Saturday 11 August 2012

Murume asingamiri Chombo

Kune varume vakawanda chose vasingamiri chombo kana kuti chombo chinomirawo hacho zvisina simba kana kuti chinomira kwenguva isina kukwana pana zvaari kuda kuita nomukadzi wake.  Nyaya iyi inokwanisa kushungurudza mese murume nomukadzi kusvika pakuti vaya vasina njere vanopedzisira vafunga kuti pane mishonga iri kushandiswa.  Vadaro vopedza mari yakawanda vachizama kuzvigadzirisa, vanhu vemishonga yenhema voita mari.

Sei chombo chichimira?
Chokutanga kuhwisisa kuti chinomisa chombo chii. Murume anokwanisa kumira chombo zvichibva panyaya dzakawanda dzinoti :

  1. Kubatwa maoko kana pamwe pemuviri nomunhukadzi
  2. Kunhuwidza chimwe chinhu
  3. Kuterera imwe nyaya inoitisa zemo
  4. Kuverenga zvinoitisa zemo
  5. Kuona mapikicha ezvinosvodesa
  6. Kufunga umwe munhu waanoda
  7. Kuona mukadzi asina hembhe kana kuti akagara zvisirizvo.
  8. Kana murume avete chombo chinomira eight or more times

Fungwa ikangoziva kuti paita nyaya ingada kuti chombo chimire, inotumura shoko kuchiuno kumusana kunoperera mabhonzo emusana anova ndiwo anofamba netsinga. Muchiuno mune tsinga dzakabatana nechombo dzinotumira shoko kuchombo kuti  “FANOMIRA Pangangoita basa rako pano, Fungwa yaona zvayaona.” Chombo chikangohwa nyaya iyi ropa romhanya kwachiri chozara chomira. Kana Mashoko aya akaramba achiuya, chinorambawo chichimira. Asi kana murume akarobwa nemboma kana shamhu ipapo kana kuvhunduswa, ropa riya rinodzokera kwarabva osara asina kumira.

Chombo chomurume chinotanga kumira asati azvagwa, achiri mudumbu ramai vake. Azvagwa anokura achingomira chombo kusvika pahujaya paanozoti chamira chinokura kuita ziguru. Aroora mukadzi anoti chikamira vari panokwanisika ochipinza muchitubu chomukadzi wake vokoirana, urume hwobuda hwopinda mumukadzi.  Zvadaro chombo chovata. 

Murume anokwanisa kumira chombo kakawanda pazuva rimwe chete. Kana avete chinomira zuva rimwe nerimwe kupfuura kasere (8 times or more)   Anomuka kuseni asingatozivi kuti ndizvo zvakaitika usiku.  Dzimwe nguva murume asina mukadzi anozara urume mumabhora ake, Adaro pakumira avete paya anokwanisa kubudisa urume ozomuka kuseni owana akazadza mubhedha wake urume.  Kunohi kuzvirotera.

Kana muri vana vadiki unohwa vanhu vakuru vachitukana vachiti “Yako haimiri” woshaya kuti nyaya iyi ndeyei. Varume vazhinji vanokwanisa kuita nguva chombo chisingamiri zvakanaka. Haisi nyaya yokutukanirana kana kusekana. Nyaya yokuti ukaziva kuti nhingi haasi kumira mazuvano, dzidza ipapo kuti munhu wese anokwanisa kuita dambudziko iri.

Kana chombo charamba kumira
Chinoitika panyaya iyi ndechokuti  musi wekutanga munosvikigwa makarivara. Munenge muchitoda henyu kuita zvinhu zvenyu semazuva ese,Zemo munaro mese, napo napo chombo choti rukutu sepasina mukadzi.  Zvadaro hapana chokuita. Kutomirira kusvika chafunga zvokumira futi. Chikashaya simba rokumira, hapana chokuita.

Zvinovhundusa kushaya chombo chimire iwe une zemo,murume achitaridza kuti ane zemo.  Fungwa ipapo dzinotenderedza musoro nokuti hauzivi kuti murume ava kugwara here kana kuti pane chaitika. Ipapo murumewo anokwanisa kunge achifunga zvakawanda pazviri.  Imwe nyayazve ndeyokuti hapana kumira zvachose here kana kuti kumira kwacho ndekwekuti murume haakwanisi kupinza.

Ukaverenga tsamba dzevanonyora vachibvunza unotanga kuhwisisa kuti zvinoshungurudza vanhu vaviri ava.  Mukadzi anotanga kufunga kuti kuda murume haachamudi. Zvikuru kana akambozama kubatabata murume zvaanosiita asi chombo choramba kumira. 

Chikonzero?
Pane nyaya dzakawanda dzingakwanisa kuti chombo chimborega kumira. Chinhu chakanaka kungohwisisawo kuti chombo chinombotadza kumira pasina nyaya yokutimurume haachakudi.  Kana murume ari mutano, chero achikuda chero asingakudi, vashoma vanokwanisa kuzviitisa kuti chombo chisamira.

Hezvino zvinokwanisa kukonzera chombo kusamira:
1 Kugarochovha bhasikoro. Kana kuti murume achovha kwenguva yakareba musi uyu. Kana murume akakwira bhasikoro, chigaro charo chinopuresa panopfuura netsinga dzinobva kumusana dzichienda kuchombo. Dzikapuresiwa kwenguva dzinodhambha dzorega kuudza chombo kuti chimire.

2 Kugara murume achidhakwa nedoro. Varume vanogamwa doro kwahi kuoma kwechombo kushoma pane asingamwi doro. Kana murume wako achigaromwa doro, pane umwe musi wamuchaona chombo choramba kumira.
3 Fodya inoderedza kuoma kwechombo kana chimire uye kukura kwacho, nokuti ropa rinoendako rinoita shoma. 

Zvigwere zvinokwanisa kurambidza chombo kumira

  1. High blood pressure,
  2. High cholesterol, heart and vascular disease,
  3. Diabetes
  4. Hemachromatosis (too much iron in the blood)

Regai ndimbomira panonditaure kuti Zvigwere izve zvese hazvo zvinokonzegwa nemagarire edu. Zvikuru isu takaenda munyika dzisiri dzedundokunotanga kudya zvemo zvisingaumbi muviri.  Zvigwere izvi tikagara tichiziva zvikonzero zvazvo tinokwanisa kuzvidzivirira .

BP, Cholestrol, Diabetes, IRON, Kana uchiita maEXERCISE akawanda, uchidya zviri fresh zvisina mafuta akawanda, unokwanisa kudzikisa zvigwere izvi. Ndiani angatadzawo izvi kana achida kuchengetedza kumira kwechombo chake? 

Zvimwewo zvigwere zvinokanganisa kumira kwechombo

  1. Low male hormone level,
  2. Prostate cancer
  3. Scleroderma (stiffening or hardening of the skin)
  4. Kidney failure
  5. Liver cirrhosis
  6. Chronic obstructive pulmonary disease
  7. Epilepsy
  8. Stroke
  9. Multiple sclerosis
  10. Guillain-Barré syndrome
  11. Alzheimer disease
  12. Parkinson disease

Mishonga inokwanisa kurambidza chombo kumira

  1. Antidepressants (for depression)
  2. Antipsychotics (for psychological illness)
  3. Antihypertensives (for high blood pressure)    VERY COMMON CAUSE kuvatema 
  4. Antiulcer drugs, such as cimetidine(Tagamet)
  5. Medications to treat prostate cancer, such as goserelin (Zoladex) and leuprolide(Lupron),
  6. Medications to treat benign enlargement of the prostate, such as finasteride (Proscar) and dutasteride(Avodart)
  7. Drugs that lower cholesterol
  8. Mind-altering agents,  (mbanje,  marijuana, cocaine, kuzviitisa )

Pa List yese iyi maona here kuti handina kunyora nezvemishonga yechibhoyi? Handifungi kune mishonga yakadaro asi kuti kune vanhu vanotyisidzira vamwe kuti vasaita zvimwe zvinhu, zvikuru kuda kuti varume vasahura nevakadzi vevanhu. Iwe murume wako haahuri saka ngatisaenda kunyaya idzi. Kusamira kwechombo kunoitika kuvarume munyika dzese dzese uye PROPORTION yacho yakangofanana saka dai pane mishonga dai kwedu vasingamiri vakawanda kupfuura vekune dzimwe nyika. Kana usingahwisisi LOGIC yezvandataura hauna kuita masvomhu kuchikoro saka hazviiti kukutaurira zvazvinoreva, asi kungoti ukada kufunga nezvemishonga yechibhoyi, uchanonoka kubatsira murume wako ugoruza wega pakuvatana naye.

Hakuna mushonga wechibhoyi unotadzisa chombo kumira, kuzhe kwe mbanje ne doro, nefodya, etc. chinoitisa kuti ukasire kufunga nezvemishonga inyaya yokuti iwe pamwe wange uchiisira murume mishonga yacho iye asingazvi. 

Todii nomurume asingamiri?
Kana zvaitika kwauri, rangarira ipapo kuti zvinoitika kune varume vakawanda. Zama kusatyiswa nazvo. Usatanga kufunganya nazvo nokuti zvinhu zvinoitika.  Murume akasaita PANIC, anokwanisa kuti akangobatabata mukadzi, mukadzi akaramba ane zemo, chombo chingangozomira voita. Asi akatanga kufunga kuti hachimiri, chinoramba chakati zii. Hwisisa kuti kune vakawanda vaunosangana navo zuva nezuva vane varume vasingamiri. Mukadzi akatanga kupaparika nazvo anowedzera kutya kwemurume dambudziko rotowedzerawo. Pazvinotanga mese hamungazivi kuti zvichagadzirika kwapera nguva yakadii.

If you start freaking out about it, you may enhance the fear in your man, thereby making the matter a lot worse. Stay calm and make light of the matter. Tell him it affects a lot of men, which it does, but it is usually temporary, which it is. 

Zvinokwanisika kuita mazuva, mavhiki, makore murume asingamiri, asi achizokwanisazve kumira, muchitoita sezvamaingoita kare.

Chokutanga ndechokusawedzera PANIC yomurume. Kana zvatadza zvachose tanga imwe nyaya isinei nezvaitika, inosetsa kana kurerusa hana yomurume.  Simuka unomutsvakira kapu ye tii, momwa muchiita nyaya. Kana mapedza ukaona kuti hapana nyaya yerhoji pano gumbatira murume muvate. Mangwana, usada kuiita nyaya huru. Tsanangurira murume kuti zvinoitika kuvarume vakawanda asi zviri TEMPORARY. Kana chombo chada kuzomuka ngaauye arhoje.  Murume akasaita nyaya dzakawanda mumusoro make, anokwanisa kutomuka chombo chimire akatokurhoja kuseni ukaswera wongochururuka urume.

Fungwa dzedu mafungire adzo anowedzera matambudziko edu. Mamuka mangwana, tora LIST yezvikonzero yandanyora pano utarise chimwe nechimwe chikonzero uzvibvunze kuti murume wako ane chikonzero chacho here. Kana anacho, chiri chokuzviitisa sokuti anomwa doro kana kuputa fodya, kana kuti akakora, kana kuva ne BP, garai pasi mutaurirane kuti zvoitwa sei. Hwisisa kuti mapiritsi ezvimwe zvigwere anokonzera kuti chombo chisamira futi saka zvese chigwere nomushonga wacho zvinorambidza chombo kumira.

Kana chiri chigwere chisiri chokuzviitisa kasirai kuenda kwaDhokotera munoona zvokuita.

Hwisisa kuti kune mishonga yakawanda yokumisa chombo asi imwe yacho inokonzera zvimwe zvigwere zvinokwanisa kutouraya murume. Asizve hwisisa kuti kushandisa mishonga yokumisa chombo kunoitisa kuti kana wodazve kuti chimire wotomwazve mushonga wacho. DEPENDENCY !!!!. Hachizomiri pasina mushonga wacho. 

Varume, hwisisaiwo kuti kana chombo chako chisina kumira hazvirevi kuti mukadzi haachaiti zemo.Mukadzi anongoita zemo chete, saka iwe basa rako nderokumubatsira kubvisa zemo, sezvaanoita kana iwe waita zemo iye ari kumwedzi.

Wana dzimwe zhira dzokumubvisa zemo.

  1. Unokwanisa kumubatabata pese panonaka kubatwa nokukiswa.
  2. Unokwaniwesa kumupinza chigumwe kana zviviri muchitubu iye achizvikwizirira pabhinzi yake
  3. Unokwanisa kumukisa pabhinzi (best thing ever)
  4. Unokwanisa kumubvunza zvaanoda kuti umuite. 


Chinhu chausingafaniri kuita kumirira kuti kumira kwechombo kudzoke pasina zvimwe zvawaita kwaari. Ratidza kuti une SYMPATHY neSituation yamuri wofanoita zvimwe wakamirira musi unodzoka chombo. Varume mune OBSESSION nechombo nokuchipinza. Isu tine OBSSEION norudo, CARE, ATTENTION, Kuziva kuti murume ari kundifunga chinhu chikuru chose.

Hwisisaizve kuti isu tiri variritiri saka kana une dambudziko pamoyo udza mukadzi wako mubatsirane kurigadzira. Ukada kurigadzira wega ndipo chombo chinomboenda pa LEAVE.  kuti chidzoke, mese munobatsirana panyaya yacho.

Unokwanisazve kuzora mafuta mumaoko wopurudzira chombo nemaoko akatsetseka. Ukaona choda kuita sokumira, unokwanisa kusveta chombo chomurume, kana kunanzva ne tip yorurimi, zvikuru pasi pacho pane mutsetse unoita sokuti chakasonwa. Kudziya kwerurumi uye kutsetseka kwemaoko kunokwanisa kumisa chombo.

Munhu dzidzira wega kuita FIRST AID pachombo chomurume Hwisisa zvakawanda  zvinoita kuti chimire. Garotaura nomurume nenyaya idzi umuudze kuti chikasamira hauvhunduki nazvo, nokuti ukavhunduka iye anobva atadza kumira kwenguva yakareba.

Udzai Vamwe!!!!
chi chinokodzera kusamira kwemboro
kana chombo chisingamiri
chombo kuramba kumira
murume haamiri chombo
murume haamiri mboro

3 comments:

Anonymous said...

Mai Chibwe- yu are good at this analysis thing. However you atre wrong on the effects of beer and Mbanje on nyaya dze erection. Titange ne doro:_ Doror is a stimulant. It makes the drinker wedoro highly stimulated. Chidhakwa chacho chinobva chanzwa kuda kukwira BUT to a certain extent of drunkness. Beyond that critical level, well chidhakwa anorara hake . HOWEEVER kuseni kwachona- Chidhakwa yake inonzwa kuda zvekuti akapiwe kana mbidzi chaiyo anoikwira, Nenyaya kekuwandisa kwe zemo rake riri bhabhalaas induced...!

Kuzoti Mbanje:- Mbabje kana ndiri seni ndikaiputa (to a certain extent) i must have wife padhuze because ndinonzwa kudza zvekuti i can kwira the whole day!!

Unknown said...

I need to be helped on my penis erection is very poor

Unknown said...

Thank you for your help hope this will help a lot of man out there