Monday 30 July 2012

Nyaya dzisingaiti zvachose

Ndoda kumbotaura nezvenyaya dzimwe dzisingatomboiti zvachose kuti munhu azviwane ari panyaya yakadai. Asi tinozviona zvichiitika muvanhu vedu.

Kuvatana nehama (Incest)
Mumisha umu mune vanhu vakawanda vanovata nehama dzavo zvisingatendegwi nomutemo wedu wechiKaranga. Kana munhu ari hama yako yeropa, haavatwi naye, Asi pane dzimwe hama dzaunokwanisa kuvata nadzo.

Kana ukaziva kuti hama yako inovata neimwe hama zvisiri pamutemo. zvakaita sokuti
1 Mwana namai vake
2 Mwana namaininin/maiguru vake kana kuti nomukadzi wababa vake akatsiva mai vake kana kuti nehure rababa vake.
3 Mwana nababa vake
4 Mwana nababamunini/babamukuru vake
5 Muzukurukadzi  nasekeru vake
6 Mai vemukadzi ne murume wemwana
7 Mukadzi wemwana na baba vemurume

Kana umwe wevanhu ava ari mwana mudiki, kasira kuwana Evidence, wobva wananga kumapurisa. Mapurisa anoziva zvokuita.

Kana vese vari vanhu vakuru, nyaya inoenda kudare kana waudza mhuri. Asi pamwe zvinokwanisika kuti dare remhuri hapana charinokwanisa kuita asi zvinenge zvava kuzikamwa uye zvinosvodesa vakawanda mumhuri.

PachiKaranga pane inmwe INCEST inbvumigwa asi zvine nguva yazvo. Toti mai vemukomana vane hazvanzi ine mukadzi. Mukomana uyu anoti mbuya kumukadzi asizve anoti maiguru kureva mukadzi wasekuru. Pachirudzi chedu kana sekuru vakashaika ndiye anokwanisa kugara nhaka kana madzisekuru ari mashoma. Nokudaro pamagarire edu unowana kuti maiguru vanonemerana nomuzukuru uyu kusvika pakuti kana sekuru vakaenda Joni mbuya vakakundwa nezemo, vanokwanisa kukumbira muzukuru kuti avabatsire pachihure. Kana sekuru vashaika, hazvirambidzwi kuvata nambuya.  Kana sekuru vasingazvarisi, mukuru wemhuri anokwanisa kukumbira muzukuru kuti abatsire sekuru asi sekuru havaudzwi kuti muzukuru ndiye apa mbuya mimba. Ivo mbuyavo kana vakahwisisa kuti murume haazvari vanokwanisa kungokumbira muzukuru vega pachivande kuti avape mimba kuti vasadzingwa pamusha vachihi havazvari.

Saka apa tiri kuti pane hama dzinokwanisa kuvatwa nadzo asi pane zvinenge zvatoitika kuti zvibvumigwe
1 Mukadzi wemukoma/mununguna kana murume wake ashaika kana kuti asingazvarisi
2 Mukadzi wasekuru kana sekuru vashaika kana kuti vasingazvarisi
3 Muramu mununguna wemukadzi kana mukadzi ashaika


Murume anochiva mwana wemukadzi wake
Zvinoitika kuti uroorana nomurume asiri baba vemwanasikana wako ava musikana mukuru toti makore anopfuura 16 uye ari musikana anoyevedza varume kutarisa. Mudzimba zvinoitika kuti murume anochiva mwana wako, zvikuru kana mwana asina kureriwa nomurume uyu. Uyawo mwana anokwanisa kuhwa rudo kumunhu uyu nokuti haasi baba vake. Tese tinoziva kuti kana une makore 14-22 uri munhukadzi unogara wakangozara zemo mumuviri. Ukapiwa mukana wekurezvana nomurume, unokwanisa kuzoti pepu watopedza kuiswa, pasina chibharo, pasina zvisiri pamutemo wenyika asi zvisiri pamutemo wechivanhu. Kuno kuEurope zvinoitika kakawanda. Saka ukaroorana nomunhu wekuno iwe une vanasikana vakura, chenjera. Inyaya inonetsa kugadzirisa, zvikuru kana iwe waita mimba/mwana nomurume uyu.

Ibasa rako iwe kuongorora maitire emwana nomurume wako uye kuona kuti kana wavhakashira kure usasiya murume ari ega nomwanasikana akura asiri wake. Varume variko vanoita zvoumbwa chaizvo. Tinovaverenga mumapepanhau vakawanda. Iwe gara uchiziva murume wako mafungire ake.


Murume anochiva mai vemukadzi wake
Kana ukaziva kuti murume wako kana weshamwari yako, kana kuti shamwarirume yako inochiva mai vemukadzi wake, inyaya yokuti unofanira kukasira kuzama kuigadzirisa. Chikuru zvinoda kuti ivo mai vacho vazive kuti mukuwasha wavo munhu ane dzisina kukwana kuti vagare kure naye. Mukadzi wake anofanirawo kuhwisisa kuti murume wake haana kukwana mufungwa. Munhu wekuti kana mai vake anokwanisa kubata chibharo. Zvadai inyaya inofanira kubudiswa pachena muihwisise kuti yakatanga sei.

Zvinowanzoitika kana mwana akura asina munhu waanoti ava ndivo mai vake, zvokuti haahwisisi kuti mai munhu anoonekwa sei. Anongoona sokuti mai munhu achembera kumupfuura asi asina chiremera. Kana ukahwisisa kuti murume wako ndiwo mafungire ake watova padambudziko guru nokuti uchawana umwe musi abata imwe chembere chibharo.

Inyaya inoti kana uchida kugara naye inofanira kugadziriswa mese muzive kuti yagadziriswa.

Baba vanochiva mukadzi wemwana
Kune marudzi evanhu anobvumidza kuti kana mwana asipo baba vake vapinde mumba make vavate nomukadzi wemwana. Kwedu kuChiKaranga hazvibvumigwi zvachose. Kana ukaziva kuti pana baba kana muroora ari kuzviita unofanira kukasira kuudza vakuru vemhuri nyaya igadzigwe. Kana iwe uri muroora wacho ukahwisisa kuti baba vemurume wako vari kukuchiva, tora twako utevere murume wako. Kana zvanetsa kuti unozvitaura sei. Tora foni yako uREKODHE vachitaura zvavo zvisingaiti izvozvo ugochengeta kuti pavanozama kukupa mhoswa ugoti vanhu vaterere.

Asi nyaya ichazoitika ndeyokuti iwe nababa vemurume wako hamuchina ukama hwakasvinura. Unokwanisazve kudzingwa pamusha apa nenyaya iyi saka tanga wahwisisa kuti vauchaudza vachati kudii uye kuti unovaudza sei.  Varume verudzi gwedu vakangoona paita nyaya vanokasira kuti uri hure kuti nyaya isagarigwa dare.

Sakai we wana umwe mukana wekuti unogara nomurume wako kwaari ikoko kwete kugara navabereki vake. 


Murume/mukadzi anovata nechimwana chinamakore ari pasi pe 16.
Kana muri kuZimbabwe hazvibvumigwi kuvata nemwana are makore ari pasi pe 16. Mukuru wacho anokwanisa kusungwa kana iye makore ake ari pamusoro. Kana ukazviziva unofanira kuudza mapurisa kuti pane mhosva iri kupariwa. KuZimbabwe hako kunogona kuti upe mapurisa mari kuti nyaya ipere isina kuenda kukoti, zvikuru kana musikana ane makore 15 zvichikwira. Unokwanisazve kupa vabereki vake mari kuti vanyarare. Kana ukashaya mari yakakwana, unosungwa zvokuti unokwanisa kuenda kujeri kwenguva yakareba. Imwezve nyaya ndeyekuti murume akatanga kuvata nechimwana ichi, zvinoitika kuti vakatukana kana kurambana musikana nokwanisa kuenda kumapurisa ondovaudza kuti akabatwa chibharo. Mapurisa anongoendesa musikana kuchipatara kundoonekwa kuti haachisiri mhandara chete murume obva astosungwa.

 Kana uri kune dzimwe nyika inyaya huru chose zvokuti ukabatwa unototi umboenda kujeri chete. Mu UK mutemo wakachinja zvokuti kana wava munhu mukuru haubvumigwi kuvata nomusikana ane makore ari pasi pe 18. Asi iye anobvumigwa kuvata nevakomana vezera rake.

Kuvatana nemhuka
Munyika dzese mune vanhu vanombosvika panguva yokuda kuvatana nemhuka. Ku Europe ne America munhuka inonyanyodiwa imbwa. inodiwa nevanhu vese vakadzi kana varume.

Nyaya dzakadai dzinobuda mumanyuzipepa akawandda uye kunotova nemitemo munyika zhinji kureva kuti zvakatomboitika munyika idzi.

Hakuna mhuka inonzi iyi haibatwii nomunhu. Kune vanhu vakabata imbwa, makwai, mbudzi, mombe, dhongi, zvese. tarisa zviitiko zvemunyika idzi:

Ukaona munhu waunoziva atangana neizvi, chikasira kuudza mapurisa munhu uyu awane rubatsiro. Munhu waunoziva akakuudza kuti ndoozvaari kuita kasira kuudza mapurisa kana kuzama kumubata achiita izvi wotora pikicha nefoni yako wopa mapurisa.

http://www.myvidster.com/video/4734868/19_Year_Old_Caught_Having_Sex_With_Neighbor_Dogs_Video

http://www.myzimbabwe.co.zw/news/3526-bulawayo-security-guard-caught-having-sex-with-employers-dog.html

http://gawker.com/5853736/man-caught-having-sex-with-donkey-claimed-it-was-a-shapeshifting-hooker

http://en.wikipedia.org/wiki/Sudanese_goat_marriage_incident

http://www.youtube.com/watch?v=JD7UCNYnp3o


Zvokuita kana waziva kuti murume/mukadzi wehama.shamwari ari kuhura. 
Munhu wese wese anozikamwa maitire ake nokuda kwemaitire eshamwari dzake. Kana ukanyengwa nomukomana wausingazivi.Kuti uhwisise kuti munhu akaita sei, unokwanisa kuongorora shamwari dzake. Hazviiti kuti munhu ave neshamwari dzinoba, iye asingabi, shamwari dzinohura iye asingahuri.

Toti waziva kuti pane hama kana shmwari iri kuhura kana kuhurigwa. Ukazviziva, ukanyarara izvo zvichienderera mberi, zvoreva kuti iwe musi waunohurigwawo unoda kuti hama neshamwari dzinyarare izvo zvichienderera mberi. Hazvifanigwi kutipashaye chawaita nenyaya yakadai.

Kana iri hama yako unofanira kuiudza kuti murume/mukadzi ari kuhura, iye oziva chete. ZAvaachaita nenyaya yacho ndezvake. Iwe mupeEVIDENCE yacho chete. Ndiro basa rako. Kana sina Evidence, hauna nyaya. Une makuhwa. Nyaya dzakaita sedzokuhura dzinoda evidence chete. Kana ukaziva zveshuwa kuti munhu anohura asi Evidence usina, mira kusvika wawana Evidence. Wadaro woenda ne Evidence kumunhu ari kuhurigwa.Kana usingadi kumutaurira,Nyora zvaunoda kutaura utumire muPOST. Chikuru ndechokuti uzivise hama yako zviri kuitika.

Kuhura hakutomboiti. Hazviiti kunyarara kana waziva. Iwewo kurudzira shamwari kuti dzikutaurire kana dzaziva zviri kuitika mumba mako. Vakawanda hapana chavanoita kana vaudzwa.  Asi kuziva vanenge vava kuziva. Pane muroora wedu atakaudza kuti hazvanzi, murume wake ari kuhura.Tikaungana vasikana vemumba tikamuudza kuti murume wako ari kuhura saka iwe kana uchida upenyu chironga yokusavata naye kusvika maenda mese kumaTEST kana uchiri kumuda. Akaenda iye kuma test murume akaramba.  Vese vakafa muna 2007.

Zvokuita kana murume achikubata chibharo:
Zvinoitika kuti kana murume arimunhu asina Confidence pamaitire ake mukadzi anokwanisa kusanakigwa kusvika pakusada kuvata nomurume wake nokuti zvinenge zvisingamubatsiri chinhu. Vamwe varume panyaya yakadai vanozoda zvokubata mukadzi chibharo, (RAPE). Kana murume wako atanga kukubata chibharo, nyaya yenyu inotanga kunetsa kugadzirisa nokuti munenge mava kuite zvinoitika pakati pemuridzi wemba nembavha. Uku murume ari kutsvaka mukana wekutaridza mukadzi kuti mndiye murume, ukuwomukadzi ari kutsvaka mukana wekutaridza murume kuti chero zvodii haasi kunakigwa. Chibharo chinobva chatowedzera mumba. Mese motadza kufara mumba menyu.

Ukatsanangurigwa nyaya yechibharo mumba nomurume ari kubata mukadzi chibharo, ukazotererawo kutimukadzi anoiwona se, unohwsisa kuti vaviri ava vava kure nakure paupenyu hwavo tichitarisa kuvatana kwavo. Zvinenge zvotoda kuti umwe wekuzhe apindire. Vakasiiwa vakadaro vese vanokwanisa kutanga kuhura.

Kana ukaziva kuti hama yako iri kubata mukadzi chibharo, zama kutaura naye ahwisise kuti ari kuderedza rudo mumba. Uyawo mukaddzi ari kubatwa chibharo ngaawane mukana wekuunza mukuru anokwanisa kutaura navo vese kuti vahwisise kuti vari kukurunga bota vachifidha dambudziko.

Mukadzi anga apedza nguva yakareba achibatwa chibharo, angangozowana murume anomuvata zvinotaridza rudo, panoitika nyaya inonetsa kugadzira.

Murume anobata mhuka chibharo
Kana waziva kuti murume wako kana kuti weumwe munhu, kana kuti murume asina mukadzi anopinza chomb chake muchitubu chemhuka chero ipi zvayo, hwissa kuti munhu ane chigwere mumusoro. Mune dzommwe nyika hazvibvumigwi uye zvinotosungisa. kana ari murume wako chibva waoziva kuto muchato wako wapera nokuti hazviiti kuti usambe uchigara nomunhu wakadai. Chiwana kuti waudza umwe munhu mukuru mumhuri yenyu ugowana mabvire aunoita zviri pamutemo.

Kana ari mwana wako kana imwe hama yechidiki, tsvaka vakuru vanokwanisa kuraira mwana nokumurondedzera kuti zvakaipei kuita chinhu chakadai. Usangorega nyaya yakadai ichitadza kugadziriswa. Asi hwisisa kuti zvinokwanisika kuti munhu atova kugwara zvisingarapiki. Ukaona munu ane makore anopfuura 15 obvisira mhuka bhurugwa, hwiisisa kuti ari kutogwara.


Zvokuita kana murume achitamba makasi kana kumwa doro zvokusadzoka kumba:
Hakuna munhu anoita zvemakasi anokwanisa kuhwinha mari agouya nayo kumba. Vese zvavo vanotozuza mari. Kana ukawanikwa nomurume anoda zvemakasi, mabhiza, Rhotari, zvokubheja bhora, etc, chitoziva kuti upenyu hwako hwakanganisika nokuti atova munhu anonetsa kugara naye panyaya dzemari. Kana wakachenjera chikasira kugura muchato zvipere. Kana akazvitanga matombogara mese, kwidza nyaya iyi kuvakuru vemhuri uvaudze kuti kana achiramba achidai zvemuchato  zvopera hazvo muchine nguva yokutsvaka vamwe.

Kumwa doro kunosiyana. Pane vamwe vanoti akabva pamba achienda kudoro noMuvhuro, anozodzoka neChina kana ChiShanu. Usafunga kuti pese apa ange achivata padoro. anotovata kumba kweumwe mukadzi uye anenge akadhakwa zvokuti haambofungi zvokupfeka makondhomu. Saka iwe uchakasira kubata chigwere ugofa uchisiiya vana vako vasina anorera nokuti kana wafa anotowedzera kumwa doro.

kozti vamwe vanomwa havo doro asi vanomwira kumba kwavo. Kana adhakwa anovata mumubhedha wake. haanetsani nevanhu vekubhawa. Murume akadai arri nani.

Murume anosvodesa:
Toti abatwa achikururira vanhu vari kungozvifambirawo havo bhurugwa mupaki kuti aratidze vanhu chombo chake. Izvi zvinoitika chose kunyika dzakaita sedzekuEurope. Zvinosungisa asi kana asungwa zvonyogwa mumapepa kuti murume wako akazviita.

Kuvata noumwe murume iye akaroorana newe. 
Zvinogwadza kupfuura kuti dai ahura noumwe mukadzi. Kuziva kuti murume wako anoda vamwe varume zvinokwanisa kukubata fungwa kusvika wafa.

Udzai vamwe!!!!!!

No comments: