Sunday 13 December 2015

Kana une HIV uchida mwana

Paita nyaya yokuti  kana makaroorana muchida mwana asi mukadzi kana kuti murume kana kuti mese mune HIV. Totangira pokuti mese munozivana STATUS dzenyu uye munohwisisa kuti zvinorevei pakuvatana kwenyu kuti nyaya yenyu isawedzera mamirire ayo. Uku kureva kuti pane zvamusingaiti:
1 Mukadzi haasveti chombo chomurume wake
2 murume haananzwi bhinzi yomukadzi wake
3 pakupinzana munoshandisa makondhomu nguva dzese
4 Kana mukadzi ari kumwedzi munomirira kusvika apedza
5 Hamuhurirani, zvikuru nevanhu vamusingazivi kuti vari papi.
Maitire awa ndiwo aitisa mumbvunzo wekuti saka kana mada mwana munomuita se imi muchishandisa makondohomu. Ngatitange nokuti mukadzi ane HIV as haana AIDS uye anohwa ane utano hwakanaka zvokuti munoona kuti anokwanisa kuita mwana uye anoda mwana wacho. Kuti munhu abvunze ange aona kuti chokwadi ndechokuti mukadzi haakwanisi kuita mimba imi muchishandisa makondhomu. Kotizve kana mukasashandisa, murume anokwanisa kubata HIV. 

Chokutanga kukurudzi mese muri panyaya yakadai kuti mufunge upenyu hwemwana wenyu kuti hunenge hwakadii. Fungai kuti pane zviviri zvinokwanisika kuitika. Mwana anokwanisa kuzvagwa ane HIV asizve pamwe mwana anokwanisa kuzvagwa asina HIV zvichibva nokuti chii chaitika mukadzi paange ane mima.  Tichatarisa zvokuita kana mukadzi ane HIV uye ane miba.

Tarisaizve upenyu hwevabereki , zvikuru hwa mai ava pakuti kana vazvara mwana panoita nguva utano hwavo hunehusina kunatsikwana saka HIV inkonzera kukwanisa kubata zvimwe zvigwere. Munofanira kuhwisisa nyaya dzese idzi pakuronga kwenyu. Chii chinoitika kumwa na kana vabereki vakagwara zvokutadza kurera mwana.

Maongorora nyaya dzese idzi mukabvumirana zvokuita, chirongai zvokuita uye maitire acho. Nyaya yepano iri kutarisa maitire acho kuti musawedzera dambudziko renyu.

Kubata mimba:
Mukadzi ane HIV uye ari pamapiritsi anotanga nokutarisa mamirire akaita VIRAL LOAD yake, osvika pokuti iri pasi pasi. Ndiyo nguva yokufunga nezvokubata mimba. Asizve hwisisai kuti VIRAL LOAD inosiyana zvichibva nenguva yomwedzi kumunhukadzi. Mukati mechitubu chomukadzi zvinonetsa kuziva kuti maFLUIDS emo ari papi nokuti zvinowanikwa panya iyi zvakawanda. Hazviiti kuti uzive kuti  VIRUS yekuzasi yakamira sei. Inohi inokwanisa kusiyana chose ne LOAD yomuviri wese.
Nyaya iyi inoitisa kuti musakwanisa kuvatana musina kondhomu kuti mukadzi apiwe urume hwekuitisa mimba. Chimwezve ndechokuti mimba inonetsa kubatisa pakuiswa kamwe chete saka menge motoda kumboita nguva mukadzi achipiwa urume pasina kondhomu. Ndipo panohi musadaro nokuti murume anokwanisa kubata HIV, Zvinohi kana kumadzi ange achimbori pamapiritsi ekudzivirira mimba anowedzera VIRAL LOAD kuzasi uye anononoka kubata mimba zvokuti anokwanisa kusvika gore nehafu muchingo vatana pasina kondhomu iye asingabati mimba.

Saka haano mabatigwe emimba. Enday kuCHEMIST munotenga zvinhu zvinoti
1 ORAL SYRINGE:
2 PLASTIC Cups
3 STERILISING solution
4 SURGICAL GlOVES
Zvadaro tarisai nguva yomwedzi. Kana paita mazuva mapfumbamwe (day9) kubva musi wekutanga kuenda kumwedzi, munokwanisa kutanga kupanana urume kusvika pazuva regumi nematanhatu (day 16)
Makamiririra mazuva awa dzidzisanai maitire enyu kuti kana mazuva asvika mugoziva zvokuita. Chokutanga kuhwisisa kuti kapu yenyu ne SYRINGE yenyu zvese zvinofanira kusukwa. (STERILISE)

Munokwanisa kusuka
Kusuka Syringe munongoishandisa kusaka Sterilising liquid muchishuta ichibuda.
Kusuka kapu munongonyika kapu yenyu mu Sterilising liquid moisiyamo kwenguva mobvisa moiomesa. Musapukuta nokuti patawero pane ma BACTERIA akawandisa.

Kubudisa urume mumurume:
Varume havanetsi kubudisa urume. Mukadzi anopfeka maGLOVES otanga nokuudza murume nyaya dzinomisa chombo, otambisa chombo chomurume kusvika atunda urume. Moita izvi kapu iya iri pedo kuti kana urume hwobuda monangisa chombo mukapu. Urume hunobuda mumurume hauna kuwanda saka garai muchiziva izvi. Kuwanda kweurume (Semen)  handiko kuwanda kwemhodzi  (Sperm) dzirimo . Domhwe rimwe chete reurume rine mhodzi dzakawanda zvokukwanisa kuitisa vana vanopfuura churu pakuverengwa.
Kuisa urume mumukadzi
Kana murume aburitsira urume mukapu munofanira kukasira kuhuisa mumukadzi . Mukadzi ngange asina bhurugwa nechekare. Zvinokwanisika kuti murume akabudisa urume anoda kumbozorora nokuti ndizvo zvinoita varume.  Saka mukadzi ndiye angatoita nyaya yokuisa urume mukati make. Kasira kushandisa Syringe kumwa urume hwese, wokasura kuvura makumbo wopinza Syringe iya kusvika kwaunokwanisa kuti ipinde worutsira urume hwese ikoko nesipidhi yokuti hunobuda kusyringe zvinesimba.

Zvadaro hwisisa kuti humwe urume huchavhinza kubuda muchitubu. Hazvirevi kuti haubati mimba. Mukadzi wese munyika dzese pese paunovata nomurume, humwe urume hunovhinza asi mimba tinongoona dzichiitikaka.

Chirambai muchidai kusvika zuva rokupedzisira (Day 16) Zvadaro chidzokerai kundoshandisa makondhomu enyu henyu kusvika mukadzi aendazve kumwedzi. Modzokorodza nyaya yese. Zvinokwanisika kuti munodaro kwemwedzi yakawanda kusvika mukadzi abata mimba. Asi mwedzi umwe noumwe tanga nokutarisa utano hwemukadzi .

Kana akatadza kuenda kumwedzi, endai kuchipatara andotesitwa kuti ane mimba here. Kana anayo, tsanangurirai varapi kuti ane HIV kuti apiwe mapiritsi okuti HIV isavambuka kubva pana mai kuenda kumwana.  Mapiritsi awa anouya nemirairo yawo kuti anomwiwa sei.  Teverera mirairo iyi. Morairidzwazve kuti zvinosangana sei nemirairo yekumwa ma ARV.

Hwisaizve kuti mwana haakwanisi kuzvagwa nokuno kumukova saka zvinofanigwa kuti mai vachekwe dumbu mwana wobudisa nokuno  kwachekwa.  Izvi zvinoitigwa kuti mwana asakwanisa kuminya mvura dzinobuda kuchitubu chamai paanozvagwa nokumukobva. Asi zvinorevazve kuti kana mwana azvagwa, haakwanisi kumwa mukaka wamai.

Kana murume ane HIV muchida vana:
Ndichawedzera nyaya iyi pakuongorora zvokuita kana murume ariye ane HIV. Kana pane zvausina kuhwisisa ndinyorerere tijekeserane kana zvichikwanisika. Ndichazama kupedzisa vhiki inouya. 

No comments: