Wednesday 26 April 2017

Mukadzi/murume asingadi kugeza

" Ndibatsireiwo. Ndapererwa. Murume wangu chero ndikadziisa mvura ndikamuisira mubhavhu haadi kugeza, anoti akageza nezuro, but uchiona kuti ane guruva, Mazino haadi kugeza, Ndoita sei? Tasvika pakutukana panyaya iyi. Ndipeiwo mazano. Tinogara kumusha, mvura iriko gore rino. " Ndi Suzeni uyu aita dambudziko.

_____________________________________________________________________________
Kugara nomunhu asingafariri kugeza inyaya ine zvakawanda pautsanana hwemhuri uye pakati penyu murume nomukadzi. Zviri kwese pakuti kune varume vasingadi zvokugeza, koitazve vakadzi vasingadiwo zvokugeza. Tichaongorora kuti zvinorevei paupenyu kana une munhu akadai kana kuti mese muri vanhu vasingafriri zvokugeza. Zvinobatsirei kugeza?

Chokutanga kutsanangura kuti pane mhuri dzisina utsanana zvokuti kana ukaroorana nomunhu anobva kumhuri yakadai unokwanisa kuita nyaya dzoutsanana mumba. Kana ari mukadzi, mhuri yese inokanganisika, Kana ari murume zviri nani asi mukadzi wake anoita damudziko kwenguva refu. Veduweeka, kana muchitsvaka wekudanana naye pana zvinhu zviri BASIC zvokutarisa kuti munhu akakodzera here kana kwete.  Kuti anogeza here chinhu chisinganetsi kuona musati madanana.

Pese paunosangana nemhuri yake nokuona maitire avo pamusha pavo unokwanisa kungoona kuti pano nyaya dzeutsanana ishoma. Pamwe unowana paruvazhe chaipo pakazara svina yembwa, pasina anomofunga kubvisa. Wochipinda muma macho wowana mapete anongofararira, nhunzi kana kwaedza dzakazara. Mumba mawapiwa kuti uvate munongotaridza mega kuti kutsvaira kushoma. Mangwanani unopiwa mvura yokugeza kumeso wopiwa tawero rinenge rakamboshandiswa nezvimbwanana.

Unofunga kuti munhu anobva mumhuri yakadai angazoziva kuti kunogezwa zuva nezuva here?

Koitazve vamwe vanobva kunzvimbo dzezvibhorani vanogara kure nekunowanikwa mvura, vanoishandisa vachihwisisa kunetsa kwayo. Kugeza vanoda asi vanodzidza kushandisa mvura shoma. Kana vazova kune mvura yakawanda vanokwanisa kungoramba vachigeza sezvavachiita kuzvibhorani.

Munhu wese akambopinda chikoro kuBOARDING anoziva kuti kune vana vaisageza asi sipo vanayo mvura yeshawa iripo. Zvokuti yaitonhora zvaiva zvomuchando. Muchirimo mvura yaitonaka nokuda kwekupisa kwezuva.

Mukadzi wese wechiKaranga anodzidziswa kuti
·        Anogezesa vana,
·        Anosuka ndiro,
·        Anotsvaira mumba,
·        Anowacha zvipheko zvemhuri,
·        Anowacha machira emibhedha,
·        Anoisira murume mvura yokugeza
·        Anogezawo zvakakodzera
Nemashandire anoita munhu anohi mai vemba, vakawanda vanogeza zuva nezuva, zvikuru manheru, kuitira kunhuwiriwa pakunovata nomurume uye kuti usasvibisa machira nokuti anonetsa kuwacha.  Vakawanda vedu tinovata tisina chatakapfeka kuna mumba musina nyaya dzakawanda. Kupfeka zvipfekwa kunowanzoitwa nevasina varume. Zvadaro unowadzira tawero guru wakachinjika mubhedha, wochichengetera tawero dikidiki pasi pe pillow kana kudivi rako remubhedha.  

Vakare vamwe vaitora  chdhishi chemvura voenda nacho kuimba yokuvata, kuitira kuzvipukuta nokupukuta murume. Mazuvano vana vechimanjamanje havachinei nazvo. Anongoti apedza basa nomrume wozvipukuta iye osiya murume akadaro. Tsika hakuchina, ndosaka vamwe vachiita makore kana maviri asina kumbobata chombo chomurume kana kuchiongorora. Ipapo anongoiswa murima sezvinoita mapete.  Munhu itawo utsanana pamurume wako uye kutaridza kuti unogamuchira murume zvaari izvozvo.

Kana iwe mai vemba usingagezi, mhuri yese haigezi. Kana murume ari munhu akabva kumhuri inogeza oroora mukadzi asingahwisisi zvokugeza, nyaya  yomumba yatova pakagozha.

Mukadzi asingagezi anokasira kuita hwema husina kunaka, kubva muvhudzi, muhapwa, muzvidya, kunoperera mushoka. Muridzi wehwema haahwi kunhuwa kwake. Munhu wese wese anotanga kuhwa kunhuwa kwevamwe asati ahwa kwake. Hino kana ukaita zemo unonyorova zasi kuti chomo chipinde zviri nyore. Kuno kumusoro kuhinzi kunonyoroverawo. Kana ukasazogeza mamwana acho nesipo, unoita Gweme (zvakaita zvimasadza zvichena zvinoita kuti kudikitira kusakonzera kusvuuka zvinova zvinokwanisa kugwadza).

Gweme rine manhuwire aro akasiyana zvezvimwe zvinhu. Varume vanoita gweme kupfuura vakadzi. Kana ukakweva ganda rechombo chomurume wako kana asina kugeza chombo unohwa gweme kunhuwa. Chifungawo kuti iye anohwa kunhuwa kwako kana usina kugeza. Kozoti muhapwa kozoti vhudzi, zvese pamwe chete.

Kuzasi kana wapiwa urume nomrime wako zvinonetsa kusapukuta nokuti ukazama kuvata unochururuka zvinova zvinokufosa kupukuta. Asi vakawanda vanoiswa vari kuhope murume okupazve humwe urume. Kana hope dzakawanda unokwanisa kungochururuka asi usina kumuka. Ndizvo tichiwadzira zitawero ziguru.

Kana ari murume asingadi kugeza, mukadzi anoita dambudziko rokuwacha. Unoona murume achipinda mumba akapfeka majombho ukugadheni. Ukamudziisira mvura anotokuudza kuti achazogeza mangwana. Anozoda kunovata ane guruva rake, agodazve kuvata newe akadaro, Gweme richinhuwa zvokuti.


Varume vasingadi kugeza vakawanda kupfuura vakadzi vasingadi kugeza asi kusageza kwemukadzi kunokanganisa mhuri kupfuura kusageza kwemurume.

Saka todii kana asingagezi?
Varume vane vakadzi vasingagezi vane tsika yokutuka mukadzi kusvika awedzera kugeza. Murume anomboshinga ashingazve asi anozoona kuti nyaya haisi kugadzirika, otanga kutukirira mukadzi wake kuti aite COMPLEX pazviri kusvika atanga kugeza.

Vakadziwo vane varume vasingadi kugeza vanongodziisira mvura. Unotanga uchati chitorai mvura munogeza, woona kuti munhu haaendi, wopedzisira woita zvokunomudirira mvura kuti aone kuti waita EFFORT kuti ageze. Asi pamwe munototukana achirama kunogeza.

Nyaya yemagezero ake kana aenda inyaya inonetsa futi nokuti anongosvikodira mvura otozviomesa odzoka oenda kunovata.

Kuvanhu vasingafariri kugeza nyaya yokugeza mazino ndiyo inovanetsa kupfuura zvimwe zvese. Ukamira pedo nomunhu asingagezi muchitima kana bhazi unuhwa hwema hwemuviri wake. Paanozotanga kutaura wohwa futi hwema kubva mumuromo. Mazino acho unongoona kuti ava nenguva muridzi asingazivi kuti aripo.

Kana mukadzi akakurira kumhuri ineutsanana, hameno kuti anovata sei nomurume akadai.

Kana vese vasingadi zvekugeza, dambudziko chairo hapana nokuti vanongonhuwirana vakadaro pasina ane hanya nazvo.

Pautano hwevanhu vasingadi kugeza  hapana chakaipa. Hazvigwarisi kusageza. Zvinongobhowa vaunosangana navo chete. Vanhu vajaira kugara nesvina havabati zvigwere zvakawanda sevanoneutsanana, iri nyaya yekujaira kugara neutachiona.



Tichaenderera mberi. Kana une munhu mumba asingadi kugeza, tiudzewo kuti zvinokubatabata sei uye nemhaka yei usingazvifariri.



No comments: