Sunday 26 June 2016

Hazvanzi kadzi inohura ichikupa mari

Toti uri munhurume asi une hazvanzi yaunoziva kuti inohura nevarume vane mari, iyewo opota achikupa mari kana usingashandi, kana kuti kukukweretesa mari paunenge washupika. Hazvanzi iyi haina murume wemuma. Munhu akangozvimiririrawo hake, anohwisisa kuti mari inowanikwa sei kubva kuvarume vanayo, zvisinei kuti varume ava vane vakadzi here kana kwete.

Zvinoita here kuti ugamuchire mari yakadai uchiziva kwayabva? Ko umwe wevarume vaanohura navo akasangana newe akakupa mari yakati wandei unoramba here kuigamuchira?

Zvine basa here kuti hazvanzi iyi muduku pauri kana kuti mukuru pauri iwe kuti ude kana kuramba kugamuchira mari yaanokupa uchiziva kwayabva. Ko kukutengerawo mudziyo yakaita se motokari kana Tarakita yokurimisa, kana rhori yokuitisa maraicha kubva kune dzimwe nyika?

Nyaya yava munyika yedu ndeyokuti mhuri imwe neimwe ine vana vayo vakawanda vanoita basa rechihure zvinotozikamwa kuti ndiro basa ravo. Unoona munhu ane imba yakanaka chose yaanogara, yakavakwa nemari yokuhura.

Taurai tihwe vanhurume?

3 comments:

Anonymous said...

Pakaoma apo!! Ini hangu handidi mari yakadai. Ndinotoudza hanzvadzi yangu kuti ngaasaita zvechihure uye handidi mari yake. Handina problem kuti ihanzvadzi kuru or diki here. In my reality, havatombozviratidzi kwandiri zvakadaro. They know kuti handidi nonsesnse iyoyo. Kana kuri kutonzwa ndingatonzwa nemakuhwa.

Anonymous said...

Nyaya yakaoma iyi...huye haisi kunaana hanzvadzi yoga. Takamboikurukura rimwe gore nyaya iyi tichitaura pamusoro pevanereki vanotambira Mari kubva kuvanasikana vachiziva kuti haina kuuya nezhira dzakanaka. Kunyanya nekuoma kwaita hupenyu kumusha kuZimbabwe. Pane kuti vatsiure mwana pakuhura, kutamba asina kupfeka (stripping), vazhinji vanongotambira Mari vakanyarara #pakaoma

Mai E Chibwe said...

Kana usingadi mari iyi tiudzewo kuti unoiramba uchiti kudii, kuti iye wacho ari kukupa ahwisise kuti uri kuirambira pamusoro pezviito zvake zvamupa mari yacho.

Ko kana akutengera mota kana bhasikoro kana chimwe chezvokushandisa pamusha pako unoramba sei?