Saturday 2 April 2016

Kubhadhara mari yokurera mwana MAINTENANCE

Ngatimbomira titaure nyaya yokubhadhara mari yokurera mwana inohi MAINTENANCE. Iyi imari inobhadhagwa nomubereki asingagari nomwana kumubereki anogara nomwana kuti mwana areriwe zvakakwana. Kazhinji murume ndiye anobhadhara mukadzi asi zvinokwanisika kuti mukadzi abhadhare murume kana murume ariye anochengeta mwana. Ngatimbosiya vanoita vana vakaroorana totaura yevasina kuroorana.

Pamutemo mwana akazvagwa, vabereki vasisadanani zvikukwanisa kugara vese, baba vemwana vanobhadhara mari tokuwedzera mari inamai vemwana kuti mwana agokwanisa kureriwa zvakanaka. Nyaya yakadai inowanzoitika kana murume nomukadzi vavatana zvechihure asi vasingashandisi makondhomu mukadzi obata mimba. Hakusi kuti vanenge vasingazivi kuti mukadzi achaita mimba, asi kungoti njere dzinenge dziri shoma kana kuti mukadzi anenge achingodawo mimba kubva kumurume uyu.

Kune vakadzi vakawandisa vanofunga kuti akaita mimba nomurume asingamudi murume achazomuda nokuti ava nemimba. Pane kuti akwanise kukwezva murume iye pachake anozama kushandisa mimba kuti murume amude. Chokwadi ndechokuti makure uno hakuna mukadzi anokwanisa kuita mimba asingaidi. Kune mapiritsi anomwiwa zvokuti chero mazuva matatu wapihwa urume ukamamwa hauiti mimba. Kungokwira bhazi woenda kutaundhi wonoonekwa navarapi wopiwa PRESCRIPTIOn womwa mapiritsi ako nyaya yatopera.

Koitazve makondhomu akangozara nyika dzese. Unongonotenga wega kana kuhodha paINTERNET wotofanochengeta mumba kusvika murume auya, womupfekedza kondhomu movatana, monakigwa, wopa murume tii omwa, okwira bhasikoro rake oenda. Nyaya yemimba haitombotaugwi.

Kana waita mimba ukapomera murume awakambovata naye,  hwisisa kuti varume havasi vanhu vakapusa. Murume anohwisisa kuti mimba haiitwi pasina bvumirano saka kana waiita anoziva kuti waita bwoni saka anokwanisa kukupanicha pazviri.  Anokwanisa kukurambira kutotsika madziro kuti haana kumbovata newe. Anokwanisazve kuudza hama dzake kuti akashandisa kondhomu saka mwana haasi wake. Anokwanisa kungokuudza kuti haakudi asi mwana anomuda. Vakawanda vanobvuma mwana asi asingadi mai vacho.

Kana warambwa une mimba ndipo paunofunga zvokuti mwana achareriwa sei. Ndipo unotanga kuenda kuCOURT kundomangarira mukomana kuitira kuti upiwe mari yokurera mwana.  Nyaya yenyu ikangohi murume ngaabhadhare mari yokuti, inobva yapera yakadaro asi COURT inotaurawo kuti mai vemwana ngavabvumidze baba vemwana kugaroona mwana.

Panokwanisika kuita matambudziko akawanda okuti
1 Baba vemwana vakadzimgwa basa vakazotadza kubhadhara mari yemwana
2 Mai vemwana vakatanga kushandisa mari pazvinhu zvisinei nomwana
3 Zvikazofungigwa kuti mwana haasi wemurume ari kubhadhara mari
4 Mai vemurume vakazowanikwa noumwe murume panokwanisa kunetsa.
5 Kana baba vemwana vane mari kazhinji vanoda kubhadhara asi vanozodazve kugarorhoja mai vacho asi zvichizikamwa kuti rudo hapana. Zvinoitiswa nokuti mukadzi akadai anoonekwa sokuti iSMALL HOUSE. Kazhinjizve anopiwawo mari yakawanda kupfuura zvarebwa ne COURT. kureva kuti zvechokwadi anoonekwa sehure. Kana usingadi zvokugarovatana nomurume asingakudi, unofanira kumuudza. Kana akarama achikufosa unokwanisa kuudza mapurisa asi iye anoziva kuti hauudzi mapurisa nokuti akaenda kujeri hapana anozokupa mari. Zvinenge zvatoonekwa kuti maitire ako okuita mimba musina kuwirirana zvinoreva kuti uri munhu anoda mari.

Panyaya yese iyi pava nezvakawanda zvinoitwa nevanhukadzi kuvarume kuti vakadzi vakadai vawane mari. Kune vakadzi vakawanda chose vava kushandisa mari ye Maintenance sebhizimisi, vachitowana mari yakawandisa pamwedzi umwe noumwe.

Chokutanga musikana anovata newe pasina kondhomu kwevhiki kana mbiri achikuitira zvese zvaunoda. Zvadaro anonovata noumwe murume zvakadaro. Kunoita varume kana vashanu vaanovata navo saizvozvo. Obva abata mimba. Varume vese ava umwe noumwe anobhadhariswa mari yeMaintenance asingazivi kuti kuti vamwe varume vari kutofungawo kuti mwana ndewavo uye vachitobhadhara. Izvi zvakagara zvichiitwa nevakadzi vanohi maSMALL HOUSE asi mazuvano zvanyanya uye vasikana vanozviita vanhu vakachenjera chose pakunatsoona kuti varume vari kuvabhadhara havafi vakasangana uye vanhu vasingazivani.

Koitazve vamwe vasikana vanongovata nevarume saizvozvo asi vasingaiti mimba. Anoti akavata nomurume pano onovata nomurume uko kure kure. Oita varume vakati wandei. Obva aitazve shamwari dzine vana.

Anotaurira umwe noumwe wevarume kuti ane mimba asi iye asina. Zvadaro anotumura mapikicha ema SCAN emimba kusvika mwana azvagwa, otanga kutumira mapikicha emwana. Murume akangobvuma kubhadhara MAINTENANCE zvatopera. Mukadzi anongopiwa mari asi asina mwana. Kune Musikana anohi Kudzai ari ku Cap Town. vhiki yakapera, Kizito akawana kuti ange achibhadhara musikana asina kumboita mwana wake achifunga kuti pane mwana. Anotori nemapikicha emwana aakaisa muSitting Room make achifunga kuti mwana ndewake izvo bodo mwana ndeweshamwari ya Kudzai. Kuzito anoshanda muJoburg ari Security guard.

Koitazve vakadzi vevanhu vanoti akahura nechikomba akaita mimba oudza chikomba kuti mwana ndewako kuti apiwe mari. Ukuwo anenge ane zvikomba zvaari kupomera kuti madzibaba emwana. vese vachimupa mari vachifunga kuti mwana ndewavo.

Hezvinoi zvokuita pa MAINTENANCE.
Kana waita musikana, jaira kumupfekera makondhomu pamunovata mese. Zvikuru kana une mari nokuti zvinohi munhukadzi pamurume ane mari zvakafanana ne nhunzi panyama yakaora. Kana uri murume ane mari, chishamwaridzana nemakondhomu. Usaterera musikana anokuudza kuti ari pa DEPO kana kuti pamapiritsi kana kuti IMPLANT kana kuti COIL. Terera vara rokuti kondhomu chete chete, kusvika iwe wava kuda kuita mwana. Mukadzi kana ada murume, fungwa dzake hadzishandi zvokukwanisa kufunga kuti zviri nani kumirira kusvika maroorana kuti muzoita vana venyu zvakanaka.

Hatisi kuti vasikana vese havahwisisi nyaya iyi asi kuti pane vakawanda vasingahwisisi kuti murume anokuda kana wamutaridzawo rukudzo panyaya dzokuita mimba kwete kuda kumubata neriva sembeva. Bodo. Usaita mimba kusvika mabvumirana kuti nguva yemimba yakwana.

Chinonetsa panyaya yemakondhomu ndechokuti vanhu munotanga muchiashandisa pese pese, pozosvika umwe musi wamunongoerekana maisana musina. Zvadaro munozopota muchidaro futi. Munhukadzi wese anofarira kurhojewa anofarirawo kupiwa urume. Hakusi kuti urume hunonaka asi kuti kuhupiwa kunoratidza rudo. Munhukadzi akavata nomurume akasapiwa urume anoona sokuti haana kunakira murume. Saka chenjerera ipapa kuna uri murume anoda zvokurhojana nomukadzi wausina kuroora uywzve usingadi mwana parizvino. Kana ukaziva kuti wapa musikana urume, pamunomuka enda naye ku CLINIC andopiwa mapiritsi anohi MORNING AFTER.

Kana musikana wawakambovata naye akauya achikuudza kuti ane mimba usaramba kuti ndeyako asizve usabvuma kuti ndeyako. Mutsanangurire kuti kana azvara mwana muchaenda mese kunotesitwa kuti mwana ndewako here. Zvadaro kana ari wako unomubhadara MAINTENANCE. Kana asiri wako haumubhadhari. Uchaona kuti kazhinji anopopota chose pamafungire ako asi kana achiziva kuti mwana haasi wako haazodzoki kumba kwako.

Nyaya nokuti unotanga kubhadhara waona mapikicha asi usina kuona mwana haitomboiti. Hazvina basa kuti munogara kure nakure zvakadii.

Zvokuita kuvasikana: 
Sezvandareva kuti hakuna munhukadzi mazuvano anoita mimba asingadi mimba. Kana waita mimba zvoreva kuti iwe wega wafunga kuteya murume sembeva. Chimirira uone mafungire ake. Chigamuchira mafungire ake nokuti iwe wega wamufungirawo pakaipa. Mwana hachisi chinhu chokungoita kunge uri mombe kana mbudzi inongokwigwa isina kumboudza murume kuti inoda kukwigwa. Munhu anotozvibvisa ega bhurugwa ovhura ega makumbo, kana kufongora ega. Murume omupinza chombo, iye otochemerera ipapo nokunakigwa nazvo. Zvadaro pamwe anototenda murume kuti haa waita basa ndaguta. Pedzezvo oti ane mimba oda kupa murume mhosva.  Bodo. Mimba ndeyokupurana mese. Kana uchida mwana udza mukomana wako kuti uri kuda mima. Motaurirana kusvika iye abvuma mobvisirana mabhurugwa muchitoziva kuti ndezvemimba izvi.

Isu vanhukadzi tava kutopiwa zita  rakaipa nokuda kwekukara kuteya varume. Ngatisaudzana nhema dzokuti murume anenge achida kurhoja iwe usingadi. Idzi inhema dziri pachena, Tese zvekurhojana tinozvifarira asi isu vanhukadzi takajaidzwa nomutemo kuti ndisu tinozopiwa mari. Kana uchiona mari yakakosha kwauri kupfuura REPUTATION yako zvokuti unoda kuendesa munhu asingakudi kuCOURT kuti akupe mari yokurera mwana wawakaita naye iye asingadi mwana, zvinotoreva kuti njere hauna.

Kana mambobvumirana kuita mwana akazokuramba wava nemimba inyaya inohwisiswa asi kungoita mimba wazvifunga wega iye asingazivi, bodo. Handizvo. Unoa mwana wako upenyu husirihwo, uye kana ari mwanasikana hwisisa kuti achaitawo mwana asina murume sezvawaita iwe. Ukatarisa mvana dzemuraini menyu uchaona zvinhu zviviri zvinoti (1) Mai vake vakamboitawo mvana (2) Mwana wake achaitawo mvana.

Kisito uyu wekubhadhara asina kuona mwana haasi ega, vakatowanda varume vakadai asi ifuzawo hadzo varume vacho. Hazvirevo kuti varume vese vaunovata navo ifuza.

Mari ye MAINTENANCE yachinja mazuvano yave yebhizimisi. Ngatikurudzirane kuva vanhu vanoita zvine mwero. Varumewo ngwarai. Haa pese pese munongobatwa pamariva evakadzi vamusingazivi kwavabva.

Kubhadhara mari
Kana paya uchibhadhara mari yokurerwa kwemwana, hwisisa kuti zvinokwanisa kudzokera kuCOURT saka panodiwa magwaro anotaridza kuti uri kubhadhara. Kana mukadzi achita zvekubhadharisa varume vakawanda pamwana umwe chete, kana kuti akapomera murume asiriye baba vemwana, zvinoreva kuti inhubu chaiyo  zvokukwanisa kuti hauna kubhadhara iwe wange uchibhadhara. Saka gara nekabhuku kaunoti paunobhadhara iye anosaina onyora nhambha dzechitupa chake pese pese paunomupa mari. Kana kuti unobhadhara ne BANK TRANSFER kubva muaccount yako kuendesa mune yake.

Hwisisazve kuti kubhadhara mari handiko kunorera mwana. Mwana wese anoda kugaroona vabereki vake vese mai nababa saka pota uchindoona mwana uchimboitawo nguva naye. Pota uchindomutora achimbozogara newe mazuva maviri kana matatu akure achiziva kuti ndiwe mubereki wake.

Kune vakaroorana:
Kune vakaroorana kazhinji munoita vana nokubvumirana kwenyu pamusha wenyu. Asi zvinokwanisika kuti munorambana vana vozoda kuti vareriwe zvakana. Anenge asingagari nevana anofanirawo kubhadhara kubatsira anogara nevana. Nyaya yokupopotedzana panyaya dzevana hazvisizvo. Chengetai vana venyu zvisina mutauro kusvika vayaruka vozvionerawo muupenyu.


Udzai Vamwe!!!!!