Tuesday 25 October 2016

Nyaya yokugarira vana muchato chaiwo pasisina.

Kune vanhu vakawanda chose vanokoshesa vana vavo zvokuti unoona mai vevana vachiita sokuti vari kugamuchira zviito zvemurume zvakaipa chose chose iri ngari yokuti vanokoshesa nyaya yokurera vana vavo.  Tichada kutaura zvishoma nenyaya iyi pano

Chokutanga ndechokuti tibvumirane kuti kana tichiti muchato wapera tiri kureva chimwe chezvizvi chaitika.

  1. Murume haachakudi uye akuudza kuti haachakudi
  2. Murume ari kukuhurira 
  3. Mhuri yomurume haichakudi uye murume ari kubvumirana nazvo
  4. Iwe hauchadi murume.
Zvadaro unoona mukadzi anohwisisa nyaya yake kuti shuwa pano rudo hapachina, anogara achizviudza kuti ari kugarira vana vake pamurume asinamudi. Chii chinonzi kugarira vana? 



Chechipiri ndechokuhwisisa kuti hakuna munrume anogarira vana vake. Varume vanu vanoona sokuti vana namai vavo zvakangofanana. Kana asisadi mai vevana zvoreva kuti vana haachinawo hanya navo. Vongofunga nyaya yekubhadhara mari yechikoro neyokutenga mayunifomu. Zvokuti vanoreriwa sei zvosarira mai vavo. Haumbooni munhurue achinetseka nenyaya yokuti vana vake nomukadzi waachisadi vavata nguvai uye vadyei kana kuti vadzidziswei. Kutomirira kuona chakaipa chinoitwa nomwana kuti agokwanisa kutuka mai vemwana kuti havagoni kuchengeta vana. Zvokuti iye haasi kutombochengeta kana kamwe chete haazvioni. Ndiwo maitire evarume vakawanda.

Mukadzi anogarira vana vake pamurume asingamudi munhu asina STATUS yemukadzi wemumba. Haana Status yomukadzi wekubika mapoto. Haana Status yeGIRLFRIEND. Haana kana STATUS yehure remurume wake. Haana remekedzo yokuhi mai vemusha. Saka anohi ani pamusha waagere?  Tichitarisa tinoona kuti maitire ake zuva nezuva akangofanana neemukadzi wemumba. Vanomutarisa vasingabvunzi kuti zvinofamba sei hapana chanoona chakasiyana nezvaachiita achiri kudiwa nomurume.


  1. Anobika murue achidya
  2. Anowachira murume
  3. Anoainira murume hembhe dzokupfeka
  4. Anowaridzira murume mubhedha wekuvata
  5. Pakunovata murume, chero abva kuhure rake, akada kuvata naye, anovata naye asi asingamudi kana kuva nehanya naye.
  6. Mukadzi anopiwa mari yokumagirosa asi haakwanisi kumburena kuti haikwani kana kutenga zvaanoda iye, kana kutumira vabereki vake imwe yacho.  Mukadzi uyu haana STATUS pamusha uyu. 


Ndizvo tichibvunza kuti anozvifambisa sei? Vakawanda vedu havahwisisi kuti nyaya yokugarira vana inofamba sei. Vana ndevenyu mese saka kana muchato waparara unokwanisa kubvapo wosiya vana woenda kwaunokwanisa kurarama wega, murume osara achichengeta vana vake ega.

Kune vakadzi vanoona sokuti hazviiti kuti hure remurume riuye rizochengeta vana vake iye ari mupenyu.

Vanhu vakarambana zvine mwero vanoendesana kuCOURT vondobvumirana kuti voita sei. Kana vane musha vanohi govanai musha wenyu uyu hafu uyu hafu, mai vopiwa vana kana vari munhu akakodzera, baba vohi potai muchibatsira kuchengeta vana nezvimari pamwedzi pamwedzi. Nyaya yomira yakadaro kusvika vana vakura.

Isu pano tiri kubvunza nyaya yomunhu anoziva kuti haadiwi asi anozviudza kuti ari kugarira vana vake pamusha. Anoudza here murume kuti abva pakuva mukadzi wemurume uyu ava pakungova HOUSE GIRL wevana. Anoudza murume here kuti ngaachiita hake zvaanoda kuita nevamwe vakadzi nokuti muchato wavo hapachina. Anoti chii pakunovata? Anobvumidza murume kuuya kumba nehure here achivata naro iye aripo akamiririra vana vake?

Panyaya dzakawanda  dzinozvokugarira vana izvi, tinoona kuti chokwadi mukadzi achiri kungoiswa nomurume wake chero musi wada murume kuisa. Hakuna chinhu chinotaridza kuti uri mukadzi wemunhu kupfuura nyaya yokuti chero murume paadira anokuisa uchimubvisira bhurugwa wega pasina mubvunzo, achiti akati fongora, akati vhura makumo, akati simudzira chiuno, hauiti nyaya nazvo unongotevedzera zvaari kuda izvozvo. Mukadzi wemunhu akagarira kuva mukadzi wemunhu ndizvo zvaanoita pamusha wake.

Iwe kana uchiti musha uyu hauchisiri wako, Murume haasi kukudzinga, zvawabika anodya, bhurugwa ukabvisa anokuisa. Chasiyana chii? Toona sokuti hapana chasiyana pakuri uri mukadzi wake kana kuti wakangogarira vana vako. Changosiyana ndechokuti hauchakwanisi kubvunza kana ukaziva kuti ange ane hure rake.  Unongopiwa zvigwere zvaabva nazvo kuhure. Saka apa wada kuchinjana upenyu nehure. Iwe ndiwe wava HOUSE Girl with sexual benefits.  Hure rake rave mukadzi wemumba.

Chiri kuitisa kuti murume asashingirira kukudzinga pamusha ndechokuti anoziva kuti hauna kungogarira vana vako. Nyaya yokuudza vanhu kuti wakangogarira vana iyi inyaya yokuti wapera mazano panyaya iri kukukonzera kufunganya, asi unoziva kuti murume wako anokuda uye iwe unomuda asi kungoti muri kukonana pane chimwe chinhu. Mese hamusi kuda kugadzirisa chinhu ichocho.

Sokuona kwevaoni. mukadzi akadai mukadzi wepamba apa. Zvese zvekugarira vana ndezvokuti awane mataurire ekukoniwa kwake kugadzirisa nyaya dzake.

Sokuti murume oti anoda kuroora mukadzi wechipiri. Mukadzi oti haazvidi asi kubvapo haadi futi. Zvinotoreva kuti murume ari kuvata ne SMORO HAUSI iya asi vahosi vari kuita sokuti hazvisi kuitika. Panozosvika pakuti chimuhure chiya choita mimba, kureva kuti icho hachina basa nokuzoita mukadzi wechipiri, vahosi ndivo vari kutsika madziro. Mimba yavapo muhure osvika pamusha. Murume nokusapiwa mvumo anoti kana usingadi kuti uyu auyewo chienda hako kwenyu.  Nyaya yakadai ndiyo inowanzoti mukadzi oti ava kugarira vana asi chokwadi chiri chokuti anodawo murume.


Kana uri umwe wevanamai vakadai tiudzewo nyaya yako timboiterera.

  1. Zvinofamba sei mumba menyu?
  2. Wakangogarira vana chete, uchiri mukadzi wemurume uyu here kana kuti kwete?
  3. Iwe nyakugarira vana unowanei pazviri?
  4. Zvinobatsira vana here kana kuti zvinokanganisa vana?
  5. Ko sei kusina murume anogarira vana vake kana muchato wapera?
  6. Ko kana vana vazokura vakabva pamusha unozvifambisa sei? 


Zvinoita here kugarira vana chete pamurume asisina hanya newe? Unomuudza kuti kudii murume wako?

TIUDZEIWO VAKAGARIRA VANA 

No comments: