Tuesday 29 April 2014

" Vatete, Ndakadyiswa Chiremwaremwa"

" Vatete, Ndakadyiswa Chiremwaremwa"

Mukadzi akaenda kumusha (Zimbabwe) kubva ku UK, ndokunoita vhiki nhatu ariko. Mukadzi nomurume vaigarotukana mumba murume achiti anoda mwana mukadzi achiti anoda kutanga apedza kosi yake younesi. Akandisvikotambira Kisimisi kumusha ndokudzoka ndokusvikoita mazuva, kutukana ndokudzoka mumba. Murume kutora mapiritsi omukadzi achiviga kuti mukadzi asamwa mapiritsi emimba. Murume anobvuma hake kuti akakanganisa pakuviga mapiritsi asi anoti mukadzi zvaakazomuitira zvakakurisa saka haachadi mukadzi.

Ko chiiko chauri kuti mukadzi akakuitira chikuru kudai? Kwahi hazvitauriki. Murume akarova mukadzi. Mukadzi ndokudana mapurisa murume ndokusungwa. Asungwa mapurisa haana kunatyohwisisa. Murume akawana chigaba chemushonga webhutsu chakavigwa muAiring Cabinet, ndokushamisika kuti sei mumba mune mushonga webhutsu tsvuku asi pasina anebhutsu tsuku. Paakachivhura wanei mune zvinhu zvaasingabati kuti zvii. Adaro ndokuvigavo pake. Mukadzi adzoka ndokubvunza kuti ko ichi chiiko? Mukadzi kumboramba ndokuzoti abararadzwa ndokudura kuti akabva nazvo kumusha uye akazvipiwa namai nhingi vanotozikamwa nomurume wake.  Ko chiiko uye wakapiwa uchinzi uitei nacho. Kwahi ndakangopiwa. Murume ndokuwedzera kurova. Pakuzosungwa ange ava kutoziva kuti inyama yechiremwaremwa uye zvinoita sokuti akatodyiswa imwe yacho.

Chiremwaremwa. Kuchivhima, wochiomesa, wochikuye wopota uchiisira murume muzvokudya zvake. kkkkkkkkkkk.!!!
" Vatete, Ndakadyiswa chiremwaremwa. Ndoita sei naye mukadzi uyu. Handichamudi zvachose" Ini ndokubvunza kuti sei uchitsamwira mukadzi panyaya yokuti wadziswa chiremwaremwa usingazivi? Zvimwe zvese zvaanokudyisa sei usina kutsamwiswa nazvo? Pane zvakawanda zvinotengeswa muma Supermarket mu UK zvaanotenga achikubikira asi hautsamwiswi nazvo. Chakutsamwisa kuziva kuti aviga chiremwaremwa here kana kuti pane zvimwe. Sokuziva kwangu chiremwaremwa hachina poizeni nokuti kune dzimwe nyika vanozvidya pasina rufu.

Chii chingaitisa kuti murume atsamwe kusvika pakurova mukadzi kusvika asungiswa achiti nokuti adyiswa nyama yechiremwaremwa?

Kuti tidavire mubvunzo uyu ngatitange tabvunza kuti zvinobatsirei kutimukadzi anosiya nyama yomubhucha achinotsvaka yechiremwaremwa inochengetegwa muchigaba chomushonga webhutsu? Mhinduro chaiyo ndeyokuti hapana zvazvinobatsira. Nyama yechiremwaremwa haina kusiyana nedzimwe nyama asi kungoti zviremwaremwa zvinoparadzira zvigwere zvakaita se IBOLA Virus iyo yapedza vanhu kunyika dzokumusoro. Kana munhu ada nyama isiri yemhudzi kana mombe, zviri nani kutaura nomurume wako mobvumirana kuti moitenga kupi monoitenga. Kufidha murume wakaviga nyama zvenge zvisina musoro.

Mukadzi uyu anenge akaudzwa nhema nevanomuudza obva achengeta nhema dziya mumusoro odzishandisa opedzisira apokana nomurume kusvika pakusungisana. Tokamubvunzurudza tichahwa achitaura kuti mufungwa make mange musina nyaya yokusungwa asi kutoti aifanira kutevera nyaya yenhema yaakaudzwa.

Murudzi gwedu mune vanhu vanoparadzira nhema mumaraini vachiputsa misha yevamwe nadzo. Asizve handifungi kuti pavanhu vese vatinoziva pane munhu akamboona munhu achimira pagedhe remusha wake achishambadzira kuti ari kutengesa nyama yechiremwaremwa iri muzvigaba zvemushonga webhutsu. Ukatomuona munhu akadaro unomudaidzira sabhuku osungwa, nokuti zviremwaremwa hazvidyiwi munyika yedu uye kuchibata kunonetsa kana usiri muvhimi aneunyanzvi.

Saka kana kusina anouya kumba kwako achitengesa zvoreva kuti iwe kuti uzova nechigaba ichi unenge waenda kumba kwemunhu anazvo wonotengesegwa ikoko wodzoka wakatakura wega uchiziva zvawatenga. Saka mukadzi uyu tinoziva chose kuti akanotenga, pedzezvo ndokutakura kubva kumusha kusvika UK ndokutanga kufidha murume wake. Mukadzi ndiye akatonoudza nyakutengesa nhema dzaaida kuti dziwedzere. Kuzopiwa izvi ange akumbira. Ndiyo nyaya inotsamwisa murume kusvika aita zvinomusungisa. Isu vanhu vakawanikwa ngatipahwisise apa kuti sei murume asvika pakusava nehanya nomukadzi wake kusvika pakumurova zvakadai.

Nyaya dzomumba dzinoti ukaita yako, ukasakasira kuigadzirisa uchiti nokuti hausiwe une mhosva, uchaona kuti kunopera gore nyaya yako yakurisa zvokuti hauchaigoni wega, wobva wandotsvaka vakadzi vemuraini vasinei newe. Vobva vakutengesera zvigaba zvine zvinhu zvisingadyiwi kwahi enda unobikira murume kuti agokuda. Murume wako haana kumboti haachakudi, asi kuti pakati penyu muri vaviri hamudi kugadzirisa nyaya dzisina kururama. Vanhu dzidzai kuti mukapokana mokasira kugadzirisa nyaya dzenyu modzokera pakuva mai nababa vemusha wenyu.

Dai mukadzi uyu akachenjera aikasira kubvunza munhu akamupa chigaba kuti zvino murume zvaasungwa, chigaba chashanda here kana kwete?  Zvichazoshanda here? Zvakamboshanda here kumwe? Kana wakachenjera uchahwisisa kuti hakuna kwazvinomboshanda nokuti nyama yechiremwaremwa haina kusiyana nedzimwe nyama. Ukaidya wakurungira dovi hazvisiyani neakurungira yembudzi.

Varume
Imiwo varume hwisisai kuti parudzi gwedu mukadzi ndiye anobikira murume mumba. Munhu anohi mubiki, munhu akakosha chose pamusha zvokuti vaya vanobikigwa garai muchiziva kuti munodya zvaanoda kuti mudye. Kuzorova nezvibhakera kurova hako asi mubiki atobika imi matodya. Hapana chichagadzirika ipapo. Murume ngaasakonzera mukadzi wake kufunganya zvokusvika pakamuomera zvokubuda mumba make achinofamba muraini achitaura nhamo dzake dzomurume wake kusvika vaya vame zvigaba vati chibata napapa. 

Murume hwisisa kuti mumaraini okwenyu mune varume vakawanda chose vari kungodyiswa zvinhu zviri muzvigaba nyakudyisa achifunga kuti pane zvazvinoshanda, nyaya yese yabva pakuti iwe murume hauhwisisi nyaya dzemhuri yako. Sabhuku haamiriri kuti munhu wemudunhu rake auye kuzozvitongesa. Anotodaidzwa kudare oenda nyaya yake yotongwa yopera vanhu vodzokera kudzimba dzavo. Saizvozvo samusha akaona nyaya pamusha anokasira kugara pasi nomukadzi wake vogadsirisa nyaya. Kumirira gore rese kuti mukadzi achauya ozondiudza kuti nyaya yapera hazviiti. Wakamirira kudai ndipo paunodyiswa zvemuzvigaba.

Kune zvakawanda zvinodyiswa varume vasingagoni kugadzirisa nyaya mudzimba dzavo. Kune nyama dzemhuka dzisingadyiwi dzakaita sezviremwaremwa nezvidhambakura, chifurira, gwaivhi, koitazve ropa rokumwedzi, kwemukadzi wako, nezvimwe zvinotosemesa. Zvese izvi zvinobva pa DESPERATION yemukadzi panyaya dzausiri kugadzirisa iwe.

Nyakubvunza
Saka ini ndakamurondedzera kuti iwe nomukadzi wako pane zvamusiri kugadzirisa zvinodya moyo wemukadzi wako. Hazviiti uti munhu azviwanira murume wake akanaka agoonekwa okwira ndege achienda Zimbabwe onotaura nezvichembere zvemuraini opiwa chigaba chine nyama yechiremwaremwa chakafa kuda gore rakapera museri, uchisenga ne Bacteria yacho yese iye ari NESI anohwisisa zvigwere, oita chivindhi chokupa murume wake kuti adye. Hazviitiki pasina nyaya inogumbira yaatadza kugadzirisa iye ega.

Ndipo ndakamuudza kuti ukatoramba mukadzi uyu uchatorana noumwezve asi dambudziko rako iroro uchagara unaro ugosvikazve pakupokana nomutsva wacho. Dai wafonera mukadzi wako mugarisane pasi mubvunzane kuti chii chakakanganisika kusvika ada kuti udye chiremwaremwa.

Kuzotaura kuti mukadzi akudyisa chiremwaremwa kutaura nyaya yagara iripo kare. Yokutanga ndeyokuti iwe samusha hausi kutonga mushawako zvine kodzero. Gadzirisa nyaya mukadzi asawana chokunodembera vanhu vemuraini. Nyama yechiremwaremwa haina chainoita pamuviri wako chakaipa zvokuti ungatonetseka nayo, Kuzhe kwekuti kana uri muSavadha anoremekedza mabhuku eBhaibheri anotaura nezvisingadyiwi. Vamwe vese inongori PSYCHOLOGY yokuti mukadzi haachavimbi neni panhema dzandinogaromuudza. Ndiko saimba achikanganiswa musoro nazvo.

Mukadzi wako haadi kukuuraya kana kukupengesa, kana kukutyisa, anongoda rudo chete. Iwe wakamuroora uchimuvimbisa rudo saka mutaridze rudo nyaya igume yakadaro, mese modya nyama yokubhucha.

Remekedza munhu anokubikira mumba kuti akubikira zvakakukodzera.

Udzai vamwe!!!!!!!
Kudyisa murume
Murume akadyiswa
Mushonga wekuti murume akude.
Kuti murume auye kumba






Saturday 26 April 2014

Kuhurira mari yechikoro na SugarDaddy

Chii chatingabvumirana panyaya yomusikana anohurira mari yechikoro, ana kuti murume mukuru anovata nechana chechikoro kuti abvume kuchibvisira mari yechikoro?

Mubvunzi munhu akura hake uye akadzidza asi achiri musikana akaita nguva yaaivata nomudhara aimubhadharira mari yechikoro. Ikozvino, (28 years later) achiri kutambudzwa nezviitiko zvenguva iyi.

Hwisisaizve kuti zvinoitika kunyika dzakawanda izvi. Kuno ku UK zvakawedzera chose kuvasikana vanoenda kuUniversity mazuvano. Inotova nyaya huru asi kuno hako chihure hachionekwi sechinhu chakanyanyoipa. 
Iwe unofungei nenyaya iyi? 
Wakambozviitawo here iri ngari yokushaya mari?


Kana une ruzivo ndinyorere ku maichibwe@yahoo.co.uk

Wednesday 23 April 2014

Furo jena rinobuda muchitubu pakurhojana.

Kune vakawanda vari kubvunza kuti pakurhojana chii chinoitisa kuti furo jena ribude mumukadzi. Rinoonekwa kana wozvipukuta kana kuti wopukuta chombo chomurume. Pamwezve kana wakavata nomusana murume ari mukati muchikoirana, rikatanga kubuda unohwa richieredza rakananga kumubhedha. Rinoitiswa nei uye sei risingaiti nguva dzese pamunovatana?

Chokutanga ndechokuudza vaya vanotya zvinhu zvavasingahwisisi kuti chitubu chako kana chaita dambudziko unokasira kuziva nokuti panobuda hwema hwakasiyana uye panokwanisa kuvava zvokuti unogarokwenya. Furo jena iri harina hwema hwakaipa asi rinowedzera hwema hwechitubu. Zvinohi kana murume akakukasirira iwe ukada kuti akasirezve kumira chombo kuti akupamhidze, unovhura makumbo womufukidza jira musoro kuti hwema hwese hwechitubu humukasirire kumira chimbo.

Furo iri harina chakaipa pariri. Chokutanga ndechokuti rinoitika kuvanhu vakawanda chose uye hachisi chigwere. Rinoitika kana wamboita nguva zemo rakakwira usina wawavata naye uku uchieredza kubva mukunyorova kwechitubu.

Zvoitazve kuti pakati penguva yokumwedzi paunokandira zai furo iri rinosiyana ruvara gwaro uye kuwanda zvokuti kana uri munhu anogarovata nomurume uye murume wako achikuitisawo zemo guru, uchaona kuti kuwanda kwefuro iri kunosiyana panguva yemazuva epakati pokuenda kumwedzi.

Furo kuwanda kwezemo chete. bvisanai zemo pasina anotya nazvo. Vamwe vanowanza furo vamwe havaiti furo, vamwe vanoita dzimwe nguva voshaya dzimwe nguva. Usatambudzika nazvo. Tarisa nguva yomwedzi ugoona kana zvichichinja pakufamba kwemwedzi. Tarisazve kuti wange une zemo rakadii musi uyu uchikombeya nemamwe mazuva.

Asi hwema hwechitubu hwukachinja zvokuti unohwa kuti hwashata, ndiyo nguva chete yokunoona murapi nokuti unenge wava noutachiona harisi zemo.

Varumewo ukaona paya uri mukati memukadzi wako muchinakirana, ukaona ari kubuda furo jena rakaita seCREAM, ziva kuti mai Chimwana vane zemo guru nhasi saka chimbovanonokerawo vawane nguva yokubva zemo. Ukuwo wopota uchishandisa maoko panoda kukwizirigwa kuti vakasire kuwana mukana wekuguta.

Murume ndiwe unototanga kuona furo iri nokuti kuti mukadzi atarise pari kukoigwa nechombo zvinonetsa. Iwe murume ndiwe unoona chombo chese chazara furo mukadzi asati azviona fungwa iri pakunakira murume. Toti mukadzi akafongora iwe murume uri kupinda nokumashure, unokwanisa kuona pari kupinda chombo.  Totizve mukadzi avete nomusana akapakachira makumbo pamafudzi amurume, iwe murume unoonazve pari kupinda chombo. Pane maitire akawanda anobvumidza murume kuona chombo chichipinda zvokuti anoona furo richizara pachombo.

Kana wazviona usavhunduka, hapana chakaipa Izemo chete. Asizve kana mukadzi waunaye riri hure raunotoziva kuti anogarokwigwa nevamwe varume, chibva wazivawo kuti anokwanisazve kunge ane zvigwere zvauri kutokasva nechombo chako chero ane furo chero asina. Kana ari wako wemumba usavhunduka.  Chingofunga yokugutsa umwe wako chete.

Furo kana kunyanyonyorova hachisi chigwere. Izemo. Zemo mushonga waro murume ane nguva yokuribvisa. Woitawo kana maminitsi gumi uchikoira mukadzi wako achihwawo pane moyo, wozodiridzira hako mukadzi aguta. Dai varume muchinyatsohwisisa kuti nguva yokukoigwa nomurume inguva yakaita sei dai muchikasira kudzidza kutora nguva muchiita basa iri. Mukadzi anogaroguta kana pamuromo chaipo haana. Hauhwi achikomburena pane zvakawanda.

Udzai vamwe!!!!!



Wednesday 16 April 2014

Kuroora mukadzi ane mimba youmwe murume

Nyaya iyi ndeyevarume zvikuru. Tomboti musikana wako wepamoyo aita mimba iwe uchiziva kuti haisi yako asi wobva waramba uchida kumuroora uku uchiziva kuti munhu amuitisa mimba yacho haamudi zvachose. Inofamba sei nyaya iyi pamaonere evarume nemaonere emukadzi wacho anowanikwa pakadai.

Zvinoita here kuti mukadzi uyu akwanise kukudza murume kana varoorana? Mubvunzo uyu wabvunzwa nomusikana ari pakadai. Mukomana wake anomuda akadaro kwahi mwana ndinorera.

Toda kuongorora mafungire emurume uyu:
Ngatitange tabvumirana kuti mudzimba umu mune vana vakawanda chose vasiri vevarume vana samusha vacho. Umwe mwana ndewekutanga umwe ndewepakati zvichienda zvakadaro. Mazuvano nokufambafamba kwevanhu mese mukadzi nomurume munosangana nevamwe vanhu motaudzana kusvika pamuedzo. Murume akahura pasina kondhomu anokwanisa kumitisa umwe musikana kana kupa mukadzi wemunhu mimba. Mukadzi wemunhu anodzokera kumba kwake ovatazve nomurume wake mimba iya yechikomba yatobata kare. Mrume wemumba anongofunga kuti mwana ndewake orera pasina dambudziko.

Pano hatisi kutaura nyaya yakadai. Tinoda kutaura neyemurume anoda kuroora musikana waanotoziva kuti ane mimba youmwe murume uye zvinoita here kuti audze hama dzake kuti mimba ine musikana haisi yake?

Ukaongorira unoona kuti kuvarume vakawanda nyaya yokuvata nomukadzi chero zvake ani, haizezesi.  Ndizvo muchiona mahure achitoita mari kuchaja varume kuti vauye kuzotenga zvigwere. Ukaterera varume vachitaurirana unohwa vachiti "hure riya rinonaka zvokuti" woshaya kuti sei uchivata naro iwe uchitoziva kuti ihure? Varume vanoita sokuti vanofungigwa nechombo nguva zhinji. Kana chamira fungwa mumusoro haachina kusvika chombo chapedza shungu dzacho ndipo paanotanga kumhanyamhanya kundotsvaka mushonga wesiki. Zviri kwese izvi. Handi varume vedu chete. Kwahi Zuma wakavata nomukadzi ane HIV pasina condhomu. Kwahi aifunga kuti akakasira kugeza nemvura inopisa ustachiona hunopera. Ndiwo mafungure evarume kana chombo chamira.

Saka hazvitishamisi kuhwa kuti murume anosangana nomusikana ane mimba agotovata naye kusvika anakigwa zvokutofunga kuti anoda kumuroora. Pamwezve zvinoitika kuti murume ane musikana wake waanoda chose chose asi musikana uya ane vakomana vaviri. Akamitiswa noumwe mukomana, akarambwa, anokwanisa kuchienda kune uya umwe osvikogamuchigwa zvese nemimba yake iyoyo. Kuzoda kuroora uku kuitira kuti pasawana anofungira kuti mimba haisi yemukomana uyu.

Kazhinji vari vaviri vanovanza nyaya yemimba iyi kumhuri dzavo kuti dzisafungira kuti mimba haisi yemurume ada kuroora. Kazhinjizve mukadzi haaudzi mukomana wake kuti mimba haisi yake  asi anotozama kuvata naye kakawanda kuti afunge kuti mimba ndeyake. Hino uyu abvunza mubvunzo akabudira mukamana pachena kuti ane mimba uye mimba ndeyeumwe asingamudi. Mukomana ndokubva amuudza kuti anomuda akadaro nemimba yake. Mwana anorera sewake. Ndipo pasiyana zvinosiitika nezvaitika. Mrume anoti anoda mukadzi uyu sezvaari izvozvo.

Ukatarisazve unona kuti nyaya iyi haina kusiyana nomurume anoroora mvana orera mubvandiripo sewake. Changosiyana izera remwana uye kuti uyu anozozvagwa mumba memurume uy obva aita sewake kune vasingazivi nyaya. Saka zvinotova nani nokuti hama hadzigaroona mubvandiripo seasiri wavo. Nerimwe divi tinotoona sokuti murume uyu ane dambudziko shoma kune rouyu aroora mvana.


Mafungire ehama dzomurume uyu kana dzaziva kuti mimba ndeyoumwe
Mhuri dzakawanda hadzidi kurera mwana asiri wavo. Vanotoungana pamurume uyu kumuudza kuti mafungire ake awa ari kubva pakudyiswa nomukadzi ane mimba uyu. Unnona chero hazvanzi yemurume uyu inenge iri mvana inotohurawo nevamwe varume, ichitomira mira kutsika madziro kudzivisa hazvanzi kuroora musikana ane mimba uyu. Ukada kubvunzisisa kuti chaanomurambidzira chii chaicho unoona kuti ari kungofunga kuti dai hazvanzi yangu yaroora musikana mhandara kana kuti atisingazivi kuti imhandara here kana kwete. Mafungire evanhu vemhuri pamwe haanzwisisiki asi kungoti pane zvinhu zviri mufungwa dzedu zvatinofunga kuti zvakaipa zvisingafaniri kuitwa nehama dzedu pasina nyaya dzakaita sokudyiswa. Hama dzinokutenderedza musoro ukasahwisisa zvaunoda kuita.

Kune varume vanoda musikana zvokuti chero akaudzwa chimwe chinhu chakamboitwa nomusikana uyu chakaipa haanei nazvo anomuda akadaro. Kuroora munhu ane mimba chinhu chikuru chose mumhuri zvokuti ukavaudza usati waroora vanombozama kukudzivisa.

Kana murume uyu ari kure nehama anongofonegwa achipopotegwa asi hapana zvavanokwanisa kuita. Tinozviona kune vanogara kune dzimwe nyika. Unoona mukomana akasvika chose uye ane runako zvokuti vasikana vakawanda vanotomuda asi havana mukana wekumunyenga. Unoona achinoroorana nomukadzi wamusingafungiri kuti akakodzera. Muchembere, mvana, ane vana nevarume vakawanda, asina kudzidza saiye. Imi vaoni ndimi mune dambudziko nazvo iye haana.

Ruzhinji kana mukada kurambidza munhu kuroora umwe munhu ndipo paanotowedzera kumda zvokuti kuvarambanisa zvinonetsa. Chinongozobudapo ndechokuti dziya hama dzinotaurisa dzichavengwa nomurume uyu nomukadzi wake nokuti vanoona sokuti hama dzinovenga mukadzi uyu. Kana muchida kurambanisa vanhu musatanga nokutaridza kuti hama yenyu haigoni kusarudza zvakanaka. Challenge yokusarudza haina anoigamuchira zvakanaka.


Mafungire emukadzi
Kana musikana akaita mimba pasina mukomana anoigamuchira, panomboita nguva yokutya upenyu huchauya zvokuti mafungire ake anosiyana nezvaange ari asina mimba. Mukadzi kana asina mimba achingoda hake kuwanikwa anenge ane rudo kana SECURITY mufungwa.

Uyu ane mimba youmwe mafungire ake akati siyane neevamwe. Ane EMERGENCY inoonekwa nemhuri mbiri dzese saka inoda kugadziriswa nokukasira. Iye haakwanisi kuigadzirisa nokuti simba riri kumurume. Nyaya yese iri kumurume nemafungire ake. Zvinokwanisika kuti murume anotaura kuti anoda mukadzi, kopera awa imwe chete ochinja mafungire. Kusvika ava mumba uye vagarisana, mukadzi uyu haazivi paamire. Zvinhu zvinokwanisa kukasira kuipa.

Mafungire ehama dzomukadzi
Hama dzomukadzi kana dzikapiwa mukana dzinoda kunotauririna nomukomana uyo muridzi wemimba. Izvi zvokuti mwana wavo ane mimba asi anoda umwe murume zvinoshungurudza vabereki nehama nokuti zvinonetsa kuhwisisa. Munhu kana aita mimba kazhinji anonetsana nomurume amupa mimba yacho, kwete nevamwe varume. Zvinokwanisika kuti hama dzomukadzi dzitange kupopotera murume ari kuda kuroora uyu kuti ngaasiyane nomwana wavo. Ukuwo vachaedza kundotaura nanyamimba kuti aroore kana kubvisa dhemeji.

Inyaya inonetsa vakawanda kuihwisisa.

Maonere evanhu vemuraini.
Vanhu vemuraini vanongodawo havo nyaya dzinonakidza kutaura vachinyebera kudemba pazviri kuti azviitirei asi hapana kubatsira kwavanokwanisa kuita. Kana vakazoona kuti munhu ada mukadzi wake, vanongopedzisira vamugamuchira akadaro. Vanhu vemuraini vane nhamo dzavo mudzimba dzavo. Kana vasina kutoudzwa nehama dzouyu ada mukadzi ane mimba havatombofungi nazvo. Vanongouyawo kumuchato vopururudza vodya mabiko vodzokera kumba kwavo.

Rugare mumba: 
Pamusha wakadai panokwanisa kuita rugare here, uye pane nyaya dzinotaugwa here kana matukana paya pamunombosvotesana. Ruzhinji kana uchida kuziva mafungire emunhu, terera kutaura kwake kana akatsamwa. Ndipo paunoziva chaizvo chaizvo zvaanokufungira. Ukaona magarisana kwekanguva, manyawi ekuti muchangoroorana apera mukadzi iyeyu akakanganisa chimwe chinhu kana kuti akada kukomburena pane zvaitwa nomurume, murume anokwanisa kumuudza mashoko akadzika chose pamusoro peupenyu hwake.

Hino mukadzi uyu akashaya moyo murefu pamurume wake nomutauro wake, nyaya yavo inokwanisa kushata. Murume akuda pazviito zvako zvakaipa anoona sokuti anokodzera kuregeregwa kupfuura vamwe varume pazviito zvakaipa. Ichi chiri chokwadiwo. Usaita tsika yokukangamwa kuti murume ataridza rudo gwakapfuura vakawanda. Iwewo chiziva kuti une chikwereti chake chisingarapiki. Kana zvaada unazvo mupe afare. Akatanga kupopota iwe chikumbira regerero nyaya ipere musati matukana. Zviito zvake zvinoratidza mafungire ake. Kana usina chokwadi nazvo, bvunza kana akagutauye akarivara. Chimwezve garomuudza kuti unomuda uye sei uchimuda asi usamuyechidza nyay yokugamuchira mimba yako kwake nguva dzese.

Saka topa musikana uyu ADVICE yokuti kudii panyaya yake?
Ari kubvunza kuti zvinoita here kuti aroorane nomurume uyu ari kumuda vagogara zvakanaka kusvika vachembedzana?  



Chimbotongaiwo tihwe vaverengi.

Thursday 10 April 2014

Murume/Mukadzi ahura iwe woramba unaye

Ngationgorore nyaya iyi yokuti muri vaviri mumba, poita wechitatu, iwe wogarapo, kana uri muadzi kana uri murume, fungwa yako inenge ichiti kudii pazviri. Une rudo nomunhu asingakudi here kana kuti uri munhu asina njere. Ngatitarisei nyaya dzakadai kuti dzinoitiswa nei pamusha.

Kuhura kwemurume:
Murume wepamba munhu ane musengwa wemusha pazvinhu zvakawanda chose zvinoti mari youkuriritira mhuri uye kuronga upenyu hwevana uye kuti hama dzenyu dziya dzinongoerekana dzasvika dzafidhiwauye kupiwa mari yebhazi. Kana murume wemusha akasahwisisa mutoro wake pamusha wake musha haumiri zvakanaka.

Kuhura kwemurume kune zvikonzero zvatinohwa zvakawanda zvokuti ukagara pasi nomurume wako ukamubvunza kuti chii chingaitisa samusha kuti ahure, unohwa achikuudza zvaanofungira kuti ndizvo asi maudzire aanokuita ndeekukuyambira kuti uzive zvingamuhurisa iye. Vakawanda vanoda kuti iwe mukadzi uhwisise kuti ukamurambira mumba anonotsvaka kumwe asi asina rudo nouya waatsvaka. Varume vanhu vanokwanisa kungoda umwe munhu wekuvata naye asi rudo pasina. Uya wavatwa naye kazhinji haadi kungobvumawo pasina chaanowana pazviri. Munhukadzi anofarira kuhura nomurume akaroora anozviona ari munhu akanaka kupfuura mukadzi wemurume uya. Ukuwo anoda kugaropiwa mari pakuvatwa naye kwake kureva kuti ihure risingadi kuhi ihure. Mari iya yaanopiwa anopiwa zviri zvimwe zvinhu.

Ukatarisa magarire amaSimoro hausi unoona kuti mari yavanopiwa inouya yakatonanga chimwe chinhu kuitira kuti asafunga kuti zvaari kuita kuhura. Anopiwa mari ohi ndeyekubhadhara magetsi, mvura, kana rhendi. Haaudzwi kuti iyi imari yekukurhoja kwandakaita madeko sezvinoitwa hure rePROFESSIONAL. Asi pese ipapa murume anenge achitoziva kuti chii chaari kupira munhu mari uye kuti pane vamwe varumewo vari kumupa mari yechihure chake navo.

Ukatarisazve varume vanoshanda vanohura unoona kuti vakawanda havadi kubvuma kuti ndivo vane dambudziko. Unohwa murume mukuru achibheja kuti musikana waanoshanda naye ndiye anomukwezva kuti ahure naye. Iye oda kuti isu vatereri venyaya yake tibvume kuti iye haana mhosva. Musikana uya ndiye ane mhosva. Kwahi ingari yokuti tinoshanda tese muhofisi saka hapana zvandingaita.

Wotarisazve varume vonokwikwidzana kuvata nemvana yomuraini. Havadi kuti tizive kuti ndivo vane mhosva. Kwahi mvana ndiyo yanditi uya umwe tii ndokubva ndapinda mumba mayo ndokuzohi uya ukwire.

Koitazve varume zvanokuudza kuti vakhura nokuda kwekuti mukadzi wake ange asipo ari kumusha iye ndokushaya wekutamba naye. Kwahi ndakangomukumbirawo kuti azobika musi iwoyo chete iye ndokubika, ndokudya ndokutanga kuona TV pane kudzokera kumba kwake. Takazopedza kuona TV mabhazi kusisina ndikati chirega uzoenda mangwana. Kuhi ndiye akakoka muhure bodo haadi.

Ukatarisazve murume anoroora mukadzi wechipiri pachivande iwe mukadzi wake wongozoerekana pamba pako pasvika umwe mukadzi anoti aroogwa nomurume wako, unoona kuti iye murume haadi kubvuma kuti ane mhosva. Umwe watakanoona panyaya yakadai aitotibvunza kuti tinofunga kuti aikwanisa kuita sei musikana wake aita mimba, sokuti mimba yacho musikana akangoerekana atoita pasina zvaitwa kuti aite mimba yacho. Mimba inoitiswa nokupiwa urume saka iwe murume ukavata nomukadzi wemusango usina kupfeka kondhomu zvinoreva kuti uri kuda kumupa urume, saka achatoita mimba.

Panyaya dzese idzi tinoona kuti murume wako rudo newe haana. Munhu anokuonawo semuranda wake anogarira kuchengeta musha asi pasina chake pamusha apa. Mubvunzo wedu pano ndewekuti iwe kana wahwisisa zvaitwa nomurume wako, uye kuti hazvigadziriki chii chaunogarira pakadai? Ndiwo mubvunzo watichazama kupindura. Ngatimbotarisawo kuhura kwemukadzi.


Kuhura kwemukadzi

Mai vemba munhuwo ane basa rakawanda pazvinhu zvakawanda. Mazuvano mukadzi anofanirawo kunge achishanda kuti mese muise mari pamwe chete muriritire mhuri yenyu. Vana mai vemba kuhura kwavo kwakati siyanei nokuhura kwavarume. Kana mukadzi afunga kuhura kazhinji anohura akaviga chihure chake zvokuti murume wake haatombozivi kuti ari kuhura. Kunozotiwo uya murume waari kuhura naye ndiye anoudza shamwari dzake zvobuda pachena. Pamwe chikomba chiya chinoitira mukadzi uyu zvachinosiitira mamwe mahure, kumutengera zvinhu, iye obva aenda nazvo kumba. Pakadai nyaya yozobuda.

Vakadzi kuhura kwavo kazhinji ndekwekutsvaka rudo kana kumba kusina rudo. Vakadzi vakawabda vane LOYALTY kuvarume vavo asi rudo haguna shasha. Kana mukadzi akasapiwa rudo zvinonetsa kusahura. Pakuhura kwacho murume wake akazotanga kumupa rudo kuhura kunoderera. Ndiwo masikigwe evakadzi uye ndiyo siyano yavo nevarume. Hatisi kuti hakuna mukadzi wemumba anongotanga kuhura zvichibva paruchiva, asi tiri kuti vakawanda havazviiti.

Hino toti mukadzi wako ahura, uye iwe murume wazvibata kuti ahura, chiichinoitisa kuti ude kugara naye? Ndiwo mubvunzo wedu pano?

Mubvunzo wedu kuvarume nevakadzi
Toda kumbohwawo kubva kune vakambozviitigwa. Kuti umwe wako ahura, iwe wazviziva, pamwe atouya noumwe mukadzi pamusha wako, iwe wozvigamuchira kusvika pakuti muupenyu hwenyu murume wenyu anoti nhasi avata nouyu, mangwana ovata nouyu. iwe uchitomuvhurira makumbo uchiziva kuti madeko ange ari pakati pemakumbo amainini.  Unenge uri munhu akjaita sei mufungwa dzako?

Ukuwo toti mukadzi wako aimbohura nanhingi waunoziva. Iwe unoziva kuchemerera kunoita mukadzi wako pakuvatana kwenyu, unoziva kuti ndizvo zvaaiita nechikomba chake, uye aiuya kumba ambopiwa urume hechikomba ichi, asi iwe haunei nazvo zvese izvi unogamuchira mukadzi wako kana ati anoda kudzoka. Unenge uri munhu akaita sei mufungwa dzako?

Tichiongorora tinoona kuti vashomanana vanohurigwa vagoshaya hanya nazvo. Vanowanzoshaya hanya vanhu vasina njere, vakaita sevakadzi vemaPositori vaya nanongoungana pamurume umwe chete vasingahwisisi kuti murume uyu ihure. Kana munhu ane njere kazhinji anogumbuka nokuhurigwa nomurume/mukadzi wake zvokuti kuti azokwanisa kugara, pane chimwe chinhu chinomuita agare chaanoremekedza kupfuura kuipa kwekuhurigwa.  Zvimwe zvezvinhu izvi ndeizvi.

Kugarira muchato
Kune vamwe, zvikuru vanhukadzi vanoremekedza muchato zvokuti chero murume akaita chihure zvakadii, mukadzi anogarapo chete nokuda kwekuti akabvuma kuchata nomurume uyu. Kuhi MRS choita chinhu chikuru. Kubvuma kuti muchato wapera zvinogozha chose. Ukatarisa mumaraini unoona vakadzi vakawanda vanohurigwa uku vachimborohwa nokutukwa nokuitigwa zvinhu zvisiri pamurairo asi havasiyi varume vavo chero zvodii. Pamwe anombotsamwa oinda kumusha kwake asi hapaiti nguva asina kufunga murume wake, obva adzoka.

Varumewo unoona murume anonyatsoziva kuti mukadzi wake ari kuhura. Vanhu vemuraini vachitoudzana kuti akadyiswa, asi iye haanei nazvo anongoda mukadzi wake. Zvinomuremera kugura muchato. Vamwewo varume unoona kuti kana ambopopota akadzinga mukadzi, kunopera vhiki obva atevera ondokumbira kuti mukadzi adzoke. Adzoka anoramba achingohura murume achingonetseka nazvo asi kwasviba anovata naye uye anogara naye.

Pane umwe hama yedu ane mukadzi akabva pamba vatukana, akanogara mwedzi yakati kuti murume ndokutevera ndokuwana mukadzi ane mimba ndokunodzoka naye. Izvozvi vane vana vatatu asi mukadzi anoudza murume kuti HAUZVARI uye vana ava havasi vake, asi vese vanongodanana vachigara vese.


Kugarira vana
Koitazve vame varume nevakadzi vanoti vanogarira vana vavo kuti vakure vane vabereki vavo vese. Ukataura nevanhu vane fungwa dzakadai unohwisisa kuti munhu asi rudo zvachose nomunhu waanogara naye asi aona kuti upenyu hwevana vake hwakakosha zvokuti zviri nani azvirerere vana vake muridzi pane kuti asiye murume/mukadzi vana vozotsvakigwa umwe mubereki. Nyaya yevana iyi inonetsa kuhwisisa kana usina vana.

Ini kazhinji ndikabvunzwa kuti nyaya yokuroorana yakamira sei ndinoudza musikana kuti kana usingashandi usafunga zvokuwanikwa. Mazuvano kana usina mari yako wega iwe kana kuti usina kudzidza usazviwedzera nhamo nokuda kuwanikwa nokuti varume inhunzvatunzva. Akapa musikana akanaka LIFT anotomboda kuvata naye iwe uri kumba kwacho kwaari kuuya, ipapo iwe hauna kuguta zvinhu.

Nyaya yokugarira vana inyaya hayo asi kana waida chirega kuti vana vazive kuti haudanani namai/baba vavo. Wangogarira vana chete. Vana vanokuona uchindovata nouya mubereki wausingadi vobva vakura vachifunga kuti kuvata nomunhu wausingadi zvinokwanisika. Zvadaro hapana STABILITY yawapa vana. Kana usingadi murume/mukadzi, chingoita sokuti unomuda kana vana varipo.

Kugarira ufumi hwako
Kune vamwezve vanoti Ndakaroorana nomunhu uyu asina fuma yese yava pano iyi saka ndeyangu uye pano handibvi. Munhu otogarapo asi pava noumwe mukadzi mutsva. Pane umwe akaendesa murume kuchikoro achishanda sedhongi vachizama kugadzira musha wavo. Murume ndokupedza kudzidza ndokuwana basa riri pamusoro, pedzezvo ndokumitisa umwe musikana. Uya mukadzi sare vavava haachin chake. Obva ati pano handibvi nokuti kudzidza kwake murume uyu ndini. Asizve chaunogarirapo chaicho chii? Kana INVESTMENT yako yaparara chitoro chako chisina zvinotengeswa, ukagaramo mudangwaza iroro chii chauchawanapo?

Kusava nezvaunogona kuita wega

Koitazve vamwe vanoongorora nyaya yavo vohwisisa kuti akasiyana nenhubu iyi haawani upenyu hwakanaka nokuti iye haashandi uye haana mukana wekushandawo chiwana mari, Vekumhuri yake Havana chavangamubatsira nacho. Pakadai panonetsa nokuti munhu anoperegwa nezvaangaita pakukanganisa kweumwe wake. 


UDZAI VAMWE!!!!!!
Toda kuhwisisa kuti vanhu vakadai vanoitiswa kudai nei?  VaNOKWANISA KUTIJEKESERA JEKESERAI TIHWE.