Sunday 28 August 2016

Ari nani kurambira umwe murume kana mukadzi

Ndinohwa nyaya dzakawanda dzekunyunyuta pamusoro pekuti mukadzi kana murume wako wemumba anoita nguva yaanoramba kuvata newe. Takambotaura nenyaya iyi tichitarisa zvikonzero zvezvokurambana uye kuti zvinobatsira here, tikaona kuti ubenziwo hahwo hunongoitika mudzimba dzevanhu vaina njere nezvemusha nemafambire awo. Pano ndoda kuongorora kuti zvokurambirana izvi zviri nani kumukadzi here kana kumurume. Handidi kurebesa nyaya iyi nokuti ndoda kuti wese wese abate musoro wenyaya nokukasira. Inyaya inoputsa misha mizhinji nokukasira chose saka kuihwisisa chinhu chakanaka kune avo vanoda kuvaka misha yavo.

Tanga nokudzokorora kuti pakati (CENTRE) pekuroorana pane kuvatana. Hapana zvaunokwanisa kuita kuchinja CENTRE iyi. Hakuna mushonga wekuzvichinja. Ndiwo magadzirigwe akaita munhu saka tikangoroorana totoroorana tine fungwa dzokuvatana. Kuvatana kwakaipazve kuti kunofanira kuti kuitwa pakati pevanhu vaviri. Mese mofanira kuda kuvatana pauviri hwenyu. Zvozowanikwa kuti umwe wenyu anoita fungwa yokurambira umwe, achifunga kuti ari kukaurisa umwe, asi tinoona kuti hapana kukaurisa kwaari kuita. Ari kungoputsa musha wake zvishoma nezvishoma, zvinova zvinokaurisa mese.

Ngatitarise kusiyana kana kufanana kwekurama kwemurume nemukadzi mumba.

Murume: 
Murume munhu anofanira kuti kana ane utano hwakanaka anoroora ava nemakore makumi maviri nemashanu apedza University uye ava nechimwe chaanokwanisa kuita kana kuti atova nebasa. Kune varume vasinadzidzi kusvika kuUniversity havo asi mazuvano murume wese anozama kusvika kuUniversity.

Pazera iri murume anokwanisa kuvata nomukadzi kakawanda pavhiki. Kana muchangoroorana munokwanisa kuvatana kaviri kana katatu pazuva zvichiva nemabasa amunoshanda. Murume haaendi kumwedzi saka anokwanisa mwedzi wese mazuva ese zvichibva noutano hwake. Pavarume nevakadzi, murume ndiye anoshomesa kuvatana mumba nokuti akabuda urume, anofanira kumirira nguva inoita 4 hours kuti chombo chimire futi. Mukadzi haana izvozvo. Anokwanisa kuiswa zuva rese chero pamirira chombo. Kune varume vanoita tsika imwe inohi yakatangira kuJapan yokuti kana oda kusvika pokubudisa urume anomira kukoira obva arega kubudisa urume, zvichibva nokuti mukadzi aguta here.  Ipapo vakamira kuisana murume anozokwanisa kukasira kumirazve chombo. Asi chinhu chisingakwanisi kuitwa mazuva ese.

Tahwisisa apa zvinokasira kuonekwa kana murume asingadi kuvata nomukadzi wake mumba. Hakuna chinhu chingahi chinenjere chinokwanisa kukonzera murume wemuma kuramba kuvata nomukadzi wake kuzhe kwekuti mukadzi azikamwa kuti ahura.

Murume ndiye mukuru mumba zvinoreva kuti kana akatanga kurambira mukadzi wake, ari kupa mukadzi EXAMPLE yokutevedzera. Saka ngaasazoshamisika kana mukadzi oitawo izvozvo. Tinoonazve kuti kurambira mukadzi kunoshungurudza mukadzi zvokuti nguva yokuramba ikareba, anootanga kufunga kuti hapana rudo pamurume wake. Munhukadzi ane INSTINCT yokuda kuzvipa kuurume wake. Ukamurambidza izvozvo kwenguva anotanga kufunga kuzvipa kune umwe murume. Varume vemuma ndivo vanohurisa vakadzi vavo. Vakadzi vakasiyana nevarume pakuti vakadzi vanohura nechikonzero chabva pakutsvaka wekupa SERVICE. Varume vanohura nechikonzero chabva paruchiva. Munhukadzi anofanigwa kuva nemunhu wekuzvipa kwaari.

Saka iwe murume wemuma ukasahwisisa INSTINCT yemukadzi wako uchaona kuti musha wako unoputsika. Chero zvoita sei muma, ratidza kuti pane nyaya isingabatwi nedzimwe nyaya dzomuma. Inyaya yokuvatana nomukadzi wako. Hakuna chinhu chingaitika mumba chingakukonzera kutadza kumisa chombo zvokukwanisa kuvata nomukadzi wako.

Kana mukadzi wako akashaya wekupa SERVICE anoshungurudzika kusvika awana munhu wekupa SERVICE. chihure chevakadzi (kwete vese) asi vakawanda chinokonzegwa nevarume vavo vomumba, Pedzezvo murume akonzera mukadzi kuhura omurambira kuti ahura, imba yatoparara.

Mukadzi
Mukadzi wemumba anofanirawo kuziva kuti akatanga kurambira murume wake zvinokonzera kuti murume aderedze CONFIDENCE paruzivo gwekuti mukadzi wake aripo pamba nguva dzese. Varume vanoona kuvhura makumbo kwemukadzi sekubvuma kuti iye ndiye saimba. Uchaona mukadzi kuti zvinhu zvakawanda zvaanoita zvinotaridza SERVICE. Kubika, kusona, kuaina, kuwacha, kuisira murume mvura yokugeza, kumwisa murume zamu, kuvhura makumbo, etc. Uchaona kuti hakuna murume anopa SERVICE kumukadzi wake asina kutoita zvikuvhugwa fungwa kuti azvione, asi vakadzi vanongoerekana vava kuzviita.

Murume anokasira kujaira kupiwa zvese nomukadzi zvokuti musi waunozoti nhasi hapana zvinhu pasina chikonzero chaari kuona chakaita sougwere kana kumwedzi, zvinokanganisa fungwa dzomurume. Varume vanhu vakasiyana njere nevakadzi. Chinhu chinohi LOYALTY chinovanetsa. Murume akangoona SERVICE inobva kune umwe mukadzi, anoona sokuti zvotofanira kuti avate nomukadzi iyeye. Ndizvo muchiona varume vakawanda vachipedzisira vavata nemusikana webasa. Ingari yokuti  musikana uyu ari kubika, kusuka, kuwacha, kuaina, zvinova zvinofanira kuitwa namai vemba. Funga dzmurume dzoona sokuti musikana iEXTENSION yomukadzi saka anofanira kuiswa sezvinoita mukadzi.

Saka iwe ukarambira murume kazvinji anokasira kuudza umwe munhu. Varume zvokupumha mhosva kuvakadzi vavo vanozvifarira zvokuti. Saka ukangoita kamhosva kadikidiki mumba, unokasira kuhwisisa kuti murume wako anoona serino zimhosva rinoda LIFE SENTENCE. Mhosva yako ikangozikamwa pazhe apo, zvatoipa. Vamwe vakadzi vakangofungira kuti murume wako haasi kuwana wekuvata naye mazuvano, vanokasira kuda kumuvaraidza, chihure chototanga. Kana chatanga nyaya yako yatofa zvachose. Murume wako haachazoregi kuhura. Munhurume akatanga kuhura haaregi.

Saka todii?
Mumba dzidzai kupatsanisa nyaya dzefungwa nenyaya dzomuviri. Kutukana nokupokana inyaya dzefungwa dzisinei nokuisana kwenyu. Kuisana inyaya yomuviri iyo iri COMMMUNICATION SYSTEM yakatozara pairi ipapo. Mutauro wacho haudi zvimwe zvimitauro zvakaita sezvinobva parurimi izvi. Mese zivai kuti musha wenyu wakavakwa nezvidhinha zvokuisana. Kana utano hwuripo, uye mukadzi asiri kumwedzi, isanai chete chete zvisinei kuti fungwa dzenyu dziri kufungei pane dzimwe nyaya dzokutaurirana nokuwirirana mumba.

Musi wamunotanga kunyimana zvinhu mumba ndiwo musi wamunotanga kuputsa musha wenyu. Zvikangoitika kamwe chete mukasazvigadzirisa, hwisisai kuti zvichatanga kuitika nguva nenguva. Pese pazvinoitika zvidhinha zvinobviswa pamusha. Kana uriwe mumba watanga nyaya yokunyima umwe, uri munhu asingagoni kuvaka musha. uri muputsi. Waifanira kunge usina kuroorana nomunhu waunaye. Utsinya hwaunahwo hahwina kukodzera kuti uve nomusha kana mhuri. Uri muroyi wemasikati.

Tinoziva hedu kuti uchazama kuzvipa manyawi pazviito zvako uchipopota uchitiudza kuti hee uyu adai hee uyu adai, asi chokwadi chiripo ndechokuti hauhwisisi nyaya dzomumba mako. Munopedzisira mahurirana chete. Hakuna musha unovakika vanhu vachinyimana pamberi. Hazviiti.

Murume/mukadzi wako achatoti ahure chete uwe uchifunga kuti kuvata wakagumbatira pamberi pako kuri kumukaurisa. Iwe ndiwe uchakaura nokuti kana atanga kuhura uchati uku wapiwa chigwere uku worambwa futi. Wana zvokuita pakupokana kwenyu mumba asi kukwirana musarega chero zvodii. Chombo hachiregi kumura chichiti nokuti muridzi akagumbuka. Chitubu hachiregi kunyorova chichiti nokuti muridzi akagumbuka. Vhura chete murume akupinze chombo, wopedzera shungu pachikapa. Murumewo, vata nomukadzi wako zvisinei kuti wakatsamwa.

Chikonzero chimwe chete chinoitisa kuti ude kurambira umwe wako ndechechihure. Kana uchigwara kana kuti uri kumwedzi, iye ega anozviona kuti umwe wangu haana kukwana nhasi osada kuvata newe. Asizve takambotaura kuti unofanira kujaidza murume kukubudisira urume chero uri kumwedzi, kungosiyana kuti haakupinzi chombo muchitubu. Moshandisa mamwe maitire akaita sokumuti arhoje maoko ako akazogwa mafuta, kana kumukwiza chombo nemazamu, kana kuisa makumbo pamwe chete iye wokoira pakati wambozora mafuta muzvidya.

Kana murume akaneta ngaavate nomusana mukadzi orezva chombo kusvika chamira, mukadzi okwira murume oita basa murume asina zvaari kuita. Kana mukadzi akaneta ngaavate nedumbu osimudzira murume chiuno, murume oita basa ega movata henyu. Kurega umwe wako achizama kuvata ane zemo handizvo. Hazvifaniri kuitika mumba yevanhu vakaroorana.

Ndofunga nyaya dzokukomburena kuti mukadzi/murume ari kuramba dai dzaita shoma mudzimba dzedu. Hapana ari nani kurambira umwe. Iwe kana uchihwa kuda kuisana wana mukana wekutaurira umwe wako muisane. Kana akaneta ndiwe unomukwira zvisinei kuti uri mukadzi kana murume. Woitawo uchiziva kuti akaneta.

Kana tichitaura chokwadi tinoona kuti kuroorana kwenyu kuri pazvinhu zvishomanana zvamunofanira kuchenjerera kuti zvigare zvichiitwa

1 Kudanana
2 Kuisana nguva nenguva kuti muratidzane kudanana kwenyu
3 Kugadzira vana kuti mhuri ikure
4 Kuriritira mhuri yenyu.

Hino kana umwe oti hee chino handidi, icho handidi, uchaona kuti zvimwe hazvichafambi zvakanaka. Kana munhu akaravidzwa kuisana kuti achizonyimwa zvinomugozhera.

Asizve chokwadi ndechokuti saimba anojaidza mukadzi kutanga nyaya yokuti akatsamwa oramba kuiswa, ndisaima asingagoni kutonga musha wake. Ndechinmwe chezvamunofanira kubvumirana musati marorana. Kuti iwe hama yangu, pamagarire edu unobvuma here kuti tikazopopotedzana

1 Hatiregi kutaudzana
2 Hatiregi kuisana.

Kana ati haabvumirani nazvo rega kuroorana naye nokuti muchahurirana.

Udzai vamwe!!!!!!






No comments: