Saturday 4 February 2012

Kudziya kwemuviri kunoitisa zemo.

Magadzirigwe akaitwa muviri wemunhu ndeekuti ukangohwa kudziya kwemuviri weumwe munhu zemo rotokwira. Izvi ndizvo zvinoitisa kuti paya kana mange mapopotedzana umwe akatanga kukumbira ruregerero umwewo opa ruregerero mombundikirana moita ma sori sori enyu henyu. Makambundikirana kudaro kudziya kwemuviri kunobva pamuri mese kuchienda kwamuri mese, woona mese matove ne zemo. Ukatarisa murume mmaziso unoona zvaari kutaura pasina mutauro zvave zverhoji. Iyewo akakutarisa mumaziso anohwa zvauri kutaura pasina mutauro kuti ndezverhoji chete. Kuya kupopotedzana kwamamboita kwatobuda mufungwa, fungwa yazara nezvimwewo. Ndipo paunobata ruoko gwemurume womutungamirira kuenda ku bedroom. Naponapo waakutopiwa chimwe chimwana chaunacho chisina kurumugwa.

Kana muvete murume achitoridza hake magwiriri kureva kuti avete hope chaidzo. Ukaswederawo pedo naye woisa ruoko womukwevera kwauri, hakuperi nguva zvivete zvisina kumuka asi iye magwiriri ake achinawo. Iwewo iunohwa pangepakaoma pava kuti nyeve nyeve nyeve kureva kuti fungwa yava nerimwewo gwara.

Apa handisi kuti garai muchipopotedzana. Ndiri kuti garai muchimbundikirana even muri mumubhedha kana kuti mukicheni. Ziva zvinhu zviviri, kupa murume zemo, nokubvisa murume zemo. Munhu itawo freedom mumba mako.

Wednesday 1 February 2012

Mwedzi wapera mari youya yobva yapera

Ndaudzwa nyaya yandisuwisa chose nhasi. Kwahi.

"Ukaona mwedzi wapera kudai vane varume vanoshanda chitobatisisai varume venyu nokuti kazhinji murume wechi ZIMBA anobva afunga kuti mari muhombodo zvoreva kuti ane yehure. Saka unohwa murume mukuru oti "Kudya nyama yehuku mazuva ese hazviiti. " obva onotsvaka hure odzoka mari yese yaenda, zvikwereti hazvina wabhadhara.

Uya mukadzi ahurigwa ndiye ohi chiinda undokumbira chikwereti pa shop ya baba Kerida. vayavo baba Kerida vosvikoti mai Kandhi (short for Kandhuro) chionaiwoka zvokuita tigofidha vana mwedzi wese. Poitika nyaya yokuti mai vanohurira vana, baba vanohurira kunakigwa. "

Nyaya dzakadai dzakawanda mumaraini umu. Mushonga wacho ndewekuti murume wako akauya kumba asina mari, usangopopota wogumira ipapo. Hwisisa kuti mari yaendepi zveshuwa. Kana mhinduro yacho isina kukukwanira, Kwidza nyaya kuvakuru vatonge nyaya, uyezve usarega murume achikupinza chombo asina kondhomu. Unofa.

Nyaya yemari inyaya yarambanisa vakawanda.