Thursday 9 August 2012

Kushaya kana kunonoka kuita mbereko


Kana mimba yaramba kubata
Kare
Kare vanhu vange vasingarambi mukadzi kana atadza kuita mimba kwemakore.  Mukuru wemhuri aiuya kumuroora murume wake asipo, obvunza kuti sei usingaiti mwana.  Vaibva vataurirana chikonzero chacho nokubvunzana kuti rhoji iri kutora nzvimbo here  kana kuti anoda mutrume wake ambodzidziswa zvokuita.  Kana rhoji iripo asi mimba pasina,  mukuru aida kuziva kuti mukadzi ari kuda mwana here? Kana ati anoda mwana, aiudzwa kuti zvirongwa  zvinodiwa zvinoda munhu ane hana yakadzikama uye anoti kana atsamwa haatauri zvisingataugwi.  Kana mukadzi aratidza kuti anokwanisa kurongwa naye, mukuru wemhuri aizoronga kuti murume wake afambe gwendo zvokuti anenge asipo pamusha kwezuva rimwe kana maviri mukadzi achangobva kumwedzi.  

Zvadaro waiudzwa kuti murume asipo pane chichaitika asi iwe usavhunduka kana kutaura chinhu kana kudaidzira. Kwaizoti usiku waipindigwa mumba yokuvata worhojewa  usiku hwese. Koda kuedza Nyakurhoja oenda hake kwaabva. 

Kazhinji nyakurhoja ainge ari mununguna wemurume, muzukuru wemurume mwana wavatete, kana kuti vese ava pasina waipiwa mukoma wemurume.  Munhu wawaipiwa munhu aizoti kana murume akafa, ndiye aikugara nhaka.  Kwaisarudzwa munhu ane hana yakadzikama anokwanisa kuchengeta zvinhu zvinoera pamoyo asingazvitauri kune dzimwe hama kana shamwari.  Aisafanirazve kuzvitaura kuna maiguru ava chero kubvunza kuti mimba yaita here, nokuti mimba yange isiri yake asi iri yomukoma kana sekuru.

Pakurhojewa usiku apa waiudzwa kuti usataura nomunhu wacho. Ingorhojanai munyerere nokuti hazvisi zvorudo, ndezvokumiririra mukoma. Maiguru ndimai kusvika mukoma ashaika vozoita mukadzi wenhaka yomukoma.  Saka zvinoera kurhoja maiguru.  Ndosaka zvainzi ita zvejuti kwete zvokunakigwa.  Uyezve zvaiitigwa kuti Nyakurhoja asazofunga kuti maiguru is FAIR GAME  pane mamwe mazuva.

Zvadaro, murume aidzoka kwaange aenda ongoita zviitwa nomukadzi wake pasina anofungira kuti pane chaitika. Vakuru vaizivawo kuti pamwe mimba haingobati musi umwe saka vaikutaurirai zvokuita. Mune dzimwe mhuri waikwanisa kusarudza murume waunoda kuti andokumbigwa nomukuru wemhuri. Pakadai waitoziva kuti nhingi ndiye achandirhoja, saka zvadaro maikwanisa kuzosanganazve pamwe kana murume asipo uye mimba isina kubata.

Yaizoti mimba yabata uya muramu ochirega hake zvamaiguru. Mwana paanozvagwa mukuru wemhuri , nouya nyakurhoja chete ndivo  vanongoziva kuti murume wako haazvari.  Imwe mhomho yese inenge ichitofunga kuti wangobatawo mimba zvinoita vamwe.  Murume ange asingabvumigwi kumbofungira chinhu kusvika afa.  Aingoti mwana ndewake.

Kwaizotiwo zvadai ukatadza kubata mimba, mukuru wemusha aizokuudza kuti iwe ndiwe une dambudziko saka chibvuma tiende kumhuri yako newe. Maenda kumusha kwako vokwako vaimbozamawo zvemishonga yechivanhu. Vaikwanisa kundovhunzira kuti sei mwana asiri kuita mimba. Vadaro vombokudzosera kumurume kwahi enda undorhojewa . Ukati gare gare wakadaro usina mimba Vaizouyako nomuramu ainzi chienda undozvarira mukoma vana. Muramu aiuya operekedzwa opiwa kumurume kuti chitora vari vaviri, poitwa kamutambo. Muramu uya orhojewa nomurume. Akaita mimba nyaya yatopera vana ndevemukoma. Maiti mese mukazotadza kuita mimba,  mhuri dzese dziri mbiri hadzichazivi zvokuita. Maikwanisa kundokumbira mwana wehama momurera sowenyu, kuti pamusha pasagara pasina vana. 

Uyavo muramu atadza kuitiswa mimba nababamukuru obvunzwa kuti anoda kugara here kana kudzokera kwavo kundozvitsvakira umwe murume. Kana akadzokera, pakuzowanikwa vabereki havachadi fuma yakawanda, zvongoitwa zvechirango chero mombe youmai yabviswa hayo. 

Mazuvano:
Mazuvano ukashaya mimba kukapera makore kana mana unokwanisa kurambwa kana murume wako ari munhu asina unhu uye asingazivi kuti 20% yevarume havana mhodzi dzakakwana kungoti paapa mukadzi nokutomuitisa mimba ipapo.

Vakadzi havachina cheremera chavange vanacho kare. Tiri mumakore ema RIGHTS edu asi takatoruza zvinhu zvikuru kare.  Mazuvano unokwanisa kungohurigwa wotozohwa zvohi HOUSE GIRL ava nemimba yangu iwe chienda nokuti hauzvari.

Nyaya dzakadai dzave kunetsa.  Hatichagari pamusha pane vakuru vanotonga nyaya dzedu.  Vakuru vacho vane njere dzazvo vave vashoma.  Mhuri dzakawanda hadzichatozivi kuti zvaimboitwa sei.  Mazuvano vanhu vanoroorana pasina kana mufundhisi kana vakuru vemhuri, Anongotorana neshamwari dzake voenda kwa REGISTRAR votoroorana vodzoka vave mukadzi nomurume. Zvikashata mberi uko haumbozivi kuti woita sei. Kungochema kusvika nyaya yako yazvigadzira yega.  Kana mabvumirana kuenda ku COUNSELLING munenge matombogona asi zvoda vane nguva nemari yacho. Muno muUK Counselling inodhura.  Mukaona munhu wacho mobhadhariswa 60 Pounds kana kupfuura mopiwa 30 minutes yokutaura.  Kana muri pamaSHIFT, zvinokunetsai kuwana nguva nemari.

Ukada zvomumhuri, vekugarisa dare hakuchina nokuti mhuri imwe chete vava kuti umwe ari ku USA, umwe ari kuJoni umwe ari ku Australia akaroora muAborigine asingahwisisi tsika dzedu.  Kuti uchivaunganidza uti udzai hama yenyu isandiramba hazviiti.  Ukuwo kana ari murume asingazvari, vakadzi vongoitawo mimba dzezvikomba voreresa vana mumba kwahi ndowako. Kune vayawo vasingambohuri, unoona kuti tava ma KRISTU saka zvokupiwa SUBSTITUTE hazviiti.  Saka  mazuvano unozvigadzirisira nyaya  dzako wega nomurume wako.  Kana ukaona kuti murume/mukadzi asina mashuwa nenyaya  yako,  tanga waenda wega kunoonekwa  kuti uhwisise pawakamira pazviri.  Ronga uchiziva paumire.

Imwezve nyaya ndeyokuti kana murume ariye ae dambudziko, nyaya yenyu hainyanyi kukushatira sezvainoita kana uriwe mukadzi nokuti varume vane moyo wakaipa chose pakusazvarigwa mwana. Asi kana ariye asingazvari nyaya iri nani. Saka kasira kugara waziva kuti dambudziko renyu riri papi chaipo.

Kozotizve nyaya yakabva kare yokunokumbira vana vehama, iyi yave kuhi ADOPTION mazuvano ichiri kuitika zvokuti kana mese muri vanhu vanodanana asi muchida mwana, munokwanisa kuenda kuADOPTION kana kungonokumbira mwana. Mazuvano takasiigwa vana vakawandisa nenyaya ye chakapedzambudzi mumisha medu. Hakuna mhuri isina nherera dzakasara. Unokwanisa kungonokumbira mhuri vokutendera kutora mwana woenda naye.  Pamusha pasina mwana hapanakidziwo hapo.

Muchiripo apa mazuvano unondoonekwa navarapi kuti pakati penyu asingazvari ndoupi. Murume anohi budisa urume uise muchidhishi  hugondovhenekwa nokuverenga mhodzi dzacho kuti  dzakawanda sei nokudziona kuti dzinogona kudhidha zvakanaka here uye kuti hadzina kuremara. Zvadai mukadziwo anondovhenekwa kuti ari kukandira mazai here uye kuti machubhu ake anouya nezai haana kuvharika here.  Zvatarigwa izvi anotogwa samburi yomukati mechitubu kuona kuti hamuna zvirimo zviri kuuraya urume hwemurume here.  Kana musina unopiwa CHART yokuteverera pakurhojana kwenyu kuona kuti mazuva aunokandira zai ndeapi momborovha kubasa moswera henyu muchiitana.  (Verenga pakahi “Kana wada mimba”  uhwisise maitire anowedzera kubata mimba. )

Umwe akabatwa kuti haazvari, munokwanisa kupiwa mishonga yokuwedzera chizvaro.  (Fertility DRUGS)  Murume akawanikwa ane urume hune mhodzi shoma anopiwawo mazano okuti awedzere. Pane zvinhu zvinokwanisa kudzikisa mhodzi muurume, zvakaita seizvi:

  •        Kuzvimba pamberi
  •         Kumboita zvimwe zvigwere mumuviri
  •         Kusabudisa urume zvakanaka, zvichiitiswa nokuti chibhegi cheweti chiri kupindana necheurume.
  •         Kusatombogadzira urume zvachose mumuviri.
  •          Unokwanisa kunge une ma  ANTI Bodies anoti akaona urume ofunga kuti iVIRUS ohuuraya
  •         Cancer yemumabhora
  •          Kana pakuita jaya mabhora asina kudzikira akangoramba ari kumusoro kuno kudumbu
  •          Machubhu emhodzi akavharika
  •          Kana MaHORMONE asina kukwana
  •        Kana wakamboshandisa imwe mishonga seyekupfapfaidza mumapurazi
  •          Kana wakambotogwa maXRAY akawanda uri mwanana
  •          Kana uchipfeka mabhurugwa kana UNDERWEAR dzinoshinya.
  •          Kuwanzisa kumhanya kana kuchovha bhasikoro.
  •          Kushandisa Mbanje Fodya kana doro
  •          Kana wakakoresa (Overweight)
  •         Kana wava munhu mukuru (over 50)

Ukawana chikonzero chako unokwanisa kuchigadzirisa  womirira kanguva kuti muviri wako utangezve kugadzira mhodzi dzakawanda.Napo napo mukadzi wako oita mimba.

Hino ukapaparika kuda kudzinga mukadzi usati waziva kuti chakonzera dambudziko chii, unokwanisa kuroora umwe agotadzazve kubata mimba. Zvoreva kuti hapana chawaita uye nguva yatopera. Uya wawadzinga anongosvikobata mumba yomurume waanotorana naye. Ndipo pauchaonekwa kuti hauna hwisiso yezvinhu izvi.

Kana zvakuwira iwe.
Nyaya yokushaya mbereko inogwadza moyo.Kana zvakuwira iwe unoda murume ane rudo zvokuti anokwanisa kukuderedza kufunganya nazvo. Ukaita makore maviri usingamwi mapiritsi asi usingabati mimba, kasira kundoonekwa navarapi.  Ukazosvika makore anoita 35 usina mimba unokwanisazve kuzoshupika pakupiwa mishonga yazvo. Zvikuru kuno kuDiaspora kwavanofunga kuti mukadzi asvika 37 haachafaniri kuzvara vana.

Vakadzi zvimwe zvinoitisa kusabata mimba kana murume ane mhodzi dzakanaka ndeizvi
  •          Kukoresa
  •          Kuondesa.
  •          Kusakandira zai
  •          Kukandira zai risina simba
  •          Machubhu emazai akavharika
  •          Kusagadzikana hana.
  •          Kumwa doro
  •          Kushandisa mbanje nezvimwe zvisingatendegwi.
  •          Kuti wakambobvisa mimba zvisirizvo ukasakorobhiwa chibereko
  •          Kana wakamboita zvigwere zvechihure ukasarapiwa zvakanaka
  • Kutadza kuhwisisa mafambire enyaya dzokubata mimba, toti uri munhu anofunga kuti urume itsvina wogara uchingoti ukapiwa urume womuka wonogeza, pane kufarira urume nokuhuchengeta mukati kana wahugamuchira. 

Toti hapana chakaipa mumuviri wako asi hausi kubata mimba, murume haanawo chakaipa, uku muri kupanana urume zvakanaka, zvinokwanisa kunge zviri mufungwa. Maitire anoita muviri wemumnhukadzi ndeekuti kana uchitadza kuita mimba unongofunga zvemimba chete, pamwe zvokonzera kuti muviri wako usashanda zvakanaka uye kungoshusha murume kuti azame kukupa mimba zvoreva kuti haana nguva yokukodza urume kuti hukuitise mimba.  Kunozoti mava nomwana pamba iwe wadzikama pane nyaya yokuda mwana ndipo unozoona mimba yabata. Vanhu vange votofunga kuti hauchamboiti mimba chero zvodii.

Saka izvi zvinoreva kuti kugara usina kufunganya chinhu chakanaka pakuzama kuita mimba kana zvimwe zvese zvakanaka, murume ane mhodzi dzakakwana uye achidzibudisa zvakanaka  pakurhojana nomukadzi, mukadzi achikandira mazai zvakanaka, uye ACIDITY yomuchitubu make isingaurayi mhodzi dzomurume. Makadaro ukagarisa usingaiti mimba, varapi vachiti havasi kuona chakaipa, imbotarisai zvamunodya muone kuti mungawedzera zviri FRESH here.  Pakadai ndipo panohi kana manokumbira mwana mava nechimwana mumba unobva wangoita mai vemwana ndipo unokwanisa kungozoerekana waita mimba.

Vakawanda chero muno muDIASPORA vanotanga ADOPTION voendeswa kuTRAINING yacho vototanga kutsvaka mwana wavanoda. Ipapo fungwa yese yava pamwana uri kutsvakwa yabva pakuita mimba, ndipo paunohwa munhu ohi wakabata mimba.  Kungoita iyoyo yokutanga, zvatopera yechipiri haizonetsi, nokuti unenge usina DESPERATION yawaiva nayo pakushaya wekutanga.

Kutsvaka umwe murume wekukuzvarisa:
Kune vakawanda vanoti akafungira murume wake kuti ndiye asingazvari, anoda kuziva kuti iye anozvara here. Pakuda kuziva anotsvaka munhu wekuhura naye kuti aone kuti mimba inobata here. Zvinokwanisika kuti anobata mimba. Zvadaro unokwanisa hako kuita mwana asi iwe uchiziva kuti haasi wemurume wako. Nyaya dzakadai hadzisi nyaya dzinofanira kuitika mudzimba dzedu mukore uno. Kuti murume wako arere mwana asiri wake achifunga kuti ndewake utsinye chaihwo. Koitikazve kuti murume akafungira kuti mwana haasi wake anokwanisa kuendesa mwana ku DNA test kana Blood Test oudzwa kuti mwana ndewani. Ndipo paunozorambwa pamwe watova nevana vaviri vekuhura.


Zviri nani kutaurirana pauviri hwenyu, moenda kuTEST moudzwa kuti murume here kana mukadzi ane dambudziko. Maudzwa kana ari murume, moenda  kunotengwa urume monotenga mukadzi wopiwa urume uhu mese muchiziva kuti ndizvo zvaitika.

Kana mada munokwanisa kukumbira hamarume yenyu kukupai urume, mozviisira mega mumukadzi oita mimba.
Kana mada kungonotora mwana akatozvagwa kare endai munotora. Vana vasina vabereki vazere mumhuri yenyu mazuvano.

Chihure hachivaki musha.

Dzimwewo nyaya
Zvokuti uku hausi kubata mimba uku woita HOUSE GIRL dai wamborega. Unenge uchiisa murume pamuedzo nokuti iye anenge asina shuwa kuti pakati penyu ane dambudziko ndeupi. HOUSE GIRL ane chitubu chakangofanana nechako asi haana simba rokurambira EMPLOYER wake saka murume kazhinji akamufungira, anokwanisa kumurhoja. Varume zvemakondhomu havazvifariri. Kwahi ndoda SKIN TO SKIN. Unozoona musikana wotakwaira nemimba yomurume wako, iwe ipapo mimba hauna, zvozonetsa.

Kana wada musikana webasa, tsvaka imwewo mvana kana chirikadzi yave kuma 50 chakuti, akapedza kuzvara. Kana murume wako akavata naye, unongomudzinga basa zvopera kana uchida murume. Hapana mimba inoitika. 

Iko kukasira kuenda kwa murapi mondovhenekwa moziva pane dambudziko chinhu chakanaka. Kasiraizve kuwana mwana wamunogara naye, mumba musangoti zii musina mwana. Mwana anoita kuti uve mai vemba nokuti isu vakadzi tine INSTINCT yokuriritira murume navana. Ukapiwa mwana unongotanga kufunga noutano hwemwana wombopota uchikangamwa kuti hauna mimba. Ndipo mimba inobatira.

Varume vakawanda havazvari  saka wanai rubatsiro.

Imboverenga apa
Kana wada mimba

Udzai vamwe!!!

Kunonoka kuita nhumbu
Kunonoka kubata mimba
kutadza kuita mimba
Murume asina urume
Mukadzi asingazvari
Ndoitisa mukadzi nhumbu sei?
Kushaya mbereko
Nhumbu yanonoka
Maitire kuti ndibate nhumbu

No comments: