Sunday 5 August 2012

Mapikicha PaINTERNET

Pa Internet panowanikwa mapikicha evanhu vachirhojana. Zvino zvinoitika kuti imi vaviri hamuudzani kuti muri kutarisa mapikicha awa. Umwe akazoziva kuti mukadzi/murume wake ange achiona izvi ofunga kuti kuda haasi kuguta mumba. Vanhu vanotarisa mapikicha awa nezvikonzero zvakawanda zvakasiyanasiyana.

Isu vakadzi 
Tinoudzana kuti kutarisa kunoita tidzidze zvokuita mumba.Ndingati hangu uku kuvhenganisa nhema nechokwadi. Zvinoita kuti munhukadzi atarise mapikicha awa achida kuona kuti murume wake ange achimatarisirei. Zvoita futi kuti iye ega angoatarisawo kuti aone kuti panoitwei

Chinonetsa ndechokuti isu hatidi kubvuma kuti tamboatarisawo. Zvikuru kana murume ambozikamwa kuti anotarisa kana mukadzi asipo. Vakadzi vakawanda vanokomburena kuti sei varume vavo vachitarisa izvi. Hameno kuti sei tichida kukondirora zvinoonekwa nevarume vedu. Unotohwa mukadzi mukuru achipopota chaizvo kuti sei murume akaona izvi, kunge akaona munhu chaiye kwete pikicha.

Ndofunga kuti tinoziva kuti murume akaona izvi anomira chombo pamwe opedzisira ashandisa maoko ake pachombo kuti aite searhoja. Hino isu tofunga kuti mufungwa make anga anemukadzi wepapikicha pane kuti dai ange aneni mufungwa. Ndipo patinokanganisika musoro kusvika pakupopotedzana nomurume.

Chokutanga ndechokuti vese vakadzi nevarume vanozvibatabata vasati varoorana uye varoorana. Hapana chakaipa ipapo. Kana usingadi kuti umwe wako azvibatabate chii chauri kurambira? Iwe kana une dambudzioko nazvo, ona kuti wabvisa dambudziko iri mufungwa yako Munhu uyu akatanga kuzvibatabata kare iwe usati wadanana naye. Anoziva zvinonaka pamuviri wake. Rega anakigwe. Hazvirevi kuti iwe haachadi kuvata newe. Kunaka kwekuzviitira kwakasiyana nokunaka kwekuita nomurume/mukadzi wako. Pane dzimwe nguva dzaunongodawo kuzviitira.

Hino kana murume akatarisa mapikicha awa, vakadzi vakawanda vakazviziva vofunga kuti ari kufunga kuhura. Kana achida rhoji yakawanda sei asingauyi kwandiri? Ipapo murume anenge akatoguta zvaapiwa nomukadzi asi achingoita imwe nguva yaanoda hake kuzviitira. Iyi inguva iri extra kubva paanopiwa nomukadzi.

Vakadzi vakawanda, zvikuru vasina CONFIDENCE pavarume vavo vanokasira kufunga kuti pane zvaitika zvaitisa kuti murume ade kuzviitira ega mukadzi aripo. Kusahwisisa uku. Kuona mapikicha epamberi pemunhu kunoita zvakawanda pamunhu ari kuona. Iwewo mukadzi garotaridza murume wako pamberi pako aone zvapakaita chaizvo nokuti zvakasiyana nemapikicha anenge akaitwa iya inonzi AIR BRUSH kuti atarisike sezvavanoda.  Pamberi pako iwe ndepemunhu chaiye.

Ndiri kutaura nezvesu vakadzi nokuti tsamba zhinji dzinokomburena nenyaya iyi. Kazhinji unohwa vachinyora vachiti NDAKABATA murume achiita izvi neizvi, kuita sokuti akapara mhusva. Wakawana murume achiona mapikicha evasina hembhe uye achizvibatabata chete. Hapana mhosva yakaitika apa. Chete kuti wange usingazivi kuti murume wako ndizvo zvaanoita. Pane kumupopotera kana kuita sokuti washaya mufaro nazvo, gara pasi uone mapikicha acho naye azive kuti hazvina basa kwauri. Mapedza kuona, kana akamira chombo muudze akurhoje kana achida. Kana asingadi isa maoko ako paari udzidze kuti kana achizviitira anoita sei.  Kana asingadi kumbira kuona achiita ega. Chinhu chakanaka kuti umwe wako aone uchiita wega kuti ahwisise kuti zvinoitwa sei.

Chikuru ndechokuti usagumbukira mukadzi/murume uchiti nokuti aona mapikicha evamwe vasina kupfeka kana kuti vachirhojana pa Internet kana kuti mubhuku. Mabhuku akadai haabvumigwi kuZimbabwe asi unoona kuti PROPROTION yevarume/vakadzi vanohura haina kumbosiyana neye kwaanobvumigwa. Kwedu Chero Prime Minister na President vese vanohura  zvinotozikamwa. Kuona mapikicha hakuitisi chihure. Kunoitisa munhu afunge zvakasiyana.Vamwe vanongodzidza zvimwe zvitsva chete.

Kuzvibatabata hazvirevi kuti mukadzi/murume wako haasi kuguta nezvaunomupa. Zvinongoreva kuti munhu agara achiita zvimwe. Murege aite. Kupopotera munhu kuti aonerei mapikicha hazvina kana musoro. Zvoita sokuti uri kukwikwidzana nepikicha. Umwe wako kana achitarisa mapikicha evanhu vari kuvatana zvinongoreva kuti ane INTEREST nezvokuvatana. Mubvunze chaadzidza pane zvaaona, ugomuudza kuti uri kuzvidawo saka ngatichizvizama.

Vanhu dzidzaiwo kutaurirana pane kupopoterana nokutsamwirana. Munhu wese ane CURIOSITY pane zvinhu zvakawanda. Kuona pikicha hakuzi kuhura. Asi hazvirevi kuti munhu ongoswerera kuona mapikicha acho zuva resewo. Kana waona, ukada kunyatsoziva zvazviri chaizvo, chibvisa umwe wako bhurugwa unyatse kuongorora.

Nyaya yaMiriam: 
Miriam akawana laptop yemurume wake ndokutanga kuishandisa kuita project yake yokuchikoro. Pakudaro ndokuti otarisa INTERNET ndokuwana pa HISTORY pane ma website avakadzi vasina kupfeka, nevaiita zvimwe uye nevanhu vari kuvatana. ipapo iye aiziva kuti murume wake munhu anoda kugarotarisa phone ne Laptop yake kuti ari kuitei.  Akabva atsvakawo ma WEBSITES ane varume vasina kupfeka neevanhu vari kuvatana.

Kwakapera mazuva matatu murume ndokubva amubvunza kuti  kuti sei ange achitarisa varume vasina kupfeka.  Zvikahi na Miriam "ndange ndichida kuona kuti vanogona kurhoja sewe here" Bopoto ndokutotanga murume achikomburena kuti hazvina kunaka kuti mukadzi wemunhu aone zvakadaro. Miriam ndokubvunza kuti ko murume wemunhu anobvumigwawo here kuona vakadzi vasina kupfeka. Nyaya ndokuzobuda pachena matangire ayo.

Vakazobvumirana kuti kana vachitarisa votarisa vese vozotaurirana kuti chii chavaona.

Zvinoreva kuti pamwe isu vakaroorana tinopopotera vamwe kana vaita zvinhu zvatinoitawo isu.


Udzai Vamwe!!!!!


No comments: