Saturday 4 August 2012

Kubva paugwere kudzokera paRhoji


Nguva nenguva umwe mumba anombogwara zvokusakwanisa kuvata noumwe. Uwe wega unongoona kuti zvokuvatana hazvichaiti nokuti umwe wangu agwara. Isu vakadzi kana murume akatanga kugwara tinomiramira kumuriritira chose kuona kuti 
Afidhiwa 
Ageza, 
Apfegedzwa hembhe dzakachena,
Ari kuvata zvakanaka, 
Mishonga yapiwa kuchipatara ari kuimwa nomazvo. 
Ari kumwa mvura yakakwana. 

Ipapo murume akagwara ndipo paunoona kuti varume Havana kusiyana nevana vadiki.  Ukaterera zvaanotaura unofunga kuti anofuma akafa mangwana.  Murume akaita dzihwa chairo akangoita musoro, anotanga kutaridza kuti  upenyu hwake hwatova kuguma.  Usapopotera murume panyaya iyi. Isu tisu takadzidzisa varume kuva vanhu vakadai.  Murume  anokura achingoriritigwa namai vake, pedzezvo nomukadzi wake.  .  Murume wemumba i INVESTMENT huru zvokuti haumbodi kuti awedzere kugwara,saka unoita zvese zvaunogona kuti akasire kuva mutano.


Vakadzi vanodzidzira kuriritira kubva vari vana vadiki.  Ndiko kusiyana kwedu nevarume kukuru uku.  Murume kana akagwarigwa nomukadzi mumba anoita dununu chairo. Haatombozivi zvokuita. Unoona otokasira kufonera hama dzomukadzi kwahi mai Mwana vagwara kuno uyai muone zvokuita. Kana akakuchengeta mumba iwe usingagoni kuita zvakawanda, unotofanira kumuudza zvokuita. Kana wada mvura yokumwa, muudze, kana wada kuti abike tii kana poriji, muudze. Kana wada kuti akubatsire undogeza, muudze. Kana ukafunga kuti achaita sezvaunoita iwe kana iye achigwara,  unofa pasina chako. Varume havafungi sesu.  

Toti mugwere mumba ava kuita zviri nani. Panosvika pamunoona kuti zvokwanisika kuvatana. Asi uya ange asina kugwara haangazivi kuti umwe wake ava papi nenyaya iyi.  Zvinonetsa kuti uudze umwe wako kuti unoda rhoji iye anga ave nenguva achigwara.  Chakanaka ndechokuti iye mugwere atange nyaya yacho. Anokwanisa kuufdza murume/mukadzi kuti ava noutano hwakakwana saka kana achida kuvatana ngatiite hedu.

Uyawo audzwa anokwanisa kuongorora kuti ichokwadi here kuti mugwere ava nani.  Kana aona kuti ndizvo anokwanisa kubvuma kuita. Asizve munhu ange achigwara haakwanisi kuva neENERGY yakawanda saka chero ari mukadzi kana murume, tangawo naye zvinyoronyoro  mazuva okutanga kusvika waona kuti ava munhu ane simba.
Iko kuvata naye kunounza utano hwakawedzera zvokuti unoona kusimba kwake kowedzera nokukasika.  

Kune vanhu vanoshoshekana pamoyo kana umwe wake akakumirira kuti usimbe muviri kuti mugodzokera pane zvamazuva ese, zvokuti anokwanisa kuti uya tirhojane asi iye asina utano.Fungwa inenge ichiti murume wangu handidi kuti ashuve rhoji zvakawandisa.  Saka chero ndichigwara hangu regai ndingozama kumupa.  Pakadai, kana murume akasaongorora zvakakwana, anokwanisa kuwedzera mukadzi kugwara. 

Vakadzi tine SERVICE mentality. Kufunga kuti murume wangu ari pazhara yezvinhu zvandisingakwanisi kumupa nokuda kwekugwara zvinonetsa fungwa.  Ipapo futi unenge uchingoona kutimurume ari kutya nokuti varume havahwisisi nyaya dzokugwara kwemukadzi mumba.  Anoshaya zvokuita. Kumupa CONFIDENCE yokuti uri mupenyu unokwanisa kumuti uya urhoje asi iwe usati wava nani. 

Varume havafungi seizvi. Kana murume achigwara, ukaona oda rhoji, chitoziva kuti ararama.  Kubasa angarovha hake mangwana asi ava mupenyu uye uchaona achimuka achiwana chokuita.

Ndiko kusiyana kwedu nevarume vedu uku paugwere.  Varume hwisisai kuti mukadzi wako anokwanisa kukasirisa kukuti rhoa. Hakusi kuti ane zemo aiwa. Inyaya yokuti anofunga kuti basa rake mumba harina ari kuita saka anenge achingofunga maNEEDS emurume wake pane ake iye.   Dai zvaikwanisika kuti varume nevakadzi tifunge zvakafanana nyaya idzi dai dziri shoma.

Kugwara komukadzi chinhu chisingafaniri kuva mumhuri. Vana nomurume vese vanotambura. Ukasvika pamusha pemukadzi anogwara unokasira kuona kuti zvinhu zvatoipa pano. Asi kana murume achigwara mukadzi anochengeta musha sezvawanga wakangoita.  Usafunga kuti mukadzi zvaati uya urhoje mangwana achamuka obikira vana tii nama fetikuku.  Anenge achitogwara Still asi kungoshuva kupa murume zvipiwa.   Kunokwanisika kutoita mazuva mashanu asina chaanogona kuita asi kurhoja wakatorhoja .  Varume hwisisai apa. Batsira mukadzi kusimba.  Kana mukadzi adzoka kuchipatara imbomiramirawo kuratidza kuti unoda kuti asimbe. Kana akati uya urhoje iwe usangomhanyirako usina kuhwisisa pane nyaya.

Udzai vamwe!!!!!

No comments: