Wednesday 23 November 2016

Kunyengana nokudanana pa Internet

Toda kumbokurukura nenyaya yokusangana nokudanana pa Internet, tigohwisisa kuti zvinoshanda here kana kuti kwete. Kune vakasangana pa Internet vakatodanana zvokuroorana here vaunoziva.

Ndasangana nomurume nomukadzi vakaroorana vatori nevana vaviri, mukuru ane makore matatu mudiki and mwedzi mina. Murume akakurira kuSouth Africa, mukadzi anobva ku Poland. Uchivaona vanoratidza kudanana chose as rudo gwavo gwakatangira pa Internet.

Ngationgorore nyaye yerudo pa Internet pane zvinoti

  • Twitter.
  • Facebook
  • WhatsApp
  • Skype 
  • MeetMe. ...
  • Google Plus. ...
  • Dot429. ...
  • TalentSplash. ...
  • Empire Avenue. ...
  • Orkut.
  • Zoosk's
  • Pof 
  • Harmony
  • Martch
  • Elite singles
  • Tinder (ndeyekuhura hete)
  • Grindr (ndeye kuhura kwema GAY)
  • Zvimwewo zvakawanda. 

Kunyengana panzwimbo idzi hakuna kuipa asi kungoti nyenganai muchihwisisa mese kuti zvamuri kuita zvinofamba sei. Ngatitange nokunaka kwekunyengana panzwimbo idzi. 

1 Kukasira kutaudzana:
Kana ukasangana nomukomana/musikana paINTERNET, munokwanisa kuudzana zvakawanda chose panguva shomanana uye zvese zvamunoudzana zvinenge zvakatonyogwa pasi zvokuti unokwanisa kupota uchidzokera kunozviverenga uchiwedzera kuhwisisa. 

Unokwanisa kubvunza mubvunzo ugowana mhinduro nokukasira. 

2 Kuongorora zvarebwa:
Unokwanisa kutarisa PROFILE yomunhu wauri kutaura naye kuti ukasire kuziva zvaari usati wafunga zvokuita naye, kuti wobvuma kudanana naye here kana kwete.

3 Kusangana nehama dzake:
Zvichibva nokuti masangana papi, unokwanisa kuona hama dzake nemazita adzo paINTERNET zvokuti unokwanisa kuziva kuti mhuri yake inevanhu vanofungei. Mazuvano vanhu vakawanda vanonyora fungwa dzavo paFacebook kana pamwe. Kana wakachenjera unokwanisa kutoshamwaridzana nedzimwe hama dzake ukatoudzwa zvakawanda ipapo. 

4 Kuhwisisa zvaanokoshesa
Ukatarisa zvaanogaronyora unohwisisa kuti chii chaanokoshesa muupenyu hwake. Zvinonetsa kuti munhu avanze zvaanofunga kana apiwa mukana wekutaura. Unokwanisazve kuita nyaya naye zuva nezuva achikuudza fungwa dzake zvese zvakatonyogwa zvokuti unokwanisa kubvunza shamwari dzako kuti zvinorevei. Kana ari munhu uya anotsoropodza hama dzake, unokasira kuziva womusiya akadaro wotsvaka umwe. 

5 Kuziva kuti anofungei nezvako
Mazuvano kana mukomana/musikana achikuda anofarira kuudza vamwe paINTERNET. Kana achingoda zvokukutambisa anongoti zii nezvako. Hakuna waanoudza. Unoona status yake ichiti SINGLE woziva kuti achiri kutsvaka wekudanana naye. Iwe uri wekutamba naye chete. Hazvisi zvokubvunza kuti ko sei usina kuchinja STATUS yako. Ukaona waita zvokubvunza ziva kuti iye haana hanya newe. Asizve, usati watanga kufunganya pazviri tarisa kuti akapedzisira kuenda pa FACEBOOK riini. Kune vanhu vakawanda vane maACCOUNTS p FACEBOOK vasingaashandisi. Zvinokwanisika kuti munhu asatarisa zviri pa ACCOUNT yake kwenguva refu. 


Tobva ipapo totarisa zvakaipa pakudanana paINTERNET. Kare Internet ichangotanga nyaya dzokudanana idzi kwakaitika zvakawanda zvakaita kuti vamwe vafunge kuti haisi nzvimbo. 

Kuudzwa nhema
Iri ndiro dambudziko guru paINTERNNET. Zvikuru vanhurume, nhema dzavanoreva dzakawandisa. Unoona murume ane makore kuma THIRTY SOMETHING achiudza musikana ane makore 15 kuti iyewo ane makore 15. Zvoreva kuti kana ukasachenjera unokwanisa kudanana nomunhu asinei nemunhu ari kuti anokuda. 

PaInternet panonetsa kuti unatse kubata munhu kuti ndeuyu. Kana ukanyengwa mubhazi rokwaGororo muchibva muHarare, unotoona munhu ari kukunyenga kuti munhu akaita sei pakutarisa. Unokwanisazve kuita nyaya naye ukaona mafungire ake. 

PaInternet unokwanisa kutotumigwa mapikicha asiri emunhu ari kuti anokuda. Kana kuti anokutumira mapikicha ake ekare achiri mwanana. 

Kudanana numunhu pasina umwe anoziva:
Kudanana kwepaInternet kunokwanisa kuitika pasina umwe munhu anozviziva. Zvakasiyana nokudanana kwevasangana muchitima vanoonekwa vachitaudzana. PaInternet iwe ndiwe unotokasira kuudza vamwe kuti pane munhu wauri kudanana naye. Zvinokwanisika kuti zvakawanda zviitike pasina umwe anoziva kuti zviri kuitika. Unokwanisa kudanana nomukadzi/murume wemunhu ukasatomboziva kuti ndizvo zvauri kuita. 

Saka toti chinhu chakaipa here? 
Kuipa kana kunaka kwekudanana paInternet zvinobva nokuti iwe inofungei nazvo uye uri kuzviitirei. Kazhinji vanhu vanosangana pa Internet vanhu vanongosangana pa CHANCE kana kuti umwe anokuziva zvishoma otsvaka mukana wekukutaudza. 

Kana munhu wausingazivi akakutumire MESSAge, iwe unobvunzwa kuti unoziva here munhu iyu. Kana usingamuzivi unokwanisa kuramba kumutaudza. Asi chinoitika chaicho ndechokuti unoita EXCITEMENT wipindura. zvadaro munhu uya atova ne nhambha yako uye ava kutoziva nezvako. Zvasara kuti azive ndiwe uchamuudza. Hazvinetsi kupiwa zvakawanda nomunhu. Zvikuru kana akafunga kuti pangangoita rudo apa. 

Kusangana nomunhu pa INTERNET hakuna kusiyana nokusangana naye pa magirosa. Chakasiyana maitire ako kana wasangana naye. Varume vakawanda vane vasikana vavanotaura navo pa INTERNET, asi hazvirevi kuti vari kuita AFFAIR. Zvinongoreva kuti vari kutamba. Asi vamwe vavo vakazosangana nemusikana waanombotaura naye pa INTERNET, hazvinetsi kumunyenga nokuti munotozivana. 

Zvokuita:
1 Chokutanga usangoti munhu wese akutumira mwadhi iwe wopindura iwe usingamuzivi. Vamwe vavo vanokwanisa kukukuvadza. Kone vakawanda vakatopinda pakaoma nokusahwisisa INTERNET. 

2 Ukadanana numukomana/musikana pa INTERNET kasira kuda kusangana naye kuti ukasire kuziva kuti zvaari kutaura ndizvo zvaari. 

3 Wakamiririra kusangana naye usamuudza zvese pamusoro pako. Usamuudza zvinhu zvakaita semusi wekuberekwa zvaanokwanisa kushandisa kutora mari dzako. 

4 Pakunosangana naye, usaenda wega. Enda neshamwari kana mbiri. Sangana nomunhu pane vanhu sokuti mu RESTAURANT. Tanga iwe kusvika. Mopinda muRESTAURANT makasiyana iwe neshamwari dzako. Iwe wogara paunokwanisa kuona zviri kuitika kuti iye azogara paanoonekwa neshamwari dzako. Shamwari ngadzikwanise kutora mapikicha, zvikutu kana ari mukomana. 

5 Zvadaro Pakuparadzana rega iye atange kuenda, usabvuma kuperekedzwa. Muudze kuti shamwari yako ari kuzokutorapo. 

6 Kana wasvika kumba tarisa pa INTERNET nezvake munhu uyu uwedzere kuhwisisa. Kana usingadi zvawaona pamasangana, kasira kumuudza kuti uri kungoda shamwari haudi mukomana/musikana. Usaita tsika yokuudza vamwe nhema. Budira munhu pachena asatambisa nguva yake newe. 

7 Kunge wambosangana nomunhu hazvirevi kuti wava kumuziva. imboita nguva uchiti paunonosangana naye wotanga waudza umwe munhu kuti uri kuendepi. Wasvika paari, ngaakuone uchifoera umwe munhu kuti wasvika uye unodzoka riini. Wozamawo kuchengetedza nguva. 

8 Mukomana/musikana wekunyengana naye paINTERNET haana kusiyana nevamwe. Budiranai pachena kuti chii chamuri kutsvaka pane umwe. Zvadaro kana pane chanzi yokuti munokwanisa kuisana, tangai manovhenekwa mopiwa maRESULTS enyu motaridzana, mozotanga kutsanangurirana zvokuisana.  Usazvinyebera kuti unokwanisa kudanana nomunhu mugosavatana kenguva refu. Zvinoitwa nevanhu vane DISCIPLINE yakakwana. Zemo rine simba kupfuura njere.  Vanhu garai mune maKondomu muHANDBAG. 

9 Kana mangopedza pekutanga ipapa, zvimwe zvese zvamuchazoita hazvina kusiyana nevakanyengana pasina INTERNET. 

10 Usa tumira mapikicha ako kumunhu waunoda kudanana naye kana kuti waunotodanana naye INTERNET. Mapikicha chinhu chokuchengera. Chero mukazoroorana hwisisa kuti pane mhando dzemapikicha dzisingatumigwi paINTERNET. Unokwanisa kusungwa. 


Hwisisai kuti mazuvano vanhu vakawandisa vava kusangana paINTERNET mazuvano. Vanhu vane upenyu hwakasiyana nehwekare. Unokwanisa kuona munu wauri kutaura naye pa SKYPE ukatodzidza zvakawanda. 

Vanhu hwisisai kuti paINTERNET pane vanhu vakawanda vanoishandisa kungotsvaka munhu wekuvata naye musi iwoyo. Kune vamwezve vanotsvaka munhu wekuhura naye zvokupiwa mari. Pane mapurisa futi anotarisa zvakaipa zvinoitwa navanhu vemunyika yauri nevekuzhe. Hwisisa izvi kana uchitanga kutaura nomunhu. 

 Iwe kana usingaiti zvakadaro, dudzira munhu kuti hazvisirizvo zvaunoita akasire kukusiya aende kwaari kuenda. Iwewo wosara uchitsvakana nevanhu vanoda zvaunoita uye zvauri kutsvaka. Ngatisaita tsika yokuudzana nhema. paINTERNET hapana nyaya dzevabereki, hama, kana shamwari dzausingadi kuudza. Unokwanisa kuita nyaya dzako pachivande. 
_____________________________________

UDZAI vamwe!!!!!

Tiudzewo kana wakamosangana neumwe parudo paInternet. 

Tuesday 22 November 2016

Matinji anoita basa rei?

Mubvunzo wekuti "Matinji anoita basa rei unobvunzwa kuda katatu pavhiki imwe neimwe. Regai tiwedzere pane zvatakambotaura, kuda zvingabatsira vamwe vanongoramba vachibvunza. Kana uri munhukadzi uchishamisikawo kuti pamberi pako pakamira sei, tora MIRROR uise pasi wotonona wakanangisa pamberi pako pa MIRROR, wozviongorora kuti pako pakaira sei.

Wotarisa zvinhu zvakati wandei zvinoti
  1. Bhinzi yako
  2. Buri rako reweti
  3. Matinji ma lips asina choya akaurungana
  4. Maromo akaita chikomo ane choya
  5. Chitubu-Buri guru panobuda ropa kana uri kumwedzi. Ndipo pachapinzwa chombo nomurume kana wakura. Ndipozve pauchazvara mwana napo. Panokura zvokuti musoro nemafudzi emwana zvinokwana
  6. Kozotiwo buri rinobuda netsvina kana waenda kuchimbuzi. Riri pedo pedo nechitubu chako (2cm kana usina kumbozvara, 3.5 kana wambozvara) 

Pamberi 
Pamberi pemunhukadzi pane maromo anova makuru pamatinji. Maromo anomera choya. Matinji haameri choya.  Choya tinogera hedu asi basa racho kudzivirira guruva kuti risapinda pamberi nokuti rinokwanisa kuva nezvigwere. Mazuvano tinopfeka mabhurugwa, saka choya tofarira kugera zvokutoveura.

Maromo akaita se chikomo mubani zvokuti kukura kwawo ndiko kunoitira kuti chitubu chigare chakavharika kusvika chapindwa nechombo. Kuvharika uku kwakanakira kuti zvigwere zvisapindamo.

Maromo nematinji zvese zvakavaka pamberi uye zvese zvinoita chitubu chigare chakavharika kuti kusangopinda zvinhu.

Ndipo patinotangirawo nyaya yematinji. Matinji anovara buri reweti kuti risapindwa nezvigwere zvinobva kuzhe. Haavhari buri rinopinda chombo riri nechezasi zvisinei kuti wakadhonza matinji akareba here kana kwete. Matinji makuru kuno musoro kwakananga kubhinzi uye mapfupi chose kuzasi unopinda chombo pakuiswa nomurume. 

Kunaka 
Matinji anoti kana akakwizirigwa zvinyoronyoro, anotanga kuzvimbirira, obudisa oiri yakatsetseka chose chose inotsvedza. Oiri iya yonyorovesa matinji zvese nepamberi pese. Kana murume opinza chombo kana kungokwizirira pamberi pese nechombo zviya zvokukunyemudza zviya zvinoitwa muchimbotamba, matinji anozvimba owedzera kubuda oiri iyoyo.

Matinji ane ma NERVES anonakidza murindzi kana achipurudzigwa kana kukwizirigwa nomurume wake. Zvinonaka chose, zvikuru kana murume achihwisisa kuti kumusoro kwakananga kuguvhu kune bhinzi inova yakangoisigwapo kuti muridzi wayo anakigwe chete chete kana ichitambwa nayo nomurume. Matinji akabatana kuno kubhinzi kwaanosangana achiperera pakuva chinyama chakafukidza bhinzi kana isina kumira. Kufukidzwa kuitira kuti isakuvadzwa nokukweshana nenhumbi dzokupfeka nokuti ine maNERVES akawandisa. 

Matinji anobudisa mushonga unouraya ma BACTERIA akawanda asiri epamberi saka zviri nani kuti napo napo womboitawo zemo oiri iwande kubuda zvinova zvinotapudza maBacteria

Pakunyorovesa pamberi matinji anobatsira kuti pakupinzwa chombo zvisagwadza mese murume nomukadzi. Matinji ane maNERVES akawanda chose anobatsira pakunakigwa kwemukadzi pakuiswa nomurume kana pakungozvikwizirira matinji nebhinzi yake ega pasina murume. 

Kumurume anohwisisa nyaya yematinji nemabatigwe awo, anopedza nguva aripo pamatinji nebhinzi uye kuti kana akawana mukana wekuramba achikwizirira apinza chombo zvinonakira mukadzi chose.

Iyewo mukadzi anokwanisawo kuti uku ari kuiswa nomurume, uku ari kuzvikwizirirawo matinji nebhinzi. Murume anopinza chombo mukati memukadzi asi pamukova wechitubu ndipo pane ma NERVES akawanda kupfuura mukati saka pakukoirana mukadzi anonakigwa nokukwiziwa kwekwakananga kumukova kupfuura zviri kuitika mukati. Ndizvo uchiona kuti pakuiswa nomurume bhinzi ikashandwa zvinonaka kupfuura kunaka kwechombo chiri mukati icho.

Asizve chombo manakire acho akasiyanawo haho neebhinzi nematinji uye unenge wava kungodawo kupinzwa chombo uye kuhwa murume achikukoira zvinonaka. Kuzivawo kuti une murume mukati zvinonakawo manakire azvo. Asi bhinzi inonaka zviri mberi, zvikuru ikanananzviwa norurii. Zvinokasirisa munhukadzi kutunda. 

Kukura kwematinji:
Matinji haana vasa kuti makuru here kana kuti madiki. Kunaka kwawo kumukadzi kwakasiyana siyana zvichibva mumafungire emukadzi pakuiswa kwake kwete kuti zvinobva pasaizi yematinji. Bodo.

Kuvakadzi vakawanda chose chose mhomho yenyika dzese dzevanhukadzi, matinji ari kuno kumusoro kwakananga kuhinzi. Akafukidza buri reweti kwete buri rinopinda chombo. Chero ukadhonza matinji haasvikiko zasi uko saka matinji haabati chombo pakuiswa. Kana wakafongora zvakanaka ndipo kaunohwa kurohwa rohwa nemabhora emurume pamatinji achikukoira. Zvinonaka futi izvozvo.

Kana waka pakachigwa makumbo ako pamafudzi emurume zvinokwanisika kuti choya chemurume chikwiizirire matinji ako zviwedzere kunaka.

Asi chikuru ndechokuhwisisa kuti mukadzi ngaasaregeregwa matinji ake nomurume wake. Ratidza murume mabatire aunoda kuti matinji ako aitwe uye kuti nguva yakareba zvakadii kuti unakigwe. Kana uchisvoda kumuudza ingotora ruoko gwake uisepo pamberi womuti kwenya nokuti pari kuvava. Kukwenyewa nomurume pasingambovavi kunonaka chose saka jaidza murume kugarokukwenya pamberi chero makagara muchiona henyu TV yenyu yemubhedroom.  Jaidza murume kuziva ziso riya rokuti ukamupa anongoziva ega kuti zasi kunoda zvakunoda.

Akagarokwenya anojaira kuti zvinonaka ndazvipi nemaitire ako ekuwedzera kupatsanisa makumbo uye kusimudzira chiuno kuti adzire zasi kuburi rechombo, kana kuti akwire kuno kubhinzi.

Varume vakawanda vanogarobvunza pano kuti matinji anoita basa reiko. Matinji anonaka kubatwa veduwee, batai nokutambisa matinji evakadzi venyu mudzimba. Isuwo ngatiwedzere kudzidzisa varume vedu kuita nguva vari pamatinji nebhinzi vachiitawo zvavanodapo nemaoko. Kuzopinzawo  chombo zasi chava chimwe chinhanho chokunakigwa uye kutiwo iye murume ahwe pane moyo.

Kutunda kwemukadzi
Vakadzi vanokwanisa kuita ORGASM NOKUPINZWA CHOMBO  vashomanana kuma 30% mupasi rese. Asi vanoita nokuda kwekutambiswa matinji nebhinzi vakawanda chose. Varume mukadzidza kuita zvese munenga magona chose. Kuti uku uri mukati uri kukoira uku uri kukwizirira matinji nebhinzi ndizvo chaizvo kana maitire achibvumdza. Iwewo muridzi wematinji, kana murume achishanda, fungwa yake yese iri pakunakigwa kwake, Isa maoko ako pakati uzvishande pamatinji ako. Kana wakafongora, unokwanisa kusvitsa ruoko pamatinji, zvinova zvinokuwedzera kufongora wotohwa chombo chomurume chogofa panga pasina kujaira kugofewa zvotowedzera kunaka. 

Kunakigwa kwemurume nomukadzi 
Ngatihwisisezve kuti hakuna mukadzi asina matinji. Kungosiyana saizi chete asi kuwanda kwemaNERVES kwakada kungofanana uye anopfuura 8000 pabhinzi chete paanosanga ese saka tingati uku neuku kune 4000.  Murume pachombo pake pane kuma 4000. Kureva kuti mukadzi akabatwa  zvakanaka anokwanisa kunakigwa kupfuura murume nokure.

Varumewo chitangai nokufunga manakire anoita mukadzi wako kuti iwe unohwa sei. Chihwisisa kuti unokwanisa kuti mukadzi wako apfuure ipapo kana ukangohwisisana naye maitire aanoda. Anokwanisa kukuda zvokuti anokuitira zvese zvaunoda nokuda kwekunaka kwako iwe murume. 

Ndizvo muchiona kuti murume akanatsokoira mukadzi, hazviti kuti mukadzi aite EXPERIENCE iyoyo akanyarara. Zvinenge zvichinaka. Sezvatakambotaura kuti kufema chaiko kunonetsa kana uchiiswa nomurume anokunakira anokuhwisisa, anokuziva.

Nokuda kwekuwanda kwemaNERVES, ukawana murume anokukwiza matinji nebhinzi norurimi gwake manakire acho haatauriki nemashoko okunyora kana okutaura. Zvinongoda uzvihwire wega. Hazvitombodi mazuva ese futi. Ungagara uchirovha basa wakarukutika muviri nenyaya yemaziORGASM asingaiti.

Ngatihwisise kuti vanhu vega vasingahwisisi nyaya yematinji ndeavo vasina matinji, vanova ivo vatiri kuda chose kuti vahwisise kuti vodini kana vava nesu. 

Saka tati matinji anoita basa reiko
  1. Kudzivirira zvakaipa zvingapinda pamberi
  2. Kunyorovesa pamberi
  3. Kunakira mukadzi pakuiswa
  4. Kuvaka pamberi kuti pave panova zvapakaita. 
Saka nyaya yematinji yataugwa. Chiendai kudzimba mundotaridza kuti kuva nomurume/mukadzi mumba chinhu chakanaka chose. Ngatisununguke pazvinhu izvi nevarume/vakadzi vedu tihwe kunaka kweupenyu tichinazvo mumba pasina zvigwere. 

Iwe muridzi wematinji, ratidza murume mabatigwe aunoda kuti matinji ako aitwe kuti unakigwe nazvo. Muratidze zvokuita sezvaunoita kana asipo uri wega. Kana pasina zvaunoita uri wega chimbodzidzira kuzvinakira wega kuti ugokwanisa kudzidzisa murume zvokuita.  Matinji ndeenju mese zvokuti uchafadza murue wako chose chose kana akahwisisa kuti akabatabata matinji ako vinokunakira. Iyewo uchaona oita nguva aripo kureva kuti zviri kumufadza.  Hino ukangoachengetera mubhurugwa uchasvikepi nawo? 

Itiwo kana wasvika kumba kubva kubasa wotanga nokubvisa bhurugwa nokubvisa dhukhu yemazamu, mochitandara mhepo ichipinda zvakanaka murume achipota achihwa hwema hwebhinzi yako zemo richiwanda. Mukadzi ndiwe mukwezvi wemurume. Ndiwe hure remurume wako, ndiwe ghero rake, ndiwe mai vemusha wake, ndiwe FOCUS yemurue wako. Dzidza basa rako nomoyo wese. 


Udzai vamwe!!!!!!






Saturday 19 November 2016

Mibvunzo ne mhinduro 8

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 7 yakazara saka tava kutanga rino. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1. Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi.
Ndatenda
1 Chii chinohi kudzikamisa murume? Kune vasikana vanoti akanyengwa nomukomana otarisa zvinhu zvakaita seufumi, kudzidza, basa, mota, zvine mukomana kana mhuri yemukomana. Akaona zvakati nakei, oti anoda mukomana uya asi achiziva kuti murume haamudi. Kunozoti napo napo musikana oita mimba kuti awanikwe mukomana asingadi zvokumuwana.

Vawanana mukomana anoshaya hanya nomukadzi zvokuti anozikamwa kuhura kwake. Mukadzi akabvunza shamwari dzake kuti oita sei, anokwanisa kuudzwa kuti kune mushonga wekudzikamisa murume kuti asahura.

Hakuna mushonga wakadaro kuzhe kwekuti wauraya murume wako. Chakanaka kugara waroorana nomurume akadzikama, ane rudo newe. Kwete kuti wafosa murume kukuroora wobva wati ngaachikudzikamira. Bodo.
Chimwezve kuhwisisa kuti murume wako wemumba zvido zvake ndezvipi womuitira zvese zvaanoda osawana chimwe chaanoshaya. Garomubvunza kuti anodei nhasi kana wamuitira womubvunza kuti pane zvimwe here zvaangada.

Kazhinji tisi tinohurisa varume vedu nokusabuda pachena kuti unoda kufadza murume saka ngaakuudze zvaanoda. 
2 Ndokumbirawo kubvunza. Ndakazvitakura mazuvano uye murume wangu anoshanda kure saka toonana kaviri pamwedzi anouya oita mazuva matatu ari pano.

Nyaya yangu ndeiyi, Ndinonzwa kuda kuiswa chose chose saka ndinozvibatsira kakawanda.

Pane zvazvingakanganisa nhumbu here? 
Kuzvibatsira uine mimba kunoitwa nevakadzi vakawandisa. Nyaya yedu ndeiyi. Kana une mimbamaHORMONES ako anowanda chose mumuviri. Vazhinji vanowedzera zemo panongopera kurutsa zvokuti murume anofanigwa kutisunga dzisimbe nokuti anenge ava kupiwa basa guru.

Zvinokwanisika kuti murume anoswera asipo kana kuti anoshanda kure achingouya kupera kwevhiki. Uri wega pamba hazvina kuipa kuzvibatsira kuita ORGASM. Kugaroiswa nomurume uine mimba mazuva okutanga zvinobatsira kuti usasvodza uye mwana asazvagwa nguva isina kukwana. Kana murume asipo ukazviatsira zvokusvika pa ORGASM zvakangofanana nokuiswa nomurume. Kusiyana kwazvo kuti unopiwa urume nomurume.

Kune vamwe vane varume vanoti akangohwa nezvemimba otitya kuisa mukadzi wake. Kana une murume akadai watoita dambudziko guru. Kuzvibatsira wotowedzera.
Koitazve vamwe vanoita zemo nguva dzese nokuda kwemimba. Murume anombozama asi anokundikanawo. Unokwanisazve kuzviatsira wega.

Asi hwisisai kuti kukwiza pabhinzi nematinji kwakasiyana nokupinza zvinhu mukati. Kana ukada zvokupinza zvinhu mukati, hwisisa mapinzire asingakuvadzi uye tanga wageza chaunopinza chacho kuti chisava nemaBACTERIA asiriwo.

Hapana chakaipa kuzvibatsira asi kune vamwe vanotoudzwa navarapi kuti imbomrai kuisana kusvika mmba yati kurei. Terera varapi.  
3 Hakuna here zvandingaita kuti handikwanise kubata pamuviri ndatambura ndibatsireiwoChokutanga hwisisa kuti sei usiri kuita mimba. Unokwanisa kunge uriwe une damudziko kana kuti  murume wako ndiye ane dambudziko. Hazviiti kugadzirisa nyaya yenyu musingazivi pairi. Saka chokutanga kuenda kunotesitwa kuti ane dambudziko pakati penyu ndeupi. Zvadaro mochitanga kurona nyaya yokugadzirisa kana zvichigadzirika.

Kana muri vanhu vasina kuchenjera, munokwanisa kupedza mari muchinotsvaka vanhu vasina zvavanokubatsira. Endai kuTEST muzive kuti nyaya yenyu iri papi.

Chimwezve chinotadzisa mimba kufunganya pamusoro pemimba uye kusadya zvakakwana zvinohi BALANCED DIET.

Koitazve kuti kana une muviri wakakoresa kana kuti wakaondesa zvinokwanisa kukutadzisa kuita mimba. 
4 Ichokwadi here kuti kana murume akandipinza chombo, ini ndisina matinji, chombo chinongobuda chega zvoreva kuti handikwanisi kusvi**a?  Ndichiri mhandara uye handina matinji. Hakuna mukadzi asina matinji. Kungosiyana saizi chete. Mukadzi wese asina kuremara ane matinji. Matinji kukura kwawo hakunei nokupinzwa chombo nomurume. Murume anopinza chombo kusasi kuchitubu. Matinji ari kuno kumusoro kubhinzi. Kana ukaiswa wakafongora zvinokwanisika kuti chombo hachitombosangani nematinji.

Vanhu vanofarira nhema kukutyisidzira kuti ude kudhonza matinji chete. Varume chaivo vakawandisa havanei nokuti une matinji marefu here kana kwete. Murume kana amira chomo chaanoda kupinza chombo mumukadzi wake chete. Murume haafungi zvakawanda kana chombo chimire mukadzi wake aripo. Zvokuti mukadzi akamira sei pamberi zvinongoitwa imwewo nguva. 
5 Zvinoita here kuroora mukadzi ane vana noumwe murume? Zvinoita chose chose asi mese munofanira kuhwisisana kuti kana maroorana nyaya dzenyu dzinofamba sei nokuti baba vevana vachadawo kupota vachizoona vana. Kana muchigara kure nakure zvinokwanisika kuti baba vevana vasakwanisa kuti vakauya vodzokera musi umwe chete, saka munotokwanisawo kupedzisira mavapa pokuvata. Zviwe chetezvo kana mai vevana vakazoda kuzonotora vana.

Kungohwisisana chete kuti nyaya yenyu inorongeka sei pavana, uye pakutaurirana pafoni. Hazviiti kuti mai vevana vasazotaura nomurume wavo wakare. 
6 Kana ndazvara mwana ndinobuda ropa kwemazuva mangani? Kana une mmba, muviri wako unovedzera ropa kusvika pa 50%. Kana wazvara muviri wako unoziva kuti ropa raunaro rakawandisa saka unotapudza ropa kwemazuva akati wandei. Vanhu vanosiyana siyana asi panomboita tumazuva.

Kana wabvaruka muromo wechizvariso kana kuti wachekwa ukasonwa, pakabvaruka ipapo panokwanisazve kubuda ropa. Usatyiswa nazvo terera zvavanokuudza ivo varapi.

Kana wakazvarira kumusha, ukaona sokuti uri kuwanza ropa, zama kunotariswa nevarapi uudzwe zvokuita. Asi kazhinji hazvityisi. 
7 Ko condom rinoita kuti munhu anakirwe here?Kondomu rinokwanisa kuwedzera kunaka kwemurume iri ngari yokuti anononoka kukupa urume kureva kuti anokukoira kwenguva refu zvinova zvinonaka. Kune makondomu ane ganda rakakora zvokuti murume anowedzera nguva chose. Kana une murume uya anongoti kupinza nokutotunda ipapo (kusina kupera 7 minutes) munokwanisa kutsvaka makondomu makobvu mombotanga nekondomu mozoti zvambonakira mukadzi mobvisa moita musina. 
8 Zvinokwanisika here kubaya chibereko nechombo pakuisana? Hazvikwanisiki nokuti chibereko chiri kuseri kwemadziro ekumberi kwemukati mechitubu munopinda chombo. Kuti upinde kuchibereko pane kaburi kadikidiki kasingakwani kana penzura. Ndiko kaoti chibereko chinomwa urume nokamuromo ikako mukadzi woita mimba.

Ndipo panozobuda futi nomwana. Kamuromo kacho kanotatamuka zvokukwana mwana achibuda. 
9 Murume anozorega kuda kundisv**a ave nemakore mangani? Ane makore 47 asi anoona sokuti achiri mwana mudiki. Anongoda everyday. Pamwe kaviri pazuva. Ndodii?Ndatosekawo hangu pano. Murume ane makore 47 achiri mwanana hake uyu. Pachine nguva. Anokwanisa kuita mamwe makore 47 achingodaro.

Kwamuri kuita uku ndiko kunohi kubhositira vamwe kuti murume wenyu ndiye murume chaiye. Vanhu vakaita semi vane utano hwakanaka kupfuura vamwe vasina vekugarovata navo sezvamunoita.

Chikuru kubikira murume zvakanaka uye kugaromutenda kuti zviito zvake zvakanaka chose. Dai aramba akadaro. Nemiwo motevedzera zvinoda murume veduwee. 
10 Mishonga inonwiwa nemunhu ane nhumbu ndeipi? Hapana mishonga inomwiwa kana munhu ane mimba. Chikuru kutorega mishonga yakawanda. Unongomwa mishonga yawapiwa na DOCTOR chete chete nokuti kune mishonga yakawanda isingawirirani nemimba.

Inokanganisa mwana mishonga. Dai mamborega zvemishonga. Mimba hachisi chigwere. Mushonga wemimba kuzvara mwana chete.

Chikuru kana une mimba kugaroiswa nomurume wako kakawanda. Pese paakumisira chombo bvisa bhurugwa murume akurhoje uye akupe urume. Urume hune zvakawanda mahuri zvinokabatsira nemimba yako.

Unokwanisa kuiswa kusvika mazuva mashomanana woda kuzvara. 
11 Pane zviratidzo zvokuhura kwemurume here? Zviripo. Varume kazhinji havagoni kuviga chihure chavo kwenguva refu senanhukadzi, iri ngari yokuti varume vakawanda vanohura vanoregeregwa nevakadzi vavo saka vamwe vanoona sokuti haisi nyay huru.

Hwisisazve kuti murume ane mukadzi kumba akatanga kuhura noumwe mukadzi, hazviiti kuti azorega kuhura muupenyu hwake. Munhu akatanga chihure atova hure kusvika achembera. Chihure chinoitiswa nokumhura munhu wawakaroorana naye, kumuona seasina kana basa.

Zvioniso zvokuti ari kurura zvakawanda asi chikuru ndechokuti pane chinochinja pakati penyu:
1 Kuwedzera kuda kukurhoja iwe wemumba
2 Kuramba kukurhoja
3 Kukupa sick
4 kuwedzera kugeza muviri wake
5 Kuda kushandisa tunonhuwira
6 Kunonoka kuuya kumba
7 Kufunganya
8 Kuchengera foni yake

Pane chinhu chinototi chichinje zvokuti iwe kana wakachenjera unozviona kuti pane chasiyana. 
12 Mukomana wangu haachandidi. Pane zvandingaita here kuti adzoke nokuti ndinomuda. Please ndibatsireiwo. Kana asina umwe mukadzi, enda unomuudza kuti unomuda. Wamuudza anokwanisa kupopota kana kukutuka kana kukuudza mashoko anorema. Iwe muudze chete kuti zvese zvaanoda kuita ngaaite hake asi unomuda zvakadaro.

Kana ava noumwe mukadzi iwe chisiya uende. 
13 Kana wanzwa zemo uchidhonza matinji ungaita sei. Kune vakawandisa vanoita zemo pakuzvidhonza matinji. Hapana chakaipa pakuita zemo. Kana zvadaro chiwana mukana wekuzvipedza zemo. Ndiko kutodzidzisa muviri wako kuita nokupedza zemo chinova chidzidzo chakanaka.

Kupedza zemo, unokwizirira nyama dzakatenderedza bhinzi, naiwo matinji acho anodawo kubatwa batwa zvakanaka. 
14 Chii chinokonzera kurwadza matinji? Kana ukaisana nomurume akapfeka condom iwe usina kujaira kuiswa nomurume ane condom, zvinokwanisika kuti une ALLERGY yemakondom saka unokwanisa kuzvimba matinji uye pamberi pese pasvika condom racho muchiisana.

Kana zvirizvo zvinokasira kupera kuda mazuva maviri. Mushonga wacho kuramba uchishingirira kuiswa murume ane condom kusvika muviri wako wajaira.

Kana zvisirizvo enda undoonekwa kuti hachisi chigwere here.  
15 Chibereko changu chiri kumera mapundu chingava chiiHazviiti kuti uone mapundu ari muchibereko (womb). Ndofunga uri kureva pamberi, pamatinji kana kuti pamuromo wechitubu (mheche) ndipo paunokwanisa kuona mapundu kana amera ipapo. Chibereko chiri mukati kati, kana pakuiswa chaipo chombo chomurume hachikwanisi kusvika kuchibereko.

Mapundu haana kufanana zvokuti ungati pese pawaita mapundu wobva waziva kuti chikonzero chii. Mapundu ane zvikonzero zvakatosiyana.

Unokwanisa kunge wakaita ALERGY yema SANITARY TOWELS kana kuti wakavata nomurume ane chigwere musina kondomu, kana kuti waita chigwere chechikadzi chezvimwe zvakawanda.

Kana waita mapundu pamberi, usamirira munhu kukuudza kuti chingava chii, kasira kundoonekwa nevarapi woudzwa kuti chii uye mushonga wacho ndeupi. 
16 Ndodii? Murume wangu anoshanda kure asi anouya kumba pa Weekend. Ane system yokuti paanosvika kumba Before anything else anoda kundikwira. Ini ndoda kuti ambodya First. Ko chakaipa chiiko kuti murume apedza vhiki yese asipo asvike mumba make agoda kutanga avata nomukadzi wake? Murume anokuda uyu uye anokushuva kana asipo. Iwe pane kudawo murume wako kusvika pakumufunga kana asipo. Kana auya wotanga nokumugamuchira womubvisa zemo wozoda hako zvokubika mapedza. Kukufanobika, motanga nebasa remurume nomukadzi, mozodya mapedza kufadzana. Kana uwe usingadi kufadza murume rega hako aite zvaanoda chete chete. Asi ndoona sokuti uri kutadza kuhwisisa nyaya iri pachena.

Teverera zvinodiwa nomurume wako, Pachasvika nguva yaunoshuva kuti dai angofunga kuvata newe kamwe chete hako, Saka fara nezvaanoita mazuvano. 
17 Ndingaziva sei kuti murume wangu ari kunakirwa nebonde? Kana mava kuda kuisana, bvunza murume kuti anoda kuvatana sei zvinonaka. Mirira akuudze zvaanoda zvinonaka ubve wahwisisa kuti zvinomunakira. Chiita izvozvo nomoyo wese kusvika abvuma kuti zviri kunaka. Pota uchibvunza kuti ari kuhwa sei? Zviri kunaka here?

Kana mapedza udza murume kuti kana pane zvaanofunga kuti zvinonaka ngaakuudze uite nguva dzese nokuti unoda anakigwe. Kana ukaona asina shuwa nazvo muudze futi murima madzima marambhi. Terera zvaanotaura uzvikoshese. 
18 Zvinoita here kuti murume ane mukadzi ange ari ngochani? Murume wangu anoti ndakarara ozama kundis***ra kushure kwete kwaanofanira kunge achis***a. Ingochani here? Kana ari ngochani ndodii? Ndibatsireiwo Please. Kune varume vakawanda vanongoda kuhwa kuti kupinza chombo ikoko kunoita sei uye zvinonaka here. Pamwe zviri kumunetsa kukumbra kukupinza kumashure. Anotya kuti pamwe unoramba kana kuti unomushadha kana kumuti ingochani.

Vanhu vakaroorana vanoita zvakasiyana siyana. Vamwe vanopinzana ikoko kwauri kuti unotya, asi chaunotya chaicho chii? Vamwe vanodyanana pamberi. Vamwe vanomwanana mazamu neminyatso. Murume anoda kupinza chero panopinda chombo.

Kusiyana kwevakaroorana. iwe kana uchida murume wako dzidza zvaanoda. Kana ukapepuka ukawana achizama kukupinza kumashure, hwisisa kuti zvinokwanisa kugwadza. Rerusa muviri (RELAX) wonyebera kuva kuhope, worega achipinza. Chiongorora kuti anoitei nazvo. Pamwe anonakigwa nazvo, pamwe haanakigwi.

KAna apedza, chipepuka uone zvokuita kana wagwadziwa nazvo. Kana zvange zvisingagwadzi, Gadziridza zve HYGIENE, wapedza chigumbatira murume wako umubvunze kuti anakugwa here. Kana akangodavira chete, muudze kuti zvese zvaanoda unoda kumuitira asi pane zvimwe zvinogwadza zvinoda kunge wagadzirira.

Kana ahwisisa akati anoda kugarozvita, chienda kuChemst undotenda JELLY inohi KY jelly.

Hwisisazve kuti kana chombo chambopinda shure ngachisapinda mberi nokuti mabacteria acho akasiyana. Unoita INFECTION.

Kana murume wako achikuda sezvauri iwe uri munhukadzi, zvoreva kuti anoda munhukadzi. Zvokuzoti anoda kuvata sei nomukadzi wake zvava zvimwe izvo. 
19 Kudyanana pa bonde is it safe? Munhu wese waunovatana naye anofanira kuva munhu waunotoziva zvese zvaari. Hazvinei kuti munodyanana here kana kwete. SAFETY yenyu iri pakuti munovata here kana kwete. Usafunga kuti kupinza/kupinzwa chombo nomunhu ane chigwere kuti SAFE kupfuura kudyanana. Bodo. Funga SAFETY yako iwe muridzi panyaya yese yokuvatana.

Usavatana nomunhu wausina kuenda naye akanoongorogwa STATUS yake. Kana madzoka mukataridzana maRESULTs enyu, chigarai pasi mubvumirane kuisana pachenyu pasina umwe. Zvadaro chionai kuti muri kuzviita nomoyo wese mese muchiguta nazvo. Poshaikwa umwe anohura.

Pakadaro munodyanana kusvika pamadira. Kumukadzi kusveta chombo chomurume chinhu chinofadza uye chinoitisa zemo zvokuti. Zvinonakira murume wako chose chose.

Kumurumewo achikwenyerera nokunanzva bhinzi yomukadzi wake ndoda kukuudza kuti zvinonaka kupfuura chopinzwa chombo nokure.

SAFETY iri pakuti mese hamuna chigwere uye hamusi kuhurirana, uyezve hausi kumwedzi.

Dzidzai kugeza musati manovata. Murume ogeza pasi peganda rakafukidza chimusoro. Mukadziwo ogeza pasi peganda rakafukidza bhinzi. Zvadaro dyananai makasununguka asi musasvitsa mazino pamberi peumwe.
20 Kusvir*a ndiri kumwedzi zvinoita here? Murume wangu anonetsa. Bodo dai wambomuwanira mazano okuita kana uri kumwedzi. Hapana chakaipa chinoitika asi kungoti zvinosemesa.

Verenga apo pakahi
http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/zvokuita-kana-uri-kumwedzi-murume.html

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2013/03/murume-anoda-iwe-uri-kumwedzi.html

21 Murume asingafarire bonde anenge akaitasei? Ndoita sei. Anoita vhiki yese asina zvaaita. Zvikonzero zvokuti murume asada kuvata newe zvakawanda saka unofanira kuongorora kuti chake iye chikonzero chikuru chii.

1 Pamwe haachakudi
2 Pamwe anofunga kuti haumudi
3 Pamwe ari kuhura
4 Pamwe anofunga kuti iwe unhura
5 Pamwe ane chigwere chechihure chaari kutya kukupa
6 Pamwe anofunga kuti haumubati zvakanaka
7 Pamwe anofunga kuti iwe hauzvibati zvakanaka pautsanana
8 Pamwe akakuroora mamitisana iye asingadi zvokuroorana
9 Pamwe hamugoni kutaudzana zvakanaka mumba
10 Pamwe anofunga kuti unomudherera
11 Pamwe iwe hausi kuratidza kuti unonakigwa paanovata newe
12 Pamwe iwe unomirira kuti iye atange iwewo uchimirira kuti iye atange asi mese muchida kuisana poshaya anotanga.
13 Pamwe makatukana mukasagadzirisa nyaya yenyu
14 Pamwe inyaya dzemimba dzukuti umwe anoda mimba umwe haadi
15 Pamwe makambohurirana
16 Pamwe iwe hausi kubvuma kumuitira zvaanoda pabonde
17 Pamwe ari pamushonga unoderedza zemo.
18 Pamwe ane chigwere chomoyo chinotadzisa chomo kumira

Zvakawanda zvinokonzeresa murume kuita sokuti haadi kuvata newe. Tauriranai kana zvichiita kuti mubvise chokonzero mobvisa mowedzera kuisana mumba. 
22Chombo chidiki chinebasa here pakuvatana? 

Chombo chese chikuru nechidiki chine basa nokuti kana pasina chombo hapana kuvatana. Kukura kwechombo hakuna basa pakunakigwa kwemurume kana mukadzi. Asi kungoti varume vane zvidiki pamwe vanoshaya CONFIDENCE zvokonzera kuti asanatsozvipira kunakira mukadzi wake.

Kuvakadzi, murume ane rino zichombo anonetsa kuvata naye nokuti anokwanisa kugwadza pakupinzwa naye. Murume ane kadikidiki anokwanisazve kuita sokuti mwanana. Zvinohi chombo chakakura kubva pa 11cm kusvika pa 16cm kureba uye chakakora kubva pa11cm kusvika pa 15cm ndiyo saizi yakanaka isina mitauro kuvanhukadzi.

Asi chikuru kumurume ratidza CONFIDENCE pane zvauri izvozvo. Kana uchitya uchifunga kuti une chidiki kana kuti chakakurisa, pamunotanga nyaya yokuisana taurira mukadzi kuti chakakurisa agadzirire kana ahida kuiswa. 
23 Murume wangu akangondis*ra kamwe chete anorara usiku hwese asingambomuki. Ini ndoda kus*irwa kaviri kana katatu. Pane mushonga wandingamupa here? Tava nemwedzi miviri taroorana. Mishonga yokumisa chombo iriko yakatowanda hayo asi dambudziko rauchaita nderokuti
1 mishonga iyi inoda kutanga murume wako atariswa kuti haana chigwere chemoyo here nokuti kushandisa mishonga iyi kunoitisa HEART ATTACK kana ane chigwere chemoyo uye kana akawanzisa mushonga wacho. Saka kumuisira mushonga asingazivi hazviiti zvachose. Unokwanisa kuuraya murume wako.

2 Kana ukamujaidza kumisa chombo nomushonga hazvizoiti kuti chingonatso mira pasina mushonga.

Saka nyaya iri pano ndeyokuti iwe muridzi wemurume chiona zvokuita kuti uwane zvaunoda. Unokwanisa kugarobatabata chombo. Uchaona kuti murume wako anozvifarira uye anoda chose kuvata newe asi kungoti haatozivi kuti uri kumuka usiku une zemo.

Zama kubatabata murume chombo avete, uchaona chichitokura chiri muruoko gwako. Zvadaro ukagonyera murume wakamufuratira unokwanisa kupinza chombo wotoiswa iye avete. pakuzopera kwemwedzi uchaona mongoisana iwe uvete kana kuti iye avete. Vakawandisa vakaroorana vanoisana vari kuhope.  Ndezvokujaira chete.

Usaita tsika yokutsvakira murume mishonga. Inokuvadza uye inoputsa musha wako. Jaira tsika yokutaurira murume zvaunoda. Umuudze akutaurirewo zvaanoda. Ndiko kuvaka musha. 
24 Murume wangu anopa hama dzake mari ini  ndisingazivi. Ndoita sei? Mari ndechimwe chezvinokonzera vanhu mumba kupokana. Kana ukasabata nyaya dzemari zvakanaka unokwanisa kupedzisira usina murume. Chokutanga zvibvunze kuti sei murume wako asina kukuudza kuti ari kupa hama dzake mari? Chikonzero chikuru ndechokuti anofunga kuti unomurambira.

Nyaya iyi ichaenderera mberi kusvika matukana mukapopotedzana mukarovana mukachemerana. Iwewo chinokushungurudza ndechokuti mari yacho ishoma mumba menyu. Dai yakawanda dai usina basa nokuti imwe yapiwa hama.

Chihwisisa kuti hama ndedzenyu mese. Wotangira ipapo. Wochigarisa murume wako pasi zvisina kutsamwa kana kupopota, womuudza kuti hama ndedzako iwe nokuti wava noukama nomurume wako. Zvakadaro zvoreva kuti kana kune hama ine dambudziko unofanira kuudzwa kuti uzive. Womuudzazve kuti haurambi kupa hama mari saka ngaasazviita pachivande. Dzidzazve kugarotaura nyaya dzinotsamwisa murudo nomurume wako azve kuti hapana chinotyisa kukuudza nyaya dzese.

Mari yehama dzomurue iri nani kubva kumukadzi, yehama dzomukadzi iri nani kubva kumurume. 
25 Chii chinonzi chikwambo? Chikwambo chimhunhu chinohi chinogona basa rachakagadzirigwa. Zvikwambo zvinopiwa mabasa akasiyana-siyana, sokuti kuba mari chichipa muridzi.

Tichitaura chokwadi hapana chinhu chinohi chikwambo. Kungoti vanhu verudzi gwedu vanofarira nyambo kusvika pakunyengera vamwe vakapusa kundotenga chikwambo vachifunga kuti zvinovabatsira. Hapana chazvinobatsira. Ane chikwambo chemari neasina kana vakashanda zvakafanana vanoita mari yakafanana. Siyano yavo iri pakupusa nokuchenjera kwavo chete. 
26 Kugona bonde mukadzi anofanira kuita seiKuti munhukadzi ahi anogona bonde hunge ari munhu anoratidza kufarira kuiswa nomurue wake. Ndicho chinhu chikuru. Kubva ipapo mukadzi anoita zvinodiwa nomurume wake zvichibva pakuterera uye kubvunza kuti murume ari kudei nhasi. Pane chiwe chaasina kumopiwa chaangada kupiwa here? Murume otaura zvaanoda mukadzi oita.

Kuchemerera kunoratidza kuti murume ari kugona basa zvobva zvafadza murume.

Kushandisa chiuno kuita chikapa kunoratidza kuti uri kudao kuiswa. Varume vanokomburena kuti vakadzi vanongovhura makumbo ovata seakafa. Handizvo. Kuisana ndekwenyu mese. Batirira murume wako ukuwo shandisa chiuno.

Kushamwaridzana nechombo chomurume. Kuchibata nemaoko, kuchipurudzira, kuchirezva, kuchisveta. kuratidza kuti chinhu chinoshamisa. Iwe mukadzi tora chombo chomurume uchiruramise pamukova wechitubu chako murume azive kuti uri kuda kuiswa.

Shusha murume nguva nenguva kuti uya tiisane. usamirira murume kungotanga nyaya pese pese.

Garogeza chitubu chisaita hwema hwakaipa asi usaisa chero mvura mukati. Chombo chete ndicho chinopindamo.

Gera choya chigare chiri chidikidiki kana kutoveura kuita musvuvu.

Pota uchikwira murume. Misa chombo chake, wadaro womukwira womushanda nechiuno, uchimbomwa nokusveta minyatso yake.

Ndiko kuhi mukadzi anogona basa. 
27
Kusavatana noumwe munhu kwenguva refu kungaita dambudziko here? 
Zvinobva nokuti uri murue here kana mukadzi padambudziko apo. Murume anokwanisa kuzoita chigwere chinohi PROSTATE CANCER chinova chinobata vanhu vanogara nguva vasina vakadzi.

Vakadziwo kuiswa nevarume kugaroisa kunoderedza zvigwere nokuda kwekuti ma ANTI BODIES anowanda kana uchigaravata noumwe munhu. Hatisi kutaura nyaya yechihure.

Unovatazve hope dzakanaka. Kufunganya kunoita kushoma. Zvigwere zvefungwa zvakaita se Psychosis, Depression, etc zvinoita zvishoma.

Hasha dzinoita shoma.

 Kuvata nevakadzi vakawanda, zvikuru usina kondhomu, zvinoita uve CARRIER we chigwere chinohi CERVICAL CANCER chinova chava kuwedzera kuvakadzi nengari yechihure. Unokwanisa kukonzera mukadzi wako kuita chigwere ichi nezvimwewo vigwere.

Kana iwe nomurume/mukadzi wako muchigara kure nakure muchimboita nguva musingaonani, musingaisani, garoshandisa maoko kuzvifadza. Zvekuhura zvinowedzera dambudziko. Asi zamai kugara mese.

Kune vagere vese mudzimba, dai maita tsika yokuisana zvikuru kana une murume anotodawo kugarikuisa, rega aise agute. Hapana chakaipa chinobva pakuiswa chero kangani pazuva. 
28 Kuzvikwiza bhinzi kunobatsirei? Kuzvikwiza bhinzi kunonaka chose saka vanhukadzi vakawandisa vanozviita zvisinei kuti vane varume mumba here kana kuti havana. Chinongova chinhu chinonaka kuita wega. Vakawanda vane varume mudzimba vanoti zviya kana akaiiswa nomurume murume akamukasirira pakutunda, murume anokwanisa kubatwa nehope achisiya mukadzi achine zemo chose. Zemo rechikadzi rinononoka kupera rega saka vakawanda vanozvikwiza pamberi kusvika atundawo zemo ropera ozovata. Zviri nani chose pene kuzama kuvata hope une zemo.

Kotizve kana murume achikuisa iwe uchida kukasira kutunda, unokwanisa kuisa ruono pakati penyu wozvikwiza bhinzi murume achikukoira ari mukati.

Kotizve kana murume asipo, hushayi zemo uchiti nokuti murume haapo. Kana zemo rabata unokwanisa kuribvisa nokuzvikwiza bhinzi kusvika watunda.

Koizve kana watanga kudhonza matinji uchaona kuti kazhinji zvinokuitisa zemo zvokuti unoti wadhonza wopedzisira wozvikwiza bhinzi kusvika watunda.

Zvinonzi vakdzi vakambozvikwiza bhinzi vanosvika kuma 95%. Chinhu chakanaka kuita kuti uzive kuti chinokunakira chii. Kana wazove nemurume womuratidza maitigwe azvo agokubatsira. 
29 .Ko matinji anonzi chii nechirungu? Matinji pachirungu anohi LABIA MINORA. Maromo anonzi LABIA MAJORA. Zvese zviri pamwe chete asi kungori matinji ari nechemukati uyezve haameri choya. Kano ukaita zemo anontorova.

Maromo anozvimba kana une zemo, uyezve anomera choya. Kana une murume unofanira kugera choya kana kuveura. 
30 Zvinhu zvichena zvinobuda pam*eche pakusvir*a zvii? Tanga waverenga apo pakahi furo jena rinobuda. Kana pane zvausina kuhwisisa wozobvunza kuti tiwedzera.

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2014/04/furo-jena-rinobuda-muchitubu-pakurhojana.html

31 Mukadzi anoda nguva yakadii kuti agute pakus*irwa
Nyaya chaiyo iri pakuti varume vanokasirira vakadzi vavo.
Chokutanga nonoka kupinza chombo utanga wambotamba nomukadzi wako uchimukwidza zemo kusvika ahwa kuda kuiswa chose chose. 
Chechipiri kana wazopinza, tora nguva refu pakukoira.
Chechitatu kana wazotunda, nonoka kubatwa nehope umirire mukadzi ataridze kuguta. Kana ange asina kuguta mubatsire paanoshandira maoko ake iwe uchiitawo zvimwe kusvika apedza.
Vakadzi vanhuwo sezvakangoita varume. Umwe noumwe ane zvaanoda zvinomunakira. Asi tichitaura nezve ma AVERAGE, vakadzi vakawanda vanoda nguva yokukoigwa inopfuura 5 Minutes murume ari mukati achishanda, uyezve uku achiita zvimwe zvinowedzera. Hwisisa kuti isuwo tinoda murume anochemererawo. Zvinofadza kuhwa murume achinakigwa. Kungoti zii handizvo.

Chokupedzisira, Vata wakambundikira mukadzi wako kuti azive kuti unomuda. Kupiwa rudo kunorerusa hana zvobatsira kukasira kutunda. 
32 Hevoi mai Chibwe. Makorokoto egore idzva!! 

Ini ndaitawo dambudziko kumba kwangu. Ndaiita chihure a year ago. Ndakazozvisiya muna February then sometime muna June mukadzi wangu akabva awona magame andaiita kare awo. Handina kuramba kuti ndaidero, ndikabva ndakumbirawo ruregerero. Dambudziko rava pakuti since then ndiyo yangova nyaya zuva rega rega. Anopopota on the same issue daily zvekuti ikezvino ndave kutotya kuenda kumba. 
Nyaya yechihure mumba inonetsa chose nokuda kwezvikonzero zvayo. Chokutanga kuhwisisa ndechokuti hazviiti kuti munhu ahure agozoregera kuhura kwacho, saka kana ukamuregerera achatokuhurira futi, hazvinei kuti murume kana kuti mukadzi. Chinhi chimwe chete chinomisa kuhura kuchembera.

Saka kukumira regerero kazhinji kutamisa nguva yemunhu. Chinoita kuti munhu agare newe wamomuhurira kushaya zvokuita panyaya yacho nokuti akabva vana vanoshupika. Akagara anogara achiziva kuti haadiwi nomurume/mukadzi uye haaonekwi somunhu akakosha kana kuremekedzwa. Saka chokuita chaicho chakakodzera hapana. Kana akaramba nyakuhura wacho, zvoreva kuti achazodanana noumwe munhu futi, zvikuru akaramana nomurume/mukadzi, nenyaya yokuhurirana futi, saka hazvina zvazvinobatsira.

Nyaya yokuti anogaropopota panyaya iyi, kuperegwa nefungwa pakuzama kuhwisisa kuti chiiko chaange atadza kuita kusvika murume amuhurire. Iwewo dai ariye akahura, ukamuregerera, kuva ipapo fungwa dzako hadzigadzikani pazviito zvake. Unongogarofunga kuti pamwe ange ari kuchikomba. Kupopota haunonoki kana aita chimwe chinhu.

Zvokuita kutsvaka zuva ramunenge makasununguka mese wokumbira kutaudzana naye. Womutsanangurira chikonzero chaicho chaunofunga kuti ndicho chakakonzera kuhura. Zvadaro womupa PLAN yako yokuronga kuti usahurazve. Pamwe unokumira kuti akuatsire pane ichi neichi? 
33 Chikonzero varume vachida kuchecheudzwa ndenchei? Pane vaida mari vakauya kuZimbabwe vachitaura kuti varume vakachecheudzwa havabati HIV. Ndosaka  nyaya iyi yakapinda munyika yedu. Kwedu zvange zvisiko izvi. Zvaingoitwa nevaVenda vanobva ku Merengwa uko.

Chokwadi ndechokuti hazvibatsiri chinhu paHIV. Kana munhu achihura asina kupfeka condomu, hazvinei kuti akachekwa ganda here kana kwete. Murume wemuma ukaona oda zvokundochelwa, chiziva kuti chihure chauya mumba uye uchabata zvigwere nokuti iye achafunga kuti haabati chigwere ohura asina condom.

Kuchecheudzwa kunongodiwa kana murume ane ganda rinoshinya zvokugwadza kana muchivatana. Vashomanana varume vane dambudziko iri. 
34 Ndinodanana nomukomana uye tava negore nemwedzi miviri tichidanana. Ava kuda kuti ndipote ndichinomuuna pa weekend. Ndiri mhandara and ndotya kuvata naye.

Chii chandingaita?  
Taura naye umuudze kuti unoda chose kunomushanyira pa weekend asi mufungwa mako hausati wanatsogadzikana pazviri nokuda kwekuti zvingangoitika kuti munopedzisira mavata mese. Hauna kuzvigadzirira kuvata naye kusvika nguva yakwana. Kana achikuda ngaaronge nyaya yokuroorana nokuzikamwa nevabereki venyu. Zvadaro endai kuma Test mundoonekwa zvamuri mese, zvisinei kuti muri jaya nemhandara here. Kuenda kuTest mese chinhu chinoratidza kuti mava kuda kuwedzera pakudanana kwenyu.

Kana wazoona kuti nyaya yako yarerekera kwaunoda, unokwanisa hako kundoshanya asi enda uchiziva zvichaitika wasvikako. Fungwa dzinokundwa sima nezemo kana une munhu waunoda pamoyo. Saka enda une macondomu kana usingadi mimba. Usaita mimba yamusina kubvumirana kuti muite. 
35
Ko munhu akamanikidzwa

 kurarwa naye( rape) achiri mudiki will she still be a virgin akazoziva murume pakukura kwake
Kuhi mhandara zvinongoreva kuti hauzivi chomo chomurume. Hauna kumbopinzwa chombo Muchitubu kana kushure. Kubatwa chibharo inyaya inonetsa chose nokuti hauna kuzvisarudzira kubva humhandara asi hazvichaiti kuti uhi mhandara.

Kunge usina chivharo chepamberi uye kusabuda ropa pakutanga kuvata nomurume hazvinei nokuva mhandara. Unokwanisa kubuda ropa asi wakatombovata nevakomana vakawanda. Ukuzve unokwanisa kusabuda ropa iwe usina kumbovata nomukomana.

Mazuvano vanhu vava kuhwisisa havo zvishoma asi varume vakawanda vanoda mhandara pakuroora, hazvinei kuti iye murume akambohura zvakadii.

Kana wasangana nomurume mukadanana kana wakambobatwa chibharo, usavanzira murume anokuda nyaya iyi uye kumuudza maitikire azvo. Panyaya dzoumhandara udza murume chokwadi kuti kana achikuda akude sezvauri. 
36 . Chii chinokonzera kuti panhu pemukadzi panyorove? Chikonzero chikuru kuti mukadzi aita zemo kana kuti havi yokuda kuvata nomurume. Zvinonyorovesa mukati make kuitira kuti akapinzwa chombo asasvuuka kana kugwadziwa uye murume asazvuuka kana kugwadziwa asi kuti vese vanakugwe.

Asizve vakadzi vakawandisa vanokwanisa kunyorova chero asingatozivi kuti aita zemo. pamwe anonyorova ari kuhope kakawanda zvokutokwanisa kuisana nomurume vese vari kuhope. Pamwe uri kuasa pasina chinombokwanisa kukuitisa zemo unokwanisa kunyorova.
37 CANCER yemuchibereko inokonzegwa nei? Cancer yechibereko ine zvikonzero zvakawanda asi chimwe chikuru chazvo kusahwisisa nyaya dzokuisana nemurume wako.

Kutanga kuiswa makore asati akwana (18)
Kugaroiswa uri mwanana pasina kondom
Kuiswa nomurume akamovata nevakadzi vanopfuura 4
Kunge iwe wakavata nevarume vakawanda pasina condom
Kugaroiswa nomurume anomoisa mukadzi akamoiswa nevarume vakawanda.
Kumbobata zvigwere zvechihure.
Zvese izvi zvinoweddzera CHANZI yekubata CANCER yechibereko.

38 Kuchemerera ndine murume zvinobatsirei. Ndongoerekana ndochemerera asi hameno kuti zvinoitiswa nei. Kuchemerera kunongouya kwega kuvanhukadzi vakawanda vanonakigwa nokuiswa nevarume vavo. Kozoitawo vamwe vavotozviitisa kuchemerera kuti murume afunge kuti vari kunakigwa asi pasina. Kana muchisana muri vaviri pasina mukana wekuhwikwa nevamwe vanhu, usatya kuchemerera, zvikuru kana uchihwa kunakigwa nomurume wako. Hapana chinosvodesa pazviri. Mhomho yese mupasi rese vanochemerera. Handisu tega.

Zvinoitiswa nokunakigwa kusvika pakushaya zvokuita, chombo chomurume chichikwesha nokukwiza mukati mako ukuwo iwe uchihwa kuti murume ari mukati uye chombo chimire zvine simba chichipinda nokuuda iwewo uchichigamuchira zemo rakawanda mumuviri wako.
Poita TENSION yokuda kuva zemo. Ndiyo inochemedza iyoyo kunonokegwa kuviswa zemo. 
39 Murume wangu akandis*ira ndisingadi iRAPE here? IRape chaiyo asi inyaya yokuti ukanotaurira mapurisa anokwanisa kusungwa zvichibva nokuti muri munyika ipi. Asi iwewo kusada kuvata nomurume wako zvoreva kuti pane nyaya dzakawanda pakati penyu. Zviri nani mugadzirise nyaya dzenyu muenderere meri pane kusungisa murume kana uchimuda.

Imoverenga apa.
http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/07/kubatwa-chibharo-mumba-rape.html
40 Pamberi pangu panovaa zvokuti. Chingava chii? 

1.    Zvikonzero zvekuvava kwepameri kumunhukadzi ndeizvi zvinoti
2.    Chigere chakaita se THRUSH, Threadworm, Scabies, kana chimwe chezvigwere zvechihure
3.    Chigwere cheganda  chakaita se ECZEMA, kana LICHEN
4.    Kushandisa dzimwe sipo, PERFUME, DEODORANT, donje, mucheka webhurugwa, CONDOM,  dzisingawirirani neganda rako.
5.    Kutanda kupisika zvakanaka pakuenda kutoireti, zvobva zvavhenganisa maBActeria eshure neemberi. Unofanira kupisika uchienda shure kwete mberi.
6.    Kubata mimba kunoitisa kuti pabude zvimvura zvakasiyana uyezve unokwanisa kuwedzera kuzvima pakuita zemo.
7.       Kana une mwana ari pazamu zvinoderedza mamwe maHOrmone echikadzi zvokwanisa kukonzera kuvava.
8.       Zvigwere zvinoti Diabetes,  kana Cancer

Nokuda kwekuwanda kwezvikonzero kasira kundotariswa uudzwe kuti chii, zvikuru kana pane bundu rimwe chete guru, mapundu madiki akawanda, kana kuti pachibuda hwema hwakaipa. 
41 Chii chinoitika musikana akagara achibatwa mazamuZvinobva nokuti musikana wacho ane makore mangani ye kuti anobatwa sei mazamu acho.
Kana ane mima, akagarobatwa batwa mazamu kana kuti murume wake akagaromwa minyatso yemazamu anokwanisa kutanga kuuda mukaka mutete.

Kana ari mwanana anokwanisa kugwadziwa mazamu.

Kana ati kurei uye achidanana nomurume ari kumubata mazamu uyezve murume wacho achimuatawo zvakanaka, anokwanisa kungoita zemo zvokusvika pakuda kuiswa nomurume wake.

Kana akabatwa mazamu nomunhu waasinei naye akandoudza mapurisa munu iyeye anokwanisa kusungwa. 
42 Chingaratidza kuti musikana imhandara chii? Hapana chiratidzo chekuti musikana imhandara. Kuhi mhandara kureva kuti hauna kumbovata nomurume ukapinzwa chombo mukati mako zvisinei kuti wapinzwa pai,

Vamwe mazuvano vanongobvuma kupinzwa kushure kuitira kuti kana azowanikwa murume wemumba awanike pamberi pakavharika. Hazvirevi kuti musikana imhandara.

43 Ndoshanda kure ndichiuya kumba paweekend. Mukadzi kana ndiri pamba anokasira kunorara, omuka kuseniseni oenda kunogara pasofa. Chingava chii. ndikamubata anoita kuvhunduka.
two months pasina sex. 
Nyaya dzkushanda kure nomukadzi/murume idzi ndidzo hadzo asi dzine mashoko. Munhu wezera diki haafaniri kugara kure noumwe wake. Kana zvichikwanisika zamai kugara mese pamwe chete.

Maitire emukadzi awa zvinokwanisika kuti pane nyaya
1 Ari kugumbuka kuti murume wake haapo nguva zhinji
2 Ane siki yaasingadi kukupa
3 Ane mimba inokwanisa kuvengesa murume
4 Pane chaakatsamwa chinoda kutauriranwa

Kune vanhu munyika vanovhenganisa nyaya dzefungwa nedzemuviri. Sokuti mukatukana iye oramba kuvata newe. Kusahwisisa kuti kutukana ndekwefungwa. Kuisana ndekwekutaridza kuti muri mhuri imwe chete.

Chokuita kumubvunza kuti nyaya yake iri papi uye kumutsanangurira kuti mamirire akaita zvinhu zviri nani usauya hako kumba pa Weekend pacho nokuti hakuna wauri kuvinga. Chirega iye azvitaurire kuti chii chiri kuitika. Iwe woterera wozobvunza mibvunzo apedza kutaura. Usamubvonyonga kusvika apedza. Usamutsamwira kana kupopota. Rega muridzi azvimiririre ataure nyaya yake kubva painotangira kusvika painoperera.

Zvadaro chimubvunza kuti saka ange achifunga kuti zvoitwa sei sezvo ari kufunga kuti kusada murume zvine chazvinomubatsira.

Uchaona kuti kana wapa munhu zheve kuti ataure nyaya anoita CONFIDENCE yokutaura zvakawanda, nezvimwe zvaange asingadi kukuudza. 
44 Mai Chibwe, Ndibatsireiwo. Ini ndoti ndikamutswa usiku zvinondinetsa kuzobatwa nehope. Murume wangu anoda kundis**ra ndakarara, zvinova zvinondimutsa ndozoshaya hope iye arara. Ndingaita sei? Vakadzi vashomanana vane varume vasingamutswi usiku panyaya yokuvatana. Vamwe vanozvigamuchira vamwe vanozviramba. Ini hangu sokuona kwangu munhukadzi anokwanisa kudzidza kuiswai ari kuhope, zvokuti kana kumuka haamuki. Kazhinji ukataura nevamwe vane varume mumba vanotokuudza kuti pamwe unomuka makuseni uchitowana zvidya zvakaomera urume, kureva kuti wakaiswa uri kuhope.

Murumewo anokwanisa kuita tsika yokupinza mukadzi wake ari kuhope iye murume. Zvikuru vaye vano vata vakagumbatirana,

Kuiswa uri kuhope kana kuti mumutswa kuti uiswe hachisi chinhu chakaipa. Kana zvichikushungurudza udza murume wako kuti kana afunga kukuisa uri kuhope ngaachifungawo kukunonokera kuti uwane kuguta pazviri. Ndizvo ugokasira kubatwa nehope ugovata zvakanaka. Kana mukaisana mambovata ukatadza kunatsa kuguta, kana murume apedza, iwe zvipedzise nemawoko kuti ukasire kubatwa nehope.

45 Chii chinoita kuti mukadzi ahure? Kuhura kwevakadzi nevarume kwakangoda kufanana pazvikonzero. Chikuru chezvikonzero izvi ndechokuona mubereki achihura. Mwana akurura mumhuri inevabereki vanohura kazhinji haazezi kuhurawo. Kuvanasikana mai vakahwisiswa kuti vanohura, mwana achadawo kuhura, Kuvakomana, zviito zvababa ndizvo zvavanotevedzera. Vana vane baba vanorova mai kazhinji anozorovawo mukadzi wake kana ava naye. Musikanawo anoona mai vachirohwa nababa achadawo kurohwa nomurume, nokuti anofunga kuti ndigo rudo.

Chimwe chezvikonzero zvekuhura kumhura murume/mukadzi wako kumuona semunhu asina basa kana chiremera.

Kotizve kusazviremekedza iwe munhu, kuzviona seusiri munhu ane basa asi uri munhu ari pasi pasi vamwe vaunoona vari pamusoro.

Munhukadzi kazhinji akawana rudo kumurume wake mumba uye murume achitaridzawo kuti munhu ane AMBITION uye anoronga upenyu zvinoonekwa, ari munhu anoti kana pane nyaya anotaridza AUTHORITY yokuva saimba asi achitererawo mafungire emukadzi wake. Murume akadai anokudzwa nomukadzi wake murudo. Anofarira kufadza mukadzi wake uye anoda kugarovata nomukadzi wake zvisinei kuti vatukana kana kuti paitikei. Haatsamwe vhiki yese. Haamhuri mukadzi kana kumuita chimwana chidiki asi kumuita mai vemba.

Anoshamwaridzana nomukadzi wake. Mukutambura vanotambura vese murudo. Mukufara vanofara vese murudo.

Vakadzi vashoma vanohura vachiti nokuti anyengwa nomurume asiri wake. Varume akangonyengwa nechihure chemuraini otofunga zvokuhura. Vakadzi handito tsika yavo kuhura kwavo kazhinji kunoitiswa nezviri kuitika mudzimba dzavo. 
46 Humhandara hunooneka sei? ndine musikana andinodanana naye. Ari kuti iye imhandara asi ini pane zvandingaita here kuti ndizive kuti ichokwadi? Hakuna zvaungaita kuti izive kuti musikana wako imhandara zvechokwadi. Kana ari munhu akangwara anokwanisa kukufungisa kuti imhandara asi iye asiri. Iwe unokwanisazve kuvata naye ugofunga kuti ange asiri mhandara asi iye ari mhandara.

Chikuru kumubvunza iye okuudza zvaari. Kana achikuda anokuudza chokwadi. Kana asinganatsi kukuda anokuudza nhema.

Asi mazuvano humhandara hahuchina basa sakare. Mese vakomana nevasikana mangove vanhu vakambovata nevamwe vanhu kare asi musina kuroorana. Kana uchida mhandara tsanangurira musikana wako kuti zviri nani akuudze chokwadi.

47 Kana munhu abiswa
 chibereko anenge
 achizoita zemo here
 rokuda murume?
Kubviswa chibereko hakunei nokuita zemo. Chibereko basa racho kutakura mwana chete kana muridzi ane mimba.  Kuchibereko kana muchivatana hakunei nokuvatana zvachose. Hakuna kana ma NERVES angahi anohwisa kunaka kwekupinzwa chombo kana. Hakusviki chombo pakuvatana. Hazvinei nazvo zvachose. 

Kubviswa chibereko zvinongoreva kuti haachabati mimba. 

Zemo rinoitwa kubva mufungwa kufunga zvokuda kuiswa, chinotanga kudavira kuti fungwa dzafunga zvokuiswa ibhinzi. Bhinzi kumuka kwayo ndiko kunyorovesa mukati nokuzvimbirisa matinji. Chibereko chiri mberi uko kusingasvikwi. 

Kana murapi ati bviswa chiereko, enda undobviswa. Zvadaro ndipo pauchatowedzera kuda kuiswa nokuti zvemimba hauchazvinetsi nazvo. 

48 Kana murume achihura unoitaseiMurume/mukadzi anohura haasi wekuchengeta noti unofa uri mwana mudiki.  Chihure hachisi chekutarisa chichiitika iwe uchifunga kuti pane zvaungaita kuti murume arege kuhura. Kuhura hakuitiswi nezemo. Dai riri zemo murume aingouya kumba ukuti bvisa bhurugwa. Asi bodo, anondovata nehure ipapo asingashandisi KONDHOMU ouya kumba ovatazve newe. Chihure chinoitiswa nokumhura munhu waunaye. Hapana zvaunokwanisa kuita kuti asahura. Munhu ambohura haaregi kuhura. 
49 Kana mukashanyirwa nevanyarikani vanenge ana Baba, zvinoreva here kuti munombomira zvepabonde. Zvinhu zvinogamuchirika here kuti muite zvebonde imi miune vaenzi?

Kana muchigara pamusha usingakwanisiki kuti muvatane zvisingahwikwi nevashanyi, zviri nani mumbomira kusvika vaenda. Asi hazvirevi kuti munomira zvachose. Zvinongoreva kuti musaitira mumba kana vashanyi varipo. Kana muchigara mutaundhi, zvinoti netsei. Kana muri kumusha zvinokwanisika kuti munongobuda moenda kumunda kana pamwe pasingaonekwi nevashanyi. Munokwanisazve kundogeza mese muimba yokugezera, moitira ikoko mogeza modzoka.

Asi hazvifaniri kuti muhwikwe nevashanyi muchiisana. Bodo, handizvo. Hazvigamuchiriki kuvashanyi vakawanda. Kana vari vabereki vanofuma vachioneka vachidzokera kwavo nokuti vanoona sokuti havana kupiwa rukudzo. 
50 Vamwe vanoti kana mapedza bonde mudzimai anofanirwa kunoita weti kuti adzivirire kubatwa nema UTI. Ndizvo here?Hapana chinganzi chinokonzera UTI pakuisana kwevanhu. Kana dai chiripo hazvaikwanisika kuti chibviswe nokuweta.

Weti inobuda mu BLADDER. Kuisana kunobva pakupinzwa chomo muchitubu chiri nechekuzasi kwepanobuda neweti. Hazvina kusangana pamwe chete saka hazviiti kuti weti pakubuda kwayo ibude nezvabva kuzasi.

Iyi inyayawo haho kuda yakabva pavarume vakadhakwa. Hakuna munhukadzi anohwisisa muviri wake angafunga nyaya yakadai.

Chimwe chezvikonzero zve UTI kushaya utsanana kwemukadzi, sokoti anogaropheka mabhurigwa akasviba, kusageza zvakanaka pamberi uti kusagona kupisika kana aenda kuTOILET.

Kuisana kunokonzera UTI kana umwe wenyu asina utsanana, uye kana murume achipota achimbokwiza matinji nechombo chisina kugezwa kana kuti kubatabata pamberi pemukadzi nemaoko asina kugezwa nesipo.

Kuweta zvinombosiya imwe mvura kunokonzera UTI iri ngari yokuti mvura usina kubudiswa inoita maINFECTION.