Saturday 31 December 2016

Ivai ne Gore Dzva ra 2017 rakanaka

Tine mufaro kuti tachengetwa mugore ra 2016 tikaripedza tiri vapenyu. Pane hama neshamwari dzakashaika asi tinotenda nenguva yatakaita navo. Kana uri mutendi panyaya yoMusiki wevanhu nemhuka nezvese zviri panyika, ipa chipo chokutenda. Kana usiri mutendi vitende iwe kuti ndiwe wachenjera chose kuti usafa kusvika nguva ino.

Ngatichitendawo nenguva yatinayo tese isu vasara tigohwisisa kuti kuitirana zvakanaka ndicho chinhu chikuru mumhuri uye kuzhe. Tine matambudziko akawanda chose asi kana mumba mune rudo zvizhinji zvimwe zvinoita nani. Rudo chinhu chinoti iwe ukapa vamwe rudo iwewo unowana rudo kubva kune vamwe. Hazvirevi kuti iyeye wawapa rudo ndiye anofanira kukudzisera rudo, bodo, hachisi chikwereti. Rudo gwakanakira pakuti ukaguhafura ukapa umwe munhu hafu yerudo gwako, iwe unongosara une rudo gwakazara. Hazvinei kuti wahafurira vanhu vangani.

Hino mumba kana une murume/mukadzi wedzera kumupa rudo mugore ra2017. Zvibvunze kuti chii chandinorangarira chandakaitira murume/mukadzi wangu mugore ra 2016 chaachiri kurangarirawo iye? Kana pane chaunoziva kuti wakamuitira, chifunga chimwewo chokumuitira mugore ra 2017. Kana pasina chaunorangarira chawakaita, zvoreva guti gore rino unofanira kuita zviviri.

Mudzimba medu umu mukadzi hwisisa kuti irombo rakanaka kuva nomurume waunoti uyu ndiye wako anokufadza, anoita nyaya dzechikuru newe muchiseka, anokumiririra pamhuri yenyu. Anoti ukanonoka kusvika kumba onetseka moyo kuti mukadzi wake aendepi, uye kushuhikana kuti kwakanaka here kwaari kusvika wasvika pamba. Itira murume wako zvakanaka nguva dzese. Hwisisa zvaanoda zvaunogona kumupa. Varume vedu vanofunga kuti ndidzo shasha dzokuriritira mhuri. Ipa murume wako manyawi muraini renyu adade nomukadzi wake.

Panyaya dzomumba hwisisa murume wako aramba ane meso pauri chete. Muviri wako ndewake. Zvipe kumurume wako muviri wako uite wake. Unoona ava kuita nawo zvimwe zvawange usingafungiri kuti anokwanisa kuita. Ngaasununguke kuita zvaanoda uye azive kuti hapana chaanoda chaasingawani.

Varumewo hwisisai vakadzi venyu. Vakadzi tine pamuromo nguva zhinji. Pamwe tinongopopota nyaya chaiyo pasina. Murume swedera pado nomoyo wemukadzi wako. Terera zvinomupopotesa Gadziridza nyaya. Potawo uchitenda basa remukadzi wako pamusha. Anobka, anowacha, anoaina, anokorobha, anokumwisa zamu, anokudziisa muviri, anokugezesa, anoriritira vana, anochengeta BUDGET yemusha zvakanaka. Anokuzvarira vana, Anofarira kukubvisa zemo kuti uvate hope dzakanaka zuva nezuva. Wanawo musi waunoti musi wekumutenda kuti ari kuita zvakanaka mumhuri yenyu.

Gore rino wanaiwo chinhu chamunobvumirana kuwedzera paupenyu hwenyu mumba menyu chamunokwanisa kupurakitiza muripo vaviri chamunokwanisa kuzorangarira kuti makachiita mugore ra 2017.

Upenyu hwatinahwo handi hwekupedza tichipopotedzana kana kupokana. Upenyu ngatizame kuva vavaki vemhuri. Kuva vanhu vanonakigwa noupenyu.

Kune avo vari pakati pamatambudziko sokuti une chimwe chaizvi:
1 Wakashaikigwa nomurume/mukadzi/mwana
2 Wakarambana numurume/mukadzi
3 Wakahurigwa nomurume/mukadzi
4 Wakamitiswa
5 Wakapiwa siki
6 Hamusi kuhwisisana mumba
7 Pane ari kugwara mumhuri
8 Mari ishoma mumba asi hamuzivi kuti modii
9 Munodanana asi hamugari pamwe chete
10 Mukadzi/murume wako ari kukunyima zvinhu mumba
11 Hamuna pokugara pakakodzera
12 Zvokudya zvishoma
13 Vana havagoni muchikoro

Tese umwe noumwe ane chinomudya moyo. Nhamo dzedu dzakasiyana siyana. Kana tikatanga nokuwirirana mumhuri uchaona kuti nhamo dzimwe dzese dzinoita shoma. Kuchema kunoita kushoma kana une wekuchemera anohwisisa zviri kukuchemedza. Kugwadza kwemoyo kunoita kushoma kana une munhu anokuhwisisa chinokugwadzisa moyo.

Nhamo dzakawanda dzomumba tisu tinodzikonzera. Murume/mukadzi anokuudza zvaasingafariri iwe woona sokuti ari kutaura zvisina maturo. Nyaya yange ichifanira kuita awa imwe chete yoramba ichienderera mberi yoita mwedzi mitatu muchitukana wozoona yakurisa zvokuti haichagadziriki. Kana uchiziva pakatangira nyaya yako, enda kumurume/mukadzi wako umuudze kuti zviri nani mugadzirise nyaya dzese dziri kukunetsai kuti muite upenu hwakareruka.

Kukumbira regerero chinhu hakanaka chose. Kana asingadi keterera murumire mwadhi pa WhtsAPP kana ane foni. Kana asina munyorere pabepa azive zviri mufungwa dzako. Kupopota nokutuka handizvo. Hazvivaki musha.

Ngatitore gore ra 2017 tiriite redu. Tibatane nevamwe vedu kugadziridza zvatinogona kugadziridza kuti upenyu hwuite nani. Ngatiregei kuwedzera nhamo. Murume/mukadzi wako ngaave ne KONIFIDHENZI newe kuti uri munhu anokwanisa kumuhwisisa nguva dzese.

Vanoda kuwedzera wedzerai 

Udzai vamwe!!!!!!!


No comments: