Saturday 25 August 2012

SMALL House yomurume wako


Chii chinonzi SMALL HOUSE?
Small House zvinoreva mukadzi anohura nomurume wemunhu. Kuhura kwacho kunenge kwava SERIOUS zvokuti  anoonekwa sokuti iye mukadzi wemurume uyu nenyaya yokuti havavanzi kuhura kwavo.

Kazhinji mukadzi akadai, nomurume akadai vese vanohurazve nevamwe vanhu.  Mukadzi chaanonyohurira apa imari yokurera vana vasiri vemurume anobhadhara mari yacho.  Baba vevana ava kana kuti mwana uyu pamwe vanotobhadharawo Maintenance asi vasingavhurigwi makumbo. Kana vakazodawo kudzoka pamwe vanodzoka asi hazvipedzi huSmall House nevamwe varume.

PamuSmall House umwe chete panokwanisa kuita varume vatatu kana vana vese vachimupa mari yakasvinura pamwedzi zvokuti iye anokwanisa kutotambira mari yakawanda kupfuura vese varume ava.

Pakuhura kwake navo kashoma kushandisa makondhomu nokuti varume vakawanda chero achida makondhomu acho anongomashandisa pamukadzi aachangosangana naye. Kukapera kanguva achivata naye vanobva vasiya zvemakondhomu nokuti murume ane Mentality yokuti Small House mukadzi wake ane Same status newemumba.  Kurega makondhomu uku ndiko kunotanga nyaya dzese dzisingatongeki pamusha pemurume.

MaSmall house akawanda vanodawo kuroogwa vanoona mari ichiuya kumba mwedzi nomwedzi achitengegwa zvinhu zvaanoda, pasina chaari kuita chinoshamisa kuti awane mari yacho, kungomirira vana vovata iye ovhura makumbo orhojewa, edzezvo murume omika onanga kumba kwake achiri manheru.  Mangwana umwewo murume ouya oitawo izvozvo.

Kusiyana kwe REGULAR hure neSmall House ndekwekuti muSmall House anohura navarume vashomanana uye vese vanohwisisa matambudziko ake uye kuti anoda marii pane zvaanoda. Wekutanga ndiye anobvisa mari inodiwa vamwe vaviri kana vatatu inenge yava PROFIT chete inoenda kuBank kana akachenjera.

vana ve Small House vanogara upenyu huri nani kupfuura vevarume vanobhadhara mari yacho.

Varume vanowana maMaSmall house  kumabasa, kumahotera, mumaroad mavanovapa LIFT, kana pamwe mukadzi anenge ari CUSTOMER yemurume pane zvimwewo.  Vanhu vasinganetsi kunyenga nokuti anenge achitori ne Time slot isina murume.

Kuitigwa Small House nomurume:
Ukaona murume wako ajoina programme yacho yekuita Time share paSmall House, watova nematambudziko akawanda. Zviri nani murume ahure nemunhu waanonhonga pamugwagwa womurhojera mumota ane kuita small House. Wekunhonga pamugwagwa anopfekegwa kondhomu saka zvigwere hazviuyi kumba. Uyu wekuendera kumba kwake anoonekwa sewemumba saka hapana chinopfekwa ipapo. Iye anopa IMPRESSION yokuti haasi hure kuti murme amukwire akasununguka fungwa. 

tatova nemadambudziko maviri kare, zvigwrere uye mari yomumba iri kunorera vana vatisingazivi madzibaba avo aripo. Kozotizve mari yekudira peturu murume achiendako nokudzoka. Uchaonazve kuti murume haachadi kuvata newe nokuti abva uko kwaanoudzwa kuti ndiyo shasha yokurhoja. Iwe wakapedzisira kumuudza kare kare. Mazuvano anongokuitira zvemutemo hazvo asi wega uchingoona kuti hazvisizvo.

Kana waziva kuti pane Small House wodii
?
Chokutanga wana Proof chaiyo iri solid.
Chechipiri mhanya kunotestiwa nokuti mutri kugovana murume wako makawanda. Kunoti muSmall house, koti vakadzi vevamwe varume vake, kotizve mahure avo mamwe. Zvese zviri pa vanhu ava watove nazvo iwe.  Kasira kuziva zvaunazvo, pamwe zvinorapika. 

Chechitatu, hwisisa kuti mari yomumba mako yaderera budget, imwe yava kuenda uko.
Chechina, hapachina imwe zhira yokuvaka mhuri yako. Imba yatoputsika. Chero ukaregerera murume hazvichaiti kuti uzovimba naye kusvika mafa.  

Usatsamwa kusvika pakuenda kumba kweSmall House.  Ukaendako chokutanga ndechokuti unokwanisa kuwana kune umwe murume asiri wako.  Zvikaita saizvozvo iye nemurume ariko vese vanokukutsira.  Hakuna murume anoda kuhwa kuti mukadzi wake anohura noumwe murume.  Mufungwa dzavo vanoziva kuti Small House ihure rake asi kana zvataugwa achena haadi kuzvigamuchira nokuti zvinotaridza kuti  haana njere.  Njere dzake dzakawanda dzichiri muchombo.
Kana une solid Case zvokutukana nomurume kana kuita hasha naye hazvina kana basa. Zvokumubva kungodawo hako kuhwa kuti iye anoti kudii asi EXPERIENCE inofanira kukuudza kuti ukamubvunza anokuudza nhema.  Chaunoda kunyatsohwisisa kuti ane Small House here kana kuti haana.  Kana wahwa noumwe munhu iwe usina shuwa, zvichibva nokuti uri munyika ipi, enda unokumbira ma Private detective vanyantsomuongorora vakuwanire chokwadi.  Kana wava nechokwadi, usafunga kuti unokwanisa kuita COMPETITION ne Small House. Hazviiti. Chero ukada kuita murume haafi akasiyana ne Small House yake.  Kana vari vese iwe unoita SUBJECT yemutauro wavo kubva pakuti
  1. Hauhwisisi zvinhu zvakapusa kuhwisisa
  2. Haudi vabereki vake
  3. Haugezi
  4. Haudi kuvata naye
  5. Haugoni kubika

Hapana kana chimwe chete chiri positive pane zvaanenge akaudzwa.  Kana ukatukana nomukadzi uyu unotoudzwa zvakawanda zvaunoita zvausingazivi wobva wawedzera kugumbuka.  Iye anenge akaudzwa nomurume wako.

Funga zvokuita. Kana uchimuda akadaro kuti iwe uite vahosi,  zama kuti mese muri vatatu musangane muhwisisane.
Kana usingadi kuita vahosi, udza hama dzako, nedzake, Kana vana vapfuura 12 vaudze.  Kana muchienda kuChechi udza  mufundisi.  Udza shamwari dzake nedzako.  Zvadaro tora twako, nevana uende. Kana usiri muZimbabwe taurira murume abude mumba menyu.

Usafa wakafunga kuti murume acharega kuhura. Hazviiti. Kana musina vana usatambisa nguva naye.  Buda uende uye usacheuka.

Wabuda kudaro zvibvunze kuti nyaya yako yakakanganisika papi. Pakusarudza, pakugarisana, pakuvatana, kana kuti papi. Kazhinji mhosva yako ndeyokutadza kusarudza. Usanyengana noumwe murume kusvika wahwisisa maWEAKNESS ako.
Kugwirana murume ahura is a HUGE MISTAKE.  Rega umwe munhu auye kuzokutikira murume wako iwe usatuka munhu anyaya yomurume wako. Une Legitimate Case pakuti murume ndewako. Usazviita hure rinopopota muSTREET nenyaya dzevarume. Ratidza unhuwotonhodza chifuva woita zvinoitwa kuchengetedza upenyu hwako nehwevana vako.  Kana murume akakubata ROUGH zvadai kasira kumusungisa. Zverudo pakadai hazvichina basa. Watoruza murume. Kana une chigwere, wawana evidence yokuhura kwake unomusingisa kusvika Court yafosa hure rake kunotestwa kutaridza kuti ndiko kwabva siki.

Kana uri munhu asina SELF CONFIDENCE anotya kusiya murume akadai, asingahwisisi kuti anokwanisa kukuuraya nechigwere, chiita musangano nomurume nehure rake uvati vese vaende kunotesitwa vagoroorana mese mugare pamusha.  Ndiyo Logical Conclusion yekusabvapo. Zviri nani anzi mukadzi wemunhu pane kuti arambe ari hure agouraya mese.

Kana usina kumborhipota nyaya dzeVIOLENCE mumba kumapurisa usatanga zvokurovana nomurume nokuti akakukuvadza nyaya yacho inonetsa kuCOURT. Nyaya dze DOMESTIC dzinoda pane record kare kumapurisa.  Usakangamwa kuti anenge atova nenguva refu asingakudi. Hakuna munhu anohura neMISTAKE.

Chifunga kuti unoriritira vana vako sei. Paunoparadzana nomurume wako, varume vakawanda vanofunga kukupfidzisa nokukusiya wakadaro nevana. Haafungi kuti vana ndevake uye vanoda kuriritigwa. Unotohwa achiti “Kana vana vari vangu achadzika pano navo.”  Usati wabva pamba, kana ukaongorora ukaona kuti hauna mukana wekuriritira vana, taura nomurume kuti wava kuenda asi vana wombosiya kusvika wawana pekuvachengetera.  Enda kunotsvaka pekugara paunogona kubhadara.

Ukasiira murume mwana, vana, ndipo paunohwisisa kuti hazvifanigwi kuitika kuvana vawakazvara.  Wega unozviona kuti hazviiti. Kana wabva usanyebegwa kuti dzoka. Unofa.

Murume hure haana kumbosiyana nomukadzi hure. Vese vanozvarisa vana vane zvigwere.

Udzai Vamwe!!!



No comments: