Saturday 4 August 2012

Kugamuchira zvauya nembavha.


Security yomukadzi navana  inobva pakuziva kuti upenyu hwavo mumhuri yavo hwakarongwa zvakanaka zvokuti baba namai vese vachagara pamusha vachidanana.  Mwana anokura asina mashoko aanohwa pakati pevabereki vake mwana anokura achiisa fungwa dzake pazvinhu zvinovaka.  Mwana anokura achihwa kupopotedzana kwevabereki kana kutiachiona umwe mubareki achimboshaika pamba mwana asingakuri zvakanaka.

Munyika dzokuEUROPE ne AMERICAS vanoudza vana kuzvikoro kuti chinongodiwa pamwana wese wese rudo chete, hazvina basa kuti anomuda ndiani. Izvi vanozviitira kuti  vana vanozvagwa  naanamai vasina varume , (25% yevana mu UK) vasafunga kuti pane chaipa kuzvagwa une mubereki umwe chete.  Uku kudzidzsa vanhu nhema chaidzo.

Mwana anozvagwa ane vabereki vaviri umwe mubereki ozobva pamusha oenda kumwe achisiva vana vakepo, vanokanganisika musoro nokusahwisisa kuti mubereki afunga sei.  Saizvozvo murume anoita zvinhu zvokuti anokwanisa kuzobva pamusha haasi murume kwaye uye mukadzi wake anofanira kuona THREAT yezvaari kuita pasati paitika chimwe chinhu chakaipa.

Toti murume anoba zvinhu kudzimba dzavamwe vanhu achiuya nazvo pamba. Mukadzi wake kana akaziva kuti zvinhu zvabiwa izvi, haafaniri kuzvigamuchira achizviisa mumba.  Kune vaya vanopinda mumapurazi evamwe vachinoba mombe ikoko vachiuraya vachienda nenyama kumba, mukadzi otora obikira vana vodya.  Mukadzi anokwanisa kuziva kuti nyama yauya nababa vevana ndeyokubhucha here kana kuti ndeyokuba. Nyama yokubhucha inosvika yakachekwa nomuchini, uye kazhinji ishoma  pane yokuba. Vanhu vanoba mombe vanoba vari vashoma kuitira kuti vasapokana kusvika pakundoudza mapurisa.

Mukadzi ngaahwisise kuti musi unobatwa murume wake, pamba panosara pane mubereki umwe chete.

Toti vaya vanogara mutawendhi kusina mapurazi ekuba mombe asi kune zvitoro nedzimba dzinokwanisa kupazwa. Murume akandoba zvinhu kauya nazvo kumba  iwe mukadzi  ramba kuzvigamuchira. Kana akakurova, paunomuka mangwana tota twako uende kumusha kwako.  Murume akadai haasi munhu wekugara naye. 

Kozotizve varume vanoita madhiri nembavha.  Iwe mukadzi kana usina shuwa kuti zvinhu zvabvei, bvunzurudza uhwisise. Ukahwa murume achikuudza kuti  usaudza munhu, ziva kuti pane choumbavha chiri kuitika pamurume wako saka achatosungwa chete, iwe ugosara wega navana.  Kana usina imwe purani yokurera vana ava, chiziva kuti haufaniri kugamuchira zvinhu zvinouya nomurume wako kumba.

Kuno ku UK kune vanoziva zvokuba mari kumabhangi nokuda kwenyaya dzema kadhiemari. Kozoita vamwe vanotamba namaNIGERIANS vanoziva kubira vanhu mari nezvavanonyora pa INTERNET. Iwe mukadzi kana usingahwisi bhizimisi romurume wako kuti rinofamba sei, bvunzurudza kusvika wahwisisa nokuti achasungwa ugosara usina pokugara navana vako.

Imbabva shoma dzinokura dzichiba dzigochembera  kusvika parufu dzisina kumbosungwa.  Iwe ndiwe une SECURITY yevana. Varume vakawanda havana basa nazvo. Kana mukadzi akasamiririra pautano hwevana vake nemagarire avo, unoona kuti vamwe varume vakangoita sebhuru rinongoda kuitisa mimba robva romirirazve kuitisa imwe mimba.  Murume anoba achiuya nezvaaba kumba haasi murume wekuraga achikuisa mimba iyeye.

Usagamuchira zvaunoziva kuti zvabiwa. Muudze azviendese kushamwari dzake dzaanoba nadzo. Iwe chitofanotsvaka mukana wekuwana mari yokurera vana vako wega nokuti murume achatoenda kujeri chete.  Aendako achanorhojewa kumashure nedzimwe mbavha ikoko. Iwe kuno unenge usisina wekuvata naye. Vaya vawasidadira kuti une zvinhu, vokuone sokuti uri benzi risingahwisisi kuti upenyu huri sei nokuti waigamuchira zvabiwa.

Imiwo varume kana wafunga zvokuba, chiziva kuti mukadzi nevana hauchatodi nokuti musi waunosungwa ndiwo musi waunovasiya vega pamba.  Kana uchiba izvozvi, dai wambofunga kuchirega uitewo rimwe basa rinokomborera mhuri.

Udzai Vamwe !!!!!!!

No comments: