Sunday 26 February 2017

Shamwari isina murume/mukadzi

Zvinoita here kushamwaridzana nomunhu asina murume/mukadzi iwe une mhuri? 

Mubvunzo uyu unonetsa kudavira nokuti pane nyaya dzakawanda dziri panyaya zvokuti tingatoswera pano tichibwereketa nezvenyaya iyi tichiwirirana nokupokana pairi nokuti vakawanda vane EXPERIENCE yayo.

Zvinoitika kana maroorana: 
Murume:
Kune varume vanonetseka chose kunyenga vasikana panguva yavanofanigwa kuti vanyenge zvichibva pazera ravo. Asi nyaya yese inochinja kana murume akadai akangozikamwa kuti aroora. Vasikana vaya vaimbomuona somunhu asina kodzero yokuvanyenga vanobva vamuoona somurume anohi murume wemhuri. Kune varume vakawandisa, uye munyika dzakawanda chose vanozokwezvwa nevakadzi vasina varume iri ngari yokuti varoora chete chete. Kwete kuti ange ari murume akakodzera kare, asi kungoti aonekwa kuti anokwanisa kuva saimba.

Kune vakadzi vakawandisa vanoona pasina chakaipa kuhura nomurume wemunhu. Zvokuti kana murume wako ari munhu asina unhu, anokwanisa chose kupedzisira ahura nomusikana/mukadzi ange asingazomudi dai asina kukuroora,

Vakadzi:
Kune varume vakawandisa vanochiva mukadzi weumwe murume, iri ngari yokungoti mukadzi wemunhu. Muchirudzi chedu mukadzi wemunhu anoonekwa sokuti muridzi wake murume wake. Zvino kana umwe murume achimhura murume wako, zvinoonekwa sokuti kuvata newe chiratidzo chakanaka chokuti murume wako haasi munhu akakosha. Zvoreva kuti iwe ukapa mumwe murume mukana wekuvata newe haanonoki. Kwete kuti  iyo nhubu iyi yagara uri munhu akakodzera kuti ade kuvata newe, asi kungoti uri mukadzi wemurume wako.

Kotizve vamwe varume vanoona murume wako ari munhu ari pamusorosoro kuvapfuura, anoda kuzvifadza nokufunga kuti kuva pamusoro kwake kunoitisa kuti ave munhu asisagoni kunatsogutsa mukadzi sezvinodiwa nomukadzi.Saka zviri nani uyu umwe murume aratidze mukadzi kuti kuguta pakuvatana kunoitwa sei.

Iwe ukangomukwezva murume ane fungwa idzi haanonoki kuvata newe.

Saka izvi zvinei neshamwari?
Kana wavamai vemba kana saimba, zama kushamwaridzana nevamwe vakafanana newe. Munhu asina murume anonetsa kuti ave shamwari yako nokuti kazhinji anoshamwaridzana nemi mese muri vaviri, uye anotaura nhamo dzake dzevarume kwamuri mese. Paanenge ari padambudziko rokushaya wekuvata naye, munozviziva mese iwe nomurume wako, kureva kuti paushamwari hwenyu ipapo murume wako neshamwari yako vanoerekana vatoisana. Nyaya yako yange yakangozvinakira yotokanganisika.

Ukatarisa vanhu vanohura nevarume vevanhu kazhinji ishamwari dzemukadzi, zvikuru shamwari dziya dzepedopedo dzinoti kana murume wako akaita ugwere, ndidzo dzinobatsira chose. Tarisa vanhu vemuraini menyu vanohura ufunge kuti chihure chavo chakatanga sei, uchaona kuti kakawanda chakaitika neshamwari dzevakadzi vavo.

Shamwari yako isina murume usafunga kuti haadi varume. Anoda asi ari kutoshaya murume akatsiga zvokuti amuroorewo. Paanokuona iwe nemurume wako, zvinomufungidza kukoniwa kwake, zvoreva kuti wako uyu ari kuratidza kumufarira paushamwari apa, atova CHALLENGE kwaari, muedzo chaiwo wekuti potodiwa kuzvidzora kukuru. Iwe woonekwa somunhu ava mberi asi muri shamwari. Shamwari zhinji kuzovengana kwadzo kunobva pakusava pakafanana pamhuri neufumi.

Iwe neshamwari dzako maonere enyu anowanza akafanana panyaya zhinji. Kana iwe uchiona murume wako ari munhu akanaka, usafunga kuti ndiwe wega. Kunotori nevamwewo vanoti vakamuuona vanoita ruchiva paari. Kungosaya hako mukana wekumuwana ari ega. Zvino shamwari yako hainetseki nokumuwana ari ega. Chinongonetsa kutanga nyaya yokuti vapedzisire vaisana. Uyezve kuisana kwavo ndekwevanhu vanotozivana nechekare zvokuti kana nyaya dzemakondhomu hadzitaugwi pakadaro. Vanongoisana paushamwari hwavo. Iwe hapana chaunoziva kusvika nyaya yatombofamba mberi chose.

Murume wakowo akapiwa fungwa yokuti shamwari yako munhu ari AVAILABLE, kubva panyaya dzamunotaura kana aripo kana kuti asipo, musi waunovhakasha kure, shamwari yako anouya kuzoriritira murume weshamwari yake, sokuti kubika, kusuka ndiro, kuwacha, kutsvaira mumba. Zvoda murume anokwanisa kuona muedzo nokuudzivirira pafungwa. Kana akatadza kuhwisisa kuti shamwari iri kubata mukana, anopakurigwa zvokudya nezvimwe zvakawedzera.

Zvino kana une shamwari ine murume wayo, zviri nani munongokombeya paufumi chete asi pamhuri menge makafanana. Zviri nani. Kana achiuya kumba kwako haana fungwa dzokuti akundwa pamhuri. Anongoona nyaya yokuti chii chamatenga mukaisa mumba. ndidzo nyaya dzenyu. Iwewo chawatenga chiya kazhinji unenge uchida kuti shamwari dzako dzizive dzigokuti wagona.

Vana munobatsirana kuchengeta, vanotamba vese. Varume venyu vanoita nyaya dzemhuri. Kana achiuya kumba kwenyu anouya nomurume wake. Kana ari ega hapana fungwa yokutarisa murume wako.

Varume.
Kana ukaroora ukaita shamwari dzisina vakadzi kumba, ita hako asi hwisisa kuti handizvo. Ishamwari dzako hadzo asi hadzina fungwa dzemhuri. Uchaona kuti mukadzi wako anogarofidha shamwari idzi, uye anokwanisa kutaudzana nadzo panyaya dzakadzika iwe usipo. Varume vasina vakadzi vane nyaya dzakawanda dzavanoda kuti umwe munhu aterere avape mazano.

Vanokwanisa kushamwaridzana chose nomukadzi wako zvokuti kana kufonerana nokutumirama iwo ma WhatsApp akadai kuuya awa hazvikoni. Nyaya dzavo dzowanda. Kunemerana sevaramu hakunonoki. Usafunga kuti shamwari yako haisi kuona runako gwemukadzi wako. Kungoshayawo hako mukana. musi waunopokana nomukadzi wako, shamwari yako ndiyo inoudzwa, zvikuru pavakadzi vezera diki ava vasingahwisisi kuti chinohi CONFIDENTIALITY chii.

Zvese zvinoitika hapana chaunoziva kusvika nyaya yatova pasina kunaka. Ukatarisa vanhu vaunoziva uchaona kuti vakawanda vane vakadzi vakavata neshamwari dzavo. Kana uri munyika dzakaita se muDIASPORA, kuvata neshamwari dzevarume/vakadzi chinhu chinoitwa nevakawanda.

Hino ukashamwaridzana nomurume ane mhuriwo, nyaya dzenyu kana kuti dzake nomukadzi wako dzinosiyana. Munotaura nenyaya dzemhuri, dzemota, dzekutenga dzimba, dzekuendesa vana kuzvikoro, etc.

Pamusha
Kune nyaya dzaunongozvitsvakira pamusha wako dzisina kodzero yokuti udziite.
1 Nyaya yokuva neshamwari dzisina kufanirana nemagarire ako.
2 Nyaya dzokuva nevashandi pamusha vasina kodzero nemagarire ako.

Toti Mukomana wegarden. Kana wada mukomana wegarden, tsvaka chikomana chiri pasi pemakore 15. MuZimbabwe mune zvikomana zvakawanda chose zvinotodawo munhu anozvichengeta. Kana usingadi chikomana chidiki enda undotora munhu akura chose ava kumakore  60, ane chiremera chokuti akada hure remuraini, ndiye anonovata kumba kwaro achitya kubviswa chiremera chake. Mukuru akadai haana musi wekuti akabvisa hembhe kuchipisa mukadzi wako anofunga kuti paita rume rine mamasuru apa. bodo. Anongoona sasekuru.

Kana ukadzi musikana webasa, enda unotora munhu akura ava mbuya vanezvizukuru. Kune chirikadzi dzakawandisa dzinoda kurera zvana zvako. Mbuya ava hauwani musi wavanohi vatariswa mazamu nomurume wako. Murume wako anongoona sambuya. Hakuna imwe fungwa yaanoita kuzhe kwekuti achitogwara fungwa.

Kana mafunga munhu wemumba newegarden, tsvakai munhu ane mhuri yake anouya okagarapo nemukadzi wake vese vachiita mabasa.

muupenyu hwako iva nevanhu vakakodzera nemagarire ako kuti usazvitsvakira madambudziko awange usina.

MaEXAMPLE tinawo chose asi kungoti iwe wega ukatarisa kuvanhu vaunoziva uchaona kuti kune vakawanda vakavata veshamwari dzevarume/vakadzi vavo, iri ngari yokuti iye murume/mukadzi ashamwaridzana nemunhu asiriye.

Ukabvunza murume/mukadzi avata neshamwari yemukadzi/murume, unohwa achiti zvakangoitika, kuita sokuti haana kusarudza kuzviita. Nyaya ndeyokuti ange ane ruchiva pashamwari iyi kwenguva refu kusvika shamwari iya yaziva kuti pane mukana mukuru saka regai nditore mukana ndinakigwewo pari kunakigwa shamwari yangu. Maitire edu akafanana.

Tarisa shamwari dzako, hama dzako, vemuraini menyu, vekubasa kwenyu, uzvionere vanhu vakaita damudziko iri.

Hazvirevi kuti kana wawanikwa/wawana, chisiyana neshamwari dzese dzisina varume/vakadzi. bodo handizvo. Shamwari idzi ndidzo dzakubatsira nokukukurudzira kuroorana nomunhu wako. Apa tiri kukutaridza dambudziko raunofanira kugara wakarichengera kuti risaitika. Ziva nyaya dzokutaura neshamwari yemukadzi/murume wako. Hwisisa kuti kana achikuona zvinokwanisika kuti anokuona somhunhu akatsiga zvokukodzera kuva munhu wekuroora kana wekuroogwa naye.  Hwisisa kuva munhu akatsigawo zvechokwadi iwe.


Udzai vamwe. !!!!!! 






No comments: