Monday 27 August 2012

Kufunga kwevakadzi vasina njere


Ndoda kunyengwa nomurume ane mari
Murume ane mari ndiye hake asi hausiwe wega unoda kunyengwa naye. Makatowanda ipapo saka iye haana basa newe. Chii chaunacho chaunofunga kuti achada kupfuura zvevamwe vakadzi.
Tsvaka murume anokuda chete, mari mogadzira mese maroorana. Wadirei kunodya zvausina kubatsira kugadzira. Une maoko maviri sezvakaitawo vamwe. dzidza kushanda uchiwana zvaunoda.

Mari yemurume handiyo murume. Mari inopera muchiri vapenyu saka uchazomuramba here kana yapera? Zvitsvakire murume ane unhu. Variko vakawandisa vari kutotsvakawo vakadzi vane unhu sewe.

Ndini ndamisa chombo chake saka anondida
Chombo chinomira chero murume avete hope chaidzo. Hausiwe wamisa chombo. Hwisisazve nyaya yokuti murume akaona pikicha chaiyo yepamberi pomukadzi, pasina pikicha yomukadzi wacho, chombo chinomira. Usada kunyebegwa kana kuzvinyebera kuti unofanira kuvhurira murume nokuti ndiwe wamisa chombo. Murume ndiye anomisa chombo chake nemafungire ake. Vamwe varume akaona imbwa chaidzo dzichikwirana otomira chombo. Usaudzwa nhema nevarume. Murume akakumisira chombo ukamuvhurira akakukwira, mapedza anotora Lift oenda kumwe. Manheru iwawo anonovata noumwe mukadzi waanomisira futi chombo. Ipapo nhambha yako yefoni inenge iri pafoni yake. Ingari yokuti iwe uri munhu akapusa.

Ndikasamuvhurira anogwadziwa mabhora.
Kana chombo chamira kwenguva yakareba, asina pokuchipinza anokwanisa kugwadziwa mabhora ake ne CONDITION inohi BLUE BALLS. Asi kugwadziwa kwake kushomanana nokugwadziwa moyo kwauchaita ukatadza MANAGEMENT yeRELATIONSHIP yenyu after akurhoja kana kukuisa mimba. Kana zvichimugwadza muudze ashandise maoko ake. Hakuna munhu asingazivi kuti maoko anobvisa zemo.

Ndikamuvhurira achawedzera kundida.
Ukamuvhurira watoderedza kukuda kwake kana musina kuroorana. Anobva atofunga kuti unovhurira vamwe varume. Watokanya nyaya yako apa. Kana kukuroora achatononoka nokuti atova nomukadzi wekuvata naye. Anoudza shamwari dzake kuti hausi MARRIAGE MATERIAL. Ukaterera varume vechidiki vachitaura unohwa achiti "Madeko ndakazonoguma ndava kuhure rangu rokuTaundhiship riya. Haa varume mwana anochemerera zvisingaiti uya." Ipapo iwe unenge uchitofunga kuti unodanana nomunhu, Kutochinja STATUS yako paFACEBOOK kwayi "IN A RELATIONSHIP". Chitarisa yake uone kuti yakahi chii? Kuvata nomukomana hazvirevi RELATIONSHIP. Zvinongoreva kuti hauna unhu.

Kana ndikaita mimba anondiroora.
Ukaita mimba asingazivi nhamo yako yatotanga. Mukadzi nomurume vanofanira kutanga vabvumirana vasati vaita mwana. Mimba yokuda wega haiiti zvachose. Siyana nokufunga kwakadai. Kana wada zvokuvata nomurume enda kwaDOCTOR utange mapiritsi kana majekiseni. Kondhomu rikabvaruka mukira kundopiwa Morning After.

Ndikaita mimba ndinotizira mukomana. 
Kana usina kumbosvodeswa, nokutyiswa nokusaziva zvokuita, imboenda pamusha pane musikana atizira achiti nokuti ane mimba uone kuti anobatwa sei nehama dzemurume. Inguva inotyisa chose zvikuru kana musikana wacho ari mwana mudiki 18-20. Kutizira hachisi chinhu chakanaka zvachose nokuti hauzivi kuti unonosvikepi nenyaya yako.

Murume acharamba mukadzi wake agoroora ini
MaSmall House akawanda nemahure akawanda vanofunga seizvi. Kuzvinyebera kwemunhu akachipa kuvata naye asina future pamurume uyu. Murume akaramba mukadzi wake akakuroora akaita mwana newe, hazviiti kuti arege kuhura agoda kukuramba kana awana umwe mukadzi.  Ari kuhura newe nokuti ari kutadza kugutsa mukadzi wake. Munhu asingahwisisi vanhukadzi. Iwe uri kufunga kuti uri kuguta nenyaya yokuti uri kuvatazve neavo vamwe varume vanokupa mari yeRENT sezvinoita uyu wauri kufungira kuti acharamba mukadzi wake. Asizve mahure akawanda anogarofunga kuti achawana murume wekuroorana naye. Zvechokwadiwo ukamira kuhura unokwanisa kuwana murume wekuroorana naye, asi uyu wauri kuda kuti asiye mukadzi wake haasiyi.

Ndoda kufuhwira murume
Kutambisa nguva yako nemari yako kutenga mishonga isina kana zvainoita. Fuhwira hako asi iwe ndiwe uchatoita fungwa yokuti pane zvawaita asi pasina.  Kana uchiziva mushonga unoshanda chaizvo, ndinyorere ndikugadzirire uite Millionnaire nawo gore risina kupera. Wadaro murume wako achakudira mari yako. Usaita murume wako EXPERIMENT yemishonga yokwa Mai nhingi. Tarisa vakadzi vemuraini vakarambwa kare uvabvunze kuti sei mifuhwira yavo isina kushanda ugoterera zvavanotaura. 

Murume wangu achazorega doro/fodya/makasi/mbanje/chihure taroorana.
Kana maroorana ndipo paanotowedzera pazvinhu izvi. Anoziva kuti iwe unenge uri pamba uye hakuna kwaunoenda saka iye anouya chero nguva yaada.  Usada kuchinja murume maroorana. Sarudza murume anoita zvaunoda pakunyengana kwete maroorana. chaunomhanyira kuwanikwa chii makore ari pasi pe 35?

Ndikamuregerera haachazondirovi
Hakuna murume anorova mukadzi kamwe chete achizorega kurova. Chero akaripiswa chero akagariswa dare chero akasungiswa achatokurova chete One day soon. Hazviiti kuti arege. Kukurova kwake kunoitiswa ne POOR COMMUNICATION SKILLS riri dambudziko raanaro risina mushonga. Kana wada kumuregerera chiita uchiziva kuti ndizvo zvaari uye achakurova futi manje manje.
Solution mbiri dzaungatozama kumukurira simba kuti azive kuti akaita hasha ndiye anorohwa, kumusungisa each time yaanokusimudzira ruoko.

Muroora uyu ari kunetsa hazvanzi yangu. Ndoda arambwe. 
Ukaona watanga kufunga seizvi chiziva wega kuti unovenga muroora wako vese nehazvanzi yako, nevana vavo. Munhukadzi anofanira kuhwisisa kuti nyaya dzomumba dzinoda kugadziriswa dzonaka vanhu vose vofara. Kurambisa hazvanzi yako mukadzi kusahwisisa DYNAMICS dzemhuri. Vana vehazvanzi yako vanoda vabereki vaviri. Chero zvodii iwe haumbozoiti mubereki kuvana ava saka uri kutovapa poison iwe uchifunga kuti wagona.

Munhu akangwara anotanga kutaura nehazvanzi yake achiiudza maonero anoita vanhukadzi kuti ahwsise kuti chii chiri kukanganisika mumba make. Kana iri nyaya yokuti hazvanzi yaita hure iwe ndiwe unotoita peptalk muroora kuti azame kuregerera asi uku uchituka hazvanzi nokukanganisa kwayaita. Mangwana murume wako akahura, hazvanzi iyi ndiyo ichatonga nyaya yenyu. Muroora uyu ndiye achakubatsira kuchema kwako.

Munhu akangwara anowedzera hama dzapamoyo kwete kuunganidza vavengi.

Murume anoda ini kupfuura uyo
Bodo hama yangu.Murume ari kungohura newe chete. Haunetsi kukwira saka akakusarudza kuti uite hure rake. Uyo umwe  musikana ndewekuti kana oda kuroora agoroora. Iwe wosiiwa kuti utsvake umwe murume wekuhura naye akamirirazve kuroora munhu kwaye.  Hwisisa apa. Mahure ese anofunga uti anodiwa kupfuura mukadzi wemumba iri nyaya yokuti mapedza kukwirana murume anokuudza kuti mukadzi wake haagoni chikapa uye haagezi sewe. Iwe wozvibvuma nokuda kwekusahwisisa vanhurume vanohura.

Hatisi kudanana. Murume uyu ishamwari chete.
Murume murume chombo chake chinongomiswa nezvinhu zvinomisa vamwe varume. Iwe munhu uyu haasi mwana wamai vako saka ukakanganisa kugara akaona zvaaona anongomirawo zvinoita vamwe. Zvokuti ishamwari yako izvo musi waunotukana ne Boyfriend yako ukatizira kushamwari iyi kuri kutsvaka wekukubatsira kuchema, anochema newe agokukwira futi agokurambisa agotadza kukuda zvakare.

Munhu itawo shamwari dzechikadzi dzisina ma Issues akawanda. Kana wada dzechirume, wirirana nehazvanzi yako umuudze zvese zvinoudzwa zviri pamoyo. Shamwari dzechirume hadzina kusiyana ne spare boyfriend. Kuzvitsvakira matabudziko akawanda.

Murume wangu ahura saka ini ndoda kutsiva
Mukadzi anoti murume ahura iye oda kuhurawo kutsividza zvaitwa nomurume munhu asina kana njere. Kana murume wako ahura iwe ingofunga kuti wotonga sei nyaya yako. Kana wada kumuregerera regerera uchiziva kuti achahurazve. Kana wada kumuramba murambe uchiziva kuti iwe pachako Market value yako yadzikira nokuti wave DIVORCEE, mvana, kana second hand goods, anova mazita auchadaidzwa navanhu. Hazviiti kudzokera pausikana. Hino ukazohura pamusoro pazvo, vanongowedzera rimwe zita rokuti hure. Murume wako anongoudza vanhu kuti wakahura. Nyaya yatopera. Hakuna hama yake kana yako anombozofunga zvokuti murume ndiye anga atanga kuhura. Society yedu haibvumiri kuhura kwemukadzi asi kwemurume vanongokuudza kuti muendese kudare nyaya itongwe.

Ndoda kunyima murume nokuti anditsamwisa
Kana muri mumba menyu murume asina kukuhurira, haumbofaniri kumurambira chero zvodii. Ipapo pakutsamwa ndipo paunotomuudza kuti uya ukwire ndivate. Asi kuvhura makumbo unotovhura chete. Akada kuramba iwe wotomuudza kuti ava kutowedzera kukutsamwisa. Vanhu vakaroorana havafi vakasvika pakunyimana vachiti nokuti vapopotedzana. Kana wakatsamwa usataura naye, usamutarisa, saka fongora aite ari shure uko iwe zii zvako asi shanda murume agute, asawana chimwe chinhu chaanoti wakaita chingahi chakaipa mumba. Kana iwe wati iye akanganisa iwe chitaridza kuti haukanganisi.

Nyaya yokunyimana mumba iyi ndiyo nyaya inokanganisa chose magarire evanhu vakaroorana. Kazhinji mukadzi ndiye anotanga kunyima murume, zvabva pa FRUSTRATION yekusaita hanya nomukadzi kwemurume. Asi nyaya dzese idzi inyaya dzamunofanira kunge magadzirisa musati matanga kugara mese. Kutizira uye kukasira kuroorana musina kuwana nguva muchidanana, kunoita kuti mushaye nguva yokuronga magarire enyu.

Hazvifaniri kuti mukadzi/murume arambe kuvata noumwe wake musina kurambana. Kana kurhizena kwese kwapera, musisahwisisani zvachose, chinhu chinofanira kuramba chiripo kurhojana. Uchaona futi kuti ukavata nomurume wakatsamwa, unopedzera shungu pachikapa, zvadaro mapedza unokwanisa kuhwa shungu zvokutochemedza nazvo, iri ngari yokuti unofunga kuti uyu murume wangu wandinoda asi iye anondishungurudza. Zvadaro uchaona murume oitawo sokuti munhu kwauri. Munokwanisa kuzotaudzana agokumbira regerero, mozovata nyaya yapera, kuseni moisanazve nomufaro. Kunyimana bodo, zvachose. bodo,

Udzai Vamwe!!!!!






Sunday 26 August 2012

Kubvisa mimba (kubvisa pamuviri)

Vakadzi vakawanda munyika dzakawanda vanobvisa mimba dzavo pasina kana rizheni ine musoro. Pano toda kutaura nenyaya iyi kuti tihwisise kuti inofamba sei. Ngatitange nokubvumirana kuti mumimba mune mwana. Mwana munhu mudiki hake asi munhu ane zvese zvatinazvo kungotiwo imba yake yaanogara udumbu ramai vake. Ukabvisa mimba unomuuraya asati atomboziva kuti ndiwe mai vake. Hachisi chinhu chokungoita pasina chimwe chinhu chikuru chakuitisa kudaro. Dai varume vachihwisisa nyaya yokubvisa mimba dai mimba dzinobviswa dziri shomanana. Vana vanourawa vasati vazvagwa vakawanda kupfuura vanhu vose vakafa muhondo dzose dzakaiti mupasi rese nguva dzese kubva pakasikwa denga nenyika. Vakawanda, zvikuru muUSA ne EUROPE ne Africa.

Mimba inobviswa nani?
Vakadzi vakawanda vemazera akawanda vanoufumi hwakasiyana siyana, vakadzidza zvakasiyanasiyana vanozviita. Idambudziko revakadzi vese kukumbanidza vanopinda chechi nevasingapindi chechi. Kune vakahwisisa kuti mwana kana ari mudumbu mwana chaiye anenge ari munhu ndivo vanotambudzika nenyaya yokubvisa mimba.

 Kozoita vamwe vanoudzwa kuti mwana kana ari mudumbu i FETUS kureva kuti chimwewo chinhu chichazoita mwana kana chazvagwa. Ava havanetseki nokubvisa nokuti mimba haasi mwana.

Ndiwo mapoka maviri evakadzi  vanobvisa mimba zvokuti vakawanda vanoti mwana vanobvisa imwe chete vomira asi avo vamwe vanokwanisa kubvisa dzakawanda.

Asi vashoma vakadzi vane varume vanovada vanobvisa mimba. Murume/mukomana wako akamira newe kuti shuwa mimba ndeyake uye anotofarawo nazvo kuti waita mimba, fungwa dzokubvisa hadzitomboiti mumusoro momukadzi akadai. Kubvisa mimba iDESPERATE ACT yokushaya zvimwe zvokuita paitika nyaya yokurambwa nomurume nokuti mukadzi ava nemimba.


Inobviswa yakura zvakadii?
Mimba kana wada kubvisa zviri nani kuibvisa iri diki sokuti pasi pemwedzi mitatu.

Mimba inobva yega.
Pane mimba dzinongobva dzega. Kazhinji kana foroma yemuchibereko ikaona kuti mwana wayagadzira akaremara zvakanyaya inomira kuumba mwana yomudzinga muchibereko nokuti yatadza kugadzira mwana weQuality yainoda. Mimba inobva nomutowo uyu inohi SPONTANEOUS ABORTION, kureva kuti zvinongoitika zvega pasina iwe muridzi zvawaita.

Kana ikabva yati kurei inohi Miscarriage. Kusiyana kwe SPONTANEOUS ne MISSCARRY inongova nguva chete.

Zvinofungigwa kuti mimba dzinobva nomutowo uyu dzakawanda chose uye dzinobva dzisati dzambopedza mwedzi kana umwe chete zvokuti mukadzi haambozivi kuti ange ane mimba. Zvinoitigwa kuti vana vanozvagwa vange vasina kuremara. Chibereko chinoziva kana mwana ane zvimwe zvakaremara paari zvingaitisa kuti asagona kuita upenyu hwemunhu. Saka apa chibereko ndicho chinenge chakanganisa basa.

Kozoitazve dzimwe mimba dzinokura chibereko chisingaoni kuremara kwemwana asi vekuhosipitari vovheneka vokuudza kuti bvisa. Kana ukabvumirana navo wobvisa vamwe vanoramba kubvisa.

Koitazve kuti mimba inokura asi mwana woshaikira mudumbu. Ukaenda kuhosipitari vanokuudza kuti mwana haana HEART BEAT saka akatoshaika, vanokupa mushonga wekuti uzvare mwana. Zvinogwadza moyo kuzvara mwana ashaikira mudumbu zvokuti mukadzi anowanza kupiwa Counselling. Pamwe vese nomurume wake. Hazvizikamwi kuti chinokonzera mwana kushaikira mudumbu chii.


Mimba inobviswa Mukadzi asingadi kuti ibviswe. 
Zvinokwanisika kuti kana mukadzi ane mimba poitika chimwe chinhu chinoita mimba ibve. Zvakawanda zvinhu zvakadai.

Accident yemota/bhazi/chitima kana zvimwe inokwanisa kubvisa mimba kana kukonzera mimba kuti mwana azvagwe nguva isina kukwana.

Kurobwa nomurume kunobvisa mimba dzakawanda. Varume vanorova vakadzi havahwisisi nyaya yokuti ane mimba. Mukadzi anokwanisa kurakashwa nomurume otsikwa dumbu mimba yobva.

Kubatwa chibharo nomurume wako kana noumwe murume zvinokwanisa kukutyisa zvokubvisa mimba.

Mimba Yokubviswa Inobviswa sei?
Maitire ekubvisa mimba akasiyana siyana. Kune vanobika mushonga vomwa. Mushonga uyu unokwanisa kuuraya mai nomwana vose. Ukaudzwa nomunhu wemuraini kuti mimba inobviswa sei usaterera nokuti unokwanisa kufawo iwe. Pamwe unogwara asi wozoita zviri nani mimba yako uchingova nayo. Pandaiva kuZimbabwe ndakabvunza vakadzi vanopfuura 200 kuti mimba dzinobviswa sei vakandiudza zvimwe zvinhu zvinotyisa kunyora pano. Handidi kuti pawanikwe musikana umwe chete hake anozvizama saka handisi kuzvitaura pano. Asi kungoti maitire okuita mumusha anokwanisa kukuuraya. Zviri nani uende kumadhokotera kana waita mufungo wekubvisa mimba. Asi kusabvisa ndiyo OPTION yakanaka paupenyu hwako.

Ukaenda kumadhokotera anobvisa mimba, kana iri diki vanokubaya jekiseni vokupinnza muromo we VACUUM CLEANER muchitubu kusvika kuchibereko voisa magetsi, Vacuum iya yokweva mwana sezvinoitwa marara mumba, mwana obva muchibereko oenda muVACUUM Cleaner, nyaya yatopera. Pamwe vanotanga vauraya mwana achiri muchibereko vozoisa VACUUM CLeaner. Asi kazhinji vanokudza muromo wechibereko, voisa chubhu ine zvimapanga zvinopinza kumuromo kwayo chubhu yacho. Vadaro vokonekita chubhu yacho ku VACUUM CLEANER iri kuno kuzhe voisa magetsi. Chimwana chinenge chiri chidiki uye chisina mabhonzo saka chinokweviwa chochekwachekwa zvidimbu zvomuviri zvopinda muchubhu iya zvopedzisira zvava muVACUUM CLEANER iya.

Pane vamwe vakadzi vaviri vakambouya kubasa kwedu vakatiratidza vidhiyo yacho. Ndinofunga kuti munhu wese anoda kubvisa mimba dai atanga aiona vidhiyo iyoyo kuti anyatse kuhwisisa kuti zvinoitwa sei. Varume vese vanoudza vasikana vavo kuti vaende kunobvisa mimba vanofanirawo kuona kuti zvinoitwa sei. VERY EDUCATIONAL.

Unofanira kuzodzokazve kuti vatarise kuti hapana chakasara here muchibereko. Kana zvirimo vanozvigeza nePROCEDURE inohi D&C.

Kana mimba yakura vanokupa mushonga wozvara mwana sezvinongoita vanozvara vana vapenyu. Mwana wako anozvagwa ari mupenyu asi nguva yake isati yakwana, vokuchipatara vomuisa muchitawero chemapepa vomirira kusvika afa voendesa ku Incinerator kunopisa. Mai vake vanenge vasipo paanopiswa vanenge vatoenda kumba kwavo.

Paunopedza kubviswa mimba unokwanisa kumboti garei muchipatara sokuti 4-5 hours, vokutarisa kuti hausi kubuda ropa here, vokuti chienda kumba. Zvapera.

Unokwanisa kubuda ropa rakawanda zvokuti vanokuchengeta muchipatara kusvika zvapera.

Zvakaipei kubvisa mimba?
Pane nyaya dzakawanda apa dzimwe dzacho ndichadzinyora pano kuitira vaya vanofunga kubvisa mimba. Chinoitika kuzvipatara uko ndechokuti vanongoterera zvaunoda kuita voita. Havana basa nokuti uri ani kana kuti upenyu hwako huchafamba sei.

Unokwanisa kuzoita imwe mimba here? 
Ukamirira nguva yakakwana unotangazve kukandira mazai mwedzi umwe noumwe uchienda kumwedzi zvokuti ukavatazve nomurume usina mapiritsi kana kondhomu, unoitazve imwe mimba. Mimba hachisi chinhu chinonetsa vakawanda kuita. chinongonetsa injere dzokuziva kuti zemo rine simba kupfuura musoro saka zviri nani kusazviisa panzvimbo yakaoma yokuti uku uri kuona chombo chimire chinoda kubatsigwa newe, uku iwe bhurugwa hauna, uku kondhomu pauviri hwenyu hamuna.

Kana uchiziva kuti zvokuiswa unozvida asi murume hauna, gara une makondomu ako muhandbag mako kuti ukasangana nomurume aunoda kurhojana naye, kana asina kondhomu, iwe unaro. Moisana henyu makasununguka pachihure chenyu.

Varume panyaya yekubvisa mimba. 
Chinhu chinobvisisa mimba dzakawanda panyika munyika dzese iATIITUDE yemurume anenge akonzeresa mimba yacho. Varume vakawanda vanoti ukamuudza kuti kunakigwa kwedu kwataiita mwedzi wese wakapera kwandiitisa mimba, anobva atosvetuka pamubhedha paange agara kuti mutange kurhojana, chiya chombo changa chatomira kuti muite choti fototo, iye otanga kukupopotera sokuti wange uchizvirhoja nguva yese iyi. Ipapo achitaura kudaro imba yese haina kana kondhomu rimwe chete asi ange ava kutokumisira chombo kuti arhoje, Bhurugwa hauchina ipapo, asi ari kukupopotera kuti sei waita mimba nourume hwandanga ndichikudira muchitubu mako. Iwe ukada kumutaurira kuti urume hunoitisa mimba ndosaka ndaita mimba, wotoonekwa sokuti uri kutaura nhema. Pamwe wotodigwa mbama kuti hauzivi BIOLOGY yevanhu.

Varume havadi kukasira kusapota mukadzi aita mimba yake. Unohwa oti handisi READY asi ipapo mukadzi aita mimba asiri READY futi. Murume anoti enda unobvisa mimba.  Kana uchida kuziva kuti mukomana wako anokuda zvakadii, mukavatana kwemwedzi miviri umwe musi wakamirira kuenda kumwedzi mutumire TEXT yokuti une mimba. Ndipo paunoona ma TRUE COLOURS ake.  Vakawanda havanonoki kukuudza kuti enda unobvisa uye usatsika kumba kwake futi. Asi vhiki yamakatanga kuvatana iye ega akakuudza kuti ukaita mimba anokuroora. Nhasi mimba yavapo ava kuti haachakudi.

Varume vanokonzeresa mimba dzakawanda kubviswa nevasikana nokuda kwechihure kana kusada kubvuma mimba yawaisa munhu mese musiri READY asi mese musingadi kumirira kuwana mapiritsi kana kuti kupfeka kondhomu. Mese menge mashaya njere pakadai asi musikana anozosara nemimba oga murume apoya akaenda.

Varume vanodaro nokuti kurhoja vanokuda chose asi RESPONSIBILITY havadi. Isuwo vakadzi tava nefungwa yokuti Ndikasavhura makumbo ndinorambwa. Ipapo murume haatodi kuti musikana wake waanoti MArriage Material avhure makumbo kufanana nevaya vaanoti havasi Marriage material. Murume anenge achida kuti akarhoja vasikana vakawanda, ava kuda kuroora otsvaka mhandara oroora oipa chigwere.

Kubvisa mimba murume asingazivi:
Mazuvano echihure kune vakadzi vakawanda chose vanobvisa mimba murume asingatombozivi kuti mukadzi aita mimba. Toti wahura ukaita mimba murume achishanda kuBULAWAYO kana kune imwe nyika iwe musha uri kuKwekwe. Zvinoita chiose kuti ubvise mimba murume akasamboziva kuti wange une mimba. Uyawo murume akupa mimba, iwe mumoyo mako unoziva kuti haanei newe pamoyo. Munhuwo aunongoshandisa kunakigwa naye murume wako chaiye asipo. Munhu ae utsinye hwekukwanisa kuhura munhu anokwanisazve kubvisa mimba. Mudzimba umu mune vakawanda vakabvisa mimba dzevarume vasiri vabo vemumba, zvokuti hapana kana anotomboziva kuti mimba yabviswa.

Zvinoonekwa zviri nani kubvisa mimba pane kuichengeta worambwa nomurume wako nenyaya yokuhura. Ipapo murume wako ari kukuramba ane vanawo muraini, uye kune miba dzakewo dzakabviswa muraini. Saka zvinozoonekwa sokuti chakaipa kubuda pachena kuti wahura, saka ukabvisa EVIDENCE yese haurambwi.

Vamwe vanongoti akabata mimba, murume ari JONI, okasira kunovhakasha Joni kuya kuti murume akwanise kurhoja agodzoka oti ane mimba yomurume kuti zvisazonetsa mberi uko.


Vakadzi 
Kozotiwo vakadzi vanongojaira kubvisa mimba. MuEurope vakawanda vanhu vakadai nokuti hazvinetsi kubvisa mimba.Varume vanenge vavapa mimba havatombozivi kuti akaita mimba kana kuti akabvisa.
Kazhinji mukadzi wacho anenge asingatombozivi kuti ndeyani nokuti vanhu vanovata nevarume vakawanda. MaZimbo akadai ariko asi iminority.

Kubvisa mimba inyaya yedu isu vakadzi, hamakadzi dzedu, vanunguna vedu. Tisu tinofanira kugaroudza vachiri kunyengwa kuti dambudziko remimba rinodzivirigwa sei. Kana musikana amboravira chombo, zvinonetsa kumuudza kuti asavata nemukomana wake, asi ngaakasire kuuya nomukomana wake pamusha mhuri yake imuzive kuitira kuti pakaita mimba tese tikasire kusapota mwana padambudziko rake. Kana achida kudzokera kuchikoro mupei mukana wacho kwete kudzinga mwana pamba kumuendesa kumukomana asingamudi. Zvinobatsira ani izvozvo. Handisi kuti haisi mhosva asi kuti ongororai SITUATION yamuri kuisa mwana wenyu. Kubvisa mimba kunobaya moyo wemunhu wacho anobvisa zvese neshamwari dzake, hama dzake, etc. Hazvisi nyore.

Kuti azobvisa mimba anenge ashaya zvimwe zvokuita. Achingobvisa mimba mukomana uya wamupa mimba anomuramba futi. Haisi situation inogadzirika. Ndakambobvunza umwe kuti sei uchiramba musikana zvikahi nokuti akauraya mwana wangu asi ndiye aiti mimba haisi yake. Ndiye akamudhiraivha akaenda naye kuhosipitari yokubviswa mimba. Vadzoka, aona kuti mimba yaenda ava kuti haachamudi nokuti akauraya mwana wake. Varume vakawanda kukwana chaiko havana kukwana.

Iwewo musikana hwisisa kuti kuiswa urume kunoitisa mimba. Kana ukaona mukomana wako achikupa puresha yokuti uvhure makumbo, muudze kuti zviri nani kuratidzwa kumhuri dzenyu kudanana kwenyu koita public. Kana achizviramba ziva kuti ane umwe musikaka ava kuzikamwa kwavo saka iwe chisiyana naye utsvake umwe akasvinura.

Chinoita kuti avate newe asi achiramba kuti muudze vabereki venyu ndechokuti haafungi kuti uri MARRIAGE MATERIAL.  Anongofunga kuti uri hure zvaro rokungorhoja nokupiwa mari yebhazi kuti udzokere kwawabva kwacho.

Mai vemusikana.
Vanamaivo kurudzirai vanasikana venyu kuva pedo nemoyo wamai uye kusununguka kutaura namai vake. Mwana asati aita chinhu chikuru sokuvhurira mukomana, ngaahwe akasununguka kubvunza mai vake kuti anoziva sei kuti nguva yakwana. Mai vanogarisa mwana pasi votsanangura zvese mafambire azvo. Kana uchiona kuti zvinokunetsa kutaurira mwana, tanga musi waanotanga kuenda kumwedzi, zvadaro iwe mai chichengeta mazuva emwana ekumwedzi kuti akakasirisa kana kunonoka unge uchiziva kuti ndizvo zvaaita, Uchiwana mukana wekutsanangura kuti musikana akura zvokuenda kumwedzi anokwanisa kuita mimba saka asati avata nomukomana ngaakubvunze kuti anofanira kuita sei kuti asaita mimba.

Hwisisaizve kuti zemo rine simba kupfuura zvimwe zvese zvinoitika mumuviri wemunhu. Iwe kana wakatadza kumirira musi wemuchato, usafunga kuti mwana wako ane zvinomugonesa kumirira. Kuudza mwana kuti asavata nomukomana hakurevi chinhu. Anongoti uku hana iri kurova nokutya uku ari kuiswa nomukomana achitochemererawo sezvawakaita iwe musi wekutanga uri musikana. Chikuru kuti mwana namai vagare moyo yavo iri pedo napedo vachiudzana mashoko anovaka upenyu.

Kune vaya vasina varume, maitire ako pamusha wako nevana vako makuru kupfuura mashoko aunoudza vana vako. Kana uchigarounza varume  pamusha vana vachizviona, usafunga kuti vana vachaita zvakasiyana naizvozvo. Kuda kwaunoita iwe chombo ndizvo zvimwe chetezvo zvinoita vana vako. Kupopota hakuna chakunounza.


UDZAI VAMWE!!!!

Kubvisa nhumbu
Arbotion

Saturday 25 August 2012

SMALL House yomurume wako


Chii chinonzi SMALL HOUSE?
Small House zvinoreva mukadzi anohura nomurume wemunhu. Kuhura kwacho kunenge kwava SERIOUS zvokuti  anoonekwa sokuti iye mukadzi wemurume uyu nenyaya yokuti havavanzi kuhura kwavo.

Kazhinji mukadzi akadai, nomurume akadai vese vanohurazve nevamwe vanhu.  Mukadzi chaanonyohurira apa imari yokurera vana vasiri vemurume anobhadhara mari yacho.  Baba vevana ava kana kuti mwana uyu pamwe vanotobhadharawo Maintenance asi vasingavhurigwi makumbo. Kana vakazodawo kudzoka pamwe vanodzoka asi hazvipedzi huSmall House nevamwe varume.

PamuSmall House umwe chete panokwanisa kuita varume vatatu kana vana vese vachimupa mari yakasvinura pamwedzi zvokuti iye anokwanisa kutotambira mari yakawanda kupfuura vese varume ava.

Pakuhura kwake navo kashoma kushandisa makondhomu nokuti varume vakawanda chero achida makondhomu acho anongomashandisa pamukadzi aachangosangana naye. Kukapera kanguva achivata naye vanobva vasiya zvemakondhomu nokuti murume ane Mentality yokuti Small House mukadzi wake ane Same status newemumba.  Kurega makondhomu uku ndiko kunotanga nyaya dzese dzisingatongeki pamusha pemurume.

MaSmall house akawanda vanodawo kuroogwa vanoona mari ichiuya kumba mwedzi nomwedzi achitengegwa zvinhu zvaanoda, pasina chaari kuita chinoshamisa kuti awane mari yacho, kungomirira vana vovata iye ovhura makumbo orhojewa, edzezvo murume omika onanga kumba kwake achiri manheru.  Mangwana umwewo murume ouya oitawo izvozvo.

Kusiyana kwe REGULAR hure neSmall House ndekwekuti muSmall House anohura navarume vashomanana uye vese vanohwisisa matambudziko ake uye kuti anoda marii pane zvaanoda. Wekutanga ndiye anobvisa mari inodiwa vamwe vaviri kana vatatu inenge yava PROFIT chete inoenda kuBank kana akachenjera.

vana ve Small House vanogara upenyu huri nani kupfuura vevarume vanobhadhara mari yacho.

Varume vanowana maMaSmall house  kumabasa, kumahotera, mumaroad mavanovapa LIFT, kana pamwe mukadzi anenge ari CUSTOMER yemurume pane zvimwewo.  Vanhu vasinganetsi kunyenga nokuti anenge achitori ne Time slot isina murume.

Kuitigwa Small House nomurume:
Ukaona murume wako ajoina programme yacho yekuita Time share paSmall House, watova nematambudziko akawanda. Zviri nani murume ahure nemunhu waanonhonga pamugwagwa womurhojera mumota ane kuita small House. Wekunhonga pamugwagwa anopfekegwa kondhomu saka zvigwere hazviuyi kumba. Uyu wekuendera kumba kwake anoonekwa sewemumba saka hapana chinopfekwa ipapo. Iye anopa IMPRESSION yokuti haasi hure kuti murme amukwire akasununguka fungwa. 

tatova nemadambudziko maviri kare, zvigwrere uye mari yomumba iri kunorera vana vatisingazivi madzibaba avo aripo. Kozotizve mari yekudira peturu murume achiendako nokudzoka. Uchaonazve kuti murume haachadi kuvata newe nokuti abva uko kwaanoudzwa kuti ndiyo shasha yokurhoja. Iwe wakapedzisira kumuudza kare kare. Mazuvano anongokuitira zvemutemo hazvo asi wega uchingoona kuti hazvisizvo.

Kana waziva kuti pane Small House wodii
?
Chokutanga wana Proof chaiyo iri solid.
Chechipiri mhanya kunotestiwa nokuti mutri kugovana murume wako makawanda. Kunoti muSmall house, koti vakadzi vevamwe varume vake, kotizve mahure avo mamwe. Zvese zviri pa vanhu ava watove nazvo iwe.  Kasira kuziva zvaunazvo, pamwe zvinorapika. 

Chechitatu, hwisisa kuti mari yomumba mako yaderera budget, imwe yava kuenda uko.
Chechina, hapachina imwe zhira yokuvaka mhuri yako. Imba yatoputsika. Chero ukaregerera murume hazvichaiti kuti uzovimba naye kusvika mafa.  

Usatsamwa kusvika pakuenda kumba kweSmall House.  Ukaendako chokutanga ndechokuti unokwanisa kuwana kune umwe murume asiri wako.  Zvikaita saizvozvo iye nemurume ariko vese vanokukutsira.  Hakuna murume anoda kuhwa kuti mukadzi wake anohura noumwe murume.  Mufungwa dzavo vanoziva kuti Small House ihure rake asi kana zvataugwa achena haadi kuzvigamuchira nokuti zvinotaridza kuti  haana njere.  Njere dzake dzakawanda dzichiri muchombo.
Kana une solid Case zvokutukana nomurume kana kuita hasha naye hazvina kana basa. Zvokumubva kungodawo hako kuhwa kuti iye anoti kudii asi EXPERIENCE inofanira kukuudza kuti ukamubvunza anokuudza nhema.  Chaunoda kunyatsohwisisa kuti ane Small House here kana kuti haana.  Kana wahwa noumwe munhu iwe usina shuwa, zvichibva nokuti uri munyika ipi, enda unokumbira ma Private detective vanyantsomuongorora vakuwanire chokwadi.  Kana wava nechokwadi, usafunga kuti unokwanisa kuita COMPETITION ne Small House. Hazviiti. Chero ukada kuita murume haafi akasiyana ne Small House yake.  Kana vari vese iwe unoita SUBJECT yemutauro wavo kubva pakuti
  1. Hauhwisisi zvinhu zvakapusa kuhwisisa
  2. Haudi vabereki vake
  3. Haugezi
  4. Haudi kuvata naye
  5. Haugoni kubika

Hapana kana chimwe chete chiri positive pane zvaanenge akaudzwa.  Kana ukatukana nomukadzi uyu unotoudzwa zvakawanda zvaunoita zvausingazivi wobva wawedzera kugumbuka.  Iye anenge akaudzwa nomurume wako.

Funga zvokuita. Kana uchimuda akadaro kuti iwe uite vahosi,  zama kuti mese muri vatatu musangane muhwisisane.
Kana usingadi kuita vahosi, udza hama dzako, nedzake, Kana vana vapfuura 12 vaudze.  Kana muchienda kuChechi udza  mufundisi.  Udza shamwari dzake nedzako.  Zvadaro tora twako, nevana uende. Kana usiri muZimbabwe taurira murume abude mumba menyu.

Usafa wakafunga kuti murume acharega kuhura. Hazviiti. Kana musina vana usatambisa nguva naye.  Buda uende uye usacheuka.

Wabuda kudaro zvibvunze kuti nyaya yako yakakanganisika papi. Pakusarudza, pakugarisana, pakuvatana, kana kuti papi. Kazhinji mhosva yako ndeyokutadza kusarudza. Usanyengana noumwe murume kusvika wahwisisa maWEAKNESS ako.
Kugwirana murume ahura is a HUGE MISTAKE.  Rega umwe munhu auye kuzokutikira murume wako iwe usatuka munhu anyaya yomurume wako. Une Legitimate Case pakuti murume ndewako. Usazviita hure rinopopota muSTREET nenyaya dzevarume. Ratidza unhuwotonhodza chifuva woita zvinoitwa kuchengetedza upenyu hwako nehwevana vako.  Kana murume akakubata ROUGH zvadai kasira kumusungisa. Zverudo pakadai hazvichina basa. Watoruza murume. Kana une chigwere, wawana evidence yokuhura kwake unomusingisa kusvika Court yafosa hure rake kunotestwa kutaridza kuti ndiko kwabva siki.

Kana uri munhu asina SELF CONFIDENCE anotya kusiya murume akadai, asingahwisisi kuti anokwanisa kukuuraya nechigwere, chiita musangano nomurume nehure rake uvati vese vaende kunotesitwa vagoroorana mese mugare pamusha.  Ndiyo Logical Conclusion yekusabvapo. Zviri nani anzi mukadzi wemunhu pane kuti arambe ari hure agouraya mese.

Kana usina kumborhipota nyaya dzeVIOLENCE mumba kumapurisa usatanga zvokurovana nomurume nokuti akakukuvadza nyaya yacho inonetsa kuCOURT. Nyaya dze DOMESTIC dzinoda pane record kare kumapurisa.  Usakangamwa kuti anenge atova nenguva refu asingakudi. Hakuna munhu anohura neMISTAKE.

Chifunga kuti unoriritira vana vako sei. Paunoparadzana nomurume wako, varume vakawanda vanofunga kukupfidzisa nokukusiya wakadaro nevana. Haafungi kuti vana ndevake uye vanoda kuriritigwa. Unotohwa achiti “Kana vana vari vangu achadzika pano navo.”  Usati wabva pamba, kana ukaongorora ukaona kuti hauna mukana wekuriritira vana, taura nomurume kuti wava kuenda asi vana wombosiya kusvika wawana pekuvachengetera.  Enda kunotsvaka pekugara paunogona kubhadara.

Ukasiira murume mwana, vana, ndipo paunohwisisa kuti hazvifanigwi kuitika kuvana vawakazvara.  Wega unozviona kuti hazviiti. Kana wabva usanyebegwa kuti dzoka. Unofa.

Murume hure haana kumbosiyana nomukadzi hure. Vese vanozvarisa vana vane zvigwere.

Udzai Vamwe!!!



Wednesday 22 August 2012

Kubikirana mumba.


Chimwe chinhu chinodiwa pamunhukadzi kugona kubika. Kubika chaiko hakunetsi zvachose. Unofanira kungoziva kuti chinobikwa chacho nhasi chii uye chinobikwa sei.

Chokutanga pamubiki kuziva vanhu vauri kubikira uye kuti chii chavanoziva pakubikigwa. Kana uri muroora akachenjera, ongorora kubika kwamai vomurume wako. Ukahwa murume achiti mukadzi wake haagoni kubika, anoreva kuti haabiki semabikire anoita mai vake kana kuti haabiki zvinobikwa namai vake. Mukadzi akachenjera anopota achibika zvinhu zvaibikigwa murume namai vake achiri mwana mudiki. Murume wangu anofarira nhopi norupiza. Patakaenda kuZimbabwe ndakadzidziswa kubika zvinhu zviviri izvi. Hino kuno nhopi inonetsa kubika nokuti hakuna mashamba, asi ndakawana mukana wokubika rupiza nokuti nyemba hadzina kunyanyosiyana nebhinzi. Saka ndobika nebhinzi. Zvinotonaka kupfuura kubika nenyemba.

Kumusha kwedu takakura tichiudzwa kuti munhu anodya achiguta anofanira kungew akakora. Izvi zvaaitiswa nokuti vakawanda vakaonda nokushaya zvokudya zvakakwana. Chokwadi ndechokuti kukora hachisi chinhu chakanaka. Ukatarisa Inonzi BMI uchaona kuti AVERAGE BMI kuZimbabwe iri pakati pe 18 ne 22. Vanhu vekuZimbabwe vanofamba neshoka, vanorima minda kana gadheni, vanoita mabasa. Hino tinoti tauya kune dzimwe nyika towana vanhu veko vachidya machipisi ne nyama inosiririka mafuta tofunga kuti ndiko kudya kwakanaka totanga kubikira varume vedu izvozvo

Napo napo unoona murume iota chidumbuzenene, iwewo mubiki woita ano mazigaro enge shure kwebhasi rokwaKukura Kurerwa, dumbu kunge une mimba, woti ukatenga shangu tsva nhasi dzenge dzabvaruka kwapera mwedzi umwe chete nokuremegwa. Mumba hauchakwanisi kukwira murume nokuti unorema.

Vakawanda vanofunga kuti zvokudya zvenyu mumba zvinokwanisa kuwedzera rudo pakati penyu. Ndoda kumbotaura nenyaya iyi takarerekera kuzvingu zvinoti

Balanced Diet inodzivirira zvigwere
Kugona kubika chinhu chakanaka chose. Pautano hwemhuri. Ziva kuti chinohi balanced diet chii. Ukatarisa zvese zvakanaka kudya zvaunokwanisa kubikira mhuri yako uchaona kuti zvakawanda zvinowanikwa munzvimbo yaunogara.


Mukaka
Mukaka, Chizi, neYogati, zvinosimbisa mabhonzo emuviri. Umwe noumwe munhu anofanira kuzviwana ziuva rimwe nerimwe. Vamwe vanomwa mukaka mu Tii, vamwe vanongomwa mukaka wakadaro. Hwisisa kusawanzisa mukaka kuvanhu vakuru nokuti unokwanisa kukonzera chigwere chomoyo.

Nyama dzeshiri nehove
Ona kuti mhuri yawanawo nyama yeshiri nehove. Shiri dzinodyiwa dzakaita sehuku, kwirimbha (hangaiwa), gwari, hanga, jesa, garikuni,
Kune vamwe vanodya shiri dzakaita semadhadha nemasekwe, asi shiri idzi dzakakoresa zvokuti hadzifaniri kudyiwa.
Shiri dzisingadyiwi usadzibikira mhuri nokuti unokwanisa kuhi uri muroi. Zizi, kondo, gondo, mukwasi, chiremwaremwa, dendera, gunguvo, gora, dahwa, funye,  siyana nadzo.

Hove dzinodyiwa dzinoonekwa nokuita makwande uye anohi ma FIN pachirungu. Kana hove isina makwande zvoreva kuti yakasikwa kuti isuke nyika  (Scavenger) zvinoreva kuti inodya zvese zvese zvine svina saka iwe usaidya.

Mafuta anowanikwa muhove dzine makwande akanakira muviri.

Kune vamwe vanoti musadyz ganda reshiri saka pakuuraya huku munofanira kubvisa ganda mopa imbwa.
Kwahi musawanza nyama idzi pazuva asi kuwanzodzidya mazuva akawanda. Paunoidya ingoita ma 80-100 grams  panoumwe noumwe munhu mukuru.  

Mhodzi dzinemakanda
Nzungu, pizi, bhinzi, ma Arimondi, ma Hezero, ma Sanifurawa. Zvese izvi zama kuzviunza mukubika kwako nokuti zvinopa IRON ne ZINK. Zvinova zvinhu zvakakosha chose pamuviri wemunhu, zvikuru kana ane mimba. Wana mukana wekuti mhuri yako izvidye

Michero
Mhuri yese nagaigarodya michero yakasiyana siyana. Kune michero inonetsa kuwana iri FRESH vokuti inongotengwa yakaomeswa chete asi uchaona kuti michero yakaomeswa yakatochipa kupfuura iri FRESH. Kana une nzvimbo yokusima miti, kasira kuti wava neimba yako wosima miti yemichero kuti vana vawane michero yacho. Kuvanhu vanogara kunyika dzinotonhora dzakaita se Europe, zvinonetsa kuva nemiti.

Zvomu Gadheni.
Kuziva zvokubika zvinobva mumagadheni chinhu chakanaka chose. Bika muriwo wakaasiyana siyana pavhiki imwe neimwe. Muriwo une maCHEMICAL anonzi ma Vitamin, nemamwe anonzi ma ANTIOXIDAnta anosuka muviri kuti maOXIDANT asawandisa.

muruwo wakasiyana siyana
manhanga
Magwiri
Carotsi
bitirutu

Whole Grains
Pakubika siyanisawo zvaunobika sadza reupfu hwemabagwe, hwezviyo, hwemapfunde, hwegorosi, mupunga, poriji dzakasiyana siyana, ma CEREAL, supageti. Kana uchizvitenga tarisa kuti pakanyogwa kuti WHOLE MEAL. Usatenga upfu hwakaita se PALENTA hwakabviswa makanda nokuti hapana chauri kudya ipapo kungotambisa mari.

Balanced Diet yaperera pano


Zvinodiwa nomurume pakudya. 
Murume mumba anokwanisa kuva munhu anoda zvinhu zvisina kufanirana nomuviri wake. Iwe mukadzi basa rako kuona kuti pane nguva dzaanowana zvaanofarira kudya asi uchionazve kuti awana balanced diet kuti utano hwake husadzikira. Varume vakawanda vanoda zvaibikwa namai vake. Pota uchimubikira zvinhu zvacho asi uchiona kuti zviri paPROGRAMME YAKO yokubika zvakanaka. Toti murume anofarira aya anohi mazondo ane mafuta asiriwo. Unokwanisa kumboabika toti kaviri pamwedzi kuti angoadyawo hake nokuti anoafarira.
Kana une murume anomwa doro unotofanira kuona kuti adya zvakanaka mazuva ese. Kana mhuri yake ine chigwere che DIABETES, wotochenjera kuti haaiti muviri mukuru uye anodya zvakanaka nokuti akaita DIABETES unonetseka naye.

Zvinodiwa nomukadzi pakudya
Iwe ndiwe MANAGER wekubika saka unokwanisa kungobika zvaunoda chero musi. Ndipo pane danger ipapo nokuti zvaunoda iwe zvizhinji wakabva nazvo kumba kwenyu. Hwisisa kuti zvaunoda iwe handizvo zvakanakira mhuri nguva yose.


Kubika kana mai/baba varipo
Kana pana vabereki venyu kana umwe wavo wekumurume kna mukadzi, musaita zvamunosiita vasipo. Kana murume achigarobika, murume haabiki kana pane mubereki chero hazvo mubereki ari wechimanjemanje. Magarire edu isu vatema anotevera imwe mitemo isina hayo kunyogwa pasi asi yaitofanira kunyogwa pasi nokuti vamwe vedu havaizivi. Kana pane mubereki mukadzi asingagwari ngaabike. Kana mada zvechimanjemanje chiendai ku restaurant monody ikoko mose nomubereki nevana muchionawo kuti hamushandisio mari yakawanda, nokuti zvinozokupinzai pane dzimwe nyaya.

Kuramwigwa zvokudya kunorevei?
Ukabika zvaunofunga kuti zvakanaka murume akaramba kuzvidya achiti wakanganisa chimwe chinhu pakubika kana kuti chinhu chisinei nokubika, Zvinobhowa zvokuti. Kune varume vanofunga sezvana zvidiki kusvika pakuti haagoni kuona kuti nyaya dzisina wirirano hadzivhenganiswi. Anenge achida kuti utange wagadzirisa imwe nyaya, kana kukufosa kubvuma kuti ndiwe mukadzi usina ma HUMAN RIGHTS mumba menyu, kuita sokuti hauzvizivi. Iwe ndiwe unofanira kuongorora nyaya kuti iri papi. Kana asina kurasa zvawabika mubhini, tora ufunhire uise mufiriji. Kana zhara yaruma achamuka odya. Kana akabuda mumba akaenda kwaaenda asina kukuudza, musiye akadaro kusvika adzoka. Iwe ramba uchibika semazuva ese, iye achingoramba kudya.

Kazhinji anenge adya munzira kubva kubasa, abva mukutenga chikafu kumusika chabikwa zuva risati rabuda ndokuswera chakadziiswa pamoto wehuni dzokutenga usingapisi. Anoona sokuti kuzvipinza padambudziko rokuda kuita FOOD POISONING zviri nani pane kungobvunzana nyaya nomukadzi wake yopera vodya vese sadza rabikwa ipapo. Nyaya dzakadai kazhinji dzinovhengana nenyaya dzerhoji zvokuti unoona murume ovata akakufuratira kuita sokuti iye ndiye ave mukadzi ari kuda kuiswa neshure. Vanhu vanofunga seinga seizvi vanonetsa kuvaka musha navo nokuti havasati vakura mufungwa. Ukaona nyaya dzawanda mumba kudai kana uchikwanisa kumbonoshanya kumba kwamai vake imboenda kwemazuva maviri. Wozodzoka murume atonhora nokuti pakadai chero ukakumbira ruregerero unoona kuti hazvishandi.

Kudzidza kubika zvokunyika yomurume/mukadzi wako
Kana murume/mukadzi wako achibva kune imwe nyika Sokuti wakaroorana nomunhu weku Botswana, RSA, Zambia, Malawi, Moza, kana imwe nyika, kasira kudzidza kubika mabikire avanoita kwavo, iwewo udzidze kudya zvavanodya. Kana wakawanikwa neweku China anodya zvinhu zvakaita sembwa, nekiti, nenyoka, ndiye wawada iyeye, chitodzidza kudya zvaanodya.  Kana ukatadza wodzidza kumubikira.

Ini handidyi derere chero zvodii. Rinondisemesa. Asi murume wangu anorida chose. Ndikatoona kwarinotengeswa ndoritenga ndomubikira odya ega. Anotofara chose kuti awana derere asi ini chero kuti rinonaka sei handizivi.

Zvinoiswa muzvokudya kuwedzera zemo.
Pane zvokudya zvaunokwanisa kushandisa pakubika zvinoita kuti murume awedzere zemo. Handisi kuzozvinyora pano nokuti vamwe mungangopedzisira masiya nyaya ye Balanced Diet mongobikira varume zvinhu zvishomanana. Asi kungoti uzive kuti zviriko zvinoshanda panyaya iyi, zvinoda kuti musi wawarongera murume kuti mumbowedzera mufaro wemuviri, womuisira muzvokudya.

Kana mari isingakwani zvaunoda.
Pamwe munoshaya mari yokutenga zvinhu zvinovaka muviri. Pakadai ziva kune musika unotengesa zvinhu zviri Fresh uye zvisingadhuri. Kana mwedzi wapfuura pakati asi usati wapera, inguva inonetsa kuvimba neBudget.

Kudzivirira kutambura kwemhuri, kana matambira, kasira kunotenga zvokudya zvinopedza mwedzi wese, zvikuti nyama, upfu, mufushwa, Flour, munhu, shuga, mupinga, dovi, bhinzi, huni, Cooking oil. Zvimwe zvakaita somuriwo, kana usinawo mugadheni, wotowirirana nevanawo kuti ugiobvumigwa kukwereta. Ukuwo mukaka, nechingwa kana zvisipo azvipo, munobika poriji. Nezvimwe zviripo.

Usajaira kupa mhuri yako tii nechingwa paBREAKfast nokuti hazvina FOOD value yakakwana. Nyaya yokudya chingwachakazara majarina nokumwa tii yakatanga kumamisha kuvanhu vasingahwisisi nyaya ye BALANCED DIET.  Hino vamwe vanhu ndokufunga kuti zvinoratidza kugara zvakanaka ndokutevedzera kusvika nyika yose yongoita izvozvo asi hazvina musoro. Pota uchibikira mhuri zvinhu zvinovaka muviri.

Varume
Murume ane mukadzi wake waanoda anofanira kudzidza kubikawo. Kana ukasara wega nevana, unofanira kuvabikira zvinovaka muviri.
Kana mukadzi wako akagwara unofanira kubikira mhuri.
Kana mukadzi asipo musina vana unozvibikira zvinofvaka.
Kana mukadzi aswera kubasa iwe uchida kuzoshandisa ENERGY yaasara nayo pakunovata unofanobika kuti asvikoita basa shoma.
Zvakangofana nokuti kana usipo iye anotema huni.

Varume dzidzaizve kuti kan une mhuri, mamwe mazuva imbotorawo mhuri yako muende kundodya kudzimba dzekudyira (restaurant/café/take away) kotizve umwe musi ingoudza mukadzi wako kuti ndiwe uri kubika, wobika uchifara wommudza kuti ngaambozorora. Kana kumba kwenyu makoka vamwe kuti vazodya, batsira mukadzi wako kubika nokugadzirira. Usakoka vanhu kuti vazodya kumba kwenyu. Kumbira mukadzi wako avakoke iye muridzi wemba.

Kupedzisa
Nyaya yokubika nokugona kubika inyaya huru chose zvokuti muroora wese anofungigwa kuti agone kubika. Kubika kunokwanisa kufumura mese iwe nomurume wako. Kana mukashanyigwa ukabika zvinhu zvisingadyiki, nyaya yacho inonosvika kunyika dzakawanda.  Ndoosaka ndati kasira kudzidza mabikire emhuri yawakaroogwa, zvikuru vachibva kune imwe nyika.

Utano hwemhuri yako huri mumaoko ako panyaya yokubika. Zvigwere zvakawanda zvinoitiswa nemagarire edu nezvatinodya mudzimba. Ukatadza kuhwisisa nyaya yezvokudya mumba mako watotadza kuhwisisa zvakawanda.



Udzai Vamwe!!!!!

Tuesday 21 August 2012

Kufunga kwevarume vasina njere.


Kana wada kuziva kuti uchazvara vana vane njere here kana kwete, ongorora mafungire emukomana wako waunoda kuroorana naye uhwisise kuti vana vako vachava vanhu vakaita sei muupenyu hwavo

Murume ane njere shomashoma anofunga seizvi:

  1. Mukadzi wangu akangofanana nomwana wangu.
  2. Mukadzi wangu haafaniri kumwa doro sezvandinoita ini nokuti akadakwa angangozoda mahurerume sezvandinoda mahurekadzi ini.
  3. Mukadzi wangu haafaniri kuita mimba noumwe murume nokuti hazviiti kurera mwana asiri wangu sezvandinoita mwana weSmall house asiri wangu.
  4. Mukadzi haafaniri kuita small house yake seni. Ini ndiri murume, iye mukadzi.
  5. Mukadzi wangu haafaniri kudzidza kundipfuura nokuti varume chete ndivo vanofanira kudzidza.
  6. Mukadzi wangu akawana basa rine mari kupfuura rangu anofanira kuriramba. Akapiwa Promotion anofanira kuramba nokuti hazviiti kutambira mari yakawanda kupfuura yangu.  Akabvuma totorambana.
  7. Mukadzi wangu haafaniri kudhiraivha mota nokuti anozobuda mumba ndiri kubasa oenda kuzvikomba.Bheta zvikomba zviuye kumba kwedu kana ada zvikomba.
  8. Mukadzi wangu akandisiya nemwana, mwana akasvibisa napukeni, ndomirira mukadzi adzoke mwana achingochema nokuti vakadzi chete ndivo vanochinja manapukeni.
  9. Mukadzi ndiye anofanira kubika chero zvodii. Akagwara ndotonodya kumba kwe Small house iye oona zvokuita. Kana akatadza kuzvibikira imhosva yake. Hameno mai vepaNext door kuti vangamubikira here.
  10. Mukadzi akaita FACEBOOK account yandisingazivi PASSWORD yayo anofanira kurobwa. Ini chete ndini ndinofanira kuita Facebook Account yokutaura navasikana vangu.
  11. Mukadzi wangu haafaniri kuvata naGarden Boy sezvandinoda kuita na House Girl. Handizvibvumiri.
  12. Mukadzi wangu akandirova musi umwe chete ndinomuramba. Ini ndikamurova anofanira kundiregerera chete. Ndozomurovazve vhiki inouya. Imhosva yake nokuti ndikasauya kumba anondibvunza kuti wange uripi.
  13. Mukadzi wangu haafaniri kupfeka dhirezi pfupi nokuti vamwe varume vanozoona makumbo ake. Ini chete ndini ndinobvumigwa kuona makumbo evakadzi vane madhirezi mapfupi.
  14. Mukadzi wangu haafaniri kusvuta fodya nokuti inonhuwa. Fodya ndeyedu isu varume. tisu tinofanira kunhuwa chete.
  15. Mukadzi wangu haafaniri kutaura chinhu padare nokuti haana njere sedzangu. Mai vangu nehazvanzi yangu ngavataure asi mukadzi kwete.
  16. Mukadzi wangu anotoziva kuti mari yandinotambira ndeyangu, inotambigwa nomukadzi ndeyangu, saka kana ndada kunobhadhara RENT ye small House yangu zviri kwandiri. Kana asingadi ngaaende kwavo.
  17. Handitengeri mukadzi madhirezi akanaka, nokuti  zvinoitisa kuti awonekwe navamwe varume.
  18. Handiudzi mukadzi kuti ndinotambira marii.
  19. Handikwiri mukadzi  wangu paanoda kukwigwa, angazondijairira. Ndoita pandadira inini.
  20. Dai ndine chombo chikuru dai ndichigutsa vakazi vandinovata navo.
  21. Ndakamukwiira akasura zvinoreva kuti akanakigwa chaizvo. 
  22. Ukahwa munhukadzi chikuudza kuti haasi kuda kuiswa, zvinoreva kuti ari kuda kuiswa. 
  23. Kana mukadzi achiramba kubvisa bhurugwa rake,bheta ndiribvarure
Murume anofunga chimwe chete cheizvi haasi munhu wekuti kana wakachenjera uroorane naye. Asi kana iwewo wakazvagwa nababa vasina njere uchidazve kuti kushaya njere kuitewo muvana vako IN Honour of your Dad, Then chiitawo saizvozvo. Varume veChiZimba vane njere vakawanda chose zvokuti unokwanisa kuzvisarudzira munhu ane njere chose. Asizve hwisisawo kuti ivo vanosarudza vakachenjera nokuti anodawo vana kuti vazenge vakachenjera. 

UDZAI VAMWE!!!!

Monday 20 August 2012

Nyaya dzinorambanisa vanhu pamusha

Pane nyaya dzakawanda dzinoitisa kuti vanhu vapokana pamusha. Ndichada kumbodzitarisa. Ukadzingwarira nyaya idzi unoita upenyu huri nani.

Kusagona kutaurirana. 
Mese munokasira kuhwisisa kuti anenge ane chaanoziva akasaudza umwe kana kutaurirana pamusoro pacho, zvinoita kuti kuziva kwake kumuitise zvinhu zvinounza bopoto mumba. Zvinhu zvese zvomumba zvinoda vanhu vakasununguka pakutaurirana, kuti zvifambire mberi. Kune vakadzi vanoshora kuhwisisa kwevarume vavo zvcokusvika pakungoita zvinhu mumba murume asingazivi, ongozoerekana zvaitika. Akada kubvunza otukwa kuita sokuti chimbwanana chamwa mukaka wemwana. Murume anoits imwe FRUSTRATION yokuti akangoita shamwari anoiudza zvese zvemumba ofumura CONFIDENCE yomusha wake.

Ukuwo kune varume vanongoti chaafunga otoita, Mukadzi anongozoona ngoro yava pamba yakweretwa kumupositori anogadzira ngoro. Iwe kutoda kubvunza kuti ko mari yokubhadhara ichabva kupi, murume ototora chitirobho orova mukadzi kwahi ita zvako zvomumba, zvokungoro nemombe ndezvangu. Ko kungoudzawo mukadzi kuti pamusha panodiwa ngoro saka ndoda kunoikwereta kumupositori, tozobhadhara tatengesa magwavha kumusika zvakaipeiko?

Kana mukatadza kutaurirana zvinhu zvakawanda, munogara makangopokana chete. Kana une chaunacho pamoyo, gara nomukadzi/murume wako mumba mutaure pasina kupopota kana kukonana. Deredza hwi rako muchitaura. Hwisisa kuti umwe wako ane fungwa dzakewo uye dzimwe nguva dzinosiyana nedzako.

Mari inouya mumba
Nyaya yemari inokonanisa vakawanda. Izvi zvinoitiswa nokuti mari inenge iri shoma. Kana umwe chete achishanda asingashandi anenge odawo kuti aonekwe somuridzi wemari mogara pasi mese moita BUDGET yenyu. Zvino uya anoshanda akada kuti mari ndeyake ega, zvoitisa kupokana.

Kana muchishanda mese munokwanisazve kupokana pakuti vamwe varume vanoti mari inotambigwa nomukadzi ndeyavo. Mukadzi haana chake pamusha. Kozoitazve vamwe vakadzi vasingambodi kuhwa kuti mari ndeyenyu mese. Anongoda kupiwa mari nomurume, yake achitenga zvaanoda nayo.

Garai mahwisisana musati maroorana kuti munofungei nenyaya yemari inouya mumba menyu kana mukaroorana. Mukaroorana muchizivana zvoreva kuti ndizvo zvamada. Kwete kuzoti mese mava kushanda, mochitanga kutukana kuti ndiani anobhadhara Bill remagetsi.

Mari ikatambiswa hakuna anokangamwa nyaya yacho. Mukaroorana ukapinzwa chikoro nemari yekushanda kwemurume vamwe varume havahwisisi kuti maroorana mari ndeyenyu mese. Anoti ndini ndakakupinza chikoro nhasi wava kundishainira nemari yako. Kupinza mukadzi chikoro kuti musha wenyu uite nani pakushanda kwenyu mese.

Kugutsana pakuvatana
Hakuna nyaya inounza bopoto nokutsamwirana kupfuura yokuvatana. Unosvika pamba pemunhu wowanika mukadzi wepo akafundumwara sedzetse. Murumewo aenda kunoshanyira shamwari yake isina mukadzi, kuri kutiza mukadzi kwahi anofoya. Mukadzi ipapo haasi kuguta. Ari kungonyemudzwa chombo. Varume ve 5 minutes dai vachiziva kushungurudza kwavanoita vakadzi vavo dai vasingatombotangi nyaya dzokuvatana mumba.

Murume dzidza kugutsa mukadzi wako mumba. Mukadziwo dzidza kupa murume mazano okuti mese munakigwe nezvamunoita. Murume kana amboitawo effort, iwe chiratidzawo kuti murume ari kuzama. Ipa rukudzo kumurume anozama. Mupe manyawi kuti arambe achizama. Udza murume zvokuita iwewo uchiterera zvaanoda. Kana asingatauri, bvunza kuti "Baba Chimwana, ndodiiko ndoona sokuti hamusi kunyatsoguta, nokuti tapedza munongofuratira movata."

Ukamubvunza muri muLiving room iwe ugerewo pedo naye uchimutarisa mumaziso, anokuudza zvaanoda. Iwe chiporomisa kuita ubve watanga musi iwoyo. Kana usina kuguta usapopota, taurira murume zvokuita kuti ugute.

Varipo varume vasina rukudzo kumukadzi. Anoti akaona kuti hauna exprience seyake nemahure, anokuudza hauna kuraigwa saka chimbodzokere kwenyu unoudzwa zvokuita pakuvatana. Mazuvano vasikana vakawanda vanenge vasiri mhandara nokuda kwekutya kurambwa kuhi wanyima mukomana. Asi still vamwe vanozvichengeta variko. Ini sokuona kwangu kana mese musina EXPERIENCE chinhu chakanaka zvokuti. Munokura mese muchidzidzisana. Chinongodiwa kudzidza kutaura.

Kana murume achiziva mukadzi asingazivi, murume ngaaudze mukadzi zvokuita kusvika agona kwete kumusvodesa nokumuti ngaaende anoudzwa kwavo. Shuwa ungasvika kwenyu woudza tete kuti ndadzingwa nokuti handigoni kuiswa here? Kufumura mese. Udza mukadzi kuti aite chiuno achishandise mese munakigwe.

Chihure.
Hakuna nyaya inoitika mumba kuvanhu vakaroorana inotsamwisa sokuhurirana. Hakuna EXCUSE yaungapa inopa JUSTIFICATION pakuhura. Kuna uchida kuti munhu asazokuona somunhu akavimbika, tanga nyaya dzechihure. Hazvigoneki kuti uhure usingadi kuhura. Kuti murume/mukadzi ahure anototanga nokunyenga/kunyengwa noumwe munhu, zvadaro anobvimirana naiyeye munhu, vobva vabvisirana mabhurugwa. Hazvikwanisiki kuti uhure iwe usingadi kuzviita.

Tinoonazve vamwe vanobatwa havo chibharo. Chibharo hakusi kuhura, kumanikidzwa. Ukaudza mapurisa munhu akubata chibharo anotosungwa. Asizve kune vamwe anoti abvuma kubvisira murume wechihure bhurugwa, oiswa achitohwawo kunakigwa, ozoti vapedza opepuka kuti akanganisa obva anotaurira mapurisa kuti abatwa chibharo. Kana uri murume, usati wahura, hwisisa kuti kune vanhukadzi vakadai vanokusungisa.
Hakuna nyaya yechihure unowanikwa yakanaka pane zvinoitika pairi.

Kusiyana parutendo. 
Mazuvano vanhu vakawanda havatendi nezvaMwari. Kuvatendi machechi avo akasiyanasiyana. Dai zvaikwanisika umwe noumwe munhu airoorana nemunhu ane fungwa dzakafanana nedzake. Vanhu vanopinda chechi imwe voroorana muchechi mavo. Chinonetsa ndechokuti maroorana umwe anokwanisa kuona zvinhu zvakaipa pachechi yenyu iyoyo imwe chete obva ada kunopinda imwe.

Vanhu vakawanda, zvikuru vanozviti maKristu havadi kuzviverengera Bhaibheri. Vanoda kuterera zvarebwa namufundisi, iye achitori employee wechechi ane agenda yakewo. Ndipo panotangira nyaya dzese dzikupokana. Bhaibheri hanrinyanyi kunetsa kuhwisisa zvinodiwa naMwari.

Kana iwe uri mupositori, roorana nomupositori chete. Kana uri muRhoma roorana nomuRhoma, kana uri muWhisiri roorana nomuWhisiri, muchingodaro. Kuda mari nokuda zvimwe zvinhu kunokonzera vanhu kuiginowa rutendo gwavo pakunyengana, mozoda kuchinja munhu maroorana. kupopotedzana kotanga kuitika. Hazviiti kuti munhu akura ari muPositori aroorane nomuRhoma. Kutenda kwavo kwakasiyana chose.

Kana uchinyengana nomunhu, bvunzanai kutenda kwenyu sezvamunobvunzana mutupo. Pamwe munokwanisa kuti hazvina basa asi panozvagwa mwana mese muchada kuti mwana aite rutendo gwenyu. Ndipo panotangira nyaya huru ipapo. Kana iwe uri mukadzi anopinda Whisiri, Positori kana Savadha vasingamwi doro, unonobika doro pamusha wemurume wako MuRhoma/muDhachi sei?  Kana uri muSavadha asingadyi nguruve namagandari, unonozvibika sei pamusha wemurume wako?

Kuzvitsvakira nyaya yokukanganisa upenyu hwako. Tangai maita rutendo rumwe chete pakati penyu kana kuti mese hamutendi musati maroorana. Vanhu vakawanda vanoti rudo ibofu asi kunyeba chaiko rudo ibofu kune asingadi kuona.


Hama dzako nedzomurume/mukadzi
Hama dzomurume/mukadzi dzinokwanisa kukanganisa upenyu hwenyu. Unoona munhu angozvika pamba penyu otoda kugarapo. I papo mwedzi uri pakati, zvikwereti hazvina kubhadhagwa, mwana wechikoro ari kuda mari, Mota haina peturu, iye ari kuti enda neni kumusika ndinotenga mazai okunotengesa kumusha. Ipapo anoda mari yokutenga mazai acho asi Profit haazokupi.  Hama dzinoda management chaiyo. Kaya hama yasvika, usatanga kudembademba kuti mari hapana. Demba nechibhende. Iye kana akachenjera achaziva kuti mwedzi uri pakati. Isuwo ngatirege kuvhakashira vamwe mwedzi uri pakati. Ukafunga kunovhakasha tengawo tunhu twekuenda natwo kubatsira vamwe.   Usagara pamba poumwe munhu iwe usina income. Kana wadaro chiona kuti wavarerera vana, watema huni, wadiridza muriwo (tanga wabvunza bill remvura) watimba garden, wageza mota, etc kubatsirawo kuti vazorore.

Shamwari dzako nedzomurume
Pashamwari apo chenjerai kuti munoparadzwa nokusaona kuti PRIORITY yako iri kumba here kana kuti kushamwari. Mhuri yako inokuda kupfuura shamwari dzako dzemuraini kana dzekudoro. Ukaonaa shamwarii inoti waita chinhu chaunoziva kuti chakaipa iye wokubatsira kuvanza chinhu ichi pane kuti ange achikutsiura, munhu uyu haisi shamwari yako. Ndiye muvengi wako.

Toti waudza shamwari yako kuti wahura. iye ndiye anottanga kuchema kuti shamwari yake yakanganisa upenyu.Iwe wega unoona kuti wagumbura shamwarii yako. Iye anokutsiura kuti waitireii chinhu chakadai. Ndiye anotanga kukubvunza kuti washandisa here makondomu? Kana ukati kwete, iye anotaridza kugumbuka nokuti iwe ukafa anosara asina shamwari.

tti wamuudza kuti wafunga zvokuhura asi hausati wahura, anokuvaraidza agokuchengeta agokukumbira kuti uhwisise kuti zvauri kufunga zvakaipa. Kna atadza kukutsiura anokuudza kuti ukahura ushamwari hwapera nokuti haadi kuita shamwari yomunhu anohura.

Akaona shawari yako yepamoyo achikutsvakira munhu wekuhura naye kana kukubatsira kumukosva, zva kuti shamwarii hauna. Chitanga kutsvaka imwe shamwari ine unhu. Shamwari munhu akakoosha chose asi anfanira kuva munhu anovaka, kwete kuputsa.


Mbereko
Kukapera nguva pasina mbereko vanhu vanotanga kuona sokuti vakaita mistake kuroorana. Kasirai kundoonekwa muzive zvokuita nenyaya iyi. Kana mukadzi ange ari pamapiritsi, zvinokwanisa kuita nguva asina mimba. Murumewo kana achishandisa imwe mishonga kana kubhema mbanje anokwanisa kunge asingazvari. Chikuru hwisisa kuti inyaya inorambanisa vanhu. Murume anokwanisa kufunga kuti iwe hauzvari, iwewo uchifunga kuti iye haazvari. Mukanovhenekwa muunokasira kuudzwa kuti chii chakaipa pakati penyu mochigadzirisa.

Vashandi venyu
Nyaya dzevashandi dzapedza mhuri. Vasikana vebasa vanoonekwa sekuti mukadzi ava mumba saka changosara kuvata naye. Hino ipapo murume haazozivi kuti kunopfekwa kondhomu kana pava nechihure. Naponapo musikana webasa ototakwaira nemimba ya Boss wake. Nyaya dzese dzatokuipira.

Hwisisa maNEEDS emurume wako umupe zvese. Usatsvaka musikana webasa asiri munhu mukuru pauri chero zvodii. Unozvipinzira pakaipa uye kupa murume muedzo. Murumewo kana ada munhu wekuchengeta musha ngaatsvake mudhara abva zera, kwete chikomana chakagwinya chinofamba chakapfeka chikabudura zvidya zvichionekwa kusimba.  Musi waunotadza kumisa chombo mukadzi anorota achivatwa nechikomana chakasimba. Unobva kubasa wakapfeka suit yakahi La Gambini, inodhura, wowana mukadzi avhurira chikomana chaunotambirisa USD150 pamwedzi.

Musaisana pamuedzo. Funga usati waita zvaunoda kuita. Vasikana vebasa vatinavo mudzimba ave kazhinji tinavo kuti vepa NEXT DOOR vazive kuti tine mari asi NEED chaiyo hatina. Kana usingadi kusuka ndiro enda unotenga DISH WASHER, usingdi kuwacha, enda unotenga WASHING MACHINE. Uchatoona kutimichini iyi yakachipa kupfuura munhu waunofidha zuva nezva, uye michini haihuri nomunhu.


Kuzvirova dundundu pakudzidza nokutambira
Vakawanda vanoti akadzidza oona sokuti kudzidza kwake kuri pausoro pezvimwe zvese zvaari,  kutopfuura mhuri yake. Kana munhu achidzidza kuti azoitawo munhu ane mhuri yakasvinura. Mhuri murume, mukadzi, vana venyu, vabereki venyu mese. Onekwa kudzidza kwano pakuti wava kugona kuriritira mhuri yako. Kutaridza EXAMPLE yokuda mhuri yako. Hino vamwe vakadzi akadzidza ototanga kushora murume kwahi unongoramba uri maraicha sei ini ndava neDegree, Wava kundisvodesa. Chiendawo kuUniversity udzidze. Atokangamwa kuti murume ndiya akamushandira achitenga mabhuku ake achimubatsira kurera vana ambobva kubasa futi, kuti mhuri iite nani.

Taridza kudzidza nokugona mabasa ako kwete nokushora vaunofunga kuti havagoni. Murume wako ndewako chero akadzidza chero asina. ida murume wako zvaari. Iyewo achikuda. Usambomuita kuti ashungurudzwe nokukubatsira kwaakaita kuti udzidze. Kna achikusvodesa, mutengere SUIT dzinodhura nemari yawava nayo kuti pamunobuda aonekwe arimunhu ava pane chimwe chinhanho.

Kozoitawo varume vanoroora vakadzi vavaziva kuti vari pasi pasi pavo kuitira kuti kana oda kuita twake mukadzii ashaye mukana wekubvunza. Mukadzi wakadai haasii mukadzi chaiye kumurume akadai. Bheta kusaroogwa pane kuroogwa nomurume anofunga seizvi. uchatambura naye achikuona sekamwana kane makore maviri iwe uri mukadzi mukuru.


Kushaya mukuru pakati penyu, kuda kutonga.
Imba imwe neimwe ine mukuru pakati pemukadzi nomurume, asi chinhu chakangonakawo kuti mukadzi akudze murume wake. Hazvirevi kuti hausi manager wemusha. Zvinoreva kuti unopa murume CREDIT kuti murume wemusha. Kana muri vaviri unomupa mazano womurega achishandisa mazano aya iye somurume. Usashore murume wako. Murume munhu anofanira kugara ane CONFIDENCE yokuti ndiye samusha. Chero achiziva kuti ndiwe BRAIN yemusha rega azive ega asi iwe mupe rukudzo chete semurume wako. ngatihwisise apa vasikana. Murume akashaya CONFIDENCE mumba make panoitika nyaya dzakawanda dzausingadi.

Vana vane musikahwa
Varume vakawanda vanoti kana iye sababa vemusha akatadza kuranga vana vake unoona opomera mukadzi mhosva kwahi mwanasikana uyu akafanana newe asi iwe ipapo hauna kumboita zvemusikahwa. Pamwe mwana akafanana nambuya vake mai vababa vake. Tingazviziva sei. Iye sababa ngaarange mwana. Asi kuda kuwana mukana wekuramba mukadzi.

Kune umwe wandinoziva akaona mwana wake achifamba nomukomana vachitobva kuCHURCH vana ava, musikana wange ari muYEAR 3 kuUniversity. Baba vakazosvika kumba uturu hwehasha hwobuda nomumaziso chaimo ndokusvikorova mai vomwana kusvika vaenda kumapurisa murume ndokusungwa.

Vakazorambana havo asi murume akadzinga mhuri yese mukadzi navana 4. Iye ange ari Head teacher. Kwapera mwedzi miviri Deputy head  teacher ndokuzogarapo pamba paya. Ikozvino vakazofa vese. Uya mukadzi wekurambwa mupenyu hake.

Kana vana vakatanga musikahwa vanopokanisa vabereki zvikuru baba vasingagoni kurera mhuri.

Kuita Business remhuri.
kana munhu wechiZimba akangoita business rake vanhu votofunga kuti amba apa pane mari chose uye ndeyomurume wepo chete chete. Vakadzi vakawanda pamba pakangoita mari votoda kunoroogwapo nomurume wepo. Kana uchida kuhwisisa kufunga kwevakadzi vakawanda tora nyama nyoro iinyike mumvura ugoisiya pachitandamgare kune makore. Kudiwa kwainoita nenhunzi ndiko kudiwa kunoita murume ane bhizimisi nevakadzi muZimbabwe.  Havana basa nokuti akaroora kare kana kuti muDhikoni kuchechi.

Bhizimisi rinorambanisa vanhu kana vasina kuchenjera.

Kushaya nguva mese
Mukaroorana mukashaya nguva yamunoti ndeyenyu mese pamwe chete, munokasira kungoonana sevanhu vanogara muimba imwe chete asi musina RELATIONSHIP. Itaiwo nguva yamunopedza muchivaka rudo gwenyu. Toti mese munoshanda asi hamuna vana, wanai nguva yamusingashandi  mese mochirega kuipedza muchinoshopa kana kutimba gadheni. Sweraivo mese muchiita zvinoitwa nomurume nomukadzi kana vari vese. Kana gadheni ichida kutimbiwa tsvakai munhu anotimba mumupe mari yamapedza nguva muchishandira.

Mari norudo hazviwirirani. Pane mari yakawanda pane kupopota chete nokudadira vavakidzani nokufunga kuti mota dzakanaka ndidzo dziri pamusoro perudo. Munhu ita musha wakanaka asi ita BALANCE yacho pamhuri yako. Wanai Zuva ramunoswera mese pavhiki imwe neimwe. Musi wacho mononoka kumuka. Foni mombodzima kuti pasawana vanhu vanokunetsai. Kana une mota pamba siya waipaka kure zvokuti anoshanya akawana pasina mota anoti hamupo.

Kana mune vana musi uyu mese vabereki muripo nemhuri yenyu. Vana vanotarisirawo musi wacho. Movaitirawo zvakanaka. Kuenda navo kuPark, kutamba navo bhora, etc.

Mukasaita nguva mese hapana chamuri kuita muchapedzisira marambana chete. Zvakafanana nevanoroorana vogara munyika mbiri. Hapana zvazvinoreva. Garai mese pamwe chete. Ini hangu pane zvandakaona munyika dzandakagara dzinoti UK, SRA, Zimbabwe, handifungi kuti kune vakawanda vasingahurirani vachigara kwakasiyana.

Kuroya
Ukahwa munhu oudza umwe wake uroyi, chiziva kuti kune small house yava kuda kuroogwa naye. Iye ashaya chokukupomera nokuti hapana chawatadza asi asarudza Small house panewe saka kuti ungoenda pasina mhosva hazviiti saka ave kukupa mhosva yeuroyi. Fact ndeyokuti dai uchitoroya zveshuwa murume aitotya kukuramba nokuti waizokwanisa kumuroya usati waenda  Uyezve haaiita Small house nokuti hayaimuda kana ane mukadzi anoroya.

Truth ndeyokuti varoyi chaivo hakuna zvachose. Ukakwanisa kuroya ungaita millionnaire overnight. Imagine uchiita security company yako yevaroyi chete. Unoita 50 years pasina mbavha yambosvikapo.

Murume anotya kukuudza kuti haachakudi nokuti ave kuda kuroora hure anokuudza kuti uri muroyi.

Idzi ndidzo nyaya huru dzinopokanisa vanhu vakaroorana. Gara nadzo dziri mufungwa mako kuti ukaona dzapinda mumba ukasire kudziona ugoona zvokuita nadzo.

Kusagona kugeza
Kana wakaroorana neumwe munhu zvinoreva kutimunhu uyu achanhuwidza muviri wako zuva nezuva. Dzidza kurerusa zvaanonhuwidza. Pakunovata, enda kunovatta uchinhuwirirawo zvinofadza. Dzidza kugeza zvakanaka, zvikuru panzwimbo dzinodikitira. nyaya inoitwa nevamwe iya yokuzora mazai mambishi muvhudzi munhu oenda akadaro sokuti aitigwa matoto neshiri, haiiti kurudzi gwedu. Kana wada zvechiRHASITA, chinyyenganawo nevanobvako kwazvakabva vasinei nokunhuwa kwazvo. Vekwedu zvinovanetsa kujaira.

Pamberi pemukadzi kana pasina kuchengetwa zvakanaka panobudisa hwema. Kozotiwo chombo chemurume kana chisina kugezwa pasi peganda, paunomubata kuti unangsa chombo chake chichipinda, ukafunyungura ganda unohwa hwema hwegweme. Gweme rinoda vinegar kubvisa BACTERIA yacho inoriitisa pese pemukadzi nepemurume. Ukageza nevinegar mazuva maviri, unmboita nguva zvsina kutanga futi.

kana wabvva kumwedzi, imbogezazve nayo bacteria ibve.

Mazino geza usati waenda kunovata. Wogezazve pakumuka. Kutaura nomunhu anonhuwa mumuromo hazvinakidzi. Kuzoti ada kukukisa, haa bodo.


UDZAI VAMWE!!!!!


Kudanana nomunhu ane hasha

Ndoda kumbotanga nyaya iyi nokuti vakawanda vakadzi/varume vanorobwa mudzimba umu, vamwe vanotomboenda kunorapiwa asi vanodzoka kumba kuzorobwa zve mwedzi unouya. Zvinofamba sei izvi? Ndichada kuitaura.

Chatinoti DOMESTIC Violence Chii?

  1. Kutuka
  2. Kurova
  3. Kunyararira
  4. Kungoshora pese pese
  5. Kukonzera umwe kufunganya


Chii chinoitisa hasha?
Zvinhu zvikuru zvinoitisa hasha zvinoti
kusagona kutsanangura zvinhu zvaunoda kuti vamwe vahwisise. Kune varume vakawanda vasina inohi COMMUNICATION SKILL. Vazhinji vavo vane hasha. vanofunga kuti kurova munhu kunowedzera kuhwisisa kwake pane zvavanoda kuti zvihwisiswe. Munyika dzese mune vanhu vane hasha asi COMMON FACTOR yavo kusagona kutaurirana navamwe.

Kuona vabereki vako vachiita hasha. Mwana anokura achiona baba vachirova mai, kana ari mwanakomana, kazhinji achazorovawo mukadzi wake kana aroora. Vana vanodzidza nokuterera nokuona nokutevedzera. Kungoudza mwana kuti zvakaipa kurova mukadzi asi iye achiona baba vachirova mai hazvishandi. Baba munhu anoonekwa somunhu anopa EXAMPLE kuvana.

Musikana anokura achiona mai vachirobwa nababa anokura achifunga kuti kuva mukadzi wemunhu zvinoreva kuti unogarorobwa. Hino iwe murume wake ukasazimurova anokwanisa kufunga kuti haumudi.


Zvinogadzirika here?
Kazvhinji munhu anorova umwe kana kutuka kana kuita zvimwe, haachatogadziriki. Ukaone mukomana wako akuitira hasha, kasira kusiyana naye nokuti watoratidza kuti upenyu hwako huchafamba sei kana mukaroorana. Hazvigadziriki. Hasha zhinji dziri muropa. Chero akadii, umwe musi dzinobuda chete.

Kana waona hasha pamudiwa wako chii chaungaita?
Kana ari mukomana wako siyana naye nokukasira. Kana ari murume wako, akakuitira hasha mumba kasira kudana mapurisa asungwe. Usambofunga zvokuti unomuda chii chii. Kana uchimuda musungise nokuti pamwe achakasira kuziva kuti aita zvakaipa uye iwe zvakaipa hauzvidi mumusha. Ukasamusungisa nhasi, chitogara pedo neHosipitari nokuti uchaita customer yavo yepamoyo. Muno muUK Domestic Violence idambudziko guru asi ukaenda kuzvipatara, mwedzi umwe noumwe unongoona vakadzi vamwe chetevo vachizorapiwa. Vapora vodzokera kundorakashwa futi.

Vakadzi /varume vane hasha.
Hasha dziri kwese, vakadzi kana varume. Kune varume vakawanda vanorobwa navakadzi vavo asi vanosvoda kutaurira mapurisa. Zvakafanira kuti kana waitigwa hasha, kasira kuudza mapurisa nyaya imboenda kukoti mutongeswa. Kana zvikaitika kaviri siyana naye.


Hasha nokubatwa Chibharo mumba zvinoenderana.
Ukatarisa vakadzi vakawanda vanorobwa nevarume vavo uchawanazve kuti ndivo vakadzi vanowanzobatwa chibharo nevarume vavo. Pamwe unotoona kuti chakazoita kuti murume arove mukadzi ingari yokuti mukadzi airambira murume. Paakazorobwa ndipo paakazovhurawo makumbo ndokukwigwa achitochema nokugwadziwa. Asi vapedza hapana chakaitika kumurume uyu, kureva kuti paachadazve kuvata nomukadzi vaviri ava vanototanga vapopotedzanazve kuti murume awane matangire achibharo chake kumukadzi. Zvadaro mukadzi haachakwanisi kuzova nomutauro panyaya dzake.

Akaramba anorobwa. Akabvuma anoona sokuti ari kuda murume asina hanya naye. Saka pese apa paasingaudzi mapurisa achabatwa chibharo uye haanakigwi nokuvatana nomurume wake.


Zvinowanzoitika kana wasiya murume ane hasha.
Vakadzi vakawanda vanobva pamurume ane hasha vambogarapo makore akati wandei vanongozoda varume vane hasha futi. Zvinonetsa kudzokera kuCONFIDENCE yako kana wamboiruza nokuda kwemurume akadai. Zvakafanira kuti musi wekutanga kurobwa nomurume ziva chokuita nokukasira nyaya ichagadzirika. Hausi mwana wake kana imbwa yake yaanofunga kuranga. Uri munhu mukuru anotobvumigwa nomutemo kuvata nomurume. Hakuna mwanana anobvumidzwa izvi.

Udzai Vamwe!!!

Thursday 16 August 2012

Shamwari Dzechirume/chikadzi


Vashoma vanhu vanonyatsoziva kuti ushamwari hunobva pai. Chii chinoitisa kuti ukaona munhu ukataura naye mopedzisira mave shamwari? Ukanzi rondedzera kuti zvakafamba sei, unotadza kuzvirondedzera. Saka tikatarisa vanhu vanozviti ishamwari tinongobvuma zvavanoreva asi hatizivi kuti chii chinovabatanidza.

Kusaziva uku ndiko kunokonzera zvakawanda pavanhu vanodanana. Kana umwe wako akashamwaridzana noumwe munhu iwe ukasahwisisa kuti hushamwari hwavo hunobva pai, zvinokwanisa kukushusha pamoyo. Ukabvunza ukasawana mhinduro inohwisisika, uchatowedzera kushushikana.

Munhu wese ane shamwari dzake panguva imwe neimwe. Ukanyengana nomunhu nyenganai muchihwisisa kuti mese mune shamwari panguva iyoyo. Kana mukataurirana kuti munodanana uye muchirevesa, zvinoreva kuti upenyu hwenyu huchachinja.  Chokutanga iwe wega wongorora shamwari dzako wodzironga patsva wosvitsa shamwari yako itsva pamusoro pedzese dzimwe shamwari dzako.
Chechipiri kuudza shamwari dzako dzimwe kuti wava neshamwari itsva wovataridza vomuona votaura naye vachiziva kuti ndiani.  Iyewo anofanira kuta zvakadaro neshamwari dzake. Hazvifaniri kuti mapedza kutaurira shamwari, posara pane imwe shamwari yaunovanza kumunhu wawazvisarudzira kuti unomuda. Kana ukaona kuti pane shamwari yausingadi kuti umwe wako azive, zvibvunze kuti uri papi numunhu wawati unoda.  Kana pafoni pako pane munhu waunoti kana akafona iwe wotanga wabuda mumba kuti udavire foni, zvinoreva kuti mufungwa mako une CONFLICT yaunofanira kugadzirisa usati wanyatsodanana nomunhu wawati unoda.

INSURANCE:
Kune vakawanda vanoti paya achidanana nomunhu anotsvaka umwe munhu waanodanana naye kuti aite Insurance yokuti kana akarambwa nouyu onge ane umwe pedo. Munhu akadai akazikamwa mese muri vatatu munopedzirira marambana kana mune njere.  Kana musina njere, uchaona kuti vaviri ava vanoti uyu umwe ngaasarudze pakati pavo kuita sokuti imombe dziri paMARKET. Ndinombozviona kana mukomana ane vasikana vaviri unohwa umwe wacho oti mukomana asarudze. Kana wasarudzwa pakadai chitoziva kuti upenyu hwako hwava hwekuita SECOND CITIZEN kumukomana uyu nokuti watadza kufunga. Kana une njere tora twako uende. Mangwana acho tanga kuzvitsvakira mukomana ane unhu.

Chinotinetsa isu vakadzi ndechokusazvibata. Tinoda kuita sezvinoita vamwe. Kuda kuvata nomukomana wawaziva kwemwedzi miviri. Kutya kuti ukaramba kuvata naye anovata noumwe musikana. Kana achinovata noumwe musikana zvinoreva kuti haakudi saka iwe kuvata naye hazvikubatsiri chinhu.  uri kungozvichipisa chete.

FACEBOOK. 
Kune dzimwe shamwari dzisiri shamwari chaidzo. Sevanhu vaunosangana navo paFacebook vokuti kana ukabvunzwa kuti ndevepi hautombozivi. Vanhu ava vanhu vakasiyanasiyana asi dai waigara muSTREET imwe chete navo waishamwaridzana navo here? Haukwanisi kudavira mubvunzo uyu. Saka chinozokuita utaure navo zvinhu zvinokanganisa RELATIONSHIP yako nomukomana/musikana wako chii. Facebook inopopotedzana vanhu vakawanda nokuti umwe wako anenge ashaya kuti sei wava kutaura zvinhu zviri INTIMATE navamwe vanhu iye usingatauri naye zvakadaro asi ariye wako.

Foni
Kana muri mese ukaongorora zviito zvoumwe wako unokwanisa kuziva kuti munhu akaita sei. Anenge achiziva kuti shamwari dzinopokanisa vanhu saka kana akafonegwa muri mese akataura nomunhu iwe usamubvunza kuti ndiani awataura naye. Nyarara chete kusvika akuudza ega. Ukaona achiti akapedza kutaura odzokera panyaya dzamange munadzo kare asina kukuudza kuti ange achitaura nani, zvinoreva kuti pane shamwari dzimwe dzaasingadi kuti uzive. Iwe nyarara.

Iwewo ukazofonegwa ukasataura kuti ndiani uchaona kuti uya ambokunyararira anokasira kubvunza kuti ndiani awataura naye. Pakadai kana iye asingakuudzi iwe imbomira kumuudza nokuti pamwe hakuna kwamuri kuenda Uri kuita Investment pazvinhu zvisingashandi.  imbomira unyatse kuongorora.

Munhu asina zvaari kuvanza ega anokutaridza foni yake kuti uverenge maTEXT messages ake kubva kushamwari dzake. iwewo unomuratidza ako pasina akubvunza kuti Message yabvepi iyo.
Toti manyengana mava nevhiki imwe chete, iwe hausati waziva shamwari dzake dzese, ukaona iye achiti chero parira foni yako oda kuziva kuti ndiani, ziva kuti munhu uyu anoda zve CONTROL. Haakutirasiti zvachose. Munhu uya wokuti mukazoroorana anoti ukapinda mubhavhu osara achiverenga zviri pafoni yako. Ukanyoregwa tsamba unozosvika kumba yavhugwa kare yaverengwa. ukanonoka kumba unowana akakumirira pazhe, kwete kuti anotya kuti pamwe wakuvara asi kuti anoti wange uri kuchikomba. Usaroorana kana kudanana nomunhyu wakadai. Kazhinji akakura achiona vabereki vake vasingakudzani saka anofunga kuti ndizvo zvinoita vanhu vese.

Shamwari dzakare. 
Ukasangana neshamwari yako yausina kuona kwenguva mukambundikirana mumwe wako mutsva aripo, mozokwira bhazi yatova nyaya kwahi sei wamumbundikira. Dzira REACTION dzakadai kuti uzive kuti munhu uyu ndewekuroorana naye here kana kwete. Munhu asina Confidence yokuziva kuti unomuda haasi munhu wekupedza nguva naye.

Shamwari rume/kadzi
Kune vamwe vanhu vane shamwari dzechirume ivo vari vakadzi kana dzechikadzi ivo vari varume. Sezvandataura kuti hatinyatsi kuziva kuti sei uchida shamwari yakadaro,zvinogoneka kuita shamwari isiri werudzi gwako. Pakadai panokwanisa kushungurudza umwe wako nokusahwisisa kuti ushamwari hwenyu hunogumira papi. Ndinoona vamwe vasikana anopedzisira ave kungoti Bhudhi nhingi kushamwari yake. Ivo pakati pavo vane ushamwari hwabhudhi nasisi asi uya mukomana mutsva haachazivi kuti vanosvikepi. Panoita dambudziko. Kazhinji kana uchida kuchengetedza shamwari yako pane PROTOCOL dzinofanira kuhwisiswa.

Usati wada munhu imbobvunzawo shamwari dzako kuti dzinoti chii nazvo. Kana uri musikana une shamwarirume, imbodzibvunza kuti vanoti chii nenyaya yokuti wasangana nomukomana anokuda. Terera zvavanoreva. Pamwe umwe wavo anotokuda iye asi iwe unongofunga kuti ishamwari.  Kudanana nomunhu akatanga ari shamwari ndiko kudanana muchiziva zvamuri kuda zveshuwa. Saka kana pane anokuda pakati peshamwari dzako bheta kudana naye pane kutvaks mutsva.


  1. Usanyeya mukomana wako neshamwarikomana yako
  2. Usanyeya musikana wako neshamwarisikana yako. 
  3. Usavanza zvamataurirana neshamwari kumukomana/musikana
  4. Rega shamwari yako iitewo shamwari yemokomana/musikana wako.
  5. Kana shamwari yako ikakufonera rega ataure noumwe wako
  6. Mukasangana itai nyaya makasununguka mese. 
  7. Usawanza shamwarirume/kadzi.
  8. Usavhakasha kumba kwavo wega. 
  9. Usatengegwa zvinhu zvisingatsananguriki kuti sei zvatengwa. 
  10. Nyaya dzemaLIFT dzinonetsa kurondedzera. Gara uchiziva kuti panokwanisika kuita nyaya saka tsanangura usati wabvunzwa. 
  11. Usafunngira munhu zvausina EVIDENCE. 


Kana mada kusimbisa kudanana kwenyu, kana une shamwari dzapamoyo chero dziri rume kana kadzi bvunza dzese imwe neimwe kuti uri kufunga zvakanaka here. Uterere mataurire avo kuti vanorevesa here. Zvinosimbisa ushamwari hwenyu. Udzawo umwe wako andobvunza kuti azvihwire ega. Usamuudza zvawahwa iwe kusvika adzoka.
tese tinoda shamwari asi kune dzimwe shamwari dzinopokanisa vanhu. Zvikuri kana une shamwari isinawo mukomana kana musikana. Terera mataurire emunhu uhwisise kuti anofarira zvauri here kana kwete.

Udzai Vamwe!!!!

Tuesday 14 August 2012

Chombo kurambira mumukadzi

Kutadza kubuda mumukadzi
Pane nyaya inotyisa vanhu vakawanda yokuti murume anokwanisa kuti ari mukati memukadzi otadza kubuda orambiramo chero zvikadii otadza kubuda. Vamwe vanotaura nyaya iyi kutyisidzira varume vanoita zvechihure nevakadzi vevanhu. Zvinonzi kana wavata nomukadzi wemunhu zvinokwanisika kuti mapedza unotadza kubvisa chombo mumukadzi.

Kana tichida kutaura chokwadi nyaya yokurambira mumukadzi inoitika munyika dzese asi kuitika kwayo kushomashoma. Inyaya inoitika zvishoma zvokuti vanhu vakazvihwa vanotoseka kuita sokuti chinhu chinosetsa. Vamwe vasina njere vanomhanyira kufunga kuti paita mishonga  uye chihure.  Pane zvinhu zvakawanda zvinoitika muZimbabwe zvinohi ndezvemishonga. Chinozonetsa ndechokuti zvikaitika kune dzimwe nyika tobva tasha kuti mishonga yedu yakasvika sei kunyika idzi.

Kutadza kubuda mumukadzi kunoitika kwese kwese saka zvoreva kuti mishonga hapana. Pane chimwe chiri kuitisa. Zvinonzi kune vakadzi vane chigwere chokutadza kupindwa  nechombo. Murume anoti amira chombo ozama kupinza asi chitubu chinoramba kuvhurika zvokuti haapindi. Hakuna anonyatsoziva kuti zvinoitiswa nei asi kune vakadzi vakawanda vanazvo munyika dzakawanda.

Kozotizve nyaya yokuti kana dzimwe nguva muchirhojana mumba unokwanisa kuita CRAMP inotogwadza  chaizvo. Inokwanisika kuita mugumbo kana muchiuno. Zvinonzi izvo kana zvikaitika kuti unoita CRAMP murume ari mukati, CRAMP yacho yoitika pamasuro yemuchitubu chitubu chinokwanisa kushinya chombo zvokuti murume haabudi kusvika CRAMP iya yapera. Zvinogwadza mese panguva yamunenge makabatana kudaro.

Mushonga wacho kubaya jekiseni tokurerusa muviri. RELAXANT. Zvadaro CRAMP iya inopera murume okwanisa kubuda.

Kune vaya vakadzi vane chigwere chokusagona kupinzwa, Kwahi dzimwe nguva murume anokwanisa kupinda asi avamo chigwere chiya chotangazve. Chitubu chinoita SPASM chobata chombo zvokuti murume anotadza kubuda. Kana zvaitiswa neSPASM hazvinyanyi kugwadza asi murume haabudi kusvika SPASM iya yapera.

Mushonga wacho kubaiwa jekiseni rokurerusa muviri.
Pamwe makadaro mukatanga kuita henyu nyaya makamirira munopedzisira murume akwanisa kubuda zvichibva pakuti mukadzi arerusa muviri.

Koitazve vamwe vakadzi vanoita ma CONTRACTIONS akaita seekuda kuzvara mwana asi achiitiswa nokunakigwa kwemukadzi. Kana ari makuru anokwanisa kuti murume arimo otadza kubuda kwekanguva. Zvinonzi kune vakadzi vakawanda vanoita izvi. Kana zvaitika hazvigwadzi asi kungoti chitubu chinoshinya chombo zvokuti ropa riya rakazara muchombo kuti chimire haridzokeri kwarabva saka chinoramba chakamira, kusvika maCONTRACTIONS ese aya azopera.

Ndizvo chete zvinoitika panyaya iyi. Hapana mushonga. Hapana uroyi. Hapana masaramusi. Zvinoitiswa nokuti mukadzi aita CRAMP kana SPASM, kana CONTRACTION. mumasuro yechitubu. Izvi zvinoreva kuti zvinokwanisa kuitika mumba menyu pakati pemukadzi nomurume vakaroorana. Zvinotoitika munyika zhinji asi kuitika kwazvo kushoma. Dai pane mishonga dai zvichiitika mazuva ese nokuti vanhu vakawanda muZimbabwe vanohura.

Zvinogwadza asi kana musingadi kusvodeswa, zamai kutaurirana zvinoderedza kutya kwenyu kusvika mukadzi arerusa muviri. Adaro murume anokwanisa kubvisa chombomumukadzi.Kutya kuya kunenge kwabvisa kumira kwechombo futi.

Hakuna zvokuti zvinoitika zvoramba zvakadaro mazuva maviri senhema dzamunohwa vanhu vachitaura. Zvinokwanisa kuita awa yese hazvo asi kana mukadzi akarerusa muviri zvinopera.

Udzai Vamwe!!!!

http://www.huffingtonpost.co.uk/2014/10/23/man-stuck-inside-woman-sex_n_6033186.html

Monday 13 August 2012

Kupinzwa kumashure

(Iyi haisi nyaya yokufongoreswa, inyaya ye anal sex)

Nyaya yokupinzwa chombo kumashure handina chiedza chayo nokuda kwekushaya EXPERIENCE uye hakuna munhu akambonditsanangurirawo kuti zvinobatsirei uye zvinonakira ani. Pane abvunza nezvazvo saka ndati ndimbotaura zvandinozivawo. Kana uri musikana uchitanga kuuya kumurume, kuzopinzwa chombo kumashure hachisi chinhu chaunoita mufungwa. Unenge uchitoshushikana kuti kupinzwa kumberi kunofamba sei uye zvinogwadza here kana kuti uchakwanisa here kubvisira murume bhurugwa zvisingasvodesi.

Kuzoti wasvika murume okuudza kuti anoda kukupinza kumashure chinhu chaunenge usina kugadzirira. Pamwe murume wacho haakuudzi anongoti wafongora ozama kupinza pausingafungiri kuti achapinza.  Ndipo panoti chinhu chawanga uchiti chichakunakira chobva choita LOGISTIC PROBLEM.

Chokutanga ndechokuti kune vasikana vakawanda vanoita izvi nevakomana vavo kuitira kuti vasaita mimba uye kuti vasabva humhandara. Ndakambobvunza kuti vanowanepi vakomana vanobvuma izvi, zvikahi Kana murume ane chombo chimire haachina zvese zvokufunga kuti apa ndoda kupinza here kana kwete. Kana atobvumigwa kupinza chero panhu anopinza chete ozofunga apedza.

Kune vamwe futi vanoti murume anenge ari ngochani asi asingadi kuti zvizikamwe nevakawanda anofarira kupinza kumashure, zvokuti chero ane mukadzi mumba, anotomushusha kuti agare achidaro. Handina kumbosangana nengochani yekwedu saka handina zvakawanda zvandinoziva nezviito zvengochani. Kungotererawo vanhu vachitaura, uye ngochani dzekuno ku Europe ukashamwaridzana nadzo dzinokuudza zvese zvaunoda kubvunza asi dzinotaura nezveungochani, kwete zvemurume wemumba ane mukadzi.

Koitazve varume vanonyora vachitaura kuti vanoona zviri nani kupinza mukadzi kushure kupfuura kuchitubu nengari yokuti mukadzi ane chitubu chakakurisa zvokuti murume hapana chaanohwa akapinzako. Ichi chibhende chinoreva kuti murume ane kachombo kadikidiki, zvoreva kuti kupinza kushure kunoita ahwe kushinya.

Nyaya iripano ndeyokuti unoita sei kana murume akakuudza kuti ari kuda kupinza kumashure? Kana ukaona kuti anemasiriyasi nazvo iwe uriwe mukadzi wake unodii pakadaro?  idambudziko  rinonetsa kuhwisisa.

Chokutanga ndechokuhwisisa kuti ma BACTERIA ari kumashure akasiyana chose neari mberi muchitubu.  Kana chombo chatombomiramira kumashure usambochirega chichipinda kumberi. Unokwanisa kuzonetseka nezvigwere.

Chechipiri ndechokuti buri rokumashure idiki pane rokumberi saka ungangonetseka pakupinzwa chombo ikoko kuzhe kwekuti murume wako ane chidikidikiwo. Zvinoreva kuti unofanira kudzidza kurerusa muviri uye kuzora mushonga unoshandiswa nengochani unohi KY jelly asi wakagadzirigwa vakadzi vasingakasiri kunyorova muchitubu.

Chechitatu ndechokuti kana waita zemo kumashure hakunyorovi saka hakutsvedzi mukati nokuti hakuna oiri yerhoji. Unokwanisa kugwadziwa nazvo kwenguva yakareba kusvika wajaira. Zvinokwanisika kuzvijaira nokuti tinohwa kuti mumajeri varume vanopinzana kumashure. zvinoreva kuti vanozvijaira.

Chechina ndechokuti ndiko kunobuda netsvina yomumuviri wadya zvokudya. Hazviiti kuti ugeze mukati musati maita, saka murume anokwanisa kusangana netsvina ikoko. Hameno kuti mufungwa mako nomurume wako munoDEALER nenyaya iyi sei pauviri hwenyu.

Zvinonzi nyaya yokusanyorova  nenyaya yokuti buri idiki ndizvo zvinoitisa kuti varume vade kupinza ikoko. Kushinywa chombo kwacho kuri pamberi pane kwechitubu. Ndakaterera zvakadai fungwa dzangu dzinoti zvinoreva kuti mukadzi anohwa kugwadza.

Mukatsanangurirana zvinhu izvi mukahwisisana mukabvumirana, zvave kwamuri kuti muchadii. Kubvumirana kwevaviri vomumba hakutongeswi nevekuzhe. Vekuzhe vanozopindira kana pasina bvumirano kana kuti paita chigwere.

Ingohwisisa kuti maBACTERIA AKASIYANA saka usarega achipinza kwese asina kumbogeza pakati pazvo. Kana kuti murume opfeka kondhomu.

Ndodazve kutaura kuti kana murume achida kukupinza kumashure hazvisi zvemushonga. Munhu anongodawo izvozvo. Kana wakawanikwa nomurume anozvida, chitodzidza kuti woita sei naye. Kana wada kuzvipira kugara woona kuti wazvipirawo kuita zvido zvake. Hapanazve nyaya yokuti CULTURE YEDU haina zvakadai. Panyaya dzekurhojana, hapana chaunowana muZimbabwe chausingawani kune dzimwe nyika. Vanhu vakasiyanasiyana maitire avo munyika dzese. Vamwe vanoda ichi vamwe vachida icho. Nyika imwe neimwe ine

  1. Varume vanoda vamwe varume chete (ngochani)
  2. Varume vanoda zvese varume nevakadzi (ngochani dzinoda vakadzi futi) 
  3. Varume vanoda vakadzi chete asi vachizodazve kupinza kushure kupfuura kumberi
  4. Varume vanongoda vakadzi chete (ndiyo mhomho zvinji iyi) 
  5. Varume vanongoda zvana zviduku chete (vanohi ma PERVERTS vaya. Ukamuwana kasira kumusungisa)
  6. Varume vasingatombodi umwe munhu zvachose. 
  7. Varume vakajaidzwa zvinhu zvavange vasina sokuti akagara mujeri kwenguva akambopinzwa kana kupinza umwe kumashure. Abuda ozoda kuramba achidaro. Iwe wozoziva kuti akamboenda kujeri matoroorana. Hapana zvokuita. 

Vakadziwo ndizvozvo. Vane mhando dzakasiyana pane zvavanoda asi mhomho zhinji iri pane vanoda varume.

Umwe munhu anokuroora achida vakadzi ozoti ava munhu mukuru ochinja oda vamwe varume.

Kune vaya vanozviitira kuchengetedza humhandara kana kusaita mimba, kana wazowanikwa ukawana murume anozvida haunetseki nazvo.

Sezvandataura pakutanga, inyaya yandisina INFORMATION yakakwana pairi. Vanokwanisa kuwedzera kana kutapudza wedzerai tese tidzidze. Pane vamwe vedu vanotova nenyaya iyi mumba izvozvi tichiitaura pano. Murume ari kuda kupinza kumashure, mukadzi haazivi zvokuita nenyaya yakadai. kozotizve mukadzi ari kuda kuti murume amupinze kumashure asi haazivi kuti oudza murume sei. Kungomuka umwe musi woti murume ndiise kumashure unokwanisa kumuvhundusa. Asi kana uri kumwedzi murume akaita zemo risingaiti ungakwanisa kumukurudzira kuti apinze kumashure. Zvadaro akanakigwa nazvo mozoitazve mwedzi wapera wadzokera kumwedzi. Kana asingadi kukupinza kushure iwe uchida chose, mupfekedza kondomu nokuti mhomho yedu veruzhinji chatinorambira kupinzwa kumashure inyaya yetsvina. Saka kana wada kuti murume wako ajaire kukupinza shure tanga uri kumwedzi iye ane zemo womupfekedza kondhomu.

Chikuru kuhwisisa kuti usapinza ikoko wozopinza kuchitubu. Kana mada izvi motanga nokuchitubu mozopedzisira kumashure.

Ngatibatsirane mazano nazvo. Varumewo tipei mafungire enyu. Kana uri murume anoda izvi, jekesera vamwe kuti zvinobva kupi uye sei uchizvida chitubu chiripo.

Asi nyaya yokurhojana haina anonyatsohwisisa nokuti varume vanongoda chero panokwana kupinda chombo pamukadzi vanopinza chete. Kana murume amira chombo, fungwa yese inoenda pachombo zvokuti kufunga chaiko kwezvimwe zvinhu kunoderera. Uyezve tese tinoziva kuti murume pakuzama kupinza chombo anokwanisa kupotsa onangisa pasipo. Zvikuru murima ukafongora mafongorero ausingasiiti unohwa onangisa pasina pokupinza kana kuti pasipo. Pamwe ukamurega anokwanisa kutopinda. Musiyano kunyorova chete nokukura kwepokupinza.

Mukadziwo kana ane chombo mumaoko nharo dzinoita shoma zvokuti murume akamuudza kuti afongore haanonoki zvokuti murume akafarira kupinza shure, akakumbira, mukadzi anozokomburena vapedza, kuzhe kwekuti zvagwadza.  Ndizvo zvimwe chete nokunanzvana pamberi. Ukatanyanga musoro wemurume uku uchisveta chombo chake, anokwanisawo kukusveta bhinzi nokuda kwekuziva manakire azvo kwaari kuita nokusveta chombo chake kwauri kuita. Pakurhojana munongopedzisira maita zvinhu zvamusingaiti musina zemo. Ndizvo muchifanira kugeza musati mandovata. Pakugeza apa gezawo kumashure zvakanaka.

Mutemo hawo unoti:
1 Murume akapinza kumashure ngaasachipinza muchitubu asina kugeza zvakanaka nokuti maBACTERIA ari kushure akasiyana neari muchitubu zvokuti unokwanisa kubata zvigwere.

2 Zviri nani kana une murume anofarira kupinza kushure kuti mushandise kondhomu.

3 Kana uchihwa zvichigwadza paanokupinza kushure, enda undotenga LUBE inohi KY JELLY yokuzadza pachombo chake asati apinza. Zvinoita nani. Ndiyo inoshandiswa nengochani dzakawanda. Inowanikwa kumaChemist. Kana uri muEurope unohodha uri kumba kwako pa Internet, voita zvokuposita.

4 Kana wabvuma kupinzwa chombo kumashure, musi wekutanga unokwanisa kukunetsa, Shandisa KY jelly uyezve dzidza kurerusa muviri murume paanotanga kupinza.

5 Kana murume wako achizvifarira nokuda kwekuti ane chombo chidiki saka kushure kunoshinya, zama kuita nyaya yokusimbisa masuru yechitubu anakigwe nokuchitubu.

Pakupinzana kumashure dai mazama kushandisa makondhomu kuti musaita nyaya dzezvigwere pakuzopinzana kuchitubu. Zvikuru kana muchiri vechidiki (pasi pemakore 50 kureva kuti muchiri kuisana kaviri kana katatu pazuva) vanomukirana usiku muchipinzana kana kupinzana kuhope.

Tsanangurira murume wako kuti zvinogwadza kana zvichikugwadza, uye kuti kana akakuisira urume imomo unohwa sei. Kuhwisisana ndicho chikuru mumba.
_________________________________________________________________
Regai ndiwedzere. Tava mugore rino 2017. Ndakaongorora nyaya iyi ndikahwisisa kuti kuno kuEurope kune vakadzi mhomho vanofarira chose kuti varume vavo vapote vachivaisa kumashure. Vanoti zvinoda kujairira saka unotanga nokuwanza inohi KY jelly yokuti kutsvedze, uye kutanga nokudzidza kurerusa muviri. Unorerusa (RELAX) murume opinza zvishomanana mombomira makadaro. Shure ichijaira kutatamugwa. Zvinohi muzuva ekutanga zvinogwadza asi zvinongogwadza pakupinzwa, Kana apinda zvinoita UNCOMFORTABLE asi zvisina PAIN.

Kunozoti wajaira vanazvo vanoti mamwe mazuva zvinonaka  asi kujaira kwacho kunohi kunoita kana mwedzi mitatu. Kwandiri zvinongoreva kuti hatina kusikigwa kupinzwa kumashure.

Kuvarume vanoti kushinya kweshure pachombo ndiko kwavanofarira. Vanotizve kana mukadzi ane chombo kumashure haawanzisi kufakanyika kureva kuti murume ane TOTAL CONTROL. Varume vamwe vanozvifarira.
____________________________________________________________________

Udzai Vamwe!!!!
mukadzi kumashure
 kumashure sengochani
mukadzi kumashure
 kumashure
 nokumashure

Sunday 12 August 2012

Pakudiridzira mukadzi anohwa sei?

Varume vanobvunza kuti kana urume huchibuda muchombo mukadzi anohwa huchipinda maari here? Inyaya inoda kurondedzegwa. Musikana musi wekutanga ngaapinde panyaya achiziva kuti chii chichaitika. Chii chaachahwa mukati make?

Kana ukaona urume huchibuda pamurume, sokuti uri kumwedzi womutambisa chombo nemaoko,  unoona kuti hunoita zvokubuda nesimba zvokuti Pfaa, pfaa, pfaa. Kana wakabata chombo mumaoko unotohwa kugwinhwa mumaoko chombo chichiita hasha choda kubudisa urume. Urume hunobudapo sembhumbhuru dzepfuti. Kana wakanangisa kumeso unomhariwa kumeso. Saka mubvunzo ndewekuti mukadzi anohwa chii pakupiwa urume mukati make. Ngatitange nokutsanangura kuti chii chinoita uhwe zvaunohwa mumuviri wako?

Muviri wemunhu wese ine tsinga dzinofambisa kubatwabatwa.(SENSE OF TOUCH) dzinohi ma NERVES. Kana pakawanda manerve pakawandawo kuhwa kubatwa zvokuti ukabatwa zvishomashoma unozvihwa mumuviri.  Kubva pamuromo wechitubu uchipinda mukati maNERVES akawanda chose uchibva kuzhe asi ukapfuura pa 10cm mukati anoita mashoma. Kuzoti waita zemo ukapinzwa chombo ukatatamuka, manerves aya mashoma emukatikati anenge atarangana, kuwedzera kuita mashoma.

Unokwanisa kuhwa kuti murume ari kubaya kudivi ripi neripi pakukoirana, uyezve kana akabaya kumuromo wechibereko kuri mukati mechitubu unozvihwa muviri kuti zharara. Zvinoreva kuti pakapoteredza muromo wechibereko pane ma Nerves akawandawo.

Chatinoda kuhwisisa pano ndechokuti unohwa here urume huchibuda mumurume huchipinda muchitubu mako? Chii chaungahwa ipapo? Munhu anobvunza mubvunzo uyu ari kufunga kuti chii chaungahwa?

Kana uchimwa mvura unoihwa ichipfuura pahuro asi hauihwi ichipinda mudumbu asi mvura yacho inenge yakatowanda chose. munhu akakudira mvura pamuviri unohwa painosvika pamuviri. Saka varume vanodawo kuhwisisa kuti kana urume hwuchirova madziro echitubu mukadzi anohuhwa here?

Urume hwemurume anoutano hunokwanisa kuzadza ma Tablespoon maviri zvichibva nokuti amwa mvura yakawanda sei musi iwoyo. Pamwe anongobudisa madomhwe mashoma.Zvikuru kana mambovatana musi iwoyo.  Pane dzimwe nguva dzokuti muchirhojana urume hunobudira pazhe pechitubu, Pakadai unohwa pahunosvika paganda rako uye kuti hunodziya kupfuura muviri wako.  Saka izvi zvinoitisa kuti vakawanda vafunge kuti pahunobuda mumurume chombo chiri mukati, mukadzi anofanira kuhwa huchirova madziro.

Toti mava ne zuva musina kurhojana, murume azere urume, mese mune zemo. murume wopinza mokoirana kwenguva yakareba urume hwoungana mumurume hwamirira kubuda. Ipapo kana wakabata murume mumaoko wakamubatirira, unohwa muviri wake kuita sokuoma mutezo. Kukoira kwake koruza Rhythm. chiuno chake wega unohwa kuti chaomarara mumaoko oko. Varume vane INSTINCT yokuti asvika apa anopinza chombo kusvika pachinogumura saka iwe unotohwa kuti chawedzera kupinda,

Unohwazve kuti chava kugwinha gwinha nehasha sezvachinoita kana uchimubudisa urume nemaoko.
Ipapozve unokwanisa kutanga ma CONTRACTIONS ekupomba chombo chiri mukati mako, asi izvi hazviitiki nguva dzese, zvinobva nokuti murume akukoira nguva yakareba sei. Zvikadaro urume hwakawanda hukabuda, unokwanisa kuhwa yatinoti WARM GLOW mukati mechitubu nokuti urume hunodziya kupfuura mukati mako. Asi Zvokuti IMPACT nemadziro echitubu, haa bodo. Vamwe vanohwa vamwe havahwi. Iwe unokwanisa kuhwa dzimwe nguva dzimwe nguva wotadza kuhwa.

Chaicho zvinohwikwa nguva dzese ndezvokuti chombo chinoita hasha chiri mukati. Kuwedzera kuoma, kugwinha gwinha, kunyura chese, kuno kuzhe muviri wemurume wombomira kukoira zvine rhythm wongoti kwii. seabaiwa nepfumo.

Chitisingahwi tese kuhwa urume huchirova madziro pakubuda. Izvi vakawanda vanofungira kuti zvinoitiswa nokuti Temperature yourume neyemukati mechitubu yakafanana. Imwe nyaya ndeyokuti mukati mechitubu mune zvimakoronga zvakawanda zvokuti chero pabudira urume kaburi kahunobuda nahwo kanenge kakananga panegoronga pedo pedo zvokuti hunongobuda huchibva hwatosvika pekumhara, saka zvichinetsa kuhwa huchirova madziro.

Chikuru ndechokuti kana murume ari mukati memukadzi mukadzi anoziva kuti murume oda kubudisa urume uye iyewo muviri wake unohwa kudziya muviri wese pakugamuchira urume. I feeling yakanaka chose pakurhojana. Kuziva kuti murume ari kutondipa urume izvozvi. Murume anobatirirawo zvakaita mukadzi.

Kana mukadzi ange atoita Orgasm yake kare, anokwanisa kushandisa masuru yake yomukati mechitubu kushanda pachombo pachinowedzera kuoma. Ukadaro murume anotora nguva achibuda urume. Zvikuru ukamupurudzira panosangana chiuno nomusana  panguva iyoyi kubva paanotanga kubuda urume. Kupiwa urume chinhu chinopa mukadzi rufaro mumoyo. Zvokuzoti mapedza wotanga kupukuta hwabuda hwega, kungosada kugarowacha masheets emubhedha chete. Shandisa tawero pamubhedha moitira pamusoro petawero.

Saka tapindura here mubvunzo wekuti mukadzi anohwa here urume huchisvika muchitubu? Anohwa kuti murume ava kubudisa urume:


  1. Anohwa kuwedzera kunyura kwechombo murume ane NATURAL REACTION yokunyudza pakutunda kwake, uye kubatirira kuti chombo chisavhomoka achitunda. 
  2. Anohwa kuwedzera kuoma kwechombo nokugwinha gwinha nehasha chiri mukati.
  3. Anokwanisa dzimwe nguva kuhwa kudziya kwahwo kana hwakawanda (havazi vese vanohwa)
  4. Anokwanisa dzimwe nguva kuhwa huchirova madziro kana hwakawanda. 
  5. Zvimwe zvinobvawo nokuti muri kushandisa maitire api. 
  6. Chinonaka kuziva kuti ari kupiwa urume. 
  7. Vashomanana vanohwa urume hwemurume huchibudira muchitubu. Asi tese tinoziva nguva yahunobuda nokuda kwemaitire emurume. 
  8. Tesezve tinoda murume anotipa urume hwakawanda. Chinhu chinofadza moyo kuziva kuti murume wangu andipa kundizadza urume. 

Wedzerai vanowedzera nokuti kuhwa kwedu kwakasiyana. 

Pakutaura nyaya iyi tiri kutaura vanhu vane varume mumba kwete zvekuti wavata nouyu nhasi mangwana wavata neumwe. Kana uri Nhunzvatunzva yerhoji, haufaniri kutombohwa kusvika kweurume nokuti murume waunovata naye nhasi anenge akapfeka kondhomu, wemangwana kondhomu futi.  Ukasapabata ipapo unofa uri mwana mudiki uye uchaita mimba dzakawanda nevarume vakawanda, iwe mari yokurera vana vacho hauna. 

Udzai vamwe!!!!!