Wednesday 22 August 2012

Kubikirana mumba.


Chimwe chinhu chinodiwa pamunhukadzi kugona kubika. Kubika chaiko hakunetsi zvachose. Unofanira kungoziva kuti chinobikwa chacho nhasi chii uye chinobikwa sei.

Chokutanga pamubiki kuziva vanhu vauri kubikira uye kuti chii chavanoziva pakubikigwa. Kana uri muroora akachenjera, ongorora kubika kwamai vomurume wako. Ukahwa murume achiti mukadzi wake haagoni kubika, anoreva kuti haabiki semabikire anoita mai vake kana kuti haabiki zvinobikwa namai vake. Mukadzi akachenjera anopota achibika zvinhu zvaibikigwa murume namai vake achiri mwana mudiki. Murume wangu anofarira nhopi norupiza. Patakaenda kuZimbabwe ndakadzidziswa kubika zvinhu zviviri izvi. Hino kuno nhopi inonetsa kubika nokuti hakuna mashamba, asi ndakawana mukana wokubika rupiza nokuti nyemba hadzina kunyanyosiyana nebhinzi. Saka ndobika nebhinzi. Zvinotonaka kupfuura kubika nenyemba.

Kumusha kwedu takakura tichiudzwa kuti munhu anodya achiguta anofanira kungew akakora. Izvi zvaaitiswa nokuti vakawanda vakaonda nokushaya zvokudya zvakakwana. Chokwadi ndechokuti kukora hachisi chinhu chakanaka. Ukatarisa Inonzi BMI uchaona kuti AVERAGE BMI kuZimbabwe iri pakati pe 18 ne 22. Vanhu vekuZimbabwe vanofamba neshoka, vanorima minda kana gadheni, vanoita mabasa. Hino tinoti tauya kune dzimwe nyika towana vanhu veko vachidya machipisi ne nyama inosiririka mafuta tofunga kuti ndiko kudya kwakanaka totanga kubikira varume vedu izvozvo

Napo napo unoona murume iota chidumbuzenene, iwewo mubiki woita ano mazigaro enge shure kwebhasi rokwaKukura Kurerwa, dumbu kunge une mimba, woti ukatenga shangu tsva nhasi dzenge dzabvaruka kwapera mwedzi umwe chete nokuremegwa. Mumba hauchakwanisi kukwira murume nokuti unorema.

Vakawanda vanofunga kuti zvokudya zvenyu mumba zvinokwanisa kuwedzera rudo pakati penyu. Ndoda kumbotaura nenyaya iyi takarerekera kuzvingu zvinoti

Balanced Diet inodzivirira zvigwere
Kugona kubika chinhu chakanaka chose. Pautano hwemhuri. Ziva kuti chinohi balanced diet chii. Ukatarisa zvese zvakanaka kudya zvaunokwanisa kubikira mhuri yako uchaona kuti zvakawanda zvinowanikwa munzvimbo yaunogara.


Mukaka
Mukaka, Chizi, neYogati, zvinosimbisa mabhonzo emuviri. Umwe noumwe munhu anofanira kuzviwana ziuva rimwe nerimwe. Vamwe vanomwa mukaka mu Tii, vamwe vanongomwa mukaka wakadaro. Hwisisa kusawanzisa mukaka kuvanhu vakuru nokuti unokwanisa kukonzera chigwere chomoyo.

Nyama dzeshiri nehove
Ona kuti mhuri yawanawo nyama yeshiri nehove. Shiri dzinodyiwa dzakaita sehuku, kwirimbha (hangaiwa), gwari, hanga, jesa, garikuni,
Kune vamwe vanodya shiri dzakaita semadhadha nemasekwe, asi shiri idzi dzakakoresa zvokuti hadzifaniri kudyiwa.
Shiri dzisingadyiwi usadzibikira mhuri nokuti unokwanisa kuhi uri muroi. Zizi, kondo, gondo, mukwasi, chiremwaremwa, dendera, gunguvo, gora, dahwa, funye,  siyana nadzo.

Hove dzinodyiwa dzinoonekwa nokuita makwande uye anohi ma FIN pachirungu. Kana hove isina makwande zvoreva kuti yakasikwa kuti isuke nyika  (Scavenger) zvinoreva kuti inodya zvese zvese zvine svina saka iwe usaidya.

Mafuta anowanikwa muhove dzine makwande akanakira muviri.

Kune vamwe vanoti musadyz ganda reshiri saka pakuuraya huku munofanira kubvisa ganda mopa imbwa.
Kwahi musawanza nyama idzi pazuva asi kuwanzodzidya mazuva akawanda. Paunoidya ingoita ma 80-100 grams  panoumwe noumwe munhu mukuru.  

Mhodzi dzinemakanda
Nzungu, pizi, bhinzi, ma Arimondi, ma Hezero, ma Sanifurawa. Zvese izvi zama kuzviunza mukubika kwako nokuti zvinopa IRON ne ZINK. Zvinova zvinhu zvakakosha chose pamuviri wemunhu, zvikuru kana ane mimba. Wana mukana wekuti mhuri yako izvidye

Michero
Mhuri yese nagaigarodya michero yakasiyana siyana. Kune michero inonetsa kuwana iri FRESH vokuti inongotengwa yakaomeswa chete asi uchaona kuti michero yakaomeswa yakatochipa kupfuura iri FRESH. Kana une nzvimbo yokusima miti, kasira kuti wava neimba yako wosima miti yemichero kuti vana vawane michero yacho. Kuvanhu vanogara kunyika dzinotonhora dzakaita se Europe, zvinonetsa kuva nemiti.

Zvomu Gadheni.
Kuziva zvokubika zvinobva mumagadheni chinhu chakanaka chose. Bika muriwo wakaasiyana siyana pavhiki imwe neimwe. Muriwo une maCHEMICAL anonzi ma Vitamin, nemamwe anonzi ma ANTIOXIDAnta anosuka muviri kuti maOXIDANT asawandisa.

muruwo wakasiyana siyana
manhanga
Magwiri
Carotsi
bitirutu

Whole Grains
Pakubika siyanisawo zvaunobika sadza reupfu hwemabagwe, hwezviyo, hwemapfunde, hwegorosi, mupunga, poriji dzakasiyana siyana, ma CEREAL, supageti. Kana uchizvitenga tarisa kuti pakanyogwa kuti WHOLE MEAL. Usatenga upfu hwakaita se PALENTA hwakabviswa makanda nokuti hapana chauri kudya ipapo kungotambisa mari.

Balanced Diet yaperera pano


Zvinodiwa nomurume pakudya. 
Murume mumba anokwanisa kuva munhu anoda zvinhu zvisina kufanirana nomuviri wake. Iwe mukadzi basa rako kuona kuti pane nguva dzaanowana zvaanofarira kudya asi uchionazve kuti awana balanced diet kuti utano hwake husadzikira. Varume vakawanda vanoda zvaibikwa namai vake. Pota uchimubikira zvinhu zvacho asi uchiona kuti zviri paPROGRAMME YAKO yokubika zvakanaka. Toti murume anofarira aya anohi mazondo ane mafuta asiriwo. Unokwanisa kumboabika toti kaviri pamwedzi kuti angoadyawo hake nokuti anoafarira.
Kana une murume anomwa doro unotofanira kuona kuti adya zvakanaka mazuva ese. Kana mhuri yake ine chigwere che DIABETES, wotochenjera kuti haaiti muviri mukuru uye anodya zvakanaka nokuti akaita DIABETES unonetseka naye.

Zvinodiwa nomukadzi pakudya
Iwe ndiwe MANAGER wekubika saka unokwanisa kungobika zvaunoda chero musi. Ndipo pane danger ipapo nokuti zvaunoda iwe zvizhinji wakabva nazvo kumba kwenyu. Hwisisa kuti zvaunoda iwe handizvo zvakanakira mhuri nguva yose.


Kubika kana mai/baba varipo
Kana pana vabereki venyu kana umwe wavo wekumurume kna mukadzi, musaita zvamunosiita vasipo. Kana murume achigarobika, murume haabiki kana pane mubereki chero hazvo mubereki ari wechimanjemanje. Magarire edu isu vatema anotevera imwe mitemo isina hayo kunyogwa pasi asi yaitofanira kunyogwa pasi nokuti vamwe vedu havaizivi. Kana pane mubereki mukadzi asingagwari ngaabike. Kana mada zvechimanjemanje chiendai ku restaurant monody ikoko mose nomubereki nevana muchionawo kuti hamushandisio mari yakawanda, nokuti zvinozokupinzai pane dzimwe nyaya.

Kuramwigwa zvokudya kunorevei?
Ukabika zvaunofunga kuti zvakanaka murume akaramba kuzvidya achiti wakanganisa chimwe chinhu pakubika kana kuti chinhu chisinei nokubika, Zvinobhowa zvokuti. Kune varume vanofunga sezvana zvidiki kusvika pakuti haagoni kuona kuti nyaya dzisina wirirano hadzivhenganiswi. Anenge achida kuti utange wagadzirisa imwe nyaya, kana kukufosa kubvuma kuti ndiwe mukadzi usina ma HUMAN RIGHTS mumba menyu, kuita sokuti hauzvizivi. Iwe ndiwe unofanira kuongorora nyaya kuti iri papi. Kana asina kurasa zvawabika mubhini, tora ufunhire uise mufiriji. Kana zhara yaruma achamuka odya. Kana akabuda mumba akaenda kwaaenda asina kukuudza, musiye akadaro kusvika adzoka. Iwe ramba uchibika semazuva ese, iye achingoramba kudya.

Kazhinji anenge adya munzira kubva kubasa, abva mukutenga chikafu kumusika chabikwa zuva risati rabuda ndokuswera chakadziiswa pamoto wehuni dzokutenga usingapisi. Anoona sokuti kuzvipinza padambudziko rokuda kuita FOOD POISONING zviri nani pane kungobvunzana nyaya nomukadzi wake yopera vodya vese sadza rabikwa ipapo. Nyaya dzakadai kazhinji dzinovhengana nenyaya dzerhoji zvokuti unoona murume ovata akakufuratira kuita sokuti iye ndiye ave mukadzi ari kuda kuiswa neshure. Vanhu vanofunga seinga seizvi vanonetsa kuvaka musha navo nokuti havasati vakura mufungwa. Ukaona nyaya dzawanda mumba kudai kana uchikwanisa kumbonoshanya kumba kwamai vake imboenda kwemazuva maviri. Wozodzoka murume atonhora nokuti pakadai chero ukakumbira ruregerero unoona kuti hazvishandi.

Kudzidza kubika zvokunyika yomurume/mukadzi wako
Kana murume/mukadzi wako achibva kune imwe nyika Sokuti wakaroorana nomunhu weku Botswana, RSA, Zambia, Malawi, Moza, kana imwe nyika, kasira kudzidza kubika mabikire avanoita kwavo, iwewo udzidze kudya zvavanodya. Kana wakawanikwa neweku China anodya zvinhu zvakaita sembwa, nekiti, nenyoka, ndiye wawada iyeye, chitodzidza kudya zvaanodya.  Kana ukatadza wodzidza kumubikira.

Ini handidyi derere chero zvodii. Rinondisemesa. Asi murume wangu anorida chose. Ndikatoona kwarinotengeswa ndoritenga ndomubikira odya ega. Anotofara chose kuti awana derere asi ini chero kuti rinonaka sei handizivi.

Zvinoiswa muzvokudya kuwedzera zemo.
Pane zvokudya zvaunokwanisa kushandisa pakubika zvinoita kuti murume awedzere zemo. Handisi kuzozvinyora pano nokuti vamwe mungangopedzisira masiya nyaya ye Balanced Diet mongobikira varume zvinhu zvishomanana. Asi kungoti uzive kuti zviriko zvinoshanda panyaya iyi, zvinoda kuti musi wawarongera murume kuti mumbowedzera mufaro wemuviri, womuisira muzvokudya.

Kana mari isingakwani zvaunoda.
Pamwe munoshaya mari yokutenga zvinhu zvinovaka muviri. Pakadai ziva kune musika unotengesa zvinhu zviri Fresh uye zvisingadhuri. Kana mwedzi wapfuura pakati asi usati wapera, inguva inonetsa kuvimba neBudget.

Kudzivirira kutambura kwemhuri, kana matambira, kasira kunotenga zvokudya zvinopedza mwedzi wese, zvikuti nyama, upfu, mufushwa, Flour, munhu, shuga, mupinga, dovi, bhinzi, huni, Cooking oil. Zvimwe zvakaita somuriwo, kana usinawo mugadheni, wotowirirana nevanawo kuti ugiobvumigwa kukwereta. Ukuwo mukaka, nechingwa kana zvisipo azvipo, munobika poriji. Nezvimwe zviripo.

Usajaira kupa mhuri yako tii nechingwa paBREAKfast nokuti hazvina FOOD value yakakwana. Nyaya yokudya chingwachakazara majarina nokumwa tii yakatanga kumamisha kuvanhu vasingahwisisi nyaya ye BALANCED DIET.  Hino vamwe vanhu ndokufunga kuti zvinoratidza kugara zvakanaka ndokutevedzera kusvika nyika yose yongoita izvozvo asi hazvina musoro. Pota uchibikira mhuri zvinhu zvinovaka muviri.

Varume
Murume ane mukadzi wake waanoda anofanira kudzidza kubikawo. Kana ukasara wega nevana, unofanira kuvabikira zvinovaka muviri.
Kana mukadzi wako akagwara unofanira kubikira mhuri.
Kana mukadzi asipo musina vana unozvibikira zvinofvaka.
Kana mukadzi aswera kubasa iwe uchida kuzoshandisa ENERGY yaasara nayo pakunovata unofanobika kuti asvikoita basa shoma.
Zvakangofana nokuti kana usipo iye anotema huni.

Varume dzidzaizve kuti kan une mhuri, mamwe mazuva imbotorawo mhuri yako muende kundodya kudzimba dzekudyira (restaurant/café/take away) kotizve umwe musi ingoudza mukadzi wako kuti ndiwe uri kubika, wobika uchifara wommudza kuti ngaambozorora. Kana kumba kwenyu makoka vamwe kuti vazodya, batsira mukadzi wako kubika nokugadzirira. Usakoka vanhu kuti vazodya kumba kwenyu. Kumbira mukadzi wako avakoke iye muridzi wemba.

Kupedzisa
Nyaya yokubika nokugona kubika inyaya huru chose zvokuti muroora wese anofungigwa kuti agone kubika. Kubika kunokwanisa kufumura mese iwe nomurume wako. Kana mukashanyigwa ukabika zvinhu zvisingadyiki, nyaya yacho inonosvika kunyika dzakawanda.  Ndoosaka ndati kasira kudzidza mabikire emhuri yawakaroogwa, zvikuru vachibva kune imwe nyika.

Utano hwemhuri yako huri mumaoko ako panyaya yokubika. Zvigwere zvakawanda zvinoitiswa nemagarire edu nezvatinodya mudzimba. Ukatadza kuhwisisa nyaya yezvokudya mumba mako watotadza kuhwisisa zvakawanda.



Udzai Vamwe!!!!!

2 comments:

Anonymous said...

ini murume wangu anoti anoda muriwo une muto (soup) yakawandisa , kutoita zvekunwa chaiko, zvino ini ndinoona sekuti muriwo ukawanda soup effort dzangu dzekukanga ndinenge ndashandira zvisipo, zve haafariri ma packed soup aya ana royco nezvimwewo , zvino kungoita soup yemvura zvingabudewo here

Mai E Chibwe said...

Umwe noumwe munhu ane zvokudya zvaanoda. Kana une murume/mukadzi mumba, chikuru kuhwisisa kuti zvaanfarira zvii? Ini ndikangoona mmbambaira ndotodzitenga chete. murume wangu akaonawo mbambaira anohwisisa kuti ndodzida saka anodzitenga. Chikuru kukurrudzira munhu kudya zvine BALANCE asi achigarodya zvaanoda.

Uyu wekungoda muto anenge asingadhuuri saka zvakatonaka uye hazvinetsi kugadzira.