Friday 26 December 2014

Kuvhura masuwo

Vhiki imwe neimwe ndinobvunzwa kuti mushonga wekuvhura masuwo unowanikwepi muno mu UK.  Zvikuru kuvakadzi vane mimba yokutanga vasati vahwisisa kuti mimba hachisi chigwere, ukavaudza nhema unotyisidzira vana vadiki kuti vafunge kuti pane zvinofanira kuitwa kuti mwana akwane pakubuda. 
Kune vanhukadzi vakawanda chose vanoudzwa kuti kana vane mimba panosvika nguva yokuti vanopiwa mushonga wekuti kana mwana wobuda zvira yaanobuda nayo inge yakakura zvokuti mwana akwane kupfuura nayo. Izvi zvinoreva kuti pane vanhu vanofunga kuti mwana anokwanisa kusakwana paanobuda napo zvokuti vakapiwa mushonga panokura mwana okwana. 

Chokutanga : Zvinoitika here kuti mwana asakwana? 
Zvinoitika chose zvikuru kuvakadzi vane tsoka dikidiki. Mwana achizvagwa anopinda nepakati pemabhonzo anohi PELVIC GIRDLE kubva kumberi kuenda shure kune muromo wechitubu.  Kana ukafongora une mimba, unokasira kuhwisisa kuti sei mwana achifanira kupinda nepachighedhe ichi kuti abude. Chibereko chiri kuno kumberi kudumbu asi murumo wechitubu uri kuseri kwechighede ichi chemabhonzo.
Pelvic Girdle.
Dumbu riri pamusoro. Mwana anobuda nepasi.

Munhukadzi ane chiuno chikuru kupfuura munhurume, kureva kuti mabhonzo ake akati kurei uye chighedhe ichi chinokwana mwana pakuzvara. Tarisa papikicha iyi uhwisise kuti dumbu rinokurira mwana riri pamusoro pemabhonzo awa asi chutubu chinozvara mwana chiri pasi.

Kuti mwana asakwana zvinoitiswa nokuti mabhonzo emuchiuno awa anenge ari madiki chighede chacho chinopinda nomwana choita chidiki. Kana une mimba majoini akabatanidza mabhonzo anoreruka zvokuti chighedhe ichi chinoti kurei zvishomanana uye kukwanisa kurereka zvokuti mwana akwane. 




Chihwisisazve kuti hakuna mushonga unokwanisa kukudza mabhonzo emunhu iye atova munhu mukuru.  Zvinoreva kuti mishonga yese yaunomwa haina zvainoshanda pamabhonzo awa. 

Chibereko:
Totarisazve pamukova wechibereko panobuda nomwana muchibereko. Chibereko kana usina mimba chakakura kuda kuita se AVOCADO risina kuibva. Mukova wechibereko haukwani chikumwe kupinda uye wakavhagwa nemadzibwa (mucus ). Kuti zvigwere zvisapinda. Mwana anokuriramo kusvika atova mwana akasvika. Panguva iyi mwana anenge orema maKG matatu kana kupfuura. Chibereko chinenge chakura kusvika pakukwanisa kuchengeta mwana mukati. Uku kaburi kaya kanenge kachingori kadiki uye pasina chinopindamo. 
Mwana mukati mechibereko anenge ari mukati mechisaga chakazara mvura. Chisaga ichi chinotatamuka mwana achikura chichiwedzerawo mvura iya. Zvinoitigwa kuti kana munhu ane mimba akawira pasi kana kuita ACCIDENT, mwana asakuvara mudumbu. 

Kana nguva yekuzvagwa kwemwana yakwana, kaburi kaya kanokura, chisaga chemvura chotushuka mvura yovhinza, mwana wobuda nepakaburi kaya, wopinda muchitubu, wobva abuda kuzhe, vanogamuchira vogamuchira. 


  1. Kuti kaburi kaya kakure hazvidi mushonga. Zvinoitwa nemaHORMONES emiviri wemukadzi. 
  2. Kuti chisaga chemvura chitushuke hazvidi mushonga, zvinoitika zvega nguva yakwana.
  3. Kuti chitubu chikure zvokuti mwana akwane kubuda hazvidi mushonga, zvinoitika zvega. Kuno kumuromo kwechitubu kunotatamukawo kusvika mwana akwana kubuda. 


Musoro wemwana une mabhonzo asina kubatana zvokuti musoro wemwana unotefetera kuti akwane pakubuda. Mafudzi emwana anotsveyama kuti pakubuda zviite nyore.  Hapana kana mushonga unodiwapo. Zvese zvinoitwa nemishonga iri mumuviri wemunhu nechekare inohi ma HORMONES. 

Pane zvinhu zviviri zvinofanira kuti tihwisise. 
1 Mishonga yekuvhura masuwo inopiwa vakadzi vemuZimbabwe chete chete asi vanhukadzi munyika dzese vari kungozvara vana zvakanaka pasina mishonga iyi. 
2 Munhukadzi kana ane mimba haafaniri kumwa mishonga isina kufanira, kumwa doro, kana kusvuta fodya. Zvinhu izvi zvinokuvadza mwana ari mudumbu. 

Tikanatsofunga tinoona kuti zvinhu zviviri izvi zvinoratidza kuti mishonga yatinopiwa nevakuru inohi ndeyokuvhura masuwo haina zvainoshanda uye inokwanisa kutokuvadza vana vasina kuzvagwa. Mimba hachisi chigwere chinoda mushonga. Kubva kare nakare vana vaingozvagwa. Saka zvinofamba sei  kuti vakadzi vokwedu chete ndivo vasingagoni kuzvara pasina mushonga? 

Kuno kuDiaspora tinoona kuti vakadzi vaya vasina kudzidza BIOLOGY ndivo vanonyanya kutsvaka mushonga wekuvhura masuwo. Izvi hazvirevi kuti munhu haana kudzidza asi kungoti haana kudzidza BIOLOGY. Saka tinoona kuti vakadzi vanomwa mishonga iyi neavo vasingamwi, vese vanongozvara zvakafanana. Koitazve kuti kana mabhonzo ako ari madiki, zvikazikamwa nevarapi, unoudzwa kuti mwana achabuda nokuchekwa dumbu kwete kuzvagwa. Apa chero ukamwa mishonga ipi zvayo unongonochekwa dumbu. 

Kana waita mimba, chasara kuzvara mwana chete. Hapana kumwe kungainda mwana. Hazviiti kuti mwana agare mudumbu ramai vake kupfuura mwedzi mupfumbamwe. Saka kana uchimwa mushonga kuti uvhurike mwana abude, unenge uchizama kuitei? 
Ngatisaudzana nhema panyaya yemimba nokuti inguva inotyisa avo vasina Experience nayo. 
Verengazve pakahi
Mimba yokutanga

Kana wada Mimba

Hwisisazve kuti nyika imwe neimwe ine zvainoita zvisina njere zvokuti ukazviudzwa unotoseka wofunga kuti vanhu vanohumana. asi kwedu tichiitawo zvinhu zvinovasetsa.

Ku Jamaica vanoudzwa kuti ukagera vhudzi remwana asati otaura, haazokwanisi kutaura.
Ku UK vanoudzwa kuti zvinoitisa munyama kuvhura UMBRELLA uri mumba.
Ku UK vanoudzwa kuti kana nyenganyenga ikapinda mumba pachaitika rufu pamusha.
Ku Botswana vanoudzwa kuti kana shiri inohi kondo ikarira kwasviba, panoitika rufu
Ku RSA vanoudzwa kuti mukadzi akazvara mwana haabvumidzwi kubika kusvika kwapera mazuva gumi.

Zvese izvi tinoziva kuti hapana chazvinoshanda asi vanhu vanongozviita chete nokuti vanoudzwa nhema votyiswa nadzo.

Mibvunzo inotyisa:

Ko ndove yenzou inoshandisiwa sei kana munhu achigadzirira masuwo?
Ndavhunduswa nemubvunzo uyu nokuti vanhu havatombohwisisi kuti kuzvara kunofamba sei. Ndove yenzou inokwanisa kuva nemaBACTERIA asingawirirani zvachose neari mumuviri wemukadzi ane mimba. Kana mimba yoda kusvika, zvkuita chinhu chinokwanisa kukupa maBACTERIA asiriwo hazvina kunaka nokuti kurapiwa nguva iyi kunonetsa. Mwana anozvagwa asina RESISTANCE pazvigwere. Anotozowana RESISTANCE kubva pakumwa mukaka wamai wezamu ozokwanisa kuhi ava neRESISTANCE shomanana kwapera vhiki nhanhatu (6 weeks) achimwa mukaka wezamu. Vaya vanomwiswa bhodhoro vari munhamo chaiyo.

Kana ukatevedzera zvimishonga zvaunoudzwa nevanhu vemuraini zvokuvhura masuwo izvi, tevedzera hako asi ita uchiziva kuti zvine dambudziko uye hapana masuwo azvinovhura.

Udzai Vamwe!!!!!

Kuvhurira mwana nzira uine mimba
Kuvhura nzira yomwana
kuvhura nzira yemwana 
kuvhurira mwana nzira uine pamuviri
mushonga we masuwo

mushonga we masuwo


Tuesday 23 December 2014

Murume/mukadzi anobvumidzwa kuhura

Mazuvano nyika yedu yasiyana nezvayange iri kare. Mari mumusha yave shoma pane inodiwa kuti titenge zvinhu zvatinochiva kudzimba dzevamwe. Maitire edu pamamirire emumusha asiyanawo nezvakare.  Mazuvano unowana mukadzi wemunhu achitengesa zvinhu ku Jobhegi kana kuZambia kana kuMoza, kana Botswana, achipedza vhiki ariko asina musha kana hama inozikamwa yaanogara nayo ikoko, uku Musha wake uri kuMasvingo. Murume wake haana hanya nokuti ari kuvatepi nokuti anoziva kuti aenda kunotengesa zvinhu zvaagadzira zvakaita sezvekusona kana kuruka. Zvechokwadi kune mutengesi wenhumbi dzakadai asingahuri zvachose asi kune umwe anohura. 

Totizve kune varume vanogara pamusha mukadzi achipota achibuda achienda kunohurira mari odzoka nemairi iya nezvinhu zvaatenga kumagirosa obika vodya vese nomurume nevana, mhuri yatorarama. Ipapo vanopa mhosva kumukadzi vanotaura vachiita sokuti murume ari kuhurigwa asingazivi asi ipapo anenge achitoziva kuti ndipo pari kubva mari yavari kurarama nayo.

Mukaenda kunzvimbo dzakaita se Beit Bridge, Chirundu, Victoria Falls, Mutare, munoona pane vanhukadzi vanovatapo mumagonyeti mamwe ane manhambha edzimwe nyika kureva kuti vakadzi ava vari kuhura nemadhiraiva. Vamwe vavo vakadzi vevanhu vanoti kukazosviba vapedza basa vodzokera kumba kundobikira vana nomurume. Murume haabvunzi kuti mari yokutenga girosary yabvepi. Anotogeza maoko odyawo sadza riya rabikwa obva auchira kutenda nezvaitwa nomukadzi.
Kune vakawanda vanoziva kuti mukadzi ari kuhurira mari. Kune vakawanda vanoti nyaya dzaipa mumba vokumbira mukadzi kuti aite zano rokuwana mari vana vapinde chikoro, uye mhuri ikwanise kutenga zvokudya nezvokupfeka. Saka vese mukadzi nomurume vanenge vachitowirirana pakuti mukadzi ahure. Nyaya yakadai inoitiswa nenhamo pamusha. Nhamo pamusha kazhinji inoitiswa nousimbe  hwemurume. Kana wawanikwa nomurume simbe unototi uite nhamo pamusha chete.


Chimwezve chinokwanisa kuitisa murume kuti abvumidze mukadzi kuhura, inyaya yokushaya mwana. Kune varume vanoona zvisina kukodzera kuti vazikamwe muruwa kuti Havana mhodzi dzokuitisa mukadzi mimba. Zvadaro murume anokwanisa kutaura nomukadzi wake kuti aone zvaangaita kuti aite mimba. Mukadziwo pakadaro anosarudza murume wekuhura naye. Kunokune dzimwe nyika mukadzi nomurume vanokwanisa kugara pasi voronga vese kuti vokumbira ani.

Chimwezve chinokwanisa kuti murume abvumidze mukadzi kuhura ugwere. Kana murume akagwara zvokuziva kuti haachakwanisi kuvata nomukadzi wake asi achiziva kuti mukadzi achiri munhu wechidiki anoda kugarovatwa naye, anokwanisa kumuudza kuti kana achida ngaaiswe hake.

Mukadziwo kana ari munhu akarerekera ikoko, anobva awana munhu wekuhura naye. Poitazve murume asina hanya nokukwira mukadzi wake anoona kuti mukadzi ari kuda chose asi iye haadi kuvata naye. Anokwanisa kupa mukadzi mvumo yokuhura kuti zvisamusvikira kuti avate nomukadzi. Pakadai vese vanoziva

Koitazve varume vanosiya vakadzi vavo vachienda kune dzimwe nyika kwenguva refu. Chokwadi ndechokuti vakadzi vakawanda vanosara vachihura, uye varume vakawanda vanoziva kuti vakadzi vavo vari kuhura asi vanosaita hanya nazvo. Murumewo kuya kwaasvika anowanawo mukadzi wekuhura naye kwenguva yakareba kusvika adzokera kumukadzi wake. 

Varumewo vanohura vachibuda mumba vakawanda vane mvumo dzevakadzi vavo. Kune vakadzi vakawanda vasingadi zvachose kuvata nevarume vavo asi vachiziva kuti murume ari kuda chose kuvata naye. Anokwanisa kubvumirana nomurume kuti murume awane hure rokuvata naro asi kana apedza ngaauye kumba. Iyi inyaya inonetsa veruzhinji kuhwisisa asi kungoti tizive kuti kune mhuri dzakadai mudzimba dzavo.

Kune vakadziwo vanopatsaniswa nevarume vavo umwe wogara kune imwe nyika umwe ari kumwe. Kuno tine vakadzi nevarume vava nemakore akawanda vamwe vanosvika gumi remakore vasina ksangana nevavakaroorana navo. Vamwe vavo vanobvumirana nevarume vavo kuti vafanohura asi vasaitisa mimba kana kuroora. Saka apa vese murume nomukadzi vanofanohura zviri zvokungoda kuwana wekuvata naye asi uku vachida kuramba vakaroorana.

Kuchinjana vakadzi/varume
Kozoti vamwe vakaroorana vanoshamwaridzana nevamwe vakaroorana, vanopota vachichinjana vakadzi/varume panyaya dzokuisana chete chete pasina mari inopiwa. Kunenge kuri kungoda kunakigwa nokuiswa/kuisa umwe munhu asiri uya wawajaira. Munyika dzakawanda chinhu chava kuzikamwa kuti chinoitika chose. Kazhinji vanhu vakadai vonosanga pamwe chete vochinjana varume/vakadzi, voti ava muROOM yavo ava muROOM yavo voisana. Vapedza vanokwanisa kuenda ku RESTAURANT  vonodya zvavo pamwe chete vachiita nyaya. Zvadaro vodzokera kudzimba dzavo. Pamwe vanenge vane mitemo seyokuti vanofanira kushandisa makondhomu. 

Hapana anofosiwa uye hapana anoudza umwe chihure. Kubvumirana kwavo vese vachiziva kuti ndizvo zviri kuitika. 

Kuvata neshamwari
Kotizve kune vamwe vanoti kana shamwari isina mukadzi/murume wekuvata naye anokwanisa kutaura newake kumukumbira kuti abvume kuti shamwari iya ipote ichizovata kumba kwenyu nomukadzi/murume wako. Izvi zviri kuitika chose munyika dzakawanda. 

KuUSA kwava ne PROGRAM inohi HUSBAND SHARING-WIFE SHARING, yokuti murume/mukadzi anokumbira kuti avate noumwe munhu sokuti pamazuva maviri kana matatu pavhiki. Umwe wake omubvumidza kuita. Anokwanisa kuenda kumba kweuya umwe onovatako, mangwana odzoka kwake mukadzi/murume wake osaita hanya nazvo.

Hazvina kusiyana ne PROGRAM yema SMALL HOUSE yokwedu asi kungoti zvinoitwa navese varume nevakadzi uye kuti munobvumirana kuti zviitike saka hapana kuzovengana pazviri.  Mangobvumirana, mese muri vatatu munoita kamusangano kenyu mobvumirana kuti zvichafamba sei uye kana moda kuzvipedza munozvipedza sei. Mopanana mazuva okuti uya anochinjanwa azive kuti musi wekuti anonovaka kuimba ipi.

Kwedu tinozviona zvichiitwa nevarume vane vakadi vakawanda semapositori nevamwe. Kweduzve tinoziva kuti mapositori akazoonekwa kuti akatakura HIV, kureva kuti vakadzi vavo vanonovatawo nevarume vakawanda vekuzhe kwemhuri. Chete kuti murume angenge asingazvizivi. Akazviziva anopumha mukadzi chihure asi iye achifunga kuti anobvumidzwa kuhura nevamwe vakadzi. 

Kuroorana nengochani:
Kune ngochani dzine mari zvokuti vakadzi vanenge vachida kuroogwa nadzo iri ngari yemari. Ukuwo ngochani iya haidi kuti vanhu vazive kuti ingochani. Saka anokwanisa kukumbirawo mukadzi wake kuti asamufumura kumhuri uye kana achida hake awane umwe wekuvata naye asi oitawo zviri pachivande. Ngochani yakadai kana yoda mwana inongoudza mukadzi kuti aite mimba nechikoma chiya asi mwana ohi ndewemumba.

Kune ngochani zhinji dzinoda vese vakadzi nevarume zvokuti kana voda mwana murume wake anokwanisa kuvata naye kuti aite mimba. Uku kuchikomba anohi shandisa makondomu. 

Saka zvinorevei? 

Nyaya iri pano ndeyekuti tihwisise kuti kana paya ukaona mukadzi/murume wehama yako achihura, kana usina kunyatsobata kuti umwe wake musoro wenyaya pauviri hwavo, unokwanisa kupaparika nazvo woudza dzimwe hama uchifunga kuti wava kurambanisa vanhu ugozoona voramba vari vese, ipapo watozvikanganisira hama yako zvokuti kumba kwake zvonetsa kuti usvikeko. Iyewo nomurume/mukadzi wake vachanetseka kusvika kumba kwako  

Pamagarire edu amazuvano atinoziva kuti kuhura kunouraya, tinodziya musoro kana tikaona hama ichihura kana kuhurigwa. Zvikuru kana ari muroora watinofunga kuti muranda wedu watinoita zvatinoda naye. Ngwara maudzire aunoita hama dzako kana wazvibata kuti ari kuhura. Zvikuru kana achihurira murume waanogara naye iwe usingazivi kuti kumba kwavo nyaya yavo yakamira sei. 

Pamwe vanenge vakatobvumrana zvokuita asi vasingadi kuti hama dzizvizive. Iwe ndiwe uchaita benzi pafamba uchishambadza zvawaona kumhuri. 

Chokuita:
Panyaya dzinokwanisa kuputsa misha iwe usajaira kuva munhu anohi ndiye akaputsa musha wanhingi. Hazvinei kuti uri ani pamhuri yenyu. Basa rako kana waona chaunofungira kuti chakaipa, kutanga watsvaga tsvananguro yakakwana usati wapengeswa ne EXCITEMENT yenyaya. Munhu akasvinura anofanira kuzikamwa nokuvaka kwaanobatsira vamwe nako, kwete kubatsira kuputsa. 

Kana uri mukuru pamusha kana pamhuri yenyu mirira kudanwa nehama yako kuti akuudze kuti mukadzi/murume wake ari kuhura usati wakoka mhuri yese kundounganapo kuti vatonge nyaya.  Maitire emazuvano asiyana neekare kwainzi hazvanzi dzemurume dzinokwanisa kudzinga muroora kana dzawana nyaya inomudzingisa. Kana kuti hazvanzi dzemukadzi dzinokwanisa kuzotora tete vavo kana dzafunga kuti mukuwasha haasi kumuchengeta zvakanaka. 

Mirira kudanwa worondedzegwa nyaya woenda wega wozama kuvaka musha wehama, uye kuhwisisa kuti vese vari kufungei. Kana zvikakona hazvo uchaona kuti vese vanovimba newe zvokuti vese vanoramba vachitaura newe kusvika pokuti kana vachizotangazve kutaudzana unenge uripo kuvaka musha wavo navo. 

Chirudzi chedu mitemo yacho inogozhera vakawanda kusvika pakuti vanovanza maitire avo kana vafunga kuti mhuri haingazvigamuchiri. Saka chenjera. 

Variko vakawanda vanoita zvokubvumirana kuhura pasina zvinovanetsa mufungwa saka iwe wekuzhe ukazviona rega kufunga kuti waona nyaya ine muto saka woda kuti hama dzese dziuye kuzoseva ipapo. Tanga waheisisa pane nyaya. 

Hwisisai nyaya idzi nokuti dzinoshungurudza vakawanda vemhuri. 

Udzai vamwe!!!!!


Saturday 20 December 2014

Kutumidza mwana zita.

Munyika medu pachirudzi chedu tese vatauri vemitauro inohi chiShona, chiNdebele, chiChewa, chiVhenda, chiKalianga etc, tinofarira chose kutumidza vana mazita ane zvaanoreva. Tinofarirazve kupa vana mazita anotaridza zvatinofungira vamwe vanhu vemhuri kana vatakavakidzana navo, kuti pese pavanoona mwana uyu vahwisise zvatinofunga pamusoro pavo.

Kuna muroora akasvika pamusha akaoneswa nhamo mhuri isingadi kuti agarepo, paanozoita mwana anokwanisa kuda kuti mhuri ihwisise nhamo yavakamupa obva atumdza mwana zita rinoenderana nazvo. Kotizve mafambire ari kuita matongegwe enyika anoitisa kuti vana vapiwe mazita anoenderana nokuona kunoita vabereki pazviri.

Vabereki vakapinda dzimwe chechi dzinoshandisa mavara echirungu vanokwanisa kuda kupa vana vavo mazita anoenderana nezviri kuitika kuchechi. Semazuvano kune vaporofita vakawanda vanoita masaramusi pamberi pevateveri vavo. Mubereki akaona saramusi richiitwa anokwanisa kuda kutumidza mwana zita resaramusi riya.

Kozoita vamwe vabereki vanotimidza mwana mavara echirungu avanohwa muzheve kunakidza kuadana asi vasingahwisisi kuti vara racho kumusha kwaro kwarakatanga rinorevei. Kakawanda vabereki vakadai vanopa vana mazita asina kukodzera kupiwa mwana.

Vabereki vakawanda vanoona sokuti mwana ndewavo sezvakangoita ufumi hwavo, zvokuti chido chomubereki ndicho chinoitwa pamwana. Izvi hazvina kuipa kana mubereki achihwisisa kuti mwana uyu achakura agokwanisawo kufambafamba munyika dzakawanda achiita zvinodiwa noupenyu hwake. Zvichaitika kuti zita riya ramamupa rinomuita asekwe nevanosangana naye. Muupenyu vanhu havana rudo newe kana usina zvinhu zvakaita semari.

Apa tiri kuti kana mafunga kupa mwana zita rechirungu, kana rerurimi gusiri gwenyu, tangai mabvunza vatauri verurimi kuti vara iri rinorevei. Zvadaro moritarisazve muDictionary morihwisisa musati mapa mwana zita. Zvikuru musapa mwana mavara aya anohi ma ADJECTIVE muchirungu. Ndiwo mavara anowanzovhiringa vanhu pakumaita mazita.

Pana ndawana mazita kawanda chose anoshandiswa muZimbabwe semazit evana. Zvitarisirewo wega kana uchifunga zvokutumidza mwana zita. Hwisisa zvinoreva zita ugofunga kuti ndizvo here zvauri kuda kutaura pamusoro pemwana wako. Kana wahwisisa wochitumidza hako mwana wako.

Mazita evana muZimbabwe


About
Absolute
Account
Actor
Adrift
Alert
Alone
America
Anas
Arial
Artson
Artwell
Asleep
AsSoonAs
Astonish
Astonishment
Aswellas
AtLast
Atom
Atone
Attention
Bald
Basopo
Batanai
Beautiful
Before
Behind
Belamine
Berekai
Besides
Between
Beware
Bhiridha
Bigboy
Biggie
Biggie boy
Blue
Boast
Bonus
Bookworm
Bribe
Bribery
Brief
Bright
Brighton
Brilient
Brother
Business
Busstop
Button
Bvisai
Cabinet
Cansee
Careful
Carrymore
Carryon
Chakezha
Challenge
Chando
Change
Chasura
Chatunga
Cheguhwa
Chengerai
Chengetai
Chenhamo
Chenhema
Cheukai
Chibharo
Chichemo
Chidiki
Chido
Chifodya
Chikangamwai
Chikonzero
Chikwereti
Chimurenga
Chimwanachedu
Chindori
Chininga
Chinoona
Chirango
Chishangu
Chitsamba
Choice
Chombo
Chorus
Clamydia
Clever
Clitoris
Clodia
Cloud
Colony
Compare
Constable
Continue
Correction
Cotbed
Credit
Cross
Crossroad
Crymore
Custom
Dananai
Danger
Dangerous
Dangerous
Daylight
Decalog
Delicious
Discovery
Distant
Do-it
Dollar
Double
Doubt
Dream
Dudzai
Dudzirai
Dutchman
Dzikamai
East
Easyboy
Econet
Economy
Eight
Efficient
Eggshell
Eleven
Energy
Englishman
Evening
Evermore
Excel
Except
Fatson
Feelmore
FeelUs
Femberai
Figure
Final
Fix
Fixman
Fixture
Flannel
Flavour
Fodya
Forever
Forgiven
Fort
Fortunate
Freeborn
Freedom
Freeman
Fregrance
Freight
Fukidzai
Fumairipi
Future
Fuel
Ganyabvu
Garikai
Garisanai
Garo
Giant
Givemore
Godknows
Goodchap
Goronga
Grade
Grapevine
Green
Gupuro
Hamadzapera
Hamadziripi
Hardlife
Have-a-look
Hector
Hendepotia
Hillson
Hondo
Houseman
Humble
Immediate
Independent
Innocent
Intrigue
Itai
Jairosi
Januwari
Jargon
Jelous
Kamukoko
Kisimisi
Kissman
Kissme
Kissmore
Knowledge
Kombai
Komichi
Korai
Kuchafiwa
Kurudzirai
Kuvhaira
Labia
Lawman
Leader
Leading
Lesson
Letter
Level
Licence
Lickmore
Life
Lifeness
Light
Lightening
Linen
Listen
Listener
Littleman
Lonely
Lookmore
Lookout
Loot
Lovegot
Lovejoy
Lovely
Lovemore
Loveness
Loveson
Lucky
Luckymore
Machimwase
Machipisi
Mafemo
Magarire
Magwenzi
Mahobi
Maiden
Maidei
Major
Makemore
Mangwana
Mandishora
Maniac
Manyara
Maonei
Maraisi
Mariyawanda
Marumura
Marvel
Marvellous
Masanga
Mashura
Mauivepi
Maune
Mawanzisa
Maybe
Mazvihwa
Mazviona
Mazvionaka
Mbengo
Memory
Midget
Million
Mind
Mindyou
Mirai
Mistake
Moreblessing
Moregood
Muchadeyi
Muchandiona
Muchazvidemba
Muchazvidini
Muchero
Mudhaniso
Mudiwa
Mudzaswa
Mumvuri
Mupopoti
Muporofita
Murambiwa
Mwaimbodei
Mzilikazi
Nailon
Narumba
Ndaizivei
Ndakazivei
Ndakazviona
Ndataura
Nearmiss
Never
Ngide
Ngwarayi
Nhevha
Nice
Night
Nine
Nobetter?
Nodust
Noise
Nomatter
Nonsense
Norest
Notice
Noticed
Notus (Not Us)
Notyet
Novice
Noway
Number
Nyarai
Nyararai
Nzara
Obvious
Offpoint
Onai
One
OneDollar
Oneness
Orange
Orchad
Over
Overseas
Paddock
Pagozha
Panganai
Paridzai
Partson
Passby
Passmore
Pastures
Peace
Pendzisai
Penmore
Percent
Perseverance
Personal
Petition
Pfumojena
Picture
Pinjisi
Pink
Pipe
Plastic
Pleasure
Pocket
Point
Pointed
Poison
Police
Polite
Pondo
Postman
Poterai
Present
Prince
Progress
Psycho
Psychology
Punishment
Purple
Puwai
Puzzled
Queenson
Queen
Queenie
Question
Rairai
Ramangwana
Ramson
Rape
Reason
Regai
Remember
Respect
Return
Rhythm
Rockson
Rudeboy
Rufu
Rukweza
Rumour
Rumurai
Runako
Runyararo
Sajeni
Sanganai
Schoolson
Scottishman
Secret
Seed
Seedman
Seedson
Service
Seshwana
Setmefree
Sexman
Seven
Shadow
Shakehands
Shame
Shashumba
Shaveson
Shingai
Shingirai
Shingisai
Shokorashe
Shomba
Shongedzai
Shongesai
Shorai
Shortcut
Shortman
Shuga
Shuvai
Shylet
Sight
Sign
Sikisipence
Silence
Silent
Silk
Sister
Six
Sixia
Sixpence
Sixteen
Slight
Slow
Small
Smilemore
Snapping
Soccer
Sorry
Soundness
Special
Specialist
Spirit
Spray
Squash
Squashmore
Stamp
Stanislus
Star
Stay
Stockyard
Stone
Strange
Stray
Stream
Style
Success
Sudden
Sufficient
Sugar
Sundaynight
Sungirai
Svodai
Svosverai
Sweetman
Sweetness
Sweetnight
Syrup
System
Tagona
Taisekwa
Taitei
Takesure
Takomborerwa
Talkative
Tallman
Tanatsiwa
Tangai
Tanyemwerera
Tapedza
Tararama
Tarisai
Tarisaizero
Tashinga
Tatenda
Taurai
Tauya
Tavepi
Tazvida
Tazvishaya
Team
Tererai
Tested
Think
Thinkmore
Thompson
Tidy
Tight
Timer
Tinodya
Tiny
Titsumba
Todii
Togarepi
Toolate
Toosoon
Toothache
Torai
Trained
TryAgain
Trymore
Tungamirai
Unhappy
Uniform
Usiku
Veneris
Vhairai
Vhenekai
Vhumukai
Virgin
Warning
Watch
Watchman
Watchout
Watts
Wednesday
Welshman
Wetson
Whenfor
Whiskey
Whistle
White
Whyme
Wilt
Wilting
Wilton
Window
Windson
Wisdom
Wise
Wiseman
Wonderful
Worry
Zero
Zerorangu
Zivanai
Zororai
Zororo
Zvanyadza
Zvenhando
Zvidei
Zvigodii
Zvigozodii
Zvide




Hwisisazve kuti unokwanisa kuva munhu uya anoseka mazita evamwe vanhu, usingazivi kuti mubereki ndiye anopa munhu zita. Uchaonazve kuti mwana wako anokwanisa kukura agodanana nomukomana/musikana ane zita riya rawaiseka. Zvinokwanisikazve kuti mwana wako akure agoita vana vakevo agovapa mazita iwawo ausingadi.