Thursday 25 April 2013

Mai vemba kupinda chikoro

Mukadzi wemunhu pamagarire edu mazuvano anofanira kugara ane chimwe chinhu chokuti murume akashaika, iye akasara ega, akwanise kuriritira vana. Kare zvaiti murume akashaika mukadzi ogagwa nhaka nomurunyana kana muzukuru, mhuri yoramba yakatsiga. Mazuvano vanokwanisa kugara nhaka havachadi, iywo mukadzi haachadi saka zvoreva kuti ukawanikwa usina chimwe chaunoona kuti chingakupa mari uri wega, unofanira kudzokera kuchikoro.

Kozotizve vakadzi vakachenjera vanokasira kuhwisisa kuti mhuri dzamazuvano dzinoda mari mbiri mumba kuti dzimire zvakanaka. Zvino kana mari ichinetsa, mukadzi anotsvakawo basa oshanda.

Kotizve vamwe vanoti akapedza chikoro owana basa, ozonyengwa ava pabasa. Mukadzi akadai anotowanikwa achihanda kureva kuti munhu anofarirawo kuwana mari sezvinoita murume. Mamwe mabasa anozoda kuti urambe uchidzidza kuti uchengete basa. Zvoreva kuti unopota uchidzokera kuchikoro.

Vamwewo vanongoti akaona zvinoita vamwe, odawo kuzviita otsvaka nzvimbo yechokoro otanga kudzidza.

Chikoro chinoda munhu ane nguva. Mai vemba nguva havana saka vanototi vaderedze nguva yechimwe chinhu chavari kuita kuti nguva yechikoro iwanikwe. Ipapa pakusarudza kwekutora nguva, ndipo panotanga kupopotedzana nomurume. Varume vakafanana nezvana zvidiki panyaya yenguva. Murume akangotanga kuti akauya kumba owana uchiverenga mabhuku ako uchimusiya ega achiona TV, anofunga kuti mai vemba havasisina nguva naye.

Kozotiwo vamwe varume vasingadi zvachose kuhwa nyaya yomukadzi anodzidza. Varume vakadai vanefungwa dzakuma 1840 inova nguva yevanhu vaifunga kuti basa romunhu kadzi kungomirira kuiswa chete nokubika. Zvokudzidza nokushanda ndezvavarume. Kufunga kwakadai mazuvano kwangosara kuvarume vashomanana vokuti kana wakachenjera ukazviziva musati maroorana, zviri nani kumusiya akadaro wotsvaka umwe ane njere.

Chinowanzokonzera murume kuti adai iSELF CONFIDENCE inenge yakashota. Kune varume vanoti chero iye akasvika muGrade 5 chaiyo haadi kuti mukadzi wake asvike Grade 7. Vane fungwa dzokuti mukadzi anofanira kuva pasi pemurume pazvinhu zvese, hazvina basa kuti murume ari pasi zvakadii. Zvinoreva kuti mhuri yakadai yatofa nechekare.

Mukadzi ndiye ega anozviisa pasi pemurume nokuda kwekuti murume munhu akakodzera kupiwa rukudzo mumba kwete kuti anokurambidza kudzidza, kushanda, kana kuita bhiszimisi. Kana ari munhu akakodzera, chero akadzingwa basa iwe uchishanda uchiwana mari yakawanda, chero ukaita MANAGER kubasa kwenyu iye asingashandi, unomupa rukudzo chete. Dai pakuroorana taihwisisa nyaya iyi dai nhamo mumba dziri shoma.

Ndinoziva vamwe ma Businessmen vasina kana Form 6 asi vane njere dzokuronga nokufambisa mabhizimisi avo vachiri vana vadiki. Anozoti nguva yakwana oroora musikana akapedza University omuti ashande muhofisi yebhizimisi rake muchitoona kuti mhuri iyi yava kutoenda mberi.  Murume anenge achihwisisa kuti kudzidza kweUNiversity hakurevi kuti haunchadi kuwanikwa.

Kuno kwatiri kuna vamwe mai vakarambwa nomurume nokuda kwekuti vakatanga kosi yeNURSING apa vane vana vatatu mukuru ane makore 15. Mai ava murume wavo anoshanda mufactory achiita basa rokuronga zvinhu mumabhokisi usiku. Mai ava vakataura padare rehama neshamwari kuti vaida kuti mhuri iwane mari yakawanda sezvo vange vasisadi kuita umwe mwana, vana vatatu ava vaifanira kuwanawo zvinobatsira. Murume akabvunzwa kuti sei asingadi kuti mukadzi aende kuchikoro zvikahi anonosangana nevamwe varume ikoko uye anozodzidza kumupfuura.  Zvakakona kuti ahwisise kuti hapana CHAKAIPA KUTI MUNHU ADZIDZE.

Kune vakaenda kune dzimwe nyika vakanoona ikoko kuti veko vanoramba vachidzidza kusvika vatochembere, zvakavabatsira kuona kuti kudzidza mese mumhuri chinhu chakanaka, uye zvinokurudzira vana kuona kuti chinhu chinofanira kuitwa nevanhu vese.

Mumba chaimo pane zvinodiwa kuti mese mudzidze uye kudzidzisana. Ukada kuzvirova dundundu kuti ndiwe munhu akadzidza kupfuura vese saka zvokudzidza hauchadi, uchazoona imba yako yaparara.

Kusarudza zvokudzidza:
Kana uri munhu anoda upenyu pamwe chete nomurume wako nevana, uchahwisisa kuti kusarudza zvaunoda kudzidza zvinofanigwa kuenderana noutano hwemhuri. Varume vauri kuona vanohi vakadzidza vazhinji vavo vaida kuita mamwe mabasa asi zvakaramba kukwanirana noupenyu hwavo.

Vamwe vakamitisa vachiri kuchikoro ndokutozotadza kukwanisa kuchengeta mwana nokupinda chikoro kusvika pavaida.

Vamwe vakashaikigwa nevabereki ndokutadza kuwana mari yokuenderera mberi.

Vamwe vaida makosi asingawanikwi munyika dzavaigara.

Zvokudzidza zvinoda kugara pasi mese nomurume moronga kwamuri kuda kuenda. Madaro mosarudza kosi dzinoenderana nazvamuri kuda. Pakuronga apa munoramba fungwa iri pa WELFARE yevana. Pamwe vana vacho havasati vatombozvagwa asi munongoronga sokuti varipo nokuti sevabereki ndimi vanhu vanofanira kurera vana. Pane mabasa asingaenderani nokurera vana zvakanaka. Mai vemba dai vambosiyana nemabasa akadai pakudzidzira zvinowanisa mabasa.

Wongororai kuti vane mabasa amuri kuronga kudzidzira vanoshanda nguva dzakadii uye kuti vana vavo vanoona vabereki nguvai. Imiwo vabereki moona kuti mune nguva yokuonana nokuita zvitwa zvevanhu vakuru vakaroorana.Zvinhu zvese zvemumba zvinoitika zvinoda kutanga mabvumirana pauviri hwenyu.

Kuroorana
Kudzivirira mimba
Kuita mimba
Kutenga imba
Kutenga mota
Kudzidza
Kuenda kune imwe nyika.

Kozoitazve makosi anoitwa kumaUNIVERSITY anokwanisa kuita makore matatu kana kupfuura. Munoronga mese kuti zvinofamba sei, uye pakubatsirana basa remumba kuti mese muwane nguva yokuverenga nokupasa, nokurera vana venyu. Pamwe zvinoda mari kuti upedze chkoro. Kana murume achishanda achikupa mari yechikoro ari kuitira kuti mhuri yake ibudirire. Anowana STRESS yakawanda nokuda kwekushaika kwemari mumba. Pa weekendwo vana vavata iwewo woita manager weWELFARE yomurume wako. Wowedzerawo zvakaita se BODY Massage, kubika zvine balance, kuwana nguva yokuita nyaya nomurume wako, kumubvisa zemo zvine mwero mukati. Ma UNIVERSITY akawanda anokupa zuva pakati pevhiki kuti umbonodzidza wega. Murume ngaatarisire zuva iri ne WEEKEND vhiki imwe neimwe, nokuda kwezvaunoita naye pamazuva awa.

Pakushota kwemari, garai pamwe chete mugadzire BUDGET yemumba menyu, iwe wosazowanikwa kuti uri kushandisa mari pazvinhu zvisina maturo. Kana ada kukupa mari yokundorukwa vhudzi iwe chitsvaka munhu anoruka zvisingadhuri wodzoka neimwe mari kumba kuratidza kuti unohwisisa kuti mari ishoma, kwete kutofoya murume kuti haasi kutambira yakakwana.

Murume akazotanga kudemba kuti dai usingaendi kuchikoro, ndiwe waruza asi mhuri yese yaruzawo. Potawo uchiudza murume zvauri kudzidza uye kuti zvinorevei, kuti aone kuti uri kuhwisisa zvauri kudzidza. Ukaona murume oti akabva kubasa otanga atsvaka shamwari dzake dzedoro asi mukadzi wake waasina kuona vhiki yese akamumirira kumba, wana mukana wekumukwezva adzoke kumba.

Kana bopoto rikatanga mumba iwe kasira kuhwisisa kuti STRESS yakawanda mumba saka usajaira kudavira murume nebopoto, asi kuderedza hwi rako kana kunyarara kusvika apedza kutaura zvaanoda kutaura. Adaro muudze kuti unohwisisa zviri mumoyo make. Nguva yokudzidza kwamai vemba inguva inopopotedzanwa zvakawedzera. Umwe wenyu ngaaite moyo murefu.

Rudo ngaguwanzwe mumba. Zvikuru kana wadzidza kupfuura murume uchiziva kuti vamwe varume zvinovashaisa chivimbo chokuti uri kudzidzira mhuri yenyu kuti ibudirire uye chero ukasvika papi zvapo murume wako unomuda uye hauregi kumupa rukudzo uchiti nokuti wadzidza, kana kuti wava kutambira mari inopfuura yake. Shandisa ruzivo gwako kuumba mhuri yenyu kuti irarame.

Taridza kuti wava munhu wakadzidza pakuronga zvinovaka nomurume wako. Murume wako awedzere kuvimba newe nezvawanda zvaunogona zvepamusha. Hwikwa uchipa mazano ekuvaka kune mamwe madzimai murume azive kuti wava ne CONFIDENCE pamusha wako nomurume wako.

___________________________________________________________________________
Veduwee, munoionawo sei imi kuti munhu ane murume mumba agohi anopinda chikoro uku achishandawo kabasa chero kadiki. Ane mhuri mumba.

Inyaya inopokanisa vakawanda mudzimba zvikuru varume uye zvikuru kana mukadzi asvika pokuti akapfuura anobva adzidza kupfuura murume wake. Varume vekuAfrica zvokuti mukadzi adzidze kumupfuura havadi. Unokwanisa kutorambwa usi pakati pekudzidza ugoruza kwese, kuti uku waruza murume uku waruza chikoro. Nani kumuudza kuti uri kuita Diploma iwe uchiita Degree. Wozomuratidza wawana basa.

Taurai tihwe vakambozviona.

Monday 22 April 2013

Mukadzi/murume anoita seasingaguti



Musi wekutanga kuita Orgasm (kutunda kwemukadzi parhoji)
Kuvarume hakuna chinonetsa. Musi waanotanka kuvata nomukadzi anotodiridzira mukadzi nokukasira, kureva kuti asvika pakunakigwa panobudisa urume hwake huchipinda mumukadzi.

Vakadzi vakasiyana neizvi kashoma kuti unoguta musi waunobviswa humhandara. Vakawanda vanoti akatanga kuvata nomurume anokwanisa kuita mwedzi yakawanda asina kumbosvikapo. Vamwe vanoita makore akawanda. Tikatarisa kuvanhukadzi vari muUSA, zvakanyogwa mubhuku rinohi THE BIG O zvinonzi pakutanga kwavo kuvata nevarume

47 % vakasvika pakunakigwa nengari yokuzvibatabata pasina umwe munhu
32% vakaita pakuvata nomurume nokupinzwa chombo 
20 % vakaita kubva pakutamba nomurume pasina kupinzwa chombo
1% vakaita vavete hope varota vachiiswa nomurume.

Tinoonazve kuti munyika iyi vakawanda vanotanga kunakigwa vava nemakore 18-20. Asi vamwe vanozotaga kusvika pachinhanho ichi vava nemakore 40 kana kupfuura. Saka upenyu hwemunhu akadai anenge ava nenguva yakareba achivata nomurume asi zvisingaiti.  Kweduwo tinavo vakawanda vava nevana kureva kuti vari kuvata nevarume vavo asi havana kumbosvikawo pachinhanho ichi.

Tikatarisa ma figure ezvikonzero zvomusi wekutanga izvo tinoona kuti muridzi ndiye anowanzozvinakira ega pa 47% apo. Zvinohizve kana iwe muridzi usingazivi zvinokusvitsa panzvimbo iyi, zvinonetsa kuti uzosvikapo wava nomurume. Kune vokwedu vakadhonza, hazvinetsi kuhwisisa kuti pakudhonza ukatanga uri mwanana (12-15years old) ndiyo nguva yaunenge wava kukurawo muviri, mazamu pamberi nokumera vhudzi pamberi. Ndiyo nguva yaunogaroita zemo uvete kana wakasvinura ukafunga zvokuiswa. Ndiyo nguva yokuti pakudhonza unokwanisa kutanga uchidhonza wopedzisira wazvimbirira wava nezemo wobva wazvibatabata wega. Ukazojaira kudaro unosvika panzvimbo iyoyo umwe musi zvokuti musi wekutanga zvinokuvhundusa asi unozodazve kuzviita wobva waramba uchidaro.

Pakuzowanikwa paya kana murume achikunonokera unokwanisa kusvika futi nemurume. Kana achikukasirira haukwanisi saka ndipo pokuti uri wega mubhavhu wozviitira. Murume ozopinzawo hake iwe watombozviitira wega. Kana uchigarosvika pakunakigwa uri wega, zvinoreva kuti masvikire acho ndeekuzvikwizirira pedo nebhinzi zvinova zvakasiyana nokupinzwa chombo nokukoirana nomurume. Manakire azvo akatosiyana uye echombo ari pasi nokuti pabhinzi ndipo pakaungana kunaka kwese. Saka kana wada kuwedzera kunakigwa nomurume unokwanisa kuti muvete mese woti uku murume ari kukoira uku iwe uri kukwizirira bhinzi. Zvakanakira kuti kana murume wako ari munhu wechimbichimbi, unonakigwa asati adiridzira. 

Kune vanovata nevarume nguva dzese:
 Tikatarisa vanhukadzi vese tinoona kuti panyaya yokunakigwa iyi zvinhu hazvina kumira zvakana. Tichitarisa panyaya yokuvata nomurume tinowana zvakadai

33% vanokwanisa kusvika pakupfidziswa nokuiswa nomurume nechombo mazuva akawanda. Pane ivava, vashoma vanoita pese pavanovata nomurume.
33% vanokwanisa havo kuzviita asi zvinoda kuti uku chombo chirimo, uku murume otanga amboita rimwe basa ozowedzerazve iye apedza, uye kuti iyewo mukadzi awedzere zviri kuitwa nomurume.
33%  havatombosviki kwese uko chero zvodii nechombo.

Izvi zvinoreva kuti nyaya yedu inyaya inonetsa kuhwisiswa nevarume vedu zvokuti ukasagara naye pasi kumutsanangurira kuti zvako iwe zviri papi anokwanisa kungofunga kuti chombo ndicho chiororo izvo bodo.  Chiororo kuziva muviri wako iwe muridzi.

Zera:
Pavanhukadzi kuwanda kwevari kusvika panhu pedu apa kunowedzera nokukura kwavo. Tikaverenga vanozvikwanisa muvakadzi vapfuura makore 40 tinoona kuti vanosvika 70%. Saka kana wazvitadza uchiri mudiki hazvirevi kuti uchangogara wakadaro.  Dzidza kuzviitisa kuti paunozovata nomurume ukasire kuita.

Dambudziko guru muvanhukadzi.
Ugino hwevarume nenyaya yemafambire ezvinhu izvi hunoitisa kuti vakawanda vedu vasambosvika panhu apa. Kozotizve isuwo kutya kudzidza kuzvinakira kunoitisa tisaziva kuti chii chinokwanisa kutisvitsa panyaya iyi. Zvino kana iwe usingazivi, murume wako asingazivi, anovata newe achingonakigwa ega iwe uchisara une zemo.  Ndipo unohwa varume vakawanda vachipopota kuti sei vakadzi vavo vasinganyanyofarira kuiswa. Inyaya yokuti zuva rese raunovhurira murume unongo iswa urume wosiiwa une zemo, saka chawavhurira murume ipapo chii. Iye unotoona achinakigwa zvokuti.

Dambudziko kazhinji kukasirigwa. Murume anongoti kupinda nokutunda pamwepo. Vazhinji vedu tinoda kumborezviwa nokubatwabatwa nokuudzwa nyaya dzinonakidza nokuzoti murume apinda ombondinyemudza chombo ozoti pakukoira oitawo kana 7 minutes arimo mukadzi achihwa pane moyo. (vakawanda vanoda nguva inoita 10-20 munites muchimbomira murume otombobudisa chombo moramba muchitamba)  Zvadaro murume ari mukati mukadzi ndiye dhiraivha anoziva zvinomuitisa asvike panhu pedu. Vanhu ava vakataurirana kwavari kuenda voenda vese zvinokwanisika kuti unosvika kwausati wambosvika
Kana ndisingadi:
 Pamwe unopinzwa chombo murume oitawo zvakanaka chose asi iwe wotadza kusvika nokuti hausi kuda kusvika. Hazvirevi kuti hauna kunakigwa. Zvinongoreva kuti hauna kunakigwa zvokusvika pakupedza. Kupinzwa chombo panguva yokuvata mambotamba mukambobatana, zvinoita munhukadzi ahwe ari pedo nomoyo wemurume wake zvichibva nemaisire amuri kuitana. Kungopinzwa momboita nyaya zvenyu uchihwa akapinda uchihwa chifuva chake achifema muchipota muchikisana, kunoita kuti uhwe rudo. Zvinonaka, uye dzimwe nguva mukadzi anenge asingadi kusvitswa pokupedzisira.

Todii kuzama kusvika paOrgasm?
Chokutanga ongorora kuti sei zvisingakuitiri. Kana wakambosvika, zvibvunze kuti wakasvika sei musi iwoyo? Chizama kushandisa mutowo iwoyo kusvika zvaitazve. Kana usati wambozviita,  hwisisa kuti maitikire azvo akasiyana, zvimwe zviri INTENSE zvimwe ndizvowo hazvo. Hwisisazve kuti unokwanisa kungoerekana zvaitika uye pamwe zvinokuvhundusa kunaka kwazvo.

Rerusa muviri: (RELAX) ubatsirane nomurume pakuvatana kwenyu. Wega unohwa muviri wese uchidavira kuti chombo chiri mukati uye chiri kunaka. Ukada kumbotsinzina maziso woenda kune imwe nzvimbo inonaka kuisigwa ita. Rerusa muviri.

Gara usina zvauri kufunganya. Dzidza kuda kuiswa nomurume wako. Uye dzidza kutaura wakasununguka. Kana pane chaubaya moyo, chibudise pachena chitaugwe chipere.

Kuvhenganisa maitire enyu kunokwanisa kukuitisa Orgasm. Kana pane zvaunofunga kuti zvinoitwa nevane musikahwa imbozviita izvozvo iwe. Uchaona kuti zvinonaka iri nyaya ye Excitement. Sokuti une murume anoda kungokwira pamusoro, umwe musi muchitamba musina hembhe unomutsimbirira womukwira moita semuri kugwirana kuva pamusoro. womboindawo pamusoro.

Taura muchiita. Taura nemurume uchimuudza zvouita uye zvaari kukuita. Ramba ucitaura. Muudze manakire azvo. Kuiswa wakanyarara hakunaki.

Siyanisai nzvimbo. Ita musikahwa wenhunzi inoti kuti iri kudya nyama uku iri kupinzwa chombo. Toti uri mubhavhu murume ari kuona TV, unokwanisa kumudaidza ouya womuudza akugezzese musana. Akamira chombo nazvo muudze ashandise chombo.

Kusavhenganisa nyaya dzemumba nenyaya dzokuvatana chinhu chakanakawo hacho. Kana mune nyaya pakati penyu, musaitaura muimba yokuvata. imba iyi ndeyezvinhu zvorudo chete nokuva pamwe. Kuronga musha nokupopotedzana kunoitigwa muimba yokugara (living room)

Kutya kuvata nomurume kunoita usanakigwa. Toti murume akahurira ukamuregerera, unokwanisa kutya kuti achiri kuhura uye angangokupa chigwere. Nyaya dzakadai dzinokutadzisa kunakigwa. Kana murume ahura, muudze kuti regerero inotangira pakuti mese moendakuTEST moudzwa kuti hapana chamunacho mobva matanga kuisana muchizivi kuti mapukunyuka pazvigwere zvechihure.
Kuneta nemabasa kunokwanisa kuti ungozowana simba rokuti murume agute. Kungovhurira murume iwe usinei hako nazvo.
Kusimbisa masuro yechitubu kunobatsira kuti pakurhojana unokwanisa kusvinya chombo kukwiziwa nacho mukati kowedzera.

Varume vodii kuti mukadzi asvikewo?.
Varume chokutanga dzidza kutaura nomukadzi wako zvisina AUTHORITY mukati, kusvika pakuti kana muchitaura nyaya dzerhoji munge muri vanhu vaksununguka mese. Kusununguka uku kunosvika pakuti munoudzana zvinoitika mumiviri yenyu. Vakadzi tinoona zvichisvodesa kuudza murume kuti dzimwe nguva tinoshndisawo maoko. Zvinosvika pakuti kana murume akakusiya une zemo vakawanda vanotorera zemo kusvika murume abatwa nehope voita nemaoko murume asingazvioni. Kazhinji zvinoitwa seizvi kuti murume asaziva kuti atadza kupedzisa mukadzi.

Varume munofanirawo kudzidza mega kuziva kuti zvaita here kana kwete. Kana watadza kusvitsa mukadzi pakupedza zemo, unofanira kuziva wega kuti atandza saka panodiwa zvimwe zvinoitwa kuti asvike mese mugozobatwa nehope. Zemo romunhukadzi rinononoka kupera rega zvokuti pamwe hope hadziuyi kusvika waripedza.

Kuti upinze chombo mumukadzi, tanga waona kuti wambomukwidza zemo zvokuti anokasira kusvika pauri kuda kuti asvike. Izvi zvinoitwa nokutora nguva muchikisana, kubatana, kurezvana, etc. Madaro unombopinzawo chigumwe mukati wokwenyerera mukati nechokumusoro kwakananga kuguvu. Pane nzvimbo yakagwinya kubvuura dzimwe inova ndiyo inoti kana muchiita maitire mamwe chombo chikanokwizapo mukadzi anowedzera kunakigwa. Unombokwenyererapo kwenguva. Mukadzi anonakigwa nazvo.

Pakuzopinza unowana panyorova zvakanaka zvokuti ukawana mukana wekumunonokera anokwanisa kusvika pakupedza. Nyaya yokunonoka inonetsa varume vakawanda nokuti havadi kuzvidzidzira. Kunonoka chinhu chinodzidzika saka uchida kuti mukadzi wako akupe rukudzo panyaya dzerhoji, dzidza kunonoka.

Kusaita tsika nezviito zvonoshaisa mukadzi mufaro chinhu chakanaka kana uchida kuti anakigwe pakuvatana kwenyu. Mukadzi asina mufaro anonetseka kunakigwa. Vamwe varume havanei nokuda kugadzirisa nyaya dzinoitika mumba. Anoti imwe ichiripo otanga imwe futi. Vamwewo vanoda kugarorangaridza mukadzi kuti munhu asina maturo pamafungire avo. Murume akadaro anonetsa kunakigwa naye.  Munhu itawo mukadzi wako ahwe ari munhu ane chiremera. Kana achitaura terera. Kana ukaona asina mufaro bvunza kuti zvaita sei. Achigwara imbomuriritirawo sezvaanoita iwe uchigwara kwete kungoti akagwara wofonera mai vake kuti vazoona zvokuita.

Kuva nechombo hazvirevi kuti unogona basa racho. Zvinodawo kuti uite nyanzvi pabasa.

Chitubu handicho mukadzi. Pane muviri wake wese unodawo kuziva kuti mumba mune murume, makumbo, magaro, dumbu, mazamu, huro, mafudzi, musana, musoro. Muviri wese unenge uchida kuziva kuti mumba mune murume.

Kusvitsawo rurimi pabhinzi yomukdzi wako zvinonaka chose. Varume, ukambobva kwawabva umwewo musi ukawana mukadzi wako akakumirira mumba, ukamubvunza kuti atogeza here, kana ageza iwewo wonogeza, wombomupa inohi Tongue bath muviri wese, wonomirira pabhinzi apo pa HQ yekunaka. wozoti waona kuti zviri kufamba sei wozoitawo hako zvokupinza chombo. Zvinonaka zvokuti kuitwa mazuva ese vamwe hatidi. Asi kamwe pavhiki maybe. Asi Orgasm hainonoki. Ndati hainonoki uye inouya ichiita sechitima chaicho. Bhinzi inonaka varume wee. 

Blue Balls
Kana ukaita zemo uri murume ukatadza kuripedza, unoita CONDITION inohi Blue Balls kureva kuti pamberi pako mabhora ako anombogwadza kukomburena kuti sei tisina kuwana mukana wekubudisa urume.

Isuwo tinoita BLUE BALLS yechikadzi asi kuti yedu inotora nguva yakareba. Uke rhojewa murume akapedza iwe usina, zvinotoda kuti akubatsire upedzewo. Ukasadaro unohwa kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kwenguva refu. Varume, kana wakamboita Blue Balls whisisa kuti ndizvo zvinoita mukadzi wako zuva nezuva. Mapahwa here?

Summary:
Kana uchihwa musoro, ukarhojana nomurume kusvika pakuita orgasm, musoro unopora kusina kupera 10 minutes.
Inonetsa kuita nokungopinzwa chombo chete asi pakawanikwa zvimwe inokwanisika. Kana mese muchida kugutsana mukaudzana zvokuita mukazviita mukadzi anokwanisawo kuguta kusvika panodiwa.

Kukura zera  nokugarorhojana nomunhu umwe chete kunowedzera kuita orgasm. Zvinoreva kuti mukadzi ane makore 30 chanzi yake yopkuita iri pamusoro peyemukadzi ane makore 25.

Magarire emukadzi nemafungire ake anoita kuti aite kana kusaita orgasm. Kana asina mufaro zvinonetsa kuita. Kune vanhu vakawanikwa pamisha ine zvibinge pese pese. Vanhu vakadai zvinokwanisa kuvanetsa. Mukadzi ane STRESS haanakigwi.

Kuhwisisa kwemurume kunowedzera chanzi yokuita orgasm. Murume anoziva kuti mukadzi anofanirawo kusvika chinhanho ichi anobatsira mukadzi wake. Kubatsira kukuru kunonoka nokunonoka nokunonoka kusvika mukadzi apfidza.

Zvinohi vakadzi vakawanda vasingaiti orgasm, vakasangana nomurume anosvika 10-20 minutes pakuisana, uye ane rudo nezheve dzokuterera zvinotaugwa nomukadzi, vanosvikawo, zvinoreva kuti varume vedu vane nyaya inoda kugadziriswa.

Mukadzi akazvibatabata kubva ari mudiki achizvisvitsa paorgasm ega, akazowana murume anokasira kutanga kusvika nomurume kana murume wacho achihwisisa nyaya yevakadzi mamirire ayo. Mukadzi asingazivi muviri wake kuti unoda chii haakwanisi kuudza fungwa dzake kuti amirira kunakigwa.

Kurerusa muviri kuti ugamuchire chombo norudo gwemurume zvinobatsira muviri kugamuchira nokupa zvisina dzimwe nyaya.

Kusasvika pa orgasm hazvirevi kuti hauzosviki pane imwe nguva.  Unokwanisa kusvika makore akawanda usina kumbozviita asi umwe musi zvongozoitika.

Hwisisa kuti kusaita Orgasm hazvirevi kuti hausi kunakigwa asi kuti i EXPERIENCE inonaka zvokuti kana wambooita, unozoida kakawanda.

Ukatanga hupenyu hwerhoji nomurume wawakagadzikana naye anoti muchiisana unosvika pa orgasm, ukazombana naye ukadanana negino risingahwisisi kuti mukadzi anoitwa sei uye risina hanya nazvo, Relationship yenyu haigari nguva refu, even makaroorana. Ukabvunza vakadzi vanohurira varume kuti vanozviitirei, unowana kuti chimwe chezvavanotaura ndechokuti murume haana hanya nokunakigwa kwemukadzi wake.
Vakadzi vakawandisa vanoita Orgasm vega murume avata apedza kushandisa mukadzi kuita yake ega  mukadzi asina. Iyi ndiyo nyaya yaunohwa kakawanda chose. Zvinoreva kuti mukadzi anokwanisa kuita asi murume haasi kumupa chanzi. Ari kumukasirira.
Vanhu mese varume nevakadzi, hwisisai kuti iyi inyaya huru chose mudzimba.

Varume vasingaiti Orgasm:
Kune varume vashomanana vasingatundi urume pakurhojana nomukadzi. Anoti chombo chimire mukadzi ari kugamuchira asi iye murume anokoira kutobuda ziya asi pasina chinobuda. Izvi zvinonakira mukadzi wake chose asi iye hapana chaanowana. Ichi chigwere chinotozikamwa chinohi DSM-IV. Kazhinji muvarume vakadai zvinoitika kuti kana ari ega anokwanisa kubudisa urume asi kana ava nomukadzi hapana chinoitika.

Zvinohi varume vakadai vanotyiswa nezviito zvavo kusvika pakuti zvinokanganisa kudanana kwavo nevakadzi vavo zvinova zvinowedzera STRESS. Stress iya yowedzera kusakwanisa kubudisa urume. Nyaya iya yobva yawedzera kuitika kwayo vanhu vopedzisira vopokana nazvo asi isiri mhosva yomurume kana mukadzi.

Mukadzi ane murume akadai anofanira kuva munhu anohwisisa nokuti varume vedu mazuvano vanhu vanoshanda mabasa ane puresha yakawanda zvokuti vamwe vavo vanokwira BP uye havavati zvakanaka. Muviri wemukadzi kana murume haudi kugaro piwa ABUSE yakawanda saka napo napo zvimwe zvange zvichishanda zvinomira kushanda.

Ukahwisisa kuti haisi mhosva yake, unokwanisa kutaura naye murudo, mobvumirana kubatsirana kutsvaka chikonzero uye kuchibvisa. Pavarume vedu, chinhu chinogwadza moyo kuti uku ari kutadza kukupa urume uku ari kuhubudisa pakutamba ega. Chikuru kuhwisisa kuti haasi kuita maune uye kuti kusakupa urume hazvirevi kuti haachakudi. Kana murume asisakudi haavati newe.




Udzai vamwe!!!!!
kutunda kwemukadzi
kugutsa mukadzi pabonde
Kugutsa murume
Kubata murume zvakanaka
Kubata mukadzi zvakanaka
Kufarira kuvatana


Sunday 21 April 2013

Kuvata noMusikana/Mukomana webasa

Musikana/Mukomana webasa pamusha

Nyaya dzevashandi dzagara dzinonetsa. Chokutanga tinofanira kuhwisisa kuti se vanhu vane mhuri yavo vachizoda kunotsvaka munhu wavasinei naye kuti azovashandira pamusha pavo achigarapo,  zvinenge zvamboita sei.  Nyaya iyi inobva kure uye zvikonzero zvayo zvasiyana nezvazvange zviri kare. Tichitarisa kare tinoona kuti vanhu vaiti kana murume akawana basa rakanaka, vakanogara kunzvimbo ine dzimba dzinodhura. Vadaro vaizowana kwese kunzvimbo iyoyo kune dzimba dzine vashandi, ivo vofunga kuti zvakakodzera kuti vaitewo mushandi kuti vasaonekwa vachiita mabasa anoitwa nevashandi mune dzimwe dzimba. Waizoona imba ine mwana umwe chete, mai vake havashandi, chikoro Havana kupinda, pamba hapana project yavanoita, woona vane mushandi anoita basa rokusuka ndiro, nokuwacha, nokuenda kumagirosa sezvinoita vari mune dzimwe dzimba.

Pamba paya paiswa musikana webasa paizoonekwa kuti hapana munhu wekugadzira zigadheni riya ratengwa neimba yaro. Taizoona kuti baba vaya vaingopedzisira vatsvaka mukomana wegadheni  mari yacho isingakwani nokuti pane munhu umwe anoshanda.

Waizoona murume uya nemhuri yake, mari yekubhadhara imba yaperera pavashandi onotora huku dzemafidha kuti awane kamwe kamari. Mukadzi uya wokusadzidza kufidha huku otadza kukuhwisisa, huku dziya vopedzisira vodya varidzi vadzo, Profit hapana. Zvovanetsa mhuri yese vasingahwisisi kuti mari iri kuperera pavashandi vasina zvavanounza pamusha.

Pakadai murume aizogaroshanda ma Overtime kubasa, osvika kumba asina simba rokugutsa mukadzi. Mukadzi otanga kufoya murume nokumufungira kuti ari kuhura . Nyaya yoti uku ari kuswera pamba nemukomana akagwinya, uku iye haasi kuguta, uku murume haana nguva naye nokuda kuriritira mhuri. Kusadzidza kuya kotanga kukonzera kufunganya uye kutarisa zvidya zvemukomana wekupfeka chikabudura achidiridza muriwo. 

Murume akaroora mukadzi asina kudzidza achifunga kuti ndiye achazovimbika nokuti anotenda kuti akurudzigwa asi obva amusiya nomukomana wezera rake uye we SOCIAL STATUS yake. Vaviri ava vakatanga kutaurirana vanohwisisana.  Kuti vaswera vese umwe ane zemo rave namazuva matatu handizvo. Vanopedzisira vaisana chete. Iye saimba ndiye ane mhozva nokuti anosiya vanhu ava pamba vasina zvimwe zvavari kuita. 

Imwewo nguva.
Takazosvikawo pane imwe nguva yokuti vakadzi vairoogwa vanga vati dzidzeiwo vachihwisisa zviitiko zvemunyika. Apa ndipo patazoona kuti munhu uya ainzi mushandi pamba ange ava munhu akadzidzawo zvokuti aiziva zvaari kuda. Anouya kutaundhi achitanga kunoshanda kumayadhi, opedzisira opinzwa chikoro kupedzisa FORM 4 ari pabasa iri achiwana mari uku achibhadhara chikoro nokushandisa chiuno kuna baba/mai vemba.

Mazuvano tinoona kuti kuma 2000-2009 nyaya yemaSmall House yakaita EXPLOSION munyika yedu nenyaya yokushaikwa kwemabasa. Vasikana vaida mabasa vakawanda. Mabasa kwange kusina, vasikana vakadzidza chose. Zvange zvaitikawo kuti kune vakadzi vakawanda vakavambuka vachisiya varume vanoshanda pamusha pane vana vanoda muchengeti. Potsvakwa musikana webasa anochengeta vana achivatapo mai vevana pasina. Baba vevana Havana wekuvata naye. Zvakaitika panguva iyi zvakawandisa uye vanhukadzi vakazobuda munguva iyi vave mvana vakawandisa. 

Koitazve vakomana vakawana mabasa padzimba nokuda kwemari yaishandwa nevarume vevanhu kuzhe kwenyika vachitumira mhuri kuti mhuri ifambire mberi. Saka pamba paingoita vashandi vaviri namai vemba.

Panguvawo dzese idzi takaona kuti vanhu zvevashandi vanozvida chero pasina chinhu chinodiwa kuitwa nomushandi wacho. Vashandiwo vanhu vanoti ashaya zvimwe zvokuita anonoshanda pabasa raasingadi kuti zvifambe. Vamwe vavo vange vari vanhu vakadzidza kusvika pa Form 4 kana kupfuura saka waitoona kuti muchibva pachikoro muri vaviri, umwe woenda kunoita ticha umwe woenda kunoshanda pamba yomunhu pamba panomubereki umwe chete nevana. Pamwe hapana vana.

Nyaya yese iyi yainetsazve kuti nyika yese pamwe inoita sokuti inyika ine hondo saka vanhu vari kutsvaka zvinhu zve SHORT TERM chete. Kukorokoza, kuba, kuhura, kutsvaka kabasa kokuita nhasi chete, zvichidaro.

Saka vashandi vemudzimba vakawedzeresa kuhura kwevanridzi vedzimba idzi vakawandisa. Vasikana vakaita mimba vakawanda, vakavatwa navo zvisina mimba vakawanda. Vakomanawo vakavata namai vemba vakawanda. Dzimwe mimba dzakaitikawo ndedzavo. Chinonetsa mukadzi wemunhu pamusha ndechokuti hazviiti kuti anzi ari pa CONTRACEPTION muriume asingazivi asi kana ashandisa kondhomu nomukomana webasa. Anokwanisazve kundobaiwa DEPO asi hunge atoenda kure nekwaanogara kuti zvisazobuda.

Kuvata nomusikana webasa:
Musikana webasa anoonekwa sokuti mukadzi wemurume uyu nokuti ndiye anowacha zvipfekwa zvake nokuzviaina. Anochinja mashitsi pamubhedha wemurume uyu. Anosona zvabvaruka, anomubikira zvese zvaanodya, anomugadzirira zvokudya zvokubasa norudo sezvinongoita mai vemba. Ipapo mai vemba vakagara vachiona TV. Varume vedu vechivanhu kufunga kwavo kwakasiyana nekwemamwe marudzi. Kana pamba paita mukadzi murume akawana mukana anomukwira chete ozorambwa hake akwira. Uyavo nyakukwigwa kazhinji haawani simba rokuramba nokuti munhu anoda kumukwira ndiye munhu anomubhadhara pamwedzi. Simba rake ishoma pakuramba nokuti akadzingwa basa haana kwekuenda. Akatokwigwa anopedzisira awedzegwa mari, nokutengegwa nhumbi. 

Kana mushandi ari munhu mukuru toti makore anopfuura 25, uye ane mwana kana kuti akambogarawo nomurume, akazofigwa kana kurambwa, anenge achitodawo kupiwa nokuratidzwa rudo. Kuiswa chinhu cherudo saka moyo unozarawo mufaro ne EXCITEMENT nazvo. Kuzobudazve mu SPOCIAL CIRCLE yake zvinopa manyawi. Wotoona murume otovata naye zvoita sokuti vatova neSECERET yavo. Vaya mai vemba vosara vati vavava sehuku yanaiwa nechimvuramabwe. Murume anotovata nomusikana webasa pamubhedha weMain Bedroom panovata muridzi wemba. Vanhu kwanai. 

Kana wada musikana webasa tsvaka munhu mukuru anohwisisa mafambire emusha uye anoremekedzwa nomurume wako. Kuvata nomusikana webasa kunobva pakumhura munhu anokushandira, kutanga kutarisa muviri wake nokuziva kuti haakwanisi kuramba. 

Kuvata nomukomana webasa.
Vakomana vebasa kazhinji vanoshanda pazhe zvokuti havawanzi kusangana namai vemba. Vakadzi kana vambojaira kuvata nomurume akazoshaya asi zuva nezuva achionawo murume waanziva kuti akasvika anokwanisawo kuti umwe musi zemo rakakwira ukumbira mukomana webasa kuti auye mumba. Vana vari kuchikoro, murume ari Joni kana kumwe, paitawo mwedzi miviri asi wambopurudzirawo kana garo haro. Zuva rapisa kuwedzera zemo. Anoti mokomana uya umwe mazowe, vomboita nyaya.

Mukomana webasa kubvisigwa bhurugwa namai vemba zvoita sokuti munhu akwirira chose. Akazoonekwa kuti basa anogona kupfuura baba vemba zvatoshata pamusha apa. Ukaverenga tsamba dzinonyogwa nevakambozviita unohwisisa kuti chinhu chakanaka chose kudzidza zvinodiwa nomukadzi wawakaroora. Asi mukomana webasa anongokwanisawo kuva munhu anochivika kutarira. Kubva pakugwinya muviri nenyaya yokutimba gadheni uye kuva munhu anofema mweya uri FRESH.

Zvikuru kana mai vemba vasingashandi vachingoswera pamba nomukomana webasa, zvana zvaenda kuchikoro. Zemo harina shasha. Uripo akambonyora kuti ange asinei nazvo kusvika atarisa nepawindho ndokuona mukomana achidiridza muriwo achiridza zvake muridzo, ndokumudana kuzomubvunza kuti ane musikana here, ndipo pakatangira nyaya mukomana ati haana kumbovata nomunhukadzi zvikahi unoda kudzidza here.

Asi hazvina kusiyana nomurume anovata nomusikana webasa. Mai ava vakaita mimba vanongopomera murume wavo. Varume havagoni kupomera mukadzi kana musikana webasa aita mimba.

Hwisisazve kuti mukomana webasa uyu haagari achirhoja nokuti haana mukadzi. Saka akapiwa chanzi namai vemba urume hwake hunenge hwakatokora chose zvokuti kana zai riri pedo vanoita mimba naye nokukasira. Hwisisazve kuti RESEARCH inoti vanhukadzi vanowedzera zemo chose panguva yokukandira zai saka ndiyo nguva yavanowedzerawo kuhura kana vachigarohura. Zemo rine simba kupfuura fungwa pavanu vakawanda, zvokuti unozotanga kudembademba watopedza kuiswa, ipapo kondhomu hapana saka zuva rinozovira urume hwava muchibereko kunosangana nezai, mwana wototaka kuumbwa, ipapo murume ari Joni kubasa. Ndipo unoona mukadzi okwira bhazi kuenda kumurume kuti ambowana mukana wekuvata naye kuti agoti mwana ndewemurume.

Kunongozotiwo chimwana chazvagwa woona chine mumhu wakasiyana nezvimwe zvana, asi kuti ubvunze kuti zvakafamba sei nhai mai chimwana, haubvunzi nokuti fungwa yako haidi kufunga kuti mukadzi wako akambovata nemukomana webasa aimbova pano.

Hino mazuvana kwava ne DNA TEST saka chenjerai vana mai vemba kuti kuvanza chihure chinoitisa mimba hazvichaiti.

Kozotiwa uya mukomana webasa wawaravidza zvinhu musi waanogogodza paBEDROOM yako murume wako asipo achikukumbira kuvata newe hauzokwanisi kuramba nokuda kwekuziva EXCITEMENT yaakakutaridza nokukupa musi wekutanga, yauchisapiwi nomurume wako. 

Mazuvano:
Kune vanhu vakawanda vakambovata nomushandi vamwe vakapedzisira vatoroorana naye mukadzi/murume ashaika kuna kurambwa.  Nyaya inoitika pachihure ndeyokuti nyakuhura anenge achitoziva kuti zvaari kuita zvakaipa asi kuti arege, zvomunetsa.  Mufungwa make anozvipa chokonzero chokuhura kwake kuti aone sokuti hazvina kunyanyoipa sezvinotaugwa navamwe.

Vanhu vanohura nevanhu vavanoziva kuti havakwanisi kuramba vanhu vanofarira ABUSE yevamwe vanhu. Ukaona saimba oda kubvisa musikana webasa bhurugwa, ingari yokuti anoziva kuti musikana webasa anohwisisa kuti akaramba basa rapera. Ipapa ndipo panobva ABUSE. Munhu asingakwanisi kuzvisarudzira zvaanoda ari kubatwa chibharo. Musikana webasa pakadai haana simba rokuudza saimba kuti vapfeke kondhomu. Anokwanisa kungoiswa pasina ambomufungirawo kuti angangoita mimba. Akaita mimba anodzingwazve basa saka nyaya yake yatova pakaoma. Panofanira kuva nomutemo unorambidza zvakadai kuitika. 

Mai vemba vanonotora mukomana webasa vouya naye pamubhedha wemuchato, kana kuenda kumubhedha wake, vanenge vahwisisa kuti iye anoziva kuti akaramba anodzingwa basa. Izvi zvinoreva kuti munhu asina chaanokwanisa kuita panyaya yacho.  Mazuvano inonzi ABUSE. Kuvata nomunhu asina simba rokubvuma kana kuramba zvakangofanana nokumubata chibharo. Mukomana uyu kana kutaurira vamwe kuti akavata namai vemba haakwanisi nokuti zvikazikamwa kuti audza shamwari, anokwanisa kusungiswa kuti akarhepa mukadzi uyu, kana kudzingwa basa. Kubatwa chibharo hakunakidzi. 

Kana murume/mukadzi asipo kwenguva yakareba, ukafunga zvokuvata nomushandi ukanomutora muimba yake yokugara ukamubvisisa bhurugwa nokuvata naye, wamuisa pakaoma. Ukaita mimba uchaibvisa ugouraya mwana wake. Ukamuitisa mimba uchamudzinga basa agobva ane mwana waasingakwanisi kuriritira.  Hazvina kusiyana nomunhu anoona musikana achizvifambirawo hake kuenda kunotsvaka huni, obva amubata chibharo amuratidza banga kana pfuti.

Mazuvano, kuziva kuti ABUSE iriko hakuna kumisa vanhu kubatwa chibaro mudzimba umu.  Zvakatowedzera. Mazuvano chero zvivana zvechikoro zvakasiiwa zviri nherera zvinotoudzwa kuti kana zvichida kupinzwa chikoro ngazvivhure makumbo. Kuziva kuti mwana haana kumwe kwaanokwanisa kuenda chinhu chinoitisa kuti vamwe vakuru vamubate chibharo chisingaudzwi mapurisa. Ndipo patasvika murudzi gwedu asi musafunga kuti kune dzimwe nyika hazviko. Kunyika dzekuEurope zviriko zvakadai asi kungoti isu kare taimbova nounhu.

Mushandi akaenda kumapurisa akavaudza kuti abatwa chibharo namai vemba, ndiye anosungwa. Ari mukadzi akavaudza kuti abatwa chibhario nababa vemba, anoudzwa kuti ndiye abvisa ega bhurugwa. Inyaya isingagadziriki, asi hwisisa kuti ukagumbura munhu anobika mumba mako akagumbuka kusvika pakusava nehanya noupenyu, anokwanisa kukuuraya iwe uchitofunga kuti ndiwe shasha yekubata chibharo. 


Chokuita kuti usahurigwa nomunhu ari pamba pako.
Tsvakai mushandi ari pazera risingaiti. Mumba tsvaka munhu akura zvokuti kana mimba haachaiti.  Mununguna haaiti kumukumbira kuti azogara pamba achirera vana. Anopedzisira amitiswa  nomurume wako.

Pagadheni tsvaka chikomana chine mukaka pamhino kana kuti munhu akurawo chose oda pokungochengetwa achiwana kamari kake. Zvokutsvaka mukomana akagwinya bodo. Zvinoda kana mai vemba vachishandawo basa rokuti havawanzi kuva pamba murume ari kubasa.

Hatisi kuti hakuna vanhu vane vashandi vavasingavati navo, asi kuti kana waziva kuti umwe wako ane meso meso, chirega kumuisa pamuedzo mumba mako chaimo. Kana uchida munhu wekusuka ndiro enda unotenga DISHWASHER, wotengazve WASHING MACHINE, wotenga muchini wekuaina, basa romumba roita nyore.

Mugadheni, kana usingagoni kurima muriwo, ndipo paunotsvaka mudhara asingamiri chombo iota zvemuriwo achingouya kaviri pavhiki. Womupawo muriwo wekunobika kumba kwake.


Vamwezve
Toonazve vamwe vanoda kurerekera panyaya iyi ndevava vanofanira kusungiswa kana kuripiswa. 
Mukuru pabasa anogarovata nevashandi vake zviri zvokuti usadzingwa basa pasina rudo
Ticha anovata nezvana zvechikoro (should be shot dead)
Mupurisa waSabhuku anovata nemvana dzomuraini. 
Headteacher anovata nema NEWLY Qualified Teachers kuti agonyora ma report avo. 
Mudhara anobhadhara FEES yenherera/ mwana murombo kuti agowana kuvata nenherera iya
Mupurisa anoudza munhu kuti akavata naye mhoswa haichaendi mberi
Munhu anoda kuvata nomunhu amukumbira LIFT, zvisiri zverudo asi kuti mufambi haana imwe nzira yokufambisa musi uyu. 
Kana uchida kuti ndikubatsire nezve PASSPORT APPLICATION yako chimbovata neni
Kana usina kwekuvata uya uvate kumba kwangu asi wondigadzirirawo zvinhu. 

Vanhu vakadai dai zvaikwanisika kuti zviitike dai vaingobata zvigwere pese pavanoita utsinye kudai. Kubatsira munhu apinda dambudziko hazvirevi kuti womuwedzera dambudziko nokuda kumurhepa. Kana wafunga kubatsira munhu chiita zvokubatsira. Kana wafunga kunyenga, nyenga muwirirane parudo. 

Wedzerai tihwe 

UDZAI VAMWE!!!!!

Kuisana pabasa
Kukwirana pabasa
Kuiswa muhofisi
mukomana webasa namai vemba
Musikana webasa nababa vemba
 kuvata nababamunini
 kuvata nagarden boy
kuvata nemukomana wemombe

Sunday 14 April 2013

Ndebvu pamukadzi

Kumera ndebvu uri munhukadzi

Ndiri kutsvaka zvikonzero zvokuti mukadzi anomera ndebvu dzinoonekwa ndigotsvaka kuti inyaya inogadzirika here.

Vanhu veChikaranga tikangoona munhu akasiyana nevamwe totoda kufunga uroyi, mushonga, kana chimwe chakaipa chakaitika pamunhu uyu kana kuti chaanoita. Murume anohi Ravhimoo K anogara nechokuno, ndakamuhwa achiudza shamwari dzake mbiri (imwe yacho ari saimba wangu) kwahi mukadzi ane ndebvu anonaka zvokuti. Ini zii zvangu ndiri kunyebera kuti handina kuzvihwa.

Kufunga kwakadai kunosersa hako asi hazvina kusiyana nomurume anoti mukadzi ane magaro makuru anonaka. Mufungwa make akana mukadzi ane chinhu chaanoda, akazovata naye anonakigwa nazvo nokuti ange achitarisira kunakigwa. Kune vanhu vanoti akaona murume/mukadzi werumwe rudzi obva atofunga kuti anonaka kupfuura werudzi gwake. Terera vanhu vachitaura pamusoro penyaya idzi unohwisisa kuti munhu wekune imwe nyika anoonekwa sokuti pane zvaanogona kupfuura vedu.   Saizvozvo ndebvu pamukadzi  dzine chadzinoratidzawo kune vamwe.

Dzinombokonzegwa neiko?
Ukatarisa varume nevakadzi unona kuti vanhu vakafanana pane zvakawanda

Mukadzi ane munyatso nemazamu, murume ane minyatso chete
Mukadzi ane ganda rakaurungana pese murume aneganda rakaurungana pamwe
Mukadzi ane bhinzi, murume ane chombopanzvimbo imwe cheteyo.
Mukadzi ane matinji, murume ane mabhora panzvimbo inwe cheteyo
Mukadzi ane chitubu, murume ane mutsetse unoratidza kuti akasonwa paiva nechitubu.

Mukadzi nomurume vese vane maHormone akafanana asi kungoti pakukura kwavo vanosiyana kuwanda kwemahormone acho. Ndizvo zvinozoitisa kuti umwe amere ndebvu umwe achishaya ndebvu. Vese vanomera choya asi kune vanhukadzi vakawandisa vanongomera tumvere tushomanana pasina chaungati choya. Kozoitazve vamwe vanongomera choya pakatenderedza bhinzi chete kumwe kwese kusina. Kozotizve mamwewo nanomera choya pamberi nomuzvidya zvokuti vanotogera nguva nenguva. Saka vakadzi vakasiyana kuwana kwevhudzi pamuviri wavo.

Varumewo vamwe vanomera ndebvu pachirebvu chete. Vamwewo vomera pachirebvu nokumativi kutoputira zheve. Vamera kumeso pahuro, pachifuva, maoko nemakumbo. Saka tinoona kuti vanosiyana.

Chikuru ndechokuhwisisa kuti vhudzi pamuviri rinowanikwa pese pese. Pamwe rakawanda nokureba zvokuti rinoonekwa pamwezve ishoma uye harionekwi. Ukatarisa chirebvu chomukadzi ne MAGNIFYING GLASS uchaona kuti mukadzi wese ane ndebvu asi hadzionekwi. Ukatarisa pamaoko emurume nomukadzi vese vane vhudzipo asi romukadzi harionekwi sezvinoita romurume.

Pano nyaya inoshamisa vanhu ndeyokuti mukadzi anozoita ndebvu dzinoonekwa. Kune vakadzi vanoita ndebvu mbiri kana nhatu pachirebvu. Kozoti vamwe vanoita dzakati wandei. Kozoti vamwe vanongoita pasi pemhino. Ndiyo nyaya iri pano kuti zvaitiswa nei uye zvinorevei paukadzi hwemukadzi uyu.

Kune vanotarisa ndebvu idzi vanoona zvakasiyana nezvinoonekwa nomuviri wemukadzi anadzo. Vanoona mishonga, kunaka, kuroya, kuita chisionekwi.  Vam wezve kwahi ndebvu dzomunhukadzi dzinorapa zvigwere. Ukaenda kuZinatha unokwanisa kutotengesegwa chobhodhoro chine ndebvu dzomunhukadzi. Kwahi dzinounza rudo.

Zera romukadzi pakumera ndebvu:
Vakadzi vakawanda vanoita ndebvu vanodziita zvikuru vapfuura makore ekuzvara, maHORMONE ochinja kuwedzera echirume. Ndiyozve nguva inoti pamwe unoita zemo asi chitubu hachinyorovi. Asi vamwe vashomanana vanongoitawo ndebvu chero vari vezera diki. Ukaona vakadzi vechiINDIA vakawanda vane ndebvu

Vedu variko vanoita ndebvu vari vanana asi pamwe unoona ane ndebvu mbiri kana nhatu. Ukatarisa pakadai unoona kuti payamera pane bundu dikidiki. Rikanobviswa iroro ndebvu yacho haizomeripo futi.

Woita sei kana une ndebvu usingadzidi? 


NYAYA IRI KUENDERERA MBERI


Saturday 13 April 2013

Kana Wafunga Kubviswa Humhandara

Kubviswa humhandara
Kana wafunga kuti humhandara hauchahudi unoita sei? Kubviswa humhandara haisi nyaya yokuti ungangoda kuiitwa kuseri kwegwenzi padhuze neSTATION yemabhazi kana chitima, kana paya panomirigwa maLIFT, kana kumafuro emombe kana mbudzi. Sesu takakurira kumusha tinoziva kuti kune vakabviswa humhandara kuseri kwedanga remombe, kana kugwizi kunogezegwa kana kudondo kunotsvakwa huni. Vemumataundhiwo vanobviswa humhandara kuPARK kana kuti kuseri kwemagirosa, kana kuti mudzimota dzema SUGAR DADDY. Hazvisirizvo zvakanaka.

Chokutanga hwisisa kuti murume ari kuda kuvata newe ari kudirei kuvata newe? Varume  vane zvakawanda zvavanodira kuvata nomusikana. Ukasazvihwisa zvimwe zvacho zvichakudya moyo.

Chikuru ndechokuti uri munhukadzi zvinoreva kuti une chitubu. Hapana zvimwe zvaane hanya nazvo. Akangovata newe nhasi, ukazosangana naye kumagirosa mangwana anoita sokuti haakuzivi. Akazosanganazve newe ane zemo umwe musi, anodazve kuvata newe. Hapana zvauri kwaari asi kungoti une chitubu chete uye uri munhu akapusa asinganetsi kuvata naye. Zvorudo newe haana.

Murume1
Murume ari kuda kuvata newe nokuti akuona uri wega pasina anokununura. Zvinoitika kana murume ari mupurisa, musoja, munhu wePARTY, murumewo ajaira kungozviita kuvakadzi. Murume akadai anohi bhinya. Hazviiti kuti urambe kuvata naye nokuti anokwanisa kukukuvadza. Asizve pamwe anoti wabvuma kuvata naye iri ngari yokutya, anoti apedza okukuvadza futi.  Varume vakadai ndevekunotaurira mapurisa asi ziva kuti pamwe hapana chinoitwa pazviri.

Murume 2
Kushandisa Rhoji kubhadhara chikwereti. Toti murume anozikamwa kumhuri yenyu akubatsira kubhadhara chimwe chikwereti, mari yechikoro, mari yokukwirisa bhazi/ndege kuenda kure, mari yokutanga bhizimisi, etc. murume anouya kwauri achida kuti ubhadhare mari nokumuvhurira makumbo. Anokuudza zvakawanda uye kuti achakuwedzera mari kana wabvuma. Kana uri mhandara, zviri nani uzame kuwana mukana wekubva munzvimbo ine munhu akadai. Kubviswa humhandara kuchakushushisa muupenyu hwako hwese nokuti chokwadi ndechokuti varume vanoda kuroora mukadzi mhandara kana kuti mukadzi aakazvibvisira ega humhandara iye wacho anokuroora.

Murume 3
Munhu anoda kubhadhara rhendi kuchitubu chako. Ane mari yake uye anoona kuti unotengeka obva akuti tora mari iyi uvhure makumbo. Kana mapedza mapedza iwe woenda nemari iye awana pokumbotambira kweawa imwe chete. Haana zvimwe zvaanoda kwauri. Ukasahwisisa nyaya yake ndiwe unotonetseka.

Murume 4 
Murume ane mhuri yake kare asi anofarira kumbobuda achinokwira vasikana vemuraini nokuti anozvikwanisa. Iwe uri musikana wemuraini saka anofunga kuti unokwirika. Munhu uya wekuti pakaita nhamo anosvika nezimota rake rinobwinya odembademba vanhu vachihwa, obvisa mari yechema vanhu vachiona. Akazokupa LIFT umwe musi anokuudza twakawanda agokubata magaro, agozama kuti uve wekupedzisira kuburuka mota yake kuti awane nguva yokukubata magaro nemazamu.

Murume 5
Murume anokunyenga, opedza nguva inoita vhiki newe achikurezva achikusetsa achikuudza nyaya dzorudo. Ozoti wamuudza kuti unomuda obva ati ngatichivatana ipapo hama dzake hapana dzaunoziva, iyewo dzako haadzizivi. Hapana nyaya youpenyu yamaronga mese. Iwe semhandara ukamuudza kuti hausati wasvika pachinhanho chokuvatana iye otanga kukuudza kuti uri kunyeba kuti unomuda.  Ukamubvunza kuti kana kondomu rikabvaruka ukaita mimba anoita sei, anokuudza kuti hazviitiki izvozvo, kureva kuti zvikaitika uri wega. Anokutengera zvinhu zvinodhura kuti uite chikwereti kwaari chaachada kuti chibhadhagwe.  Mukomana akadai ari muSOCIAL CIRCLE isiri yake saka haakudi. Dai achikuda aikudza zvawamuudza uye aikumirira.

Murume 6
Murume anokunyenga, opedza nguva yakareba newe achikurezva achikusetsa achikuudza nyaya dzorudo, achiterera zvaunotaura. Ozoti wamuudza kuti unomuda obva akubvunza mibvunzo yakawanda kuti ahwisise kuti unomuda zvakadii. adaro otanga kubatsirana newe kuvaka rudo gwenyu. Anokuudza kuti ari kuda musikana akaita sei uye kuti azoitei naye. Anokuvhurira moyo wake okuudza zvari kufunga. Anotaridza kutambura fungwa kana iwe usipo. Anokufonera otaura newe nyaya dzisina maturo kungoti ataure newe. Haatyi kuonekwa nevanhu vemhuri yako kana kuti iwe usvike kumba kwavo uchionekwa nemhuri yake. Kana akakutengera chimwe chinhu, anokutengera chisina zvachinoshanda asi kungoti ukachiona unomufunga. Ukaita chimwe chinhu chisingamufadzi anokasira kukukangamwira. Anokuona somunhu kwete sechitubu chinofamba. Anokudza vabereki vako nevake. Akaita mhuri inenge iri mhuri yakakwana. Iwewo haunei noufumi hwake asi kuti unomuda iye somunhu.  Murume akadai haakuisi puresha kuti uvate naye. Asi pamwe anokubvunza kuti wakambovata here noumwe murume. Mubvunzo uyu ndewekuti azive kuti unokwanisa here kutaura chokwadi kana kuti haukwanisi. Kunozoti mazivana nguva yakareba mosvika mese pakuziva kuti nguva yakwana.

Murume 7
Koti murume waunorongegwa nehama kana shamwari wozopiwa introduction fungwa iri yokuti muwane mukana wekudanana pauviri hwenyu. Anokwanisa kuva murume akaita souyo wekutaridza rudo pasina chaaoda kwauri kuzhe kwerudo.

Murume 8
Murume anokupinza pakaoma nokuda kwechinzvimbo chaanacho muupenyu hwako obva akukwira. Munhu akadai anenge ari munhu akaita somufundhisi, ticha, mukuru we Party, etc. anotoziva kuti kumurhipota kuchakunetsa uye vanhu havatendi zvaunotaura pane zvaanotaura. Varume vakadai vakawanda chose uye vari kukanganisa upenyu hwevasikana vakawanda. Ukasangana naye pachikwanisika kuti uridze mhere ridza mhere. Chero pakazoshaya abvumirana newe kuti pange paita chibharo, AT LEAST haubviswi humhandara hwako uye musi waanozokuonazve haazami kukurhepa futi.

Varume ava 
Mabato evarume ava ese vanongopedzisira vakubvisa humhandara asi chikonzero chavo chakasiyana uye upenyu hwako hunochinja zvakasiyana zvichibva nokuti akubvisa humhandara pakati pavo ndeupi. Vese pakati pavo vanoda kuvata newe nokuti uri mhandara. Mhandara munhu anokwezva varume chero iye asinei nazvo. Varume vakawanda vanoda kuva munhu wekutanga kuboora mhandara. Iwe basa rako kuronga upenyu hwako zvakakodzerana nekwaunoda kuenda. Kuboogwa inyaya yokutopurana zvakanaka kuti usazosvodeswa nazvawakaita. Hatisi kuti kana wapurana hapana chinokanganisika, asi kuti kana zvichikanganisika unoziva kwauri kuda kuenda wozama kuendako.

Zvese zvandataura zvinohi nevanoda kuhura ndezveOrodhi fashoni. Asi kuchema kwevanhu ivava hakuperi.

Makore mangani?
Kuti unzi wava munhu akura zvokukwanisa kubviswa humhandara mazuvano unenge wasvika makore 18. Magarire evanhu kunyika dzakaita se Europe, America, Canada, Australia, etc kunoti iko ukatanga kuvata nevarume une makore ari pasi pe 18 muviri wako hausati wakwana kukura saka mukati mako muchiri pa DEVELOPMENT stage. Ukawana urume mukati (sokuti wakwigwa pasina kondhomu) unokwanisa kuzoita CANCER yechibereko kana wazova kumakore anopfuura 40. Vakadzi vanotanga zvokupiwa urume vapfuura makore 18 havanyanyi kuita CANCER IYI.  Kotizve ukavata nevarume vanopfuura 6 vachikusiira urume mukati, unowedzera chanzi yokuita CANCER iyi futi. Izvi zvinoreva kuti ukatanga uri mwanana wozoiswa nevarume vakawanda, wazviisa pakaoma. Chinonetsa nyaya yokuvatana ndechokuti ukangovatana nomurume waunokwanisa kugaroona, fungwa dzako nomuviri wako zvinobva zvada kugarovata naye pamazuva okutanga iwawa. Unobva wagaropiwa urume pasina kondhomu zvokanganisa upenyu hwako. Urume hunopfuura mazuva matatu huri upenyu mukati memukadzi. Saka unokwanisa kuita mimba kana chigwere.

Totizve kana wava munhu ati kurei, unokwanisa kutaura zvaunoda kumurume. Womuudza kuti apfeke kondhomu, uye kuti unoda kuzoiswa riini, kwete kungoti iye wokumanikidza iwe usingadi wongopedzisira waiswa, iye woseka zvake woenda. Zvokuiswa hazviperi. Ukawana murume kwaye iwe wati kurei, uchaiswa zvokutoshaya hope saka kumhanya handiko kusvika. Tanga wakura. wosvikawo makore ako 20 kana kupfuura, wodzidza kusvika pokuwana basa, wochizofunga zvokubviswa humhandara.


Kugadzirira:
Pakugadzirira hazvidi kuti iwe ungozvifunga wega murume asinazivi kuti ndizvo zvawafunga. Uchaona kuti mazuva iwawa unowedzera kurota uchipinzwa chombo. Usatya nazvo nokuti fungwa dzako dzinenge dzichizvifunga usiku nemasikati. Unoita zemo dzimwe nguva zvokuti hope hadziuyi. Semazuvano munhu wese ane foni. Unokwanisa kutaura nomurume kwasviba wowedzegwa zemo futi.

Kana mangobvumirana kuti mava panguva yokuda kuvata mese, zama kuti mutaure nyaya yacho pachena mese. Kana uchiona kuti munhu uyu ndiye wawada kuzoroorana naye, chirongai yokunotesitwa mese kuti mese muzive pamatangira upenyu hwenyu. Mazuvano kutesitwa hakuchanetsi. Unonopiwa gwaro rine zvese zviri mumuviri wako, wobva wataridza umwe wako iyewo achikutaridza zvake. Chiregai kungotarisa gwaro monyarara. Tauriranai zvarinoreva.  Zvadai uchaona kuti murume anotaurika naye. Kana murume ane zemo anotaura, anodavira mibvunzo, anoterera mashoko ako.  Usarega achiita zvaanoda, musina kuhwisisana nokuti pakaitika chakaipa ndiwe uchatambura muupenyu hwako. Varume vanosunga twavo voenda iwe sare vavava usingakwanisi kudzokera kumashure kwenguva.

Ukagwisanisa zemo nefungwa, zvikuru zemo rinowhinha. Kumhuka dzese uchaona kuti mhuka inozviisa pakufa nokuda kwezemo. Vanhu havana kusiyana nemhuka. Vanhu vakawanda vanofa nokuda kwezemo. Usamhura simba rezemo. Unozopepuka wava nemimba kana chigwere.

Terera kutaura kwemurume. Uchahwa kuti pakusangana kwenyu muchiita nyaya, pane musi waanoti akakubata mumaoko anomira chombo, obva atanga kukudembera kuti muvate mese. Iwe basa rako kumuudza kuti hausati wava pakadai. Izvi zvinomuudza kuti pane musi wauchasvikapo saka ngaarambe achikumbira. Murume kana ada kuvata newe anodemba demba nguva refu kazhinji. Iwe usaterera izvi. Muudze kuti uri mhandara saka zvinoda ugadzirire mufungwa nokuti zvinotyisa. Ndipo paunoudzwa zvakawanda ipapo. Hwisisa kuti murume kana chombo chamira anowanza nhema kupfuura chokwadi. Anokuudza kuti usambofunga nazvo nokuti ukaita mimba anokuroora. Idzi inhema nokuti dai zvirizvo dai atotanga kukuroora kuti uzoita mimba wava kwake. Pamwe futi anokuudza kuti chombo chamira chikashaya mukadzi chinomugwadza zvokuti. Mubvunze kuti ndiwo musi wekutanga kwacho kumira here uye anochizvifambisa sei pachinomira usipo.

Kana waona kuti zvechokwadi murume ada kuvata newe uye iwewo wava kuda kuvata naye, unomirira paanoitira zemo futi wobva wamuudza kuti kana akanotsvaka makondomu munozovata mese. Wangodaro iye haanonoki kuatsvaka mozoronga kuti munonoitirepi.

Kana usingadi zvemakondhomu, chienda kukiriniki utange nyaya yemapiritsi, woudzwa kuti anotora nguva yakadii kuti atange kushanda. Hwisisa kuti mapiritsi haashandi zvakakura sezvinoita makondhomu. Unokwanisa kuita mimba iwe uchimwa mapiritsi. Kozotizve mamwe mapiritsi haawirirani nomuviri wako saka anokuita usahwa zvakanaka kana kukuendesa kumwedzi nguva refu kana kaviri pamwedzi. Kune zvakawanda zvinokwanisika kukanganisika panyaya dzemapiritsi. Kozotizve makondomu anokwanisa kubvaruka, zvikuru kana mese muri mhandara nejaya musina kuzvijaira. Unokwanisazve kuita ALERGY pa kondhomu wozvimba mukati mechitubu kana kuita RASH pamberi pese. Zvikuru kana kondhomu renyu rine mushonga uya unohi SPERMICIDE.

Kana mawana makondhomu enyu. chigarai ari pedo nokwamada kuitira chiitwa chenyu. Iwe musikana gara nawo muhegi mako, mukomanawo ogara nawo pedo zvokuti mese hamuiti zemo pasina makondhomu. Hwisisa kuti kana mangotanga kuisana zvinonaka chose chose zvokuti hamuchakwanisi kurega kana muchidanana. Munotoona sokuti upenyu hwenyu basa rahwo nderekuti muwane nguva yokuisana chete. Chikoro munokwanisa kurovha, Basa munorovha, kuCHURCH munorovha, iri nyaya yokuti muwane nguva yokuisana chete. Kuisana kuri ADDICTIVE kana une munhu waunoda nomoyo wese iuewo achikuda. Asi vashoma vanodanana zvakadaro vese. Kazhinji umwe anongoda zvokuisa umwe achida zvese norudo. Ndizvo tichiti tanga wakura.

Pakubviswa humhandara
Toti wazvipira kuti woda kubviswa humhandara, wawana murume waunoti uyu ndiye akakodzera kukubvisa.  Chokutanga hwisisa kuti chii chinoitika paunotanga kuvata nomurume anokubvisa humhandara. Tabvumirana kare kuti hazvifaniri kuitikira mumakwenzi kana mubani usiku. Zviri nani kuwana nguva yokuti muri mega uye hamuwani anokuvhakashirai.

Tanga wageza nemvura inodziya kuti muviri ubve TENSION. Wadaro, mowana nguva yokumbotamba mese muchibatana nokurezvana nokukisana, uchimbosvetwa zheve nokunazviwa mutsiba muchimbogumbatirana muchitaurirana nyaya dzisina maturo kuti mujairane. Ramba uchitaura nomurume chero nyaya ipi zvayo. Murume ngaazive kuti uri mhandara. Kana iye ari jaya anenge achitotyawo kuita zvamada kuita izvi. Chinhu chinotyisa kuita musi wekutanga saka usafunga kuti ndiwe wega uri kutya. Ukaramba uchitaura kutya kunoderera, zvikuru kana murume achitaridzawo kuti ari kuda.

Pakutamba kwenyu murume anokwanisa kupota achipurudzira pamberi pako. Iwewo unoziva kana panyorova zvokuhwa kuti poeredza. Rega panyorove moramba muchitamba.

Iwewo unokwanisa kuti pamunotamba wowedzerawo murume zemo kuti anyanyoda kuzovata newe. Pamwe unombomuregawo achikubata pamberi asi uchiziva kuti nguva yokupinzwa chombo haisati yakwana.

Panozosvika kuti murume anokwanisa kuramba achikukumbira kuti apinze chombo, iwewo uchida kuti apinze. Wanaiwo pokuitira pakanaka sokuti mubhedha. Wadzira tawero hombe pamusoro pemubhedha moitira ipapo. Chibvisa bhurugwa, iye obvisawo zvake zvipfeko. Mombotambazve musina kusimira. Pamwe menge muchisvoda zvokuti kutarisana mumaziso zvinonetsa asi kubatana batana zvinongoita. Ukanatsotarisa chombo unoona sokuti chakakurisa zvokuti hachikwani pachinofanira kupinda. Iye ipapo anenge achitofunga kuti uri kufunga kuti chombo chake chidiki zvokuti hachinaki. Varume vakawanda vanoona sokuti chombo chinofanira kunge chiri chikuru asi vakadzi vanoona sokuti chakakurisa. Ingari yokuti hauzivi kukura kwechitubu chako. Hakuna chombo chisingakwani mumukadzi akanyorova zvakakwana. Chitubu chinotatamuka kuputira chombo. Saka hwisisa kuti chombo chinokwana zvakanaka mukati mako. Hapana chinotyisa ipapo.Usatya nesaizi yechombo. Chinokwana pakupinda.

Wazosvika pakuda kupinzwa chombo yeuchidza murume akupe kondhomu. Zviri nani iwe upfekedze murume kondhomu pane kuti azvipfekedze, nokuti varume vanoita zverhafu zvokuti akakwaranzura zinhu iri rinozobvaruka pakuitana. Kana uchitya kuita wega itai mese. BATA chihomwe chekumberi womupfekedza wakachipuresa kuti chisaita mhepo mukati kana apfeka.

Poitazve nguva yokufunga kuti kuboogwa kunogwadza saka unokwanisa kutya kugwadziwa. Ndiyo ngari yokukunyorera maitikire azvo kuti uhwisise ugoziva zvinoitika usati wazviita. Kugwadza zvinogwadza asi hazvitori nguva zvichigwadza.

Maitire
Musi wekutanga zviri nani kutanga nemaitire asingawanzi kupinda kwechombo asi achikwanisika kuti mese muzive kuti chombo chapinda uye mahwa kuti kurhojana kunoita sei.  Woyeuchidza murume kusamhanyamhanya womuti asakugwadzisa uye aterere zvaunomudza. Kana ukati zvinogwadza ngaasaramba achiita, ambomira kusvika kugwadza kwapera.

Vakawanda munyika dzese vanoboogwa vakavata manhede. Zvinoita kuti mukwanise kutaurirana muchitererana. Vata nemanhede wosimudza mabvi ouya kuno kuchifuva wakavhura makumbo kuapatsanisa, murume wopinda pakati pemakumbo ako. Toti mese hamuna kumbovata noumwe munhu, Murume haatozivi kuti chombo chinopinda papi nokuti pamberi matinji ari kuno kumusoro buri zasi saka pakuona pamberi pako murume asina kujaira kuona pamberi anokwanisa kufunga kuti buri riri nechokumusoro ozama kupinza nechokumusoro kwechitubu pakati pematinji. Unotohwa achitsvanzvadzira nechombo achishaya kuti chopinda papi. Iwe muudze kuti dzika zvishoma, ukuwo uchishandisa chiuno kururamisana nomurume. Kana usingasvodi, unokwanisa kubata chombo nemaoko wobatsira murume kururamisa pokupinza.

Zasi kwakanyorova saka kunotsvedza. Kondhomu murume akapfeka rikanyorovawo rinotsvedza. Ngaasamhanya kuda kuboorapo kwete. Kana uchitya chaizvo, isa maoko pakati penyu wokondirora murume pakunopinda.

Mukati mako pasina kudzika, mune chinyama chakavhara chitubu. Chinyama ichi chitete tete uye china maburi akawanda kuti kana uri kumwedzi ropa ribude. Kana wava nemakore 18 unenge wamboenda kumwedzi kubva mugore regumi kusvika mugumi nemaviri, mwedzi umwe noumwe saka maburi echinyama ichi mamwe akatokura. Hachinetsi kubvaruka kwacho. Chombo chikangorurama zvakanaka mese makaruramisana kudaro mukangoisa puresha kuti chipinde, simba rechiuno rinubvarura kanyama kaya wotohwa nyurududu chatopinda zvakadzika.

Kugwadza
Kugwadza kwekuboogwa kwakada kungofanana nokugwadza kunoitika kana uchibaiwa jekiseni, asi vamwe vanoti zvinoti darikei ipapo vamwewo voti jekiseni riri mberi kugwadza. Zvinobva nokuti wakamboshandisa matamboni here pakuenda kumwedzi. Zvinonzi anotatamura kanyama kakavhara zvokuti kanosara kari katete kokasira kubvaruka.

Kana wakavhura makumbo zvakakwana, wakarerusa muviri unokwanisa kungohwa kubvaruka kwechinyama ichi asi hazvigwadzi zvakanyanya, uye nguva yacho idikidiki wotohwa chombo chava mukati, murume atoti ndindindi pauri. Ipapo wega wava kutosimudzira chiuno zvotonakirira.

Vamwewo vanotadza kubvaruka zvokuti chombo hachipindi zvakanaka. Pamwe murume haazivi kuti watadza kubvaruka nokuti kanyama kaye kanotatamuka musoro wechombo wotopinda mukati asi kanyama karipo. Kungozotodza kupinza chombo chese. Kune vamwe vanozobooka vambozama kaviri kana katatu, asi zvinoitiswa nokutya kugwadziwa. ruma mazino uudze murume apinze. Uchaona kuti hazvimbonyanyi kugwadza. Wabvaruka watobvaruka hapachina chimwe chokuita. Chasara kudzidza kunakigwa nechombo.

Kunakigwa
Musi wekutanga kashoma kunakigwa asi zvinokwanisa kuitika kuti unonakigwa.Musi wekutanga unenge wakavhenganisa zemo, nokutya saka kurerusa muviri kunobatsira pakunakigwa kunonetsa. Pamwe unotoshamisika kuti sei vanhu vachida kuita izvi nokuti hapana chinonakapo. Murume kana asina kujaira kupinza chombo mumukadzi, anongoti kupinza nokutozadza kondhomu riya nourume, chombo chobva chati fototo. Nyaya yatopera iwe hauna chawahwa, wangoboogwa chete. Kana mange musingashandisi kondhomu, unokwanisa kutoita mimba usingambozivi kuti kunakigwa kunofamba sei.

Usafunga kuti mahwire aunoita musi wekutanga ndiwo manakire ekurhojewa iwawo kwete. Mukazoramba muchiita mazuva anotevera, unotozoona kuti kuchizvirega zvinonetsa chose nokuti zvinonaka. Kana wawana murume akasvinura anokwanisa kuhwisisa kuti kuvata nomukadzi kuti mukadzi anakigwewo, unotonakigwa kusvika pakukutenderedza musoro.

Pakunaka apa ndipo panoitisa kuti kana musikana atanga kuvata nomukomana, chero vakuru vakapopota vakamurova, vakada kumudzinga pamusha, hazvina chazvinoshanda. Ingari yokuti pakukura kwedu hatiudzwi chokwadi. Kana une hama achiri mhandara zviri nani kumuudza chokwadi kuti kuiswa kunonaka chose asi kuiswa nomurume asinei newe kunonaka asi kusingakubatsiri nokuti unobviswa unhu nokuderedzwa SOCIAL STATUS yako. Kana wozoda kuwanikwa unosarudzwa kwete kuti iwe usarudze. Varume vanoda musikana asiri mhandara vashomanana.

Kana mapedza 
Unokwanisa kubuda ropa rinotoerera asi hazvigwadzi. Iropa riya tokuti rinoita serakawanda asi riri shomanana. Kungopukuta kusvika ramira kubuda uye haritori nguva kana usina chigwere chiya chinohi Hemophilia chinoti ukatanga kubuda ropa wakuvara zvinotora nguva kuti rimire. Kana uchiziva kuti unacho, enda unoboogwa kuchipatara ne operation. Vashomanana vanosvika pakadai.

Kashoma kubuda ropa rokuti unototanga kufunga kuti wakuvara. Madomhwe kana gumi haasviki. Usatomboita hanya nazvo. Mangwana chaiye unotozopinzwa chombo usingambohwi kuti pakambobuda ropa zuro.

Unofanira kuyeuka kuti murume anofanira kuona ropa. Pukuta neTISSUE chena inonatsotaridza ropa. Mese munatse kuona kuti wabuda ropa nokuti munofanira kuhwisisa kuti chii chaitika pakati penyu. Pamwe unohwa misodzi ichingouya yega nokuda kweEMOTION inoitika mumuviri wako kuti watochinja upenyu hwako kusvika nariini. Chema hako kana uchida kuchema. Murume achaziva zvokuita.

Kana murume apedza kubudisa urume chombo chinovata, Kasirai kuti apedza, obvisa chombo kubva mukati mako kuti mubvise kondhomu kuti risavhinzira pamberi nokuti unokwanisa kuita mimba nourume hwaduruka mukondhomu. Bvisai kondhomu renyu moriputira muTISSUE moriisa mutoireti mudira mvura roenda. Kana uri munhu uya anofunga kuti urume hunoshandiswa pakuita mishonga, iwe uri murume, zvibvise Kondhomu rako wega uriise mutoireti wega.

Musi wekutanga unonetsa kuti hamuzivi kuti umwe ari kufungei nezvamaita. Pakatadziwa MANAGEMENT ipapa panozokunetsai mberi. Iwe unoda kuona murume achitaridzawo APPRECIATION yokuti ndiye akuvhura. Hino iye akasaita hanya nazvo zvichakushunguridza wobva wafunga kuti wakanganisa kusarudza munhu wekuita naye. Iyewo murume anenge ava kutofunganya kuti chii chichaitikapo nokuti zemo haachina saka fungwa dzadzoka.

Zviri nani kuudzana rudo nezvimwe zvinoita kuti murangarire chiitiko. Kana washaya chokutaura, rezva murume wako umuudze kuti zvange zvichigwadza asi iye ataridza kuti anohwisisa. Momboita nyaya nazvo motangazve kureruka pakutaura. Rambai muchitaura. Usarega kutaura. Udza murume kuti wafara kuti ndiye akuboora nokuti ndiye waunoda.

Kubva ipapa kusvika makore akawanda upenyu hwako hwatochinja nokuda kwezvaitika. Hauchina chokunyemudza murume uyu saka wava wake, chasara kuti rudo gwenyu guchikura. Izvi zvinoitwa nemi mese kwete newe chete. 

Kuitwa zvausingadi. 
Pamutemo wenyika dzakatsvangamuka, unobvumigwa kuudza murume kuti hauchadi kuti arambe achiita kana wachinja mafungire ako chero ange ava kutopinza chombo kana kuti atopinza. Akazoramba achiita iwe wati hauchadi, atova pachibharo saka ukaudza mapurisa anoenda kujeri.  Pano tiri kutaura nezvomurume wawapedza nguva naye uye waunoda zvokuti hauzosviki pakuda kumuendesa kumapurisa. Zvemapurisa zvinowanzoitwa nevakadzi vanhongwa kumabhawa vasinganyatsozivi murume uye pasina rudo. Vanhu vange vangoronga yokunovatana pakushamwaridzana kwavo, umwe wozoti haachadi.

Chokupedzisira:
Ndiwe unofanira kuzvisarudzira kuti wava kuda kubviswa umhandara, kwete kuti umwe munhu akusarudzire iwe. Vakawanda vanongobviswa bhurugwa nomurume votoiswa vakangoti zii, pane kuudza murume kuti hausi kuda kuvata naye.

Varume vemazuvano havanei newe somunhu. Akangokukwira pasina kupera awa imwe chete anenge ototumira shamwari dzake TEXT kwahi "Ndakwira hure riya raimboramba, ende haritombonaki. Hapana charinoziva. Ndarichemedza." Iwe ipapo unenge uchitoti zvandaiswa zvoreva kuti ndava kudiwa. Kana oda kuroora haatombokufungi anenge ane musikana wake waanoda akaboogwawo noumwe murume asi ari kumurambira kuti agofunga kuti imhandara. Benzi ndiwe.

Usabviswa humhandara nomunhu wausina kuzvisarudzira kuti akubvise
Usabviswa humhandara pasina kondhomu
Usabviswa humhandara nomunhu asingazikamwi kumhuri yenyu uye wausingazivi mhuri yake.
Usabviswa humhandara nomunhu ane mukadzi wakewo
Taurira mapurisa kana waitwa zvausingawirirani nazvo.

Ukadanana nomurume waunoziva kuti zveshuwa anokuda iwe uchimudawo, ziva kuti mukatanga kuvata mese musina kuroorana kana kuvimbisana zvinozikamwa nemhuri dzenyu, rudo gwenyu gunochinja zvokuti uchaita nguva yausinganyatsi kuziva kuti anokuda here kana kuti kwete. Varume vakawanda kana avata newe asvika paanoda saka shungu dzave shoma. RISK yokurambwa ndipo painokwira ipapo.

Ukaona une mukomana anogarokuisa puresha yokuti umubvisire bhurugwa iwe wambomuudza kaviri nekatatu kuti hausati wazvimirira kuiswa, ziva kuti rudo gwake rushoma. Ari kuda kukuisa chete zvopera zvakadaro. Murume ane rudo chaigo anoronga newe nyaya refu youpenyu ozoda kuvata newe mese maudza hama dzenyu pane nyaya yenyu. Zvimwe zvese zvava mundima yenyu, Chikoro, mabasa, rudo, uye kuti munozoitei mese muupenyu hwenyu.  Varume ve DRIVE-BY SEX ava siyanai navo. Usafunga kuti acharega kukuramba achiti nokuti wamuvhurira makumbo. Mvana dzese dzaunoona muraini dzine vana dzisina varume , ingari yokuti akaudzwa kuti ukaita mimba ndokuroora iye akafunga kuti pane rudo, ndokuvhura makumbo pasina kondhomu, ndokuiswa, ndokuita mimba, ndokurambwa.

Usaudzwa nhema. Tamba hako nemukomana wako asi ziva kuti ukabviswa humhandara zvisina kodzero ucharambwa. Varume vakawanda vanofungigwa nechombo. Anozotanga kurova hana iwe watobva humhandara kare.


YAMBIRO
Murume anoita zvesimba kubvisa humhandara haasi murume kwaye. Kana ukafunga kuti wabatwa chibharo unenge wabatwa chibharo zveshuwa. Enda uudze mapurisa. 

Chibharo (RAPE) chakasiyana nokuti mese muri kuda kubvisa humhandara hwako asi murume ongozofosera kuti panhu pavhurike iwe uchitya kugwadziwa. Kana afosera asi iwe wakatomuvhurira hako kuti apinze hachisi chibharo asi kungoti munhu asina tsitsi panguva iyi. Unofanira kumutsanangurira kuti kukugwadzisa hazvinakidzi asi wochimuudzazve kuti unomuda kuti asafunga kuti zvinhu zvachinja. Ugino pazvinhu izvi huri kwese kuvasikana nevakomana. Mukomana kana chombo chamira fungwa dzinoita shoma pakuva nounhu. Iwewo kana une zemo zvokuzorhizena kuti ndovhura ndakadii hazvipo. Chinangwa chenyu mese chinenge changova chokubatanidza pamberi kuti munakigwe. 

Ndizvo ndati itai nyaya yokutaurirana nechekare moronga mozoita zvamaronga kwete kungoerekana watorhojewa zvawange usingafungiri. Kana muchisvoda kutaurirana tauriranai pa WHATSAPP kana FaceBOOK mozopedzisa mavapo mese mapedza zvokuma TEST nezvekudzivirira mimba.

Taurai tihwe vane mazano ekupa vamwe.

Udzai vamwe!!!!
kutanga kusvirwa
kusvirwa musi wekutanga, 
magaro makuru
mazamu makuru
kuvhura mhandara nekondhomu
kuvhura mhandara
kubvisa humhandara
kuvhurwa 
kuboora mhandara
Musi wekutanga
rape
kubatwa chibharo





Wednesday 10 April 2013

Shamwari inonyeya murume/mukadzi wayo

Zvinonzi izvo mukuroorana
1 Muroora anosvika pamusha asina zvaanoziva ozotora zvaaudzwa nomurume wake ozvishandisa kumhuri yomurume.
2 Murume anoroora asina  zvaanoziva ozotora zvaaudzwa nomukadzi wake ozvishandisa kumhuri yomukadzi.

Apa ndiri kuti imi vaviri ndimi munoudzana zvinhu zvisina kufanira kuti muudzane, kozoti yave imwe nguva iwe nyakuudza munhu wohwa zvawakamuudza zvava kushandiswa kutaura hama dzako nemaitire adzo. Asi hama yako huru munhu waunodya naye, waunoseka naye waunobvisira bhurugwa, waunovata naye, waunokwenyana panovava naye. Ndiye hama yako huru iyeye.

Iwe ukahwisisa pkadai ukaziva kuchengetedza zvinoitika mumba mako, ukazoita shamwari inouya ichikuudzawo zvakadzika zvinoitika mumba make, ibasa rako seshamwari kumutsiura nokumuvake kuti imba yake imirewo zvakanaka. Nyaya dzinoudzwa shamwari dzakawanda senyaya dzisingaudzwi shamwari. Iwe muridzi unofanira kuziva kana nyaya yawaudzwa yapfuura panofanira kuti uzive. Zvadaro rega kukasira kudzivisa shamwari yako kukuudza zvaanoda kukuudza. Dzidzsa munhu zvinhu zvishomanana pazuva. Uri kuda kuti munhu ahwisise musoro wenyaya, ukaita APPROACH yembwa inoruma yokunguti ikaona chaisingadi pamba yoruma, zvinoreva kuti uchacheka ukama neshamwari iyi, obva ashaya munhu anozomudzidzsa zvokuvaka musha wake.

Munhu anonyeya umwe wake achitaura zvakaipa zvese zvaanoita kushamwari dzake munhu anofanira kuhwigwa tsitsi kwete kutukwa. Mazuvano kune vanhu vechidiki vakawandisa vakashaikigwa nehama dzaifanira kuvadzidzisa nyaya dzoupenyu. Saka hazvishamisi kushamwaridzana nomunhu asinhahwisisi kuti musha wakamiswa nenyaya ye CONFIDENTIALITY.

Kana iwe munhu akaita rombo rakanaka ukadzidzswa, washamwaridzana nomunhu akadai, iyewo atoita rombo rakanaka kuva newe. Chitanga kurondedzera zvinyoro nyoro kuti abate musoro wenyaya agoutevera kusvika kumuswe.

Tese tinofarira makuhwa nenyaya dzinoita sokuti dzine zvakavanzika madziri (SECRETS) Kana uchida kukasira kuita shamwari, muudze SECRET yako. Asi pano ndiri kuti kana secret ichitaridza kuti iye wacho ari kukuudza haasi kuvaka upenyu hwake zvakanaka, iwe pindira ubatsire.

Dziripo nyaya dzatinotaurirana isu vanhukadzi dziri dzemumba, sokuti umwe ari kuda kuwedzera ruzivo gwemaitire erhoji mumba make kana kuti murume wake akamukumbira zvinhu zvaanofunga kuti zvinotyisa ouya okubvunza kutio oita sei. Iwe ipapo waziva chinhu chiri Confident mumba mavo asi waisazopa mazano dai usina kuziva. Toti shamwari yako yakumbigwa nomurume kuita zvaasina kumbohwa kuti zvinoitwa sokuti

Murume anoda kumunanzva pamberi
Murume anoda kumupinza kumashure
Murume ari kumuti amubatebate chombo etc,

Iye ari kutya kuzviita ouya okubvunza iwe seshamwari kuti panadai oita sei. Iwe ipa hako mazano ako asi hapana chawaudzwa chisingavaki musha kana kuti chinoputsa musha. Nyaya dzapano ndedzinoputsa sokuti shamwari yokuudza kuti murume ane basa rinosvodesa. Mai vomukadzi wake vakabatwa vachihura, murume/mukadzi anotambira mari yokuti, etc. nyaya dzisingaudzwi vanhu.

Ndiri kuti Tsiura shamwari yako ugomudzidzsa kuchengetedza INFORMATION yomumba make zvakanaka kuti murume/mukadzi wake achifamba muraini renyu aonekwewo ari munhu ane chiremera. Iyewo achikuona anoona uri munhu ane chiremera. Ndizvo zvinovaka mese muraini.

Ushamwari husingavaki dzimba hunoputsika nokukasira. Ndipo muchizoona vanhu vanohi shamwari vachihurirana nevakadzi/varume vavo, mashoko aya awange uchimuudza asingavaki obva abuda pachena. Vanhu vakaffa vakawanda nokuda kwekuhurirana uye kuti ukaona murume weshamwari yako achihura wotadza kuudza shamwari kusvika yabata chigwere kusvika pakuzofa asi iwe wakazviona kubva pakutanga. Hapana chawakasiyana nomurume wacho akamupa chigwere. Mese muri mhondi nokuti dai aiziva dai ari mupenyu.

Muupenyu hwamazuvano husina nguva yakawanda yokuhuvaka, kana waona pari kukanganisa hama yako, zama kupagadzirisa usingakanganisi ukama hwenyu.

WEDZERAI VANOWEDZERA!!!!!!

Tuesday 9 April 2013

Ndiri kuda midziyo yangu Mitsva yese kana wada kundiroora

Pachinyakare pedu taiti kana murume akaroora mukadzi, mukadzi anouya pamusha otanga agara namai vemurume kwekanguva, ozovakigwawo imbayake ogaramo. Pakunopinda muimba yake apa aipiwa midziyo yokushandisa namai vemurume, asi midziyo iyi isina kukwana. Iye ozowedzera paanowanira mari yokutenga midziyo iyi. Pakuti midziyo tinotaura zvinhu zvakaita seizvi:

Ndiro
Madhishi
Poto nehari
Kapu
Zvipunu
Bhavhu tokugezera nokuwachira
Mbhedha
Wodhiropu yenhumbi
Masofa
TV
Maketeni
zviri zvinhu zvinoshandiswa mumba. PaLIST apa ndanyora zvinhu zvese zvinohi ndezvemukadzi zvokuti paanofa zvinozotogwa nehama dzake. Asi onai kuti zvimwe zvacho ndezvechimanjemanje zvange zvisipo kare mitemo yedu ichirongwa.

Saka nyaya yndinodawo kumbotaura nezvayo ndeyokuti murume anofanira kuita sei kana ane imba kare akada kuroora. Nyaya iyi inobva pakuti vasikna tinokura tichidzidziswa kuti pakunotanga musha nomurume zvinokupa munyama kana ukashandisa midziyo yawawana iri mumba momurume kana ari munhu ane imba kare.  Rairidzo yi yakaitwa kuti iwe usawana mukana wokunovata pamubhedha wakambovatwa nehure remukomana kana umwe musikana imbovatapo iwe usati wanyengwa. Usachengetera nhumbi dzako pakambochengetegwa dzeumwe. Usagezera maoko kana muviri mubhavhu rakambogezegwa noumwe.  Nyaya iyi irairidzo yakanaka chose kana tichitarisa magarire iita vakuru vedu.

Murume airoora mukadzi ari mhandara iye ari jaya. Kana asiri jaya aikuudza kana kuti hama dzako dzaitoitawo INVESTIGATION kwenguva kuti vazive kuti akambonyengana nani zvikazoita sei. Vakuru vedu vange vachikoshesa umhndara noujaya uye ukama hwevanhu. Kuti uvhengane nevakadzi ve NATIONAL SERVICE zvange zvisingabvumigwi pamunhu akawanikwa.

Mazuvano isu vasikana hatichina mirairo yakadai. Unotohwa musikana achipopota kushamwari dzake kuti mukomana wake haagoni kumukisa kwenguva yakareba asati amukwira saka zviri kumubhowa. Ukaterera unhwa oti mukomana waambova naye kare ange ari nani pakukwira pane uyu waanaye mazuvano. Zvadaro unozohwa ava noumwezve oda kushambadzira muchato. Zvinoreva kuti ambovata neava vaviri kana vatatu asati awanikwa.  Hino adaro ange achivata pamibhedha yevakomana ava achiti akamukirana nomukomana usiku akadiridzigwa urume anongovhinzirapo achinyorovesa mubhedha uya nemattress yawo. Mangwana anowacha mashitibheta mattress haina wawacha. Mukomana uya wozoroora umwe musikanawo abva kwaabva kwaakavhinzira urume usiku avete, kwaasiya mattress isina wawacha.

Vasikana ava havafaniri kuuya pamusha wemurume voti vanoda kuti zvese zvomumba zvive zvitsva. Vanhuwo vane experience yokurhojana nevarume pamibhedha yakatomborhojegwa vamwewo vasikana saka nhasi chasiyana ipapo chiilko?

Mhandara:
Mhandara inokwanisa pamutemo kuudza murume kuti inoda zvitsva mumba asi ngatitange taongorora nyaya iripo. Kare varume vange vasingaiti dzimba vasina vakadzi. Vairhenda Rhumu imwe chete pamusha weumwe. Iwe waiti uchinyengwaunonobikira mukomana wako tii mukicheni yamai vemba woenda nayo kurhumu yemukomana wako moridza gramafoni yenyu muchipota muchikisana makagara pamubhedha muimba isina cheya.

Mazvano varume vakachenjera vanongoti kuwana basa nokutotenga zvinhu zvomumba, Ipapo anenge achirhenda koteji yese ine marhumu matatu. Iwe kuzonyengwa koteji unowana yakatozara nemidziyo. Padaro nyaya dzemari munyika yedu ndokutenderedzwa ndokusvika pakushaya mari yakakwana. Uya ane imba yake izere zvinhu, vasikana vaaimboratidza mari haachavawani. Kwasara imi verudo chete. Iwe ukanyengwa naye mukasvika pakuda kuroorana, uchakwanisa here kumuudza muromo wekuti unoda midziyo yako mitsva, uye unoda izvi zvirimo zvibviswe zvitengeswe?

Pashaika hamakadzi yenyu
Imwezve nyaya inoenderana neiyi ndeyokuti mwana wenyu akashaika kwaange akawanikwa, munosunga mombe pangoro monosenga midziyo yake mouya nayo mogovana pachenyu mosiya mukuwasha asina chaanacho mumba asi ndiye afigwa nomukadzi asiigwa vana pamusha. Vana vanoda kudyira mundiro, vanoda kubikigwa, vanoda kuwachigwa. Kana midziyo isipo zvinofamba sei? Muri kufunga kuti aite sei muupenyu hwake nevana.

Kuona kwangu imwe mitemo yechivanhu ngatiite zve TOKEN chete mazuvano. Toita tichiziva kuti vana vasiiwa nehama yedu vazukuru vedu vatokanganisigwa upenyu hwavo nokufigwa. Ngatisavawedzera nhamo.

Regai ndimbomira apa nditerere vanopa mashoko avo pano kana pa EMail, ndigowedzera.