Monday 22 August 2016

Mibvunzo ne Mhinduro 6

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 5 yakazara saka tava kutanga rino. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 5, 4, 3, 2, 1. Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi.
Ndatenda

1 Kurera mwana wemurume. Mukomana wangu akamitisa umwe musikana asi haana kundiudza kusvika tachata. Zvino ava kuda kunotora mwana kuti ini ndirere. Zvinoita here kurera mwana weumwe mukadzi iye ari mupenyu.? Ini handina mwana naye.  Hazviiti zvachose. Kana achida kuona mwana wake anomuonera kwamai vemwana kusvika mwana ava nemakore 18. Hazvina kunaka kutora mwana kumubvisa pana mai vake kumupa kune umwe munhu kuti ave mai vake pasina chakaipa chaitwa namai vemwana.

Mwana anofanira kureriwa nevabereki vake mai nababa hazvinei kuti vari pamwe chete kana kuti vakaparadzana. Kana achiri mudiki anofanira kuva namai vake. Kana akura akazoda hake kuva nababa vake zvava kwaari.

Asi iwewo chihwisisa kuti murume wako ane mwana noumwe munhu. Kana munhu iyeye asinganyanyi kukunetsai, iwe gamuchira mwana paanouya kuzoona baba vake. Hwisisazve kuti uchagarofunganya pamusoro pemwana uyu zvokuti kana murume wako akaenda kundoona mwana, uchafunga kuti ari kuvata namai vemwana. Ifungwa chete.

Kana uchida murume wako gamuchira nyaya dzake mugare zvakanaka. 
2
Chii chinokonzera kuti pakusvirwa dzimwe nguva ndotunda dzimwe nguva ndotadza kutunda asi pasina chandinoona kuti murume asiyanisa. Ndenge ndichidawo kutunda asi dzimwe nguva ndinotadza. Chingava chii? 
Aaaah iwe, vanukadzi vanoita orgasm pakuvatana nguva dzese vashomanana. Vanoita pano neapo vanosvika kuma 35% yevakadzi mupasi rese. Vanoti vakaita nhasi vombokangamwa vozoitazve pava paya ndivo vakati wandei. Asi kune vanopfuura 30% vasingatombozivi kuti chinohi ORGASM chii.

Kuti kungoita pese pese kashoma. Variko have vanoti kungovhuriswa makumbo votopedzisira vaita asi vashoma. Kuti Orgasm inoitiswa nei mubvunzo unonetsa kudavira asi kungoti zvinobva mufunga mako uye kuti wakasununguka zvakadii nomurume wako, unoda kuiswa zvakadii, zemo rakawanda zvakadii, uye inguva ipi yemwedzi. Koitazve zvimwe zvatisingazivi. Zvese izvi zvinoshanda pamwe chete kukuitisa Orgasm pese paunovata nomurume wako.

Vakadzi vanojaira kuzviitisa Orgasm murume asipo, nokuzvikwizirira bhinzi, vanokasira kuita pakuiswa nomurume kana ari murume anononoka kudiridzira urume pakuvatana. Kotizve unokwanisa kuti uku murume ari kukukoira uku iwe uri kuzvikwizirira bhinzi, nguva imwe cheteyo. Zvinoita ukasire kuita.

Kune vakadzi vakawandisa vasingakwanisi kuitiswa nokupinzwa chombo chete pasina kutambiswa bhinzi, koita vakadzi vakawanda chose vanokasira kuita kana murume achisveta bhinzi.

Kana iwe uri pamusoro pemurue unokwanisa kunangisa chombo kuti chindogofa madziro ekuno kumusoro kuguvhu panova pane nzvimbo inohi G-SPOT inozvimbirira kana une zemo. Zvadaro unokwanisa kuita Orgasm nokuti kugofiwa ipapo kunonaka. Zviri nani kukwira murume pane kuti iye akukwire nokuda kwekukwanisa kunangisa chombo paunohwa kunaka.

Kupakicha makumo pamafudzi emurume muchiisana kunoita futi kuti chombo chinange pa G-SPOT apo saka unokwanisa kukasira kutunda. 
3 Kana mwana azvagwa ndinodzora sei dumbu kuti ndisaita sendinemimba?  Chokutanga ona kuti kuzasi kwakanana uye hakusi kuvhinza ropa. Kana waitwa masitichi, ona kuti kwapora usati watanga zvimwe. Zvadaro chitanga kudya zvakakodzera nokumwisa mwana.

Pazuva rimwe nerimwe, famba famba, sokuti KILOMETRE imwe chete pazuva kana zviri nyore ita mbiri.

Itazve ma SIT UP zuva nezuva.
Itazve mamwe ma EXERCISE akasiyana siyana.
Zvese dumbu nekuzasi zvinofanira kudzoka panzvimbo dzazvo pamavhiki matanhatu. Varapi vanoti musatanga kuvatana mwedzi nehafu zvisina kupera kubva musi wekuzvara, asi pamwe nguva iyi inopera usina kunatsopora saka mirira futi. Hwisisa kuti unokwanisa kuita mimba saka imboshandisai makondomu.

4 Ndibatsireiwo pakufunga. Murume wangu akauya kumba ndokutanga kuchema kusvika ndamuvunza kuti zvaita sei. Akandiudza kuti akavata na EX wake asi ari kukumbira regerero uye haachazviiti futi nokuti anondida.

Ndoitawo sei? Sei andiudza. Adii kungonyarara hake? 
Zvinoita sokuti murume wako akahura ndokuvhunduswa nazvo nokuti anokuda, ndokushaya kuti zvaitika sei. Kuzokuudza uku ange achida kuti zvibude mufungwa dzake kuita sokupakurirana dambudziko rake kuti rionekwe ritaugwe rigadziriswe.

Ndahwisisa kuti iwewo zvakuvhundusa asi hwisisa kuti ari kukuudza kuti uzive zvaari uye kuti uhwisise kuti anoziva kuti aita chinhu chakaipa. Zvinotaridza kuti anokwanisa kusazozviita futi, asi unofanira kumubatsira kuhwisisa kuti zvaitika sei kuti azive zvokuita kana CIRCUMSTANCE yacho yaitikazve.

Chokutanga fungisisa nezviitiko zvemuba menyu kuti unoda here kuregerera murume anoti akanganisa ouya kumba okuudza zvaaita usipo, okumbira regerero. hwisisa kuti aikwanisa kungonyarara iwe wosamboziva kuti ndizvo zvaaita. Isu tinokwanisa kukuudza kuti ita ichi kana icho asi iwe ndiwe unofanira kufunga wega zvokuita.

Inyaya huru yaitika chose asi funga zvokuita kuti isauraya upenyu hwako. Kuregerera munhu ahura kunonetsa uye funga kuti dai uriwe wangoerekana wahura, zvaiita here kuti uuye kumba uudze murume kuti zvaitika asi wange usingadi kuhura uye haudi kuzohura futi, aikwanisa here kukuregerera?

Nyaya ngaisvitswe kuvabereki vese vakubatsirei asi pauviri hwenyu kana wakwanisa kumuregerera taurai muhwisisane kuti zvaitiswa nei uye achazvidzivirira sei. 
5 Batsirai mnin'ina wenyu sisi. Ndinoita zemo masikati. Murume zvokuisana masikati haadi. Manheru ndizvo hazvo asi inguva yake, ini ndoda masikati.  Kana akati kamwe pavhiki masikati ndingafara nazvo. Pane zvimwe zvese tiri tese. Tongai tinzwe.  Zvinobva nokuti mune makore mangani okuerekwa. Kana murume ari pasi pemakore 45 zvinoreva kuti munhu anokwanisa kuvata newe kaviri pazuva. Saka munokwanisa kuti manheru movatana, masikati movatana futi, zvikuru paWEEKEND musingashandi kana musina vana.

Nyaya inonetsa zvokuvatana masikati ndiyoyo yevana. Zvinonetsa kuronga kuti vana vawane kokumbonotamba kuti muwane nguva yokutambawo. Asi iwewo ndoona sokuti uri kuisa murume pakaoma nokuti zvinonetsa kuti ave kumba masikati kana achishanda.

Kana asingashandi iwewo usingashandi zvinoreva kuti munokwanisa kuita sharaude. Kana achiramba unokwanisa kumukwezva nezvakawanda, sokuti unokwanisa kumuti asarudze chero chaada kuitigwa asi iwe uchamuitira masikati chete. Pane zvakawanda zvaunokwanisa kumuti awane zvaasingakwanisi kuramba nokuti zvinonakira varume vakawanda. 
6 Tava negore nehafu taroorana. Mukadzi wangu ndomuda chose asi kungoti kanyaya kadikidiki kekuti pabonde tinotanga tigodii tigodii kusvika tapedza asi hapana sound inobuda pamuromo wake. Kungoti ziii. Chiuno ndini chete. iye kungogamuchira akaoma mutezo. Pane zvandingaitawo here, kana kuti haasi kunakigwa nazvo?  Pane nyaya dzamunofanira kutaurirana kusvika mahwisisana panyaya dzenyu. Zvinokwanisika kuti :
1 Mukadzi wako haana kusununguka pabonde. Chinhu chinomunetsa kuhwa akasununguka zvokukwanisa kuchemeerera pamunoshanda basa. Kana zvirizvo iwe ndiwe unosunungura mukadzi wako. Pane zvaari kutya pauri saka tauriranai muhwisisane. Iwe tungamira pakutaurirana.

2 Mukadzi wako haanakigwi pakuisana kwenyu zvoreva kuti hamusi kuisana zvaanofarira kana kuti iye munhu asina hanya nokuisana nomurume wake. Kune vanhu (varume/vakadzi) vasingatohwisisi kuti chinonaka pakuisana chii.

3 Anokwanisa kunge achitofarira chose kuisana asi asingatozivi kuti pane zviwe zvaanofanira kunge achiita. Kazhinji kuchemerera kunongoitika kwega zvisiri zvokuti munhu anofunga kuti dai ndachemerera.

Tauriranai kusvika mahwisisana kuti nyaya chaiyo iri papi. asi tanga nokumusunungura pakutaura kuti pasava nezvaanotya kutaura pamberi pemurume wake. Vamwe venyu imi varume munoda zvokuti mukadzi akukudzei sezvaanoita baba vake, kureva kuti anozosvoda kuita zvimwe zviitwa pamberi pako. 
7 Ndine mudzimai wangu
wandinodisisa. She is 8 months pregnant. Pese pandinomubata kuti tiite bonde paye paanenge ave mugiya kunengo yake
kunobuda zvinhu zvichena zvinenge mukaka Inini chandirikuda kunyanya kuziva Ndechekuti zvirinormal here izvi
Kana munhukadzi ane mima, anokwanisa kubudisa ma DISCHARGE akasiyana nezvaanoita asina mimba. Hapana chakaipa uye Hapana chinokonesa kuti muvatane. Kuvatana une mimba kunokonzeresa kuti kuzvara kuite nyore zvichibva nokuti nyamima anoguta here pakuiswa nomurume. Torai nguva muchiisana uye murume ngaanatse kusiya urume mukati memukadzi. Urume hune ma CHEMICAL anobatsira pakuzvara.

Asi hwisisai kuti Orgasm yemukadzi inokwanisa kutanga kuzvara kwake mwana kana kuzvara kwava pedo.

Hapana chekutya. Isanai makasununguka asi kungoti mochenjerera kuti kana DISCHARGE ichipa hwema hwakaipa zvoreva kuti ane infection saka mokasira kundorapwa. Kana pasina hwema hwakaipa hapana chakaipa. Isanai henyu murudo. Moshandisawo maitire asinganetsi mukadzi, sokuti avate nedivi murume opinza nekumashure, kana kuti mukadzi ofongora. 
8
Ini nomukadzi vangu  tichangobva kuwana chikomborero chamwari chemwana. Nyaya  yaita ndeyekuti mukadzi wangu anoti mazamu ake  handichafanire kuabata nekuti mwana arikuyamwa nekuti  zvonoita kuti mwana arware.

Ndisingazive kuti ichokwadi here  kuti mwana anorwara. Zvimwe zvese kuita tinoita asi nyaya  iyo ndoyadzisikuziva.
Kana mwana achangozvagwa anenge asina RESISTANCE yezvigwere zvepanyika zvevanhu saka anokwanisa kubata zvigwere zvakati wandei. Zvikuru zvacho zvinobva kune vamwe vanhu zvikuru vemhuri. Anowana RESISTANCE yokutanga kubva kumukaka wamai wezamu, ndoosaka muchikurudzigwa kumwisa mwana zamu. Mukaka webhodhoro hauna zvakawanda zvine mukaka wezmu.

Mwana anomwiswa zamu kakawanda pazuva asi mcho kuda kamwe kana kaviri pazuva, saka zviri nani kuti vanhu vakawanda vasabata bata mazamu amai vemwana. Murume ngaamborega kubatabata mazamu emukadzi kusvika mwana ati kurei, asi kana murume akatanga ageza maoko nesipo, hapana chakaipa. Varume vakawanda havagezi nesipo vasati vauye kuzovata.

Saka mukadzi wako ahaasi kukuudza nhema asi kuti ari kungoti muwedzere utsanana pazvokudya zvemwana apa. Mwana anokwanisa kurwara neutachiona hwabva pamaoko ababa. Asizve anokwanisa kusarwara. Zvinongobva nokuti baba vange vachiitei vasati vabata mazamu. Vanhurume zvokukwenyakwenya vanozvida saka utachiona hunenge huripo pamaoko.

wedzera kugeza nesipo chete kuti zvifambe.

9 Pabonde nomurume ndinohwa kuda kuita weti asi ndikaenda kutoireti hapana chinobuda. Zvinoitika zvikuru kana ndiri pamusoro pemurume. Chingava chii?  Kune vakadzi vakati wandei vanodaro, iri ngari yokuti BLADDER inobata weti iri pedo pedo nemadziro echituu zvokuti inogofewa paunogofewa nechombo chomurume mukati mako. Kana uri pamusoro pemurume chomo chinonanga kumadziro akatarisana nokune BLADDER zvoreva kuti unonatsogofewa ikoko wohwa kuda kuweta cheto muBLADDER musina weti.

Kotozve madziro ekuno mberi kwakanangana nebhinzi ndiko kune nzvimbo inohi G-SPOT inoti ikagofewa inonaka kupfuura dzimwe dzese uye kugofewa kwayo kunokwanisa kuti munhu kadzi anakigwe kusvika pakubudisa mvura isiri weti. Saka pamwe unenge uchitosvitswa pedo nokubudisa mvura iyi. Imbozama kuwedzera kukoirana nomurume paunohwa wava kuda kuweta pacho uone kuti zvinogumirepi. Unokwanisa kunakigwa chose. 
10 Ndezvipi zvinonzi "utsanana pabonde" ?  Gezai mese musati mandovata. Mutemo wechivanhu unoti isira murume mvura yokugeza iwe ugezevo kuti mundosangana makagezerana. Zvinoitigwa kuti mukwanise kuita zvese zvamunoda kuita pasina anofungira umwe kuti ane svina.

Pakuisana fanogadzirira tawero rokuzoti mapedza wopukuta murume chombo wobva wazvipukutawo kana kungoisa tawero pakati pemakumbo kuti urume hunovhinza huvhinzire patawero. Kana murume wako ane utano hwakanaka anokupa urume hwakati wandei musi umwe noumwe. Humwe hwacho hunovhinza mapedza, zvichiitiswa nokudzoka kwechituu panovhomogwa chombo. Madziro acho anosangana osvina urume hushoma hwobuda. Uzhinji hunosaramo hwogara kwemazuva anosvika matatu huri upenyu zvokukwanisa kukuitisa mimba.

Kana wapedza kuvhinza bvisa tawero riya kuitira kuti murume akamira chomo iwe uvete akwanise kukuinzazve chombo pasina chakadzivirira. Unokwanisa kuiswa kusvika murume atundazve urume uri kuhope. Chinhu chokuti mukadzi wese ane murume anoita pamwe asingamuki, pamwe achiita seanorota izvo ari kutoiswa. Varumewo vanokwanisa kupinza mukadzi, kukoira mukadzi nokusvika pakutunda vasina kupepuka. Ingari yokuti majaira kuvata mese.

Mangwana unokwanisa kumuka wakapupira urume hwakaoma muzvidya. Hapana chakaipa. Kana murume achida kukukwirazve mangwanani iwawo vhura akwire. Mapedza pukuta muchibva matanga mabasa enyu. Utsanana kungogeza musati matanga chete. 
11
Ndakaroorwa August 2015. Ipapo murume ange asinganatsi kuda kuvata neni. Aingoti kamwe kana kaviri pavhiki. Ndakazama zvese ndikatadza kusvika ndanoudza tete vake muna December 2015. Takatongeswa natete. Kubva ipapo zvava kutondinetsa. Handirare. Zvenge zveshavi. Anoda kaviri kana katatu pazuva. Ndinoda chose kusvirwa asi zvawandisa. Pane zvandingamufidha here kuti ndiwane hope? Ane makore 25 in ndine 22.
Nyaya yako iyi ndeyokudadira vamwe vasingawani zvauri kuwana. Uri kungoBHOSITA hako nazvo. Shuwa here kuti ungatokomburena kuti murume wako ari kugonesa basa?

Hwisisa kuti muviri wemunhu unoita zemo zvichiva pakujaidzwa kwake kwake kuti anofanira kuita zeme kangani pavhiki. Ukajairakugaronzi ita zemo, muviri wako unosvika pakungoteverawo izvozvo. Vanoziva vanoti Kuisana kunozvara kuisana.

Murume wako aratidza kuti mutemo uyu unoshanda. Iwe kumufoya kwako nokuda kuiswa kwakonzera kuti iye awedzerewo kuda kuisa saka atokupfuura. Hino iwe woita sebenzi woda kuramira murume. Uchaona kuti pakapera makore manomwe muchipengesana saizvozvi, munotanga kuderedza pavhiki, saka dai ndirini iwe ndaitokurudzira murume kutsividza zvichaitika mati kurei.

Kana wakaneta, vata nedumbu, woisa piro pasi pechiuno. murume oita ega basa ari kumusana kwako. Iwe kungochemachema hako pasina zvinonetesa zvaunoita. Ukashinya chombo murume anokasira kupedza. Wozozviona womutswa mambovata. Chinonetsa ipapo chii?

unokwanisazve kutoiswa kupedza uri kuhope. Kungoudza murume kuti akapepuka akati twii, achida kuita chirango, ngaakutendeudze apinze aite zvaanoda. Iwewo ukavata une funwa yokuti uchaiswa usiku, unongoiswa wotozoziva mangwana kuti wakaiswa madeko.

Asi hwisisa kuti kuvhinza kweurume kana murume akusiira hwakawana kunokwanisa kukumutsa nokuti kunosekenyedza. Siya tawero pedo kuti ukapepuka madomhwe eurume achierera ukwanisa kupukuta. Asi Kana murume ambobudisa hwakawanda pakunovata haazowanzizve pakati peusiku. Kuti murume abude hwakawanda panononovata, paanotanga kukudiridzira, purudzira pakati pemagaro ake, kana kupuresa pakati pemabhora neburi rake rekumashure. Vamwe vanoti pinza chigumwe kuburi rake. Anobuda hwese hwaanahwo.  Movata hope chaidzo mese mozozviona mangwanani.

Hwisisa kuti kune varume vanovhunduswa nokupinzwa chigumwe kumashure saka tanga wajaidza murume kumubatabata ipapo pamunenge muchitamba une chombo mumaoko uchipota uchipurudzira mabhora ake uchipfuurira uchinopurudzira kuburi.

Usarambira murume kana kumuderedza zemo kana kumuudza kuti ari kuwanzisa. Wana maitire anoita zvisakunetesa chete. 
12 COKE yakabhoiliwa inobvisa sei nhumbu?  Coke yakabhoiliwa ukaidonhedza pama SUGAR CUBES ukaisiya pedo nepanotambira mapete, uchaona kuti mapete anofa oita mashoma mumba. Zvinokurudzigwa izvi nokuti mapete anosemesa. Handifungi kuti chero ukamva mabhodhoro gumi eCOKE iyi mimba inobva. Zviri nani kuti kana usingadi mima uye usingadi zvigwere, ushandise makondomu. Hatikurambidzi kurhojewa nokuti tatoona kuti kukurambidza kutambisa nguva asi kungoti shandisa makondhomu chete murume asakusiira urume mukati nokuti uchabata zvigwere zvese zvaanazvo ugoitazve mimba. Ndiko kupusa ikoko. 
13 Pane pandoda kubvunza pandombo sangana napo mumagwaro andowerenga. Zvanzi murume anogonawo kuita ma Pelvic exercise kusimbisa sex organ yake zvozobatsira  kuti anonokere mukadzi wake uye to become multi orgasm man. 1 handisikuziwa kuti tinoita sei PELVIC EXERCISE acho uye ichokwadi here oro kungotambisirana nguwa. Ndinoda chose kunonokera mukadzi wangu ndibatsireiwo nechokwadi. Ndinotenda nemhinduro dzenyu uye dzinofundisa
Zvinohi ma EXERCISE awa anobatsira varume pane zvakati wandei zvinoti:

1 Kuwedzera kugona basa pakuvata nomukadzi. Pane nyaya apa yokuti kana murume achikasirira mukadzi, zvinoitiswa nokusajaira kudziya kwemuviri wemukadzi uye kusajaira kukwizwiwa chombo. Chimwe chezvinobatsira ndechokuwana nguva yamunopinda mese moita nyaya henyu makapindana kudaro pasina anokoira umwe, kuti murume ajaire kudziya kwemukati memukadzi, zvisingamuitisi kuti adiridzire. Kana uchigaroita ma EXERCISE awa unokwanisa kufakanyisa chomo chiri mukati memukadzi asi zvichingoitiswa nemasuru yechiuno chete pasina kukoira. Zvinonake kumukadzi saka anorama achieredza kudziya kuya kuripo murume achijairawo.

Kozotizve mukadzi ngaajaire kubata nokupurudzira chombo chomurumekuti ajaire kukwizwa kwacho. Ndizvo paanotanga kukoirana nomukadzi haakasiri kudiridzira. Mukadzi kana achibata nokupurudzira chombo apote achimboshinya nemaoko achimbochikoira nemaoko. Kuzora mafuta evhasirina zvinonyorovesa gana remaoko nerechombo kuti zviite nani. Pakudaro taura nomurume nyaya dzisinei nokuisana kuti adzidze kubvisa fungwa pakutunda. Unokwanisazve kupota uchitsunyirira murume pamagaro kana musana kuti kugwadzirira kuya kutore fungwa kubva pane zviri kuitwa chombo kuti anonoke kuuda urume.

2 Kunonoka kutanga kuzviwetera pakuchembera

3 Kugona kubata ura kuti usazviitira svina

4 Kuti kana wonoweta uwete witi yese ugosanyorovesa UNDERWEAR.


Saka zvinobatsira varume zvokuti munofanira kuramba muchizviita. 

14 Ndakamboverenga pamaiti murume nemukadzi vataridzane pamberi pavo. Mukadzi wangu haadi kuti ndione pake. Asi kwaDoctor na Gynecologist anoenda achinobvisiswa bhurugwa vachiona. Ini murume wake anoramba. Ndodawo kuona kuti pakadii.   Handihwisisi nyaya yako iyi? Unoda here kuti mukadzi wako abvise bhurugwa kuti uongorore chete chete, kana kuti uri kuti hauna kumboongorora mamirire ezvinhu zvake?

Zvinoreva kuti pese pamakatanga kuva mese hamuvatani here kana kuti munongovatana murima semakozho. Kana muchivatana, ungatadzawo kuti mukadzi afongore iwe uri kumashure here. Kana akafongora ungatadza kuona kuti zvinhu zvimire sei here. Iye musoro mupiro maoko mberi, chiono chakasimudzwa chakatarisa murume, Makumbo rimwe uku rimwe uko, chitubu chakanyenama chichionekwa chese chakamirira kushandiswa. Ungatadza kungoongorora nokuzvirova dundundu kuti zvese zvauri kuona ndazvako here?

Ko kana wamupakicha makumo pamafudzi ako, ukaisa rimwe gumo rake pasi ungatadza kuona kuti pamberi pake pakadii here?

Ko paunomunon'ona pamberi nokumupurudzira bhinzi, haumbotarisiwo here kuti pakadii?

Chauri kuda kuti akutaridzepo chii chausina kumboona. Chiita vhiki mbiri uchingoti afongore mangwanani kwachena uchiona hako zvauri kuda kuona zvacho. Vanhu vakuru ngatisaita sepwere. Hakuna mukadzi wemumba anoti ambokubvisira bhurugwa ukurambidza kudongorera zvaanazvo. 
15 Ndinodanana nomukomana ane makore 23 ini ndine makore 19. Toda kuchata muna October 2016. Ndokumbirawo kuziva kuti kuvhurwa kunorwadza zvokusvika pakadii?

Zvinoita here kuvhurwa nemurume ane condom?

Ndichiri mhandara. 
Kana wakambobaiwa jekiseni pamagaro kana pafudzi, kuvhugwa kunoti gwadzei kupfuura ipapo zvishomana asi zvinoda kuinzana uye nguva yacho yakangoda kufanana. Unongoti kuhwa kubvaruka ipapo nokutohwa kuda kubatirira murume kuti anatse kupinda. Munhukadzi wese ane INSTINCT yokuda kupindwa nomurume. Inyaya isingagadziriki. Kugwadza kushomanana kana tichikombeya nekushuva kwauchaita kuti murume akupinze chombo. Unokwanisa kutochema misodzi chaiyo asi hauregi kubatirira mrume kuti asabvapo.

Usatombotya kuti zvinokwanisa kugwadza. Hapana zviripo. Ingoona kuti wanatsa kunyorova mukati, Zvadaro zama chose kurerusa muviri womurira murume apinze. Iyewo osaita zveganyabvu asi kuterera zvaunomuudza. Usapinzwa wakanyarara.  Zviri naka kupinzwa wakafongora kuti chiganda chinge chakatatamuka kuti chikasire kubvaruka asi kungoti ukafongora murume haaoni kumuso kwako saka munokwanisa kusahwisisana. Zviri nani kuti munge makatarisana uchiimuudza zvauri kuhwa. Kana ukati ambomira amire.

Kupinda ane kondhomu ndizvo zvakatonaka. Hapana zvinonetsa. 
16
Ini murume handichadi hangu. Haadi kugeza. Mazino haadi kugeza. Underwear haadi kuchinja. Chero ndikamuisira mvura yokugeza anonetsa kungosimuka kuenda kunogeza. Handichadi hanhu, anondinyadzisa pane vanhu. Ndinowacha nokuaina Sipo dziripo, toothpaste iripo, comp dziripo. Kutadza kungozvishandisa chete. Zvinobvepi? 
HYGIENE yevarume yakasiyana neyevakadzi. Varume vanonetsa zvokuti kana ukasatomanikidzira, murume anokwanisa kutopinda mumachira asina kugeza agoda kukisana newe pasina zvaanoona kuipa kwazvo. Chero ukaramba iyeyu, unokwanisazve kusangana noumwe akadaro.  Hwisisazve kuti varume vanoona mukadzi akarambana nomurume sehure saka uchamboita nguva uchingowana varume vanofunga kuti uei nyore kuvata newe. Inguva yokuti unoshungurudzwa kupfuura pauri pari zvino.

Zviri nani kuti utaurirane nomurume wako kusvika mahwisisana. Kana zvakunetsa tsvaka umwe munhu wekukubatsira akaita se shamwarikadzi, kana hama satete. wotsanangura  nyaya yako zvizere. Asi tanga nokuudza murue kuti unomuda chose chose uye unoda kuvata naye chose asi kungoti dai ageza musati manovata. Kana achida mogeza mese.

Ruzhinji havanetsi kutsanangurira. Zvingavanetsi kutanga kuita zvakanaka asi vanoita nenguva. Dai wamboshinga uye usaita zvokufoya kana kupopota. Asi kungogadzira mvura yokugeza nokuudza murume kuti ngaachinogeza uye kuti zvokukweshesa mazino zviripi.

Mudzimba dzese mune zvinonetsa vese varume nevakadzi. Ngatidzidze kugadzirisa kwete kutsamwirana kusvika pakuda kuramana. Vanhu vakambodanana vanokwanisa kudananazve asi zvinobva pakuwedzera kuhwisisana.  
17 Pane chakaipa here kugarwa nhaka nomurunyana akafirwawo nomukadzi wake? Tese tine vana. Iye anodawo kundigara nhaka?  Hapana chakaipa kuti vanhu vane nhamo dzakafanana vade kubatsirana panhamo dzavo. Chikuru ndechokuti vasawedzera nhamo dzacho. Kana mada kugarana nhaka, Endai ku Clinic mundotestwa kuti muri papi panyaya dzema STI. Moitwa inohi FULL SCREEN. Zvadaro moverengerana kuti muri papi. Kubva ipapo muchironga henyu muchiziva zvamuri.

Kutesitwa hakunei nokuti vamwe venyu vakashaika nei. Kutesitwa chinhu chinokupai CONFIDENCE yokuti pauviri hwenyu muri kutangira papi uye muri kuendepi.

18 Ndinobuda zvinhu zvichena pakusvirwa kubva pese pese. Ndava nemakore maviri nehafu. Vamwe ndonzwa vachitu panofanira kuuda mvura. Ndiudziwo.  Hazvina basa kuti chii chinobuda. Chikuru ndechokuti pane chinobuda uye kuti zvese zvinobuda zvinobudira kuti pakukwizana mukati usasvuuka. Vamwe vanobuda oiri yakaita se CREAM vamwe vachiuda oiri yakati korei sezvaunoita iwe.

Usatya nazvo. Ingoona kuti musati mapinzana mukati mako mava ne LUBRICATION yakakwana. Chimwezve chinhu ndechokuti kana usingagwadziwi pakuiswa, usava nehanya nokufunga kuti chii chiri kubudapo. Isa fungwa pakuisana nomurume ukurumidze kunakigwa pazviri. Kana watombobvisira murume bhurugwa pasina chakaipa chiri kuitika chirega kufunga twakawanda. 
19 Tiisireiwo mapikicha emhata hombe tione.  Handihwisis kuti uri kudei pano nokuti zvawanyora hazvina musiro.

Ukaverenga zviri apa uchaona kuti zvawanyora hazvina zvazvinoreva.

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/kuziva-mamirire-akaita-mukadzimurume.html

20 Ichokwadi here kuti kana murume akayamwa mazamu emukadzi wake regularly, Mukadzi anotanga kuita mukaka?  Ukatanga kumwiwa mazamu zuva nezuva toti katatu pazuva kana kupfuura, mazamu anotanga kugadzira ma HORMONES anogadzira mukaka zvokuti panozopera vhiki mbiri unenge wava kubuda mukaka.  Mvura inotanga kwapera nguva inopfuura vhiki zvishoma, zvichibva nezera rako.

Kana akagaromwa mazamu emukadzi wake kana mukadzi ane mimba, anokwanisa kutanga kubuda mvura isiri mukaka. Pakufamba kwemimba anozobuda mukaka.

 Kana asina mimba akagaromwiwa mazamu nomurume anotanga kubuda mvura isiri mukaka. Kana ukadanana nomukomana anofarira zvekumwa mazamu asi asingadi kuvata newe, unokwanisa kubuda mvura iyi pamazamu uri mhandara.

21 Mukomana wangu ndinomuda chose asi ndotya kuvata naye. Ndakaona chinhu chake by accident uye chikuru chose. Ndotya kuti hachizokwani.

Ndoda kubvunza kuti pakuvata naye anokwanisa here kupinza chese kana kuti ndikamuti hafu anopinza hafu chete. 
Pakuisana hazviiti kuti murume apinze chombo chese nokuda kwemamirire akaita miviri yedu. Asi mamwe maitire anoita kuti anatse kunyura. Sokuti ukavata nedivi murume okusimudza gumbo riri pamusoro oriripakicha pafudzi rake, iye okutanyanga gumo riri pasi, okupinza akadaro. Anonyura zvaunohwa iwe kuti pano ndapinzwa chombo zvechokwadi. Pamwe unototadza kunatsofema nokuti anonogoga kwaasingasigofi.

Kana usingadi kupinzwa zvakadzika isanai wakavata nomusana.

Chombo chese zvacho chinokwana mumukadzi chero upi zvake. Chikuru kutanga wanyorova chete chete.

Murume wako chombo cheke chinotosiyana masaizi acho nhasi namangwana, zvinobva nezemo raanaro kuti kumira kwcho kwakasimba sei. Usatya kuiswa kunonaka zvokuti iwe ndiwe unododemba demba naye kuti arambe achikukoira achiwedzera simba kuti uhwe pane moyo. Ukangoiswa musi wekutanga, zvese zvauri kutaura zvatopera. 
22 AAH ini hangu dai marega kundiudza nezvokuvata nomurume. Kana ndichida kunakirwa ndinozviatsira ndega nemaoko ungu. Kusuka ndiro nepoto zvinotonakidza kupfuura kuvata nomurume wangu. Ndinongozviita hangu kuti iye afare nazvo asi hapana changu ipapo. Ndakambofunga kuti nani kuita chikomba ndokuda kasvirwa no murume weshamwari yangu ndokuona kuti anotori worse. Akatunda ari mumaoko angu chete. Kana bhurugwa handina kuzombobvisa. Handina kuzoda zvezvikomba futi. Ko vamwe munozvifambisawo sei nevarume venyu?  8 years nemurume asi nyaya ndiyoyo yokungonditundira pasina changu pazviri. Vana tine vaviri. Dai ndisina maoko dai ndisingazivi kunaka kwepamberi.  Iyi inoda nguva uye kuihwisisa zvakanaka. Asi kungoti dai wambozama kutaura nomurume wako muhwisisane pane dambudziko nokuti uchapedza upenyu hwako hwese usina kumbonakigwawo nomurume wako. Hazvirevi kuti haanaki asi kutoti pauviri hwenyu hamusi kutaurirana zvakakwana panyaya iyi. 
23 Ndogeza nei kubvisa munyama?  Geza hako nesipo nemvura zvinoita vamwe. Munyama unobva pamafungire ako iwe nokuone kwaunoita vamwe vanhu. Hachisi chinhu chiri paganda rako chokuti unokwanisa kuchigeza chichibva. Kugeza kwakanaka chose asi hakubvisi munyama. Munyika dzese kune vanhu vanofunga kuti vane munyama asi ukaongorora unoona kuti maitire avo ndiwo anovashasa rudo.

Dzidza kuva munhu ane CONFIDENCE pazviito zvako. 
24 Ko varungu kadzi anodhonzwa here 
matinji? 
Nyaya yokuda kuchinja mamirire akaita matinji hainei kuti munhu murungu here kana kuti muCHAINA kana kuti munhu mutema. Pane zvakawanda zvinoitwa pamatinji munyika dzakasiyana siyana.  Kuno ku UK nokuAmerika kune vanhukadzi vasingadi matinji makuru, vanotoenda kunoachekerera kuti aite madiki kuOPERATION. Koitazve vamwe vanodhonza kuti akure. koitazve vamwe vasinei nezvaari.

Chinonakidza ndechokuti varume havana kana basa nazvo. Haumbohwi murume achitaura nezvematinji. 
25 Zvinoita here kubata pamuviri uri kumwedzi?  Zvinokwanisika asi kashomashoma

Munhukadzi ane zvikandiro zvemazai (overies) zviviri, chimwe kurudyi, chimwe kuruboshwe. Hazviwanzi kuita kuti zvese zvikandire zai mwedzi umwe chete, Zvinochinjana zvokuti mwedzi uno unoienda kumwedzi nezei rouku mwedzi unouya nerouko.

Asi zvinokwanisika kuti muviri wako ukashokiwa nechimwe chinhu unokwanisa kuenda kumwedzi kaviri pamwedzi umwe chete. Pakadaro unokwanisa kubata mimba nguva dikidiki wabva kumwedzi zvichibva kuzai rabva kumwe.

Hwisisazve kuti ukapiwa urume nomurume wako hunogara mazuva mana huri upenyu makati mako saka unokwanisa kuzobata mimba 4 day after waiswa.

Tiri pamubvunzo wako hwisisa kuti vakawanda havaisani zvokupinzana chombo mukadzi ari kumwedzi.
26 Ko sei vasikana vachichemachema panguva yokutanga kuvata nomukomana?  Kana ari mhandara anenge achitotya kupinzwa chombo saka anokwanisa kungoteta.

Kana akamboiswa anenge achinakigwa nokupinzwa chombo zvokuti kunyarara kunonetsa.

Mhomho yevanhukadzi munyika dzese vanochemerera pakuiswa nomurume. Panonyanyisa kunaka ndepekupinzwa. Unohwa kunaka chose chombo chichipinda. Zvadaro kunaka kozokwira nokukoirana kwenyu. Kunyarara kunonetsa nokuti zvinonaka.

Ndoosaka muchifanira kuisana kure nevamwe vanhu. 
27 Ndingaita sei kuti ndinakirwe nokuvata nomurume wangu?  Dzidzsa murume wako atore nguva yakareba achikukoira asati akutundira urume, zvinova zvinoita chombo chichimira kumira.

Iwewo zvidzidzise kunakigwa nokugofiwa muchitubu nechombo. Kuti uzvidzidzise, garozvikwizirira bhinzi yako uchiterera kuti makwizire anokunakira ndeapi. Paunozovata nomurume unoshandisa chiuno kururamisa chomo chomurume paunohwa kunyanyonaka muchikoirana. Unokwanisazve kuzvikwizirira chombo neruoko murume achikukoirawo.

Dzidza kuisa fungwa pakuiswa. Teverera chombo chichikupinda, wochiteverera nefungwa uchiterera kuti chiripi uye chiri kuitei mukati mako.

Dzidzazve kurerusa muviri ude kuiswa. Murume ndewako uye watomuvisira bhurugwa. Chirega muisane makasununguka. Rega muviri wako unakigwe. Kunakigwa kunobva mufungwa ne ATTITUDE yako pakuiswa. Shamwaridzana nechombo chomurume wako. Garochibatabata uchihwa chichikurira mumaoko ako. Kana chokupinda chifunga kuti chiri kuitei.
28 Mai Chibwe, I like how you think, but Dzimwe nyaya hadzigadziriki. Muchiri vana vadiki imimi. Ini murume wangu 60th Birthday rake rakaitika musi wa 27 July. Ini ndine makore 54, birthday January 7. Kumwedzi handichaendi. Zvakapera. Murume anoda zuva nezuva uye anoshusha pazviri. Munhu rudzii asingadi kukura?

Tongai tinzwe. 
Matondipawo HOPE yekuti murume wangu anenga akakwana pamakore 60. Ndafara chose. Nyaya yenyu inonetsa nokuti ndinonyoregwa mwadhi kubva kuvananhukadzi vechikuru vachitokomburena kuti varume vavo havadi basa.

Zvinoonekwa sokuti kana munhu apedza kumwedzi ndiyo nguva yokunakigwa nomurume pasina zvokumbomiswa nokumwedzi. Koonekwazve kuti vanhukadzi vanowanzigwa nevarume vavo vanoita nguva vachitaridzika vari vanhu vatsva.

Kuwanzovata nomurume kunodzivirira zvigwere zvakawanda. Kuvanhukadzi zvinobatsira kusimbisa masuru yechiuno inoita munhu asazviwetera pakukosora kana kuhotsira sezvinoita vamwe. Pane zvimwe zvakawanda.

Ini sokuona kwangu zviri nani kuda kuiswa pane kusada. Chiiko chinonetsa ipapo? Imi vakuru ndimi maidai muchitotikurudzirawo kuti tide kuvata nevarume vedu. Kana makaita makore ese awa chasiyana chiiko? 
29 Nhengo yemurume wangu haimiri zvinesimba. Chingava chii. Tava nenguva inophuura mwedzi minomwe ichidaro asi kare ainatsomira zvinesimba. Ane makore 34 ekuberekwa. 
Zvikonzero ndeizvi
  • ·         Kugaromwa doro  zvisina mukana
  • ·         Kushandisa mbanje kana imwe mishonga isina zvainozikamwa kuti inorapei
  • ·         Kunge murume akambokuvara pamberi
  • ·         Chigwere chinohi DEPRESSION, STRESS, ANXIETY kana kungoti kufunganya.
  • ·         Chigwere che BP
  • ·         Kunge akakoresa.
  • ·         Kushaya utano hwakanaka
Imbotarisai izvi, Kana pasina chiripo moenda kumurapi monotsanangura nyaya yenyu. Varume vakawanda vanoita nguva dzavanonetseka nokumira kwechombo asi zvinopera zvega. Wako anyaya kugarisa anazvo. Zvoda kugadziriswa.

Iwewo chimborega kumuisira puresha yokuda kuiswa asi kuti pazvangokwanisikawo moita henyu pasina zvokuti unomuratidza kuti ari kutadza basa. 
30 Mai Chibwe, murume wagu akangopedza, otobatwa nehope kana kuzofungawo kuti kune mukadzi anodawo kupedza haazvifungi. Pane zvandingaita here kuti afungewo kuti ndinoda kunakirwa?

Varume vese ndizvo zvavanoita here?
Inyaya inonetsa asi ukasaitaura achagara akadaro upenyu hwenyu hwese. Saka zviri nani kumkumbira nguva yokutaurirana. Kana maiwana womuudza kuti unoda chose chose kuiswa naye asi wange uchikumbirawo chinhu chidikidiki chokuti akunonokerewo kusvika waguta ozokupahake urume waguta kukoigwa. Womutsanangurira manakire azvinoita kana achiita kuti ahwisise kuti sei uchida kuti asakasira kupedza.

Wotsanangurazve kuti kana apedza dai mamboita kanguva muchikisana nokubatana kuti iwe uwane nguva yokumutenda pabasa. Muudze kuti unoda azobatwa nehope ari mmaoko ako kana sokuti achimwa zamu kana kuti makagumbatirana.

Muudzezve kuti pamwe unosara une zemo saka unoda kuti ashandise maoko kuripedza kana chombo chavata. Muratidze kuti anokwizirira sei bhinzi yako kuti ugutewo. womudzidzisa maitigwe azvo.

Usapopotera kana kugumbukira murume kana asingazivi zvokuita nomuviri wako. Mudzidzise. Iwewo pane zvawakatodzidza paari zvaunoziva kuti anoda. Unozviita nokuti unozviziva. Muzivisewo zvako zvinokunakira, kwete kungofunga kuti achaziva ega. 
31 Mukadzi wangu haanzwisisi kuti handina umwe mukadzi. ndiye chete. Kana ndichida kuvata nomukadzi, ndiye chete. Kana ndichida kuona mukadzi asina kupfeka uye nhengo dzemuviri wemunhukadzi, ndiye chete. Haazvinzwisisi zvese izvi. Anokwanisa kutorara hope chaidzo achisiya nhengo yangu yakamira. Zvagosiyanei nokuti handina mukadzi mumba. Pane zvokuita here kana kuti ndiri kuzvipedzera nguva. Ndikabvumidzwa katatu pavhiki kashoma.

Ndoita umwe mukadzi here
Pane chiri kukonzera kuti asafarira kuita zvaunoda kuti ange achiita. Uyezve kumanikidzwa hakunakidzi. Dai wadidza kukwezva mukadzi kusvika ada zvaunodawo kwete kushungurudzana kusvika pakufungirana zvokuhura.

Pana zvinhu zvaasina kugadzikana hana kuzviita pauviri hwenyu. Imhosva yokuti hamunatsi kutaurirana seshamwari mchihwisisana. Itira mukadzi wako zvinhu zvinotaridza rudo kusvika ava shamwari yako. Zvadaro potawo uchiti ukaona nhengo yemuviri wako yausingasioni, ratindza kuti chinhu chakanaka uye chinoshamisa, zvokuti iye ega ade kukuratidzazve uwedzere kuhwisisa mamirire azvo. Rumbidza zvawaona aite manyawi.

Kuva murume wemunhu hazvirevi kuti wava kungoita sharaude muridzi asingafari nazvo. Kwezva kusvika ega ouya kwauri. 
32 Kana murume akakanganisa chimwe chinhu mai vake kana vangu varipo, zvinoita hero kumupopotera sezvandinoita kana tiri tega mumba?  Aiwa hamutukane kana mune vanhu vakuru mumba. Chero musina, dzidza kusatuka murume pazvinhu zvisina maturo. Murume haasi mwana wako. Ndiye baba vevana saka ipa vana EXAMPLE yokukudza mubereki.

Kutukana hakuna zvakunobatsira. Dzidza kutaurirana nomurume. 
33 Ko bhinzi ingaonekwa pachena here kana pasina matinji?  Ko matinji acho anenga amboendepi? Hakina mukadzi asina matinji asi kungoti saizi ndidzo dzinosiyana.

Bhinzi kana isina kumiswa nezemo idikidiki zvokuti kazhinji haionekwi. Kana yazomira mukridzi aita zemo ndipo painoonekwa asi inokwanisazve kuva dikidiki kubva pa hafu ye centimeter kusvika pa centimeter nehafu. Vashoma vane mazibhinzi mahombe asi variko vanopfuura 5 cm.

Kana uchida kuona bhinzi udza muridzi wayo akubhenengurire matinji. Iri kuno kumusoro kwakaperera matinji tichienda kuguvhu. Kana yamira inooma zvinongoitawo chombo. Haishaikwi chero iri diki sei.  Jairana nebhinzi yomukadzi wako. 
34 Ndakaverenga nyaya yokusv**wa shure (anal sex) ndokuita curious pazviri. After some weeks ndakapinza chombo chomurume shure and it was nice. by the time he noticed ange atopinda and did not complain. I find it naughty and very nice. Since then Kana ndikamupinzako anoti zvinonaka. Tinoshandisa macondoms. Is there anything wron in enjoying anal sex? Murume wangu ane chombo chidiki asi anoti kumashure kunomunakira.  Kuti chinhu chigohi pane zvakaipa pachiri, inyaya ye fungwa chete. Kana fungwa dzenyu mese dzichiwirirana nezvamunoita muchinakigwa nazvo zvinoreva kuti muri kuita zvakanaka. Hakuna mnhu wekuzhe angakuudzai kuti muri kuita zvakaipa.

Chikuru kungohwisisa kuti kana ambokupinza shure, ngaasapinza mberi asina kunatsogeza nokuti maBACTERIA akasiyana zvokuti unokwanisa kuita chigwere. Nani kutanga kupinza mberi wozopinza shure kana kungoto pawatangira ipapo wopedzerapo kusvika imwe nuva.

Kana murume achizvifarira iwe uchizvifarirawo, 

Chii chinokonzera kusaenda kumwedzi kwemwedzi yakawanda usina nhumbu?
Pane zvakawanda zvinokwanisa kukonzera kuti munhukadzi asaenda kumwedzi.

1 Hana wakakoresa unokwanisa kumira kuenda kumwedzi
2 Kana wakaondesa unokwanisa kumira kuenda kumwedzi
3  Kana une STRESS unokwanisa kumira kuenda kumwedzi
4 Kana uchiita zvema SPORTS unokwanisa kumira kuenda kumwedzi
5 Kana uchimwa mapiritsi ekudzivirira mimba unokwanisa kumira kuenda kumwedzi
6 Kana usisina mazai ekukandira toti wapfuura makore 35 ekuberekwa unokwanisa kumira kuenda kumwedzi

7 Kana une chigwere che zvikandiro (OVARIES) 
36 Ko Kusv**a mukadzi wemunhu anoshanda kure asinauyi kumba kwenguva refu zvakaipa here kana mukadzi achitodawo kusv**wa, achigaroshuva bonde.

Ndosv**a ndichiziva kuti mukadzi wemunhu. Kana murume aripo handiendipo. Ini mukadzi handina. 
Kuhura chinhu chakaipa hacho hazvinei kuti munhu wauri kuhura naye anofarira kuhura newe. Kune varume vanofunga kuti zviri nani kuvata nomukadzi wemunhu pane kuvata nomusikana/mukadzi wako. Zvinofungigwa kuti mukadzi wemunhu anonaka nokuti chaari kungoda kwauri kuiswa chete chete kureva kuti haana chimwe chinanwa saka fungwa yake iri pakungoiswa zvinoita kuti anake.

Kotizve mukadzi wemunhu anofungigwa kuti haana zvigwere, asi kana achihura newe zvoreva kuti anohura nevamwewo vanhu.

Kuita zvinhu zvine DANGER kune EXCITEMENT inoita kuti kuvatana kuwedzere kunaka.

Chokwadi ndechokuti uchabata chigwere kana kuti uchabatwa uchihura, kana kuti mukdzi achaita mimba yako agoda kuibvisa nokuti anoda murume wake kukupfuura. 
37 Kufadza murume mumba kuita sei?  Bvunza murume zviitwa zvinomufadza ugozama kumuitira izvozvo. Uchaona kuti anogara nomufaro asi anotanga kujaira kuitigwa zvinomufadza agosvika pakukangamwa kuti zvinofadza.

Saka iwe usaita zvinomufadza zvese mazuva ese, Pota uchizviita nguva dzakasiyana siyana, uye pota uchimubvunza zvaanoda kuitigwa musi iwoyo kana kumuudza zvaunoda kumuitira musi iwoyo zvaunoziva kuti zvinomufadza.

Mumba zvingaitigwa murume zvinoti
Zvanoda kudya
Zvaanoda kupfeka
Zvaanoda kutaurirana
Zvaanoda pakuvatana

38 Chii chinokonzera kusaenda kumwedzi kwemwedzi yakawanda usina nhumbu?

Apa tiri kuti wange uchimboenda kumwedzi kureva kuti wapfuura makore 12 saka wakura zvokuenda kumwedzi.  asizve uri pasi pemakore 45
Pane zvakawanda zvinokwanisa kukonzera kuti munhukadzi asaenda kumwedzi.
1 Hana wakakoresa unokwanisa kumira kuenda kumwedzi
2 Kana wakaondesa unokwanisa kumira kuenda kumwedzi
3  Kana une STRESS unokwanisa kumira kuenda kumwedzi
4 Kana uchiita zvema SPORTS unokwanisa kumira kuenda kumwedzi
5 Kana uchimwa mapiritsi ekudzivirira mimba unokwanisa kumira kuenda kumwedzi
6 Kana usisina mazai ekukandira toti wapfuura makore 35 ekuberekwa unokwanisa kumira kuenda kumwedzi
7 Kana une chigwere che zvikandiro (OVARIES) unokwanisa kusaenda kumwedzi.
8 Kana wakabviswa chibereko (womb) hauchatoendi kumwedzi
9 Kana une ma FIBROIDS muchiereko unokwanisa kugarobuda ropa nguva dzese, kumwedzi kusingaperi kana kuti kusina pattern.


Saka kuti unatse kuziva kuti chikonzero chako chaicho ndechipi zvoda kuti utariswe kuona kuti hauna chimwe nechimwe chezviri pano nezvimwe zvandasiyawo. 
39 Unoita sei kuti utunde kana uriwega mukadzi pasina murume Kana uri wega, ita nguva yaunoda kuzvibvisa zemo, kureva kuti wana chinokupa zemo chakaita sokuverenga nyaya dzerudo dzine zvokuisana, Sokuti Novhero rakadaro. Unokwanisazve kufonerana nomurume wako kwaari ikoko momboita nyaya wohwa ihwi rakewomuudza zvorudo woterera zvaanokuudza zvaachakuita pamunosangana. Chifungawo zvaunoda kuuita. Unohwa zemo richingokwira rega.

Kana wava nezemo ramba une fungwa yokuiswa nomurume wako, wozvivharira mubedroom mako wobvisa zvipfekwa wozvitarisa muMIRROR uchifunga zvinodiwa nomurume wako. Zvitarise ufunge kuti dai murume aripo aiitei nazvo.

Unokwanisa kuzvipurudzira muviri fungwa iri pamurume. Funga maitire anochiita murume.

Vakadzi vakawanda havaitiswe ORGASM nokupinzwa chombo asi kungoti kupinzwa kunopa Sense ye OWNERSHIP yemurume uye kuva CLOSE kumurume zvinova zvinonaka. Asi kunaka kwakawanda kunobva pabhinzi. Uwe muridzi dzidza wega kuzvikwizirira bhinzi yako kusvika wahwisisa kuti makwizire anonaka zvakawedzera ndeapi.

Isa fungwa pakuiswa uku uchikwizirira bhinzi nenyama dzakapoteredza bhinzi. Kana uchida kupinza chinhu muchitubu pinza zvigumwe zviviri wozvikwiza mukati kwakananga kuguvhu kune nzvimbo yaunohwa kuoma. Ndiwo mudzi webhinzi unohi G-Spot. panonaka ipapo.

Ukazvikwiza ukatadza kuita Orgasm, imbomira ugodzokorora futi. Uchazoona kuti nenguva zvinoita.

Wozotizve paya murume kurudzira murume kutora nguva pabhinzi uye kuti ane chombo chake mukati mako iwe wozvikwiza futi bhinzi. Fungwa yako inozokuudza kuti bhinzi ndiwo muzinda wekunakigwa zvokuti uri wega hazvikunetsi.

Vakadzi vakawandisa vakadhonza matinji vanoziva kuti kuzvikwiza bhinzi kunonaka.  
40 Ko nhai Mai C, makoirire emurume anonaka ndeapi?  Kana une rudo nemukadzi wako uye uchitora nguva refu pakumukoira, haambowani nguva yokufunga kuti makoirire ako ndeapi.

Asi hazvo kukoigwa zvisina sipidhi pakutanga zvichiita ahwe kuti mvoooooo, mvooooooo, mvooooooo, kusvika anatsa kunyorova. Zvadaro wowedzera sipidhi uchiterera kuchemerera kwake uye zvaanokuudza uye kubatirira kwake, nokuti chiuno chake chiri kuitei pakugamuchira kupindhwa.

Makoirire handiwo ane basa guru. Rudo ndicho chinhu chikuru. Shamwaridzana nomukadzi wako kuti muhwisisane pakuitana.
41 Mukadzi anofanira kutunda kangani kana achisvirwa.  Vakawanda havatombotundi nokupinzwa chombo vanongotunda kana bhinzi yambotambwa nayo zvakakodzera kana kuti uku ari kuiswa uku bhinzi iri kukwizirigwa zvinonaka nomunhu anohwisisa kuti yemukadzi iyeyu inonzwii.

Zvokuti anofanira kutunda kangani zviri kwaari iye nomuviri wake nokufarira kwaanoita kuiswa nomurume wake uye kuti ane zemo rakawanda sei ipapo. Hazvina kuti umwe munhu omirapo achiverenga sevanhu vari kutamba bhora. Isanai makanunguka kwete kutsvaka zvemanhambha. 
42 Ndingaita sei kuti murume wangu anzwe kunaka kana tichirhojana?  Terera zvaanoda kuti uite. Kana asina kutaura pota uchiti kana moda kuita womubvunza kuti nhasi anodei womirira kuti ataure, woita zvaareva uchibvunza kuti zviri kunaka here. Kana mapedza ambozorora, bvunzazve kuti zvange zviri sei womurega achitaura uchiterera kwakarerekera nyaya. Murume ngaahwisise kuti unoda kuvata naye uye unomuda. Kuisina kunobva mufungwa kwete mumuviri. Fungwa ndiyo inoita munhu anakigwe newe.

Asizve jairawo kushandisa chiuno nomoyo wese pakuiswa. Taridza kufarira. uye kwezva murume kusvika akuisa. Ngaazive kuti unogara wakangoti chero paadira, uchaona iyewo oti chero pawadira. 
43 Ko chembere dzinoitawo bonde here?  Ko chauri kuti chembere munhu akura zvakadiiko. Tikatarisa kuvanhurume tinoona kuti munhu ave nemakore anopfuura 70 anoroora mukadzi achiri kuma 40 zvoreva kuti iye murume wacho anotoziva kuti mukadzi achiri kuda kuiswa. Pamwe unozoona vave nemwana kureva kuti vakatomboisana.

Varume vane makore ekuma 80 vanongodawo kvata nevakadzi vavo. Siyano ndeyekuti havachaiti zuva nezuva. Vanokwanisa kamwe pavhiki kana kuti paviki mbiri.

Vakadzi nyaya iri pakungoti achiri kunyorova zasi here kana afunga zvikuiswa. Kana achinyorova hapana chinomukonesa kuiswa. Pamazera avo zvinofanira kutowedzera kunaka nokuti mrume anokwanisa kuita nguva achingoita.

Vanhu vakuru vakawanda vanovatana uye vanotonakigwa nazvo chose. Zvinoitisa utano hwakanaka nokurapa zvimwe zvigwere, nokuderedza PAIN THRESHOLD 
44 Matoto ehangaiwa anoshanda chii Anoshanda chose pakukudza muriwo weCOVO. nemamwe marudzi emuriwo. Asi usamashandisa using kupfeka magirovhosi nokuti unokwanisa kuita chigwere che SALMONELA. 
45 Munhukadzi anoratidza sei kuti anoda bonde?  Hazvinei kuti uri mukadzi here kana kuti murume. Munhu wese anokwanisa kuita zviito zvinoratidza kuti anoda bonde asi usavata naye iye asina kunatsokuudza kuti ari kuda bonde nokuti anokwanisa kuzoti mapedza okupindukira oti wamubata chibharo. Kana ari mukadzi wako munohwisisana pazviito zvokuti unongoziva kuti ari kuda kuiswa. 
46 Muroora navamwene vangagarisane sei Kugarisana kwemuroora navamwene kunobva pakuti muroora munhu akaita sei. ndiye anofanira kuhwisisa kuti akapokana navamwene, murume wake anosapota vamwene. Varume vanosapota mukadzi kuna mai vavo vashomanana.

Ndosaka uchiti ukaverenga muBhaibheri rinoti murume ngaasiye vabereki anamatirane nomukadzi wake. Zvinoreva kuti muroora navamwene havafaniri kugara pamwe chete. Hazviiti kuti vakadzi vakuru vaviri vagare muimba imwe chete.

Asizve chero varo kudzimba dzavo, muroora ngaahwisise kuti ndiye anoterera vamwene kuti upenyu hwake hufamba zvakanaka. Murume wakewo ngaasagaroudza mukadzi kuipa kwamai vake nokuti muroora akazotevedzera izvozvo vanopokana. 
47 Chii chinoitwa kut mukadzi anzwe kuda bonde nemurume wake? Kuti chii chingaitwa zvinobva nokuti chiri kumbomukonesa kuda chii. Vakadzi vakawanda vanoda chose kuvata nevarume vavo asi kungoti pamwe murume wacho haana hanya nokunakigwa kwemukadzi, kusvika mukadzi angoona sokuti kutambisa nguva kuvata naye nokuti zemo hariperi pese pavanoita.

Kotizve mukadzi akaziva kuti murume ari kuhura akatanga kutya kuvata nomurume.

Kana kuti mukadzi ane basa mumba rakawandisa zvokuti anenge akaneta

Kuti mugadzirise nyaya tangai mahwisisa chikonzero, mobvisa chikonzero chacho mumbozama futi motsvakazve chimwe chikonzero, muchingodaro. Kana zvanetsa chose moenda ku COUNSELLING.
48 Nhumbu inobviswa nemwedzi mingani? Zvinobva nokuti uri munyika ipi? Kune nyika dzisingabvumidzi kubvisa mimba, Koita nyika dzinobvumidza asi dzichikuudza kutikana yapfuura nguva yokuti haichabvumidzwi. Koitazve dzimwe nyika dzinoti ita chero zvawada.

Kubvisa mimba chinhu chisina kururama uye chinokwanisa kukanganisa upenyu hwako pakuti unokwanisa kuzorarama uchingofunga mwana wawakatadza kuzvara.

Kana uchivisa tanga wawisisa kuti uri kuzviitirei uye kuti sei wakamboita mimba yacho. Mazuvano hakuna munhu anoita mimba asingaidi nokuti kwava nemapiritsi okuti ukapiwa urume, unokwanisa kumwa mapiritsi kuti mimba asabata. Anshanda kusvika pa 72 hours. Koitazve makondhomu ekuti usatombogara wapihwa urume.

Saka zvibvunze kuti sei wakaita mimba uye sei wava kuda kuibvisa. Uyezve uchaibvisa sei. Kuchipatara vanopinza muchini muchibereko vogaya chimwana chako votora VACUUM CLEANER vobvisa zvagaiwa zviya. nyaya yapera.  
49 Chibereko chinoita sei kana munhu ane pamuviri? Chokutanga, kana wabata pamuviri hauchaendi kumwedzi kusvika wazvara mwana. Murumo wechibereko midikidiki unovhagwa nemadzihwa akakora (inohi MUCUS PLUG) Mwana otanga hake kukura arimo. MUCUS PLUG iyi inodzivirira zvigwerekumwana.

Chibereko chinotanga kukuranokukura kwemwana. Usina mimba chibereko chinenge chakareba 7.6 cm chakakora 4.5 cm. Chinokura zvokuti mana wese anokwanamo.

Chinosumda dumbu zvokuti vanhu vanoona kuti munhu ane mimba uyu. 
50 Ndogeza sei pamberi kuti pasaita smell yakaipa, uye murume asakomburena? Nyaya iyi takaitaura apo pakahu Kugeza chitubu.
Enda undoverega ipapo

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/07/kugeza-chitubu.html


1 comment:

Unknown said...

Makadii mai chibwe ndine mwana mumwechete ava new yrs ndinodawo mumwe mwana asi zvikuramba ndingadii kuti ndiitewo mwana