Thursday 6 April 2017

Mibvunzo nemhinduro 10

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 9 yakazara saka tava kutanga rino. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 9  8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1. Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Ndatenda


1Baba vangu vakashaika ndine makore maviri mai vakaroorwa kumwe. Ndakarerwa nemurume wamai. N dave kuda kurorwa. Zvinoita here kuti kurume wamai odya fuma hama dzababa vangu dziripo? Ndoita sei? Kana wakarerwa namai nomurume wavo, zvoreva kuti ndivo vabereki vako ivavo. Iwe haunei nevanhu vemhuri yababa vako kana ivo vasina kufunga kuatsira mai vako kukurera uchikura.

Kudza vanhu vakakupa upenyu. urege vakuroodze kana vachida kukuroodza. Kana vasingadi ivo ndivo vachanotsvaka mhuri yekwababa vako nokuvaudza kuti mwana akura ava kuda kuroodzwa. Kana vachida kuuya vanouya. Kana vasingadi zviri kwavari asi haisi nyaya yako iwe. Yako ndeyokuroorana nomurume wako mogara zvakanaka.

Usashushikana nenyaya dzisinei newe. Usazviona sokuti uri COMMORDITY inokwanisa kutengeswa. Chivanhu chezvefuma rega chiitika maitikire achinoda kuitika kubva kuvakuru. 
2Kubata murume kuti asade vamwe vakadzi kunoitwa sei? Tanga nokufunga kuti iwe chinokuitisa kuti usahurira murume wako inyaya yokuti anokuata zvakanaka here kana kuti unongova munhu ane tsika dzakanaka? Murume anoda zvechihure haanei nokuti wamubata sei. Anongohura chete chete zvisinei kuti wamubata sei.

Kazhinji vanhu vaiona vabereki vavo vachihurirana vanohurawo. Kana ukaroorana nomurume/mukadzi anobva pabarika kana pavabereki vanohura, kashoma kuti asakuhurira. Kuhura kunoitiswa ne kumhura munhu wawakaroorana naye, hazvinei kuti aitei kuti uwane mufaro.

Munhu anobatwa chibharo nomunhu mukuru ari mwanana, anokwanisa kuhura kana akura. Kune vanhu vanohi vanohura zvaunoona wega kuti ndezveshavi. Hapana zvaunokwanisa kuita kuti murume/mukadzi wako asahura.

Zvinozikamwa kuti varume vanobhadhara mahure vanhu vane vakadzi kudzimba. Vakadzi vavo vanotodawo kuiswa zvisinei nokupiwa mari asi unoona murume achibuda mumba achinotsvaka hure rinobhadhagwa.

Koitawo vakadzi vakawanda vanohura vane varume vane mari nedzimba dzakanaka asi anobudapo wonotsvaka chikomba.  Hakuna mushonga wekudzivirira chihure. 
3Sare inorapwa nei? Nyaya yeSare inowanikwa apa
4Ndiatsireiwo nokukasira. Kunhuwa mheche nokurwadziwa zvinokonzerwa neiko? Zvese zvinoitiswa ne INFECTION. Chitubu chisina INFECTION hachinhuwi zvakaipa. ukangohwa kunhuwa kwasiyana hwisisa kuti waita INFECTION saka mukira kwachiremba undopiwa mushonga nokukasira nokuti ukanonoka unokwanisa kupa muviri wese chigwere chakaipa.

Zvokuti INFECTION yako yabvepi chitomosiyana nazvo kufunge nevokurapwa chete. PLEASE kasira kundoonekwa. 
5Chii  chinoitika  pakunyengana? Vanhu havanyengani. Mukomana chete ndiye anonyenga musikana kusvika musikana abvuma kudanana naye. Zvadaro kunyengana kwatopera kudanana kwatanga. Pamwe munozoroorana hameno. Zvinobva nokuti mafambisa sei rudo gwenyu.

Mukomana akakunyenga unofanira kuongorora upenyu hwake kuti munhu akakodzera kuti umude here? Kana akakodzera iwe uchionawo kuti munhu anokuda nomoyo wese, unokwanisa kusarudza kumudawo asi kana zvadaro chiatsiranai kuvaka rudo gwenyu.

Kunyengwa hazvirevi kuti anokuda. Kune vakomana vanongonakigwa nokunyenga musikana kuti aone kuti anoti kudii. Mubhazi, muSupermarket, Muchitima, unokwanisa kunyengwa pese apa. 
6Murume wangu kubva pakutannga kugara tese 2015 hafariri kuvata neni. Anokwanisa kungoti kuda 4 times pavhiki rese. Zviri Normal here izvi.? Mubvunzo wako hauna kukwana nokuti hauna kutaura kuti murume anoramba here kana kuti pane chinokukonesai kuwedzera basa. Mumba, mukadzi ndiye MANAGER wezvokuvatana nezvimwe zvese zvomumba. Murume anodya zvaabikigwa otenda ovata zvave zvemangwana. Murume anogeza mvura yaaisigwa, Murume anopinda pamakumbo aavhurigwa.  Saka hatisi kuhwisisa kuti ari kukurambira here kana kuti iwe ndiwe uneunyope hwekumukwezva.

Kana uchida kuwedzera ndiwe unowedzera. Ndiwe uri kusagona basa mumba menyu.

Pamakore maviri vanhu vakawanda vanoisana kakawanda. Vechivanhu vanofarira chose kuisana zvokuti pamwe kaviri kana katatu pazuva muchiri vanana kudai. Kana mazopfuura 35 munokwanisa kuita zvamuri kuita izvo.

Hwisisa kukwezva murume umupe aite zvaapiwa. 
7Ndiri musikana ane body diki. 1.48 metres, 53 kg. Mukomana wangu ane body hombe. Ndiri mhandara saka ndotya kuti maybe ndikaita sex naye hakwanisi kupinda. Kukura kwemuviri hakunei nokuti muchakwanisa here kuvatana kana kwete. Varume vakakura muviri vanokwanisa kuva nechombo chakangoenzana nechevane muviri mudiki. Kotizve iwe chitubu chako kana ukaita zemo chinonyorova uye chinokwana chombo kana chezaisi ipi zvayo. Chinotatamuka chokuti unokwanisa kupinzwa chombo uchitohwa kunakigwa chose usina hanya nokukura kwechombo.

Pakuvhugwa chete ndipo pauchagwadziwa kuda kwe miniti imwe chete achitanga kukupinza, asi kana ukamirira kusvika wanyorova uye ukarerusa muviri paanopinza kekutanga zvinoita nani. Unozoti wajaira, wega unoita murume wekumutsa usiku kuti muka undiise. Unenge watokangamwa kuti waimbofunga kuti zvichakunetsa. Bodo usafunganya nazvo. 
8Ndinganakira sei murume wangu? Kunakira murume kunobva mufungwa dzake iye kuti ati iwe unonaka here kana kwete. Kuti afunge kuti unonaka hazvibvi pakungisana kwenyu chete. Zvinobva pa RELATIONSHIP yenyu kuti munoifambisa sei uye unoshamwaridzana zvakadii.

Kuno kuEurope kune PROGRAM yavako yekuti vanhu vanohura nayo chose inohi FRIENDS WITH BENEFITS kureva kuti vanoshamwaridzana kusvika pakuti shamwari ikada kuiswa voisana paushamwari hwavo. Iwe nomurume wako kuhi murume nomukadzi itsamba yomuchato chete asi kufadzana ushamwari hwenyu pauviri hwenyu.
Dzidza kukwezva murume kuti iyewo akukwezve muve shamwari neshamwari. Kushamwaridzana zvokuti mese mongoda kugaroisana paushamwari hwenyu, kwete zvokuti ibasa.

Kana zvadaro chijaira kutaura nomurume wako FREELY panyaya dzokuisana uchigaromukurudzira kukuudza zvimwe zvaanoda kukuita kana kuti iwe umuite. Kana akuudza ita. Uchaona kuti mese munonakigwa nemaitire enyu. Garomukurudzira kuita zvamunofunga kuti ndezvounhubu. (UNUSUAL AND NAUGHTY THINGS)

Kuisana zvokungoti nokuti munogara muimba imwe chete hazvinaki. 
9Kana munhu achiti apedza maperiods then ukarara naye pobuda ropa shoma zvinokonzerwa nei? Dzimwe nguva kumwedzi kunokwanisa kuita sekwapera iko kusina kunatsopera. Unokwanisa kunge wapedza zuva rese usina chiri kubuda wongozoti washandwa mukati nechombo chomurume wotangazve kubuda zvishoma zvange zvasara.

Hapana chakaipa asi kuti pane kumirira mazuva mana kana mashanu. wedzerai rimwe zuva musati madzokera pabasa. Hapana chine dambudziko. Kuisana ari kumwedzi hazvina chazvinokuvadza asi kungoti zvinhu zvinohi zvinosemesa.

Asi hwisisa kuti mukadzi achangobva kumwedzi kazhinji zemo rakawanda kupfuura mamwe mazuva saka anenge achitoda kukasira kutanga kuiswa pamwe oti apedza iye asina kunatsopedza iri ngari yezemo. 
10Ndotunda sei kana murume achindisv**a?Iwe kana usingakwanisi kuzvitundisa iri wega nokutambisa bhinzi yako nemaoko usafunga kuti kuiswa nomurume kunokwanisa kukutundisa. Kunaka kwazvo kwakatosiya.

Chingatokutundisa nokukasira kuti murume akuzvete bhinzi kana kuikwiza norurimi. Ndizvo zvinonaka chose chose kupfuura kupinzwa chombo uye zvinokuita ukasire kutunda.

Chombo ndicho hacho pakuti chine PSYCHOLOGY yacho yokuti ndava nomurume mukati asi kana wakavata manhede murume ari pamusoro isa ruoko pakati ukwize bhinzi iye achikukoira ari mukati.

Chimbotsinzinira maziso uise fungwa pakuteverera chombo chichipinda nokubuda muchitubu mako uchikwiza bhinzi uchihwa pane moyo. Kana uri munhu anogona kutunda haunonoki.

Asi mhomho yevanhukadzi vanonakigwa chose nokuisana nevarume vavo asi havatundi. Vamwe zvinozotanga vapfuura makore 30.

Ndiwe unozvidzidzisa wega kana zvagara zvisingatoiti nomurume nechekare. Asi kazvinji murume akaita nguva ari mukati akapfuura maminitsi anoita kuma SEVENkana EIGHT achikwesha, unokwanisa kuhwa zvouya, zvikuru kana uchikwizirira bhhinzi.


11Chii chinokonzera munhu kuti aite ngomwa? Ngomwa zvinoreva kuti munhu asingazvari kana kuzvarisa. Saka kutanga nomurume tinoona kuti munhu anotadza kupa mukadzi wake urume (SEMEN) hunoitisa mimba, kubva nokuti hahuna mhodzi (SPERM) kana kuti hune mhodzi dzakaremara. Zvinokwanisikazve kuti haatobudisi urume zvachose.

Zvikonzero  zveizvi zvakawanda zvokuti zvimwe munhu anozvagwa anazvo zvimwe anozviitisa iye zvimwe zvinoitika nezviitiko zvoupenyu.

Mukadzi kuti ahi ngomwa anenge ari munhu asingakwanisi kubata mimba. Zvinoitiswa nezvakawanda chose zvokuti anokwanisa kusakandira zai, anokwanisa kuva ne PH muchitubu isingawirirani nourume zvokuti inouraya urume, Anokwanisa kuva nechibereko chakarereka kana kuti anokwanisa kuva ne ALERGY kuurume hwemurume wake kana kusava nemaHORMONE okuti EMBRYO igare muchibereko.

Zvikonzero zvezviitiko izvi zvakawanda. Zvimwe anozvagwa anazvo zvimwe anozviitisa iye.

Chikuru kuenda kundotarigwa kuti chii uye chingava chakakonzegwa nei. 
12Kuiswa masikati kwanaipei? Kuiswa kana nguva ipi zvayo kwakanaka chose kana uchida kuiswa kwacho. Kuiswa kwakangoipa kana wabatwa chiharo chete chete kana kuti waiswa nomunhu ane siki usina kondhomu kana kuti usingazivi kuti ane siki. Pano zvechihure tinomosiyana nazvo toda nyaya dzevanhu vakaroorana kana kuti vane LONG TERM RELATIONSHIP chero havo vasina kuroorana.

Kana muchangotanga kugara mese kana kuti muri vanhu vanodanana asi musingagari mese, kana kuti muchisangana pasina nguva yokuva mese yakareba, muchaona kuti kuisana kwenyu hakunei nenguva. Munongoti chero pamaitira zemo kana kuti ukatarisa murume mumaziso ukahwa zemo rouya unokwazva murume moisana, Iyewo akakutarisa akhwa zemo rauya unokukwezva moisana. Nguva hainei nokuisana. Chine basa izemo uye kuti muri mega here pamuri pacho.

Kana mune imba yenyu kana kuti muri muhotera, Unokwanisa kutoiswa chero pawadira. 
13Kana une HIV uchida mwana  ungaita sei? Nyaya iyi inonetsa chose nokuti munodawo kuti mwana wenyu azvagwe asina HIV yamunayo imi. Uyezve munodawo kukwanisa kurera mwana wenyu kusvika akura.

Saka inyaya inoda kuti ufunge zvakawanda kupfuura vaya vasina HIV kana kuti vaya vanofunga kuti havana ivo vanayo.

Imboverenga apa pandakambonyora nenyaya yacho.

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2015/12/kana-une-hiv-uchida-mwana.html
14Chibereko chinogezwa nemushonga upi vechivanhuChibereko = Womb= Uterus

Veduweeka, mubvunzo uyu unobvunzwa vhiki imwe neimwe. Chibereko hachigezvi kumba. Unozvikuvadza. Chinogezwa kuchipatara chete. Chiri mukatikati uye hachina mukova mukuru wekuti ungakwanisa kuchigeza.  Kana wafunga kuti chinoda kugezwa hameno kuti unenge wafungiswa nei kudaro, enda kuchipatara utsanangure kuti sei wada kuti chigezwe. I OPERATION inotoda ugare muchipatara mazuva akati kuti zvichibva nenika yauri.

Siyana nokufunga izvi kusvika murapi ati unofanira zviitwe. 
15Murume wangu haade kudya zasi kwangu asi ndinogeza, ndinodya kwake uye anofara nazvo. Ndodii? Kune varume vasingafariri kudya zasi kwemukadzi iri ngari yokuti havahwisisi mamirire akwakaita. Tsanangurina murume kuti haanei nokunazva kana kusveta kumuromo wechitubu asi kungogumira pabhinzi chete. Bhinzi ndiyo inonaka kubatwabatwa norurimi gwemurume. Bhinzi haina zvinobuda pairi sechitubu chinonyorova kana waita zemo.

Bhisa bhurugwa utaridze murume mamirire akaita zas kwako ahwisise kuti kana waita zemo zvinochinja sei. Womutsanangurira zvese. Kana ahwisisa uchaona kuti anokwanisa kufunga zvakasiyana.

Kana azodzikawo zasi iwewo chiratidza kuti agona. Womuitirawo zvese zvaanoda.

Panyaya idzi ngatisangokomurena asi kuti ngatidzidze kutaura nevadikamwi vedu tichihwisisana tichienderera mberi. Hakuna murume anongomuka achitoziva kuti kuzasi kwemukadzi kune bhinzi. Anotoita zvokutaridzwa nomuridzi oiona yakamira ohwisisa pairi kuti pakasiyanei nokunopinzwa chombo.
16Zvimapundu zvichena zvakatenderedza musoro wechombo zvinorevei? Kana waita mapundu awawabva pakuvata nemukadzi wausingasivati naye usina kondhomu, hwisisa kuti unokwanisa kunge wabata siki. Kasira kundotariswa urapwe uye uende nomukadzi wacho murapwe mese.

Kana wangoitawo mapundu usina kuvata nomukadzi kana upi zvake kwenguva refu toti mwedzi, hwisisa kuti anokwanisa kuva mapundu asina zvaanoreva. Kana akagarisa aripo sokuti vhiki yese enda undobvunza kuti chii kuvarapi.

Kana waita mapundu wabva pakuvata nmukadzi wako wemuma sezvamazuva ese, mukadzi anokwanisa kunge ane chigwere. Kune zvigwere zvisinei nokuhura zvinoitika kuvakadzi zvinokwanisa kubatwa nevarume.  Endai mese munotariswa muudzwa kuti chii. 
17Chibereko chinokwana chigunwe here?Muromo wechiereko haukwani kupinza chigumwe nokuti mudiki chose. Asi iwewo haufaniri kutsvaka kupinza chigumwe muchibereko. Unozvikuvadza. Unenge uchimboda kuitei kuchibereko? Siyana nechibereko chako hachinei nokupinzwa chigumwe. 
18Chombo chomurume chinobatwa sei kuti chikasire kumira. 
Usajaidza chombo kukurumidza kumira nokuti chinozoita nguva yakawandisa murume amira iwe wakamirira kunyorova.  Varume havanetsi kumisa chombo. Isu ndisu tinonetsa kunyorovesa. Unokwanisa kuita kana 15 minutes kana kupfuura kuzasi kusina kunyorova zvakakwana kuti murume apinze chomo, asi iye anenge atomisa chombo kare kare.
Zviri nani kubvunza kuti unakasira sei kunyorova pane kuvunza kuti ungabata sei chomo kuti chimire. Murume haanetsi. Pamwe hautombodi zvokubata chombo asi kungo kisana nomurume, kumupurudzira magaro, kumupa zamu kuti amwe, kumusveta tuminyatso twake, kumupurudzira chombo, kumuudza chete kuti uri kuda kuiswa anobva atomisa chombo.  Kana murume achinonoka kumira chombo, zvoreva kuti pane dambudziko. 
19Musikana wangu akandibvunza kuti "watova mukati here?"

Ndofunga chombo changu chidikidiki. ndingaita sei. 
Hauna kutaura kuti wanga watove mukati here kana kwete. Kukura kwechombo hakunei nokuti ahwe kuti uri mukati here kana kwete. Maitire enyu ndiwo anoshanda. Pamunoita itai nemaitire anobvumidza kuti chitubu chishinye chombo.

Sokuti mukadzi ofongora makumbo ari pamwe chete murume opinza achibva shure. 
20Chinokonzeresa kurwara nenhova kumwana nhova chii? Hakuna chihwere chinhohi NHOVA. Mwana wese wese mupasi rese anozvagwa ane nhova kureva kuti mabhonzo emusoro haana kusangana pakati saka pane buri rakangovhagwa neganda chete.

Izvi zvakaitigwa kuti musoro wemwana ukwanise kuuda paanozvagwa. Azvagwa kunoita nguva muchiona pamusoro wemwana pachitambatamba. hachisi chigwere. Ndiwo maitire evanhu vese.

Kana pachitamba zvoreva kuti mwana ane nyota, mupe mvura kana kuti mukaka. Kana ukasamupa anokwanisa kuita DEHYDRATION akafa kana kuchipisa. Hazvirevi kuti afa nenhova. Afa nokuti iwe mai vake hauhwisisi kuti mwana anochengetwa sei. Afa ne DEHYDRATION kureva kuti mumuviri wake hamuna mvura yakakwana.

Hazvidi mushonga nokuti hachisi chigwere. Zvinoda mvura kana mukaka chete chete.  
21Ndinonyara kuudza murume kuti ndoda bonde naye. Ndingapedza dambudziko iri sei? Tine mwedzi mina taroorana. Unokwanisa kumuudza kuti unonyara saka uri kukumbira kuti iye akuudze paadira asi okuudza nezvinokunyadzisa zvacho kusvika zvisisanyadzisi. Kunyara munhu waunobvisira bhurugwa womuvhurira makumbo zvinonetsa kuhwisisa. Kana uripo wakavhura makumbo, chichakunyadzisa kutaura ipapo chiiko.

Tanga nokutsvaka chibhende woshandisa chibhende kusvika mese majairana kuti mashoko okuti anoreveri. Kana muri kutaurirana pachenyu nechibhende hapana chinonyadzisa.

Sokuti ukatumidza chombo chomurume zita sokuti PITO iwe uchinzi Mamoyo.  Unozokwanisa kuti kumurume.
"Mamoyo ari kuda Pito nhasi"
"Pito aripiko nhasi?"
"Pito mupenyu here nhasi?"
22
Mabhora emurume anobvumidzwa kubata pakuvatana here? 
Mabhora emurume anopurudzigwa asi haasvinyangwi. Unokwanisa kumapurudzira uye kumabata zvinyoronyoro asi usaabata zveganyabvu.

Pota uchibvunza murume wako kuti zviri kunaka here kubatwa mabhora. Zvinohi varume vanonakigwa nokupurudzigwa magaro sezvinongoitawo vakadzi, zvikuru kana chombo chake chiri mukati mako. Ukamupurudzira magaro anowedzera sima pakukukoira. 
23Kurota uchiona honye zvinorevei? Kurota uchiona honye zvinongoreva kuti warota uchiona honye. Hapana zvimwe zvazvinoreva. Kana ukaona honye wakasvinura zvinoreveiko? Hapana siyano. 
24Zvinoita here kuhura kana murume wangu asingafariri kundis**ra? Kana murume wako asingafariri kuvata newe zvinoreva kuti iwe pane chakaipa chaari kuona kana kuti iye ane chiri kumunetsa panyaya yokuvatana. Unofanira kugara pasi nomurume wako motaurirana kuti dambudziko renyu riri papi. Womutsanangurira kuti hausi kuona semuri kuvatana zvakakwana. Dai awedzera. Pamwe uchatoona kuti iyewo ari kutofunga kuti iwe wacho hausi kuvata naye zvakakwana.

Tanga nokutsvaka kuvata naye kakawanda, uone kuti anoti kudii. Usangomufungira zvaasina kukuudza. 
25
Kutota kunobatsirei panhengo yemudzimai?
Kunobatsira kuti murume paanopinza chombo chake mukati memukadzi, mukadzi haagwadziwi nazvo uye kuti pavanotanga kukoirana hapana anosvuuka kana kugwadziwa. Usapinzwa chombo nomurume kuzasi kusina kunyorova. Zvinokanganisa maMEMBRANE emukati kureva kuti unozokasira kubata zvigwere zvinobva pakuisana. 
26
Mheche ine maburi mangani?
Ine maburi maviri. Kunoti reweti riri nechapamusoro asi pari pazasi pebhinzi. Kozoti guru rinopinda nechombo pakuisana riri nechezasi. Rinonyorova kana muridzi ava nezemo. 
27
Zvinoita here kupinza chombo muburi rinobuda neweti?
Hazviiti. Kaburi keweti kadikidiki zvokuti ukabhenengura matinji unokaona kaburi kacho asi hakatombokwani kana penzura chaiyo. Usazama kupinza zvinhu ipako unoita INFECTION. 
28
Hurume hwakasimba hwakaitasei?
Verenga apo pakahi kuremara kweurume http://maichibwe.blogspot.co.uk/2015/08/kuremara-kweurume.html
29
Kugadzira murume kuti adzoke kumba pachivanhu kunoitwa sei?
Kugadzira murume kuti asahura kunoitwa asati atanga kuhura. Kana munhu akangotanga kuhura hazvichaiti kuti achizorega kuhura futi. Kuhura kunoitiswa nokumhura munhu wawakaroorana naye kumuona somunhu asina maturo.

Kumugadzira kuti asahura kunotangira pakusarudza kuroorana nomunhu akakodzera. Zvadaro iwe mukadzi chiratidza kuti uri mukadzi wemunhu pazviito zvako mumba. bvunza zvinodiwa nomurume. kana akuudza womuitira zvisinei kuti iwe hauzvifariri. Dzidza kuzvifarira kusvika wozviita nomuyo wese. Murume akati anoda kuisana iwe wakafongora, fongora aise. Murume akati kwira pamusoro, kwira. Murume akati sveta chombo, sveta. Murume akati anoda kukuisa uri kuhope vata uchifunga kuti achakuisa uvete kuti kana okupinza chombo usaramba.

Varume vese zvavo vanoshandisa mahure vane vakadzi kumba. Chihure chakawanda ndisu tinokonzera varume vedu kuhura nenari yokusavabata zvakanaka mumba. Kana uri kumwedzi wana mukana wekutundisa murume wako. Murume haaendi kumwedzi saka anongoda kunakigwa chete.  
30Kusungwa nhengo kuti isamira panemumwe mukadzi kunoitwa sei?Zvinhu zvinotandzisa murue kusamira chombo zvakawanda chose uye zvinozikamwa. Kusunga murume hakukonesi chombo kumira. Kana ukafunga kuti wasunga murue wako kuti asamira chombo noumwe mukadzi, hwisisa kuti watamisa nguva. Kana murume asina chimwe chezvinotadzisa chombo kumira anongonokwira umwe mukadzi pasina kana dambudziko. 
31
Mukadzi asingazvari ndingaita sei naye?
Chokutanga kuhwisisa kuti mese murume nomukadzi munokwanisa kusazvara saka usamhanyira kuti mukadzi ndiye asingazvari nokuti uchamukonzera kuda kuongorora kuti ndiye here asingazvari, agonoiswa noumwe murume kuti azive kuti ndiye here.

Chokuita kuenda kuvarapi mese monoitwa maTEST kuona kuti ndeupi ane dambudziko, mobva mapiwa mazano ikoko. 
32Zvii zvinofanirwa kuitwa nemukadzi kumurume? 1 Chikuru kuterera murume,
2 Kumuhwisisa,
3 Kumutaridza rudo nguva dzese
4 Kuzvipa kumurume nguva dzese uye kudzidzisa murume kuti pese paada kuvata newe haumofi wakamurambira. Iwewo ukaita zemo unotsvaka murume wako womumisa chombo moisana. Kuhwisisa kuti chero mukatukana zvakadii, pakunovata unozvipa kumurume wako wokumbira kuti muisane kusvika abvuma. mapedza kuisana pukuta chombo chomurume.
5 Kuhwisisa zvokudya zvaanofarira asi wohwisisa kuti BALANCED DIET inofamba sei futi mumba
6 Kuziva mataurire aunoita nomurume wako. Kusataura mashoko anogumbura.
7 Kuda hama dzomurue sedzako
8 Kushandisa mari yomumba zvine mwero. Kana iri shoma rongai mese kuti yoshandei.

9 Kutsvaka zvinounza mari mumba kwete kungomirira murume kuti ashande iwe wakagara.
10 Kuchengeta musha zvakanaka, Tsvaira mumba, wacha, isira murume mvura ageze. gezesa vana,
11 Ita tsika yokugarombundikira murume wako, zvikuru kana muvete. Zvinopa murume SECURITY sezvazvinongopa iwe SECURITY.
12 Usanyeya murume panyaya dzakaipa dzaanokuitira. Taura zvinomuvaka chete, zvikuti kuhama dzemhuri.

33Murume wangu chombo chake hachina simba ndodii? Chombo chinomira asi chisina kusimba pakumira. Pane zvatingaita here? Kusamira zvakanaka kwechombo kunobva pachimwe cheizvi.
1 Ropa kusafamba zvakanaka
2 Diabetes
3 Kufunganya
4 Chigwere chemoyo
5 BP
6 Kushandisa mishonga ye BP
7 Kusada mukadzi
8 Kana murume akamokuvara musana

Kubata kuti chikonzero chaicho ndechipi endai kwamurapi. 
34Ungaziva sei kuti mwana ndewako kana uri murume.? DNA test ndiyo chete inotaridza kuti mwana ndewani. Asi iwewo murume kana wakamovata namai vemwana musina kondhomu, zvooreva kuti mwana anokwanisa kunge ari wako, hazvinei kuti wakabudisira urume mukati memukadzi here kana kwete. Urume hunotanga kubuda pamunongotanga kuisana pane oiri inobuda pachomo inenge ine mhodzi dzeurume. 
35
Chii chinokonzera kuti mukadzi abudise zvinhu chichena ku nhengo yake? 
Zvinobva nokuti zvichena zvacho zvakaita sei. Chikuru kunhuwidza. Kana pachibuda furo jena risina munhuhwi, rinoti mapedza kuisana rokasira kuoma pachombo chomurume zvokuti unokwanisa kufunura, zvinoreva kuti hapana chakaipa. Zvinowanzoitika kana mukaisana kana kuti ukaita zemo nguva yokumwedzi yava kuda kusvika.

Vamwe vanongozviita pese pese pavanoita zemo kana kuiswa nomurume, zvisinei kuti nguva yokuwedzi iri papi.

Kana ukabudisa zvine munhuhwi, kasira kundoonekwa nokuti une INFECTION. 
36
Chii chinoita kuti mukadzi asa bata pamuviri?
1 Murume ane urume (SEMEN) husina mhodzi (SPERM)
2 Murume ane urume hune mhodzi dzakaremara
3 Murume asingatundi urume
4 Mukadzi asingakandiri zai
5 Mukadzi akavharika ma chubhu anokwidza urume kuzai
6 Mukadzi ane ma FABROIDS muchiereko
7 Mukadzi ane chibereko chakatsveyama nokurerekera kusiriko.
8 Mukadzi ane PH inouraya urume mukati mechituu chake.
9 Mukadzi nomurume vasingaisani nguva yezai inoti DAY 8-15 kubva pa DAY 1 musi wekutanga kuenda kumwedzi.


Ndizvo zvezvimwe zvinotadzisa kuita mimba. 
37Ndingaona sei kuti ndine siki?Kazhinji unoita DISCHARGE inonhuwa asi dzimwe nguva unongohwa kugwadza pasina discharge. Pamwe hautombohwa kugwadza. Kana ukangovata nomurume/mukadzi musina kondhomu musinazve kundoTESITWA mese, fumira kundoongorogwa ugodzokerazve kwapera mazuva mashoma.

Ukaita zvimapundu enda undoonekwa urapiwe.
Ukavaviwa enda unorapiwa
39Murume wangu akandiudza kuti handina GRIP paanondis**a. Ndodii? Ingari yokuti ane chombo chitete. Hapana zvaanokwanisa kuita. Chombo hachiwedzereki kukura.

Kana wakambozvara mwana zvoreva kuti hauna kusimbisa kuzasi wazvara. Unofanira kusimbisa. Verenga pakahi KUSIMBISA MASURU. 
40Chii chinokonzera kusaenda kumwedzi? Pane zvinhu zvitatu zvinoitisa usaenda kumwedzi zvinoti
Kukoresa kuita zimuviri rakakurisa
Kuondoroka zvokuonekwa mabhonzo
Kana wava nemimba.

Ndizvo zvitatu zvinozikamwa kana wakamboenda kumwedzi kuti zvikuregese kuramba uchienda. 
41Chii chakakoshera kudzora sikarudzi yemukadziChokutanga kuhwisisa kuti kudzora kuita sei. Kudzora hazvirevi saizi yachitubu chako kuti yaitwa diki. Bodo. Zvinoreva kuti wava kugona kushinya chombo chomurume kana chiri mukati nokuti wava kugona kushandisa masuru dzakapoteredza chitubu.

Kubatsira kwazvo ndekwekuti :
1 Unokwanisa kutadzisa murume kuita sipidhi pakuisana.
2 Unoshinya chomo kureva kuti kukwizirana kwenyu kunowedzera zvinoreva kuti mese munonakigwa
3 Ukakosora hauzviitiri weti (kana wakambozvara mwana)
4 Kana wachembera hauzviitiri weti
5 Kana une murume ane chombo chidikidiki (pasi pe 11 cm kukora chimire ) unonakigwa naye.

Kudzora kunobatsira chose murume ane chombo chidiki. Zvikuru ukahwa murume achiti "Mukadzi nhingi igaba." zvoreva kuti ane chombo chemwanana saka haakwanisi kuzadza mukadzi pakuisana. Mukadzi pakadaro zviri nani adzore nokuti hakuna murume anokwanisa kukudza chombo chake. 
42Chibereko nezai zvakasiyana pai?Mubvunzo wako wakafanana nokubvunza kuti mombe ne danga zvakasiyana pai.

Mukadzi anokandira zai kubva muchikandiro (ovary)  robvako rofama nemuvhubhu inohi FALLOPIAN kusvika rasangana nourume, robva ratanga kugadzira mwana rondomirira muchibereko (Womb) Mwana ndimo maanozokurira kusvika azvagwa.  
43Ndine chidumbuzenene. ndingaita sei kupedza chidumbuzenene? Chidumbuzenene (pot belly) hachienderani nomunhu ari pasi pemakore 45, zvikuru munhukadzi.

Kana wazvara mwana panoita nguva une dumbu asi ukazvibata zvakanaka rinopera.

Kana usina kuzvara asi une dumbezenene, unofanira kuribvisa. Zvinoda kutarisa zvokudya zvako kuti zvakawanda muriwo uye nyama isvoma asi zvine BALANCE. Zvadaro chiita ma exercise akaita se:
1 kufamba 2 km zuva rimwe nerimwe
2 Ma SIT UP  anopfuura 20 pazuva
3 Ma SQUART anopfuura 10 mangwanani nemanheru
4 Wedzera kuisana nomurume uye wedzerazve chikapa, zvikuru pakukwira murume.
5 Siyana nema SOFT DRINK kana doro
6 Wedzera kumwa mvura. Kana zvichikunetsa kumwa mvura imwe inodziya.
7 Manheru idya pachine nguva yokuzeya. Usanovata kusvika kwapera maAWA mana nehafu kana mashanu kubva pawapedzisira kudya.
8 Vata maawa anopfuura manomwe pazuva rimwe nerime.
44Zvinoita here kubata pamuviri usingaende kumwedzi? Zvinobva nokuti chiri kukutadzisa kuenda kumwedzi chii. Kana wakamomira kuenda kumwedzi nengari yokuondesa kana kukoresa, kana chigwere, zvinokwanisika kuti kuita zemo kunokwanisa kukuitisa kuti uite OVULATION inova inokukandirisa zai wobva watobata mimba usati waenda kumwedzi.

Mwanana anokwanisa kuita mimba asati atanga kuenda kumwedzi. Kumwedzi handiko kunoitisa mimba. Kukandira zai ndiko. Kuzoenda kumwedzi zai rinenga rashaya urume.
45Tete, Murume wangu anondinyima bonde. Usiku ndinopepuka ndichiwana m**ro yake yakamira zvisingaite. Zvinonditsamwisa nokuti haadi kundis*ira. Ndingaita sei. Tava nemwidzi muviri achiramba. Anoti handidi hama dzake. Ndoziva kuti haasi kuhura. Ndibatsireiwo please.  Murume wako munhu asingafaniri kuva nomukadzi mumba. Achiri mwanana mumafungire ake. Apa ari kukudzidzisa kuti iwe musi waunogumbuka pane imwe nyaya unofanira kumuramirawo bonde. Hazvina musoro zvachose.

Chokuita kana musina vana muudze kuti unoda kumbonoona tete vake, kana mune vana kumbira tete vauye mutongeswe. Hazvinonoki kupera nokuti kana tete vari munhu anovaka musha, vanongouya voswera mugariswa pasi motongwa. Ipapo iwe chitora nguva uchitsanangura kuti murume wako anokuita uhwe somunhu asina kuwanikwa. Kubika unobika, kuwacha unowacha, kuaina, kukorobha, zvese unoita asi unoita somushandi. Pakunovata hapana chaanoita newe.

Vatete vachamuvunza musoro wenyaya iye wotaurawo maonere ake. Iwe terera nokuti ndiwo maonere ake. Zvadaro muchayananiswa natete vagodzokere kwavo. Iwe uchasara nomurume wako moona zvokuita. Kana murume ada kuvata newe iwe chimutaridzawo kuti wange uri pazhara chaiyo. Uyezve kushushikana kwawaita panyaya yako ndizvo zvaachaitawo kana ukaita ubenzi hwekumurambira. 
46Pane mushonga wekudzora nhengo yemurume here? Murume wangu akakurisa. Dambudziko redu nderekuti usiku kana ndiri kuhope hazviiti kuti andis**re. Zvinoda ndakasvinura chete. Saka iye zvinomunetsa nokuti anenga achida usiku. Toita sei? Muudze akumutse asati atanga kukupinza chomo. Kana kuti vata une fungwa yokuiswa woudza murume atanga akukwenyerera kuzasi kwenguva kuti unatse kunyorova. Zvinoita chero uri kuhope. Ukajaidzwa chete kuti usiku unoiswa unovata une fungwa yokuti uchaiswa uvete zvoreva kuti kana woiswa hazvikuvhundusi. Kukura kwechombo haisi nyaya huru. Iye anofanira kungoziva kuti anotanga nokupinza zvishoma nezvishoma kusvika kuzasi kwako kwanyorova.

Musapanana matambudziko anogadzirika mudzimba umu veduwee. Kana wakazvisarudzira murume ane zidanda, ona zvokuita naro mese mufare. Hakuna mushonga wekuderedza saizi yechombo. 
57Zvinoita here mukomana kuroora musikana mukuru kwaari?Zvinoita chose. Seiko wabvunza. Zera revanhu vanoroorana harinei nokuroorana kwavo asi kungoti kana muchida vana mukadzi anofanira kuva pazera rinokwanisa kuti aite mwana. Mukadzi ane makore 35 anokwanisa kuita mwana nomukomana ane makore 20. Kana vachidanana hapana chakaipa. Zvinotori nani chose nokuti mukomana wezera iri anongosweroda kuvata nomukadzi wake. 
48Chikwambo chinoshandiswa sei? Hakuna chinhu chinohi chikwamo saka zvinonetsa kushandisa chinhu chisipo. Inyaya dzokubhawa idzi dzinotaugwa nevarume kana vadhakwa kana kuti vaperegwa nenyaya kwadzo. Hakuna munhu ati amboona chikwamo kana kuchishandisa. 
49Mukamana wangu ari kuti nguva yokuti tiite bonde yakwana. Ini ndinofunga kuti yakwana asi ndinotya kuti zvinorwadza. Ndoita sei? Kugwadza zvinogwadza asi zvinongogwadza kwekanguva kashomanana zvotopera. Funga kubaiwa jekiseni kugwadza kwacho zvakangoda kufanana. Unongohwa kugwadza zvotopera. Wotohwa chomo chapinda mukati. Zvinokwanisa kuti kana ukarerusa muviri unotonakigwa nokuiswa kwako.

Verenga pakahi KANA WAFUNGA KUBVISWA HUMHANDARA
50Kubatwa mazamu nemukomana wako zvakashatei?Kubatwa mazamu nomukomana wako zvinoitika chose kana muchidzidza kuva vanhu vakuru. Kuti uite mukomana zvoreva kuti wava nemakore anopfuura 15. Asi kuzobatwawo mazamu zvoda kumbowedzera kukura nokuti unokwanisa kuitiswa zemo ugotadza kuhwisisa zvokuita naro. Zvinoda mati kurei.

Asi kubatwa mazamu hapana chakaipa. Ingodzidza chete MANAGEMENT yerudo neumwe munhu. Kazhinji mukomana wako wekutanga haasiriye munhu aucharoorana naye saka hwisisa kuti ndezvokudzidzira chete.

No comments: