Monday 6 August 2012

Kusiyana pakuda RHOJI mumba

Kusiyana pakuda RHOJI
Toti maroorana magara mese kwemwedzi mitatu zvobva zvaonekwa kuti madire amunoita kuvatana akasiyana.  Panohwimwi pakadai? Chokutanga ndechokuti pane vanhu vaviri pane musiyano. Saka iwe noumwe wako hazvishamisi kuti makasiyana. Muviri wako unoita zemo kupfuura weumwe wako kana kuti wake unoita kupfuura wako.  Haufaniri kuvhunduka nazvo. 

Chikuru ndechokuti unofanira kuitei nazvo.  Chokuita chacho ndechokuti musha uvakwe vanhu vagare vakasununguka pasina anofunganya. Hwisisa kuti kana munhu ane zhara anofanira kudya chimwe chinhu.  Hazviiti kuti umuudze kuti chienda kunovata tozobika mangwana ndava nezhara ini. Anoshushikana mudumbu nepamoyo.

Saizvozvo kana munhu ane zemo anofanira kuripedza asati avata. Hazviiti kuti umuudze kuti  rega ndizoripedza mangwana ini ndava nezemo serako , chienda unovata.  Anoshushikana pamoyo  nazvo. Iwe ndiwe unofanira kumubatsira kuri pedza.  Zemo rinoda ATTENTION nokukasira.  Ukajaidza zemo kungoti rauya worirega richienda pasina zvawaita, uchazonetseka mberi uko woda kuti umwe wako aite zemo nokukuona iye asichaiti zemo racho pauri asi achiitira vamwe vaanoona pa bus Stop kana kubasa kwake.  Mugoni wezemo roumwe wako ndiwe.  Tora RESPONSIBILITY yako SERIOUSLY.

Toti makatosiyana zveshuwa kuti murume ane zemo nguva yese iwe zemo hauna unongoita kamwe pavhiki. Chokutanga kuhwisisa ndechokuti murume uyu nezemo rake ndiye wawakatovinga pamusha pano. Ukaona imba yakamira apo vanhu vachigaramo vese kwemakore akawanda usina kumbohwa nyaya nyaya, zhwisisa kuti vanogona kupedzana zemo. Hakuna chimwe chikonsero chakamisa imba iyi.  Sakai we kana uchida imba yako imire zvakanaka kwemakore, hwisisa nyaya yezemo romurume kuti iri papi. Murume ngaasabuda mumba asina kutapudzwa zemo. Chero akati anaro kana akasakuudza kuti anaro, mubate umutapudze zemo chete. Kana atozvitaurira ega kuti ane zemo iwe chiti Hekanhi waro.

Kana murume ane zemo iwe usina ndiyo nyaya iri nyore kugadzirisa. Isu hatimbonetsi. Udza murume zvokuita kuti iwe uitewo zemo. Kana aita ukanyorova, chero wanga wagara usina basa nazvo, chiita basa nazvo murume aite zvaanoda newe afare pamyo pake. Chakanakira isu ndechokuti tinogona kungosiya nyaya yese pamurume. Kungomupa muviri wangu kuti aite zvaanoda nawo.Kana ndakaneta ndisina zemo rakawanda, kungovata nedumbu, chiuno simudzei zvishoma kuti akwanise kupinza. Angopinda zvaada kuita zvava zvake kusvika apedza. Panakadi mukadzi hwikwa uchipa APPRECIATION  nokuchemerera kukurudzira murume kuti aite zvinomufadza. Apedza muudze mashoko okutenda, womumbundikira movata makadaro. Nyaya yapera.

Isu tinokwanisa kungoRhojewa kutanga pasina zemo. Kunotozoti murume ava mukati  pamwe mukadzi ohwa zvave kunaka ojoinirawo kazemo kake kauyawo.  Nyaya yokuti murume ane zemo rakapfuura remukadzi imyaya iri nani chose. Hainyanyi kunetsa kugadzirisa.  Vakadzi tinoona mufungwa medu nyaya yokuvata nomurume iri nyaya yorudo saka hazvitinetsi kufarira kuvata nomurume chero zemo asina.

Kana uchiona kuti unogara usina zemo murume anaro, zvibvunze kuti chii chisina kunaka pamurume wako chiri kukushaisa zemo.  Kana wachiwana, chigadzirise chinhu chacho.

Murume haana zemo mukadzi anaro.
Nyaya yakadai ndiyo nyaya inonetsa chose. Mukadzi akashaikigwa zemo nomurume wake anoona sokuti hupenyu hwake hwatopera. Tinokura tichidzidziswa kufunga kuti ini somukadzi ndiri munhu akanaka kuona. Kana murume andiona achada kuvata neni. Ndikabvisa hembhe akaona magaro, mazamu, zvidya,  anofanira kuda kundirhoja. Hino kana akasada zvoita sokuti ini ndini ndiri kutadza kuonekwa ndakanaka. Zvouraya CONFIDENCE yangu.  Zvokuzohwisisa kuti murume muviri wake unoita zemo shoma pane wangu nokuti tiri vanhu vaviri, hazvina anozofunga.

Unohwa shamwari dzotokuchidzirawo kwahi haaa iwe hazviiti kuti haangodi hake, pane kwaari kupiwa zvinhu.  Ipapo fungwa yototanga kupinda STRESS.  Hino varumewo ukatanga kumufoya anotadza kuita zemo nokuti anoita SELF DOUBT. Pane zvenhu mumba zvausingaudzi murume OUTRIGHT kuti azvitanda.

Usaudza murume kuti basa rake harisi basa ringaitwa nomurume mukuru.
Usaudza murume kuti chombo chake chidiki pane zvawange uchifungira
Usaudza murume kuti  haasi kukurhoja zvakakwana
Usaudza murume kuti pane imwe hama yake yausingafariri.

Zvese izvi unokwanisa kumuudza hako asi hwisisa maudzire acho kuti unozvipa mhosva iwe kuti iye aite seasina mhosva. SOkuti unoda kumuudza kuti  unoda awedzere rhoji mumba, unokwanisa kumuudza kuti kubva musi wamatanga kurhojana unongogaroita zemo chero pawamufungira. Wambozama kwemazuva kuti usamufunga dzimwe nguva asi hazvisi kuita. Unongohwa uchida kuti ange ari mukati mako saka kana wava naye kumba zvinoita here ange ari mukati.  (Apa iwe ndiwe une dambudziko kwete murume. ) Iye anotozoona kuti iye ndiye ane mushonga wacho. Kana akahwisisa zvawataura anokubatsirawo nokuwedzera.

Murume munhu ane DELICATE EMOTIONALbalance yokuti ukaikanganisa ndiwe uchapinda padambudziko. Hwisisa apa. Murume munhu ane simba asi simba rake rinobva pa CONFIDENCE yaanopiwa nomukadzi wake. 

Hino kana ukangotanga nokufoya murume anotowedzera kusaita zemo kwacho.  Kwahi heee tava nevhiki yese usina kumbondibata, unofunga kuti ndinonhuwa here? Uri kuvata nani?  Ipapo iye anenge asina kana kumbofunga zvawafunga izvi. Anenge ava nevhiki yese asina kumboita zemo asi achitova nomufaro mumoyo make. Iwe ukamutika kudaro iye otogumbuka, zemoharichauyi kweimwe vhiki.

Mukadzi ndiye manager wezemo mumba. Ndiwe unoti kana murume asina mufaro, ndiwe unomupa fungwa yokuti  “Chero zvimwe zvese zvikaparara pamusha pano ini ndiri pano FOR YOU LONG TERM. Ita zvaunoda neni. Kana asina mufaro ndiwe unomuvhurira opinza womupa zamu somwana mudiki, omwa zamu achikurhoja.  Iwe womubatirira kumupa SENSE OF BELONGING.  Ndiwe unopa murume manyawi kuti zvaanoita anogona kuzviita kupfuura nyika yese.

Kana asingaiti zemo rakakwana, ndiwe unobvunza kuti Ko nhai murume wangu, tongovata here tisina chataita? Ukahwa oti akaneta, chimuudza aite manhede  iwe wotambisa chombo, womwa minyatso yake (murume haatani kumira kana ukamusveta minyatso nokumunanzva padumbu, paguvhu, etc) . Kana amira muudze kuti nhasi rinenge ziguru. Unotoona owedzera kuoma.  Chimukwira umuite nomutsa nokuti akaneta.  Rezva murume wako uripo pamusoro wakamutanyanga.  Wapedza raga avate. Jaidza murume kuvata ari mumaoko ako. Kudziya kwemuviri wako kunomuitisa zemo zvinova ndizvo zvauri kuda kuti aite.

Tarisazve zvokudya zvaunomupa. Kana uchimupa zvinhu zviri Fresh zemo rinowandawo.

Kuwanda kwezemo romurume kazhinji iATTITUDE yomukadzi. Mukadzi akakwidza EXPECTATION Yake pamurume asi asingafoyi murume kana kumutsoropodza uchaona kuti uri kutirena murume wako kuvata newe nguva iyi neiyi. Unokwanisa kungoti monovata ukaona kuti haana fungwa yokurhojana, tanga kutaura dzimwe nyaya dzinosetsa, kuti asununguke kana ane STRESS, muchitaura kudaro tora ruoko gwake uise pakati pemakumbo ako kuita sokuti uri kufunga kuti pamuchapedza nyaya yenyu pane chinotevera.  Ari wangu haagoni kungoisa ruokopo agorega kungotanga kupurudzirapo. Adaro chiziva kuti iye haanooki kumira chombo.  Nyaya yapera maseka henyu chitaridza kuti kupurudzira kwake kuri kuita zvakanaka.  Puridzirawo pake.   Unopedzisira wangorhojewa chete.

Usagumbukira murume kana asinganyanyi kukupa zvinhu. Dzidzsa murume kuda kukupa zvinhu. Maitire ako ngaataridza kuti unoda kuti murume arhoje. Mutsanangurire kuti unohwa sei kana ari mukati uye kuti unoda kuti ange arimo nguva dzese.  Iwewo chishamwaridzana nechombo chake kuratidza zvauri kutaura.

Nyaya yokusiyana zemo mumba haisi nyaya yokutsamwirana kana kutukanirana.  Inyaya yokubatsirana kuwana mukana wekukurudzira uya ane zemo shoma kuti akwidze  kusvika pakugutsana mese.  Ukaona umwe wako aderedza zemo. Usafunga kuti haachakudi. Muviri wake pane zviri kuitika mauri. Iwe wedzera rudo nokumubata bata. Vakadzi tinofarira kuudzwa kuti ndengo dzomuviri murume ari kudziona sei.  Zvinodadza kuudzwa kuti

Une maziso akanaka kuatarisa
Mazamu ako anoitisa zemo
Unza magaro awo kuno ndimbotamba nawo
Ndikangoona muromo wako ndoda kuukisa.
Ganda rako rakatsetseka zvokuti rinonaka kubata.
Etc.
 Jaira kungoitirawo mukadzi wako RANDOM comments dzinofadza.  Zemo romukadzi rinoda HIGH MAINTENANCE.  Murume anokwanisa kuita DIRECT SPEECH  chaiyo. Fona uudze mukadzi kuti wava kuuya kumba asi une zemo izvozvi.  Muudze kwarabva.  Unohwa pafoni chaipo kuti afara kuhwa mashoko akadai.  Jairira kubata mukadzi wako. Rudo runoonekwa neACTIVITY yemaoko.

Isuwi vakadzi ngetipe varume vedu zemo nemaitire edu pazvinhu zvemumba. Ipa murume OPEN ACCESS pamuviri wako.  Panongori nemitemo miviri chete inofanira kuzikamwa nomurume.
1 Mirira kusvika anyorova
2 wapinda nonoka kudiridzira

Zvimwe zvese ita madire ako, pawadira ipapo chero musingazosungwi. HARMONY yomumba inobva pakuti munohwisisana panyaya dzokuvatana here.

Panyaya iyi mabasa emunhukadzi akawanda nokuti ndiye MANAGER wezvomumba zvese nokuona kuti murume atapudzwa urume nguva nenguva. Ipa murume SCHEDULE yakafanirana noune zemo zakawanda pakati penyu. Kana mukadzi akasahwisisa apa hamusi kuenda kure nomuchato wenyu.

Murumewo akafarira zvokupopota nokuramwa sadza nokuda kwekuti haasi kupiwa kana kuti haasi kukwanisa mukadzi, munopedzisira mangorambana. Tauriranai zvakanaka. Kana mukadzi wako achikuwanzira rega awanze, kasirai kunovata uwane nguva yokuzorora. SEX BREEDS SEX. saka ukaaidza muviri kuwedzera muviri wako uchazoda kuwanzigwa.

Kozoitawo vamwe vanhu vanoita zemo risingaiti. Chero nguva anenge ane zemo chete. Ukaroorana naye unoita dambudziko. Mazuva okutanga mese munenge makazara zemo. Kuzoti majairana munoderedza. Chikuru kutaurirana uye kudzidza kushandisa maoko enyu kana zvakapuresa. Mukadzi akada murume asingakwanisi kumira murume ngaashandise maoko kubatsira mukadzi. bvunza zvokuita uratidzwa uite. Zemo rake iRESPONSIBILITY yako chete. Usapopotera munhu aita zemo. 

UDZAI VAMWE!!!!!!

No comments: