Sunday 26 August 2012

Kubvisa mimba (kubvisa pamuviri)

Vakadzi vakawanda munyika dzakawanda vanobvisa mimba dzavo pasina kana rizheni ine musoro. Pano toda kutaura nenyaya iyi kuti tihwisise kuti inofamba sei. Ngatitange nokubvumirana kuti mumimba mune mwana. Mwana munhu mudiki hake asi munhu ane zvese zvatinazvo kungotiwo imba yake yaanogara udumbu ramai vake. Ukabvisa mimba unomuuraya asati atomboziva kuti ndiwe mai vake. Hachisi chinhu chokungoita pasina chimwe chinhu chikuru chakuitisa kudaro. Dai varume vachihwisisa nyaya yokubvisa mimba dai mimba dzinobviswa dziri shomanana. Vana vanourawa vasati vazvagwa vakawanda kupfuura vanhu vose vakafa muhondo dzose dzakaiti mupasi rese nguva dzese kubva pakasikwa denga nenyika. Vakawanda, zvikuru muUSA ne EUROPE ne Africa.

Mimba inobviswa nani?
Vakadzi vakawanda vemazera akawanda vanoufumi hwakasiyana siyana, vakadzidza zvakasiyanasiyana vanozviita. Idambudziko revakadzi vese kukumbanidza vanopinda chechi nevasingapindi chechi. Kune vakahwisisa kuti mwana kana ari mudumbu mwana chaiye anenge ari munhu ndivo vanotambudzika nenyaya yokubvisa mimba.

 Kozoita vamwe vanoudzwa kuti mwana kana ari mudumbu i FETUS kureva kuti chimwewo chinhu chichazoita mwana kana chazvagwa. Ava havanetseki nokubvisa nokuti mimba haasi mwana.

Ndiwo mapoka maviri evakadzi  vanobvisa mimba zvokuti vakawanda vanoti mwana vanobvisa imwe chete vomira asi avo vamwe vanokwanisa kubvisa dzakawanda.

Asi vashoma vakadzi vane varume vanovada vanobvisa mimba. Murume/mukomana wako akamira newe kuti shuwa mimba ndeyake uye anotofarawo nazvo kuti waita mimba, fungwa dzokubvisa hadzitomboiti mumusoro momukadzi akadai. Kubvisa mimba iDESPERATE ACT yokushaya zvimwe zvokuita paitika nyaya yokurambwa nomurume nokuti mukadzi ava nemimba.


Inobviswa yakura zvakadii?
Mimba kana wada kubvisa zviri nani kuibvisa iri diki sokuti pasi pemwedzi mitatu.

Mimba inobva yega.
Pane mimba dzinongobva dzega. Kazhinji kana foroma yemuchibereko ikaona kuti mwana wayagadzira akaremara zvakanyaya inomira kuumba mwana yomudzinga muchibereko nokuti yatadza kugadzira mwana weQuality yainoda. Mimba inobva nomutowo uyu inohi SPONTANEOUS ABORTION, kureva kuti zvinongoitika zvega pasina iwe muridzi zvawaita.

Kana ikabva yati kurei inohi Miscarriage. Kusiyana kwe SPONTANEOUS ne MISSCARRY inongova nguva chete.

Zvinofungigwa kuti mimba dzinobva nomutowo uyu dzakawanda chose uye dzinobva dzisati dzambopedza mwedzi kana umwe chete zvokuti mukadzi haambozivi kuti ange ane mimba. Zvinoitigwa kuti vana vanozvagwa vange vasina kuremara. Chibereko chinoziva kana mwana ane zvimwe zvakaremara paari zvingaitisa kuti asagona kuita upenyu hwemunhu. Saka apa chibereko ndicho chinenge chakanganisa basa.

Kozoitazve dzimwe mimba dzinokura chibereko chisingaoni kuremara kwemwana asi vekuhosipitari vovheneka vokuudza kuti bvisa. Kana ukabvumirana navo wobvisa vamwe vanoramba kubvisa.

Koitazve kuti mimba inokura asi mwana woshaikira mudumbu. Ukaenda kuhosipitari vanokuudza kuti mwana haana HEART BEAT saka akatoshaika, vanokupa mushonga wekuti uzvare mwana. Zvinogwadza moyo kuzvara mwana ashaikira mudumbu zvokuti mukadzi anowanza kupiwa Counselling. Pamwe vese nomurume wake. Hazvizikamwi kuti chinokonzera mwana kushaikira mudumbu chii.


Mimba inobviswa Mukadzi asingadi kuti ibviswe. 
Zvinokwanisika kuti kana mukadzi ane mimba poitika chimwe chinhu chinoita mimba ibve. Zvakawanda zvinhu zvakadai.

Accident yemota/bhazi/chitima kana zvimwe inokwanisa kubvisa mimba kana kukonzera mimba kuti mwana azvagwe nguva isina kukwana.

Kurobwa nomurume kunobvisa mimba dzakawanda. Varume vanorova vakadzi havahwisisi nyaya yokuti ane mimba. Mukadzi anokwanisa kurakashwa nomurume otsikwa dumbu mimba yobva.

Kubatwa chibharo nomurume wako kana noumwe murume zvinokwanisa kukutyisa zvokubvisa mimba.

Mimba Yokubviswa Inobviswa sei?
Maitire ekubvisa mimba akasiyana siyana. Kune vanobika mushonga vomwa. Mushonga uyu unokwanisa kuuraya mai nomwana vose. Ukaudzwa nomunhu wemuraini kuti mimba inobviswa sei usaterera nokuti unokwanisa kufawo iwe. Pamwe unogwara asi wozoita zviri nani mimba yako uchingova nayo. Pandaiva kuZimbabwe ndakabvunza vakadzi vanopfuura 200 kuti mimba dzinobviswa sei vakandiudza zvimwe zvinhu zvinotyisa kunyora pano. Handidi kuti pawanikwe musikana umwe chete hake anozvizama saka handisi kuzvitaura pano. Asi kungoti maitire okuita mumusha anokwanisa kukuuraya. Zviri nani uende kumadhokotera kana waita mufungo wekubvisa mimba. Asi kusabvisa ndiyo OPTION yakanaka paupenyu hwako.

Ukaenda kumadhokotera anobvisa mimba, kana iri diki vanokubaya jekiseni vokupinnza muromo we VACUUM CLEANER muchitubu kusvika kuchibereko voisa magetsi, Vacuum iya yokweva mwana sezvinoitwa marara mumba, mwana obva muchibereko oenda muVACUUM Cleaner, nyaya yatopera. Pamwe vanotanga vauraya mwana achiri muchibereko vozoisa VACUUM CLeaner. Asi kazhinji vanokudza muromo wechibereko, voisa chubhu ine zvimapanga zvinopinza kumuromo kwayo chubhu yacho. Vadaro vokonekita chubhu yacho ku VACUUM CLEANER iri kuno kuzhe voisa magetsi. Chimwana chinenge chiri chidiki uye chisina mabhonzo saka chinokweviwa chochekwachekwa zvidimbu zvomuviri zvopinda muchubhu iya zvopedzisira zvava muVACUUM CLEANER iya.

Pane vamwe vakadzi vaviri vakambouya kubasa kwedu vakatiratidza vidhiyo yacho. Ndinofunga kuti munhu wese anoda kubvisa mimba dai atanga aiona vidhiyo iyoyo kuti anyatse kuhwisisa kuti zvinoitwa sei. Varume vese vanoudza vasikana vavo kuti vaende kunobvisa mimba vanofanirawo kuona kuti zvinoitwa sei. VERY EDUCATIONAL.

Unofanira kuzodzokazve kuti vatarise kuti hapana chakasara here muchibereko. Kana zvirimo vanozvigeza nePROCEDURE inohi D&C.

Kana mimba yakura vanokupa mushonga wozvara mwana sezvinongoita vanozvara vana vapenyu. Mwana wako anozvagwa ari mupenyu asi nguva yake isati yakwana, vokuchipatara vomuisa muchitawero chemapepa vomirira kusvika afa voendesa ku Incinerator kunopisa. Mai vake vanenge vasipo paanopiswa vanenge vatoenda kumba kwavo.

Paunopedza kubviswa mimba unokwanisa kumboti garei muchipatara sokuti 4-5 hours, vokutarisa kuti hausi kubuda ropa here, vokuti chienda kumba. Zvapera.

Unokwanisa kubuda ropa rakawanda zvokuti vanokuchengeta muchipatara kusvika zvapera.

Zvakaipei kubvisa mimba?
Pane nyaya dzakawanda apa dzimwe dzacho ndichadzinyora pano kuitira vaya vanofunga kubvisa mimba. Chinoitika kuzvipatara uko ndechokuti vanongoterera zvaunoda kuita voita. Havana basa nokuti uri ani kana kuti upenyu hwako huchafamba sei.

Unokwanisa kuzoita imwe mimba here? 
Ukamirira nguva yakakwana unotangazve kukandira mazai mwedzi umwe noumwe uchienda kumwedzi zvokuti ukavatazve nomurume usina mapiritsi kana kondhomu, unoitazve imwe mimba. Mimba hachisi chinhu chinonetsa vakawanda kuita. chinongonetsa injere dzokuziva kuti zemo rine simba kupfuura musoro saka zviri nani kusazviisa panzvimbo yakaoma yokuti uku uri kuona chombo chimire chinoda kubatsigwa newe, uku iwe bhurugwa hauna, uku kondhomu pauviri hwenyu hamuna.

Kana uchiziva kuti zvokuiswa unozvida asi murume hauna, gara une makondomu ako muhandbag mako kuti ukasangana nomurume aunoda kurhojana naye, kana asina kondhomu, iwe unaro. Moisana henyu makasununguka pachihure chenyu.

Varume panyaya yekubvisa mimba. 
Chinhu chinobvisisa mimba dzakawanda panyika munyika dzese iATIITUDE yemurume anenge akonzeresa mimba yacho. Varume vakawanda vanoti ukamuudza kuti kunakigwa kwedu kwataiita mwedzi wese wakapera kwandiitisa mimba, anobva atosvetuka pamubhedha paange agara kuti mutange kurhojana, chiya chombo changa chatomira kuti muite choti fototo, iye otanga kukupopotera sokuti wange uchizvirhoja nguva yese iyi. Ipapo achitaura kudaro imba yese haina kana kondhomu rimwe chete asi ange ava kutokumisira chombo kuti arhoje, Bhurugwa hauchina ipapo, asi ari kukupopotera kuti sei waita mimba nourume hwandanga ndichikudira muchitubu mako. Iwe ukada kumutaurira kuti urume hunoitisa mimba ndosaka ndaita mimba, wotoonekwa sokuti uri kutaura nhema. Pamwe wotodigwa mbama kuti hauzivi BIOLOGY yevanhu.

Varume havadi kukasira kusapota mukadzi aita mimba yake. Unohwa oti handisi READY asi ipapo mukadzi aita mimba asiri READY futi. Murume anoti enda unobvisa mimba.  Kana uchida kuziva kuti mukomana wako anokuda zvakadii, mukavatana kwemwedzi miviri umwe musi wakamirira kuenda kumwedzi mutumire TEXT yokuti une mimba. Ndipo paunoona ma TRUE COLOURS ake.  Vakawanda havanonoki kukuudza kuti enda unobvisa uye usatsika kumba kwake futi. Asi vhiki yamakatanga kuvatana iye ega akakuudza kuti ukaita mimba anokuroora. Nhasi mimba yavapo ava kuti haachakudi.

Varume vanokonzeresa mimba dzakawanda kubviswa nevasikana nokuda kwechihure kana kusada kubvuma mimba yawaisa munhu mese musiri READY asi mese musingadi kumirira kuwana mapiritsi kana kuti kupfeka kondhomu. Mese menge mashaya njere pakadai asi musikana anozosara nemimba oga murume apoya akaenda.

Varume vanodaro nokuti kurhoja vanokuda chose asi RESPONSIBILITY havadi. Isuwo vakadzi tava nefungwa yokuti Ndikasavhura makumbo ndinorambwa. Ipapo murume haatodi kuti musikana wake waanoti MArriage Material avhure makumbo kufanana nevaya vaanoti havasi Marriage material. Murume anenge achida kuti akarhoja vasikana vakawanda, ava kuda kuroora otsvaka mhandara oroora oipa chigwere.

Kubvisa mimba murume asingazivi:
Mazuvano echihure kune vakadzi vakawanda chose vanobvisa mimba murume asingatombozivi kuti mukadzi aita mimba. Toti wahura ukaita mimba murume achishanda kuBULAWAYO kana kune imwe nyika iwe musha uri kuKwekwe. Zvinoita chiose kuti ubvise mimba murume akasamboziva kuti wange une mimba. Uyawo murume akupa mimba, iwe mumoyo mako unoziva kuti haanei newe pamoyo. Munhuwo aunongoshandisa kunakigwa naye murume wako chaiye asipo. Munhu ae utsinye hwekukwanisa kuhura munhu anokwanisazve kubvisa mimba. Mudzimba umu mune vakawanda vakabvisa mimba dzevarume vasiri vabo vemumba, zvokuti hapana kana anotomboziva kuti mimba yabviswa.

Zvinoonekwa zviri nani kubvisa mimba pane kuichengeta worambwa nomurume wako nenyaya yokuhura. Ipapo murume wako ari kukuramba ane vanawo muraini, uye kune miba dzakewo dzakabviswa muraini. Saka zvinozoonekwa sokuti chakaipa kubuda pachena kuti wahura, saka ukabvisa EVIDENCE yese haurambwi.

Vamwe vanongoti akabata mimba, murume ari JONI, okasira kunovhakasha Joni kuya kuti murume akwanise kurhoja agodzoka oti ane mimba yomurume kuti zvisazonetsa mberi uko.


Vakadzi 
Kozotiwo vakadzi vanongojaira kubvisa mimba. MuEurope vakawanda vanhu vakadai nokuti hazvinetsi kubvisa mimba.Varume vanenge vavapa mimba havatombozivi kuti akaita mimba kana kuti akabvisa.
Kazhinji mukadzi wacho anenge asingatombozivi kuti ndeyani nokuti vanhu vanovata nevarume vakawanda. MaZimbo akadai ariko asi iminority.

Kubvisa mimba inyaya yedu isu vakadzi, hamakadzi dzedu, vanunguna vedu. Tisu tinofanira kugaroudza vachiri kunyengwa kuti dambudziko remimba rinodzivirigwa sei. Kana musikana amboravira chombo, zvinonetsa kumuudza kuti asavata nemukomana wake, asi ngaakasire kuuya nomukomana wake pamusha mhuri yake imuzive kuitira kuti pakaita mimba tese tikasire kusapota mwana padambudziko rake. Kana achida kudzokera kuchikoro mupei mukana wacho kwete kudzinga mwana pamba kumuendesa kumukomana asingamudi. Zvinobatsira ani izvozvo. Handisi kuti haisi mhosva asi kuti ongororai SITUATION yamuri kuisa mwana wenyu. Kubvisa mimba kunobaya moyo wemunhu wacho anobvisa zvese neshamwari dzake, hama dzake, etc. Hazvisi nyore.

Kuti azobvisa mimba anenge ashaya zvimwe zvokuita. Achingobvisa mimba mukomana uya wamupa mimba anomuramba futi. Haisi situation inogadzirika. Ndakambobvunza umwe kuti sei uchiramba musikana zvikahi nokuti akauraya mwana wangu asi ndiye aiti mimba haisi yake. Ndiye akamudhiraivha akaenda naye kuhosipitari yokubviswa mimba. Vadzoka, aona kuti mimba yaenda ava kuti haachamudi nokuti akauraya mwana wake. Varume vakawanda kukwana chaiko havana kukwana.

Iwewo musikana hwisisa kuti kuiswa urume kunoitisa mimba. Kana ukaona mukomana wako achikupa puresha yokuti uvhure makumbo, muudze kuti zviri nani kuratidzwa kumhuri dzenyu kudanana kwenyu koita public. Kana achizviramba ziva kuti ane umwe musikaka ava kuzikamwa kwavo saka iwe chisiyana naye utsvake umwe akasvinura.

Chinoita kuti avate newe asi achiramba kuti muudze vabereki venyu ndechokuti haafungi kuti uri MARRIAGE MATERIAL.  Anongofunga kuti uri hure zvaro rokungorhoja nokupiwa mari yebhazi kuti udzokere kwawabva kwacho.

Mai vemusikana.
Vanamaivo kurudzirai vanasikana venyu kuva pedo nemoyo wamai uye kusununguka kutaura namai vake. Mwana asati aita chinhu chikuru sokuvhurira mukomana, ngaahwe akasununguka kubvunza mai vake kuti anoziva sei kuti nguva yakwana. Mai vanogarisa mwana pasi votsanangura zvese mafambire azvo. Kana uchiona kuti zvinokunetsa kutaurira mwana, tanga musi waanotanga kuenda kumwedzi, zvadaro iwe mai chichengeta mazuva emwana ekumwedzi kuti akakasirisa kana kunonoka unge uchiziva kuti ndizvo zvaaita, Uchiwana mukana wekutsanangura kuti musikana akura zvokuenda kumwedzi anokwanisa kuita mimba saka asati avata nomukomana ngaakubvunze kuti anofanira kuita sei kuti asaita mimba.

Hwisisaizve kuti zemo rine simba kupfuura zvimwe zvese zvinoitika mumuviri wemunhu. Iwe kana wakatadza kumirira musi wemuchato, usafunga kuti mwana wako ane zvinomugonesa kumirira. Kuudza mwana kuti asavata nomukomana hakurevi chinhu. Anongoti uku hana iri kurova nokutya uku ari kuiswa nomukomana achitochemererawo sezvawakaita iwe musi wekutanga uri musikana. Chikuru kuti mwana namai vagare moyo yavo iri pedo napedo vachiudzana mashoko anovaka upenyu.

Kune vaya vasina varume, maitire ako pamusha wako nevana vako makuru kupfuura mashoko aunoudza vana vako. Kana uchigarounza varume  pamusha vana vachizviona, usafunga kuti vana vachaita zvakasiyana naizvozvo. Kuda kwaunoita iwe chombo ndizvo zvimwe chetezvo zvinoita vana vako. Kupopota hakuna chakunounza.


UDZAI VAMWE!!!!

Kubvisa nhumbu
Arbotion

No comments: