Saturday 29 April 2017

Murume anoshusha

Kuti murume ahi anoshusha chii chaanenge achiita uye zvinogadziriswa sei mumba kuti muite mufaro? Pakutaurirana tinohwa vamwe vachiti varume vav vanoshusha. Toda kuongorora kuti chii chiri kuitika mudzimba idzi uye zvinogadzirika here?

Chimwe chemaitire anohi kufoya ndechokuti murume anotsoropodza mukadzi pese pese kubva pane zvinoti
Kubika kwake,
Kugeza kwake
Mapfekere ake
Runako gwake
Kuti ange ari mhandara here kana kwete pavakasangana
Chikapa chake
Unhu hwake

Zvese zvinoitwa nomukadzi murume anotaura nezvazvo nokuipa kwazvo kuti mukadzi anatse kuhwa kuti haagutsi murume chero papi zvapo, uye kuti anatse kuhwisisa kuti haadiwi pamusha apa.

Murume uye mufungwa dzake kazhinji anenge asiri munhu akaipa sokuona kwake, kana kuti mnhu asingadi mukadzi wake panezverudo. Asi kuti munhu achiri pwere panyaya dzokugarisana. Anoona sokuti kutsoropodza zvaitwa noumwe munhu zvinoratidza vanoterera kuti iye ndiye nyanzvi pazvinhu zviri kuitika kana kuti paruzivo gwezvinhu zviri kuitika.

Kana mavhakashigwa nevaeni, mukadzi obika, murume achiita nyaya nevaeni. Nyaya dzake hadzisi dzokukudza mukadzi wake asi kungomhura chete.

Mataurire ake ndeekutaridza kuti mukadzi pane chaasingazivi. Mukadzi akaunza zvokudya. Murume anokasira kutaura kuti mukadzi haana kuunza mvura yokumwa. Ipapo mukadzi mvura asiya nokuti ange achitanga kuuya nezvokudya achida kuzodzokera kunotora mvura. Murume okasira kutaura kushaikwa kwemvura kuti zvionekwe kuti mukadzi haazivi basa.

Mukadzi akanogeza akauya kuzovata, murume anotanga nokumuudza kuti sipo yaanotenga haisiriyo nokuti hainhuwiriri zvakana. Sei mukadzi achiita sokuti pama mari hapana? Yoita nyaya.

Mukadzi akabvisa zvipfekwa anoudza kuti zvimagaro zvake zvidiki. Sei asingadyi zvinokodza. Kuonda kuita seane HIV kudai zvinosvodesa. Kana akakora anotsoropodzwa kuti akakoresa.

Mukadzi akavata nomurume wake obvunzwa kuti akadzidziswa nani kuita zvechihure. Ndosaka ndakakuwana usiri mhandara ingari yokuti unoarira zvechihure. Mangwana mukadzi akati tonho pakuiswa, Murume opopotazve kwahi ndigoti ndine mukadzi pakudii.

Chikonzero chikuri ndechokuti murume munhu asina CONFIDENCE iye somunhu. Anoona sokuti vamwe vanhu, hama neshamwari vanofunga nezvaari kubva pakutarisa mukadzi wake, vana vake, fuma yake nezvose zvaari. Haahwisisi kuti iye munhu paari ipapo zvisinei kuti mukadzi wake ndiani.

Kufoyo kutsoropodza asi kumwe kufoya kunyarara pane zvakanaka zvaitwa. Ukaterera vamwe vakadzi vachitsanangura nyaya dzavo nevarume vavo unohwa achiti “Murume wangu haatendi, chero ndikamuitira zvakanaka zvakadii haatendi.” Chibvunza kuti chiiko chaunomuitira chakanaka, unohwa otanga kutsanangura zviito zvemazuva ese chaizvo zvokuti kubika, kuwacha, kuaina, kusona, kumuzvarira vana, kuvata naye. Iwe ungatoshaya kuti nyaya yake iri papi, asi ukazoongorora unoona kuti anongoda kuhwa murume achimtendawo kuti mukadzi akakodzera. Kunyarara kwemurume zvoita sokuti hapana chaari kuita mumba.

Kunyararawo kwemurume pamwe kunofungisa mukadzi kuti haadiwi. Dai murume achimuda aiona zviito zvake achizvirumbidza.


Mazuvano vanhu vane mafoni avo avanoshandisa kutaurirana nokutumirana ma MESSAGE anofadza. Kana murume achikutumira zvinofadza, achikurumbidza, achikuudza zverudo musati maroorana, ozorega kukutumira zvese izvi marorana, zvoreva kuti kudii? Koitazve kuti munokwanisa kufoyana nefoni dzenyu idzodzo. Ukaenda kumadare emusha unowona vanhu vachibudisirana foni, kwahi vatongi onai zvaakandituka achiita musi wekuti newekuti. 

Ukabvunza vakadzi vakambohurira varume vavo, asi vari vanhu vaya vane zvakawanda mudzimba dzavo, sokuti ane basa, anotambira mari, ane mota, murume ane mota yakewo, ane madhirezi akawanda, ane imba yakanaka, ane vashandi, etc, asi anosiya zvese onohura nechikomba. Ukamubvunza kuti ko Seiko. Unohwa achitaura kuti chikoma chaimutaurira zvinopa manyawi. Chikomba chikaona akapfeka dhirezi rakanaka chotaura kuti dhirezi rako rakanaka rinotaridza magaro ako zvakanaka. Asi ipapo abuda mumba mune murume wake asina zvaataura padhirezi rake pese pavagara vakadya BREAKFAST vese. Murume akadai anohi anobhowa. Hapana EXCITEMENT kana unaye mumba.


Saka tingati kufoya kugarotaura zvakaipa zvaunoona pamukadzi wako, kana kuti kunyarara pane zvakanaka zvinoitwa nomukadzi wako.


Asizve hatingangopopoteri varume kuti vanofoya. Kana iwe mukadzi ari munhu asingakwanisi kutaurirana zvakanaka nomurume wako unokwanisa kuumba FRUSTRATION mumba mako zvokuti murumewo anongozoona sokuti akaroora munhu asiriye.  Kana maroorana matotanga basa rinogozha chose rokvaka musha wenyu. Swedera pedo nemurume wako zvese pamuviri nepafungwa. Ita kuti murume aziva kuti mava vaviri mumba uye mese munoda kuvaka musha. Chitora chinzvimbo chako chikuhi mai vemba uchiremekedzi uchiite nomazvo. Mai vema ndiye MANAGER wemusha. Baba vema ndivo RESOURCE PROVIDER  wemusha. Mese mukaita mabasa enyu nomazvo hapana chinokanganisika. Chero murume akakufoya anokufoya zvemujee zvaunoziva kuti ari kutamba newe asi moyo wake uri mumoyo wako. Hazvikukumburi. Pamwe unotosetswa nazvo. 

Veduweeka, ngatihwisise kuti kune vakadzi vane zvakawanda zvavasingaiti zvakanaka mudzima dzavo. 
Kune vasingagoni kubika.
Kune vasingagezi zvinoevedza
Kune vanosvoda kuita chikapa
Kune nosvoda kuudza varume vavo kuti vanoda kuiswa
Kune vasina utsanana. 
Kune vasingadi hama dzemurume
Kune vasingagoni kuchengetedza mari. 

Kufoya munhu pane zvaasingaiti zvakannaka kunoita atowedzera zvaasingaiti zvacho kuwanda kwazvo. Zviri nani kukurudzira munhu kutevera nzira yakanaka. Kana mukadzi asingagoni kubika iwe uchigona, ita nguva yamunombobika mese uchimuratidza kuti chokuti chinobikwa sei. 

Pindai mushawa mese mugezesane uone kunakidza kwazvinoita. Kana mkapedza nguva muchiita zvinhu pamwe chete, unotozoona kuti zvinoita nyore kukurudzira zvauri kuda kuti aite zvacho. Kufoya hakuna chakanaka chinobuda po. 

Iwewo nyakufoiwa ukahwa mrume atanga kukufoya zvibvunze kuti zvaita sei. Chii chandaita chisina kumira zvakanaka. Kana uchida kuti murume akuudze chokwadi nokukasira, mubvunze chombo chake chimire asi tanga wamuudza zvauri kuda kuita nechombo chake, Zvadaro ukamubvunza anokuudza zvaanoda kuti ugadziridze. Ukahwisisa enda unogadziridza. 


Taurai tihwe kuti chii chamunoti kushusha.

No comments: