Monday 30 January 2017

Kusiya vana vadikidiki pamurume warambwa

Kune vakadzi vava netsika yokusiya zvanana pamurume kana varambwa. Kwahi iwe ndiwe unoshanda une mari. Ini ndikaenda nevana ndinonovapei? Zvadaro mai vaya vanoenda kwavanoenda murume haachakwanisi kuenda kubasa nokuda kwekurera vana.
-------------------------------------------------------------------------------------------------------------

Kurambana kwevakaroorana kunokwira chose kana vagara makore anoita manomwe kusvika pagumi. Vazhinji vanorambana ndipo pavanorambana ipapo panguva iyi. Hazvina kunyatsobuda kuti chikonzero chacho chii asi zvinoonekwa sokuti  ndiyo nguva yavanenge vane vana vadiki vaviri kana vatatu.
Kana mhuri ine vana vechidiki vakadai, baba namai mumba vanoita mabasa akawanda kuti variritire mhuri yavo. Zvikuru mai vemba vanoswera nevana, voita manheru navo futi. Kuneta uku kunoita kuti vashaye nguva yakanaka nomurume wavo. Zvikashaya anobatsira kugadzirisa, uyewo murume akava munhu asinganatsi kuona zviri kuitik mumba make, zvinokwanisika kuti kurezvana kwamasiita kare kuya kunopera musingaoni kuti kwapera.

Kuzoti pepu moona umwe ava uko umwe uku, hamuchataudzani , mofunga kuti rudo hapachina, Kazhinji murume anotanga chihure. Varume akangofunga kuti mukadzi haasi kuvhura makumbo zvakakwana, hoyo onanga kumahure emuraini. Nyaya yenyu yemhuri yese yatokanganisika uye haichagadziriki.
Ukuwo mukadzi akangofunga kuti murume ari kuhura, otoona sokuti asaririra. Kune vakadzi vanofunga kuti kuhura kana murume ahura kunogadzirisa nyaya dzemumba. Zvinohi tafanana saka hapachina anokwanisa kupopotera umwe. Kwahi iwe wakanakigwa nehure iniwo ndikanakigwa nechikomba saka ini ndikakuregerera iwe unofanira kundiregererawo. Hazvifambi saizvozvo. Muhume uya anohura anobva atoona sokuti awana mukana wekuramba mukadzi kuti adanane nehure zviri pachena. Zvikuru kana hure risina vana richingoti chero parahi bvisa bhurugwa robvisa.

Kana mazorambana, munorambana zvine hasha chose mukati nokuti umwe noumwe anenge asingadi kuregerera umwe kuti nyaya ipera mutange kudananazve. Zvadaro imi munganakigwa henyu nokuhura kwenyu asi vana ndivo vane dambudziko guro rokuti upenyu hwavo hwatosiyana.

Ndipo pane nyaya yedu iyi yokuti mukadzi arambwa anobva oenda kumusha kwake osiya vana pamurume. Zvinoitigwa kuti awane mukana wekuhura zvakanana , kana kuti ashaise murume mukana wekuhura, kana kuti kuti atadzise murume kuenda kubasa zvisinei kuti iye haasi kushanda. Kana achishanda murume asingashandi, chinhu chakanaka kusiya vana nomurume kuitira kuti ape murume mari yokurera vana nayo.

Asi varume verudzi gwedu kurera vana pasina mukadzi havadi. Kugona vanogona havo asi vazhinji vavo havadi. Saka unozoona kuti maitire avo haana kodzero kuvana.

Totanga nomuadzi anosiya vana pamba kuti munhu akaita sei. Maitire evanhu verudzi gwedu ndeekuti mukadzi ndiye anorera vana. Hazvinei kuti anoshanda here kana kuti haashandi. Kana arambwa anobvapo nevana vake oenda kwake. Murume kana achida kuona vana ndiye anotevera kwakaenda mukadzi zvisinei kuti ari kumusha kwake here kana kuti kuchikomba chake.

Kusiya vana zvinoratidza munhu asina hanya nevana vake. Mhomho yese inozviona inomhura mai vakadai kuti munhu asina kodzero yokuva mai vevana. Tichitarisa tinoona vakadzi vakawandisa vanogara pamurume asingamudi zvachose asi achigarira vana vake. Ingari yokuti anohwa kushushikana pakuva achisiya vana vake.

Kana uchishanda usina nguva yokurera vana vako murume asipo, savaya vanochinjana kuti murume oshanda masikati, mukadzi oshanda usiku kuti vana vave nomuereki panguva dzese, kana mukarambana mai vevana enda nevana kana kuti murume okusiyai muma oenda hake kuhure rake. Zvadaro tsvaka anobikira vana asi gara nevana vako.

Kana ukabva pamba ukasiya vana, murume akatora hure akaisa mumba, haungazivi zvinoitika kuvana vako. Kana ukabva nevana vako, zvinokwanisika kuti unohura hako asi unohurira kuzhe kwemusha wauri kugara. Vashoma vakadzi vane vana vanounza chikoma mumba mune vana. Varume ndivo vasina hanya nokutiunza hure pane vana.


Saka apa tiri kuti dai zvaikwanisika gara nevana vako kusvika vava vanhu vakura zvokukwanisa kuzviriritira, toti makore 16 zvichikwira. 

Vana havafaniri kushandiswa kudzwanyirirana pakati pemurume nomukadzi. Kana musisadanani, hazvirevi kuti hamuchisina vana. Zvinoreva kuti matofanira kuwedzera kushandira pamwe kurera vana venyu. Ukaramwira murume vana kuti achitadza kuenda kubasa, zvoreva kuti svimari sviya zvaanga achiti svimwe kumba svimwe kuhure hakuchina svichasvika kuvana venyu. 

Kana tatsamwisana isu ngatisawedzera nhamo yevana. 
----------------------------------------------------------

Tongai tihwe vanohwisisa nyaya iyi. Pane vanodawo kupiwa mazano pairi.

Sunday 1 January 2017

Nyaya yokupfugamira murume

Ko nhai vanhu, nyaya yokupfugamira murume monoiwonawo sei? Tokumbirawo kuhwa mafungire evarume vedu. Unoda here kuti mukadzi wako akupfugamire kana kuti haudi. Zvinorevei kwauri kuona mukadzi achipfugama?

Kurudzi gwedu tinopfugamira varume vedu uye murume haadanwi nezita rake. Anodanwa nomutupo wake kana kuti nezita remhuri. Zvikuru kana mune vana nokuti vana murudzi gwedu vanokura vasingatombozivi mazita evabereki vavo. Ini ndakazoziva zit ramai ndapfuura Grade 5. Ndaingoziva kuti zita ravo ndimai.

Mumagarire edu amazuvano zvichiri kuita here kuti tinopfugamira varume vedu kana tiri tega uye kana pane veri kushanya? Zvinoonekwa sei nevanobva kune dzome nyinya. Zvinokudzwa nevanozviona here kana kuti zvinomhurisa? Iyi mibvunzo yatinoda kuzama kupindura as tisati taipindura tiudzeiwo mafungire enyu mese varume nevakadzi mudziba. Kana usina murume kana mukadzi tiudzewo kuti kana wazova naye unofunga kuti zvinofanira kuitwa sei.

Ini kazhinji ndinoona sokuti mafungire emurume wangu akakosha kupfuura angu saka kana akataura zvaanofunga zvikasiyana nezvandinofunga toita zvaanofunga iye. Asiwo iye kazhinji anoda kuti tiite zvandinofunga saka anoramba achibvunza kuti "Ndizvo here?" kana ndikati ndizvo, onyarara. Ndikati handizvo, toramba tichitaura nyaya yacho.

Murume akati Masibanda fongora, hazvinei kuti ndange ndichigunga maitire api, kungofongora pasina mubvunzo zvinoitwa zvoitwa tofadzana takadaro, asi pamwe anobvunza kuti unodei. Ndotaura zvandinoda. Iniwo ndikamutanira kubvunza kuti anodei zvaataura ndizvozvo.

Tongai tihwe vanotonga. Mese varume nevakadzi.