here kuti mai vanorera mwana kusvika akura vasina kumuudza dzinza rake? "

_________________________________________________________
Veduwee ngatitarise nyaya iyi kuti yakanaka nokuipa papi payo. Kana wakakura zvakadai, ndinyorererwo undiudze kuti unofungei nazvo uye kana wakakura babereki varambana unofungei futi nazvo?

Saka zvoreva kuti tichaenderera mberi nenyaya.

Ngatifanoverenga nyaya idzi takamirira


Wednesday 10 May 2017

Muvakidzani anoda murume/mukadzi wako

Vavakidzani vanhu vatisingakwanisi kusarudza isu, asi kuti tinongowanawo varipo kana kuti ivo vanowana tiripo. Nyaya dzevavakidzani dzakawandisa dzinoita muvengane nokupokana navo kana kushamwaridzana navo asi pano tongoda kuongorora yemuvakidzani ane ruchiva kumurume/mukadzi wako.

Mumaraini mese unohwa nyaya dzevakadzi/varume vepa NEXT DOOR kana kuti vemuraini vanotozikamwa kuti vanohura nanhingi nanhingi muraini menyu. Zvinoitika sei? Tinoziva chose kuti vakadzi vanonyenga varume kupfuura varume kunyenga vakadzi. Ndiyo nyaya yatinoda kuongorora kuti zvinoitika nengari yei uye zvinoonekwa kuti zvava kuda kuitika sei.

Kana uri kuno kuEurope, vanhu havasvodi kukutaridza kuti pane zvavari kukufungira. Kwedu kumusha zvakati siyane asi unongopedzisira waziva pane fungwa dzake chete.

Unokwanisa kushanda chose wounganidza mari nomurume/mukadzi wako muchifunga kuti mava kuda kuvaka musha wenyu pamwe chete. Ipapo hapana ane fungwa dzezvemudondo. Motenga imba yenyu motora zvimasofa zvamabva nazvo kuFLAT moisa mumba. Napo napo murume anobuda wotanga kutimba gadheni kwahi regai ndisime muruwo. Ukuwo mukadzi anonotenga mutsvairo otanga kusakura bundo paruvazhe achitsvaira achigadziridza musha wake. Mese munoona kuti pano taita chinhu chakanaka.

Pasina kupera nguva munotanga kushanyigwa nevavakidzani. Kazhinji munotsvakiridza ukama kuti mugarisane zvakanaka. Unohwa zvohi "Vaira moyo varamu. Mukadzi wangu muira moyo. Iwe haunonokiti kubvuma kuti ndibabamukuru namaiguru vanogara pedo nemi. mototanga kushanyirana muchipanana zvinhu sehama chaidzo.

Ipapa pakushamwaridzana ndipo panotangira nyaya dzese. Vanhu mudzimba umu havana mufaro saka vanofunga kuti umwe munhu achauya nomufaro. Kana muvakidzani akajairana noumwe muvakidzani, vanotanga nyaya dzese zvadzo, dzimwe dzacho dzorerekera kunyaya dzokunemerana.

Kunemerana kunowanzokonzera kunyengana pamwe musina kutombozvifungira kuti muchanyengana motoerekana manyengana. Varume kazhinji havanyengi mukadzi wemunhu pasina chimwe chavaona chingaitisa kuti vafunge kuti pangangoita rudo. Mukadzi wemunhu ndiye anotanga kuratidza kuti akasununguka nomurume wemuvakidzani. Murume uya ongozoita sokubvumirana nazvo.

Sokuti imi mota hamuna vavakidzani vane mota. Ukaona murume/mukadzi wako opota achizosvitswa pamba nomuvakidzani zvichiwanda maitikire azvo, hwisisa kuti vari kuita nyaya pavanenge vachifamba nemota. Nyaya dzavo dzinokwanisa kunge dzakanaka chose asi pashomashoma dzinorerekera kune zvomudzimba.

Mai Tawanda vaiita tsika yokuudza Baba Mobhi nyaya dzokumba kwavo seshamwari muvakidzani. Kwahi Baba Tawanda havadi kurega doro. Kwahi ndashupika chose kuti dai varega zvedoro tashandisa mari kutenga fenzi yokukomberedza musha asi shuwa babamukuru, mununguna wenyu zvedoro haadi kurega. Hino chitarisai imi namaiguru mugere zvakanaka, zvinhu zvenyu zvakarongeka.

Vaya babamukuru vanoterera kusvika vahwisisa kuti mukadzi haana mufaro mumba make. Zvohi Mainini kana muchida fenzi munokwanisa kuiwana mozotigadzirira zvemari mava nefenzi. Mazuvano kune mbavha saka mukamirira zvekuti Firimoni arege doro munobigwa zvinhu musati mawana mari yefenzi.

Uyawo firimoni paanotimba gadheni usafunga kuti maiguru havazvioni kuti ane makumbo nemaoko zvine simba.
ruchiva gunotangira pakutarisa zviri kuitika iwe usina zvokuita saka wotora nguva kufunga zvauri kuona kuti dai zviri zvangu dai ndine mufaro. Pamwe mufaro wacho unawo asi kukara chete. Kuona murume wemunhu achipinda mukaimba kekugezera iwe uri kuyadhi kwako. Womuona asi turika zvipfeko pamudhuri wemba yokugezera wobva waziva kuti izvozvi haana kupfeka, fungwa yomhanya kufunga kuti kana asina kupfeka akaita sei.

Wako murume aripo asi haatauri newe. iwe autauri naye kumuvunza kuti kana asina kupfeka akaita sei. Une mvumo yokumuvisa zvipfeko nokumuongorora asina kupfeka asi haunei naye. Unoda kupedza nguva uchifunga iye akagwinya wepa NEXT DOOR.  Napo napo babmunini uyai mundivhurire pombi yepazhe iyo mukoma wenyu akanyanya kuivhara ndaitadza. Babamunini mota ime mweya mumavhiri wakakwana here, uyai mutarise ndiende kumusika. Babamunini, pane mago pagedhe pangu, uyai mupise. Babamunini uyai mundisimudzirewo saga rechibagwe mumba muise mumota ndinogaisa. Zvese kuitira kuti aone kugwinya kwemurume wako chete chete. Adaro anopedza zuva rese achifunga kuti haa murume akasimba uyu.

Mukana unozosara wouya matodanana kare kare, Unohwa vamwe vachitozvitaurira vega kuti aah imi murume wangu ndinovata hangu naye asi mufungwa ndenge ndichiona Firimoni. Murume akagwinya iyeye. Musi unohi mukadzi waFirimoni aenda kumusha anopedza vhiki ariko, maiguru vanobikira Firimoni zvokudya powanikwa nguva yenyaya.

Kunyengana kwevanhu hakugozhi zvachose. Munhukadzi wese zvake anonyengwa kwesekwese kwaanoenda asi kungoti varume vanonyenga kana vafunga kuti pane mukana wekudiwa. Iwe mukadzi ndiwe unopa murume manyawi okuramba achida kukunyenga.

Varumewo vanoziva zvinofadza vanhukadzi. Ukaita murume anoterera unowana vakadzi vakawanda. Kuterera chinhu chinodiwa nevakadzi. Kana akakomburena ane zviri kuitika muupenyu hwake iwe ukazviterera ukaratidza kuti zvine basa kuti murume wake agadziridza nyaya kana kuti iwe uatsire, anokuswededza pedo naye mufungwa.

Murume ane mukadzi nemhuri anodiwa nevamwe vakadzi kupfuura murume jaya. Mukadzi asina murume chero ari mvana chero ari mhandara varume vanomuda. Akamira pamugwagwa varume vanomisa mota dzavo kumukwidza.

Saka apa tiri kuti chenjererai magarire amunoita nevavakidzani kuti murege kuvatirana vamakaroorana navo.








Kana une nyaya yakadai fana kutiudzawo tihwe. Zvako zvakatanga sei.

Thursday 4 May 2017

Nyaya yokubvisigwa Condom

Pane nyaya yokuti mabvumirana kuisana nomurume asiri wako uye wausingagoroisana naye, paushamwari hwenyu kana kuti pachihure chenyu. nokuda kwekuti muri mafuza saka hamuna kutanga mandotesitwa kuonekwa kuti hamna zvigwere zvechihure, asi morangarira kuti munofanira kushandisa makondhomu pakadai.  Mopfekedzana kondhomu renyu zvakanaka semaitigwe azvo okuti mukadzi ndiya anopfekedza murume kondhomu kuitira kuti muwane mukana wrkudzvanyirira chohomwe chokumberi chakaita somunyatso kuti chisapinda mhepo pakupfekedza murume kondhomu., ndizvo kondhomu rigorega kubvaruka panobuda urume muchombo richizara neurume nemhepo.

Toti mapfekedzana matanga henyu kuisana. Kune varume vanoita tsika yokuti pakati pekuisana obvisa kondhomu riya mukadzi asingazivi, opinza chombo odiridzira mukadzi mukati mechitubu. Tsika iyi kunyika dzakaita se dzeku EUROPE ne America yawanda chose. Zvinohi yakabva kuvanhu vanoita zvechingochani vanova vagara vanayo kubva kare. Koita vaya vanovhenganisa chingochani nemaitire amhomho yese vanofungigwa kuti ndivo vakaunza tsika yacho pakuvata nevanhukadzi.

Zvino chanetsa ndechokuti pane zvakawanda zvinoda kuhwisiswa pazviri. Chikuru ndechokuti kana uri mukadzi ari kunyika dzandataura idzo, ukabvisigwa kondhomu ukaiswa usina kubvuma kuiswa pasina kondhomu, hwisisa kuti unokwanisa kuendera murume wacho kumapurisa wondotsanangura nyaya yako maitikire ayaita. Kana wange wapinzwa chombo chisina kondhomu pasi bvumirano yokuisa musina sezvo mange mambotanga kuisana uchifunga kuti ane kondhomu, zvoreva kuti akuata chiharo (RAPE) nokuti hauna kumupa mvumo yokukuisa musina kondhomu. Hazvibvumigwi nomutemo wezvokuisana.

Kana muri kuZimabwe nedzimwe nyika dzokuAfrica handizivi kuti mafungire ezvemitemo yoko akadii, asi zvinofanira kunge zvakada kungofanana nokuti iwe wange wabvuma kuisana mune kondhomu.

Apa hatisi kureva kondomu rabvaruka muchiisana kana kuti kondhomu rasarira mukati memukadzi muchiisana. Tiri kureva rabviswa nomupfeki maune chaiwo kuti akanise kukutundira urume mukati mako pasina chinodzivirira.

Mahurerume
Mahurerume vanhu vanofarira kuhura nevakadzi vavasina kuroorana navo. Kune vakadzi vane varume asi varume vavo vasingagari nano nengari dzemabasa. Vakadzi vakadai vamwe vavo vanoita zvikoma mumaraini avo. Kazhinji chikomba chakadai chinenge chine vakadzi vakati wandei vachinohura nano, kureva kuti umwe wavo akabata zvigwere anopa vese vari mudandari rechihure chavo. Zvigwere zvakadai zvinosvika kuvarume vevakadzi ava.

Kune vakadzi vakadai vanohwisisa kuti kuhura nezvikoma kunoda kuti munhu ashandise makondhomu. Zvinoitika chose kuti vamwe vanoashandisa kana vane zvikomba zvavo. Ndipo panokwanisika kuti chikomba chimubvisire kondhomu pakati pekuisana fungwa dzese dzabva pakuzvichengetedza dzava pakuda kunakigwa. Zvikuru kana murume ari kumashura iwe wakafongora, anokwanisa kukubvisira okupinza chombo asina chaanacho. Kana wambenge waiswa uye zvichinaka, kuti uzozive kuti kusiyana kwawava kuhwa kwabva pakuti haachisina chaakapfeka hauzozvifungi.

Kuvakadzi vevanhu chikuru chokufunga imimba nokuti ukabata mima murume wako ari Joni, hazviiti kuti uichengete kana uchida murume, zvikuru kana chikomba chichitoziva kuti mwana ndewacho. Panoita nyaya dzakawanda.

Koitazve nyaya dzezvigwere. Ukabata chigwere ukaenda kuchipatara havanyori nhema pa CARD rako. Kana une siki vanongonyora kuti une siki. Hino murume wako akazorava CARD rako pane imwe nguva, panoita dambudziko.

Varume hwisisai kuti vakadzi venyu kune vakawanda vane zvikomba nengari yokushaya mufaro kumba kana kuti murume haapo kwenguva refu. Kana zvichikwanisika kuti mugare mese garai mese. Mukadzi haasi mombe inonosiiwa kumafuro ekure. Kusiira vabereki mukadzi handizvo.


Hurekadzi:
Kubvisira mukadzi kondhomu kwakafanana nomukadzi anorevera chikomba nhema kuti ari kumwa mapiritsi ekudzivirira mimba kuti murume abvume kuisana naye pasina zvimwe zvokudzivirira mimba. Zvinoitika chose kuti kune vakadzi vanoda kubata mimba kubva kumurume aaari kuda asi iye asingamudi. Varume vanu vasoonekwa sevanhu vasinganetsi kuvta navo. Kana mukadzi ada murume waada, kazhinji anokwanisa kuvata naye zviri nyore, zvisinei kuti murume wacho ane mukadzi kumba.

Zvinoonekwazve kuti kuita mwana zvinofungigwa kuti zvinokonzera kuti murume ade mukadzi. Kuvarume vechidiki, mwana anokwanisa kurambisa musikana. Kuvarume vava vakuru kana akaitisa mukadzi waari kuhura naye mimba, inoita nyaya inozikamwa kuti mukadzi iyeye akasangana nomurume iyeye akada kuti avate naye, kuvarue vedu veChiZimba, zvinovanetsa kuramba. Vakadzi vakawanda vanoziva kubata varume panyaya dzevana. Murume wechiZimba kana achibhadhara mari yokurera mwana kuvata namai vemwana haarambi. Kana achivumidzwa kupota achizoona mwana, kuvata namai vemwana haarambi.

Kuudzwa nhema dzokuti mukadzi ari pamapiritsi zvinoitika kakawanda chose. Kana uchiziva nguva yemwedzi wemukadzi wauri kuhura naye, uchahwisisa kuti nhema idzi unodziudzwa pamazuva anoti 9 – 16 kubva pamusi waakatanga kuenda kumwedzi. Mazuva awa ndiyo nguva yaanokwanisa kubta mimba.

Hwisisazve kuti panguva iyi vakadzi vanoita zvezvikomba vanowedzera kuhura. Vanhukadzi mhomho yese vanowedzera zemo panguva iyi.

Kana waudzwa nhema idzi mukadzi wauri kuhura naye akabata mimba, pari zvino, hapana mutemo waunokwanisa kumusungisa nawo, nokuda kwekuti nyaya dzese dzinotaugwa dzenge dzava pamwana. Iwe sababa vake haupukunyiki.

Asi tichionorora kuipa kwazvo zvakangofanana nomurume anobvisira mukadzi kondhomu asingazivi kuti rabviswa. Asi kungosiyana kuti mutemo unosungisa murume akadai.

Kubatwa Chibharo.
Kana waita zvokuatwa chibharo, ukatundigwa urume usingadi, inyaya inokosheswa nemitemo yenyika dzakawanda. Kunyika dzechiArabhu  chete ndiko kwavanoona sokuti iwe ndiwe une mhosva zvokuti unokwanisa kutochekwa musoro.
Vakadzi vakawanda vanobatwa chibharo vanobatwa nomurume wavanozivana naye. Koitikazve kuti vakadzi vakawanda kunyika dzinomwiwa doro nevakadzi, vanenge vakadhakwa.

Saka ngatihwisise kuti varume vatinoziva ndivo vanokwanisa kutibata chibharo.


Chinoitisa muisane musinganatsi kuhwisisana

Kuisana musingahwisisani zvinobva pakuti mese kana kuti umwe wenyu anenge ane dambudziko rokushaya. Kune vasikana vanoti akasvika makore makumi maviri asina kumbonyengwa, anotanga kuona sokuti pane chaanacho chakaipa. Akazonyengwa nomunhu asina kukodzera anobva amuda asi pasina hwisiso pakati pavo. Kune vasikana vakawandisa vanoti abva zera ozomitiswa nomurume ane mukadzi kuma.

Koitazve chihure muvanhu vanozivana. KumaCHURCH uku kune vanhu vakawandisa vanohurirana. Zvikuru verudzi gwedu. Ukajoina church inopindwa nemaZima, kazhinji haushayi nyaya dzokuhurirana.

Kana wadanana nomunhu wausingahwisisani naye, kasira kufunga zvokuita nokuti nyaya yako inokwanisa kuwedzera kukanganisika.



_____________________________________________________
Kana wakamobvisira mukadzi kondhomu, kana kuti wakambobvisigwa kondhomu nomurume, tiudzewo tihwe maitikire azvo.

Kana wakamboudzwa nhema dzokuti mukadzi ari pamapiritsi, tiudzewo zvaiva zvei.

__________________________________________________________
KuScotland oko kwakamboita murume akadanana nomusikana kwenguva kusvika pakutochaya mapoto. Akazoti asangana noumwe musikana ndokufunga kurama uyu wekutanga. Vaishandisa makondhomu. Musikana akavhura chipakiti chemakondomu, ndokucheka zvimaburi zviduku zvinonetsa kuona ndokudzosera mumapakiti ndokunama na GLUE kuti aite sematsva. Akaudza mukomana kuti haana hanya nokuti pava noumwe, achiitira kuti awane mukana wakubata mimba.

Hwisisai nyaya idzi.