Sunday 27 December 2015

Chigwere che PROSTATE

Pane chigwere chevarume chinohi hafu yevarume mupasi rese vanotomboti vachiite chinohi PROSTATITIS kureva kuti kugwadza kwe PROSTATE GLAND inova ndiyo inobatsira panyaya dzekuvatana. Toda kuboongorora kuti chinoitika sei uye chii chingaitwa kuti zviite nani.

 PROSTATE ENLARGEMENT;

Prostate Gland inowanikwa pazasi pechigusvi cheweti ine tsika yokuti kana pakaitika zviwe zvaisingadi yotanga kuzvimba. Kuzvimba uku kunogwadza muridzi saka panodiwa kuti undorapwa. 

Kuti uzive kuti paita dambudziko re PROSTATE hezvinoi zvinoitika.
Kuweta kusina mwero
Kutadza kuweta iwe uchida kuweta
Kungoda kuweta pese pese
Kuti kwasviba wongogaromuka uchienda kunoweta
Kuweta weti isina puresha
Kuhwa kupisa kana uchiweta
Kutadza kumira chombo zvakanaka pakuvatana nomukadzi

Iwe wega muridzi ndiwe unotanga kuziva kuti pane chakanganisika. Kasira kuenda kundoonekwa nevarapi wovatsanangurira zviri kuitika. Vamwe venyu havadi kundorapisa zvigwere zvinoitika pameri asi chokwadi ndechokuti ukasarapisa ichi unokanganisika upenyu hwako chose. Enda undorapwa.

 Mushonga wavanokupa unohi unoshanda hawo pakukurapa asi panguva yaunoushandisa hwisisa kuti unokwanisa kusamira chombo. Usatyiswa nazvo uye usada kuvata naye kusvika wapora. Izvi zvinokwanisika kuramba zvakadaro kusvika wapora, chombo chobva chazotangazve kumira zvakanaka. Apa ndangokuudza kuti usafunga kuti zviri nani kusamwa mushonga.

 Paunosvika kwamurapi, vakafungira kuti iProstate iri kukugwadza vanotarisa kuti yakazvimba here. Nzvimbo yairi inonetsa kuiona saka vanokupinza zvigumwe kumashure votsvanzvadzira pasi pecheweti apo kuti vahwe kuti saizi ye PROSTATE yakakura zvakadii, uye kuti iwe pakupuresiwa kwayo unohwa kugwadza kwakadii. Hwisisa kuti unofanira kurerusa muviri (RELAX) Iwe hwisisa kuti kugwadza kwacho kuri papi uye tsanangurira murapi kuti iri kuhwa sei.

Prostate CANCER
Varume vakati wandei vanoti vava vanhu vakuru kumakore anophuura 60 voita Prostate Cancer. Usashushikana nazvo asi aka ukafungira kuti kuweti uku hakuna kumira zvakanaka enda undotariswa nokukasira nokuti vakakasira kubata Cancer vanokasirawo kutanga kuirapa.

Chokutanga ndechokuti chigwere ichi chinokwanisa kuita kumurume wega wega asi varume vanonyanya kuchibata varue vasina munhu wekuvata naye kwenguva refu. Zvinohi varume vaya vakaita sevafundhisi ve Roma vasingadi kuhwa nezvekurhoja vakadzi, ndivo nanonyanyisa kuita chigwere ichi. Munhurume anofanira kugarowana mukana wekubudisa urume zvisinei kuti anozviita sei. Urume unofanira kugarotapudzwa kudzivirira chigwere ichi.

Zvinohi murue kana ava nemakore anopfuura makumi maviri nemashanu, kana kuti akatanga kuvata nomukadzi, zvinobatsira chose chose pakudzivirira chigwere ichi kana akajaira kuti pamwedzi wega wega oburitsira mukadzi wake urume zvinopfuura makumi maviri nekamwe chete (More than 21  ejaculations per month) Ndizvo zvanzi vaya vechifundhisi vasingadi kuvata nevakadzi havazokwanisi kusvitsa kwese uku. Kumurume ane mukadzi mumba, ona mukadzi wako semushonga wezvigwere zvakati wandei. KGarokwezva mukadzi kuti afarirewo kuiswa nokuti zvinorapawo zvigwere zvevakadzi. Chero mambotukana wanai mukana wekumbovatana musati mavata hope. Kana kumukirana usiku zvakanakawo futi kana mese muchizvifarira.

Asizve iwe muridzi hwisisa kuti pakudzivirira chigwere ichi usazonobata zvimwe zvigwere.

Kana wabata chigwere ichi PROSTATE yako inokura zvinova zvinoonekwa pa SCAN kana kuti ukanotariswa kuvarapi. Vanokupinza chigumwe kumashure votsvanzvadzira PROSTate kuona saizi yayo kuti iri papi. Kana yakakurisa vanokuudza. Vane mamwe matarisirezve avanoita. Usatya kutariswa nokuti zvinoda kukasirigwa kuti vakasirewo kukasira kutanga kurapa.

Tichaenderera mberi nenyaya iyi.




Tuesday 22 December 2015

Kusangana kamwe chete pavhiki

Kune kugarisana mumba kwekuti munongoonana pakupera kwevhiki nokuda kwemabasa kwakasiyana nokugara muchionana zuva nezuva. Zvoonekwa kuti panoita nyaya dzakawanda pakugara kwenyu nokuti magarire enyu haanatsi kuwirirana nemagarire anofanira kuita vakaroorana. Asi nhamo iripo ndeyokuti muri kuzviita kuti mukwanise kuriritira mhuri yenyu. Haisi nyaya yokuti makasarudza kugara magarire awa.

Hino pana Millicent  abvunza kuti angaita sei nenyaya yake nokuti murume wake anouya kumba pakupera kwevhiki asi zvinokwanisika kuti mazuva maviri awa anopera murume asina kuvata nomukadzi wake, kusvika adzokera kwaanoshanda ozouyazve vhiki inouya pamwezve poshaikwa kuvatana pakati pavo, asi imwe vhiki anouya ovata naye kakawanda. Zvinorevei?

Apa handina hangu kunyora zvese zvanyogwa mumwadhi iyi asi kuti ndahwisisa kuti munyori uyu mukadzi ava nemakore maviri awanikwa asi vanoshanda kwakasiyana nomurume. Mukadzi anoda chose kuiswa asi pamwe murume haamuisi weekend yese kusvika adzokera kubasa. Asizve pakutaurirana  paEmail ndahwisisa nyaya yokuti murume nomukadzi vese havataudzani nyaya dzokuvatana. Zvinongoti pazvaitikira zvoitika pasina zvokutaurirana kuti ngatiisane, kana kuti hendei tinovata. Vese havashandi pa WEEKEND saka vanoonana zvakanaka kwemazuva maviri. 

Pamagarire awa ngatihwisise kuti kune vachangoroorana chinhu chakaipa chose kupedza vhiki yese musina kuonana mozoonana moshaya zvokuita nokuda kwekutadza kutanga nyaya. Pamwe murume ari kuhi haadi anenge achitarisirawo kuti mukadzi achataridza kuda kuiswa, iyewo mukadzi achitarisira kuti murume ndiye achatanga nyaya. Kusvika vaparadzana pasina atanga nyaya.

Pakugara wega pane miyedzo yakawanda chose. Vavakidzani chaivo vanokuona uchingobuda hako mumba uchienda kumagirosa kana kuti kubasa. Vanoziva kuti uri wega uye une zhara yezvinhu. Vanotsvaka mazano okutaura newe kuita sokuti vanhu kwavo asi dziri nhubu. Vanhukadzi zvikuru kana ada murume chero murume wemunhu, anokwanisa kumukwezva kusvika umwe musi vangoita sevasangana pasina umwe munhu izvo nyaya yarongwa kare.  Hino kana murume uya ari munhu asina simba rokuramba, anokwanisa kuzoerekana ava pamuedzo wakaoma.

Kunemi vakadzi vomumba, onai kuti muri kuchengeta mutemo wekuchengeta murume. Hazviiti kuti iwe hausi kumwedzi, hausi kugwara, murume wouya pakupera kwevhiki, woita mazuva maviri ese unaye pasina zvawamupa, murue opedzisira adzokera kubasa nezhara iwe uripo. Hazvifaniri. Pakadai murume handiye ane dambudziko. Mukadzi ndiye ashaya rairo mumba. Mukadzi wemunhu, chero hedu tikati mazuvano kwava ne EQUALITY, anofanira kuva iye anogamuchira murume, omubikira paWEEKEND ipapa, womuwachira, womuainira, womurongera zvokudya zvokuenda nazvo, womuudza kuti wange uchimushuva vhiki yese. Mapedza kudya usatambisa nguva uchitaura zvisina maturo. Murume haana kuvinga nyaya. Abva kwese kwaabva kuvinga iwe. Dai wange usipo pamwe aisatombouya kumba kwenyu achipedza mari nokubhadhara mabhazi kana kutenga peturu. Chii chausingahwisisi  ipapo? Murume aita zvaanofanira kuita. Auya kumba. Iwe chiitawo zvaunofanira kuita Chimubikira, nokumupa mvura yokugeza nokumuvhurira akurhoje kusvika aguta.
Saka chigezai mukasire kuenda kundovata. Chikurudzira murume kuhwisisa kuti wange uchimushuva vhiki yese saka unoda muende kunobvisa chishuvo chako. Kuti zii pa WEEKEND yese kusvika yapera pasina chaitwa kuratidza kuti hauna hanya nomurume. Iyewo kunyarara kusvika adzokera kuhwisisa kuti iwe hauna hanya naye. Usafunga kuti ange asingadi kurhojana newe bodo. Abva kwese uko achitozvifunga achironga kuti zvichamunakira sei. Asi paasvika kumba aona kuti magamuchirire awaita amuratidza kuti hazvimo mumoyo mako nomufungwa dzako. Hausi munhu anohwisisa kuti uri mukadzi wemunhu, kana kuti zvinorevei.

Masvika kuimba yokuvata chitungamirira nyaya iwe muridzi wemurume. Tanga nokukwiza muviri wemurume (MASSAGE) kusvika apfava muviri. Ipapo pakukwiza ndipo paunoita nyaya dzisina maturo idzo kuti nguva iende mberi Uchibatabata murume wako. Kumukwiza nemafuta, kumurezva, kumuudza nyaya dzinofadza. Kana adawo kukukwiza muviri ndezvake asi ukaona ava nezemo chiisanai zvinoratidzawo kuti wange wava nevhiki wakamirira. Chiuno choitawo simba revhiki yese kuratidza kuti wange wakamumirira kwete kungoti rabada uchifunga muriwo une dovi. Isa fungwa pakufadza murume azive kuti ndiwe chikonzero chaafambira kubva kwaabva. Vhiki inouya unoona asvika futi kuvinga iwe mukadzi wake. Zvinoreva kuti ari kuda iwe kwete vamwe vakadzi. Saka iwewo chida murume wako sezvaanokuda iye kana kupfuura. Hatisi kuti haudi murume mumoyo, asi kuti ratidza murume zviri mumoyo mako.  Hazviiti kufunga kuti murume aramba kuvata newe iwe usina kuita zvaunotarisigwa kuita.

Mapadza, pakuvata swededa pedo nomurume wovata waka isa ruoko kuseri kwemurume wako wakamuswededza pedo newe modziisana miviri yenyu. Ukapepuka usiku ukawana murume amire chombo, gonyerera murume nokusimudzira gumbo kusvika wawana mukana wekupinza chombo chake muisane futi. Usamirira zvokuti iye ndiye achakuudza kuti anoda kupinza. Kana wakanyorova zvokukwanisa kupinzwa chaunomirira chii? Uyu murume wako. Hapana chauchasvoda paari.

Mangwanani kana zvichiita nonokai kumuka mumboita basa kungorezvana henyu muchiita nyaya kana musina zemo. Kana ane zhara muka undobika tii uuye nayo womupa mozomuka zuva rakwira. Kana mune vana ndipo paungakasira kumuka kufidha vana. Kana musina chii chaunomanyira uchisiya murume mumubhedha. Wana zvokarongwa zvokuita pamwe chete nomurume mumba menyu, kwete kuvhakashira vanhu kana kurega vanhu vachikuvhakashirai panguva yenyu iyi. Kana mada zvokuvhakachigwa chiregai kurega vanhu vachigara nguva refu. Wanai chokuvaudza kuti vaende kudzimba dzavo musare muite zvinoitwa nevakaroorana. Weekend haisi nguva refu.

Hazvinei kuti murume ataridza kuda kukuisa here kana kwete. Uri mukadzi wemunhu kureva kuti ibasa rako kukwezva murume kusvika akurhoja. Kune vamwe vedu vane tsika yokumirira kuti murume achati bvisa bhurugwa. Bodo veduwee. Iwe ndiwe unoemera murume nokumurezva kusvika amira chombo. Kana usingazvigoni bvunza vakuru vakuudze zvokuita asi zviite chete. Musi wamaroorana ndiwo musi wawakabvuma basa irisaka nhasi kuzondinyorera woti murume haakurhoji kana auya paweekend, uri kurevei? Tete vakakuudza kuti kudii pakuchengeta murume? Ukazohwa kuti aonekwa ane hure uchapopotera ani iwe uchiita sokuti hauna hanya naye.

Vanhukadzi tinokangamwa kuti pataiva mukomana nomusikana nevarume vedu, varume vaigarozama kuisa isu tichiti mira tiroorane ugozoita madiro. Hino nhasi aroora mukadzi oti zii nazvo. Ko kuchiyeuchidza murume kuti ngaachitsiva mazuva awaimboramba aya, zvaendepi? Murume ngaagare achihwisisa kuti Chishanu chikasvika ari pabasa kana asvika kumba. Kune vaya varume vanomwa doro, unoona otanga auya kumba ozoti mapedza kuisana ofunga zvokunomwa doro neshamwari dzake. Achidzokako unomutswa futi worhojewa movata henyu hope. Murume anoshanda kure hauna nguva yokumurambira kana kupopotedzana naye. Une nguva yokumufadza chete iyewo achikufadza.
Kuti Svondo isvike murume agorongedza agodzokera usina zvawaita inyaya inoratidza kuti hauna kuraigwa zvakakwana. Murume, chero uya anouya kumba zuva nezuva haafaniri kuti abude mumba kuseni akazara urume iwe uri mupenyu uye usingagwari uye usiri kumwedzi. Hazviiti izvozvo.

Kubva paChina muchitaurirana pafoni, muudze zvakamumirira kumba kuti agare afunga kuti kune basa. Ziva zvokudya zvinodiwa nomurume wako wopota uchimubikira.

Kana moda kuparadzana nguva yake yokudzokera yasvika, woneka murume zvinoratidza kuti haufariri kupedza vhiki yese asipo. Kana ane mota achizvifambira ega, munonotse kudzokera.

Ndizvo zvandataurira nyakubvunza uyu. Isu vanamai vemumba, ngatiratidzewo kuda kuiswa sezviri kuita maSMALL HOUSE amuri kuona mumaraini achivingwa nevarume vevanhu. Vakadzi tese tine zvakangofanana. Musiyano ndewekuti vamwe vedu kana tava mudzimba tinokangamwa kuti murume anobatwa samambo. Zvokuti unotambira mari yakawanda kupfuura yemurume kana kuti wakadzidza kumupfuura kana kuti uri MANAGER kubasa kwako, ndezvokubasa izvo. Kana wava kumba ratidza murume kuti munhu anokosha uye munhu waunoda kuvata naye, uye ndiye mukuru mumba. Uchaonawo iye okupa ukuru hwacho oti ronga ichi neicho, nokuti anohwisisa kuti zvese zvaunoita unoitira iye nemhuri yenyu. Vamwe vedu havana kuhwisisa kuti chitubu chawakatakura icho chine simba pamurume wako rokuratidza rudo, rokupa mufaro, rokukwezva murue, kupfuura mashoko aunokwanisa kutaura kana kupopota nomuromo.

Kana zvese zvomumba zvaitwa tora murume wako undomupa chitubu aite zvaanoda nachoWeekend yese kusvika adzokera. Kumirira murume kuti ati bvisa bhurugwa handizvo. Iwe bvisa wega bhurugwa upe murume chiro chake akuise paadira. Uri mukadzi wemunhu kureva kuti wakavinga kuzoiswa pamusha apa. Dai wange usina chitubu dai usiri mukadzi wake. Ngatiriritire varume vedu nomoyo wese tichivapa zvido zvemiviri nefungwa dzavo.

Tataura nezvemukadzi anosvoda kuita basa rake asi iye achitoda kuti riitwe. Kune vamwe vakadzi vanongoti murume apinda mumba kubva kwaange ari kwevhiki yese, vanomupa chokumwa voti achingopedza vototanga kukisana naye nokumukwezvera kumubhedha kunoisana. Kana muchidanana uye makasununguka pakutaurirana, ndizvo zvamunoita kana pasina anogwara kana kuti ari kumwedzi.  Nyaya yabva pamubvunzi asingazviiti izvi, anomirira kuti murume amuti bvisa bhurugwa .

Mukadzi anoshanda kure:
Apa tataura nezvomukadzi ane murume anoshanda kure asi kune mhuri dzine mukadzi anoshanda kure achiuya kumba kupera kwevhiki, murume achishanda pedo nepavanogara achisara nevana kana kuti achingosara ega. Vakadzi hwisisai kuti chero nyaya yenyu ikamira sei, ibasa rako kuona kuti murume achengetwa pane zvese zvinohi kuchengeta murume. Kurhojana kwenyu mumba  mdiwe unoronga kuti zvoitwa riini. Ngatirege kureverana nhema dzokuti tese tiri kugona basa iri. Variko vanoritora sokuti harina kukosha asi kana muchipota muchiparadzana hwisisa kuti ukasada basa iri ndiwe uchazochema mberi nyaya yako yakuipira.
Murume ari pasi pemakore 60 anofanira kugarotapudzwa urume uye ndiwe unofanira kuzviita somukadzi wake. Iye ane pokubudisa urume napo iwe une pokugamuchira urume apo. Kusangana kwenyu kuti nyaya yenyu youpenyu ifambe zvakanaka.

Musikana anodanana nomukomana ndiye anomirira kukumbigwa kuti abvise bhurugwa. Kana wava mumba wava mukadzi wemunhu kana uchiziva kuti muchavatana, bhurugwa racho wadii kugara watobvisa nechekare? 
Ngatikurudzirane kuchengeta varume vedu nomoyo wese tichizviita murudo, kuda murume uye kuda mhuri dzedu kuti dzienderere mberi pasina kuwanzirana nyaya. Tinohwa kuti vakadzi vanoda SECURITY, and chokwadi ndechokuti tese varume nevakadzi tinoda SECURITY muupenyu. Murume anofanira kugara achiziva kuti akasarudza munhu akakodzera kuita mukadzi wake, kwete kugarotarisa vamwe vakadzi nokufunga kuti dai akaroora mai Nhingi dai ari pari nani pane zvaari newe. Bodo. Hazvigozhi kutaridzana rudo mumba.

Varume:
Imiwo varume, kazhinji ndimi munokonzeresa mukadzi kungoti zii seasingadi zvinhu iri nyaya yokutya kutaura kuti ngatiite ichi kana icho. Ukasunungura mukadzi wako mese munoita mufaro pamusha wenyu. Hazvirevi kuti anokujairira kana kuti anokushora. Asi kutoti anokuwedzera mufaro nokuti anokwanisa kukurongera. Mukadzi haasi muranda wako. Anotoriwo munhu mukuru ane njere, pamwe dzakatopfuura dzako zvokuti ukada kumuregera achironga anotoronga zvinofadza chose. Vanhukadzi vanopanana mazano emudzimba kupfuura imi varume. Asi chero akaita mazano api zvawo murume wake ari DICTATOR hapana chinobuda pamazano ake.

Varumehwisisai kuti mukadzi ane mufaro mukadzi ane rukudzo futi kumurume wake. Nyaya ye AUTHORITY mumba iyi iri kukubirai mufaro. Mukadzi anoita zvinhu norudo mukadzi anofadzawo murume wake. Sunungurai vakadzi venyu vakwanise kutaura zvinhu zvakawanda pauviri hwenyu. Garobvunzawo mukadzi wako kuti Rhoji yamadeko akaihwawo sei? womukurudzira kutsanangura manakire ayo kwete kungoti yainaka. Itai nyaya pairi, iwewo womuudza nezvechikapa chake kuti chinofadza zvakadii nemhosva yei. Uye unofarira kupurudzira kwaakaita chombo uye kukuregera uchimusveta bhinzi yake.

wanawo nguva nomukadzi wako yaunomutsanangurira maonere aunoita muviri wake uye kuti chinokumisa chombo chaicho chii paari uye pazviito zvake. Mupewo nguva yokupurkitiza sokuti womuti ambozama kumisa chombo nemazano ake ega. Uchatoona kuti anohwisisa chombo chako kupfuura zvaunomufungira.

Pakurhojana kana iye achichemerera iwewo wana zvaunotaurawo kwete kungoti zii. Hino mazvionawo kuti weekend yese inopera pasina ati anoda zvinhu asi ipapo vese vari kutoda. Kutadza kungotaura chete.


Kana zvichikunetsai kutaura tenga kabhera kekuti umwe akakakaridza zvoreva kuti anoda kuti muisane. Pasina izvozvo tumiranai maSMS kuti nyaya iri papi weekend ino. 

Udzai Vamwe!!!!!

Friday 18 December 2015

Chihure chisina zvokurhojana.

Chihure chisina rhoji pachiri.
Mazuvano kwava nenyaya dzange dzisiko kare. Imwe yenyaya idzi iri kunetsa vanhu mudzimba dzedu ndeyokuhwisisa kuti kana ukahi unodanana noumwe munhu, iwe une mukadzi/murume mumba asizve usina kana kumboda kuvata nomunhu iyeye waunohi unodanana naye, zvingahi wahura here?  Vanhu mudzimba umu vari kupokana kusvika pokuti:

1 Vanorovana nokukuvadzana
2 Vanogarisana matare mhuri dzichiuya kuzotonga nyaya
3 Vanofumurana kuhama neshamwari
4 Vanosvika pakurambana

Asi pese ipapa pasina aita chihure chokuvata nehure kana nechikomba. Zvingori zvepafoni kana kuti kombiyuta chete chete. Saka tati timboongorora kuti chiiko chave kuhi kuhura mazuvano? Sei vanhu tisingahwisisani nenyaya iyi? 

Varume nevakadzi vakasiyana here mafungire avo panyaya yokuhura kurina rhoji mukati? 
Parudzi nomutauro wedu, kuhi wahura nanhingi hunge wavata naye kana kumurega achikubatabata muviri wako nokukupa zemo. Hino mazuvano kwava nevanhu vanosangana pa INTERNET chete vohi vahura.

1.                   Ngatitange nokubvunza kuti kana ukabva kubasa ukapinda mumba ukawana mukadzi wako achitarisa mapikicha evarume vaasingatozivi pa INTERNET vasina kupfeka  ungati  ahura here?

2.                   Ku mukadziwo ukasvikowana murume wako achitarisa mapikicha evanhukadzi vasina kupfeka ungati ahura here?

3.                   Ko ukawana achitarisa varrume vasina kupfeka uye zvombo zvakamira  kana kutiwo vakadzi vasina kupfeka vakavhura makumbo ungati ahura here?

4.                   Ka kana ukawana mukadzi wako achizvikwizakwiza bhinzi achiona mapikicha amurume asina kupfeka uye chombo chomurume wepapikicha chimire ungati aita zvechihure here?  Ko ukawanawo murume wako achirhja maoko ake akatarisa mukadzi ari papikicha asina kupfeka uye akavhura makumbo ungati ahura here?

5.                   Ko ukaziva kuti pane munhu anozikamwa nomurume/mukadzi  wako uye pakati pavo vopanana zemo zvichibva pakutaura chete pafoni kana kuti pa WhatsApp kana kuti pa Email asi vasina kumbosangana kana kamwe chete. Vanhu ava tingati vahura here?

6.                   Ko kana vakatumirana mapikicha anosvodesa vakatauriranazve zvinosvodesa vakaitisana zemo asi vari kure nakure zvokuti havakwanisi kana kuvatana, tingati vahura here?

7.                   Ko vakauaudzana kusvika pakukumurirana zvipfeko pa KAMERA dzekompiyuta dzavo voratidzana pamberi pavo uyu ine chimire uyu ane chizvimbe, asi vasina kumbosangana zvokukwanisa kuvatana, tingati vahura here?

8.                   Ko pakutaridzana zvinhu zvavo ipapo vakataridzana kushandisa kwavanoita maoko avo kuzvikwisa pambeti kusvika zemo rapera, asi vasina kumbosangana zvokukwanisa kuvatana, tingati vahura here?

9.                   Ko kana zvadaro vaita zvese izvi, zvikazoonekwa kuti maitire avo awa ari kukonzera kuti vawedzere zemo mumba kumurume/mukadzi wemumba, tingati pane chaitwa chakaipa here?

10.               Ko murume wako aka zvitora pikicha inoratidza achizvipima chombo ne rhura akatumira musikana/mukadzi ari kune imwe nyika werudzi gwaasina kumboita hanya nago, tingati ahura here?

11.               Ko mukadzi wako aka vhura makumbo akazvitora pikicha achipinza chikumwe muchitubu chake kana kuti achipinza VIBRATOR otumira pikicha iya pa WHATSAPP kumurume ari kune imwe nyika Tingati ahura here?

12.               Ukabata murume/mukadzi wako achiari muzhira yokuenda kuhotera kwaaronga nechikomba/hure waunoziva kuti haana kumbovata naye kana kamwe chete asi ari muzhira yokunovata naye izvozvi, kana wava kupa REPORT uniti akahura here?

13.               Ka kana ukavhura foni yemurume wako ukawanika pane pikicha yemukadzi asina kusimira akatonatsovhura makumbo achiratidza chitubu chakatozvimbirira nezemo uku matinji akati bvu bhinzi imire, ukabvunza murume, murume akakuudza chokwadi chokuti ipikicha ya Loveness ari ku Zambia iwe ukaverengawo zvavainyorerana kusvika vapanana mapikicha awa ukaonawo kuti chokwadi Loveness ari kuZambia uye haana kumbobva muZambia umu, ungati murume wako ahura here?

14.               Ko ukavhura foni yemukadzi wako wanike ane pikicha yarino rume rakati twii chombo chimusoro chakatourungana chichipenya nokumira kwechombo, ukabvunza iye otsanangura kuti murume uyu ndiKwinje weku Ivory Coast waakangosanganawo naye nemasanga pa WhatsApp ndokutanga kutaudzana kusvika pakutumirana mapikicha awa, ungati ahura here?

Iyi ndiyo nyaya iri pano. Kuti tione kuti nyaya yechihure iyi inotangira papi. Chii chatingati BASE LINE yekuhura kuti ndicho chidikidiki chokuti munhu akaita toti ahura? Pane zvese zvatinobvunza izvi ngatibvumiranei kuti vanhu ava Havana kuvatana saka hapana chigwere, hapana mari, hapana makokisi apiwa munhu. Kungori kufarisa munhu opedzisira otaridza umwe zvinhu pakamera kana kungotsanangurirana zvavanofarira kuita nomurume/mukadzi mumba.

Tinoonazve kuti vanhu munyika zhinji vari kuti zviito izvi ndezvechihure asi vazhinjizve vari kuti hachisi chihure nokuti hapana kuvatana kwaitwa. Chihure chii veduwe? Sei tichitsamwa kana tahurigwa. Murume wako kana akavata noumwe mukadzi asi zvechokwadi zvichionekwa pavhidhiyo kuti vese vakapfeka kondhomu nemagirovhusi, tingati vakahura here?

Ko iwewo murume, kana mukadzi wako akavata noumwe murume vese vakapfeka magirovhusi uye vachishandisa kondhomu, ungati mukadzi wako ahura here?

Tinoonazve kuti pane kuvata nomunhu wausina kuroorana naye kunoonekwa sokuti hakusi kuhura. Kune MaPASTOR akawanda mazuvano anoudza mukadzi wemunhu kuti uya kuhofisi kwangu ndikunamatire ugoita mwana. Toona kuti murume wake ndiye anotodhiraivha mukadzi wake nemota kuenda naye, wondosiya mukadzi kuhofisi kuya iye woenda kwaanoenda wozodzoka afonegwa kuti chiuya unditore tapedza. Anonotora mukadzi wake nomufaro asi mumoyo make anoziva kuti mukadzi arhojewa naPASTOR iye vese vari vatatu vanoziva kuti zvaitika, asi haaoni sokuti paita chihure. Uyawo mukadzi waPASTOR anoziva kuti vanorhoja vakadzi vakawanda vemuCHURCH asi anotokurudzira vaya vasina mbereko kuti vauye kuzonamatigwa nomurume wake.

Pane munhu anoti iye ane murume mumba, anomuka pakati pousiku okwira bazi nevamwe vakadzi achienda kuAIRPORT kundogamuchira POLITICIAN asiri hama yake, uku akapfeka TSHIRT ine muromo waMUGABE wacho pazamu rake chairo mukadzi iyeye. Kune varume vakawanda vanofunga kuti chihure ichi asi hapana kuvatana kwaitika na Mugabe wacho.  Chihure chabvepi ipapa.

Taionazve mazuva ehondo ya 2008 kune vakadzi vaitukwa vachinzi muru mahure a TONY Blair. Asi pakati pavo pasina akambosangana na TONY BLAIR wacho.  Saka chihure chacho chaibva papi.
Toonazve kuti murume nomukadzi vanogara kure nakure vese vanoziva kuti vanohurirana asi hapana anoti bufu kutanga kukomburena.

Apa tiri kuda kuongorora kuti chatiri kuti kuhura chii chaicho? Vangaziva kana kufunga patingaisa BASE LINE yechihure chaipo. Iri nyaya yokuti vanhu mumba vanotukana kuti uyu ari kuti kuumwe wahura uyawo achiti hapana chihure chaaita. Ari pachokwadi ndeupi? 

  Ku USA kwakaitwa SURVEY yemafungire evanhu ndokuwanika kuti 76% vanoti kana une murume kana mukadzi kana musikana kana mukomana vanoti ukashamwaridzana noumwe munhu wausina kumovata naye asi muchiratidzana mipikicha yepamberi kana mazamu, vanoti chihure. Votizve chihure chomoyo. VokuKOTI dzokurambana kwevanhu vava kutozvibvumawo kuti chihure. Vakatopa kuhura uku mazita okuti

EMOTIONAL AFFAIR.
INTERNET Affair
SOCIAL MEDIA AFFAIR

Nezvimwe asi tichiona kuti kana ikangohi AFFAIR zvoreva kuti vakavatana. Idzi dzimwe hadzina kuvatana asi dzongohi chihure. Isu parudzi gwedu tinozvionawo sei.

Kana mumba musina kunatsodudzirana mafungire enyu mese munokwanisa kugarotukana nenyaya yokusahwisisana pazvinhu zvakadai, nezvimwe zvisina basa. Kana  mukaona kuti munogaropokana panyaya dzechihure asi chokwadi chiri chokuti hapana ambovata kana kuda kuvata noumwe munhu, garai pasi mutsanangurirane kuti  ndepapi pakasiyana mafungire enyu. Madaro moedza kuti mubatanidze mafungire enyu kuti mese muwane maonere akafanana.

Zvikonzero zvemaitire awa:
tiri kuti chii chinokonzera munhu ane murume/mukadzi mumba kufunga zvokutaurirana zvinosvodesa noumwe munhu ari kune imwe nyika?  Pane nyaya dzakawanda pamubvunzo uyu saka regai tigozoitaura tambotanga kubvumirana kuti mazuvano kuhura kwasiyana nekwekare asi hatichawirirani tese kuti chaicho chatingati kuhura chave papi. BASE LINE iri papi?  Saka tombomirira kuti tese titaure mafungire edu tozounganidza mafungire ese toita nyaya imwe chete.  Zvadaro tozoona kuti zvinobva papi uye zvinobatsirei kutaudzana nomunhu wausingazivi kana kuti wausingazosangani naye panyaya dzezvinosvodesa. 

KO IWE?
Kana uri murume tipewo mafungire ako panyaya dzatareva idzi kuti ungafungei kana mukadzi wako adziita. Chihure here kana kuti kwete kana  asina kuvata noumwe munhu ? Mukadzi wako akatumira umwe murume ari ku RUSSIA kana KOREA  pikicha yake asina kupfeka, murume uya womutumira mwadhi pa WhatsAPP kuti ane mazamu akanaka chose, ane matinji anoyevedza, bhinzi yake iri kuonekera zvinofadza, etc , iyewo otumigwa pikicha dzemurume iyeye asina kupfeka chombo chakati twii, orondedzera murume uya kuti chombo chake chinofadza kuona. Ahura here mukadzi uyu?


Kana uri mukadzi tipewo mafungire ako panyaya dzatareva idzi kuti ungafungei kana murume wako adziita. Chihure here kana kuti kwete kana asina kuvata noumwe munhu? Kana ari murume wako ari kutumirana mapikicha noumwe mukadzi ari kure chose zvokuti havakwanisi kusangana, ahura here? 

Murume/mukadzi wako anoziva here kuti ndiwo mafungire ako awa uye anobvumirana nazvo here kana kuti makatosiyana?

Heinoi Nyaya
Pane murume anohi Chimoyo aimbori mupurisa kuZimbabwe ndokuzobva ondoshanda kuCape Town. Akasiya mukadzi wake kumusha achigara nevabererki vake. Vange vachangoroorana vasina mwana. Napo napo mutevedzani naye akatanga kumunyorera achiti maigiri vari kuhura na NHINGI, achitodoma zita romurume waaiti anohura naye iri ngari yokuti babamunini vaya vakahwa maiguruvachinemerana na Nhingi uya pafoni dzavo usiku.

Chimoyo akabvunza mukadzi wake pafoni kuti ichokwadi here kuti uri kuhura naNhingi, mukadzi akati kwete as ichokwadi kuti ndiri kuda murume wangu agare neni. Zvokugara naana mai nababa handisi kuzvigona. Murume akauya akatonga nyaya yake mhuri yese ikati mukadzi ari kuhura mukadzi akati haasi kuhura. Murume akati haazivi pane hokwadi asi haachadi kusiya mukadzi wake.  Akatora mukadzi akaenda naye CAPE TOWN. Murume akaudza mukadzi kuti anofunga kuti akahura asi anomuda saka nyaya ngaichipera yakadaro. Mukadzi aingoti haana kumbohura.

Murume akatanga kunyorerana magwaro pa WhatsApp nomukadzi wasekuru vake vari kuZimbabwe, kusvika pakutumurana mapikicha vasina kupfeka, mbuya nomuzukuru, vari vanhu vezera rimwe chete. Sekuru vari hazvanzi yamai. Murume akazoti umwe musi akangamwa foni kumba mukadzi ndokuitarisa wanei mapikicha ambuya vasina kupfeka vakanatsovhura makumbo pavaizvitora pikicha paya. Ukuwo mapikicha emurume wake akanatsomisa chombo. Mbuya vachidetemba chombo chomuzukuru pa WhatsApp.

Mukadzi akatumira mapikichaya ese kufoni yake ndokuatumira kufoni yamuya vaya neyasekuru. Sekuru vakabata mukadzi ndokurova kuZimbabwe. Murumewo paakadzoka akatarisa foni yake akahwa oudzwa kuti mbuya varohwa nasekuru nokuda kwemapikicha. Akatsvaka kuti zvafamba sei kuti sekuru vawane nyaya iyi ndokuwana kuti mukadzi wake ndiye akonzera. Akabata mukadzi ndokurova mu Cape Town ndokumukuvadza ndokusungwa. Akabvako ndokutora foni yemukadzi ndokupwanya ndokuti mukadzi asafa akaita foni ine WhatsApp futi.

Zvese izvi zvakaitika pasina umwe wavo ahura noumwe munhu zvokurhojana asi zvokungotaura pafoni. Tingati pane chihure change chaitika here kana kuti kwete.

Wedzerai vane fungwa pazviri !!!!

Sunday 13 December 2015

Kana une HIV uchida mwana

Paita nyaya yokuti  kana makaroorana muchida mwana asi mukadzi kana kuti murume kana kuti mese mune HIV. Totangira pokuti mese munozivana STATUS dzenyu uye munohwisisa kuti zvinorevei pakuvatana kwenyu kuti nyaya yenyu isawedzera mamirire ayo. Uku kureva kuti pane zvamusingaiti:
1 Mukadzi haasveti chombo chomurume wake
2 murume haananzwi bhinzi yomukadzi wake
3 pakupinzana munoshandisa makondhomu nguva dzese
4 Kana mukadzi ari kumwedzi munomirira kusvika apedza
5 Hamuhurirani, zvikuru nevanhu vamusingazivi kuti vari papi.
Maitire awa ndiwo aitisa mumbvunzo wekuti saka kana mada mwana munomuita se imi muchishandisa makondohomu. Ngatitange nokuti mukadzi ane HIV as haana AIDS uye anohwa ane utano hwakanaka zvokuti munoona kuti anokwanisa kuita mwana uye anoda mwana wacho. Kuti munhu abvunze ange aona kuti chokwadi ndechokuti mukadzi haakwanisi kuita mimba imi muchishandisa makondhomu. Kotizve kana mukasashandisa, murume anokwanisa kubata HIV. 

Chokutanga kukurudzi mese muri panyaya yakadai kuti mufunge upenyu hwemwana wenyu kuti hunenge hwakadii. Fungai kuti pane zviviri zvinokwanisika kuitika. Mwana anokwanisa kuzvagwa ane HIV asizve pamwe mwana anokwanisa kuzvagwa asina HIV zvichibva nokuti chii chaitika mukadzi paange ane mima.  Tichatarisa zvokuita kana mukadzi ane HIV uye ane miba.

Tarisaizve upenyu hwevabereki , zvikuru hwa mai ava pakuti kana vazvara mwana panoita nguva utano hwavo hunehusina kunatsikwana saka HIV inkonzera kukwanisa kubata zvimwe zvigwere. Munofanira kuhwisisa nyaya dzese idzi pakuronga kwenyu. Chii chinoitika kumwa na kana vabereki vakagwara zvokutadza kurera mwana.

Maongorora nyaya dzese idzi mukabvumirana zvokuita, chirongai zvokuita uye maitire acho. Nyaya yepano iri kutarisa maitire acho kuti musawedzera dambudziko renyu.

Kubata mimba:
Mukadzi ane HIV uye ari pamapiritsi anotanga nokutarisa mamirire akaita VIRAL LOAD yake, osvika pokuti iri pasi pasi. Ndiyo nguva yokufunga nezvokubata mimba. Asizve hwisisai kuti VIRAL LOAD inosiyana zvichibva nenguva yomwedzi kumunhukadzi. Mukati mechitubu chomukadzi zvinonetsa kuziva kuti maFLUIDS emo ari papi nokuti zvinowanikwa panya iyi zvakawanda. Hazviiti kuti uzive kuti  VIRUS yekuzasi yakamira sei. Inohi inokwanisa kusiyana chose ne LOAD yomuviri wese.
Nyaya iyi inoitisa kuti musakwanisa kuvatana musina kondhomu kuti mukadzi apiwe urume hwekuitisa mimba. Chimwezve ndechokuti mimba inonetsa kubatisa pakuiswa kamwe chete saka menge motoda kumboita nguva mukadzi achipiwa urume pasina kondhomu. Ndipo panohi musadaro nokuti murume anokwanisa kubata HIV, Zvinohi kana kumadzi ange achimbori pamapiritsi ekudzivirira mimba anowedzera VIRAL LOAD kuzasi uye anononoka kubata mimba zvokuti anokwanisa kusvika gore nehafu muchingo vatana pasina kondhomu iye asingabati mimba.

Saka haano mabatigwe emimba. Enday kuCHEMIST munotenga zvinhu zvinoti
1 ORAL SYRINGE:
2 PLASTIC Cups
3 STERILISING solution
4 SURGICAL GlOVES
Zvadaro tarisai nguva yomwedzi. Kana paita mazuva mapfumbamwe (day9) kubva musi wekutanga kuenda kumwedzi, munokwanisa kutanga kupanana urume kusvika pazuva regumi nematanhatu (day 16)
Makamiririra mazuva awa dzidzisanai maitire enyu kuti kana mazuva asvika mugoziva zvokuita. Chokutanga kuhwisisa kuti kapu yenyu ne SYRINGE yenyu zvese zvinofanira kusukwa. (STERILISE)

Munokwanisa kusuka
Kusuka Syringe munongoishandisa kusaka Sterilising liquid muchishuta ichibuda.
Kusuka kapu munongonyika kapu yenyu mu Sterilising liquid moisiyamo kwenguva mobvisa moiomesa. Musapukuta nokuti patawero pane ma BACTERIA akawandisa.

Kubudisa urume mumurume:
Varume havanetsi kubudisa urume. Mukadzi anopfeka maGLOVES otanga nokuudza murume nyaya dzinomisa chombo, otambisa chombo chomurume kusvika atunda urume. Moita izvi kapu iya iri pedo kuti kana urume hwobuda monangisa chombo mukapu. Urume hunobuda mumurume hauna kuwanda saka garai muchiziva izvi. Kuwanda kweurume (Semen)  handiko kuwanda kwemhodzi  (Sperm) dzirimo . Domhwe rimwe chete reurume rine mhodzi dzakawanda zvokukwanisa kuitisa vana vanopfuura churu pakuverengwa.
Kuisa urume mumukadzi
Kana murume aburitsira urume mukapu munofanira kukasira kuhuisa mumukadzi . Mukadzi ngange asina bhurugwa nechekare. Zvinokwanisika kuti murume akabudisa urume anoda kumbozorora nokuti ndizvo zvinoita varume.  Saka mukadzi ndiye angatoita nyaya yokuisa urume mukati make. Kasira kushandisa Syringe kumwa urume hwese, wokasura kuvura makumbo wopinza Syringe iya kusvika kwaunokwanisa kuti ipinde worutsira urume hwese ikoko nesipidhi yokuti hunobuda kusyringe zvinesimba.

Zvadaro hwisisa kuti humwe urume huchavhinza kubuda muchitubu. Hazvirevi kuti haubati mimba. Mukadzi wese munyika dzese pese paunovata nomurume, humwe urume hunovhinza asi mimba tinongoona dzichiitikaka.

Chirambai muchidai kusvika zuva rokupedzisira (Day 16) Zvadaro chidzokerai kundoshandisa makondhomu enyu henyu kusvika mukadzi aendazve kumwedzi. Modzokorodza nyaya yese. Zvinokwanisika kuti munodaro kwemwedzi yakawanda kusvika mukadzi abata mimba. Asi mwedzi umwe noumwe tanga nokutarisa utano hwemukadzi .

Kana akatadza kuenda kumwedzi, endai kuchipatara andotesitwa kuti ane mimba here. Kana anayo, tsanangurirai varapi kuti ane HIV kuti apiwe mapiritsi okuti HIV isavambuka kubva pana mai kuenda kumwana.  Mapiritsi awa anouya nemirairo yawo kuti anomwiwa sei.  Teverera mirairo iyi. Morairidzwazve kuti zvinosangana sei nemirairo yekumwa ma ARV.

Hwisaizve kuti mwana haakwanisi kuzvagwa nokuno kumukova saka zvinofanigwa kuti mai vachekwe dumbu mwana wobudisa nokuno  kwachekwa.  Izvi zvinoitigwa kuti mwana asakwanisa kuminya mvura dzinobuda kuchitubu chamai paanozvagwa nokumukobva. Asi zvinorevazve kuti kana mwana azvagwa, haakwanisi kumwa mukaka wamai.

Kana murume ane HIV muchida vana:
Ndichawedzera nyaya iyi pakuongorora zvokuita kana murume ariye ane HIV. Kana pane zvausina kuhwisisa ndinyorerere tijekeserane kana zvichikwanisika. Ndichazama kupedzisa vhiki inouya. 

Sunday 6 December 2015

Kana mapedza urume hunoendepi?

Ndichazotaura pano nenyaya yokuti urume hunosiiwa nemurume mukati memukadzi hunoerera kuzhe hwese here. Paitika RESEARCH inoda kuti timboitaura mamirire enyaya nokuti zvinotaridza zvakawanda. Ndichadzoka vhiki inouya tozotaura.

Pane vanhu vaya vanohi ma Scientist vakaongorora mafambire enyaya dzokuvatana kubva kare kare. Nyaya yainetsa ndeyokuti sei murume umwe noumwe achigadzira urume (semen) hune mhodzi (sperm) dzakawandza zvokukwanisa kugadzira vana vakawanda kupfuura vanhu vari kugara Mupasi rese iko kuchingodiwa imwe chete kugadzira mwana umwe chete pakuitisa mukadzi umwe chete mimba?  Dzimwe mhodzi basa radzo nderei?

Ukada kufunga kuti nyaya iyi yakamira sei uchaona wega kuti kana uri SCIENTIST uchanetseka nokuda kuziva kuti zvinofamba sei.  Pane nyaya dzakawanda dzinoda kuongorogwa asi isu pano toda kungotaura neshomanana dzokuti urume hunoendepi kana hwasiiwa mumukadzi uye zvinorevei.

Kune hunobuda mukuvhinza kwechitubu kana mapedza. Wega ukapedza kuiswa ukavhara makumbo ukada kubatwa nehope, unohwa kuti hazviiti. Urume hunosekenyedza huchierera zvinyoronyoro huchibuda muchitubu. Unotohwa huchierera huchipfuura nokuburi retsvina huchodonhera pa tawero  rawagara wawaridza pamubhedha iri ngari yokuziva kuti huchabuda muchitube.  Chinoita hubude ndechokuti chitubu chinongochurika kana chine chimwe chinhu mukati. Murume paanongovhomora chombo chitibu chinosachichivharika, mativi acho osvina urume hwasiiwa nomurume, humwe hwobuda kuno kumuromo, humwe hwofosiwa kunanga kumukova wechibereko kundotsvaka zai rokuitisa mwana.

Vanhu vakasiyana nedzimwe mhuka pakuti tinokwanisa uye tinokara kuisana nguva kana ipi zvayo. Dzimwe mhuka dzinongoisana kana mhukahadzi iri panguva yokukandira zai.

Urume hukasiiwa mumukadzi, hunoita mazuva anopfuura mana huri upenyu saka panguva  iyi unokwanisa kuita mimba. Zvinoreva kuti nyaya dzokuisana idzi dzine zvakawanda. Ukavata nevarume vaviri panguva yemazuva okukandira zai haungazivi kuti baba vomwana ndevapi. Izvi zvinoreva kuti kana uri murume ukavata nemukadzi wemunhu, iye aka vata nomurume wake pasina kupera mazuva mana, kungodhidha muurume hwemuridzi wemukadzi. Iyewo paanozovata nomukadzi wake kungodhidhawo mune hwako.

Zvino chinhu chinozikamwa kuti munhu ane musha akatanga kuhure anotangazve kuwedzera kuvata newaari kuhurira wacho. Toti mukadzi akatanga kuhura, anowedzera rhoji kumba nomurume Saka varume vacho vese venge vava kungo pakurirana urume mukadzi achiita vokugovanisa. Kotizve vanhukadzi vanonetsa kubata kana vachihura zvinoreva kuti anoita nguva refu varume vachingogovana urume hwavo.

Kune humwe urume hunosara mumakoronga emukati mechitubu huchiita basa rokuona kuti  PH yomukati mechitubu yakanakira kurarama kwemhodi dzeurume kuti husakasira kufa. Hwese hwasara umu huchapedzisira hwabuda nenyaya yokuti chitubu chinogarosinira zvokutonyorovesa bhurugwa. Zvinobudapo zvinovhengana neurume hwafa zvobuda kuti chitubu chigare chakachena pane kuti chisingadai chaizopedzisira chazara zvokuti munotadza kuisana. Kuti izvi zvisaitika  uye kuti muchitubu musaita BACTERIA dzakaipa, chutubu chinozvisuka chichibudisa tsvina yese. Uchaona kuti ukabva kumwedzi  chinovhinza kupfuura panguva yokukandira zai.

Urume mufungwa:
Koitazve humwe urume hwange husingazikamwi kuti hunoendepi . Zvakazoonekwa kuti munhu kadzi umwe noumwe akambovata nomurume ane DNA isiri yake mumuviri wake. Koonekwazve kuti vakadzi vakambovata nevarume vakawanda vane DNA dzevarume vakawandawo kureva kuti pese paunovata nomurume, unopiwa DNA yemurume iyeye muurume hwake wobva waichengeta upenyu hwako hwese.  SYSTEM iyi inohi MICROCHEMERISM  iri kutaugwa nezvayo mazuvano nokuda kwekuti vanhu vanotenda Mwari vava kuti ivo inyaya inoreva kuti mukadzi umwe chete anofanira kungovata nomurume umwe chete.

Vanhu vakatarisa nyaya iyi vakawana DNA yevanhurume iri kuBRAIN yevanhukadzi vavaiongorora. DNA yomunhurume inoonekwa nokuda kweinohi Y-CHROMOSOME isingawanikwi mumunhukadzi. Ndosaka zvichizikamwa kuti zvakabva kuvanhurume nokuti munhukadzi haazvagwi anazvo kuzhe kwezvakabva kuna baba vake. Hino DNA yese yakabva kuna baba vake hainetsi kuwana  nokuti ndiyo yakaita kuti ave munhukadzi. Munhurume ndiye anoita kuti mwana ave musikana kana mukomana. Mai vemwana kungotakura zvaiswa nababa chete nokuzozvara.

Vanotizve kana uchivata nomukadzi akambovatwa naye noumwe murume zvinoreva kuti paunomuisa urume hwako iye muviri wake unenge watori ne DNA yovamwe varume vaakambovata nano.

MECHANISM yekuti anotora sei DNA iyi kubva muurume hainatsi kuzikamwa asi pane nyaya dzakati wandei dziri pa MICROCHEMERISM apa. Pane nyaya dzekuti
1 ukasvodza unosarira une DNA yemwana wawanga wakatakura
2 Unosarazve une DNA yomurume ange akupa mwana iyeye
3 Ukazvara mwana ndizvozvo futi

Asi kune vakadzi vakawanikwa vane DNA yevarume asi vasina kumboita mimba zvinozikamwa Kureva kuti DNA iyi vakaiwa pakuiswa chete. Zvoonekwazve kuti mahure emari uye mhombwe dziya dzinongoda zvokuiswa kwemuraini nomunhu upi zvake vese ava vane DNA dzevarume vakawanda. Ndoosaka zvakazohi DNA iri kubva paurume nokuti hapana mamwe maperindire ayaikwanisa kuita kuti isvike muBRAIN dzevakadzi ava. Saka nyaya yasara ndeyokutarisa MECHANISM yokuti mukadzi anotira sei DNA kuurume uye kuti mukadzi waiswa wacho  anochengeterei DNA iyi mumuviri wake upenyu hwake hwese.

Zvigwere zvinobva pa DNA yevarume iyi:
Zviri kuhi izvo kana munhukadzi ati kurei, DNA iya yaange achichengeta mumuviri wake ichibva kuvarume, inokonzera zvimwe zvezvigwere zvinohi AUTO IMMUNE  DISEASES asi hapasati pabudiranwa pachena kuti nyaya yezvigwere izvi iri papi chaipo asi zvinozikamwa kuti chikonzero iFOREIGN DNA iri mumuviri wemunhukadzi.

Yambiro inobva apa ndeyokuti varume vaya vanoda zvokungobudabuda mumba, shandisai makondhomu uye hurai nevanhu vachiri vechidiki. Ukaterera varume vanohura unohwa vachiti ivo ukatanga kuhura nomunhu ava munhu mukuru, zvinonetsa kuzorega nokuti vakadzi vakura vanoziva kubata murume zvokutenderedza fungwa dzake asi chisingazikamwi nevarume ava ndechokuti mukadzi akadai anotori neDNA dzevamwe varume mufungwa nomumuviri wake.

Koitazve vasikana vanohura nezvidhara zvinoshandisa chombo pamukadzi wemumba zvobva zvondokwirana nevasikana vadiki zvese nevakadzi vemuraini. Iwe unopiwa zvese zvauiwa nazvo kubva kwese uku. Zvinohi vasikana vanoiswa pasina kondhomu vanokasirawo kuzoita CANCER yemuromo wechibereko iri kutowanda. Mazuvano kwakauya IMMUNISATION ye HPV inova VIRUS yechihure yange yazara, zvikuru kuzvisikana zvechidiki muUSA ne Europe.

Saka todiiko isu tichida kuhura?
Zvinohi shandisai makondhomu pese pese pamunohura. Kuhura kana wakutanga kunonetsa kuregera nokuti hure ihure chete kusvika ava munhu akwegura. Tinoona chero mumaCHURCH chaimo umu munhu anotanga kupinda CHURCH kuti arege kuhura asi kukangopera kanguva kadiki ototangazve kuhura. Saka chiri nani ndechokuti toudza vanhu kuti regai kuhura asi kana wazvipira kuhura chizamawo kushandisa makondhomu.

Asi iwo makondomu acho anongoshanda pakunopinza chombo muchitubu. Munhu anoita zvekuhura munhu anofarira zve RISK zvokuti chero akada kushandisa kondhomu, anoita zvimwe zvinhu zvakaita sokumwanana mazamu nokusvetana chombo nebhinzi zvokuti ZEMO rinokwira rokwidibira fungwa munhu wozoti pepu apedza kuisana. Kana wakaroorana nomunhu anogona kuhura zvinonetsa kumusungira sembwa. Kana uri murume mukadzi wako achihura unokwanisa kuita makore kana gumi usingazivi kuti anohura. Varume vanofunga kuti ndivo shasha pakuhura asi vakawanda vavo vari kuhurigwavo, kunhoti havazivi.

Hwisisai kuti zemo rine simba kupfuura fungwa saka chakanaka ndechokungoona kuti hauna kuzviisa pane mukana wekuhura kana usingadi zvokuhura. Kana uri munhukadzi kana wahura wotogara ne DNA yomurume wacho kusvika wafa.

Udzai vamwe!!!!!!

Kudya sadza nemuriwo mazuva ese Zvinobhowa

Unohwa munhu anoda kuhura achikuudza kuti "Kudya sadza nemuriwo mazuva ese zviinobhowa" kureva kuti kuvata nomukadzi wake mazuva ese zvinobhowa. Awa mashoko emunhu uya waunoti ukasangana naye ukaita nyaya naye kwemaminitsi mashanu wega unohwisisa kuti munhu uyu njere ishomanana uye upenyu hwake hahuwandi panyi pano. Haasi munhu wekuti angakupa mazano panyaya kana ipi zvayo. 

Saka pano toda kumbohwa kuti nyaya ye sadza nomuriwo zuva nezuva inobva papi uye zvinoita here kuti isabhowa mumba menyu. 

Matangire azvo:
Ngatitange nokutarisa kuti zvinotanga sei kuti mumba mungoita sadza nomuriwo. Kune varume vanoti achikunyenga anoita sokuti munhu ane njere uye anokuda nomoyo wese, asi kana wangomudawo nyaya dzotanga kuchinja. Zvozosvika pakuti wavata naye, anobva aziva kuti hazvichaiti kuti utsvake umwe murume, obva achikuratidza ufuza hwake hwese kubva ipapo. Munozoroorana watove nhapwa yake zvokuti hapachina simba raunaro mukugara mese somurume nomukadzi. 


Varume vese zvavo vanoziva kuti munhukadzi kana wada kumuita semwanana zvinoitwa sei, kusvika pane vamwe vanobva vatoda kurova mukadzi, nokuda kwekuti vanoona mukadzi sekamwana kane makore maviri kasati kava nenjere dzokuona magarire evanhu. Murume akadai kazhinji akakura achiona mai vake vachirohwa nababa vake. Kotizve vakawanda pavarume vakadai vanhu vaya vasingakwanisi kutsanangura zvinhu kana kutaura nyaya noumwe munhu zvokuhwisisana.

Kana aroora, anoona sokuti aenda kusupemarket akandotenga mukadzi saka mukadzi uyu imhuka yake yaanoita zvaanoda nayo semombe yaunosunga pajoko wokwevesa ngoro. Chero ukapedza mwedzi uchizama kutsanangura kuti mukadzi munhu mukuru ane njere kukupfuura, haatombohwisisi kuti uri kuti kudii. 


Mukadziwo kana awanikwa nomurume akadai anopedzisira angobvumakuitwa nhapwa oita zvinodiwa nomurume uyu. 

Pakunovatana paya kuti vachitaurirana kuti uyu anofarira zvipi, hazvichaiti nokuti mukadzi haana kusununguka pakutaura. Saka tinoona kuti mukadzi anokwanisa kungonakigwawo musi wazvangonakawo pasina kuti pane ane hanya nazvo. Murumewo munhu uya wekuti kana achitaura nezvokurhojana nomukadzi wake anoshandisa mashoko ekukuvadza. Ndakamubaya, Ndakamusurisa, ndakamukaurisa, ndakamutadzisa kufamba, etc. Hapanawo musi waanoti ndakamunakira. Munhu anongoda AUTHORITY chete pamukadzi wake. Haana SECURITY yokuda kuziva kuti mukadzi anofungei uye zvine basa rei. Mukadzi inongori Mheche inemakumbo nemaoko. Haasi munhu chaiye.

Kuti azoona kuti pamunhu iyeyu imwe chete pangabva zvimwe zvisiri sadza nomuriwo, hazvichaiti.


Kuenderera kwazvo mberi:
Vashoma vakadzi vanoti awanikwa otadza kuona kuti mavatirane aanoita nomurume wake anobhowa. Vashomazve vakadzi vasingadi kuisa kutapira mukuvatana kwavo nevarume vavo. Nyaya chaiyo inoitika ndeyokuti mukadzi anosvikoihi kwii nomurume, osungwa muromo sengwa inoruma obva atadza kana kuti bufu. Opedzisira ongoita serhobhoti mumba make. kushaya hwi rokutaura naro nokuti murume ndiDICTATOR anoda zvokuteregwa chete iye asingadi kuterera.

Pakadai mukadzi anomboti regai zvirambe zvakadai. pakuisana onge hove yakafa. Chiuno chiya chaifanira kunge chine moto chenge chakazara madota akaoma. Murume anobhowa mukadzi obhowawo. Uchaona kuti mukadzi akaita zemo pakadai, anongoshandisa maoko ake zvopera zvakadaro. 


Kotizve murume akazoohwisisa kuita handiye nyanzwi yokurhoja, zvabva pakuti haaoni kuti mukadzi ane hanya nazvo, zvabvawo pakuti mukadzi haasi kunakigwa nezviito zvemurume, murume obva atanga kuti pano paita sadza nemuriwo zuva nezuva. 

Kunomboita nguva murume achingoshandisa mukadzi sepanhu pekungotundira mukadzi asiri STAKE HOLDER yemuchato uyu. Mozosvika pakungohwisisa mese kuti kuroorana chinhu chinobhowa chose. Zvadaro fungwa dzenyu hadzisisina shungu nomuchato wenyu. Mukadzi anoti akafunga zvaafunga akadudza oudzwa zvouhure, izvo iye azvihwawo kutsime kana kumagirosa akafunga kuti murume wake angangozvidawo.

Vanhu vakawanda vakaroorana ari kudya sadza nomuriwo zuva nezuva. 


Saka zvohwimwi? 
Vanhu mumba dzidzai kusununguka pakutaurirana, zvikuru muBEDROOM menyu. Asi mese hwisisai kuti murume ndiye anosunungura mukadzi nokumukurudzira kuti adzidze kutaura zviri pamoyo wake, zvaanoda kuitira murume wake uye kuti kana azviita murume otaura mashoko anovaka munhu nokumuwedzera CONFIDENCE. Vanhukadzi verudzi gwedu vanotya twakawanda muBEDROOM. Asi kana akavambuka kamwe kagwizi, haadzokeri shure. Akadzidzswa kubatabata chombo nomurume, akahwisisa kuti murume uyu ndizvo zvaanoda haazoregeri nokuti anodawo kufadza murume wake. 

Murumewo akasunungura mukadzi, ndiye achatohwina nokuti achauya achipiwa twakawanda mumuchato wake. 

Hauzosweri uchigara matare nomukadzi wako muchiudza vanhu nyaya dzenyu. Haupopotedzani nomunhu mumba. Ukatarisa muraini renyu unokasira kuziva vanhu vane misha isina kunakirana pakuvatana nokuti hasha mumisha iyi dzakawanda. Mukadzi anogaroguta haumuhwi achipopotedza nomurume wake. Musha une kuguta TENSION ishoma. 

Totangira papi? 
Kana murume asina mufaro nezviito zvomukadzi wake kana kuti anofunga kuti mukadzi haasi kufara mumba make, ndiye anofanira kuwana nguva yokutaura nomukadzi wake zvinoratidza kuti ari kuda kugadzirisa nyaya dzavo kusvika vese vava kushandira pamwe panyaya dzese dzomusha.
Tora mukadzi wako uende naye kuhotera pa WEEKEND. womuvharira imomo mopedzerana mohwisisana modzokera kumba mabvumirana zvokuita. Murume ndiye mukuru wemusha saka kana musha usina mufaro murume ndiye ane mhosva. Kana asingahwisiswi nomukadzi wake ngaa wane mukana wekuti vahwisisane.

Ndinohwa varume vakawandisa vanonyora vachiti vakadzi vavo havahwisisi. Asi sokuona kwangu mukadzi kuti asvike pakusahwisisa anenge aona pamusha pasina zvinhu zvinomukurudzira kuva muvaki. Hatisi kuti vanhukadzi vese vanhu kwavo aiwa. Kune vamwe varoyi chaivo vokuti wega unongozvionera kuti apa hazvanzi yangu yakaroora muroyi. Asi variko vakadzi vari pakaoma izvozvi asi vachida chose kuvaka michato yavo. 


Murume ngaafunge zvokuita kuti iye nomukadzi wake vaonere pamwe chete. 

Hakuna mukadzi anobvuma kuwanikwa obva azoti ava mumba oda zvokungoita sadza nomuriwo zuva nezuva. Mukadzi wese anoziva pane chitubu chake saka akada kukupa VARIETY yemaisigwe akasiyana siyana anokupa. Ukaona ave kungomirira zvade murume, ziva kuti yave nyaya ye SAFETY pazviito nepakutaura. Anoziva kuti murume ndewe zvibinge. Akafongora ihi wakadzidziswa nani kufongora, akada kukwira murume ohi wanditi ndiri mukadzi wako, Akada kusveta chombo kwahi wakambosveta chaani?  Mukadzi wese anoziva kuti chiuno chake chine simba rakadii. Adaka kuzvikurunga nomugoti wemurume anopedzisira arakashwa kwahi waita zvechihure. 

Mukadzi wese anofarira kumisa chombo chomurume wake asi akada kuchipurudzira ohi wadherera chombo. Mukadzi wese anofarira kuziva kuti agutsa murume wake asi mukana chete ndiwo waasina. Imhou yakasigwa pamuti. Bhuru rinongouya richiita zvarinoda iye zii zvake asi zviripo zvaanodawo.  

Saka iwe murume tarisa maitire ake kana kuti funga zvaaichiita muchiri kudanana nomoyo wese. Mukurudzire adzokereko kwakare ikoko. 

Mese muri vaviri maimbodanana zvokuitisana mabhanan'ana mudumbu. Dzokerai ikoko kwamaiva. Hwisisai kuti hachizi chinhu nyore kutora vanhu vaviri vanobva kumhuri dzakasiyana wovati garai mese pasina kupokana. Chinoita kuti varambe vari vese iBONDING inoitika panguva refu asi pamakore awa vanopota vachidzokera kumisha yavakareriwa. Munhukadzi anofunga kuti ACCEPTANCE yake inobva pakudiwa kwake nokurhojewa kwake. Mukadzi anopiwa rhoji yakawanda anofunga kuti anodiwawo zvakawanda. Murumewo anoda kufungiswa kuti ndiye anogona kunatsorhoja zvinogutsa saka mese mune PSYCHOLOGY dzenyu dzokuti mukahwisisana munokwanisa kugadzirisa nyaya dzakawanda. 

Kuti sadza nomuriwo imhosva yenyu kwete mhosva yomuviri wako kana wemurume. Fungwa dzenyu. Muviri une maisigwe akawandisa aunokwanisa kuitwa, sadza nemuriwo, sadza nenyama, sdza nederere, Sadza nemukaka, mashakada, mangai, mbambaira, Nyama yehuku, yemombe, yembudzi, yenhoro inouya kamwe chete pagore, zvichienda zvakadaro. 

Varume tisunungurei mumba tikuratidzei zvibikwa zvakasiyanasiyana. 

Udzai Vamwe!!!!!!!




Saturday 5 December 2015

Zvokudya zvinowedzera zemo

Zvokudya 
Kune vakawanda vakabvunza kuti kune zvinhu here zvingadyiwa mudzimba medu zvinoitisa kuti mese mugare mune zemo. Tinotanga nyaya iyi nokutsanangura kuti mai vemba ndivo munhu anoitisa zvese zvinoitika mumba nokuda kwe ATTITUDE yavo mumba. Murume ndiye hake asi varume vakawanda vanopiwa zemo nevakadzi vavo. Kana mukadzi asina hanya nazvo murume anotanga achiratidza shungu opedzisira onotsvaka kumwe. Ndisu tinokonzera kuipa kwenyaya mumba.

Mukadzi akahwisisa kuti kutukana kwemumba kupokana kwefungwa chete kusinei nokusangana pakunovata, achaita upenyu huri nani. Murume akaita mazuva maviri asina kutapudwa urume, mukadzi wake aripo, asingagwari, uye asiri kumwedzi, asiri kubasa, zvoreva kuti mukadzi wake imbodza asingahwisisi kuti musha chii.  Saka nyaya iyi verenga une zvokuda kuhwisisa kuti paya uchibika hakangamwi kuti mapedza kudya nyaya inonoperera pakupedzana zemo.

 Mabhurosi
Zvese zvokudya zvinoti ma BERRY nema SEEDS zvinokonzera kuti uhwe kuda. Kana uhiziva kune mabhurosi idzi garoti pazuva wodya kana TABLESPOON imwe chete and mbiri pazuva.  Zvinoita kuti ugare hana yakapfava zvisina zvakawanda zvaunofunga zvivhundusa.
Kana mune nguva yamunoita basa yaunoziva kuti iyi ndiyo nguva yerhoji, iti zviya kwa sara awa imwe chete kana maviri, wodya mabhurisi dzako.

Broccoli,

Kwahi iyi Broccoli inofanira kudyiwa iri mbishi kana kuti yabikwa pa STEAM kana kuti yabikwa mupoto. Hazvinei asi zama kusawanzisa kubika. Kwahi ine Vitamin C yakawanda chose. Kwahi inowedzera kuhanya kweropa saka paya waita zemo tinoziva kuti kunhu kwese kunohwikwa zemo kunokwikwisa neropa rinenge ramhanyirako. Zvinohi gara uchidya muriwo uyu kana uchiuwana kwaunogara ikoko.


 Cloves

Zvi CLOVE izvi zvinowanikwa kuzvitoro zvema India. Zvinorapa zvigwere zvakati wandei uye zvinomhanyisa ropa saka zvinohi tinofanira kupota tichikanda zvinhu izvi muzvokudya zvedu. Kana ukahwa zino kana kuti ukaita STOMACH ULCER, wedzera kudya Cloves.  Kana ukadya zvinhu izvi unowedzera simba pakuvatana uke zvinohi kunaka kwacho kunowedzera iri ngari yokuti maNERVES anotairira BRAIN kuti pane zvaitika, anowanza mashoko.  Zvigwere zvese zvechirume nezvechikadzi zvinorapika ne CLOVES.
Kunohizve kana ukaigaya ukazora nemafuta utunga hahukurumi kana uchigara munyika ine utunga. (mosquito)

Maonde (FIGS)

Maonde awa anowanika kunyika dzakawanda chose uye haadhuri. Unokwanisa kutosima muonde pamba pako uye unokasira kubereka. Kwedu kuZimbabwe kune mionde inokura mudondo zvokuti ukaziva nguva yaanoibva unokwanisa kunomkohwa womaomesa. Wogarodya. Unokwanisazve kutenga muszvitoro.

Maonde anohi anokonzera zemo kwese kuvakadzi nevarume, uye anowedzera nguva yokuvatana kwenyu. Kana zviya mune Weekend yamunoziva kuti ndeyezvinhu chete chete, sokuti kuri kutonhora kana kuti vana vaenda kwambuya mukasara mega pamba, enda undotenga tenga zvidyiwa udye nomurume wako muwane nguva inonaka.

 Mavise (Watermelon)

Mavise akanakira mese kuadya asi mhodzi dzao dzakakangwa kana kuti dovi remhodzi dzao rakanakira varume chose. Kana wada kugara uri pakaoma nomurume anoshusha panyaya dzechiuno, garomupa dovi remhodzi idzi.

Gara mumba mune mavise chero pawamawanira modya mese. Uchaona kuti zvinowedzera kunakidza kweupenyu. Vise rine 92% mvura chete asi 8% yasara iyo ine zvinoitisa kuti kana uri munhukadzi uite zemo uye pakunorhojewa apo unorerusa muviri wonatsonakigwa. Kumurume zvinomhanyisa ropa mowedzera mabasa ekubatanidza miviri yenyu.

M idzi ye Ginseng.

Kwava nemakore akawanda chose zvichizikamwa kuti midzi iyi inokonzera kuti varume vawedzere kuda kuvata nevakazi vavo. Asi zvakazozikamwawo kuti munhukadzi akatsenga midzi iyi anowdzera ropa kubhinzi kwake zvakangofanana nezvinoita murume kuchombo, kureva kuti mese moda zvakafanana. Ginseng inogadziriswa tea saka kana uchitenga zvitengwa tsvaka midzi iyi, wopota uchikanda mumvura inopisa womwa nomurume wako mowedzera upenyu mumuviri.

Saffron
Inorapa mudumbu uye inokuwanzira nyaya monovata. Inovava hayo asi ukajaira kungoikanda muzvokudya zhakaita sekuti kana uchibika mupunga paya wokana saffron yako imomo mupoto. Usawanza, bodo. Ingokanda shomashoma.

Kana wadazve nyika mumvura inovira wosiya zvichifazhaira kukanguva toti maminitsi makumi maviri zvadaro womimina mvura iya kana yatonhira woisa mubhodhoro woisa mufiriji. Kana wava kubika muriwo, nyama kana mupunga, wopota uchidira imomo usingawanzi.  Saffron inodhura asi inowanikwa mumasupamaketi.

 

 Ginger

Ginger inowanikwa kwese kwese mazuvano.  Inohi inorapa zvigwere zvakawanda saka unofanira kungogarawo uchiiyeuka muzvokudya zvako asi inowedzerawo zemo saka usaikangamwa. Vakawanda vanoishandisa pakubika asi kune vamwe vanongotsenga yakadaro zvichibva pakuijaira.

Kune vanobva kunyika dzimwe vanoiti vanofanira kuidya mazuva ese.

Pomegranate
Zvinohi kudya ma Pomegranate awa kunowedzera kumira kwechombo chomurume kana awana mukana wekupiwa zemo nomukadzi.  As chenjerai kuti muchero uyu une shuga yakawandisa saka modya zvishoma sokuti munhu umwe chete odya rimwe chete pazuva.  Kana uchiziva kuti kumba kwakanaka wofanodya kwava kuma 4 masikati kusvika kuma 6.
Muchero uyu unowanikwa mumasupemaketi asi kwedu kumusha unokwa nisa kusima muti wacho. Haunetsi kuchengeta nokuti haudi mvura yakawanda asi unononoka kubereka. Jaira kugarodya muchero uyi nomurume wako. Kana murume ari munhu uya asingadi zvemuchero, tenga DRINK yacho umupe kusvika ajaira kuimwa. Musi waaimwa wochimuudza chaitisa kuti vatano iwedzere kunaka.

Chokupedzisira zvinhu zvinowanikwa mudzimba dzakawanda zvinoti
Mazai,
Hanyanisi
Garlic
Mhiripiri

Zvese izvi zvinowedzera kumhanya kweropa saka dai wambozama kuzviwedzera mukubika kwako uye kusawanzisa kubika kwacho. Kana uchibika usabika kusvika zvokudya zvaiva kusvika pakusaonekwa kuti chii chacho chabikwa. Zvinouraya mavhitamini akawanda izvozvo, mopedzisira mungodya zvokudya zvisina chinovaka muviri.



Kana uchibika zvokudya mumba, jaira kufunga nevara rinoti BALANCE. zvokudya zvikawandisa zvorudzi rumwe chete unenge wakanganisa BALANCE. munhu anoutano anofanirawo kakwanisa kuvatana nomurume/mukadzi wake zvakakodzera. Hazviiti kuti utore munhu agara asingafariri kuvata newe womuchinja nekumupa zvokudya zvinowedzera zemo.

Zemo rinoitiswa nezvaunofunga kuita noumwe munhu. zvokudya zvinongowedzera zemo range riripo nechekare. Iwe ndiwe unotanga kufunga zvokuita nomurume wako. Kana wafunga fungwa dzakanaka zemo rouya. Kana wafunga fungwa dzakaipa, zemo hariuyi. Asi munhu anemurume mumba anofanira kuhwisisa kuti mumba mune mabasa akabata musha. Rimwe remabasa awa kuchengetana panyaya dzokurhojana murume nomukadzi. Ngatisanyeberana kuti musha usina rhoji musha une mufaro.

Kana wahwisisa ipapo chironga nyaya yokuti unokwezva sei murume, mukadzi wako kubva musi wamuroorana kusvika musi unofa umwe wenyu. 


Kana usina wekuita naye zemo hazvirevi kuti womborega kudya kunobatsira muviri. kune vakawanda vanoshamwaridzana nemaoko avo kuti muviri ugare uchibviswa TENSION inouya kana fungwa dzichigarofunga kurhojewa asi murume/mukadzi pasina. Maoko anongoshandawo zvinogutsa. Hakuna asingazivi kuti zvinoitwa sei.


Zvkudya zvinowedzera simba rekumira kwechombo. Kana une murume mumba wana zvimwe zvezvokudya izvi upote uchiisa muzvokudya zvemurume wako nezvakowo iwe. Uchaona kuti murume wako chero ava munhu mukuru haanetseki pakumira chombo, uyezve haawanzi kuita zvigwere zvevarume. Zvimwe zveizvi zvinoshandawo pakuwedzera kugadzigwa kwemhodzi dzeurume zvokuti pamwe kana muri kunetseka kuita mimba, zvinokwanisika kuti muzame kuwedzra kugadzigwa kwemhodzi dzemurume.

1.     Blue berries
2.     Ginger
3.     Ashwagandha Extract
4.     Cistanche Bark
5.     Schizandra Berries
6.     Yohimbe
7.     Maca
8.     Horny Goat Weed
9.     Ginseng
10.   Ginkgo Biloba
11.   Cindium
12.   Catuaba Bark
13.   Guarana
14.   Tribulus Terrestris
15.   Tongkat Ali
16.   Mucuna Pruriens Extract
17.   Cherries
18.   Bananas
19.   Raw onions
20.   Pomegranate 
21.   Cloves
22.   Green tea
23.   Pumpkins
24.     Water melons
25.   Pumpkin seeds
26.   peanuts
27.   spinach
28.      


Mushonga mukuru unodiwa zuva nezuva kuwana zvokudya zvine MAGNESIUM 

Udzai vamwe !!!!!!!