Monday 20 August 2012

Nyaya dzinorambanisa vanhu pamusha

Pane nyaya dzakawanda dzinoitisa kuti vanhu vapokana pamusha. Ndichada kumbodzitarisa. Ukadzingwarira nyaya idzi unoita upenyu huri nani.

Kusagona kutaurirana. 
Mese munokasira kuhwisisa kuti anenge ane chaanoziva akasaudza umwe kana kutaurirana pamusoro pacho, zvinoita kuti kuziva kwake kumuitise zvinhu zvinounza bopoto mumba. Zvinhu zvese zvomumba zvinoda vanhu vakasununguka pakutaurirana, kuti zvifambire mberi. Kune vakadzi vanoshora kuhwisisa kwevarume vavo zvcokusvika pakungoita zvinhu mumba murume asingazivi, ongozoerekana zvaitika. Akada kubvunza otukwa kuita sokuti chimbwanana chamwa mukaka wemwana. Murume anoits imwe FRUSTRATION yokuti akangoita shamwari anoiudza zvese zvemumba ofumura CONFIDENCE yomusha wake.

Ukuwo kune varume vanongoti chaafunga otoita, Mukadzi anongozoona ngoro yava pamba yakweretwa kumupositori anogadzira ngoro. Iwe kutoda kubvunza kuti ko mari yokubhadhara ichabva kupi, murume ototora chitirobho orova mukadzi kwahi ita zvako zvomumba, zvokungoro nemombe ndezvangu. Ko kungoudzawo mukadzi kuti pamusha panodiwa ngoro saka ndoda kunoikwereta kumupositori, tozobhadhara tatengesa magwavha kumusika zvakaipeiko?

Kana mukatadza kutaurirana zvinhu zvakawanda, munogara makangopokana chete. Kana une chaunacho pamoyo, gara nomukadzi/murume wako mumba mutaure pasina kupopota kana kukonana. Deredza hwi rako muchitaura. Hwisisa kuti umwe wako ane fungwa dzakewo uye dzimwe nguva dzinosiyana nedzako.

Mari inouya mumba
Nyaya yemari inokonanisa vakawanda. Izvi zvinoitiswa nokuti mari inenge iri shoma. Kana umwe chete achishanda asingashandi anenge odawo kuti aonekwe somuridzi wemari mogara pasi mese moita BUDGET yenyu. Zvino uya anoshanda akada kuti mari ndeyake ega, zvoitisa kupokana.

Kana muchishanda mese munokwanisazve kupokana pakuti vamwe varume vanoti mari inotambigwa nomukadzi ndeyavo. Mukadzi haana chake pamusha. Kozoitazve vamwe vakadzi vasingambodi kuhwa kuti mari ndeyenyu mese. Anongoda kupiwa mari nomurume, yake achitenga zvaanoda nayo.

Garai mahwisisana musati maroorana kuti munofungei nenyaya yemari inouya mumba menyu kana mukaroorana. Mukaroorana muchizivana zvoreva kuti ndizvo zvamada. Kwete kuzoti mese mava kushanda, mochitanga kutukana kuti ndiani anobhadhara Bill remagetsi.

Mari ikatambiswa hakuna anokangamwa nyaya yacho. Mukaroorana ukapinzwa chikoro nemari yekushanda kwemurume vamwe varume havahwisisi kuti maroorana mari ndeyenyu mese. Anoti ndini ndakakupinza chikoro nhasi wava kundishainira nemari yako. Kupinza mukadzi chikoro kuti musha wenyu uite nani pakushanda kwenyu mese.

Kugutsana pakuvatana
Hakuna nyaya inounza bopoto nokutsamwirana kupfuura yokuvatana. Unosvika pamba pemunhu wowanika mukadzi wepo akafundumwara sedzetse. Murumewo aenda kunoshanyira shamwari yake isina mukadzi, kuri kutiza mukadzi kwahi anofoya. Mukadzi ipapo haasi kuguta. Ari kungonyemudzwa chombo. Varume ve 5 minutes dai vachiziva kushungurudza kwavanoita vakadzi vavo dai vasingatombotangi nyaya dzokuvatana mumba.

Murume dzidza kugutsa mukadzi wako mumba. Mukadziwo dzidza kupa murume mazano okuti mese munakigwe nezvamunoita. Murume kana amboitawo effort, iwe chiratidzawo kuti murume ari kuzama. Ipa rukudzo kumurume anozama. Mupe manyawi kuti arambe achizama. Udza murume zvokuita iwewo uchiterera zvaanoda. Kana asingatauri, bvunza kuti "Baba Chimwana, ndodiiko ndoona sokuti hamusi kunyatsoguta, nokuti tapedza munongofuratira movata."

Ukamubvunza muri muLiving room iwe ugerewo pedo naye uchimutarisa mumaziso, anokuudza zvaanoda. Iwe chiporomisa kuita ubve watanga musi iwoyo. Kana usina kuguta usapopota, taurira murume zvokuita kuti ugute.

Varipo varume vasina rukudzo kumukadzi. Anoti akaona kuti hauna exprience seyake nemahure, anokuudza hauna kuraigwa saka chimbodzokere kwenyu unoudzwa zvokuita pakuvatana. Mazuvano vasikana vakawanda vanenge vasiri mhandara nokuda kwekutya kurambwa kuhi wanyima mukomana. Asi still vamwe vanozvichengeta variko. Ini sokuona kwangu kana mese musina EXPERIENCE chinhu chakanaka zvokuti. Munokura mese muchidzidzisana. Chinongodiwa kudzidza kutaura.

Kana murume achiziva mukadzi asingazivi, murume ngaaudze mukadzi zvokuita kusvika agona kwete kumusvodesa nokumuti ngaaende anoudzwa kwavo. Shuwa ungasvika kwenyu woudza tete kuti ndadzingwa nokuti handigoni kuiswa here? Kufumura mese. Udza mukadzi kuti aite chiuno achishandise mese munakigwe.

Chihure.
Hakuna nyaya inoitika mumba kuvanhu vakaroorana inotsamwisa sokuhurirana. Hakuna EXCUSE yaungapa inopa JUSTIFICATION pakuhura. Kuna uchida kuti munhu asazokuona somunhu akavimbika, tanga nyaya dzechihure. Hazvigoneki kuti uhure usingadi kuhura. Kuti murume/mukadzi ahure anototanga nokunyenga/kunyengwa noumwe munhu, zvadaro anobvimirana naiyeye munhu, vobva vabvisirana mabhurugwa. Hazvikwanisiki kuti uhure iwe usingadi kuzviita.

Tinoonazve vamwe vanobatwa havo chibharo. Chibharo hakusi kuhura, kumanikidzwa. Ukaudza mapurisa munhu akubata chibharo anotosungwa. Asizve kune vamwe anoti abvuma kubvisira murume wechihure bhurugwa, oiswa achitohwawo kunakigwa, ozoti vapedza opepuka kuti akanganisa obva anotaurira mapurisa kuti abatwa chibharo. Kana uri murume, usati wahura, hwisisa kuti kune vanhukadzi vakadai vanokusungisa.
Hakuna nyaya yechihure unowanikwa yakanaka pane zvinoitika pairi.

Kusiyana parutendo. 
Mazuvano vanhu vakawanda havatendi nezvaMwari. Kuvatendi machechi avo akasiyanasiyana. Dai zvaikwanisika umwe noumwe munhu airoorana nemunhu ane fungwa dzakafanana nedzake. Vanhu vanopinda chechi imwe voroorana muchechi mavo. Chinonetsa ndechokuti maroorana umwe anokwanisa kuona zvinhu zvakaipa pachechi yenyu iyoyo imwe chete obva ada kunopinda imwe.

Vanhu vakawanda, zvikuru vanozviti maKristu havadi kuzviverengera Bhaibheri. Vanoda kuterera zvarebwa namufundisi, iye achitori employee wechechi ane agenda yakewo. Ndipo panotangira nyaya dzese dzikupokana. Bhaibheri hanrinyanyi kunetsa kuhwisisa zvinodiwa naMwari.

Kana iwe uri mupositori, roorana nomupositori chete. Kana uri muRhoma roorana nomuRhoma, kana uri muWhisiri roorana nomuWhisiri, muchingodaro. Kuda mari nokuda zvimwe zvinhu kunokonzera vanhu kuiginowa rutendo gwavo pakunyengana, mozoda kuchinja munhu maroorana. kupopotedzana kotanga kuitika. Hazviiti kuti munhu akura ari muPositori aroorane nomuRhoma. Kutenda kwavo kwakasiyana chose.

Kana uchinyengana nomunhu, bvunzanai kutenda kwenyu sezvamunobvunzana mutupo. Pamwe munokwanisa kuti hazvina basa asi panozvagwa mwana mese muchada kuti mwana aite rutendo gwenyu. Ndipo panotangira nyaya huru ipapo. Kana iwe uri mukadzi anopinda Whisiri, Positori kana Savadha vasingamwi doro, unonobika doro pamusha wemurume wako MuRhoma/muDhachi sei?  Kana uri muSavadha asingadyi nguruve namagandari, unonozvibika sei pamusha wemurume wako?

Kuzvitsvakira nyaya yokukanganisa upenyu hwako. Tangai maita rutendo rumwe chete pakati penyu kana kuti mese hamutendi musati maroorana. Vanhu vakawanda vanoti rudo ibofu asi kunyeba chaiko rudo ibofu kune asingadi kuona.


Hama dzako nedzomurume/mukadzi
Hama dzomurume/mukadzi dzinokwanisa kukanganisa upenyu hwenyu. Unoona munhu angozvika pamba penyu otoda kugarapo. I papo mwedzi uri pakati, zvikwereti hazvina kubhadhagwa, mwana wechikoro ari kuda mari, Mota haina peturu, iye ari kuti enda neni kumusika ndinotenga mazai okunotengesa kumusha. Ipapo anoda mari yokutenga mazai acho asi Profit haazokupi.  Hama dzinoda management chaiyo. Kaya hama yasvika, usatanga kudembademba kuti mari hapana. Demba nechibhende. Iye kana akachenjera achaziva kuti mwedzi uri pakati. Isuwo ngatirege kuvhakashira vamwe mwedzi uri pakati. Ukafunga kunovhakasha tengawo tunhu twekuenda natwo kubatsira vamwe.   Usagara pamba poumwe munhu iwe usina income. Kana wadaro chiona kuti wavarerera vana, watema huni, wadiridza muriwo (tanga wabvunza bill remvura) watimba garden, wageza mota, etc kubatsirawo kuti vazorore.

Shamwari dzako nedzomurume
Pashamwari apo chenjerai kuti munoparadzwa nokusaona kuti PRIORITY yako iri kumba here kana kuti kushamwari. Mhuri yako inokuda kupfuura shamwari dzako dzemuraini kana dzekudoro. Ukaonaa shamwarii inoti waita chinhu chaunoziva kuti chakaipa iye wokubatsira kuvanza chinhu ichi pane kuti ange achikutsiura, munhu uyu haisi shamwari yako. Ndiye muvengi wako.

Toti waudza shamwari yako kuti wahura. iye ndiye anottanga kuchema kuti shamwari yake yakanganisa upenyu.Iwe wega unoona kuti wagumbura shamwarii yako. Iye anokutsiura kuti waitireii chinhu chakadai. Ndiye anotanga kukubvunza kuti washandisa here makondomu? Kana ukati kwete, iye anotaridza kugumbuka nokuti iwe ukafa anosara asina shamwari.

tti wamuudza kuti wafunga zvokuhura asi hausati wahura, anokuvaraidza agokuchengeta agokukumbira kuti uhwisise kuti zvauri kufunga zvakaipa. Kna atadza kukutsiura anokuudza kuti ukahura ushamwari hwapera nokuti haadi kuita shamwari yomunhu anohura.

Akaona shawari yako yepamoyo achikutsvakira munhu wekuhura naye kana kukubatsira kumukosva, zva kuti shamwarii hauna. Chitanga kutsvaka imwe shamwari ine unhu. Shamwari munhu akakoosha chose asi anfanira kuva munhu anovaka, kwete kuputsa.


Mbereko
Kukapera nguva pasina mbereko vanhu vanotanga kuona sokuti vakaita mistake kuroorana. Kasirai kundoonekwa muzive zvokuita nenyaya iyi. Kana mukadzi ange ari pamapiritsi, zvinokwanisa kuita nguva asina mimba. Murumewo kana achishandisa imwe mishonga kana kubhema mbanje anokwanisa kunge asingazvari. Chikuru hwisisa kuti inyaya inorambanisa vanhu. Murume anokwanisa kufunga kuti iwe hauzvari, iwewo uchifunga kuti iye haazvari. Mukanovhenekwa muunokasira kuudzwa kuti chii chakaipa pakati penyu mochigadzirisa.

Vashandi venyu
Nyaya dzevashandi dzapedza mhuri. Vasikana vebasa vanoonekwa sekuti mukadzi ava mumba saka changosara kuvata naye. Hino ipapo murume haazozivi kuti kunopfekwa kondhomu kana pava nechihure. Naponapo musikana webasa ototakwaira nemimba ya Boss wake. Nyaya dzese dzatokuipira.

Hwisisa maNEEDS emurume wako umupe zvese. Usatsvaka musikana webasa asiri munhu mukuru pauri chero zvodii. Unozvipinzira pakaipa uye kupa murume muedzo. Murumewo kana ada munhu wekuchengeta musha ngaatsvake mudhara abva zera, kwete chikomana chakagwinya chinofamba chakapfeka chikabudura zvidya zvichionekwa kusimba.  Musi waunotadza kumisa chombo mukadzi anorota achivatwa nechikomana chakasimba. Unobva kubasa wakapfeka suit yakahi La Gambini, inodhura, wowana mukadzi avhurira chikomana chaunotambirisa USD150 pamwedzi.

Musaisana pamuedzo. Funga usati waita zvaunoda kuita. Vasikana vebasa vatinavo mudzimba ave kazhinji tinavo kuti vepa NEXT DOOR vazive kuti tine mari asi NEED chaiyo hatina. Kana usingadi kusuka ndiro enda unotenga DISH WASHER, usingdi kuwacha, enda unotenga WASHING MACHINE. Uchatoona kutimichini iyi yakachipa kupfuura munhu waunofidha zuva nezva, uye michini haihuri nomunhu.


Kuzvirova dundundu pakudzidza nokutambira
Vakawanda vanoti akadzidza oona sokuti kudzidza kwake kuri pausoro pezvimwe zvese zvaari,  kutopfuura mhuri yake. Kana munhu achidzidza kuti azoitawo munhu ane mhuri yakasvinura. Mhuri murume, mukadzi, vana venyu, vabereki venyu mese. Onekwa kudzidza kwano pakuti wava kugona kuriritira mhuri yako. Kutaridza EXAMPLE yokuda mhuri yako. Hino vamwe vakadzi akadzidza ototanga kushora murume kwahi unongoramba uri maraicha sei ini ndava neDegree, Wava kundisvodesa. Chiendawo kuUniversity udzidze. Atokangamwa kuti murume ndiya akamushandira achitenga mabhuku ake achimubatsira kurera vana ambobva kubasa futi, kuti mhuri iite nani.

Taridza kudzidza nokugona mabasa ako kwete nokushora vaunofunga kuti havagoni. Murume wako ndewako chero akadzidza chero asina. ida murume wako zvaari. Iyewo achikuda. Usambomuita kuti ashungurudzwe nokukubatsira kwaakaita kuti udzidze. Kna achikusvodesa, mutengere SUIT dzinodhura nemari yawava nayo kuti pamunobuda aonekwe arimunhu ava pane chimwe chinhanho.

Kozoitawo varume vanoroora vakadzi vavaziva kuti vari pasi pasi pavo kuitira kuti kana oda kuita twake mukadzii ashaye mukana wekubvunza. Mukadzi wakadai haasii mukadzi chaiye kumurume akadai. Bheta kusaroogwa pane kuroogwa nomurume anofunga seizvi. uchatambura naye achikuona sekamwana kane makore maviri iwe uri mukadzi mukuru.


Kushaya mukuru pakati penyu, kuda kutonga.
Imba imwe neimwe ine mukuru pakati pemukadzi nomurume, asi chinhu chakangonakawo kuti mukadzi akudze murume wake. Hazvirevi kuti hausi manager wemusha. Zvinoreva kuti unopa murume CREDIT kuti murume wemusha. Kana muri vaviri unomupa mazano womurega achishandisa mazano aya iye somurume. Usashore murume wako. Murume munhu anofanira kugara ane CONFIDENCE yokuti ndiye samusha. Chero achiziva kuti ndiwe BRAIN yemusha rega azive ega asi iwe mupe rukudzo chete semurume wako. ngatihwisise apa vasikana. Murume akashaya CONFIDENCE mumba make panoitika nyaya dzakawanda dzausingadi.

Vana vane musikahwa
Varume vakawanda vanoti kana iye sababa vemusha akatadza kuranga vana vake unoona opomera mukadzi mhosva kwahi mwanasikana uyu akafanana newe asi iwe ipapo hauna kumboita zvemusikahwa. Pamwe mwana akafanana nambuya vake mai vababa vake. Tingazviziva sei. Iye sababa ngaarange mwana. Asi kuda kuwana mukana wekuramba mukadzi.

Kune umwe wandinoziva akaona mwana wake achifamba nomukomana vachitobva kuCHURCH vana ava, musikana wange ari muYEAR 3 kuUniversity. Baba vakazosvika kumba uturu hwehasha hwobuda nomumaziso chaimo ndokusvikorova mai vomwana kusvika vaenda kumapurisa murume ndokusungwa.

Vakazorambana havo asi murume akadzinga mhuri yese mukadzi navana 4. Iye ange ari Head teacher. Kwapera mwedzi miviri Deputy head  teacher ndokuzogarapo pamba paya. Ikozvino vakazofa vese. Uya mukadzi wekurambwa mupenyu hake.

Kana vana vakatanga musikahwa vanopokanisa vabereki zvikuru baba vasingagoni kurera mhuri.

Kuita Business remhuri.
kana munhu wechiZimba akangoita business rake vanhu votofunga kuti amba apa pane mari chose uye ndeyomurume wepo chete chete. Vakadzi vakawanda pamba pakangoita mari votoda kunoroogwapo nomurume wepo. Kana uchida kuhwisisa kufunga kwevakadzi vakawanda tora nyama nyoro iinyike mumvura ugoisiya pachitandamgare kune makore. Kudiwa kwainoita nenhunzi ndiko kudiwa kunoita murume ane bhizimisi nevakadzi muZimbabwe.  Havana basa nokuti akaroora kare kana kuti muDhikoni kuchechi.

Bhizimisi rinorambanisa vanhu kana vasina kuchenjera.

Kushaya nguva mese
Mukaroorana mukashaya nguva yamunoti ndeyenyu mese pamwe chete, munokasira kungoonana sevanhu vanogara muimba imwe chete asi musina RELATIONSHIP. Itaiwo nguva yamunopedza muchivaka rudo gwenyu. Toti mese munoshanda asi hamuna vana, wanai nguva yamusingashandi  mese mochirega kuipedza muchinoshopa kana kutimba gadheni. Sweraivo mese muchiita zvinoitwa nomurume nomukadzi kana vari vese. Kana gadheni ichida kutimbiwa tsvakai munhu anotimba mumupe mari yamapedza nguva muchishandira.

Mari norudo hazviwirirani. Pane mari yakawanda pane kupopota chete nokudadira vavakidzani nokufunga kuti mota dzakanaka ndidzo dziri pamusoro perudo. Munhu ita musha wakanaka asi ita BALANCE yacho pamhuri yako. Wanai Zuva ramunoswera mese pavhiki imwe neimwe. Musi wacho mononoka kumuka. Foni mombodzima kuti pasawana vanhu vanokunetsai. Kana une mota pamba siya waipaka kure zvokuti anoshanya akawana pasina mota anoti hamupo.

Kana mune vana musi uyu mese vabereki muripo nemhuri yenyu. Vana vanotarisirawo musi wacho. Movaitirawo zvakanaka. Kuenda navo kuPark, kutamba navo bhora, etc.

Mukasaita nguva mese hapana chamuri kuita muchapedzisira marambana chete. Zvakafanana nevanoroorana vogara munyika mbiri. Hapana zvazvinoreva. Garai mese pamwe chete. Ini hangu pane zvandakaona munyika dzandakagara dzinoti UK, SRA, Zimbabwe, handifungi kuti kune vakawanda vasingahurirani vachigara kwakasiyana.

Kuroya
Ukahwa munhu oudza umwe wake uroyi, chiziva kuti kune small house yava kuda kuroogwa naye. Iye ashaya chokukupomera nokuti hapana chawatadza asi asarudza Small house panewe saka kuti ungoenda pasina mhosva hazviiti saka ave kukupa mhosva yeuroyi. Fact ndeyokuti dai uchitoroya zveshuwa murume aitotya kukuramba nokuti waizokwanisa kumuroya usati waenda  Uyezve haaiita Small house nokuti hayaimuda kana ane mukadzi anoroya.

Truth ndeyokuti varoyi chaivo hakuna zvachose. Ukakwanisa kuroya ungaita millionnaire overnight. Imagine uchiita security company yako yevaroyi chete. Unoita 50 years pasina mbavha yambosvikapo.

Murume anotya kukuudza kuti haachakudi nokuti ave kuda kuroora hure anokuudza kuti uri muroyi.

Idzi ndidzo nyaya huru dzinopokanisa vanhu vakaroorana. Gara nadzo dziri mufungwa mako kuti ukaona dzapinda mumba ukasire kudziona ugoona zvokuita nadzo.

Kusagona kugeza
Kana wakaroorana neumwe munhu zvinoreva kutimunhu uyu achanhuwidza muviri wako zuva nezuva. Dzidza kurerusa zvaanonhuwidza. Pakunovata, enda kunovatta uchinhuwirirawo zvinofadza. Dzidza kugeza zvakanaka, zvikuru panzwimbo dzinodikitira. nyaya inoitwa nevamwe iya yokuzora mazai mambishi muvhudzi munhu oenda akadaro sokuti aitigwa matoto neshiri, haiiti kurudzi gwedu. Kana wada zvechiRHASITA, chinyyenganawo nevanobvako kwazvakabva vasinei nokunhuwa kwazvo. Vekwedu zvinovanetsa kujaira.

Pamberi pemukadzi kana pasina kuchengetwa zvakanaka panobudisa hwema. Kozotiwo chombo chemurume kana chisina kugezwa pasi peganda, paunomubata kuti unangsa chombo chake chichipinda, ukafunyungura ganda unohwa hwema hwegweme. Gweme rinoda vinegar kubvisa BACTERIA yacho inoriitisa pese pemukadzi nepemurume. Ukageza nevinegar mazuva maviri, unmboita nguva zvsina kutanga futi.

kana wabvva kumwedzi, imbogezazve nayo bacteria ibve.

Mazino geza usati waenda kunovata. Wogezazve pakumuka. Kutaura nomunhu anonhuwa mumuromo hazvinakidzi. Kuzoti ada kukukisa, haa bodo.


UDZAI VAMWE!!!!!


No comments: