Wednesday 8 August 2012

Rhoji muimba isina CEILING

Kana uri muroora pamusha, vanhu vemhuri yenyu vanoda kuziva kuti uri kurhojana nomurume wako zvakakwana, asi havadi kukuhwa uchizviita. Ipapo iwe somuroora wakawana musha watovapo saka unongogara magarire anokwanisika nedzimba dziripo. Zvinoita kuti unongopedzisira wapiwa imba yokuvata muziimba ziguru risina CEILING.  Unenge une dambudziko ipapo.

Kana muchangoorana wauya kumurume anoshanda mutawendhi achigara muimba yokurhenda ichingova rhumu imwe chete Zvinokwanisika kuti semazuvano imba yacho inenge iri EXTENSION isati yapera, yakatomirira kuti rhendi iya yamuri kubhadhara iwande murindi agotenga zvinhu zvokupedzisa imba. Hapana chakaipa kugara muimba yakadai asi kungoti pakunovata unenge une dambudziko.

Munokwanisazve kunge muchangotanga kuvka yenyu imba asi isati yapera. Kesevha mari mokasira kusiya iye yokurhenda mopinda mune yenyu isina magetsi kana CEILING. Hino pachivanhu pedu hama hadziregi kuzoshanya kwenguva yakareba dzichiti nokuti imba haina kupera. Unotohwa vachiudza shamwari dzavo kuti mune imba yakanaka chose. Asi ipapo unenge une dambudziko.

Unokwanisazve kunge muri kumaFLAT kuya kokuti munhu akafamba paFLOOR iri pamusoro penyu unomuhwa achifamba achienda kukicheni achidzoka kwekugara, Akakwidza TV yake unotohwa kuti purogiramu yaari kuona ndeipi. Pavanonovata unohwa mukadzi wacho achitochemerera zvokutohwa kuti vari pakati peRHOJI chaipo. Izvi zvinoreva kuti imiwo munohwikwa nevari asi penyu.

Nyaya yakadai inonetsa kugadzirisa nokuti hazviiti kuti murege rhoji asizve hazviiti kuti muite muchihwikwa.

Kana imba isina CEILING, zvese zvinohwikwa, kubva pakutaurirana kwenyu vari mune dzimwe rhumu vanohwa kuti hiri  hiri muchitaura. Kuzoti mukada kurhojana, munbrdha unoita ruzha, ukuwo ukachemerera unohwikwa.

Unokasira kudzidza kuruma mazino nokunyarara kuti pasahwikwa ruzha. Asi mubhedha chero ukaita sei hautani kutangazve kuita rhuzha. Zvikuru mibhedha yesimbhi iya. Kana monovata wadzirai rimwe jira pasi chaipo muitire pasi. Izvi ndizvo hazvo asi dambudziko guru ririo nderokuti kuchemerera kwemukadzi hunge achinakigwa. Kuti awedzere kunakigwa anenge akasunungura muviri (RELAX) asina imwe nyaya mufungwa.

Kuchemerera kunongoitika kwega nokutya kufa kunoitika ne LEVEL yacho yokunakigwa kana mava panyaya iyi. Hakuna munhu anoita zvokutofunga kuti REGAI NDIMBOCHEMERERA. Unongoerekana wava kuchemerera. Unonakigwa zviri pamusoro zvokuti unoita PANIC kuti pano ndingangofa asi futi mufungwa uchiziva kuti haufi, saka pano kuti ucheme, unochemerera.

Kuti mava paimba isina kufanira, wofunga zvokuita makanyarara, zvinorema kuita. Unenge wakaomesa muviri kuti urambe une CONTROL saka hazvinyanyi kukunakira. Murumewo anobudisa hake urume asi haanyanyi kunakigwa nazvo. Munongoona sokuti pane vanhu vari kukuonai. Ivo zveshuwa vakakuhwai muchiita vanokuonai muchiita mufungwa dzavo. Hino imi munosvodeswa nazvo. Ndakambohwa umwe  aienda pane imwe hama yedu oti kuseni "Sori mbuya muzukuru wenyu akauya kumba ambomwa doro saka ange asingatereri zvandaimuudza. Sori kana takaita ruzha madeko."  Zvinoreva kuti akapedza rhoji ndokuvata usiku hwese ane GUILT yokuti ahwikwa nambuya muridzi wemba. Ipapo mbuya vanoziva kuti vanhu ava vanofanigwa kuvatana.Vakasavatana ivo mbuya ndivo vachavatongesa futi vachivaraira kuti vatanai. Asi havadi kuvahwa vachivatana.  Inyaya inonetsa.

Ndipo paya pandaiti siyanisai nguva, nzvimbo nemaitire. Ukahwa mbuya vati vachamboenda kunovhakasha kana kunoshopa, imi chingotii vachibuda mukaona vakwira bhazi, chipindai mumba muite makasununguka. Kana pane zvivana zvidiki mozvipa mari mozvituma kumagorosa imi mosara mega. Pa weekend toranai mumboenda kusango kana kubed and breakfast monoitira ikoko.


Nyaya yamunofanira kuhwisisazve ndeyokuti mukajairira kungoita izvozvo zvokuita muchitya kuhwikwa, mukazobva pamba apa kana kuti imba yenyu ikazopera kuvakwa munenge majaidza muviri kungoita zve chimbichimbi zvokuti hamukwanisi kunakigwa zvakanaka. Ukuwo murume anenge asina TRAINING yokunonoka, ipapo vana venyu vava kukurawo zvokuti mava kuisa ENERGY yenyu pavana nguva yokunakigwa yava kutopfuura. Chimbi chimbi ndiyo hayo asi wanai nguva yamunobvumirana kuti zveshuwa pashandwa basa pano. Mukadaro kaviri kana katatu pavhiki, munenge magona, zvimwe izvi moita henyu makaruma mazino.

Isu taimbogara kumaFlat uko kare. NEVER AGAIN. Kuseni unongoona vapa Next door vachikutarisa neziso rinoti Hezvo Nhaiwe, ndodawo zvaunowana mumba mako asi handina murume. (Kuno kune vasikana vakawanda vanobva pavabereki vazvara vana asi vasina varume) Unoziva zvaari kufunga asi wodii nenyaya yacho? Hapana chokuita. Saka weekend ikasvika imbowanai kwekunofarira muri.

Iwe mukadzi ndiwe uri pa SHORT CHANGE kana muri panyaya yakadai, nokuti murume anongobudisa urume achinakigwa asi iwe chimbi chimbi iyi hainaki. Saka iwe chiona kuti warongera murume nyaya dzokuita muri mega pakafanira kuti muite.

Pamusha unokwanisa kuti
1 murume hendei unonditemera huni kudondo uko.
2 munokwanisa kuinda mumunda wechibage
3 Usiku unokwanisa kuti murume hendei tinotsvaka zvitaitai
4 kana mune mota endai kusango nemota yenyu moitira mumota
ETC.

Mavako chiitawo nomoyo wese kuti murume agokasira kubvuma paunomukoka kuenda kumwe mangwana.


Udzai vamwe!!!!


No comments: